Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 35—KUNAMATA ZVAKASUNUNGUKA KWOENDA PANJODZI

    ChiKaturike chavekukosheswa zvakanyanya nemamwe masangano kupfuura makore ekare. Makore iwayo sangano reKaturike rakanga risingakuri. Izvi zvakaita kuti Papa nehutungamiri hwake varonge kuyanana kuti vakwanise kuva nesimba sepakutanga. Panekushaya hanya kwavepo pamusoro pedzidziso dzinoitwa nesangano reKaturike. Mamwe masangano arikutora dzidziso idzi sedzisina dambudziko rakakura kunyangwe dzichipesana neshoko raMwari , Bhaibheri. Panguva iyi masangano akabuda muKaturike aikoshesa kunamata kwakasununguka uko kwakauya mushure mekutambudzika kukuru. Vaimbodzidzisa vana vavo kuti varege kutenda kudzidziso dzeRoma nekuti dzairwisana naMwari. Asi ikozvino dzidziso dzasiyana nemakore ekare. KK 343.1

    Vateveri veRoma vanoti sangano iri rine dzidziso dzakanaka nekuti vose vakabuda muRoma vanoita zvakafanana navo. Vanoti ivo sangano reRoma rekare neravako zvavanemusiyano. Kare sangano rairarama mukusaziva, riri murima. Vanoti ivo zvakaitwa nesangano kare, zvekuuraya nekuita hutsinye kuvanhu zvakaitika nekuda kwemweya yakaipa yaishanda panguva iyi. KK 343.2

    Vanhu ava vaikanganwa kuti vaidzidzisa kuti sangano reRoma harikanganisi pakuita kwaro kwese kwemakore mazana masere. Dzidziso iyi yakazosimudzirwa zvakare pamusoro pesangano reRoma kuti ” sangano harina kumbobvira ratadza, zvakare harizombokanganisi sezvakataurwa muBhaibheri ” (John L. von Mosheim, Institutes of Ecclesiastical History, book 3, century II, part 2, chapter 2, section 9, note 17) . Papa nehutungamiri hwake vacharamba vachidzidzisa kuti sangano reRoma harikanganisi pakuita kwaro kwese. Zvese zvakaitwa nesangano pakutambudza vanoti zvaive zvakanaka zvakare pakaita mumwe mukana zvinokwanisa kudzokororwa.KK 343.3

    Mumwe munyori anonyora pamusoro pekukanganiswa kwemutemo wekunamata muUnited States, anoti : “Kune vakawanda vasingafungidziri kuti kereke yeRoma inesimba rekuisa chinamato chayo munyika yeUnited States. Vanhu ava havasi kuona njodzi ichavepo pamitemo yenyika iyi nekukura kuchaita chikaturike. Ngatimbotsinhanisai mitemo yenyika yeUnited States nemitemo yekereke yeRoma. “Mutemo we United States unotendera chinamato chakasununguka” Pope Pius IX, mutsamba yake yepasi rese musi waNyamavhuvhu 15, 1854, anoti : “Vakanyora mitemo inobvumira kunamata zvakasununguka vakakanganisa. Izvi zvinofanira kubviswa munyika.” Papa, mumwechete mutsamba yake muna Zvita 8, 1864, akatuka vose vanokurudzira chinamato chakasununguka asi anoti kereke yaisazo shandisa chisimba kuvadzivisa .KK 343.4

    “Kutaura kwakanyorova kweRoma kunyika yeUnited States hakuratidzi kuti yakashanduka. Inobvumira kunamata zvakasununguka kunzvimbo kweisina simba chete. Bishopi O'Connor anoti : ‘Kunamata kwakasununguka kunokwanisa kugamuchirwa kusvika kereke yeRoma yabuda panjodzi kuti ikwanise kuisa mitemo yayo”. Bishopu weSt. Louis akati : ‘ Dzidziso dzenhema nekusatenda imhosva. Munyika dzine chikristu seItaly neSpain makazara vanhu vekereke yeRoma, vanhu vanofanira kupihwa murango. “Mutungamiriri wose mukereke yeRoma anofanira kuita mhiko yekuteerera papa pazvose zvavanenge ataura: “Kunevose vanodzidzisa zvinopesana neshoko reRoma, vachipandukira papa tichavapa mutongo wavo.”— Josiah Strong, Our Country ch. 5, pars. 2-4. KK 343.5

    Ichokwadi kuti kune vanhu vanonamata Mwari zvechokwadi mukereke yeRoma Vazhinji varikunamata Mwari zvichienderana nechiedza chavakawana.KK 344.1

    Havana kupihwa mukana wekusvika pachiedza saka havazivi chokwadi. [* PUBLISHED IN 1888 AND 1911. SEE APPENDIX.] Havana kubvira wawona musiyano wekunamata kwenhema nekwechokwadi. Mwari anoratidza rudo rwake kunevanhu vakadai. Vachatumira chiedza chavo kwavari.KK 344.2

    Achavaratidza chokwadi chose kuti vaite sarudzo yekumira nevana vaMwari. Dzidziso dzeRoma hadzichafambidzani neshoko raKristu sezvazvaive pakutanga. Zvitendero zvakabuda mukereke yeRoma zviri kufamba murima guru. Vamwe vachazovhenekerwa nechiedza mushure mekuona zviratidzo zvemazuva ekupedzisira. Kereke yeRoma inehurongwa hwuri mberi hwekunyengera vanhu. Iri kushandisa zvose zvinogoneka kuti ishandise nzira dzakahwanda pasina kushandisa chisimba kunyengera masangano ose akabuda kubva mariri. Chinagwa chikuru ndechekutonga nyika yose, nekuparadza zvose zvakaiswa nedzimwe kereke. Izvi zvichatungamirira mukutambudzwa kwevanhu nekuda kwechokwadi. Parizvino Roma inezvikoro zvakawanda muAmerica, izvo zviri kukurudzirwa nekufarirwa nemamwe makereke. Munyika yeEngland mazara nyaya dzemasvikiro izvo zvinokurudzirwa nekereke yeRoma. Izvi zvinofanira kupa shungu nekupepuka kune vose vanofarira chokwadi chevhangeri. Dzimwe kereke dzakagamuchira dzidziso dzeRoma, izvo zvakakatyamadzawo vakuru vesangano iri. Vanhu havasi kukoshesa njodzi yekuumba hukama neRoma nedzidziso dzayo. Vanhu vanofanira kupihwa yambiro pamusoro pekukanganiswa kwerunyararo pakunamata. KK 344.3

    Vanhu vazhinji vanofunga kuti chinamato cheRoma hachinamaturo zvakare hachifadzi pakuitwa kwacho. Apa ndipo panorasika vakawanda. Kunamata kwechiRoma kunesimba, izvo zvisingazivikanwi nevakawanda. Kanamatiro kavanoita kanobvisa mifungo yose. Zvipfeko zvavo, zvivakwa zvemakereke avo, maartari endarama zvifananidzo zvakanyorwa nehunyanzvi, kuimbira kenezviridzwa zvemhando yepamusoro, zvose zvinoshandura mifungo yevanhu. KK 344.4

    Kunaka uku nekufadza meso kwechitendero ichi ndihwo humbowo hunoonekwa kunze hweuori huri mukati kwacho. Asi chinamato chaJesu hachidi zvose izvi kuti chigamuchirike. Mwari vanokoshesa kuzvininipisa kupfuura kunaka kwekunze. Kusazvidzora nekushamisira chiratidzo chakazara chepfungwa dzinofunga zvenyika ino chete. Izvi zvinounzwa naSatani kuti vanhu vakanganwe ramangwana ratakagadzirirwa naMwari.KK 344.5

    Kunamata kwekunze ndekwe avo vanemoyo isati yatendeuka. Kuratidzira kweRoma kunesimba rekunyengera vazhinji pakunamata. Vamwe vanotofunga kuti ndiro siwo rekupinda kudenga naro. Vakaverenga nekunzwisa ndivo vega vanogona kuramba vakamira pachokwadi. Vazhinji vachagamuchira kunamata kwekunyengera uku nekuti ndiko kwavanofarira. KK 344.6

    Dzidziso yekuti sangano reRoma rinesimba rekuregerera zvivi, yakaita kuti kereke yeRoman irambe ichirarama iri muchivi. Vose vanopfugama vachinamata munhu vanozvidzikisira vachizvidza mweya yavo. Kuita kwakadai ndiko kuchazvidza nyika kusvika yaparadzwa naJehova. Zvirinyore kuvanhu vezvivi kutenga ruponeso nemari pane kureurura zvivi nekuzvisiya. Mutoro unoshuvirwa kutakurwa nevanhu unorema kupfuura joko raKristu. Panekufanana kuripo pakati pekereke yeRoma neye vaJudha munguva yaKristu paakauya kekutanga vaJudha vaiputsa murairo waMwari asi vachiita zvose zvaitarisirwa pamitambo yaMoses. Vanokoshesa tsika dzevanhu, vachiremedza vanhu.KK 345.1

    Kereke yaikurudzira kukosha kwemuchinjiko waKristu asi vachidzidzisa dzidziso dzenhema nekurarama zvinopesana neshoko raKristu. Mashoko aJesu kuva Judha anokwanisa kushandisa mukereke yeRoma: “Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakurwa, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo” Mateo 23:4. Vazhinji vanoshuvira kurarama vachiita zvinofadza Mwari asi vatungamiriri veRoma vaitorarama mumafaro enyika ino. Kunamata zvifananidzo, kunamata vakafa kunamata Papa nevakuru vesangano zvakaiswa semusungo nasatan kutsausa vanhu kubva panaMwari. Mwari ndiye woga anoti “Vuyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, ini ndichakupai zororo.” Mateo11:28. Itsika yaSatan kukanganisa zita raJehova mukati mehondo huru . Satan anozvidza kukosha kwemutemo, kuti vanhu vararame muzvivi. Anoita kuti vanhu vasade Mwari asi vamutye . Satan anoita kuti kunamata Mwari kuite sekunorema. Satan anoshandisa pfungwa dzevanhu, mukusaziva kwavo kuti arwise Mwari. Nekuda kwedzidziso dzenhema, vanhu vendudzi dzimwe vakatanga kuuraya vanhu sezvipiriso kuedza kufadza Mwari. Kereke yeRoma yakabatanidza, tsika dzevanhu nechikristu pakunamata Mwari. Vanhu vazhinji vakatambudzwa nenyaya yekunamata. Vose vairamba kutenda kudzidziso dzeRoma vairangwa vamwe kusvika pakuuraiwa. KK 345.2

    Vakuru vekereke vakatsvaga nzira dzekurwadzisa vanhu asi vachisara varivapenyu. Vakawanda vaishungurudzwa kusvika vashuvira kuti vafe zvavo. Kuti aende kudenga, mutadzi ainzi anofanira kurwadzisa nyama yake. Vazhinji vakadzidziswa kugara padyo netembere vachizvinyima zvokudya kuti vawane ruponeso. Tikatarisa kashandire kaiita kereke yeRoma nekashandiro kaiita vatungamiri vacho, tinonyatsoona huyipi hwasatani hwese. Tikatarisa kubudirira kwake pakunyengera vakuru vekereke, tinonyatsonzwisisa ruvengo rwake pamusoro peBbaibheri. Bhaibheri rikaverengwa, nyasha nerudo rwaMwari zvinoonekwa. Mwari vanongoda munhu anozvininipisa kuti aponeswe nekuregererwa zvivi. Kristu haana kumbokurudzira kuti vanhu vanofanira kuti vazvirwadzise nyama yavo kuti vawane keregererwa zvitadzo. Moyo waKristu wakazara nerudo. Munhu anonzwisisa kukundikana kwake kana aenda pedyo naKristu. Papa anozviita Mwari, asi hupenyu hwake hunga enzanizwa nehwa Kristu here? Kristu aisunga vanhu vanenge vasina kumukudza here? Akambonzwika here achikurudzira kufa kune vose vaimuramba? KK 345.3

    Apo Jesu akarambwa paSamaria, John azere neshungu akakumbira: ” Ishe munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here? Asi iye akatendeuka akavaraira. Ipapo vakaende kunomumwe musha,” Luke 9:54, 56. Mweya wakanga uri muna Kristu wakanga wakasiyana newaPapa aizviita mumiririri waMwari panyika. Kereke yeRoma yavakuratidza sekunge yakasiya mabasa akaipa, mushure mekukumbira kuregererwa panezvayakaita vanhu panyaya dzekunamata. Yakanga yapfeka chimiro chaKristu asi pasina shanduko yechokwadi. Mitemo yose yechipapa yaivapo kare ichiripo kunyangwe nanhasi. Ndiyo Roma yaizvikudza ichiita zvakaipa ichishandisa madzimambo enyika. Ndiye papa wekare anotaurwa kuna. 2 Thessalonians 2:3, 4. Ndiko kaitire kake kutora mabasa anozoita kuti azadzise chinangwa. “Kutenda hakufaniri kuchengetwa panenhema ” (Lenfant, volume 1, page 516). Iyi kereke yakadeura ropa rakawanda ingakodzera here kunzi ndeya Kristu? Masangano akabuda muRoma avekungoita zvakafanana nayo. Vazhinji havachaoni kuipa kweRoma.KK 346.1

    Nekuda kwekamirire kakaita nyika, nehuipi hwazara mairi, vanhu havachagamuchiri rumutsiriro rwekanamatiro kanotarisirwa naMwari. Shoko raMwari riripedyo nesu vanhu vemazuva enguva ino. Shoko raMwari rakapararira panyika yose richibva kudenga. Vose vanoramba shoko raMwari vanowirwa nerima guru mumoyo yavo. Vose vasingadzidzi shoko raMwari vanoratidza simba reRoma iyo yakadzivisa kuverengwa kweshoko raMwari mumakore akapfuura. Kunyange vachizvikudza pamusoro peruzivo rushomanana pamusoro peBhaibheri, havanyatsonzwisisi simba raMwari zvakare neshoko raKristu. Vanotsvaga izvo zvinozvidzwa naJehova zvinoita kuti hana dzavo dzisarove kana vachiita zvakaipa. Vanoshuvira kushandisa nzira dzinoita kuti vakanganwe Mwari. KK 346.2

    Hutungamiriri hwechipapa hunenzira dzose dzinoita kuti vanhu vabve panaMwari. Kereke yeRoma inoda kugadzira mapoka maviri evanhu. Rimwe boka rinenge richitenda kuti richaponeswa ririmuzvivi, rimwe richiti richaponeswa mushure mekushandira ruponeso. Apa ndipo pane chakavanzika chesimba rehuPapa. Roma yakabudirira munguva yekusaziva kwevanhu nekuda kwekushaya shoko raMwari. Kune vamwe vanongogamuchira dzidziso dzakatsauka sevanhu vakapofumadzwa. Mwari akagadzira munhu nenzira inoita kuti ashandise njere dzake pakutsvaka chokwadi mushoko rake. Vanhu vari kupihwa dzidziso dzenyika ino, idzo dzinoderedza simba reshoko raMwari. Izvi zvichaita kunge shoko raMwari rakurirwa simba zvichiita kuti vanhu vazhinji vagamuchire dzidziso dzeRoma sezvakamboitika kare.KK 346.3

    Kune zvikoro zviri kugadzirwa munyika yeUnited States zviri kutevera matsiko edzidziso dzechipapa. Idzi inzira dzekugadzirira kereke yeRoma kuti itore simba yaraimbova naro kare. Kuchengetwa kweSvondo sezuva rekunamata kuchaita kuti Roma iratidzike seine simba, zvakare ibudirire pahurongwa hwayo hunopesana neshoko raMwari. Mweya wechipapa wekukoshesa tsika dzevanhu kupfuura shoko raMwari ndiwo wakapinda mumakereke mazhinji, izvi ndizvo zvichaita kuti vachengete zuva reSvondo seSabata. Kereke yeRoma inoshuvira kubatanidza kereke dzose nechipapa. Roma yakawana simba pamusoro penyika yose nekuda kwekushandisa masimba ehurumende dzaitonga, uye kudzidzisa tsika dzevanhu mumakereke. KK 346.4

    Mutemo wekuchengetwa kweSvondo seSabata wakaiswa naConstantine. (A.D. 321; see Appendix.) Pazuva iri vanhu vose vemumaguta vaizorora vachinamata zuva asi vekumamisha vairamba vachiita mabasa avo samazuva ose. Mutemo uyu wakazomanikidzirwa kuti uchengetwe apo Constantine akatendeukira kuchikristu. Eusebius, shamwari yaConstantine, akaunza dzidziso yekuti Sabata rakaendeswa paSvondo. Dzidziso iyi hapana painodzidziswa mushoko raMwari. Eusebius anobvuma kuti Sabata rechokwadi musi wechinomwe. —Robert Cox, Sabbath Laws and Sabbath Duties, page 538. Kunyange pasina pakanyorwa mushoko raMwari, ruva reSvondo rakakosheswa sesabata kuitira kuti Sabata rechokwadi rimhurwe. Vose vaida kufarirwa nenyika vakachengeta Svondo sezuva rekunamata. Papa akaramba achisimbisa nekusimudzira zuva reSvondo seSabata. Pamazuva aya vanhu vaitenderwa kuita mabasa avo ekurima kana vasina kuenda kukereke, vachizochengetedza Sabata, zuva rechinomwe. KK 347.1

    Zvishoma nezvishoma pakaunzwa shanduko. Vatungamiriri vose vekereke vakadziiswa kutonga mhosva nemusi weSvondo. Vanhu vose vakapihwawo murairo wekuti varege kushanda musi uyu. Vose vaizo tyora mutemo uyu vaizorangwa zvakaomarara zvichienderana nechinzvimbo chako. Vose vakanga vari varombo vaipihwa mirango yakaomesesa. Pane ngano inotaurwa yemurume aida kundorima nemusi weSvondo. “Gejo rakanamira muruwoko rwake kwemakore maviri, izvo zvakanyadzisa nekurwadzisa murume uyu.”—Francis West, Historical and Practical Discourse on the Lord’s Day, page 174. Papa akaraira muprista wekuParish kuti vanhu vachengetedze Svondo sezuva rekunamata kuti vasazvipinze panjodzi. Vatungamiriri vose vakarairwa kuti vachengetedze Svondo sezuva rekunamata zvakare riri dzvene nevanhu vavanotungamirira—Thomas Morer, Discourse in Six Dialogues on the Name, Notion, and Observation of the Lord’s Day, page 271. KK 347.2

    Vatungamiriri venyika vakaisa kutya mukati mevanhu kuti vasatyore mutemo wekuchengetwa kweSvondo. Pamusangano wekereke wakaitwa kuRoma, zvose zvakabva zvasimbiswa zvikawedzerwa pamitemo yekereke. (See Heylyn, History of the Sabbath, pt. 2, ch. 5, sec. 7.) Zvese zvakaitwa pasina shoko raMwari rinosimbisa. Vanhu vaibvunza chikonzero vakasiya shoko raMwari vachiita zvinopikisa. KK 347.3

    “Zuva rechinomwe ndiro Sabata raJehova, asi sei masarudza kuremekedza zuva rekutanga?KK 347.4

    Mumwe muchengeti weSvondo akaenda kumakereke ekuEngland, uko akasangana nevatendi vaitenda kudzidziso dzeBhaibheri chete. Akadzoka kunyika kwake akundikana kuti dzidziso yake igamuchirwe. Paakadzokera zvakare kuEngland akabudirisa kudzidzisa kereke yeko dzidziso dzenhema . Akaenda nezvinyorwa zvainzi zvakabva kuna Mwari. Muzvinyorwa izvi maiva nemutemo wekuchengetwa kweSvondo sesabata. Paiva pakaiswa mutongo nematambudziko aizowira vose vanotyora mutemo uyu. Akaudza vanhu kuti zvinyorwa izvi zvadonhedzwa paartari yaSt Semeon kuJerusalem padyo nepa Golgotha zvichibva kudenga.KK 347.5

    Idzi dzakanga dziri nhema. Chinyorwa ichi chakanga chakanyorwa kuRome. Papa vaishandisa chitsotsi chose kuti varambe vachiwana hupfumi nesimba. Vanhu vakarairwa kuti varege basa kubva Mugovera masikati kusvika Muvhuro mangwanani. Vose vaizotyora mutemo uyu vaizooma mitezo yemuviri. KK 347.6

    Kunonzi mumwe murume aida kugaisa hupfu pachigayo nemusi weSvondo akawona muchibuda ropa. Mumwe mukadzi akaisa chingwa mumoto chikaramba kuibva. Mumwe akachengeta Svondo nekurega kubika chingwa chake, akawana chabikwa nesimba raMwari musi weMuvhuro . Mumwe akabika chingwa chake akawana chakazara ropa. Nyaya dzose idzi dzaidzidziswa vanhu kuti vagamuchire zuva reSvondo sesabata. (See Roger de Hoveden, Annals, vol. 2, pp. 528-530.) KK 347.7

    KuScotland, seku England, zuva reSvondo rakatanga kuchengetwa sesabata. KK 348.1

    Munyika yeScotland pakaiswa mutemo wekuchengetwa kwesvondo sesabata kubva masikati eMugovera kusvika Muvhuro mangwanani—Morer, pages 290, 291 KK 348.2

    Kunyange vaidzidzisa zvakatsauka, vaiziva zuva chairo reSabata. Hutungamiriri hwechipapa hwaito rangaridza vanhu kuti zuva rechinomwe isabata raMwari. Avo vaitsvaga kushandura murairo waMwari vaitoita izvi vachiziva kukanganisa kwavo. Vaizviisa pamusoro paMwari.KK 348.3

    Zvaizoitwa neRoma kune vanoramba kuteerera dzidziso dzavo zvakaratidzwa kare pavaishungurudza nekuuraya maWaldenses, vamwe vavo vaichengeta Sabata. Nhoroondo yekereke yeEthiopia neAbyssinia yakakosha kuiziva. Kereke idzi dzakaramba dzichiwana mukana wakakura wekunamata zvakasununguka. Roma yakazoziva kuti kune kereke idzi kwapera nguva yakareba . Vakandovapa dzidziso yekuti papa aive mumiririri waKristu panyika. Pakarairwa kuti vanhu varege kuchengeta Sabata . Vose vaizorichengeta vaizorangwa zvakaomara (Ona Michael Geddes, Church History of Ethiopia, pages 311, 312.) Mutemo waPapa wakanga wakaoma zvekuti vanhu vekuAbyssinia vakatanga kuramba kuuteedzera. Vakarwisa kuti vadzinge hutungamiriri hwechiRoma kuti vanamate zvakasununguka. Kereke yakafara zvikuru payaka kwanisa kudzinga vatungamiriri veRoma munyika yavo.. Vaishuvira kurarama vasingazivikanwi nenyika yose. Kereke dzemuAfrica dzakaramba dzichichengeta sabata rechokwadi. Vaichengeta Sabata, zuva rechinomwe, asi vakanga vasingashandi zvakare nemusi weSvondo . Roma yakanga yamhura Sabata raJehova asi ichi simudzira Svondo sezuva reSabata. Makereke emuAfrica haana kutevedza dzidziso iyi kwemakore akawanda. Nhoroondo iyi inoratidza ruvengo rwekereke yeRoma pamusoro pesabata raJehova nevose vanorichengeta.KK 348.4

    Nguva ichauya apo kereke dzakawanda dzichabatana neRoma pakuchengeta Svondo sezuva rekunamata. Chiporofita chiri kuna Zvakazarurwa 13 chinotaura kuti chikara chinenyanga sedzehwai chichaita kuti vanogara panyika vanamate humambo hwechipapa . Chikara ichi chicharaira kuti vanhu vose vagamuchire munembo wechikara Zvakazarurwa 13:11-16. Chikara chine nyanga sedzehwai chinomirira United States, iyo ichazo manikidza vanhu kuti vachengete Svondo sezuva reSabata. United States inenge ichishanda pamwechete nehutongi bwaPapa. Simba reRoma munyika yese harisati rapera. Simba iri richadzoka zvakare. Chikara chakambopihwa vanga rakazopora, nyika yose ikatevera chikara. Uku kwakanga kuri kuputsika kwakamboita hutongi hwechipapa muna 1798. Mushure mekukuvara uku, vanga rakazopora vanhu vakatevera chikara Pauro anoisa pachena kuti munhu wezvivi achavapo kusvika Jesu achidzoka kechipiri, 2 Thessalonians 2:3-8. Achaita mabasa ekunyengera nemazuva ekupedzisira. Johane anobva ataurawo achiti vose vanogara panyika vakachinamata, vasina kuyorwa mazita avo mubhuku rehupenyu, Zvakazarurwa 13:8. Roma icharumbidzwa nenyika nekuda kwekuunza dzidziso yekutora Svondo sezuva reSabata. Nekukasika chiporofita ichi chichazadziswa. Kereke zhinji dzinodzidzisa kuchengetwa kweSvondo sesabata asi panenge pasina shoko raMwari rinotsigira. Vanogadzira zvishamiso kuti vanyengere vanhu. Nyaya yekumanikidzwa kuchengeta Svondo sezuva reSabata iri kusvika nekukasika.KK 348.5

    Nyika yeAmerica ichaisa mutemo wekuti kereke ndiyo yavanesimba pamusoro pehurumende dzose dziri panyika asi mitemo ichange iri yenyika. Izvi zvichaita kuti kereke yeRoma ibudirire panezveirikuda kuita. Shoko raMwari rakagara rakatipa yambiro pamusoro pezvakaipa zvichawira nyika kubudikidza nekereke yeRoma. Simba rayo ririkuramba richiwedzera zuva nezuva. Dzidziso dzeRoma dziri kusvika munzvimbo dzose kusanganisira mumakereke nemumatare anogadzirwa mitemo yenyika. Kushungurudzwa kwakamboita vanamati makore ekare kuchadzokororwa. Vose vanotevere shoko raMwari vachamhurwa nekuzvidzwa . KK 349.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents