Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 10—KUBUDIRIRA KWERUMUTSIRIRO RWOKURURAMA MUNYIKA YEGERMANY

    Kushaikwa kusinganzwisisiki kwa Luther kwakakonzera kushushikana kukuru mukati memoyo yavanhu venyika yose ye Germany. Mibvunzo pamusoro pake yainzwika kwese-kwese. Makuhwa akanga asingafungidziriki akatanga kutenderera, vanhu vazhinji vakatenda kuti Luther akanga akauraiwa. Kwakaita mariro makuru mukati memoyo yavanhu, kwete neshamwari dzake dzepamoyo dzoga, asi nezvuru zvavanhu vakapupura pachena kuti naivo vaizomira kurutivi rwerumutsiriro rwokururama. Vazhinji vakazvisunga nemhiko yokurevesa yokuti, ivo vaizotsiva rufu rwa Martin Luther.KK 117.1

    Vatungamiri veRoma vaitarira vakabatwa nokutya kukuru danho rakanga rasvika mifungo yavanhu vachipokana navo. Kunyangwe zvakavafadza pokutanga, maererano nenyaya dzaifungidzirwa kunzi Luther aive akafa, veRoma munguva diki vakadisa zvikurusa kuti vagare vakahwanda kubva kubope rehasha dzaiva novoruzhinji. Mhandu dza Martin Luther, hadzina kumbenge dzakatambudzwa namabasa ake apachena oumhare nehushingi achiri pakati pavo sezvazvakaita apo zvino abviswa kwavari. Avo vaisundwa nehasha zhinji kuna Luther vakatsvaka kuparadza mushumiri weshanduko yekururama aiva noumhare, vakazenge zvino vazadzwa nokutya panguva ino nokuda kwokuti Luther akange angove musungwa asingakwanisi kuzvisunungura. Vekereke vakataurirana vakati; “nzira yoga yasara yekuti tizviponese, kubatidza mwenje totsvaga Luther mupasi rose, tomudzosera kuvanhu venyika yake vari kumuchemera.” —D’Aubigne, b.9,ch.1. Chirevo chamambo chakaita sechawira pasi chisina simba. Makurukota aPapa, vakazadzwa nehasha huru pakuona kwavo kuti chirevo chamambo hachina kugashirwa muvanhu zvakanyanya nokuti mumifungo yavo, zvainge zvakawira Luther ndiyo yakanga yaita senyaya inonyanya kukosha kwavari.KK 117.2

    Shoko rokuti Luther aiva akachangeteka, kunyangwe hazvo aive mutirongo semusungwa, zvakadzikamisa hana nokutya kwavanhu, izvi zvakaita kuti varambe vakamira naye pane zvaaitenda. Zvinyorwa zva Luther zvaiverengwa navanhu vaine chidikwadikwa chikuru kwazvo kupfuura pakutanga. Vazhinji vavanhu vaiuya vachiwedzera huwandu hweavo vaimira na Luther mhare mubasa rerumutsiriro rwokururama. Vanhu ava vakauya kuzomiririra Shoko raMwari munguva dzakanga dzisina kujairika. Rumutsiriro rwokururama rwakaramba ruchiwedzera pasimba. Mhodzi yakanga yakadyarwa na Luther yakamera kose-kose. Kushaikwa kwake kwakaita kuti basa guru kwazvo rifambe kupfuura zvaaingadai akaita dai aivepo. Vamwe vabati vebasa vakazvinzwa vaine musengwa mutsva, nokuda kwokuti Luther semutungamiri wavo, akanga abviswa kwavari. Nokutenda kutsva, uye nokurevesa kukuru, vakashingaira kuyenderera mberi kuita zvose zvavaikwanisa nesimba ravo rese kuti basa rakanga rakatangwa norukudzo rirege kukanganiswa.KK 117.3

    Asi Satani wakanga asina kugara pasi asingaiti chinhu. Akazama kuita zvaaisimboita pose pakambomuka rumutsiriro rwokururama—kunyengera nokuparadza vanhu nokuvapa chinhu chokunyepera panzvimbo yechokwadi. Sezvo kwaive nevana Kristu venhema mumakore zana okutanga mukereke yaKristu, naizvozvowo vakasimuka vanaKristu venhema mumakore zana nemakumi nematanhatu.KK 118.1

    Varume vashoma, vakanga vapindwa nemanyawi ezvechinamato mupasi rose, mukurashika kwemifungo yavo vaizviona vachigashidzwa zviratidzo zvichibva kudenga, vakatanga kupupura kuti vakanga vaine kutumwa kunoyera kubva kudenga kuti ivo vachipedzisa basa raJehova rerumutsiriro rwokururama rwakanga ratangiswa na Luther ane simba shoma-shoma. Chaiva chokwadi panhau iyi ndechekuti varume ava vakange vauya kuzoparadza basa rakanga rakatangwa na Luther. Varume ava vakauya vachiramba chimiso chikuru kwazvo chaitova nheyo huru yerumutsiriro rwokururama—chekuti Shoko raMwari ndiro rakafanira uye rakakwana, riri murairo wokutenda namabasa; panzvimbo yaro vakaisa mifungo yavanhu nezvavanonzwa munyama yavo. Nokuda kwechinhu ichi, kuti vanhu vakange vaisa kure navo shoko raJehovah iro rakanga riine simba rokuisa pachena manyepo uye nokunyengera kwose. Kana mashoko echokwadi achinge asisipo, nzira inobva yavepo yekuti Satani apinde kuti ashandise mifungo yavanhu sezvinomufadza iye.KK 118.2

    Mumwe wavaporofita venhema ava, ainyepa pachena kuti iye akange achipangirwa mazano na Gabhuriere mbune. Umwe mwana wechikoro akazvibatanidza naye, akasiira chikoro panzira achipupurawo nhema kuti Mwari amene akanga amuzodza nouchenjeri hwekuti agone kududzira zvirimuManyoro Matsvene. Vamwe vazhinji vainge vakarerekera kune zvemanyawi izvi vakazvibatanidza navo. Zvakatevera ruzhinji rwavanhu vamanyawi ava rakanga risiri jemera duku asi guru rainyangadza. Kuparidza Shoko raMwari kwa Luther kwakasimudza mukati memoyo yavanhu vazhinji kwese-kwese chido nehanya muzvokwadi uye kukosha kwerumutsiriro rwokururama, asi nokuda kwavaporofita venhema vanhu vazhinji vairevesa vakatsauswa navaporofita vainyengera.KK 118.3

    Vatungamiri veboka rokunyengera iri vakaenda ku Wittenberg vakandotsinhira zvavaitenda kuna Melanchthon pamwe navamwe vashumiri naye. Varume venhema vakati; “tatumwa naMwari kuti tigodzidzisa vanhu. Takaita nhaurirano naTenzi; tinoziva zvichaitika; mushoko rimwe, tiri vaapostora navaporofita, tinoda kunzwikwa na Dr. Luther.”—Ibid., b.9,ch.7. KK 118.4

    Vashumiri veshanduko yokururama vakashamiswa vakakanganiswa zvikurusa nazvo. Ichi chaiva chinhu chavakanga vasina kumbosangana nacho, vakashaiwa zano rokuti iyi nyaya vaizoibata sei. Melanchthon akati; “zvirokwazvo mune mweya isina kujairika muvarume ava; asi mweya yaani? … Kune rumwe ruvoko, ngatingwarirei kudzima Mweya waMwari, uye kune rumwe ruvoko tingwarire kutsauswa nemweya waSatani.”—Ibid., b.9,ch.7.KK 118.5

    Zvibereko zvedzidziso itsva hazvina kutora nguva refu zvisati zvatanga kuonekwa. Vanhu vakatungamirirwa mukurasa Bhaibheri, uye kusatoda kuriverenga. Zvikoro zvakapinzwa munyongano yakaipa, vadzidzi vaisada mitemo nemirairo, vamwe ndovakasiya zvidzidzo zvavo vamwe ndovakaramba chikoro. Varume vakange vachipupura kuti vaiva nesimba rekuendesa basa rerumutsiriro rwokururama mberi, vakakwanisa bedzi kuunza rushambwa kubasa iri rikaita serichatoparara. VeRoma vakawaniswa simba nezvakanga zvaitika munguva idzi vakataura nokuzvida kukuru vakati; “kwangosara hondo imwe, mushure zvose zvinova zvedu.”—Ibid., b.ch.7.KK 118.6

    Luther apo akanga ari ku Wittenberg akati anzwa nezvakanga zvaitika akati nokushushikana kukuru: “Ndanga ndakatarisira nguva nenguva kuti Satan aizotitumira denda iri.” Ibid., b.9.ch.7. Luther akaona ndokunzwisisa hunhu hweava vaporofita venhema akaona kuti raive dambudzo rakanga rakadini raizouya kuyedza Sangano rechokwadi. Kupikisa kwaPapa namambo hakuna kukonzera Luther dambudzo guru nenhamo seyaarikutarisana nayo zvino. Kubva pakati pevaiti dzaiva shamwari dzerumutsiriro rwokururama, ndipo pakamuka mhandu dzarwo dzakaipisisa. Zvokwadi yakanga yamuunzira mufaro mukuru nekunyaradzwa kukuru ndiyo yakanga yave kushandiswa kubvongodza nyongano nekuita bope mukereke.KK 119.1

    Mubasa rerumutsiriro rwokururama, Luther akanga achitungamirirwa mberi kwake neMweya waMwari, akaisvitswa pakanga pakakura kupfuura iye. Akanga asina kumbofunga kuzotora chivimbo sechaakanga anacho, kana iye kuzove mutungamiri mushanduko huru. Iye Luther aingova mudziyo urimumavoko aVamasimbaose Vanogara mukusingaperi. Kazhinji aidedera nokuda kwezvaizova tuso rebasa rake. Neimwe nguva akamboti; “dai ndakaziva kuti dzidziso dzangu dzakatsausa munhu, munhu mumwe chete oga, kunyangwe akadzikisirwa zvakadini kana asingazivikanwi, kunyange dzisingadaro, nokuti ndiro vhangeri romene, zvaive nani kuti ndife kanegumi pane kuramba kuridzora rirege kushandiswa.”—Ibid., b.ch.7.KK 119.2

    Parizvino Wittenberg yomene iwo muzinda weshanduko yekururama, yakanga ichikurumidza kuwira pasi pemasimba emanyawi munhema uye kurashwa kwemitemo nemirairo. Ichiwo chakaipa ichi chakanga risiri tuso redzidziso dzaMartin Luther; asi munyika yose yeGermany, mhandu dzake dzaiti ndiye akanga achikonzera nyongano. Mukurwadziwa nekushushikana mumoyo nedzimwe nguva Luther aizoti: “uku ndiko kungave here magumo akatarirwa basa iri guru rerumutsiriro rwokururama?”—Ibid., b.ch.7. Zvakare, apo aiita mutsimba naMwari mumunamato, runyararo rwaiyerera ruchipinda muhana yake. Ainamata achiti: “basa iri harisi rangu, asi ndeRenyu, imi hamungaritenderi kuti riwodzwe namashura nemanyawi enhema.” Pfungwa yokuti iye apambadze nguva ari kure nehondo munguva dzaiva dzakaipa zvakadaro, haina kugashirika maari. Akashingaira kuti adzokerezve ku Wittenberg.KK 119.3

    Pasina kunonoka Luther akapinda munzira kuti atangise rwendo rwake rwaityisa zvikuru nenhamo. Luther akanga akarambidzwa zviri pamutemo namambo, nokudaro vavengi vake vaitenderwa kumuuraya; apawo shamwari dzake hadzaitenderwa kumubatsira nechikafu kana nepokurara. Hurumende yemadzimambo yakagamuchira mitongo yangayakaomarara zvikurusa kuvanhu vakatenda dzidziso dza Martin Luther. Iye akaona kuti basa revhangeri rakanga rapinzwa mudambudziko zvakadaro zvokuti nezita raTenzi akabuda asingatyi kundorwira chokwadi.KK 119.4

    Mutsamba yake kune rimwe remagota anotonga mushure mokutsanangudza pfungwa yake yokubva ku Wittenberg anoti; “ngazvizikanwe kwamuri ishe wangu wepamusoro kuti ndirikuenda ku Wittenberg ndakachengetedzwa nesimba gurusa kupfuura remachinda nemakurukota, handisi kufunga nezverubatsiro rwamungandipa, ndinotoshuva kukuchengetedzai imi ini ndimene. Dai ndaiziva kuti imi munokudzwa maikwanisa uye kuti maida kundichengetedza, ndaisamboda kuenda ku Wittenberg zvachose. Hakuna bakatwa ringaendesa basa iri mberi. Mwari ega Ndiye anofanira kuita zvese, pasina rubatsiro kana kubvumirana navanhu. Iye ane kutenda kukuru ndiye anonyanya kukwanisa kuchengetedza.”—Ibid., b.ch.8. KK 120.1

    Mutsamba yake yechipiri yaakanyora ari parwendo kuenda ku Wittenberg, Luther anowedzera achiti: “ndazvimisira kuzvikokera kusafara kwenyu Ishe wangu nehasha dzepasi rose. Ko avo veku Wittenberg havazi makwai angu here? Mwari haana kuvaisa mumawoko angu here? Kunyangwe hazvo zvakadaro ndinotya kuona mukati menyika ye Germany pachimuka dambudziko rinokoka rushambwa neshamhu yaMwari.”—Ibid., b.ch.7.KK 120.2

    Neuchenjeri hwose hukuru uye nokuzvininipisa, panezve kusimba pasarudzo, Luther akatangisa basa rake. “Neshoko raMwari tinofanira kuputsa nokuparadza zvose zvakamiswa ne gakava nenharo. Ini handizozhandisi kumanikidza kana nharo kune vasingatendi kana vanotenda mumanenji. ... Hakuna anofanira kumbunyikidzwa. Rusununguko ndicho chimiro chokutenda kwedu.”—Ibid., b.9.ch.8.KK 120.3

    Zvakakasika kudaidzirwa mu Wittenberg kuti Luther akanga apinda munzvimbo uye kuti akanga auya kuti aparidze. Vanhu vakaungana kubva kumativi ose, kereke ikazara zvokushaisa vamwe nzvimbo mukati mayo. Achindomira patafura yokuparidzira, akashandisa uchenjeri hukuru pamwe nokupfava kwakanaka, akadzidzisa, akakurudzira pamwe nokutsiura. KK 120.4

    Achitaura nezvevamwe vakanga vakazvipinza mumabasa enyonga-nyonga, akati: “sakaramende yeMasi yakaipa; Mwari anopokana nayo; inofanira kurambidzwa; ndaidisa kwazvo kuti mupasi rose kuti ichinjaniswe nechirairo cheVhangeri. Ngakurege kuva nomunhu uchabviswa kwairi nechisimba. Tinofanira kusiira nhau iyi mumaoko aMwari. Shoko raMwari ndiro rakafanira kuti riite basa kwete isu. Ko ngei zvakadaro? Munogona kubvunza, nokuti ini handina moyo yavanhu mumavoko angu, sezvazvakaita nomuumbi wehari ane ivhu nyoro mumawoko ake. Tine kodzero yokutaura: hatina maruramiro kana kodzero yokuita. Isu ngatiparidze; zvimwe zvese ndezvaMwari. Dai ndaida kushandisa bope nenharo, chii chandaingawana? Zviso zvakaunyana, zvisina maturo, kunyengera uye tsika dzavanhu dzisina kunaka … pazvese izvi hapawanikwe kurevesa kwomoyo, kana kutenda kana rudo nehanya. Panoshaikwa zvitatu izvi, zvimwe zvese zvinoshaikwa ini handingavi nehanya nematuso eiri basa … Mwari anoita zvikurusa neShoko rake bedzi kupfuura zvingaitwa neni kana iwe tichibatanidza Simba redu tose isu vari panyika. Mwari anonzvera nekubata moyo; kana moyo uchinge watorwa, zvimwe zvose zvawanikwa…”KK 120.5

    Ini ndichaparidza nekuita nhaurirano, ndichanyora; asi handizomanikidzi munhu, nokuti kutenda isarudzo inoitwa pachena. Tarirai zvandakaita, ndakamira ndikapokana naPapa, mitero yezvivi, asi pasina bope kana mhirizhonga. Ndinoisa pamberi shoko raMwari; ndakaparidza ndikanyora—izvi ndizvo zvega zvandakaita. Moona kuti munguva iyo ini ndange ndakavata … shoko raMwari randaiparidza rakawisira pasi hutongi hwaPapa, zvokuti hakuna muchinda kana mambo akambenge aitira hutongi uhwu chinhu chakadaro. Kananepo, ini handina zvandakaita. Shoko raMwari ndiro rakanga riine simba rokuita zvose. Dai ndakashuvira kuti pave nehondo, ingadai nyika yose ye Germany yakazadzwa reropa semvura yemurowe. Asi chii chaizova matuso azvo zvese? Kuparara nokuondomoka kwezvese, miviri nemweya. Ini ndakaramba ndinyerere, ndokurega kuti Shoko raMwari ritenderere mupasi rose iro rega.”—Ibid., b. 9.ch.8.KK 121.1

    Zuva nezuva, kwevhiki rose, Luther akanga achiparidza kuvanhu vaidisa zvikuru kuteerera. Shoko raMwari ndiro rakabvisa chadzimira chakanga chapinda muvanhu chokusundwa namanyawi akaipa. Nokuda kwesimba reshoko revhangeri, vanhu vazhinji vakanga vatsauswa kubva muzvokwadi vakadzorwa mairi zve.KK 121.2

    Luther akanga asina pfungwa yokuti asangane nevakanga vakaita noupenzi hwamanyawi akaipa vakakonzeresa huipi hwakakura chose. Aiziva hake kuti vaiva vanhu vane kuona kuzere hutera, vaiva vanhu vaisazvidzora pamafungiro avo kunyangwe nepane zvavainzwa munyama yavo. Kunyangwe zvavo vaiti vaigashira chiedza nemirairo kubva kudenga, vanhu vakange vachinetseka zvikuru kuti vagashire kutsiurwa kudukuduku kuri munyasha. Pakuzviita ivo vanoziva, vaitarisira kuti vamwe vose vateerere kwavari pasina kupokana kana nharo. Varume ava pavakatsvaga kuita nhaurirano na Luther, iye haana kuvarambira, akaisa kunyengera kwavo kwose pachena ivo vakasazodazve kuramba vari mu Wittenberg.KK 121.3

    Kwechinguva, manyemwe akaipa akambodzikamiswa; asi mumakore mashoma akatevera, manyemwe akaipa akamukazve aine bope guru nematuso akaipa kupfuura pakutanga. Achitsanangura pamusoro pehutungamiri hwevanhu ava akati; “kwavari vanhu ava magwaro matsvene kwavari inotori tsamba yakafa, vose vakatanga kudaidzira vachiti, mweya! mweya! Asi ndinotaura muchokwadi kuti ini handingateveri kwavanotungamirirwa nemweya iyi. Mwari wenyasha dai angandichengeta kubva kukereke isina vamwe vanhu asi vanongori vatsvene voga. Ndinoda hangu kugara nevakazvininipisa, vasina simba, vanorwara, vanoziva pamwe nokunzwa kuti ivo vatadzi, vanochema nekugomera pamberi paMwari nguva dzose zvichibva pasi pemoyo yavo kuti Jehovah avape rubatsiro nekunyaradzwa.”—Ibid., b.10.Ach.10.KK 121.4

    Thomas Munzer, uyo akanga arimberi achishingaira zvikurusa muboka revaiva namanyawi akaipa, akanga ari munhu aiva noumhizha hukuru pamabasa ake iye zvokuti dai kubata kwake kwakange kuri mugwara kwaro, zvaidai zvakamubatsira kuita mabasa akanaka; asi Thomas akanga asina kudzidza hwaro hwokutanga hwakakosha muchitendero cheidi. “Thomas aiva akabatwa nemweya wokuda kushandura nyika yose, sezvinoita vose vane manyawi, achikanganwa kuti shanduko yokururama inofanira kutangira maari.” Ibid., b.9.ch.8. Thomas aisundwa nekuda kuzviwanira kukudzwa nesimba rokukwezva vanhu, akanga asingadi kuita iye wechipiri asi wekutanga kunyangwe nekuna Luther. Thomas akati vashumiri veshanduko yokururama pakubvisa simba raPapa vachiisa Bhaibheri, vakange vachigadzira imwe mhando itsva yehuPapa. Akaenderera mberi achiti iye akanga atumwa neDenga kuti amise panyika hushumiri hweshanduko yokururama yechokwadi. Akati; “munhu uyo anochengeta nokugara nomweya, ndiyezve anogara nokuchengeta kutenda kwechokwadi, kunyangwe iyeye munhu akafa asina kumbobvira aona magwaro matsvene muupenyu hwake.” Ibid., b.10.ch.10.KK 121.5

    Vadzidzisi vezvemanyawi vakazviisa mukutungamirirwa nemifungo yavo. Zvose zvavaifunga kana kunzwa kuda kuita, vaiti iri inzwi raMwari; nokuda kwamaitiro iwaya vakaenda kwokupedzisira mukurashika. Vamwe ndivo vaipisa maBhaibheri avo vachiti: “shoko rinouraya asi mweya ndiwo unopa upenyu.” Dzidziso dza Thomas Munzer dzakagashirika zvikuru kune maboka avanhu vanoda kuona nokunzwa zvinoshamisa nezvisina kujairika, zvaivapawo kuzvida nekuzvikudza nokuti vakanga votora pfungwa dzavanhu vachidziisa pamusoro peshoko raMwari. Shoko rake rakagashirwa nezviuru zvavanhu. Thomas akatanga kuzvidza kurongeka kwose kwokunamata paruzhinji, akatizve kuteerera makurukota anotonga zvinofanana nekuedza kuda kushumira Mwari naBhaari.KK 122.1

    Pfungwa dzavazhinji dzakanga dzatotanga kukurura joki reRoma, dzakatanga kutadza kutiwira vari pasi pamasimba ehurumende dzavo. Nokuda kwedzidziso dza Thomas Munzer, vanhu vose vakatanga kupupura kuti vakanga vaine kutumwa kunoyera kubva kudenga saka zvose zvavaida zvaitenderwa. Vaityora mitemo umwe neumwe achiita zvaaida. Nokuda kweizvi, kumukira vatongi kwaityisa kwakavapo, mhirizhonga nehondo zvikavapo. Minda ye Germany yakayerera ropa revakafira mukusagadzikana kwenyika.KK 122.2

    Kudumbirwa nokurwadziwa kwemoyo kwakasanganikwa nako na Luther kubvira kare achiri ku Erfurt zvino kwakamubata nesimba rakapetwa kaviri apo akange achiona matuso emanyawi akaipa zvichinzi michero yehushumiri hweshanduko yokururama. Vabati venyika avo vakanga vaine kudyidzana nehurumende yaPapa vakapa chirevo chokuti kumukira vatongi kwaityisa kwakavapo nemhirizhonga yaiva michero yehushumiri hwa Luther. Vamwevo machinda aiva nomufungiro mumwechetewo. Kunyangwe hazvo kutaura uku kwakanga kusina kana tsigiro nepaduku, hazvina kupedza kushushikana kukuru mukati memoyo wa Luther. Kuti nzira yedi nechiedza yaizozvidzwa nokufananidzwa nemabasa akaipa epasi-pasi, mutoro wakaremera Luther akauona wakamukurira kuti autakure. Nokune rumwe rutivi, vatungamiri vebope vaivenga Martin Luther nokuti akanga asina kupokana nedzidziso dzavo bedzi asi kuti akanga azvidzawo shoko ravo rokuti ivo vaitungamirirwa nomweya waMwari mutsvene. Luther akangezve avaudza kuti ivo vaiva vanhu vanomukira hurumende. Nokudaro vanhu ava vakada kutsiva Luther vachiti aiva munyengeri wavanhu. Kuna Luther zvakaita sokuti akanga azvikoromorera hasha dzavanhu pamwechete nehasha dzevatungamiriri. KK 122.3

    Vatungamiri veRoma vakazvirumbiza nokufara vachitarisira kukurumidza kuwa kwehushumiri hweshanduko yokururama; vaipomera Luther, kunyangwe nepamusoro pezvinhu zvaairwisa nokurevesa kuti zvirege kuitwa. Boka revemanyawi, nokupupura kwavo nhema vachiti vakanga vatadzirwa zvikurusa, vakakwanisa kuwana tsitsi norutsigiro kubva kuvanhu vakati wandei avo vavaikumbana navo pamaonero aya. Sezvazvinonyanya kuita munguva zhinji, zvikuru sei pakati pevanoenda kurutivi rwenhema, vanhu vanotovaona sokuti ndivo vakarurama varikutambudzwa nokuwurairwa hutsvene kana nepo zvisina kumira sokudaro. Iri rakanga riri basa guru rasatani, richisundwa nomweya mumwechetewo wekumukira Mwari wakatanga kuonekwa kudenga.KK 122.4

    Satani ari kushingaira nguva nenguva kuti anyengere vanhu nokuvatungamirira kuti vadane chivi kuti ndicho kururama, iko kururama konzi chivi. Basa iri ranga richibudirira sei! Kangani apo kuzvidza nekushoora zvichiiswa pamusoro pavanhu vaMwari vakatendeka nokuti vanomira vasingatyi vachirwira nokumiriria chokwadi! Vanhu vanotori nhume nevabati vasatani vanosimudzirwa nokuudzwa zvavanoda kunzwa dzimwe nguva vachitorwa savanhu vanoshumira nokufira Vhangeri, kurumwe rutivi vacho vanofanira kukudzwa nokusimbiswa pamwe nokubatsirwa nokuda kwokutendeka kwavo kuna Mwari, vari kuregwa vakamira voga, vachifungidzirwa zvakaipa uye nokushaya anovimbavo navo.KK 123.1

    Hutsvene hwekunyepera, nokuyera kwenhema zvichiri kuita basa razvo rokunyengera kuchishanda nzira dzakatsaukana-tsaukana mweya mumwechetewo wekumukira Mwari nokunyengera uchiri pabasa nanhasi. Sezvazvaiva mumazuva a Luther, mweya uyu unobvisa vanhu vazhinji pashoko raMwari wovatungamirira kuti vaite zvinodiwa nemifungo yavo mukurashika. Mukuita kwese uku, vanhu vanoramba kuteerera mitemo yaMwari. Irori ndiro rimwe remabasa asatani rinomubatsira kukunda uye kuti aise kushoorwa pamusoro pokuchena kwechokwadi chaMwari.KK 123.2

    Noumhare nokusatya, Luther akamira achirwira vhangeri kubva kuhondo dzaibva kumativi ose. Shoko raJehova iro mbune rakataridza kuve chombo chine simba mumhando dzose dzehondo. Nairori Shoko akarwisa veRoma vakanga vazvitorera masimba asiri avo. Akakundazve naro apo avo vaizviita vana muzvinadzidzo muzvikoro vairamba simba raMwari. Neshoko raMwari Luther akamira akasimba sedombo achirwisa boka ravarume vemanyawi avo vaida kuzvibatanidza noushumiri hwokururama. KK 123.3

    Chimwe nechimwe chezvinhu izvi zvaipikisa, nenzira yazvo zvega chaishanda kuti vanhu varambe magwaro matsvene vosimudzira uchenjeri hwemunhu semavambo akatendeka ekuwana nawo zivo yepamweya. Dzidziso yekutenda mune zvinooneka nezvinobatika idzidziso inotsausa. VeRoma vanotenda kuti Papa mutungamiri anozvimiririra akagashira kuzodzwa kusina kuvhenganiswa kuchibva kuvaapostora, kusingachinjwi kusvikira nokusingaperi. Kuita uku uye mafungiro aya anoita kuti mhando dzose dzohuipi nokupambadza nohuwori zvigovigwa pasi pohutsvene hwokunyepera zvichinzi kufambira mberi kwebasa ravaapostora. Kufemerwa nomweya waMwari kwaipupurwa na Munzer nevaimuteerera hakuna kubva kune rimwe simba guru rapamusoro asi kuti zvaibva mukufunga kwavo vamene kusina maturo. Zvakadaro, mifungo iyi yaitsausa vanhu kubva pamitemo yevanhu kunyangwe nemutemo waMwari. ChiKristu chezvokwadi chinogashira Shoko raMwari. Irori Shoko raMwari, ndiro rinoyera rakazara chokwadi chese chakafemerwa.KK 123.4

    Pakusimuka kwake achibva ku Wartburg, Luther akapedzisa basa rake rokuturikira Testamende itsva, iri vhangeri rakakurumidza kupihwa kuvanhu ve Germany mururimi rwavo. Bhaibheri iri riri mururimi rwavanhu ve Germany, rakagamuchirwa nomufaro mukuru navanhu vaifarira zvokwadi yaJehovah; asi rakarambwavo nokuzvidzwa navanhu vaida tsika dzavanhu kupfuura mutemo yaMwari.KK 123.5

    Vapirisita vakakatyamara zvikuru pakufunga kwavo kuti vakazenge vave kubvunzana nezve mutemo waMwari navanhu vavaitarisira pasi. Vakatyazve kuti kusaziva kwavo ivo Magwaro kwaizova chinhu chinozikanwa nomunhu wese. Zvaiva pachena kuti zvombo zvavo zvose zvavaifunga mumifungo yavo hazvaigona kumira kana bakatwa remweya ravapo. Roma yakaisa simbarayo rose kuedza kudzivisa kutenderera kwebhuku tsvene munyika. Kana nepo zvaiva saizvozvi, zvituko, zvirevo, kurwadzisa nenzira dzose hazvina kushanda kumisa kufamba kwebhuku raJehovah. Pakuwanda kwekurambidza kwaiita Roma kuti Bhaibheri rirege kuzikanwa, ndiko kwakava kusimbawo nokukura kwaiita chido chevanhu kutoda kuziva kuti iro Bhaibheri racho rinomboti kudini. Vose vaigona kuzviverengera shoko iri vaiva nechido chekuva naro. Vaifamba naro kwose kwavaiyenda, vachiverenga pamwe nokudzokorora kuverenga, vaisagutsikana neizvi kusvikira vavakugona kuisa ndima huru dzeshoko mundangariro dzavo. Aona kuti Testament itsva yakanga yagashirwa norufaro sei, Luther akaenderera mberi nokuturikira Testamende yekare. Aiipa kuvanhu muzvikamu pazvaikasika kuperera kunyorwa.KK 124.1

    Zvinyorwa zva Luther zvakagamuchirwa zvakafanana mumaguta kunyange nomumisha. “Izvo zvainyorwa na Luther neshamwari dzake, vamwe ndivo vaikusha. VaFata vakagutsikana kuti zvaisava pamutemo kuti vagare voga, vakashuvavo kushandura hupenyu hwavo hwokusashanda nokupemha kuti vagashire humwe hupenyu hurinani hune basa. Nokuda kwekusagona uye kusaziva kuparidza, bato iri ndiro raifamba misha nematunhu vachitengesa zvinyorwa zva Martin Luther. Nenguva duku, Germany yakazadzwa neboka iri revaitengesa zvinyorwa vakashinga.” Ibid., b. ch.9. 11KK 124.2

    Zvinyorwa izvi zvakadzidzwa nechidiso chaiva nehudzamu navarombo nevapfumi, vakadzidza nevasina. Usiku, vadzidzisi vezvikoro zvemumisha vaiverenga zvinyorwa izvi kumapoka madiki anenge akagara pamoto. Nokudaro basa iri parairamba richiitwa, mweya yaiponeswa pakugashira kwayo shoko raMwari nomufaro, vainge varinzwa vaifambawo naro vachiudza vamwe vhangeri romufaro.KK 124.3

    Shoko raMwari rakafemerwa rakataridza kuve chokwadi rokuti: “kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; kunopa njere usinamano” Mapisarema 119:130. Kudzidzwa kweshoko raMwari kwakaunza shanduko ine simba mumifungo nemoyo yavanhu. Hutongi hweRoma hwakanga hwaisira vanhu vavaitungamirira joki redare rakaita kuti vagare murima kwenguva huru nokuparara. Kuchengetedzwa kwetsika nemitemo nezvirango zvakabva kuvanhu zvaiitwa nomazvo neveRoma asi nzvimbo inokosha yemoyo nemweya yaisagutswa. Kuparidza Shoko raMwari kwa Martin Luther, achiisa pachena chokwadi chinoponesa, nairo shoko racho remene mumaoko evanhu, zvakamutsa masimba akarara kwete koga kuchenesa ndangariro kana kunatsa hupenyu hwepamweya, asi kupa simba idzva kupfungwa nendangariro.KK 124.4

    Vanhu vose nokusiyana kwavo, vaionekwa vaine maBhaibheri mumavoko avo, vachimirira dzidziso dzevhangeri sezvazvaitsanangurwa nevashumiri veshanduko yokururama. VeRoma vakanga vakasiira kuverengwa kweshoko raMwari kuvapirisita nevakazvisungira kugara muurombo, kuchena nekuteerera, nemafata vakavadanira pamwe kuti vagone kuramba dzidziso yaKristu muvanhu. Nokuda kwokusaziva magwaro uye simba guru raMwari, vapirisita nemakurukota avo vakanyadziswa zvikuru vakundwa navanhu vavaiti havana kudzidza uye vakarashika. Mumwe munyori we Catholic akati: “Luther akakurudzira vanomutevera kuti varege kuisa vimbo yavo mune chimwe chinhu asi Shoko raMwari roga.”—D’Aubigne, b.ch.11. Vanhu vazhinji vaiungana kuzonzwa chokwadi chichidzidziswa nevanhu vakange vaine kudzidza kushoma, vachitoita nhaurirano dzakasimba nevakadzidza magwaro.KK 125.1

    Kusaziva kwainyadzisa kwavarume ava vainge vakadzidza kwakanyanya kuiswa pachena apo nharo dzavo dzaipindurwa nedzidziso dzisina kana kumbooma dzeShoko raMwari. Vashandi, mauto, madzimai pamwe nevana, ndivo vaitoziva Magwaro zvirinani kupfuura maprista nemadhokotera.KK 125.2

    Musiyano waiwa pakati pevanhu vakadzidza shoko neavo vaiita tsika dzeRoma, waisaoneka pakati pavanhu vakadzidza voga bedzi asi kunyangwe nepakati pavanhuvo zvawo. Pakati pavakanga vasinei nehukuru munyika, vasinei nokuunganidza zvinyorwa uye kudzidzwa kwendimi dzakatsaukana-tsaukana … Vaiva vechidiki vane pfungwa dzakatambanuka, vakazvipira kuverenga Magwaro uye nokutsvaka maari vachizvigutsa noumhare noumhizha hwezvakaitika kare. Vaive nepfungwa dzaida basa, nehunhu uye moyo isina kutya mairi, vechidiki ava vakanga vane zivo yokuti kwenguva refu, hapana aigona kukunda kana pari pakubvunzana nezvemagwaro. Vaduku ava vari vamiririri veVhangeri zvaivaitira nyore kunyaradza vaRoma zvakadaro zvokuti kunyadziswa kwavo kwaionekwa navanhu. KK 125.3

    Vakuru vesangano reRoma pavakaona kuti huwandu hwevatendi hwakanga hwavakuderera zvikurusa, vakatsvaka rubatsiro rwavatongi vemumadzitare, vatungamiri vematunhu enyika vachishandisa nzira dzose dzavaikwanisa kuzama kudzorera vatendi kukereke. Asi vanhu vakanga vawana dzidziso itsva yaigutsa nzara dzemoyo yavo ndokubva vafuratira avo vakange vachivapa chakanga chisiri chingwa chaisagutsa.KK 125.4

    Apo moto yokutambudza vatendi yakabatidzwa kuitira kuparadza chokwadi navose, vatendi vakateerera kuraira kwaKristu paakati: “asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamungapedzi maguta ava Israeri, Mwanakomana womunhu asati asvika” Mateu 10:23. Chokwadi chakapinda kwose. Kune vaitiza kutambudzwa vaionavo kune imwe nzvimbo vakazarura masuwo vachitambirwa nomufaro. Pavaigara munzvimbo idzi, vaparidza Kristu. Pamwe vaiparidza Jesu mumakereke. Kana vakanyimwa mikana iyi, vaiparidza mudzimba kana pachena pabani pachena. Pose pavaiona boka ravanoda kuteerera Shoko, ivavo vanhu ndiyo yaibva yava Temberi yavo. Chokwadi chaiparidzwa zvine simba nekohomedzo chikatekeshera pasina simba raidzivisa.KK 125.5

    Simba rekereke nerenyika rakatadza kutuvidza simba revhangeri, munondo, matirongo, moto, uye nokurwadzisa vanhu, hazvina kudzora vanhu kukereke yeveRoma. Zviuru nezviuru zvavatendi zvakasimbisa kutenda kwazvo neropa razvo, kunyangwe zvakadaro basa revhangeri harina kumira. Kutambudzwa kwemaKristu kwakashanda bedzi kuti vhangeri raKristu riende kumberi. Vaiita manyemwe akaipa vachizama kubatanidza boka ravo nehushumiri hweshanduko yokururama yechokwadi zvakaburitsa pachena kuti vaiita manyemwe akaipa vaisava norupandi mubasa raMwari.KK 126.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents