Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 2—KUTAMBUDZWA MUSENJURI DZEKUTANGA

    Apo Jesu akaratidza kuvadzizdzi vake zviripachena maererano nezvaizowira guta reJerusarema pamwe nezviitiko zvaizotungamirira kudzoka kwake kwechipiri, Akagarawo audza vanhu vake zvavaizosangana nazvo kubvira panguva yaaizobviswa pakati pavo, kusvikira pakuzodzoka kwake kechipiri kuzovadzikinura nesimba nekubwinya. Jesu muponesi akatarira mberi kwenguva ari pagomo reMiOrivhi, ziso rake rakanzvera dutu rematambudziko rinotyisa raizowira vateveri vake mumakore mazhinji aizotevera, makore erima guru rekutambudzwa. Mumazwi mashoma akasimba anorakidza zvakashata, Jesu akaporofita chikamu chezvakashata chaizoitwa nevatongi venyika kukereke yaMwari. (Matteo 24:9, 21, 22). Vateveri vaKristu vanofanira kufambawo nzira imwechete yekunyadziswa, kutukwa, nekutambudzika seyakafambwa naTenzi wavo. Ruvengo rukuru rwakaratidzwa mudzikinuri wenyika yose rwucharatidzwa kuneavo vose vachatenda kuzita rake.KK 32.1

    Nhoroondo yekereke yechikristu yekutanga inopupura pachena kuzadziswa kwemashoko amuponesi. Masimba akashata enyika akamira achirwisana naKristu kuburikidza nezvaakaitira vateveri vake. Vahedheni vakazviona kuti kana vhangeri raKristu rikabudirira, temberi dzavo, nearitari dzavo dzaizokukurwa zvachose; nokudaro vakabatanidza masimba avo ose kuparadza chiKristu. Moto yekutambudza vatendi yakatungidzwa. MaKristu vakatorerwa pfuma yavo vakadzingwa mumisha yavo. “Vakatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko;” VaHebheru 10:32 “Vamwe vakaidzwa, vachisekwa, vachirobwa zvikuru, vuye zve vachisungwa, vachiiswa mutorongo;” VaHebheru 11:36. Vazhinji zhinji vavo vakaisa chisimbiso pakupupura kwavo nekudeuka kweropa ravo. Vanokudzwa navaranda, vapfumi navarombo, vakadzidza nevasina, vese vakaurawa zvisina tsitsi kana mutsauko.KK 32.2

    Kubva mumazuva ekubata ushe kwaNero, inova ndiyo nguva yekufira evhangeri kwaPauro, matambudziko aya akaramba achienderera mberi kwemazana emakore. MaKristu vaipomerwa mhaka dzakakura dzemanyepo, vonzi ndivo vaikonzeresa matambudziko makuru aiwira vanhu panyika akafanana nenzara, hosha, kana kudengenyeka kwenyika. Sezvo vatendi vaifungirwa kuti ndivo chete vanokonzeresa izvi, vapomeri vaigara vakagadzirira kuvatengesa chero vasina mhosva kuti ivo vawane mibairo. MaKristu vainzi vanomukira hurumende, vainziwo imhandu dzechitendero, uye vasvibisi vetsika munharaunda. Vazhinji vavo vakakandirwa kuzvikara zvesango vakabvarurwa, vamwe vairoverwa pamichinjiko; vamwe vaipfekedzwa matehwe emhuka vokandirwa munhandare kuti vabvarurwe nembwa. Kurwadziswa kwavo kazhinji ndiko kwaishandiswa senzira yekuvaraidza nekunakidza vanhu paungano dzevazhinji. Mhomho dzevanhu dzakaunganira kunakidzwa nenzira dzinorwadza idzo vatendi vaiurawa nadzo, uye kafiro kavo kaiitwa jee vanhu vachiseka nekupemberera. KK 32.3

    Pese apo vateveri VaKristu vaitsvaga pekuhwanda, vaivhimiwa semhuka dzenyama kuti vaparadzwe. Izvi zvakaita kuti vatendi vatsvage nzvimbo dzekuhwanda dzirikwakanyarara kusingasviki vanhu.“Vasinechinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; (nyika hainakufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika.” Verses 37, 38. Mwena mikuru yepasi pevhu yakapa vanezviuru pekugara. Pasi pezvikomo zvaivakunze kweguta reRome, pakanga pakacherwa matonera aripasi penyika nemumabwe, mwena iyi yaienda nzendo dzakareba kubva muguta asi muine dima guru. Imomo mumwena iyoyo vateveri vaKristu vaichema nekuviga vakafa vavo, uyewo ndimo mavaitizira kundohwanda kana vovhimiwa. Apo mupi weupenyu kana ozomutsa avo vakarwa kurwa kwakanaka, vazhinji vakafira vhangeri raKristu vachamutsva kubva mumwena iyoyo inerima.KK 32.4

    Mukati mekushungurudzwa kukuru kunotyisa, izvi zvapupu zvaJesu zvakachengeta kutenda kusina gwapa. Kunyangwe vakagariswa pasina kunaka, vakapfigirwa kure kunerima kusingasviki zuva, misha yavo yakanga iri murima pasi penyika, vatendi ava havana kutsutsumwa. Vaikurudzirana nemazwi ekutenda, ekutiwira, netariro kuti vakwanise kutsungirira mukutambudzika uku. Kurasikirwa nezvikomborero zvese zvepanyika hazvina kuvamanikidza kuti varase kutenda kwavo munaKristu. Miedzo nekushungurudzwa, kwavari akava matsiko ekuvaswededza pedyo nezororo, nemubairo wavo munaKristu.KK 33.1

    Sezvakangoitwa varanda vaMwari vekare, vazvhinji vavo “vakashungurudzwa, vakasagamuchira kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuvura nokunaka” Verse 35. Ava, vakarangarira mashoko aTenzi wavo paakati kana muchitambudzwa nokuda kwaKristu, vaifanira kufarisisa, nokuti mubairo wavo mukuru kudenga, nokuti ndikowo kutambudzwa kwakaitwa vaporofita vakavatangira. Vakafara kuti vakanga vaonekwa nedenga kuti vakakodzera kuti vatambudzikire zvokwadi, nokudaro nziyo dzekukunda dzainzwikwa dzichibva pamiromo yavo. Kuburikidza nameso ekutenda, vaiona Kristu nengirozi dzake kudenga vakatarisa pavari nehanya huru, uye zvichiratidza kuti rusimbiro rwavo mumatambudziko rwaigashirwa nedenga. Inzwi rakanzikwa richiuya kwavari kubva pachigaro chaMwari richiti: “…Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yovupenyu.” Zvakazarurwa 2:10.KK 33.2

    Satani akaedza pasina kuparadza kereke yaKristu nemhirizhonga. Hondo huru iyi inova yakakonzera kufa kwevadzidzi vaJesu haina kupera apo vakatendeka ava vakafira pabasa raKristu. Kuburikidza nekukundwa, vakakurira. Vashandiri vaMwari vakaurawa, asi basa rake rakaenderera mberi. Vangeri rakaramba richitekeshera, huwandu hwevakarigashira nekuritenda hukawedzera. Vhangeri rakapinda mumipata yenyika umo kunyangwe makondo ehondo dzeRoma aisakwanisa kusvika. Achipindura kushoko revatongi venyika rekupfuudzira mberi kutambudza vatendi, umwe muKristu akati: Munogona “kutiuraya, kutitambudza, kutizvidza…..Kusaruramisira kwenyu ndihwo humboo hwekuti hatina mhosva…uye hutsinye hwenyu…hahukuchenurei.” Izvi ndizvo zvaitoita kuti vazhinji vatendeukire kuchiKristu. “Patinowisirwa pasi nemi, ndipo patinoramba tichiwedzera kuwanda: ropa remaKristu imbeu.” -Kubva mubhuku: Tertullian, Apology, paragraph 50. KK 33.3

    Zviuru zvevatendi zvakaiswa mumajeri nekuuraiwa, asi vamwe vazhinji vaitendeuka wachitsiva nzvimbo dzacho. Vose vaiurawa nokuda kwaKristu vainyorwa kudenga kuti ndevake vakakurira. Vakanga varwa kurwa kwakanaka, vaizogashira korona yekubwinya apo Kristu aizouya. Matambudziko avakatsangana nawo akavabatanidza uye kuvaswededza pedyo nemudzikinuri wavo. Kararamiro kavo nekufa kwavo ndihwo huchapupu kuzvokwadi, zvakaita kuti nyange vanhu vaiva pasi pehubatwa hwasatani, vasiye vachitendeukira kuna Kristu. KK 33.4

    Satani akabva zvino aruka zano rekurwisa zvakangwara kuti akunde hurumemde yaMwari, ndokubva asimudza mureza wake mukereke yaMwari. Apa aida kuti akakwanisa kunyengera vateveri vaKristu, zvekuti vatsamwise Mwari, ipapo zvaizoita kuti simba ravo ripere, kutenda kwavo kudzikire, nokudaro vaizowira mumusungo wake zvirinyore.KK 33.5

    Parizvino, mhandu iyi huru yakatsvaga kuhwinha nekunyengera zvayakanga yatadza kuita nekumanikidza. Nokudaro, kushungurudzwa kwakamira, panzvimbo yacho pakaiswa nzira dzakaipisisa dzekuredza vanhu nezvinopfuura zvenyika. Vanonamata zvifananidzo vakatungamirirwa kuti vagashire zvisina kuzara chitendero chechiKristu, asiwo vachikwanisa kuramba zvokwadi dzinokosha dzacho. Vakava nemufananidzo wekugashira Jesu Mwanakomana waMwari nekutenda rufu nerumuko rwake, asi vaisabvuma kuti vatadzi saka vaisaona kukosha kwekuregererwa zvivi, kutendeuka nekushanduka pamoyo. Vakauya nezvibvumirano zvavo zvavaitenda kuti zvigashirwe nemaKristu kuitira kuti pave nekubatana pakutenda munaKristu. KK 34.1

    Apa zvino kereke yaMwari yakabva yapinda parumano rwunotyisa. Kusungwa, kushungurudzwa, moto, nemunondo zvaivanani kana zvichienzaniswa neizvi. Mamwe maKristu akamira achiramba kutenda nhema idzi nekubva pachokwadi. Asiwo vamwe vakaona pasina chakaipa kuvandudza chitendero kuti chigamuchirike kuvanhu vasina kutendeuka. Apa zvainzi inongova nzira yekubatsira vanhu ava kuti vazonyatsotendeuka ramangwana. Iyi yakava nguva yekutambudzika mumoyo kukuru kunevakange vakatendeka. Achishandisa nzira yekusatendeuka kwakazara, Satani akanga arikugadza chigaro chake mukati mekereke, kuti awodze chitendero, nekubvisa pfungwa dzevatendi kubva pashoko rezvokwadi.KK 34.2

    MaKristu mazhinji akabatwa mumusungo uyu, mubatanidza wechiKristu nechihedheni ukagadzirwa. Kunyangwe zvazvo vanamati vezvifananidzo vakanyepera kutendeuka, vakabatana nekereke yaKristu, asi vakaramba vakabatirira kuzvifananidzo zvavo, vakangoshandura zvifananidzo zvavo zvavainamata kuzviita mufananidzo waKristu, nowaMaria navatsvene. Mbiriso yemanyepo yezvifananidzo yakapinzwa mukereke, ikaenderera mberi nebasa rayo. Dzidziso dzakatsauka, kutenda mashura, nemitambo yezvifananidzo zvakapinzwa muchinamato chekereke yaKristu. Apo vateveri vaKristu vakabatana nevanamati vezvifananidzo, chitendero chechiKristu chakawodzwa, kereke ikarasa hutsvene nesimba rayo. Asi zvakadaro, variko vamwe vasina kurasiswa nenhema idzi. Vakaramba vakabatirira pakutendeka kuzvokwadi vachinamata Mwari ega. KK 34.3

    Kubvira panguva iyi kusvikira zvino, kwave nemapoka maviri evanhu vanotevera Kristu. Apo rimwe boka rinozvipira kudzidza hupenyu hwaKristu richiedza kuzvinzvera kuti rifanane naye, rimwe bokawo rinoramba zvokwadi iripachena, inoburitsa mhosho dzavo pachena. Kunyangwe panguva apo kereke yaifamba zvakananka, haina kumbobvira yaita vatendi vese vakazara nezvokwadi, vakachena, vanorevesa. Muponesi wedu akadzidzisa kuti avo vese vanopinda muzvivi maune, havafaniri kugashirwa mukereke; asiwo iye aifambidzana nevanhu vaiva nezvimiro zvisina kunyatsokwana, achivatendera mukana wekudzidza kubva pamuenzaniso wake iye, kuti zvimwe vawane mukana wekuona mhosho dzezvimiro zvavo nekuzvigadzirisa. KK 34.4

    Pakati pavanegumi navaviri paivawo nemutengesi. Judas akagamuchirwa, kwete nekuda kwekusarurama kwakwe, asiwo zvaizivikanwa kuti haana kururama. Akabatanidzwa nevadzidzi, kuti kuburikidza nedzidziso nemuenzaniso wechimiro chaKristu, aigonawo kuzodzidza zvinoreva chimiro chakanaka chechiKristu., kuti zvimwe angaona mhosho dzechimiro chake, akatendeuka, uye akachenesa mweya wake achibatsirwa nenyasha dzaMwari “kuteerera zvokwadi”. Asi Judas haana kufamba muchiedza chaakaitirwa nyasha kuti chipenye paari. Nekuda kwekufarira zvivi akazvikokera miedzo yaSatani. Tsika dzake dzakaipa dzakamugadzirira chimiro chakashata. Akapa pfungwa dzake kuti dzitongwe nemasimba erima, akavawo nehasha kana apo aitsiurwa pakukanganisa, naizvozvo zvakamutungamirira kuita mhosva inotyisa yekutengesa Tenzi wake. Ndizvowo zvakaita avo vanofarira zvivi asi vakahwanda munguwo yehumwari, vanovenga avo vanoda kuvaratidza zvakaipa zvavo. Kana mukana ukazomuka, sezvakaita Judas, vanotegesa avo vaida kuvabatsira kubva muzvivi.KK 34.5

    VaApostora vakasangana nevanhu vakadaro mukereke, vanhu vanonyepedzera humwari asi pakavanzika vachibika zvivi mumoyo yavo. Ananias naSapphira vakaita nzira yevanyengeri, vachinyepedzera kupa chipiriso chakazara kunaMwari, izvo vaikundwa nekuchiwa vakazvichengetera chimwe chikamu. Mweya waZvokwadi akaburitsa pachena kuvadzidzi chimiro chaicho chevainyepedzera ava, rutongo rwaMwari rwukabvisa mweya uyu wenhema mukereke. Ichi chiratidzo chekuvepo kweMweya weKunzvera waMwari mukati mekereke zvakatyisa vazviitisi nevaiti vezvakaipa. Zvaisagona kuti vakaipa ava varambe vari pakati pevanhu vaMwari vaizvirakidza mukuita nemutsika kuti vamiririri vaKristu, kuti kana apo miedzo youya kuvateveri vaKristu, avo chete vaizobvuma kusiya zvakaipa nekuda kwezvokwadi kuti vave vadzidzi vaJesu. Kanapo kutambudzwa kwaizoramba kuchiuya, kereke yairamba yakachena. Asi apo kutambudzwa kwakamira, vanhu vakatendeuka vaiva vasiri vechokwadi, nzira ikavhurika yekuti Satani awane mukana. KK 35.1

    Asizve hakuna kuwadzana pakati peMuchinda wechiedza nemuchinda werima, saka hakugagoni kuva neruwadzano pavateveri vavo. Kana maKristu vakabvuma kubatana neavo vasina kusiya zvakazara tsika dzechihedheni, vakapinda munzira yaivatungamirira kure nezvokwadi. Satani akafara kwazvo kuti akanga agona kunyengera boka guru revateveri vaKristu. Akabva aita kuti simba rake rizare muvanhu ava, ndokuvafurudzira kuti vatambudze nekushungurudza avo vakasara vakabatirira pazvokwadi yaMwari. Hapana umwe aizogona kupikisa zvokwadi yaMwari kupfuura avo vaimbova vateveri vayo, neavo maKristu akarasika, vachibatana nechikwata chevaya vasina kusiya tsika dzechihedheni, vachiisa simba ravo mukurwisa mbiru dzedzidziso dzaKristu. Zvaitotsvaga kurwa kukuru kune avo vakaramba vakatendeka kuti vagone kumira vasingazungunuswi vachiramba manyepo nezvinonyangadza zvakanga zvakafukidzwa nenguwo dzehuprisita zvichidzidziswa mukereke. Bhaibheri harina kugashirwa sandiro rinotonga nyaya dzekutenda. Dzidziso yekusununguka panezvechitendero yakabva yanzi ndeye manyepo, avo vose vaitenda izvozvo vakavengwa nekurambwa. KK 35.2

    Mushure menguva huru yekusawirirana kukuru, vakatendeka vashoma ava vakasarudza kuparadzana nekereke yakanga yarasika iyi kana yairambira mukutenda nhema nekubatirira pazvifananidzo. Vakona kuti zvirinani kuparadzana nekereke iyi kuti vakwanise kuramba vakatendeka pashoko raMwari. Vakaona kuti hazvingagoni kuti vatende mhosho dzakaoma kudaro dzaizouraya mweya yavo, vakazova muenzaniso wakaipa kuvana vavo kusvika kumarudzi arimberi. Kuti pave nekubatana nekubvumirana, vaizongobvuma bedzi zvinowirirana neshoko raMwari, asi vakaona kuti hazvigoni kutenga runyararo paaritari yekutengesa zvokwadi. Kana zvaireva kutenga runyararo nenzira iyi yekutengesa zvokwadi nekururama, saka zvaiva nani kukonana kana hondo zvayo. KK 35.3

    Zvainganakira kereke nenyika kana dai zvimiso izvo zvakasimbisa vatendi vakarurama ava zvaingamutsirirwa mumoyo yevanhu vaMwari. Pane kushaya hanya kunoshamisa kurikuitwa nevanhu nhasi pazvinhu izvo zvinova mbiru nehwaro hwechiKristu. Pfungwa yekuti mbiru idzi hadzina kunyanya kukosha irikukura. Kurerutswa kwadzo uku kurikusimbisa maoko evashandiri vaSatani zvekuti dzidziso dzenhema dzairambwa nemoyo wese nevatendi vekare nhasi dzakugashirwa nemutsa nezviuru zvevatendi vanozviti vateveri vaKristu.KK 35.4

    MaKristu ekare vaiva vanhu vakatsanagurika zvemazviro kwazvo. Kutenda kwavo kusina chakunopomerwa nekutsungirira kwavo kwakasimba zvaigara zvakaita seshamhu yaitsiura nekukanganisa vatadzi nguvadzose. Kunyangwe vaiva vashoma pakuwanda kwavo, vasina pfuma, vasina mazita anokudzwa, vasina zvinzvimbo zvepamusoro, vatendi ava vaityiwa nevanhu vanoita zvakaipa pese paivaizikanwa. Nokudaro vaivengwa nevatadzi, sekuvengwa kwakaitwa Abel naCain mutadzi. Nechikonzero chimwechetecho chakaita Cain auraye Abel, ndizvo zvakaita kuti vatadzi varambe kudzorwa naMweya mutsvene, vakauraya vanhu vaMwari. Ndicho chikonzero chimwechetecho chakaita vaJudha varambe pamwe nekuuraya Muponesi- nekuti chimiro chake chehutsvene chaigara chichivapomera mhosva nguva dzose. Kubvira pamazuva aKristu kusvikira zvino, vateveri vake vakatendeka vanomutsa hasha neruvengo rweavo vanoda nzira dzezvivi nokufamba madziri. KK 36.1

    Saka vhangeri ringazova seiko shoko rorugare? Apo Isaiah akaporofita kuzvarwa kwa Messiah akamutsanangura nezita rokuti “Muchinda worugare”. Apo ngirozi dzakasvitsa shoko rokuzvarwa kwaKristu kuvafudzi mumapani eBethlehem dzakaimba dzichiti: “Mwari ngaakudzwe kumusoro-soro, rugare ruve panyika, nomoyo muchena kuvanhu.” Luke 2:14. Panoita kunge pane kusawirirana pakati pemashoko ekuporofita aya nemashoko aKristu paakati: “Musafunga kuti ndakavuya kuisa rugare panyika, handina kuvuya kuisa rugare asi munondo.” Matthew 10:34. Asi kana zvikanzwisiswa zvakanaka, zviviri izvi zvinofambidzana murugare. KK 36.2

    Vhangeri ishoko rorugare. ChiKristu chikagashirwa zvakanaka, nekuteererwa, chinoparidza rugare, nerufaro mupasi rose. Chitendero chaKristu chinobatanidza muukama hwepedyo avo vose vanogashira dzidziso dzacho. Raivawo basa ra Jesu kudzosera vanhu kunaMwari, uye kuvabatanidza. Asi zvino vanhu vazhinji munyika vari pasi pehubatwa hwaSatani mhandu huru yaKristu. Vhangeri rinobva zvino rada kuvapa zvimiso zveupenyu zvinopesana nezvidiso netsika dzavo, zvoita kuti varimukire nekusarigashira. Vanovenga kuchena kwevhangeri kunoburitsa pachena zvivi zvavo, saka vanobva vavenga nekutambudza avo vanoriparidza. Nenzira iyi, nekuda kwekunaka nekukwirira kwezvokwadi, vhangeri rinobva rani munondo. KK 36.3

    Nyaya yekuti Mwari vanotendera kuti vakarurama vatambudzike paruoko rwevasakarurama inonetsa kunzwisisa zvekuti avo vanekutenda kushoma vanoshunguridzika nayo. Vamwe vanotozorega kutenda munaMwari nekuti anoita kunge anotendera vasakarurama vachibudirira, asi vakatendeka vachitambudzika nekusabatwa zvakanaka paruvoko rwevaipa. Mubvuno unenge uripo ndewekuti, sei Mwari, anekururama netsisti, WaMasimbaose, achitendera hudzvinyiriri hwakadaro? Uyu mubvunzo watisina mhinduro nawo. Mwari akatipa humboo hwakakwana hunoratidza rudo rwake kwatiri, saka hatigoni kuramba kunaka kwakwe kwationoona pachena nekuda kwekuti tatadza kunyatsonzwisisa mashandiro ake. Mudzikinuri wedu paakaona zvaizouya mupfungwa dzevadzidzi vake apo vaizosangana nemiyedzo munazuva erima aiva mberi kwavo, akati kwavari: “Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemivo, kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta nerenyu vo.” John 15:20. Jesu akatitambudzikira kupfuura kutambudzika kungaita ani nani wevateveri vake paruvoko revanhu vakaipa. Avo vanoshungurudzwa, kuurawa nekutambudzirwa vhangeri, vanenge vachingofamba mumatsiko eMwanakomana waMwari.KK 36.4

    “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira” 2 Peter 3:9. Haakangwanwi kana kusiya vana vake, asi anotendera vakaipa kuti vaburitse pachena chimiro chavo chaicho, kuitira kuti avo vanoda Mwari vasavhiringidzika kunzwisisa vakaipa. Zvakare, vakarurama vanoiswa muchoto chemuchenuri chemoto wematambudziko, kuti ivo vanatswe; kuti zvimiro zvavo zvizovawo muenzaniso wekutenda nehumwari, uye kuti upenyu hwavo hwemazuva ose hupomere mhosva kune vasingatendi navatadzi. Mwari anotendera vatadzi kubudiria kuti varatidze ruvengo rwavo kwaari, kuti kana vazozadza chiero chemukombe wekusarurama kwavo, vanozoona kururama kwakwe netsitsi dzake pakuparadzwa kwavo. Zuva rekutsiva kwake ririkusvika nekukasika, apo vose vakatyora murairo wake, nevakadzvinyirira vanhu vake vachawana mubairo wakariganirana mabasa avo; apo mabasa ose ehutsinye kana ekusaruramisira vakatendeka vaMwari achatsivirwa sekunge vakazviitira iye Kristu pachake. KK 37.1

    Pane umwezve mubvunzo unokosha uyo masangano anhasi anofanira kucherekedza. Muapostori Paul anotaura kuti: “Zvino, navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa” 2 Timothy 3:12. Saka sei nhasi zvichiita sekuti nyaya yekutambudzwa kwevatendi yadzikira? Chikonzero choga chingavapo ndechekuti kereke yafanana nenyika saka haichagoni kumutsa vanoipikisa. Chitendero chavapo nhasi chadzikira zvakadaro zvekuti chasiyana nechaiva mukereke yaKristu nevadzidzi vake. Nokuda kwemweya wekurerutsa chivi, uye zvokwadi yeshoko raMwari ichishaiswa simba, humwari hwadzikira mumasangano, uye chiKristu changovewo hupenyu hwemunyika. Dai pangoita rumutsiriro rwehuMwari, kutenda nesimba rekereke yekutanga, ipapo moto wematambudziko unobakidzwazve.KK 37.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents