Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 21—YAMBIRO INORAMBWA

    Mukuparidza vhangeri yekudzoka kwaJesu, Miller nehama dzake vakanga varikutsvaga chinangwa chimwechete chekumutsa vanhu kuti vagadzirire rutongo rwaisvika. Vaitsvaka kumutsa vatendi kuti vagamuchire tariro yechokwadi yeSangano, uye kuti vaone chido chayo chekuva nekutenda kwakadzika munaKristu, uyezve vaiedza kumutsa moyo yevasingatendi kuti vaone kuti ibasa ravo kutsvaga ruponeso nekutendeukira kunaMwari. “Chakanga chisiri chinangwa chavo kutendeutsira vanhu kukachikwata kakapanduka, kana kune rimwe boka rechitendero. Nokudaro vakashanda pakati pevanhu vose, nezvikwata zvose, asi vasingapindiri muhurongwa hwemasangano.” KK 238.1

    Miller anoti: “Mukushanda kwangu kose, handina kumboita pfungwa yekutanga boka rangu rekunamata kunze kweMasangano aivapo, kana kuti rimwe Sangano riwane nhengo kubva kune rimwe. Ndaifunga kuti Masangano ese achabatsirika. Dai maKristu ese aifarira kuuya kwaJesu, uye dai avo vaisafarira nyaya iyi vaine muono wakasiyana newangu, vaisaona kuipa pane vaigamuchira, handina kumbofunga kuti pangazoita kuparadzana kwemapoka evanhu. Chinangwa changu chikuru chaiva chekutendeutsira vanhu kunaMwari, nekuzivisa nyika pamusoro perutongo rwaiuya, nekubatsira vanhu kuti vagadzirire moyo yavo kuti vazogona kusangana naMwari murugare. Vazhinji vevanhu vakatenduka pabasa rangu vakaenda kunova nhengo mumaSangano akanga aripo nguva yacho.” —Bliss, peji 328.KK 238.2

    Sezvo basa rake pakutanga raibatsira kuwedzera nhengo mumasangono, rakatanga richionekwa senyasha. Asi apo vafundisi nevatungamiri veZvitendero vakatanga kuzorwisa nyaya yevhangeri rekudzoka kwaJesu, nekuyedza kutsikirira vanhu kuti vasariteerera, havana kuzorirwisa pakuparidza bedzi, asiwo vakatanga kurambidza nhengo dzavo nekudzishaisa mukana wekuenda pamisangano yekuparidzwa kwevhangeri iri, kana kutaura nezvazvo chero vari kudzimba dzavo kana mumaruwadzano eKereke. Izvi zvakaita kuti vatendi vapinde pakamanikana. Vatendi vaida maSangano avo uye vaisada kusiyana nawo; asi pavakatanga kuona kuti Shoko raMwari rakanga rava kutsikirirwa pasi, uye kodzero dzavo dzekunzvera matsamba nezviporofita dzavakumbunyikidzwa, zvakavasvitsa pakusarudza kuteerera Mwari. Avo vaitsvaga kudzivirira nekuramba zvipupuriro vakabva vatanga kuvaona sevasiri nhengo dzeKereke yaKristu iyo “mbiru nehwaro hwechokwadi.” Izvi zvakavapa simba rekubvuma kuti zvaivanani kuparadzana nemaSangano avo. Izvi zvakaita kuti, muzhezha ra1844, vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu vaparadzane nemaSangano avo. KK 238.3

    Munguva iyi, pane shanduko yaifanira kutoitika mumaSangano muAmerica yose. Pakange pave nekakufanana nenyika kakaramba kachikura nekufamba kwemakore mukati memaSangano, apo tsika dzenyika nekaitiro kenyika zvakanga zvave kuonekwa mukudzikira kwaiita chiKristu muupenyu hwevanhu; asi mugore iri, pakaonekwa kudzikira kukuru potse mumasangano ose munyika. Kunyangwe pakashaikwa akataura nezvazvo, asi chinhu chaitoonekwa chichitaurwa kunyangwe nevemapepanhau nevaparidzi. KK 238.4

    Pane umwe musangano wevatungamiri vekereke muPhiladelphia, Murume ainzi Barnes, aivawo munyori uye mufundisi mune imwe kereke huru muguta “akataura kuti akanga ave nemakore makumi maviri mubasa rechifundisi, asi haana kumbenge aita rusando rwechirairo, kusvikira parusando rwaakanga abva kuita, asina kumboona kudzikira kana kupera kwevanhu muKereke, asi zvino, pakanga pasisina kutirimuka, kana kutendeuka, kunyangwe kukura munyasha kuvatendi, uye hakuna aiuya kuzodzidza pamusoro pekuponeswa. Nekuwanda kwaiita mabhizimisi, nekujeka kwaiita mikana munezvekugadzirwa nekutengeswa kwezvinhu, panewo kukura kwekupinda munezvenyika. Izvi zvirikuitika mumaSangano ose. — Congregational Journal, May 23, 1844.KK 238.5

    Mumwedzi waKukadzi gore iroro, Muzvinafundo Finney weKorichi yeOberlin akati: “Chokwadi tinacho pameso edu, kuti masangano ose akazvarwa panguva yekuratidzira (Protestenti), emunyika yedu, aizivikanwa nekushoropodza, kana kuramba zvingade kuitwa mumakore ose apfuura. Asi hapachina tariro, zvangova pakati nepakati. Tinewozve chimwe chokwadi: kushaikwa kwerumutsiriro mumakereke ose. Nzara yepamweya iri kuonekwa, uye yakadzika; saka zvitendero zvose munyika zviri kupupura … nenzira yakakura chose, nhengo dzesangano munyika dzavakufarira zvekuchena nembatya, — dzichibatana nevasingatyi Mwari mumitambo yavo yekuzvifadza, mukutamba, nemumabiko, nezvimwe zvakadaro. Asi tinofanira kutambanudza chidzidzo chinorwadza ichi. Zvatinazvo ndezvekuti, humbowo huripo uye huri pamapfudzi edu, kuti tibvume kuti pane kudzikira kwakakura zvinosuwisa mumasangano. Vanhu vaenda kure-kure naMwari, uye Mwari azvibvisa pakati pavo.”KK 239.1

    Umwe munyori wechinyorwa chainzi Religious Telescope akapupura kuti: “Hatisati tamboona kudzikira kwekutenda kwakadai sezvaitika zvino. Chokwadi, Sangano rinofanira kumuka, ritsvage chikonzero chaita zvidai; nokuti vose vanoda Zion vanofanira kuungudza vachiona izvi. Nokuti patinoona kupera kwaita kutendeuka kwazvokwadi, uye kusindimara kwaita vatadzi, hatingagoni kusachema tichiti, ‘Mwari wakanganwa here kuva nenyasha, musiwo wemutsa wavharwa here?” KK 239.2

    Chimiro chakadai hachigoni kuitika muSangano pasina chikonzero. Rima repamweya rinowira pamusoro penyika, pamusoro pekereke navanhu, asi risingakonzerwi nokuti Mwari vabvisa nyasha netsitsi pakati pavanhu, asi nokuda kokuti vanhu varamba chiedza chitsvene. Muenzaniso mukuru wakajeka ndewezvakaitika kwaJudha mumazuva ekuuya kwaKristu. Nekuda kwavo kubatana nenyika uye nekukanganwa shoko raMwari, ndangariro dzavo dzakabatwa nerima, moyo yavo yaida nyika ikasvibiswa. Izvi zvakaita kuti vasaziva kuuya kwaMesiya, saka mukuzvikudza nekusatenda vakaramba Mudzikinuri wavo. Mwari haana kumbobvisa rudzi rwaJudha kana kuvadzima kuti vasagoverwa nyasha dzekuponeswa. Asi ivo vakaramba zvokwadi vakarasikirwawo nechidiso chekuwana chipo cheDenga. Nokuti vakaisa “rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima,” kusvikira chiedza chaiva mavari chashanduka rima; uye tarira, kukura kwedima iro! KK 239.3

    Zvinonakira Satani kana vanhu vakava nemufananidzo wekutenda asi mweya yavo ichishaiwa simba rehumwari. Mushure mekuramba kwavo vhangeri, vaJudha vakaenderera mberi vachishingaira kuchengeta zviga zvekare zvekunamata, vakashanda nesimba kuchengetedza chimiro chekusiyana kwavo nemamwe marudzi, asi ivo pachavo vachiramba kubvuma kuti huvepo hwaMwari hwakanga husisipo pakati pavo. Chiporofita chaDanieri chainongedzera zvakajeka nguva yekuuya kwaMesiya, uye chaitaura zvakajeka pamusoro perufu rwake, zvakabva zvaita kuti vasakurudzira kudzidzwa kwacho, pakupedzisira, vadzidzisi vavo vakaisa chituko pamusoro peavo vaiedza kuverenga nguva. Mumazera nemazera mukufamba kwenguva, rudzi rwaIsraeri rwakapofumadzwa, ndokumira mukusaziva nyasha dzavakapiwa dzeruponeso, vasina hanyawo nechikomborero cheVhangeri, iro raivapa yambiro yekuramba chiedza chinobva kudenga.KK 239.4

    Pese panowanikwa zvinokonzera, matuso mamwechetewo anowanika. Uyo unotsinzinira maune achiziva zvaanofanira kuita nokuti zvinokanganisa zvaanoda, pakupedzisira acharasikirwa nesimba rekugona kutsaura pakati pechokwadi nenhema. Kunzwisisa kunosvibiswa, ndangariro dzinorasika, moyo unowomeswa, uye mweya unoparadzana naMwari. Pese apo shoko raMwari rezvokwadi rinorambwa, sangano rinokomberedzwa nerima; kutenda nerudo zvinotonhora, pakupedzisira kupanduka kunopinda. Nhengo dzeSangano dzinomisa zvidiso zvavo nesimba ravo mukutsvaga zvenyika, nokudaro vatadzi vanoomeswa moyo muzvivi zvavo. KK 240.1

    Shoko rengirozi yekutanga muna Zvakazarurwa 14, rinodaidzira kusvika kwenguva yaMwari yekutonga, richidanidzira vanhu kuti vatye nekunamata Mwari, rakagadzirirwa kuti ripatsanure vanhu vaMwari kubva munezvinowodza vanhu munyika, uye kuvamutsa kuti vaone chimiro chenyika chekudzokera shure. Mushoko iri, Mwari vakatuma yambiro kuSangano, iyo, dai yakagashirwa, yaigona kugadzirisa zvakaipa zvaivavharidzira kuona Mwari. Dai vakagashira shoko rakabva kudenga, vachizvininipisa pamberi paMwari, nekutsvagisisa kugadzirirwa kumira pamberi pake, Mweya waMwari nesimba zvingadai zvakaratidzwa pakati pavo. Sangano ringadai rakasvika pachimiro chekubatana, kutenda, nerudo icho chaivapo mukereke yeVaapostora, apo vatendi, “vaiva nomoyo mumwe, nemweya mumwe, uye vachiparidza shoko raMwari nesimba, ndokubva Jehovha vawedzera pakati pavo avo vaiponeswa.” Mabasa 4:32, 31; 2:47 KK 240.2

    Dai vanhu vaMwari vachigashira chiedza apo chinouya pamusoro pavo kubva muShoko rake, vaigona kusvika pakubatana uko Kristu akanyengeterera, uko kunotsanangurwa nemuApostora achiti: “vumwe hwomweya muchisungo chorugare.” Nokuti “Kune kutenda kumwe, nomweya mumwe, sezvamakadanwa kutariro imwe youkudanwa kwenyu; Ishe mumwe, kutenda kumwe, noubhabhatidzo rumwe.” Vaefeso 4:3-5. KK 240.3

    Ichi ndicho chikomborero chakawanikwa neavo vakagamuchira shoko rokudzoka kwaJesu. Vaibva kumaSangano akasiyana, asi kusiyana kwemaSangano avo kwakakandirwa pasi; dzidziso dzaipikisana dzikaraswa; tariro yainzi yenguva pfupi mumakore chiuru yaizopera yakaraswawo, miono yemanyepo pamusoro pekudzoka kwaJesu yakagadziriswa, kuzvikudza nekuda nyika kukabviswa kure, zvakakombama zvikatasanurwa; moyo ikabatana mukuwadzana kunotapira, uye rudo nemufaro zvikatonga. Kana vhangeri iri rakagona kubatsira vashoma vakarigamuchira, ringadai rakanakirawo vazhinji dai vakarigashira. KK 240.4

    Asi masangano haana hawo kugashira yambiro iyi. Vaparidzi vavo, avo vainge nharirire, “kuimba yaIsraeri,” vangadai varivo vekutanga kunzvera zvimiso zvekudzoka kwaJesu, asi vakatadza kudzidza zvokwadi iyi kubva muhuchapupu hwezviporofita, pamwechete nemuzviratidzo zvenguva. Apo tariro dzepanyika nezvidiso zvenyika zvakazadza moyo yavo, rudo rwaMwari nekutenda mushoko rake zvakatonhora; vhangeri yekudzoka kwake payakaparidzwa, yakangomutsa mavari kusatenda nekunyunyuta. Pfungwa yekuti, vhangeri iyi yainyanya kuparidzwa nenhengo dzesangano, yakashandiswa sechombo chekuiramba. Sepamazuva akare, shoko raMwari riri pachena rakaiswa pasi pebvunzurudzo dzaiti: “Kune here umwe wevatongi vaFarise atenda shoko iri?” Apo vaizoona kuti zvakanga zvakaoma kuramba pfungwa dzaibuda muzviporofita izvi, vazhinji vakatanga kusakurudzira kudzidzwa kwazvo, vachidzidzisa kuti matsamba echiporofita aya akanga akavharwa nezvisimbiso saka haaigona kunzwisisika. Vazhinji-zhinji avo vaivimba nekudzidzisa kwevafundisi vavo, vakaramba kuteerera yambiro iyi, uye vamwe, kunyangwe vakagutsikana kuti chaiva chokwadi, vakaramba kuchigamuchira, nokuti vaitya “kuzoburitswa mumaSinagoge.” Shoko rakatumwa naMwari rakashanda kuyedza nekunatsa Sangano rikabva raburitsa pachena kuwanda kwevanhu vakanga vakanangisa zvidiso zvavo munyika kwete panaKristu. Zvisungo zvaivabatanidza nenyika zvakanga zvakasimba kudarika zvaivakwezvera kudenga. Vakasarudza kuteerera kuinzwi renjere dzenyika moyo yavo ikafuratira zvokwadi. KK 240.5

    Pakuramba yambiro yengirozi yekutanga, vakaramba mukana wekuyanana naMwari uyo Denga ranga ragadzira. Vakaramba kuteerera mutumwa uyo akanga auya kuzogadzirisa nyaya yezvakaipa izvo zvaivaparadzanisa naMwari, vachibva vaita chidikwa-dikwa chekuyanana nenyika. Ichi ndicho chikonzero chakaita vanhu vapinde muchimiro chinotyisa chekuyanana nenyika, kudzokera shure, nekufa pamweya sezvakaonekwa muna 1844. KK 241.1

    Muna Zvakazarurwa 14, Ngirozi yekutanga inoteverwa nekudanidzira kwechipiri kunoti: “Rawa, rawa, Bhabhironi, iro guta guru, nokuti rakanwisa marudzi ose waini youpombwe hwaro.” Zvakazarurwa 14:8. Vara rokuti “Bhabhironi” rinobva pane rinoti “Bhabheri,” uye rinoreva ‘nyongano.’ Rinoshandiswa muBhaibheri richireva zvimiro zvizhinji nemapoka enhema ekunamata. Muna Zvakazarurwa 17, Bhabhironi rinomiririrwa nemukadzi—unova mufananidzo unoshandiswa muBhaibheri kana zvichirehwa Sangano, — mukadzi akangwara achimirira Sangano rakachena, mukadzi chifeve achimirira Sangano rakarasika. KK 241.2

    MuBhaibheri, hukama hunoyera nechimiro chekutsungirira chehukama hwaKristu neSangano Rake hunomiririrwa nekubatanidzwa mumuchato wewanano. Mwari akazvibatanidza nevanhu vake nesungano inoyera, akavimbisa kuva Mwari wavo, ivo vakazvipira kuva vake, uye vake oga. Mwari anoti: “Ndichakunyenga kuti uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga kuti uve wangu nokururama, nokururamisira, nenyasha.” Hosia 2:19. Zvakare anoti: “Nokuti ndiri murume wenyu.” Jeremiya 3:14. Na Pauro vo unoshandisa mufananidzo umwechetewo muTestamende Itsva paanotaura kuti: “Nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara yakachena.” 2 VaKorinte 11:2.KK 241.3

    Kusatendeka kweSangano raKristu pakubvuma kuti vimbo yaro ibve kwaari, nekutendera rudo rwenyika kuzadza moyo, kunofananidzwa nokusvibiswa kwemhiko yemuchato. Chivi chaIsraeri payakabva pana Mwari chinotsanangurwa nemufananidzo iwoyu; uye rudo rwunoshamisa rwaMwari rwavakazvidza runotaurwa ruchinzi “Ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” “Ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe. Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako … Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako.” Aiwa, Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake! “Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imwi makandinyengera.” Ezekieri 16:8, 13-15, 32; Jeremiya 3:20.KK 241.4

    MuTestamende Itsva, rurimi rumwe rwunoshandiswa kutaura kuvatendi veChiKristu avo vanotsvaka hushamwari nenyika panzvimbo yaMwari. MuApostori Jakobo anoti: “Imwi voupombwe, hamuzivi here kuti hushamwari neNyika hunovengana naMwari? Aninani unoda nyika unovengana naMwari.” KK 241.5

    Mukadzi: Bhabhironi, wemunaZvakazarurwa 17 anotsanangurwa kuti: “Wakanga akapfeka nguwo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake: pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BHABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE.” Muporofita anoti: “Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa revatsvene, vuye ropa rezvapupu zvaJesu.” Bhabhironi rinotsanagurwazve zvichinzi: “iro guta guru, rinobata vushe bwamadzimambo enyika.” Zvakazarurwa 17:4-6, 18. KK 242.1

    Kwemazana emakore, sangano reRoma isimba rakabata hushe pakati pemadzimambo enyika. Ruvara rutsvuku norushava, ndarama namabwe anokosha, zvinonyatsoburitsa hutongi hunozvikudza nepfuma yehutungamiri hweRoma. Hakunazve humwe hutongi hune simba panyika hunganzi “hwakabatwa neropa ravatsvene” hungaita seSangano iri rakatambudza vateveri vaKristu. Bhabhironi rinopiwa zvakare mhosva yechivi chokubatana “namadzimambo enyika.” Nokudza kwokubva pana Mwari, nokuita zvisungo nevahedheni, Sangano revaJudha rakava chifeve, nokudaro Roma, yakazvisvibisa nenzira imwecheteyo payakatsvaga rutsigiro rwemadzimambo enyika ane simba, ndokubva yatongwa. KK 242.2

    Bhabhironi rinonzi “Mai vemhombwe,” saka vakunda varo vanofanira kuva masangano anobatirira padzidziso netsika dzaro, achitevera muyenzaniso waro wekuchekeresa zvokwadi vachitsvaga kuyanana nenyika. Shoko raZvakazarurwa 14 rinodanidzira kuwa kweBhabhironi rinorevavo nechimiro chemaSangano ezvekunamata akambenge akachena asi zvino awora. Sezvo shoko iri richitevera shure kweyambiro yerutongo, rinofanira kupiwa mumazuva ekupedzisira, saka haringarevi sangano reRoma bedzi, nokuti Sangano iri ragara muchimiro chekuwa kwemazana emakore. Pamusoro pezvo, muchitsauko chegumi nesere chaZvakazarurwa, vanhu vaMwari vanoshevedzerwa kuti vabude muBhabhironi. MuBhaibheri, zvinoratidza kuti vazhinji vevanhu vaMwari vanofanira kunge vachiri muBhabhironi. Saka mubvunzo ndewekuti, ndeapi Masangano ezvekunamata ayo ane vanhu vazhinji vanonamata Kristu? Ichokwadi kuti vanhu ava vanowanikwa mumasangano echiProtestenti. Pakutanga kwawo, masangano aya aimira muzvokwadi yaMwari, saka chikomborero chake chaiva pamusoro pavo. Kunyangwe nenyika yakatenda nekuziva kuti paiva nechikomborero pakutevedza zvimiso zveshoko raMwari. Mumashoko emuporofita, Israeri: “Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Asi vakawa nechikonzero chakawisa nekuparadza Israeri,—chidiso chekufanana nenyika nekushamwaridzana nevasingatendi. “Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako.” Ezekieri 16:14, 15. KK 242.3

    Makereke mazhinji echiProtestant arikutevera muyenzaniso weRoma wekubatana nemadzimambo enyika muzvakaipa zvavo— masangano ehurumende, nokuda kwehukama hwawo nehurumende dzenyika; uye mamwewo masangano, nokuda kwekutsvaga rugare nenyika. Saka vara rekuti Bhabhironi—nyongano, rinofanira kana rikapiwa masangano aya ose, anozviti anotora dzidziso dzavo muBhaibheri, asi vanoparadzana kuita zvipoka zvipoka zvisingaverengeki, vaine zvidzidzo zvinopikisana. Pamusoro pechivi chekuwadzana nenyika, masangano akabuda muRoma anoratidzazve imwe minongedzo inofanana neRoma. Chimwe chinyorwa cheSangano reRoman Catholic chinoti: “Kana Sangano reRome riine mhosva yekunamata zvifananidzo zvine chekuita nevaSande, mwanasikana waro, Sangano reEngland, rinemhosva imwecheteyo, nokuti rine maKereke gumi akazodzwa kuna Maria, kozoita Kereke imwechete yakazodzwa kunaKristu.”—Richard Challoner, The Catholic Christian Instructed, Nhanganyaya, peji 21, 22.KK 242.4

    Chiremba wezvefundo Dr. Hopkins, muchinyorwa “A Treatise on the Millennium,” anoti: “Hapana chikonzero chingaita kuti mweya wechiAnti-Kristu nemabasa acho ungonzi unowanikwa musangano nhasi ravakunzi reRoma. MaSangano echiProtestant navowo ave nemweya waAnti-Kristu mavari, uye vari kure nehutsvene kana kuchitariswa huipi nehuwori.”—Samuel Hopkins, Works, vol. 2, p. 328.KK 243.1

    Vachitaura nezvekubuda kwakaita sangano rePresbyterian kubva munereRoma, munyori Dr. Guthrie anonyora kuti: “Makore mazana matatu apfuura, sangano redu raifamba riine Bhaibheri rakazaruka pamureza waro, paine runyoro rwaiti “Tsvakai mumatsamba” ndokubva rafora richibuda mumasuwo eRoma. ” Anobva abvunza mubvunzo unokosha unoti: “vakanyatsobuda here zvemazvirokwazvo muBhabhironi.“—Thomas Guthrie, The Gospel in Ezekiel, peji 237.KK 243.2

    “Sangano remuEngland,” mukutaura kwa Spurgeon, “rinoratidza kuti rakanyura mukudzidzisa zvitsvene, asi kusasiyana nenyika kunenge kunonetsa. Avo vatafunga kuti varinani vavekubuda mugwara rehwaro hwekutenda mumwe nemumwe. Sangano rose reEngland razara nekusarurama uko kunopinda muKereke kunonamata kuchizvidaidza kuti muKristu.”KK 243.3

    Kurashika kwakatangira papi? Sangano rakabva sei pakuzvininipisa kweVhangeri? Izvi zvakauya nekuda kwekuyanana netsika dzechihedheni, zvichiitirwa kuti vahedheni vagone kugamuchira chiKristu. Nanhasi MuApostori Pauro anotaura kuti: “Chakavanzika chokurasika chotobata basa.” 2 VaTesaronika 2:7. Munguva yevaApostori, Sangano rakaramba riine hutsvene. Asi, “mumakore ekupedzisira eSenjuri yechipiri, maSangano mazhinji akatanga kushanduka chimiro chawo, zvichitanga nekupera kwekuzvininipisa, tevere kushaya hanya, zvekuti vadzidzi pavaizorora murufu, vana vavo, pamwechete nevatendi vatsva, … kwakazouya chinamato chakavandudzwa.” —Robert Robinson, Ecclesiastical Researches, ch. 6, par. 17, p. 51. Senzira yekutsvaka nhengo itsva, zvimiso zvinokosha zvechiKristu zvakarerutswa, nokudaro “dzidziso dzechihedheni dzakapinda musangano segukurahundi redzidziso, mitambo netsika uye zvifananidzowo.” —Gavazzi, Lectures, peji 278. Apo chitendero chechiKristu chakatanga kuwana rutsigiro rwemadzimambo enyika, chakatanga kugashirwa nezinengetenge nevatendi vatsva; avo vaiita kunge maKristu mukuonekwa kwavo, asi pakuita vakaramba vari vahedheni, vainamata zvifananidza muchihwande.”— Ibid., page 278.KK 243.4

    Tsika idzi hadzina here kuramba dzichidzokororwa mukereke dzechi Protastant dzinenge dzose? Apo vakatanga masangano awa, avo vakanga vaine mweya wezvokwadi vakanga vari kupfuura nenguva, vakauya kumashure kwavo vakasimuka vakatanga kudzidzisa “nzira itsva yekunamata.” Apo vairamba vakabatirira mudzidziso dzemadzibaba avo, vachiramba zvokwadi yose yaiuya kwavari ingade kushandura zvavaiziva, vana ava vakatanga kubva pamuenzaniso wekuzvininipisa kwevakavatangira, kuzviramba nekusiya zvenyika. Nokudaro, “kana kuzvininipisa kwepakutanga kukatama, mututu wemvura ine mhepo yedzidziso dzenyika unokukurira tsika dzawo nezvifananidzo musangano.”KK 243.5

    Zvinotyisa kuona kukura kwesimba rehukama nenyika apo zvinoparadza sangano zvinova ndizvo “zvinovengana naMwari” ndizvo zvinodiwa nevatendi. Zvinorwadza kuti maSangano mazhinji echiKristu ane mukurumbira akabva pashoko raMwari nezvimiso zvaro zvinoti, kuzvininipisa, kuzviramba, nehumwari. John Wesley achitaura pamusoro pekushandisa mari zvakanaka anoti: “Usatambisa chero chidimbu zvacho chetarenda iri rinokosha, uchiita zvinofadza meso, kutenga zvipfeko zvinodhura, kana kutsvaga zvishongo zvisina maturo. Usaitambisa mari mukushongedza dzimba; kutenga midziyo inodhura, nemifananidzo inogadzirwa. Rega kuita izvo zvinofadza kuchiva kwenyama, kuti uzviwanire kukudzwa navanhu. Kana ukaita zvakanaka muupenyu hwako, vanhu vanozviona nekutaura nezvazvo, kana ukapfeka maparera anokosha mazuva ose, vanhu vachataura nezvako nerudo rwako. Asi dai ukagutsikana nerukudzo runobva kunaMwari.”—Wesley, Works, Sermon 50, “The Use of Money.” Asi nhasi mumasangano edu mazhinji dzidziso yakadai hadzigamuchiriki.KK 243.6

    ‘Mufananidzo bedzi’ wekunamata ndiwo wakurumbira munyika nhasi. Vatongi, vana chiremba, vezvematongerwo enyika, nevemabhizimusi nhasi uno vave kupinda mukereke vachitsvaga kugamuchirika nerukudzo rwevanhu, asi vachitungamidza zvidiso zvenyika mukuita kwavo. Nokudaro vanotsvaga kuvanza kusarurama kwavo munguwo yechiKristu. Masangano akasiyana-siyana echitendero, anowana rutsigiro rwepfuma yevanhu venyika ava, vachizvitsvagira mukurumbira. Zvivakwa zvemaSangano zvinopfuura nekunaka zvinovakwa munzira dzemumaguta dzakakurumbira. Vanamati vanozvishongedza nguwo dzamaparera dzinodhura. Muparidzi weshoko anopihwa muhoro wakakura kuti afadze, kukwezva nekunakidza vanamati ava. Mharidzo dzake dzinofanira kugamuchirika munzeve dzavo asi hadzifaniri kutaura pamusoro pezvivi zvavo. Nokudaro, vatadzi vanonyorwa mumabhuku esangano, vachiita havo zvivi zvavakajaira asi zvichivanzwa pasi penguwo yehumwari. KK 244.1

    Rimwe pepanhau rine mukurumbira, apo richinyora pamusoro pekaitiro kevatendi vechiKristu ava rinoti: “Kereke yashanduka nhasi, yagamuchira nekufanana nemweya wenyika yanhasi mukunamata kwayo.” “Zvose izvo zvinoita kuti chinamato chikwezve vanhu, ndizvo zvayava kushandisa sezvombo zvayo.” Umwe munyori wepepanhau rinonzi ‘The New York Independent” anotaura nezve Kereke yeMethodism achiti: “Mutsara unopatsanura vanonamata nevasinganamati uri kudzima, uye vatenderi vacho vose varikushanda nesimba kuti vadzime mutsauko wekaitiro kemapoka maviri aya.” “Mukurumbira wezvekunamata urikukura asi uchiedza kusvikira vanhu vasingazoremerwi nemutoro wacho.” Howard Crosby anoti: “zvinorwadza sei kuti tavakuona kuti Kereke yaKristu haichazadzisi zvinangwa zvake. Sezvakaitawo vaJudha vekare avo vakatendera tsika dzezvifananidzo dzemarudzi kuti dzibe moyo yevanhu vaMwari, ndizvo zvave Kereke yaJesu nhasi, nokuda kweruwadzano rwayo nenyika yevasingatendi, ichikanda pasi tsika dzehutsvene hwechokwadi, ichigamuchira tsika dzakatukwa, asi dzinokudzwa nevanhu vasina Kristu, ichishandisa gakava rinosvitsa pazvisungo zvinopesana neshoko raMwari, zvichirwisana kwazvo nekukura munyasha.”— The Healthy Christian: An Appeal to the Church, pages 141, 142.KK 244.2

    Mukati medutu guru iri rekutsvaga kuzvifadza munyika, kuzvipira munaKristu nekuzviramba zvinopotsa zvakukurwa zvachose. “Vamwe vevanhurume nevakadzi vari mumasangano nhasi vakadzidziswa pahudiki hwavo, kuti vazvipire kupa kana kushandira Kristu.” Asi, “nhasi kana podiwa mari … hapana anofanira kumanikidzwa kupa, Oh kwete! asi zvanzi, munofanira kuronga mitambo, kana mabiko ezvekudya, izvo zvingaiite kuti vanhu vafare.” KK 244.3

    Gavhena Washburn weWisconsin mushoko rake repagore, musi waNdira 9, 1873, akadaidzira kuti: “Panofanira kugadzirwa mutemo ungagona kupaza zvikoro zvirikudzidzisa njuga. Zvikoro izvi zvave pose-pose. Kusanganisira neKererke, zvisina kufungidzira, iri kuwanikwa dzimwe nguva ichiita basa raDhiabhorosi. Mitambo yezvipo, kushambadza zvipo nemakwikwi, zvinoitirwa kuti mari yevhangeri iwanikwe nekuzobatsira vanoshaya! Zvimwe zvacho zvinopiwa semibairo, njuga dzinotambwa, mibairo inohwinhwa, zvose izvi zvichiitirwa kuwana mari isina pundutso. Hapana chinhu chakaipisisa nekuuraya kukuru chinopfuura kuti vechidiki vadzidziswe kuwana pfuma yavasina kushandira. Vanhu vanoremekedzwa vanoiitawo izvi, vanotamba mitambo yemhanza mambure, vachiuuraya pfungwa dzavo kusvika pakufunga kuti mari iyoyo ichaenda kunoita basa rakanaka, saka hazvishamisi kuti nevechidiki munyika nhasi vawirawo mutsika iyi yemitambo yakaipisisa kwazvo.”KK 244.4

    Mweya wekufanana nenyika nemafaro wapinda muchiKristu. Robert Atkins, mumharidzo yake ari muguta reLondon, anotaura padima nekudzikira kwechiKristu kwakanga kwava munyika ye England achiti: “vakarurama vechokwadi vopera panyika, asi hakuna munhu arikuzviisa pamoyo. Vanhu vanozviti vanamati vaMwari nhasi, mukereke dzose, vanoda nyika, varikufanana nenyika, vanodawo mafaro enyika, uye varikushingairira kukudzwa nenyika. Vakadanirwa kuti vatambudzike pamwechete naKristu, asi vanotya kuita izvozvo. Kupanduka! Kupanduka! Kupanduka! ndiro shoko rakanyorwa namatare pamikova yemakererke ose; asi dai vaizviziva havo, dai vaizviona havo, dai vaizvinzwa havo, kungadai kuine tariro; asi kwete, vanodanidzira vachiti: “takapfuma, takapfumiswa, uye hatishaiwi chinhu.”— Second Advent Library, Tract No. 39.KK 245.1

    Chivi chikuru cheBhabhironi ndechekuti: “rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa koupombwe hwaro.” Mukombe unobata uyo rinopa kunyika unomirira dzidziso dzenhema idzo rakagamuchira nokuda kwekubatana nemadzishe makuru nyika. Hushamwari nenyika hwakawodza kutenda kwaro, saka nokudaro iro nhasi rava kudzidzisa nyika dzidziso dzinopikisana zviri pachena neShoko Dzvene. KK 245.2

    Roma yakavanzira vanhu Bhaibheri, panzvimbo yacho ikatsvaga kuti vanhu vagamuchire dzidziso dzayo. Basa reReformation raingotsvaga kudzorera vanhu kushoko raMwari; asi hachizi chokwadi here kuti mumasangano enguva yedu, vanhu vari kudzidziswa kuchengeta zvinyorwa zvesangano ravo kupfuura maGwaro? Charles Beecher, achitaura nezvemasangano echiProtestant anoti: “vanotya kutaura shoko rimwe zvaro ringapikisa dzidziso dzesangano nekutya kwakadaro sekwaivawo nemadzibaba edu pavaitya kutaura shoko rimwe zvaro ringazvidza dzidziso yesangano yekuyereswa kwevatsvene … Masangano aya echiProtestant akabatana maoko zvakasimba pakati pavo, zvekuti, hakuna munhu angaparidza pakati pavo vose, kana asina kugamuchira dzidziso dzavo dzisiri muBhaibheri … hapachina kufungidzira, asi chokwadi, dzidziso dzesanagano nhasi, dzave nesimba rekurambidza Bhaibheri, sezvakangoitwawo neRoma, asi nenzira yakavanzika.”— Sermon on “The Bible a Sufficient Creed,” delivered at Fort Wayne, Indiana, Feb. 22, 1846.KK 245.3

    Kana mudzidzisi weBhaibheri akatendeka akasimuka kuti adzidzise shoko raMwari, kunosimukawo vafundisi nevarume vakadzidza vanoti vanonzwisisa zvirinani magwaro, voramba shoko razvokwadi vachiti manyepo, nokudaro vanodzivisa avo vanoda kutsvaga zvokwadi. Dai kusiri kuti nyika yakadhakwa newaini yeBhabhironi, vazhinji-zhinji nhasi vangadai varikutendeuka nekutenda kushoko raMwari iro rinopinza somunondo. Asi nhasi chitendero chakadhakiswa zvokuti vanhu havachaziva kuti chokwadi chekutevera ndechipi. Chivi chenyika chekusatendeuka nhasi chivete pamukova weKereke.KK 245.4

    Shoko rengirozi yechipiri yaZvakazarurwa 14 rakatanga kuparidzwa muzhizha regore ra1844, uye ipapo rakanga richinyanya kubata masangano emuUnited States of America, umo shoko rerutongo rakanyanya kuparidzwa asi rikanyanyawo kurambwa, uye ndimowo munyika umo masangano echiKristu akanga onyanya kudzokera shure. Asi shoko rengirozi yechipiri iri harina kuwana kuzadziswa kwaro kwakazara mugore ra1844. Masangano mumazuva aya akanga ari pakudzokera shure nokuda kwekuramba kwawo chiedza cheshoko rekudzoka kechipiri kwaJesu; asi kuwa uku hakuna kuperevedza. Asi pavakaenderera mberi nekuramba chiedza ichi, kuwa kwavo kwakaramba kuchidzika. Hazvaigona munguva iyi kuti zvinzi “Rawa Bhabhironi … nokuti rakanwisa marudzi ose waini youpombwe hwaro,” nokuti rakanga risati ranwisa marudzi ose panguva iyi. Mweya wekuda nyika nokufanana nayo nekusateerera shoko raMwari uri kurarama munguva yedu uye uri kufamba nekukasika mumasangano echiProtestant munyika dzose dzine chitendero chechiKristu; uye masangano aya ose anosanganisirwa muyambiro iyi inotyisa kubva kungirozi yechipiri. Asi basa rokupanduka harisati razadza mukombe waro.KK 246.1

    Bhaibheri rinodzidzisa kuti, kutanga Ishe asati adzoka, Satani achashanda “nesimba rose, nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema, nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanoparara;” nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe,” saka vachasiiwa kuti “vatende simba rokukanganisa kuti vatende nhema.” 2 Vatesaronika 2:9-11. Kuwa kweBhabhironi hakungazadziswi kana izvi zvisati zvazadziswa munyika yose yeChiKristu, uye kana pasati pave nekubatana kwehurumende neSangano. Shanduko iyi inouya paduku-paduku, uye kuzadzikiswa kwaZvakazarurwa 14:8 kuchaitika.KK 246.2

    Zvisinei hazvo nedima guru uye kupandukira Mwari kunowanikwa mumasangano anoumba Bhabhironi, vanhu vaMwari vechokwadi vanomutevera vanowanikwa pakati pavo. Kune vazhinji vavo vasati vaona chokwadi chinokosha ichi chenguva ino. Vazhinji varimo havo asi vanenyota yekuona chiedza chakajeka. Vanotarisa havo vachiona zvifananidzo zvakaiswa musangano ravo asi havagutsikani. Apo masangano aya acharamba achienda kure nechokwadi, achiwedzera pakufanana nenyika, mutsauko mumapoka evatendi vari maari uchaonekwa zvakajeka uye, uchakura zvichazotungamirira mukuparadzana. Nguva ichasvika, apo avo vanotya Mwari zvakazara vasingazokwanisi kuramba vachiwadzana neavo “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari, vane mufananidzo bedzi wekunamata asi vakarasha simba racho.” KK 246.3

    Zvakazarurwa 18 inonongedzera nguva iyo apo, nokuda kwekuramba shoko rengirozi nhatu raZvakazarurwa 14:6-12, sangano richasvika zvakazara pachimiro chinotaurwa nengirozi yechipiri, zvokuti vanhu vaMwari vanege vachiri muBhabhironi vacha shevedzerwa kuti vazviparadzanise naro. Shoko iri ndiro rekupedzisira richapiwa nyika; uye richazadzisa basa sezvarakapiwa. Apo avo “vasina kutenda zvokwadi, asi vakafarira kusarurama” (2 VaTesaronika 2:12), vachasiiwa mukunyengera kuti vatende nhema, ipapo chiedza chezvokwadi chichapenya mumoyo yeavo vose vachachigamuchira, uye vana vaMwari vose vachange vari muBhabhironi vachanzwa rukoko urwu: “Budai mariri vanhu vanhu.” (Zvakazarurwa 18:4). KK 246.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents