Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 3—NGUVA YERIMA GURU MUCHINAMATO

    Mutsamba yake yechipiri kuVaTesaronica, Mupostori Pauro akaporofita kurasika kukuru kwaizouya kuchitungamirira kuzogadzwa kwehutongi hwaPapa. Pauro akataura pachena kuti zuva raKristu raisazosvika “ kana kutsauka kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa, iye anorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, nokudaro kuti unogara mutemberi yaMwari, achizviidza Mwari.” Anoenderera mberi, achipa mashoko eyambiro kuhama dzake ekuti, “chakavanzika chezvivi chotobata basa” 2 VaTesaronika 2:3,4,7. Kunyangwe mumazuva ekutanga iwayo, Pauro akaona dzidziso dzenhemha dzichiita kaverevere kupinda muKereke, dzaizogadzirira nzvimbo yekugadzwa kwehutongi hwaPapa.KK 38.1

    Zvishoma nezvishoma, dzidziso idzi dzakabata ndangariroro dzevanhu, pakutanga zvakanga zvakavanzika, asi gare gare zvakava pachena kuti “chakavanzika chokurashika”, chakafambira mberi nebasa racho rekunyengera nekumhura Mwari. Dzidziso dzechihedheni, dakapinda zvakavanzika mukereke yeChiKristu. Mweya wekurerutsa zvinhu zvaMwari, nekuda kufanana nenyika wakambotadza kubata kereke mumazuva ekutambudzwa nehutongi hwechihedheni, asi pakazopera nguva yekushungurudzwa iyi, apo chiKristu chakatanga kupindawo mumatare nemudzimba dzemadzimambo, Kereke yechiKristu yakatanga kusiya hunhu hwaKristu nevadzidzi vake, ikagamuchira kuzvikudza nembiri ye vatongi nevaprisita vechihedheni, zvinova zvakazoita kuti panzvimbo yezvimiso zvaMwari, paiswe dzidziso dzevanhu netsika dzemadzibaba. Kutendeuka kwekunyepera kwakaitwa naConstantine, mumakore ekuvamba kweSenjuri yechina, kwakagashirwa nemhemberero huru, asiwo ndipo nyika yakafamba yakapfeka nhumbi dzehutsvene ichipinda mukereke yaJesu. Ipapo kuwora kwakafamba nekukasika kuchiwodza kereke. Chihedheni chakambenge chaita kunge chakundwa, chakabva chava ndicho chakakurira, mweya wacho ukatanga kutungamirira sangano Dzidziso dzechihedheni, mitambo yacho netsika zvakagashirwa muchinamato chechiKristu,nevanhu vaizviti vateveri vaKristu. KK 38.2

    Mubatanidzwa wakavepo pakati pechiKristu nechihedheni ndiwo wakatungamirira kuumbwa kwe “ Murume wezvivi”, akanga agara aporofitwa kuti achapikisana naMwari nekuzvigadza pamusoro paMwari. Chirukwa ichi chikuru-kuru kwazvo, chekunamata kwakatsauka, chakagadzirwa nehunyanzvi naSatani pachake. Ndicho chinova shongwe yesimba rake pakutsvaga kuzvigadza pachigaro kuti atonge nyika ino semadiro ake.KK 38.3

    Satani akamboedza kuda kugadzira mubatanidzwa naKristu. Akasvika kuMwanakomana waMwari paakanga ari murenje rekuedzwa, akamuratidza umambo hwose hwepanyika nekubwinya kwahwo, akamuvimbisa kumupa ihwo kana bedzi akatenda kuti muchinda werima ndiye mukuru. Kristu akaraira muzviitisi nemuyedzi uyu kuti abve paari, asi nhasi Satani anokurira vanhu vazhinji nemuyedzo umwechetewo. Nengariyekuda kukudzwa nenyika uye mbiri, Kereke yakatsvaga rutsigiro rwevatongi venyika, ikaramba Kristu, ndokubva zvaita kuti izvipe kumumiririri wasatani- anova Bhishopi weRome.KK 38.4

    Imwe yedzidziso huru muchitendero chechiRoma ndeyekuti Papa ndiye mumiririri anoonekwa uye musoro weKereke yaKristu., uyewo ndiye akapiwa simba guru pamusoro pevafundisi vose nemabhishopi panyika yose. Pamusoro pazvo, Papa ndiye akapiwa zita chairo rechimiro chehutsvene nehumwari. Anoidaidzwa kuti “Ishe Mwari Papa”, uye anonzi haagoni kukanganisi. Anofanira kukudzwa navanhu vose. Zvimwechete zvaikarirwa naSatani murenje rekuyedzwa muya, ndizvo zvaarikutsvaga kuburikidza nesangano reRoma, uye vanhu vazhinji kwazvo vakazvimisira kumuteeera nekumukudza.KK 39.1

    Asi avo vanotya nekushumira Mwari vanoramba dzidziso idzi sekuramba kwakaita Kristu pachake kunamata satani muvengi. “Namata Ishe Mwari wako, umushumire iye oga.”Luke 4:8. Mwari haana kumbobvira apa munongedzo mushoko rake wekuti akagadza munhu kuti ave musoro weSangano rake. Dzidziso yehukuru hwaPapa inopikisana nezvakanyorwa mumagwaro matsvene. Papa haagoni kuva nesimba pamusoro peSangano kunze kwekunge azvipa ega. Sangano reRoma rinogaro pomera maSangano akaratidzira ndokubuda mariri mhosva yekupandukira sangano rechokwadi. Asi mhosva iyi chokwadi ndechekuti inobata iro sangano racho. Ivo veRoma ndivo vakatsveta pasi mureza waKristu vakabva “Pakutenda kwakadeya kupiwa vatendi kamwe”. Jude 3KK 39.2

    Satani akaziva kwazvo kuti Magwaro Matsvene achabatsira vanhu kuona nzira dzake dzinonyengedza uye kuramba kuva pasi pesimba rake. Kuburikidzwa neBhaibheri-Shoko, Muponesi wedu akagona kudzivisa Satani. Paakavingwa nasatani pese, Kristu aishandisa chidzitiro chezvokwadi isigaperi achiti “kwakanyorwa kuchinzi“. Panezvose Satani kuti agone kuramba akabata mdangariro dzevanhu, uye kuti simba raPapa rirambe richitonga, anofanira kuramba achita kuti vanhu vasava nehanya neshoko raMwari. Bhaibheri rinosimudzira Mwari ukuwo richiisa munhu panzvimbo yake chaiyo; naizvozvo, kuna Satani, zvokwadi iyi inofanira kuvigwa nekutsikirirwa kuti isazikanwa. Kafungiro aka ndiko kakatorwa nesangano reRoma. Kwemazana emakore, Bhaibheri rakarambidzwa. Vanhu vakarambidzwa kuriverenga kana kuva naro mudzimba dzavo, ukuwo vadzidzisi nevaprisita vachidzidzisa zvisizvo kuti vachengetedze zvigaro zvavo. Izvi zvakaita kuti Papa agashirwe potse pasi rose achinzi ndiye mutevedzeri/ mumiririri waMwari panyika, aine samba pamusoro peKereke nezvematongerwo enyika.KK 39.3

    Sezvo Bhaibheri, rinogona kuonesa manyepo rakanga rabviswa panzvimbo yaro, Satani akashanda madiro ake. Chiporofita chakanga chareva kare kuti simba raPapa raizo “ funga kushandura nguva nemirairo.” Daniel 7:25. Basa iri harina kunonoka kuedza kuitwa. Senzira yekuedza kugashira vaitendeuka vachibva kuchihedheni kuti vawane chinamato chingagashirika kwavari, muKereke yeChiKristu makaunzwa tsika yekunamata zvifananidzo netsika dzakare. Musangano wakagarwa wevatungamiri ukapasimba kutsika yekunamatwa kwezvifananidzo mukereke. Kuti sangano reRoma rizadzise kugona kwaro kushandura zvinhu, rakatora danho rekuedza kushadura murairo nekubvisa pamitemo gumi yaMwari murairo wechipiri, unorambidza kunamatwa kwezvifananidzo, panzvimbo yawo ndokubva papatsanurwa mutemo wechigumi kuita mitemo miviri, izvi kurikuedza kuchengetedza nhamba yemitemo kuti irambe iri gumi. KK 39.4

    Mweya wekuwirirana nekugashira chihedheni wakavhura masuwo ekumhurwa kwemasimba eDenga. Satani, kuburikidza achishanda nevatungamiri vanokudzwa veSangano, akanobata-bata pamutemo wechinawo zvakare, ndokubva aita kuti Sabata rekare ribviswe hutsvene hwaro nekuiswa parutivi, rinova zuva rakayereswa naMwari rikaropafadzwa (Genesis 2:2,3) , panzvimbo yaro pakasimudzirwa zuva rekutanga kwevhiki rinova raikosheswa muchinamato chevahedheni richinzi “rekunamatwa kweZuva”. Shanduko iyi haina kungotanga yaitwa pachena, kwete. Mumakore ekutanga Sabata rakanga richichengetwa nemaKristu ese. Vakanga vaine godo nekuchengetedza kunamatwa kwaMwari kwazvokwadi, vachitenda kuti murairo wake haushanduki, saka vainyatsocherechedza zvakatemwa naMwari mushoko rake. Asi nekunyengera kukuru, satani akashanda kuburikidza nevashandiri vake kuunza shanduko yaaida. Kuti vanhu vagashire Svondo sezuva rinoera, rakaitwa kuti rinzi izuva rakaereswa nekuda kwekumuka kwaKristu kubva muguva nezuva iri. KK 40.1

    Marusando ezvekunamata akatanga kuitwa nezuva iri, asi pakutanga painzi izuva rekuita zvekuzvivaraidza, ukuwo Sabata chairo richichengetwa nehutsvene hwaro. KK 40.2

    Mukugadzirira kwake basa raazoita mberi, Satani akanga aita kuti vaJudha, mumakore ekumashure Kristu asati auya, varemedze vanhu nemutoro wemitemo yekuchegetwa kwesabata yairema kwazvo yavaigadzira ivo. Saka zvino Satani akachizoshandisa izvi senzira yekuzvidza Sabata richinzi itsika yevaJudha. Apo maKristu vakaenderera mberi vachitora Svondo sezuva remitambo yekuzvivaraidza, Satani akavatungamirira kuti vaite pfungwa yekuzvidza Sabata sezuva remaJudha, saka senzira yekuratidza ruvengo rwavo kumaJudha, vaifanira kumhura Sabata saka rakabva raitwa zuva rekutsanya, kusuwa, nekusuruwara.KK 40.3

    Muchikamu chekutanga cheSenjuri yechina, mutongi wehurumemnde ainzi Constantine akatema chirevo chaiti Svondo rakange rave zuva rezororo muhushe hweRome hwese. Musi wekunamatwa kweZuva uyu wakayereswa nevanhu vainamata zvifananidzo uyewo ukaremekedzwa nemaKristu; iyi ikava nzira yaConstantine yekubatanidza Vahedheni nemaKristu anova mativi maviri aimborwisana kare. Constantine akakurudzirwa kuita izvi nevatungamiri (mabhishopi) vesangano rechiKristu, avo vaisundwa nenyota yavo yekuda hukuru nekukudzwa, vachiziva kuti kana izvi zvikabudirira, zvaizoita kuti vahedheni vagashire chiKristu, zvozoita kuti Kereke ive nesimba nembiri. Asiwo kunyangwe zvazvo maKristu aitya Mwari vakatungamirirwa kugashira Svondo sezuva rakayereswa, vakarambawo vachichengeta Sabata remutemo wechina sezvinoreva murairo waMwari. KK 40.4

    Munyengeri mukuru akanga asati apedza basa rake. Akatsvaga kuisa maKristu ese pasi pehutongi hwake achishandisa kuzvikudza kwamambo weSangano reRome anonzi Papa, aizviedza mumiririri waKristu panyika. Kuburikidza nevanhu vakanga vasina kutendeuka zvakazara, uyewo kuburikidzawo nevatungamiri vesanagno vaida zvenyika, Satani akafambisa mberi chinagwa chake. Misangano mikuru yakagarwa nguva nenguva, apo vanoremekedzwa veSangano vaiungana vachibva kumativi ese enyika. Pamusangano wega wega waigarwa, Sabata rinoyera raMwari raitsikirirwa pasi zvishoma nezvishoma, ukuwo Svondo, zuva rekutanga revhiki richisimudzidrwa nenzira imwecheteyo. Pakupedzisira, zuva iri revahendheni rakazokudzwa rikayereswa navanhu, apo Sabata raMwari rakaraswa richinzi itsika yekare yemaJudha, uye vateveri varo vakanzi vapari vemhosva.KK 40.5

    Kurashika kukuru kwakanga zvino kwazadziswa nekuzvisimudzira “ pamusoro pezvose zvinonzi Mwari uye zvinonamatwa” 2 Vatesaronika 2:4. Akanga zvino azvipira kushandura murairo iwo wega pamitemo mitsvene unonongedzera vanhu vese kunaMwari mupenyu wezvokwadi. Mumutemo wechina, Mwari anonongedzwa kuti ndiye musiki wedenga nenyika, obva atsaurwa kubva kuvamwari venhema. Zuva rechinomwe rakatsaurwa rikayereswa sezororo remunhu kuti rive muranagridzo webasa rekusika. Ranga rakaitirwa kuti rirambe raichiyeuchidza vanhu kuti Mwari ndiye anofanira kunamatwa nekupiwa mbiri. Satani arikurwisa kuti abvise vanhu kubva kunaMwari, uye kuti vasateerera mitemo yaMwari, saka anonyanya kuisa samba rake pakuputsa mutemo wechina unova ndiwo unonongedza kuti Mwari ndiye musiki. KK 41.1

    Masanagano echiProtestant nhasi avekutenda kuti rumuko rwaKristu nezuva rekutanga kwevhiki (Svondo),rwakaita kuti richiva ndiro Sabata remaKristu. Asi izvi hazvina rutsigiro rweMagwaro Matsvene. Hakuna rukudzo rwezuva iri rwakapiwa naKristu pachake kana nevadzidzi vake. Kuchengetwa kweSvondo sezuva raKristu kunemanyuko ako kubva “munechakavanzika chokusarurama’ (2 VaTesaronika 2:7, R,V) ., icho chakanga chotobate basa kunyangwe mumazuva aPauro. Ndekupi uye ndiirini apo Kristu akazogamuchira chiito chaPapa ichi? Ndezvipi zvikonzero zvinobatika zvingapiwa kuti zvitsigire shanduko iyi zvisingatsigirwi neMagwaro Matsvene?KK 41.2

    MuSenjuri yeChitanhatu, hushe hwaPapa hwakanga hwasimba. Chigaro chake nesimba zvakanga zviine muzinda muguta remadzishe rinokudzwa, zvekuti Bhishopi weRome akabva anzi ndiye musoro weKereke yese. Chihedheni zvino chakanga chapa masimba kunaPapa. Nyoka yakanga zvino yapa chikara “simba rayo, nechigaro chayo chovushe, namasimba makuru’ Zvakazarurwa 13:2. Apa ndipo panotangira makore anechiuru namazana maviri namakumi matanhatu (1260) ekutonga kwaPapa nehudzvinyiriri sezvakaporofitwa mubhuku ya Dhanieri naZvakazarurwa. (Danieri 7:25; Zvakazarurwa 13:5-7) MaKristu panguva iyi vakamanikidzwa kusarudza pakati pekunamata Mwari sezviri muShoko kana kugashira mitambo nechinamato chaidzidziswa naPapa, kana kufa vachitambura munajeri,kana kutouraiwa chaiko neminondo nematemo. Apa ndipo pakazadziswa mashoko aJesu ekuti “muchaiswa kuvatongi kunyange vavabereki, navanun’una, nehama, neshamwari, vamwe venyu vachaurawa. Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu” Luke 21:16,17. Kutambudzwa kwakamukazve pamusoro pevakatendeka nehasha huru dzinopfuura pamazuva ekare, nyika yose ikava nzvimbo yekurwa. Kwemazana emakore, Sangano raMwari rakawana pekuvanda munzvimbo dziri pakavanzika. Muporofita anotaura achiti “Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechiuuru chinamazana maviri namakumi matanhatu” Zvakazarurwa 12:6. KK 41.3

    Kutora simba rehushe kwakaitwa neSangano reRome ndiko kwakava kuvamba kweMakore Erima Guru. Paiwedzera simba reSangano, rima raiwedzerawo nekusviba. Kutenda kwakabviswa kuna Kristu, hwaro hwezvokwadi, kukaiswa kunaPapa we Rome. Panzvimbo yekuvimba kuMwanakomana waMwari pakuregererwa kwezvivi neruponeso rusingaperi, vanhu vakanga vakutarisira kuna Papa, nevaprisita nevashandiri vake vaaituma muzita nesimba rake. Vanhu vaidzidziswa kuti Papa ndiye mumiririri wavo panyika uye kuti hakuna anogona kuenda kunaMwari asina kupfuura nepanaPapa nokuti iye ndiye aiva panzvimbo yaMwari saka aifanira kuteererwa. Kuramba kutevera izvi kwaireva kuti munhu aizviwanira shamhu huru yakaomarara pamuviri wake. Izvi zvakaita kuti pfungwa devanhu dzibviswe kubva kuna Mwari vachitevera vanhu vanokanganisa, vanehutsinye, kunovewo ndiko kutevera muchinda werima pachake, uyo aishandisa vatungamiri kuita chinangwa chake. Kana Magwaro Matsvene akatsikirirwa, munhu akazviita ndiye mukuru anesimba, chatichaona chichibuda ipapo huwori, kunyengera, nechimiro chekusarurama. Kusimudzirwa kwakaitwa mitemo yevanhu netsika dzemadzibaba kwakaunza hwuwori hunongowanikwa pese apo mitemo yaMwari inoiswa parutivi.KK 42.1

    Ava ndiwo akava mazuva ekutambudika kukuru kwekereke yaKristu. Vatendi vakatendeka vaizoramba vakasimudza chiedza vaiva vashoma zvikuru. Kunyangwe zvazvo zvokwadi isisna kusara isina zvapupu, asiwo zvaizomboita sekuti nhema nekutenda mashura zvakanga zvakurira chose, uye kutenda kwechokwadi kwakanga kwaparadzwa zvachose panyika. Vhangeri yakanga isisaonekwi panyika, asi mifanannidzo yekutenda ndiyo yakanga ichiwedzera nokuwanda, vanhu vachiremedzwa nezviga zvinorema kuita zvavaipiwa kuti vaite. Vanhu vaisangodzidziswa kutarisa kuna Papa chete senzira yekuponeswa kwavo, asiwo kuti vatende kuti mabasa avo avanoita anogona kuvanatsa kubva kuzvivi. Kufamba nzendo dzakareba dzechitendero, nzira dzekuzvirwadzisa panyama, kunamata tsika dzekare dzemadzibaba, kuvakwa kwedzimba dzekunamatira, kugadzira nzvimbo dzinoyera, nemaAritari, kubhadhara mari zhinji kuSangano- izvi nezvimwe zvizhinji zvakadaro zvainzi zviitwe kuti vanhu vapomhodze hasha dzaMwari, uye kuti vawane nyasha dzake, zvoita sekuti Mwari akafanana nemunhu, anotsamwiswa zvirinyore, onyaradzwa kana kupfaviswa nekupiwa zvipo kana nekuzvirwadzisa kwemutadzi! KK 42.2

    Kunyangwe zvazvo kusachena kweupenyu kwaionekwa pakati pevatungamiri vesangano reRome, simba rayo rehwezvero rakaramba richikura. Mumakore ekunopera kweSenjuri yechisere, vafundisi vesanagano reRome vakatanga kutaura kuti zvavaidzidzisa nekuita mumazuva avo zvakanga zvadzidziswa kubva kare mumakore ekutanga eSangano raKristu uye kuti ivo vaingovewo nesimba reMweya Mutsvene rakafanana neraivapo muVafundisi nemuSanagano mumazuva ekutanga. Kuti vazadzise gakava ravo rekukambira iri, panezvaifanira kuburitswa sehumbowo hwekuratidza kuti ichi chaiva chokwadi, asi izvi ipfungwa yaitungamirirwa naSatani, baba venhema pachake. Nokudaro kwakatanga kuvhundunyurwa zvinyorwa zvekunyepa zvainzi zvakanyorwa nevarume vakanga vakatsaurwa munezvehumwari vekare. Kwakaburitswawo zvinyorwa zvainzi zvakasungwa sezvibvumirano pamisngano mikuru yezvechitendero yainzi yakaitwa mumakore ekuvamba kweKereke, asi chokwadi ndechekuti kwakanga kusina misangano yakadaro yakambogarwa. Misangano iyi yainzi ndiyo yakasunga kukosha kwehofisi yaPapa nevatevedzeri vake ikasimbisa kuyera kwavo. Izvi zvkaita kuti Kereke yakanga yaramba pachena zvokwadi yaMwari igamuchire manyepo aya. KK 42.3

    Vashoma vakasara vari vavaki vakatendeka pahwaro hwechokwadi (1 Vakorinte 3:10,11) , vakatambudzika vakavhiringidzika sezvo marara aya edzidziso dzenhema akanga arikukanganisa kufamba kwebasa. Sezvakangoitawo vavaki verusvingo rweJerusarema mumazuva aNehemiah, vamwe vakanga vazvigadziria kutaura vachiti “Simba ravatakuri vemitoro raderera, vuye marara aripo mazhinji, saka hatigoni kuvaka rusvingo”. (Nehemiah 4:10) . Nekuda kwekuneta nematambudziko aya asingaperi, nekuda kwekushungurudzwa, kubiridzirwa, kusarurama, nezvimwe zvimhingamupiyi zvizhinji izvo Satani aivakandira kuvhiringidza basa ravo, vamwe vakambenge vakatendeka pabasa iri vakakuhunika, saka nokuda kwekutsvaga rugare, nekuchengetedzawo pfuma yavo, vakazogumisra vabva pakutenda kwazvokwadi. Vamwewo, vakanga vakashinga vakakwanisa kumira zvisinei nekupikisa kwaiita vavengi vavo, vakataura vachiti ‘Regai kuvatya, ; rangarirai Jehovha mukuru unotyisa” (Nehemiah 4:14); vakaenderera mberi nebasa, umwe neumwewavo akasungirira munondo wake parutivi rwake. (VaEfeso 6:17) . Mweya umwechetewo weruvengo nekupikisa unofemerwa muvavengi vaMwari mumarudzi evanhu ese, uyewo huchenjeri nekuzvipira zvinotsvagwa muvashandiri vaMwari nguva dzose. Mashoko aKristu kuvadzidzi vake anoshandawo kuvateveri vake kusvikira pakuguma kwenguva: “Zvandinokuvudzai imi ndinovudza vose, ndichiti, Rindai!” (Marko 13:37).KK 43.1

    Rima rakaenderera mberi richiwedzera kusviba. Kunamatwa kwezvifananidzo kwakatanga kujairika. Mwenje yakatanga kubakidzwa pamberi pezvifananidzo, minamato ikaitwa pamberi pazvo kwazviri. Minongedzo isinganzwisisiki netsika dzekutenda mashura zvakakudzwa. Pfungwa dzevanhu dzakabatwa mukutenda mashura zvekuti kunyatsoshandisa pfungwa kwakanga kwava kushaikwa. Nekuda kwekuti maBhishopi neVaprisita vakange vazere nehuwori, kuda mafaro enyika, zvaingorevawo kuti nevanhu vose vaitarisira kutungamirwa navo vaizongonyurawo mukusaziva zvokwadi. KK 44.1

    Rimwe danhozve rakatorwa muhutungamiri hwaPapa mumakore eSenjuri yagumi neimwe. Mukuru wesangano anonzi Pope Gregory wechinomwe (V11) akadaidzira kuti Sangano reRoma rakanga ravadzvene risisina gwapa. Chimwe chezvaakataura ndechekuti Sangano iri kubvira kare rakanga risina kumboita mhosho kana kukanganisa, uye haraizofa rakaita mhosho mune ramangwana kana zvichitariswa muBhaibheri. Asiwo pakanga pasina rutsigiro rwemagwaro matsvene ebhaibheri kutsigira pfungwa yake iyi. Papa uyu, mukuzvikudza kwake akataurawo kuti akanga aine simba rekubvisa madzimambo enyika, akadaidzira pachena kuti zvaanenge atonga iye hakunazve munhu aiva nesimba rekuzvishandura, asi kuti iye badzi ndiye aiva nesimba rekushandura zvinenge zvaitwa nevamwe vanhu vese. KK 44.2

    Muenzaniso wekutonga kwake nechisimba achizviti haakanganise unowonekwa panezvaakaita kuneumwe mutungamiri aiva mambo wenyika ye Germany ainzi Henry wechina (1V). Mambo uyu akadzingwa mukereke akabviswawo pachigaro chekutonga zvichinzi akanga azvidza Papa. Henry akavhunduka nekutya zvikuru nekuti Papa akasvika kunyangwe pakuraira machinda amambo kuti vapandukire mambo, nokudaro Henry akatsvaga rugare nemuzinda waPapa kuRome.achiperekedzwa nemudzimai wake nemuranda mumwechete, Henry akanokwira nemumakomo eAlps pakati pemwaka wechando, kuti anoratidza kuzvininipisa kwake pamberi paPapa. Paakanosvika panzvimbo iyo Pope Gregory akanga ari, Henry akanzi ngaanogara kuruvhazhe rwekunze, asina varindi, kwaiva nechando chinotyisa, asi aisafanira kuzvifukidza musoro, asina shangu mutsoka dzake, ndokupfekedzwa hanzu inosiririsa, achimirira kuzonomira pamberi paPapa kana nguva yakwana. Akagarapo panze ipapo kwemazuva matatu achitsanya nekureurura zvivi zvake kusvikira Papa azobvuma kumuregerera. Kunyangwe zvakadaro, mambo uyu aifanira kumirira kuzosunungurwa naPapa kuti azogona kupfeka hanzu dzake dzehumambo kana kuzodzokera pachigaro chehushe. Pope Gregory, achizvikudza nekuda kwechiitiko ichi, akataura nemufaro kuti raiva basa rake kuwisira pasi kuzvikudza kwemadzimambo. KK 45.1

    Panemutsauko mukuru pakati pekuzvikudza kwaPapa uyu nehunyoro nekunaka kwaKristu, uyo anozviratidza kuti amire pamukova wemoyo yevanhu achinyengerera kupinda, kuti azopa munhu rugarare neruregerero, uye akadzidzisa vadzidzi vake kuti “Aninani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu” Mateo 20:27. KK 45.2

    Mazana emakore akatevera akaona kuendeswa mberi kwedzidziso dzakatsauka musangano reRoma. Kunyangwe kare, hofisi yaPapa isati yavapo, dzidziso dzekunyepa dzaibva mumafungiro nenjere dzevanhu vasingatyi Mwari dzakanga dzagashirwa nekudziidziswa muSangano raMwari. Vazhinji vaitendeukira kuchiKristu vairamba vakabata padzidziso dzechihedheni, uye vaisangozviita ivo bedzi, asiwo vaidzidzisa vamwe zvichinzi ndiyo nzira ingona kutendeutsa vahedheni zvirinyore. Dzidziso dzakatsauka huru kwazvo dzakapinzwa muchitendero chechiKristu. Pakati pedzimwe dzidziso dzakaipisisa, paivawo nekutenda kuti munhu haafi zvachose uye anoona nekuziva zvakamutenderedza kana achinge afa. Dzidziso iyi yakagadzira hwaro apo Sangano reRoma rakasimbisa pfungwa yekutsvaga rubatsiro kana kunamata vatsvene uye kuzoyereswa kweMhandara Maria. Kubva mudzidziso iyi kwakabudawo imwe yekuti vanhu vanenge vasina kutendeuka vachapiswa nekushungurudzwa nekusingaperi.KK 45.3

    Nzira yedzidziso yakaramba ichigadzirwa musangano reRoma kuchibva kwazobudawo imwe inoti vakaipa vanopiswa munzvimbo inonzi Purgatory, izvi zvaiitirwa kuvhundutsira vatadzi nevanotenda mashura. Dzidziso iyi inotaura kuti kunenzvimbo yekushungurudzwa naSatani kwemweya yeavo vasina kuita mabasa akanaka, kwavanotambudzika nekuda kwezvivi zvavo, vozoti kana vakumbirirwa nevatsvene vapenyu vanozobviswa vachiendeswa kudenga. KK 45.4

    Rusando runokosha rweChirairo chaTenzi, rwunodzidziswa nebhaibheri rwakabviswawo panzvimbo yarwo pakaiswa rusando rwunonzi Mass. Murusando rwavo urwu, vaPrisita vaPapa vanotaura vachiti vanesimba rekushandura chingwa ne waini kuzviita “ropa chairo nemuviri waKristu” —(Cardinal Wiseman, the Real Pressence of the Body and Blood of Our Lord Jesus Christ in the Blessed Eucharist, Proved From Scripture, Lecture 8, sec, 3 par 26) . Mumashoko ekumhura Mwari, vanotaura vachiti vanesimba rekusika Mwari, Musiki wezvinhu zvose. MaKristu vakamanikidzwa kubvuma manyepo anotsamwisa Denga aya, paine mutongo werufu kune vanoramba. Vazhinji zhinji vakaramba kutenda vakapiswa nemoto.KK 45.5

    Mumakore eSenjuri yegumi nenhatu, kwakazobudawo imwe dzidziso yakaipisisa inonzi muchirungu Inquisition, zvichireva kuferefeta kwakadzama kwaiitwa nePrisita hupenyu hwemutendi. Apa ndipo Satani akagara pasi nevatungamiri vesangano kugadzira izvi. Mumisangano yavo, muchinda werima nengirozi dzake vaibata pfungwa dzevarume vakaipa nekuvapa miono yake, asiwo vaisaziva kuti ngirozi yaMwari yakanga iri pakati pavo ichinyora zvose zvavaiita mumashoko anotyisa asingagoni kuverengwa nemunhu. “Bhabhironi guta guru” rakanga zvino “radhakwa neropa revatsvene.” Hupenyu hwemagamba ekutenda akanga afira vhangeri hwakanga huri kuchema pamberi paMwari kuti atsive vatadzi ava. KK 46.1

    Hofisi yaPapa zvino yakanga yavakubata nesimba rehudzvinyiriri hunorwadza. Madzimambo nevatongi venyika vakanga vachihwarara pamberi paPope. Ramangwana rehupenyu hwevanhu nekwavachagumira zvaiita sekuti zviri muruwoko rwaPapa. Kwemazana emakore, dzidziso dzeRome dzichigashirwa, kudzipikisa kwaiurayisa, uye mitambo yaro ndiyo yaicherechedzwa. Vafundisi varo vairemekedzwa vachichengetwa nekuriritirwa zvakazara. Hakunazve imwe nguva apo Sangano reRoma rakaita simba rinokudzwa nembiri kupfuura iyi. KK 46.2

    Asi munyori J ,A Wyle anoti “masikati esimba raPope, ndiwo aivawo mhindo yepakati pehusiku kunyika” (The History of Protestantism, b, l ch. 4) panguva iyi Bhaibheri Dzvene raisazikanzwa, kwete nevanhu bedzi asi kunyangwe nevaPristawo. Sezvaingoitawo VaFaresi vekare, vana Papa venguva iyi vaisada kuti chiedza chivheneke chichiburitsa pachena zvivi zvavo. Mutemo waMwari unova ndiwo chiero chekutenda wakati wabviswa, vakuru ava vakaita zvivi zvavo nesimba risingatuvidzwi. Kubiridzira, makaro, uye kusazvibata ndihwo hwakava hupenyu hwavo. Vanhu vaisatya kuita zvivi chero mhosva kana zvaivawanisa pfuma nezvigaro zvepamusoro. Nzvimbo dzaigara Pope navaPrisita vake dzaizivikanwa nemafaro nemitambo yekusazvidzora. Vamwe vana Papa vakaita mbiri dzekupara mhosva huru zvekuti vatongi venyika vaishumba kuvabvisa pazvigaro. Kwemazana emakore, nyika yeEurope haina kumbobudirira munezvedzidzo, nezveupfumi. Pakaita kuremara kukuru pahunhu nendangariro muchitendero chemaKristu. KK 46.3

    Chimiro chenyika pasi pehutongi hweRome chakazadzisa zvinotyisa mashoko eMuporofita Hosea:” Vanhu vangu vaparara nekushaiwa zivo: nokuti wakaramba zivo, neni ndichakuramba vo…zvawakakanganwa murairo waMwari wako, neni ndichakanganwa vana vako” “nokuti hakunezvokwadi, kana vunyoro, kana kuziva Mwari munyika ino. Hakune zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuvuraya, nokuba, nokuita vupombwe; vanopaza dzimba, kutevura ropa kunoramba kuchitevera kutevura ropa.” (Hosea 4:6,1,2) . Aya ndiwo akava matuso ekurambidza shoko raMwari. KK 46.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents