Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 9—MUSHUMIRI WERUMUTSIRIRO KUSWITZERLAND

    Mukusarudza vashumiri mubasa rokumutsiridza sangano nekuunza shanduko, zano reuMwari rinoonekwazve sepanodyarwa sangano idzva. Mudzidzisi Mukuru wokudenga akapfuura nepavanokudzwa venyika ino, vakapfuma kunyangwe nevaidanwa nemazita okukudzwa, avo vakanga vakajaira kurumbidzwa nokupiwa mbiri sevatungamiriri vavanhu. Vatungamiriri ava vaiva nekuzvida nekuzvikudza mukuzvisimudzira kwavo havana kuda kuva nehanya nevamwe vanhu vose uye nokuve vashumiri pamwechete nomurume weNazareta akazvininipisa. Kune vasina kudzidza, varedzi vehove veGarirea ndiko kwakaenda rukoko: “nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu” Mateu 4:19. Vadzidzi ava vaiva vakazvininipisa uye vachidzidzisika. Pakuva nesimba shoma redzidziso dzenhema dzenguva yavo mavari, vadzidzi vakakwanisa kubudirira zvikuru pakuwana dzidziso dzaKristu uye kugona kudzidzisika mukumushumira. Saizvozvovo ndizvo zvazvakanga zvakaita mumazuva orumutsiriro rukuru. Vatungamiriri vorumutsiriro vaiva varume vakabva muupenyu hwokuzvininipisa—varume vaisava nechipomerwa maererano nokuzvida kunouya nezvidanho zvinopiwa vanhu munyika uye vaiva vasina hwezvero inokonzerwa nokutarisira vamwe vanhu pasi uye nemafungiro akaipira vamwe. Vaiva vanhu vasina chipomerwa pakusashanda kwakarurama kwama Pirisita enguva dzavo. Izano raMwari kupinza vanhu vakazvininipisa pabasa roushumiri kwaAri kuti pazobuda matuso makurukuru. Pakadaro, mbiri haizoendi kana kupiwa kumunhu, asi kuti inopiwa kuna Iye anoshanda mukati mavo kuti vade noikuita izvo zvakanaka zvinomufadza. KK 106.1

    Mavhiki mashoma mushure mokuberekwa kwaMartin Luther muimba yepamugodhi munzimbo yeSaxony, Ulric Zwingli wakaberekwa muimba yevapfuyi vemombe pakati pemakomo eAlps. Zvaiva zvakatenderedza Zwingli muhuduku hwake, uye nedzidziso yaakawana achiri mwana, zvakamugadzirira basa rehushumiri hwakanaka mune ramangwana rake. Semunhu akanga akarererwa pakati pezvinoyevedza zvesango zvakasikwa zviripo naMwari, uye achiona kunaka pamwe nohumhizha hwaMwari mukusika, pfungwa dzake dzakakasika kudzamirwa noukuru, simba, uye hukuru hwehumambo hwaMwari. Nhoroondo yemabasa oumhare yakaitikira munzvimbo yamakomo yaakaberekerwa yakabatidza maari chidikwadikwa chokushumira somunhu wechidiki. Agere parutivi rwambuya vake vaitya Mwari zvikuru, mukomana aiteerera nyaya shoma dzinokosha dzemuBhaibheri idzo dzavainge vatsaura kubva pakati penyaya dzevakakurumbira netsika dzekereke. Nechidikwadikwa chikuru, mukomana aiteerera nezvemabasa makuru akanga aitwa nemadzibaba navaporofita, uye nevafudzi avo vaitarira makwai avo pazvikomo zveParestina apo ngirozi dzaitaura navo, uye nezve mwanakomana weBetirehema pamwe nezve murume weKarivhari. SaJohn Luther, baba vaZwingli vakatsvaka kuti mwanakomana wavo ange ari munhu akadzidza, naizvozvo mwanakomana akakurumidziswa kubva kwaakakurira. Pfungwa dzomukomana dzakakurumidza kukura, zvikakasika kuonekwa kuti mubvunzo mukuru wakanga uri wokuti, vangawanikwepi vadzidzisi vane hunyanzvi hunogutsa zvekugona kumudzidzisa. Ave namakore gumi namatatu, akaendeswa kunzvimbo yainzi Bern, iyo yakanga iine chikoro chakakurumbira munyika yeSwitzerland. Pachikoro ichi, kunyangwe zvakadaro, dambudziko rakamuka rakaita serichauraya vimbiso yaitaridzika muupenyu hwake. Kushanda kunesimba kwakaitwa nevapirisita kuedza kumukwezvera kunzvimbo yeMONASTERY. Vapirisita veDominican vakanga vari mumakwikwi vachirwirana kuti vave navanhu vanovatewera wakawanda. Izvi zvose mapato aizviita kuburikidza nokushongedza nzvimbo dzavo dzokunamatira, uye kuita mitambo yaishamisira pamwechete nokukwezvera vanhu kunhumbi nemidziyo yaitendwa kuti yakange iri yavatsvene vakafa kare, uye yaiva nesimba reminana nekumifananidzo yainzi inoita minana namapipi.KK 106.2

    Vebato reDominican vachibva kuBern, vakaona kuti vakazviwanira mukomana uyu ane chipo uye akadzidza, zvaizovawanira zvose kukudzwa pamwe nekukunda vaivapikisa. Nokuva kwake mudukusa, uye kunge zviri maari chiberekerwo kugona kutaura, kunyora, pamwe chete noumhizha hwake sanyanduri wenhetembo nomuimbi wenziyo, Zwingli aizova munhu unoita nomazvo kupfuura kuzvirumbidza pamwe nokushamisira kwaiitwa navapirisita. Nokudaro vanhu vaizouya vachikwezverwa kumarusando avapirisita uye mari yaizowedzerawo kuhurongwa hwegungano ravo. Vachishandisa unyengeri uye kufadza namanzwi asina kurevesa, vapirisita vakazama kuunza Zwingli mugungano ravo. Luther, apo akanga achiri pachikoro ari mudzidzi akazviviga mutirongo yeCONVENT zvokuti dai aisava Jehovah nenyasha dzake dzinosunungura, nyika ingadai isina kana kumbomuwana. Zwingli haana kutenderwa kuti asangane nemuteyo mukuru uyu. Nerombo rakanaka kubva kuna Mwari, baba vaZwingli vakagashira ruzivo pamusoro pezvakanga zvirikurongwa navapirisita. Baba vakanga vasina pfungwa yokutendera mwanakomana wavo kuti ateverere tsika dzoupenyu hwavapirisita hwaiva huzere hunyope pamwe chete nezvisina maturo. Baba vakaona kuti ramangwana remwanakomana wavo rakanga raiswa pasina kunaka, vakaraira kuti adzoke kumba munguva pfupi yaitevera pasina kunonoka.KK 107.1

    Akateerera kuraira kwababa vake; asi haana kutora nguva refu achigara nzvimbo yemipata yamakomo yaakaberekerwa, akaendazve kuchikoro kundosimudzira dzidzo paakanga akaisiira kuBasel. Ndiko Zwingli akatanga kunzwa nezve vhangeri raMwari rokuregerera pachena pasina mutengo. Wittembach akanga ari mudzidzisi wendimi dzekare, neimwe nguva apo akanga achidzidza rurimi rwechiGiriki nechiHebheru akakwezverwa kumanyoro Matsvene nokudaro maranzi echiyedza chinoyera chitsvene akavhenekera mukati menjere dzavadzidzi avo vaidzidza vari pasi petsoka dzake. Akareva pachena kuti kwakanga kuine chokwadi chakanga chiri chekare-kare, uye chiine kukosha kunobvira mukusingaperi chichiyera kupfuura zivo namazano sezvaaidzidziswa nevanhu muzvikoro pamwe nanamuzvinafundo venguwa iyo.KK 107.2

    Chokwadi ichi chekare chakanga chiri chekuti rufu rwaJesu Christu ndiyo yoga tariro nedzikinuro yemutadzi. Kuna Zwingli, mazwi aya akanga akaita semaranzi echiedza anotanga kuonekwa kuyedza kuchizotevera. Nokukasika Zwingli akazodanirwa basa raaifanirwa kuzoita muupenyu hwake achibva kuBasel. Munda wake wokutanga webasa kwakanga kuri kufudza boka duku ravatendi kuAlps, nzvimbo iyi yakanga isiri kure nokumupata kwaakaberekerwa nokukurira. Paakazodzwa kuva mupirisita akazvikumikidza iye nemweya wake wose kukutsvaga chokwadi, nokuti akanga achiziva nezveumwe mushumiri weshanduko akati “anofanira kuziva zvakawanda sei munhu uyo unopiwa basa naKristu rokufudza makwai ake.”—b.8,ch.5. Paainyanya kutsvaka nokuverenga mumagwaro, ndipowo painyanya kujeka musiyano waivapo pakati pechokwadi cheshoko raMwari nedzidziso dzenhema dzeRoma. Akazvikumikidza kuShoko raMwari seinzwi Rake uye semurairo usina chipomerwa unofanira kutevedzerwa. Akaonazve kuti Shoko raMwari rinofanira kuzvidudzira iro romene. Haana kuda kuyedza kutsanangura Shoko raMwari kuti agone kusimbisa dzidziso dzenhema uye mazano asina chokwadi, asi akariita basa rake kuti aizodzidza zvabva kushoko romene uye zvichijekeswa naro. Akatsvaka kuti azviwanire rubatsiro rwokuwana zivo yakazara nokunzwisisa zvairehwa neshoko raMwari. Akatsvaka rubatsiro rwaMweya Mutsvene uyo waakati unozarurira vose vanomutsvaka nokurevesa nomunamato.KK 107.3

    Zwingli akati “shoko raMwari rakabva kunaMwari kwete kuvanhu, uye kuti Mwari anopa zivo … Shoko raMwari harikundikani, rakajeka, rinozvidzidzisa, rinozviratidza, rinozarurira mweya nemoyo, ruponeso nenyasha, richinyaradza moyo munaMwari. Shoko rinoninipisa moyo kuti iwo uzvirambe asi kuti ubatirire kuna Mwari.” Chokwadi chamashoko aya chakararamwa zvinobatika naZwingli. Achitsanangura nhorondo youpenyu hwake panguva iyi, mushure akazotaura kuti: “Apo ndakazvipa zvachose kuMagwaro Matsvene dzidziso dzavanhu pamwe nokudzidza humwari pasina hutsvene zvose izvi zvaingomutsa gakava nenharo mandiri.” Ibid., b8.ch.6KK 108.1

    Dzidziso yaidzidziswa naZwingli haana kuitora kunaLuther. Yakanga iri dzidziso yaKristu. “Kana Luther achidzidzisa zvaKristu,” akadaro Zwingli weSwitzerland “anoita zvandiri kuita. Avo vaakaunza kuna Kristu vakawanda kupfuura avo vandakaunza. Asi izvi hazvina hazvo basa. Handichazosimudziri rimwe zita kunze kweraKristu, uyo wandiri wuto Rake, uye kuti Iye oga ndiye Ishe wangu. Handina kana neshoko rimwe randakanyorera Luther, kana rakabva kuna Luther richiuya kwandiri. Zvingadaro nei? ... Kuti zvitaridzike uye zvioneke kuti Mweya Mutsvene haazvipikisi asi kuti anozvibatanidza Maari iye Amene, nokuti pahuviri hwedu, pasina patakambosonganiswa, tinodzidzisa dzidziso yaKristu zvakafanana.”—D’Aubigne, b,8,ch.9.KK 108.2

    Mugore ra1516 Zwingli akakokwa kuzowa muparidzi mugungano re Einsiedeln. Panzvimbo iyi ndipo paaizoonera pedyo huwori hwose hweRoma uye kuti panzvimbo iyi ndipo paaizosimbisa mukurumbira wake wokuwa mushumiri weshanduko yekururama musangano. Mbiri iyi yaizonzwikwa kure kupfuura kwaakaberekerwa mumakomo e Alps. Pakati pazvinhu zvaikwezva vanhu kunzvimbo ye Einsiedeln wakanga uri mufananidzo wemhandara, chiumbwa ichi chaitendwa kuti chaiva nemasimba okuita minana nezviratidzo. Pamusoro pemusuwo kana kuti zambara rokupinda naro munzvimbo yegungano pakanga pakanyorwa kunzi, “pano panzvimbo ino kuregererwa kwezvivi kunowanikwa” … Vafambi vazhinji mumwaka yose yemakore vaiuya kuchiumbwa chemhandara asi pamutambo mukuru wepagore apo chiumbwa ichi chaikumikidzwa, vazhinji-zhinji vaiuya vachibva kumativi ose enyika ye Switzerland. Vamwe vaibvawo kunyika dze France ne Germany. Zwingli achitambura zvikuru nezvaaiona pamberi pake, akatora mukana uyu kuparidza rusununguko rwevhangeri kuvanhu ava vakanga vari nhapwa dzemanenji nemashura.KK 108.3

    Akati: “musafunga kuti Mwari aripanzvimbo ino kupfuura zvaari mune dzimwe nzvimbo dzaakasika. Zvisinei nenyika yaunobva, Mwari anokunzwa, uye akakutenderedza … ko mabasa asina maturo, nzendo dzezvokunamata refu, zvipo nezvifananidzo, nekushopera kumhandara kana kuvasande vakafa, zvingakuwanirai nyasha dzaJehovah here? ... Zvinobatsirei kuva namashoko mazhinji mumunamato? Zvinobatsirei kuva nemisoro yakavewurwa, kana kuva nenguwo refu dzinonzvenzvera pasi, kana kuva nemanyatera akarukwa neshinda dzendarama? ... Mwari anonzvera moyo, naizvozvo moyo yedu iri kure naMwari.” Akati, “Kristu uyo akapiriswa pamuchinjikwa, ndiye Chipo neChipiriso chakaita kuti kuve nedzikinuro kubva kuzvivi kusvikira nokusingaperi.” —Ibid., b.8.ch.5.KK 109.1

    Kuvateereri vazhinji dzidziso idzi dzaisatambirika. Kwaiva kukuhunika kwairwadza kuti nzendo dzezvokunamata refu dzavainge vaita zvaingova nhando. Kuregererwa kwezvivi pachena muna Kristsu havana kukunzwisisa. Vanhu vainge vakagutsikana nenzira yavo yekare yokuenda kudenga iyo vakanga vatarirwa ne Roma. Vakazeza nokutya kunetseka kutsvaka zvimwe zvaive nani. Zvaiva nyore kwavari kuti mapirisita aite iwo basa rokuvaunzira Ruponeso pane kuti ivo vatsvage kuva nehana dzakachena.KK 109.2

    Chimwe chita chakagamuchira norufaro shoko rokuwana ruponeso muna Kristu bedzi. Tsika nemitemo zvakanga zvakatemerwa vanhu ne Roma zvakatadza kuunzira vatendi runyararo nezororo remoyo, nokutenda muna Kristu, vakagashira ropa rake sechibairo chedzikinuro yavo huru. Ava vanhu, pavakadzokera kumisha yavo, vakandoudzawo vamwe nezvechiedza chinokosha chavakanga vagamuchira. Uku ndiko kwakava kufamba kwechokwadi chichibva mumisha kuenda kune imwe, kubva mune rimwe guta kuenda kune rimwe. Nokuda kwechiitiko ichi, vanhu vaienda kundonamata vari pachiumbwa chemhandara vakaderera zvikuru. Kwakava nokuderera kukuru kwezvipo kunyangwe nomubhadharo waiwanikwa naZwingli wakadererawo. Izvi zvakangounza mufaro bedzi kwaari nokuti akaona simba rokusimbira mumashura namanenji richiputsanywa.KK 109.3

    Vakuru vesangano havana kuva mapofu pakuona basa ra Zwingli nematuso aro. Kunyangwe zvakadaro vakambotivira kwechinguva, havana kuda kubvunza kana kupinda munyaya yacho. Netariro yavaive nayo, vapirisita vakaedzazve kukwezva Zwingli nemashoko anofadza iwo asina chokwadi paiitika izvi, chokwadiwo chakanga chiri kudzika midzi muhana dzavanhu vazhinji.KK 109.4

    Kushanda kwa Zwingli pa Einsiedeln zvakamugadzirira kuti agone kuzobata basa mukati memunda mukuru. Basa iri raTenzi aizoripinda nokukasika. Papera makore matatu, Zwingli akakokwa kuzowa muparidzi mugungano re Zurich. Iri rakanga ririguta rakakosha mu Switzerland zvokuti mukurumbira waizomuka munzvimbo iyi waizofamba uchienda kure-kure. Vatungamiriri vesangano vakanga vamukoka.KK 109.5

    Ku Zurich vaiva neshuwiro yekuti hapanazve kumukira dzidziso dzavo kungaitwa na Zwingli nokudaro vakaenderera mberi nokumutsanangurira mashandiro aaizoita munzvimbo iyi. Vakati, “Uchashandisa simba rako rose kuunganidza zvipo nezvakapikirwa navatendi pasina kutarisira vanoshoreka vavo pasi. Uchakurudzirawozve vakatendeka, kubvira uri pamberi pavo uchiparidza, uye nomukati memba yokurevururira zvivi. Vanofanira kukurudzirwa kubhadhara zvegumi zvavo nezvipo kusangano, nenzira iyi vanotaridza rudo rwavo kusangano. Iwe uchashanda nesimba rako guru kuti mari dzinobva kuvarwere, kuruzhinji rwavatendi, uye nedzinobva kumitambo nezvirango zvinoyera zvesangano dziwedzere.” Kana kuri kufambiswa zvakanaka kwebasa rezvirango zvitsvene zvesangano, kuparidza, nekufudzwa kwevatendi, nokuwedzerwa kwavanodzidzisa, ose aya mabasa ndiwo anofanira kuitwa nomuvhangeri. Pamabasa aya unogona kutsvaka mumwe anogona kukuitira zvikuru sei kuparidza. Kana zviri zvirango zvinoyera zvesangano, unofanira iwe womene kuzviitira vanhu vepamusoro uye vanokudzwa. Kanazve uchinge wadanirwa basa iri, haufaniri kuita iri basa pasina kutsaura vanhu.”—Ibid., b.8,ch.6.KK 110.1

    Zwingli akateerera mashoko ukutsinhidzira aya anyarare. Pakuzovapindura mushure mokutaridza mufaro wake nokuremekedzwa kwaakange aitwa murukoko runokosha, akazoenderera mberi mukutsanangura gwara raaizotora mubasa rake. Akati, “hupenyu hwaKristu hwange hwakavigirwa vanhu kwenguva refu. Ini ndichaparidzira vanhu vhangeri rose riri mubhuku raMateu, … ndichitora koga kubva mutsime raMagwaro Matsvene, ndichiyera hudzamu hweShoko, ndoyenzanisa ndima imwe neimwe, ndichitsvaga kunzwisisa nokunamata nokurevesa nguva imwe neimwe. Zvakanangana nembiri kunaMwari, kukukudzwa kwezita roMwanakomana, uye kukuponeswa kwavanhu kwechokwadi, pamwe nokusimudzirwa kwavanhu mukutenda kwezvokwadi, mubasa iri ndichakumikidza ushumiri hwangu hwose.”—Ibid., b.8,ch.6. Kunyangwe vamwe vakuru vesangano vakanga vasiri kufara nezano ra Zwingli vachiedza kukuhunisa zano iri, Zwingli akaramba akasimbisa zano rake asingatongovhundutswi. Akareva pachena kuti iye akazenge ave kuparura nzira itsva, asi yakanga iri tsaru pakuti ndoyakashandiswa kare apo sangano rakanga richiri kukura uye richiri rakachena.KK 110.2

    Nazvino chido nehanya muzvokwadi yakanga yauya na Zwingli chakasimudzirwa zvikuru muvanhu vazhinji. Vanhu vaiuya nouhwandu hwavo kuzonzwa nokuteerera Zwingli achiparidza. Vamwe vakange varega kuuya kuminamato kwenguva refu ndovakange vari vamwe vevateereri ava. Zwingli akatanga basa rake achiverenga matsamba evhangeri akanyanya kusimbira paupenyu, dzidziso nerufu rwaJesu Kristu. Panzvimbo iyi seku Einsiedeln, Zwingli akaparidza shoko raMwari sezvariri kuti harina chipomerwa uye rine simba guru, uye kuti rufu rwaJesu Kristu ndicho chega Chipiriso chakazara cheupenyu. Zwingli akati, “Ndekuna Kristsu kwoga kwandinokutungamirirai—kuna Jesu, kutsime roruponeso rwechokwadi.”—Ibid., b.8.ch.6. Pamberi pomuparidzi pakaungana vanhu vamapoka ose, kubva kune vedzihurumende, vadzidzisi, mhizha navarimi. Vaine chido nokudzamirwa kukuru, vose vakateera muparidzi. Haana bedzi kuparidza rusununguko pachena muna Kristsu, asi asingatyi akatukawo huyipi nohuwori hwaiitwa munguva idzodzo. Vazhinji vakadzoka kubva kukereke vachirumbidza Mwari. “Murume uyu,” vakadaro vanhu, “muparidzi akamira pazvokwadi. Ndiye uchava Moses wedu kuti atitungamirire tibve murima iri re Ijipita.”—Ibid., b.8,ch.6.KK 110.3

    Kunyangwe hazvo hushumiri hwake hwakatanga kugamuchirwa nerudo rukuru, papera chinguva, kupikiswa kwakatanga kusimuka. Boka ravarume vanogara vari pasi pemhiko dzechitendero dzeurombo, kuchena nekuteerera, vakazvimisira kuve zvimhingamupini mubasa ra Zwingli uye vairamba zvaaidzidzisa nokuraira vanhu. Ruzhinji rwavanhu rwakashoora Zwingli, kumutsvinyira pamwe nokumutuka pachena. Vamwe ndivo vaida kumutyisa nokumuvimbisa njodzi dzakaipa. Pazvose izvi, Zwingli akazvigamuchira nounyoro nokutiwira akati, kana tichidisa zvikuru kuti vakaipa vauyewo kuna Mwari, tinofanira kutsinzina meso edu kune zvinhu zvakawanda.”—Ibid., b.8.ch.ch.6.KK 111.1

    Panguva iyi simba idzva rakawanikwa raizofambisa basa reshanduko. Mumwe ainzi Lucian akatumwa ku Zurich aine zvimwe zvezvinyorwa zva Martin Luther nemunhu aiva nehushamwari mukutenda kwe Basel, iye akati kutengeswa kwezvinyorwa izvi kunogona kuve nzira inesimba yokuparidzira chiedza cheshoko raMwari kuvanhu. Akanyora achiti, “nzverai kuti murume uyu ane hungwaru neruzivo rwakafanira here; kana anazvo, ngaayende nechokwadi kuguta rimwe nerimwe, nedhorobha rimwe nerimwe, apinde mumusha mumwe nomumwe, imba imwe neimwe pakati pavanhu venyika ye Switzerland. Ngaapinde nezvinyorwa zva Luther, zvikurusei tsananguro yake mushoko pamusoro pemunamato waTenzi uyo wakanyorerwa vatendi. Kunyanya kuzikanwa kwezvinyorwa izvi, ndiko kuwandawo kunoita vanotenga.”—Ibid., b.8,ch.6. Nenzira iyi, chiedza cheshoko raMwari chakapinda kuvanhu.KK 112.1

    Panguva iyo Mwari achigadzirira kudambura ngetani dzokushaiwa zivo pamwe nokutenda mumashura namanenji, ndipowo apo satani anoshanda nesimba guru kuti vanhu varambe vakafukidzwa nerima guru, anodazve kusungirira vanhu murima nesimba rakapetwa. Apo varume vaisimuka vachisundwa nomweya waMwari munzvimbo dzakatsaukana kuti vaparidzire kuvanhu ruregerero nokucheneswa zvivi nekuda kweropa raKristu, Roma yakaenderera mberi nesimba idzva rekuvhura misika munyika dzose dzaiva namaKristu kuti vatengese kuregererwa kwezvivi nemari. KK 112.2

    Chivi chimwe nechimwe chaiva nomutengo wacho, uye vanhu vaisunungurwa kuita mhaka dzose kana homwe yekereke yaigara yakazadzwa. Uku ndiko kwakawa kufamba pamwechete kwemapato maviri, rokutanga raiparidza ruponeso nokuda kwa Kristu rechipiri richitengesa ruponeso nemari. Roma yaitengesa zvivi nemari kuti igopfumiswa, norumwe rutivi vashumiri veshanduko tsvene vainongedzera vanhu kuna Jesu somumiririri nomudzikinuri wevatadzi.KK 112.3

    Munyika ye Germany kutengeswa kwezvivi nomutero ibasa rakakumikidzwa kuboka ravaitenda nhema raizikanwa nezita rinonzi Dominican. Akanga ari mutungamiri wavo ainzi Tetzel, aiva munhu asingafarirwi. Munyika ye Switzerland, iri basa romutero wechivi rakaiswa mumaoko eboka rainzi Franciscans. Aitungamira boka iri, ainzi Samson wenyika ye Italy. Samson aiva weboka revanogara vari voga vari pasi petsika dzechitendero. Samson akanga aitira sangano basa guru kwazvo, akanga aita kuti kuuye mari zhinji kubva ku Germany pamwe nenyika ye Switzerland mari iyo ikazadzwa muchivigiro chemari chesangano ku Roma. Samson paaifamba munyika ye Switzerland vanhu vaiuya nouwandu hwavo kwaari, airozva varombo avo vaibva vatorerwa zvishoma zvavaiva nazvo. Vapfumiwo vainyengerwa kuti vabvise nepakuru. Asi nokuda kwebasa reshanduko yokururama, basa rokutengesa zvivi nomutero rakaenderera haro mberi asi riine simba shoma. Zwingli akanga achiri ku Einsiedeln apo Samson akapinda mu Switzerland nemidziyo yake mune rimwe guta imomo. Zwingli paakanzwa nezvokuuya kwa Samson, haana kupedza nguva, ipapo-ipapo akaenda kundosongana naye kuti amudzivise kunyengera vanhu. Kunyangwe zvazvo vaviri ava vasina kusongana chiso nechiso, Zwingli akakwanisa kuratidza ruzhinji rwavanhu kunyengera kwakaipa kwaiitwa na Samson zvakadaro zvokuti Samson akatama, akaenda kune dzimwe nharaunda.KK 112.4

    Pa Zurich, Zwingli akaparidza zvine simba achirwisa boka raitengesa zvivi nomutero. Samson paakasvika panzvimbo iyi akasangana nemutumwa akanga achibva kukanzuru aine shoko rokuti Samson aifanira hake kupfuurira aende arege kugara muguta. Samson akazviwanira nzira yokupinda muguta maakanga arambwa, asi kunyangwe zvakadaro vanhu vakamuona vakamudzinga asina kutengesa mutero wechivi kana umwe chete hawo. Samson akabva azobuda munyika ye Switzerland.KK 113.1

    Chimwe chezvinhu zvakapa simba kubasa rerumutsiriro rwokururama idenda rainzi Black Death. Denda iri rakatekeshera nyika yose ye Switzerland mugore ra 1519. Vanhu pavaisangana uso neuso nemharadzi, vazhinji vakaona hupenzi nokushaiwa simba kwemitero yezvivi. Vanhu vakashuva nokutsvaka nheyo dzokutenda dzirinani. Zwingli ari ku Zurich akabatwavo nedenda; chirwere chakamurwadza nokumupedza zvokuti tariro yekupora yakanga yapera, shoko rakafamba rikatenderera rokuti iye aive afa. Munguwa idzodzo dzokuyedzwa pamwe nokurwara, kutenda kwa Zwingli hakuna kuderera kana kuzununguswa. Iye akaramba akatarira kumuchinjikwa nokutenda achivimba muna Kristu Iye Chibairo Chikuru Chinesimba rokusunungura mutadzi. Paakasunungurwa kubva mumasuwo erufu, Zwingli akatanga kuparidza Shoko raMwari zvine simba kupfuura pakutanga. Mazwi ake akange akavhenganiswa nesimba guru nechikuriri. Vanhu vakagamuchira mufundisi wavo nomufaro mukuru nokuti akanga adzoswa kwavari kubva mumazariro erufu. Ivowo vakanga vachibva kunopepa varwere nokuviga vakafa, nenzira iyi, vanhu vakanzwisisa kukosha kwakaita vhangeri raKristu muupenyu hwavo. KK 113.2

    Zwingli akanga aisa chokwadi chiri muvhangeri muupenyu hwake, akanga ararama nenzira inobatika simba guru revhangeri rokushandura nokusunungura munhu. Kuputsika kwemunhu nezano roruponeso ndizvo zvidzidzo zvainyanya kudzidziswa na Zwingli. Akati; “muna Adam tose tiri vakafa, takanyudzwa muhuwori nomukutongwa.”—Wylie, b.8.ch.9. “Kristu ... akatitenga nerusununguro rwusingaperi … kurwadziwa kwake chibairo chikuru chokusingaperi chine simba rokurapa nariini, chinochenura rutongo rwaMwari kune vose vanovimba naye vane kutenda kusingazunungutswi.” Zwingli akadzidzisa pachena dzidziso yokuti nyasha dzaJehovah haisi mvumo yokutyora murairo waMwari. Apo pane kutenda, Mwari aripowo. Kuvepo kwenyasha hazvirevi kusununguka kutadzira Mwari. Pese pana Mwari, panoonekwazve chidikwadikwa chinokwezvera vanhu kumabasa akarurama.”—D’Aubiegne, b.8.9.KK 113.3

    Iri ndiro rakanga riri simba rokuparidza kwa Zwingli, zvikaita kuti vanhu vauye vachizadza imba yokunamatira nokupfuuridza avo vaiuya kuzomunzwa achiparidza. Zvishoma nezvishoma zvichienderana nokunzwisisa kweboka ravatendi, Zwingli aizarurira vatendi zvokwadi. Aiva akachenjerera kuti arege kuvapa chiedza chaizovashamisa nekuvakuhunisa. Chidiso chake chaive chokuti moyo yavatendi izarukire kudzidziso dzaJehovah muna Kristu Jesu. Aida kunyevenutsa moyo yavo nerudo rwaKristu uye kuti muenzaniso wake ugare uri pamberi pavo, napakugamuchira kwavo zvimiso zvevhangeri, kutenda mashura, mazango nouroyi pamwe namabasa akaipa zvaizowira pasi.KK 113.4

    Nenhanho imwe neimwe, basa rerumutsiriro rwokururama rakaramba rwuchienderera mberi ku Zurich. Mukushamiswa nokukahadzika kukuru, vavengi vevhangeri vakazvimisira kuripikisa. Mugore rakanga rapfuura, umwe webota rakanga rakazvimisira urombo, kuchena nekuteerera, we Wittenberg akanga ataura kupokana kwake na Zwingli kuna mambo uye achinosumazve Papa munzvimbo ye Worms, nazvino zvirikuratidza sokuti chimiro chimwechetecho chichavako ku Zurich.KK 114.1

    Kurwisa Zwingli kwakaitwa nedzokororo. Mukati mematunhu a Papa, munguva nenguva vadzidzi vevhangeri vaiiswa pamabakwa ehuni kuti vapiswe. Sezvisina kukwana, mudzidzisi wevhangeri aifanira kunyararidzwa. Zvichienderana nepfungwa iyi Bhishopi we Constance akatumira nhume nhatu kukanzuru ye Zurich achipomera Zwingli mhosva yokudzidzisa vanhu kumukira mitemo yesangano, zvaizoita kuti rugare nokurongeka kwenharaunda kusagadzikane. Bhishopi akati kana simba rekereke rikaiswa padivi, nyongano inobva yavepo mupasi rose. Zwingli akati iye akange aparidza vhangeri mu Zurich kwemakore mana. Akati guta iri ndiro rakanga riine runyararo nerugare kupfuura mamwe ose akanga ari mumubatanidzwa wenyika. Akati, “handizvo here kuti chiKristu ndicho chinotochengetedza rugare rworuzhinji mupasi?”—Wylie, b.8.ch.11.KK 114.2

    Vatongi vakanga vatsiura vekanzuru kuti varambire mukereke nokuti vaiti kunze kwekereke hakuna ruponeso. Zwingli akati: mhosva iyi ngairege kukutambudzai. Akati nheyo dzekereke iDombo rimwe chete, ndiye Kristu. Ndiye akapa Petro zita rake ndiyezve akange apupura Jesu. Mukati mematunhu ose enyika pasi pose, aninaani unotenda nomoyo wake wose muna Kristu Jesu, iye akadaro anogashirwa naMwari. Iri ndiro sangano nekereke, aninani anomira kunze kwayo haawani ruponeso.”—D’Aubigne, London ed., b.8.ch.11. Nokuda kwenhau iyi pagungano, mumwe wavatevedzeri vemaBhishopi akagashira kutenda kuri muhushumiri hwokutenda hweshanduko.KK 114.3

    Kanzuru yakaramba kutorera Zwingli matanho, Roma yakatanga kugadzirira kurwisa Zwingli patsva. Iye paakanzwa nezvazvo akati, “ndinotya vanhu ava sezvinoita dombo guru refu riri pagungwa rinonzwa simba refungu rinorova tsoka dzaro.” Wylie, b.8.ch.11. Kushingaira kwevakuru vekereke kwakaita kuti vhangeri ravaida kudzivisa ritofambira mberi nesimba guru. Chokwadiwo chakaramba chichitenderera. Munyika ye Germany vatendi vakanga vakuhuniswa nokushaikwa kwa Luther, vakawanazve simba idzva pavakaona kufamba kwevhangeri mu Switzerland.KK 114.4

    Apo rumutsiriro rwokururama rwakadzika midzi mu Zurich, zvibereko zvarwo zvakanyanya kuonekwa mukudzikira kwoupenzi, nokukura kwerunyararo nerugare rworuzhinji. “Runyararo rwunogara pakati pedu muguta redu, hakuna gakava nenharo, hapana kunyengera, godo, kana humbavha, kubatana kwakadai kungabvepi kana kusingabvi kuna Ishe wedu Kristu, nedzidziso yedu inotizadza nezvibereko zverunyararo nekuvimbika kuna Mwari?—Ibid., b.8.ch.15.KK 114.5

    Kukunda kwaiita shanduko yokururama kwakaita kuti ve Roma vashinge nokutsunga kukuru kuti basa guru revhangeri riwire pasi riparare. Vachiona kuti zvishomasei zvavakanga vaona pakurambidza zvinyorwa zva Luther uye nokutambudza vadzidzi vevhangeri ku Germany, vakafunga kuti varwise vhangeri vachishandisa zvombo zvaro. Vakaronga kuzoitisana nharo na Zwingli paruzhinji. Ivo ndivo vaizosarudza nzvimbo yemusangano navatongi vaizotonga nhau yaitauriranwa. Nenzira iyi, veRoma vaitarisira kukunda kukuru. Zvekare namarongero aya, vaida kubata Zwingli zvokuti haaizopukunyuki, vaizomunyararidza, vhangeri raimira kufamba uye rumutsiriro rwokururama rwaibva rwashaiwa simba. Zano iri harina kupupurwa pachena asi kuti yaiva tsindidzo kune vaironga nezvazvo.KK 115.1

    Nzvimbo yenhaurirano yakasarudzwa yainzi Baden; asi Zwingli akange asipo. Kanzuru ye Zurich, ichifungira vanhu veRoma misikanzwa nekunyengera uye nokuona zvekuti mumatunhu evaRoma makanga makabatidzwa moto pamabakwa ehuni, izvi zvaiitirwa vatendi vevhangeri. Kanzuru ye Zurich yakayambira mufudzi wayo Zwingli kuti arege kuzvipinza mudambudziko raiva pachena iri. Ari pa Zurich, Zwingli aive akagadzirira kusangana nevose avo vaigona kutumirwa kwaari navaRoma; asi kuenda ku Baden uko ropa ravakafira Kristsu rakadeurwa, kwaiva kuenda kurufu rusinganonoki kusvika. Oecolampadius na Haller ndivo vakasarudzwa kuti vagozomiririra avo veshanduko yokururama, nerumwewo rutivi Dr. Eck vakanga vakakurumbira, vakatsigirwa namamwe madhokotera navapirisita ndiye aiva mhare ye Roma.KK 115.2

    Kunyangwe Zwingli aisavapo pamusangano mukuru uyu, simba rake nehwezvero rainzwika. Vanyori vainge vakasarudzwa neve Roma, vamwe vose vakarambidzwa kunyora zvavaiona kana kunzwa pamusi uyu. Aninani aizotyora murairo uyu, aifanira kuurawa. Kunyangwe hazvo zvaiva saizvozvi, Zwingli aiwaniswa ruzivo rwakatendeka maererano nezvese zvaiitika ku Baden kumusangano. Mumwe mudzidzi akanga ari pamusangano uyu aizonyora usiku zvinenge zvaswerotaurika masikati. Mapepa aya aizotakurwa nevamwe vaviri pamwechete netsamba dzainyorwa na Oecolampadius kuna Zwingli. Iye aizopindura achipa mazano ne kurudziro, dzake tsamba dzainyorwa usiku, vadzidzi vevhangeri vaizoenda nadzo ku Baden mangwanani. Kuti vanzvenge kuonekwa nomurindi pamasuwo eguta, vadzidzi vakapinda vakatakura matengu ane huku pamisoro yavo, nokudaro vaitenderwa kupinda pasina dambudziko.KK 115.3

    Uku ndiko kwakava kusimba kwa Zwingli apo akanga achirwa nemhandu dzinemano akaipa. Myconius anonyora pamusoro pa Zwingli achiti; “akashanda, kuburikidza nokuverenga magwaro kwake, nokusarara usiku, uye nokuda kwemazano aaiendesa ku Baden, kupfuura zvaaingadai akaita dai aivepo iye amene pakati pemhandu nevavengi vake.” D’Aubigne, b.11,ch.13.KK 115.4

    VeRoma pavakauya kumusangano vaiva vakazadzwa netarisiro yekukunda vavhangeri nyore, nokudaro akauya vakapfeka nhumbi dzavo dzinokosha pamwe nokuzvishongedza nematombo anokosha .Vaigara pakasununguka, matafura avo aiva akashongedzwa nechikafu chepamusoro chaidhura zvikuru pamitengo yacho. Vainwa waini yemhando yepamusoro. Mutoro webasa ravo rokushandira kereke, wairerutswa nekuita mitambo vachifadzana nokupambadza pfuma. Kune rimwe divi, kwaioneka mukaha mukuru kana vanhu vachiona vamiririri veVhangeri. Ava vanhu pakuvonekwa kwavo navanhu, vaitaridzika savashaiwi. Nekuda kwekushomeka kwezvavaiva nazvo, hazvaigona kuti vatore nguva refu vagere pakudya. Muridzi wemba apo paigara Oecolampadius aigara achimuona achiverenga magwaro nokunamata, mukushamiswa kwake nazvo akazopupura achiti; pakuonekwa kwake uyu munhu mupesanisi hake asi anoda zvokunamata, munhu anozvipira zvikuru.KK 115.5

    Kumusangano, Eck akasimuka azere nokuzvida kukuru achienda kundomira patafura yokuparidzira, iyo yakanga yakashongedzwa nenzira yapamusoro-soro. Nekune rumwe rutivi Oecolampadius akanga akazvininipisa akamanikidzwa kugara pamberi pavadzivisi vake pamusoro pechigaro chakanga chakavezwa nenzira yakaipa zvaishoreka. Nguwo dzake dzaiwa dzomurombo asinavo chaaiva nacho.KK 116.1

    Nokuda kwenzwi rake raisvika kure riine simba Eck aitaura aine simba noumhare, simba airiwana pakuti aiva akatarisira muripo wendarama uye kuti mushure mebasa iri aizozviwanira mukurumbira mukuru. Kana mashoko echokwadi achinge amuperera, zvaiva nyore kuna Eck kushandisa kutuka kana kuzvidza avo vasingatendi zvaanoda. KK 116.2

    Oecolampadius, akadzikama, pamwe nokuzvitorera pasi akanga asingadi kupinda panopisa gakava, akazopinda hake muhondo iyi akamira pashoko guru rokuti; “handikoshesi chimwe chipimo cherutongo kunze kweShoko raMwari.”—Ibid., b.11.ch.13. Kunyangwe hazvo aive munyoro, ane rukudzo pahunhu hwake, Oecolampadius akaburitsa pachena kuti aiva munhu aitoziva uye asingatsukunuswi pachokwadi chaaiziva. VeRoma apo vaisimbisa shoko ravo mumasimba ekereke, mutsika dzavo nenharo, veVhangeri vaisimbisa Shoko ravo neBhaibheri Dzvene. Oecolampadius akati tsika dzekereke hadzina simba munyika yedu ye Switzerland, kunze kwekunge zvichienderana nebumbiro remitemo; kana dziri nhau dzokunamata nechitendero, Bhaibheri ndiro bumbiro guru munyika yedu.”—Ibid., b.11,ch.13.KK 116.3

    Musiyano wakanga uri pakati pavaviri vaipokana hauna kusiya usina kubata hana dzevaiona. Kutaura kwakadzikama, nokutsanangudza zvakajeka, zvichiitwa murunyararo nerukudzo, zvakakwezva pfungwa dzavazhinji avo vakabvisa meso avo kuna Eck akanga achivanyangadza nokutuka kwake pamwe nokuzvikudza.KK 116.4

    Nhaurirano yakaenderera mberi kwemazuva gumi nemasere. Pakupera kwemazuwa aya, veRoma vaine kuzvivimba kukuru vakati ivo ndivo vakanga vakunda. Vazhinji vavatongi vakaenda kurutivi rweRoma. Vaitungamira musangano vakati vavhangeri vakundwa, nokudaro ivo, nomutungamiriri wavo Zwingli vakange vatodzingwa mukereke. Kunyangwe hazvo zvakarehwa saizvozvo, michero yemusangano uyu yakataridza pachawo kuti raiva divi ripi rakanga rakunda. Nokuda kwemusangamo uyo, vanhu vazhinji vakaonekwa kuti vaipa rutsigiro rukuru kune vaVhangeri. Kubva apa, hazvina kutora nguva apo maguta anokosha e Bern ne Basel areva pachena kuti ivo vaive nokutenda muvhangeri rorumutsiriro rwokururama. KK 116.5

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents