Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 27—MARUTSIRIRO EMAZUVA ANO

    Kose kose shoko raMwari kwarakaparidzwa nekuvimbika, michero yakatevera iyo yaipupura kuti rakabva kudenga. Mweya waMwari akaperekedza shoko ravaranda vake, shoko iri rakanga riine simba. Vatadzi vakanzwa hana dzavo dzichidenhwa. “Chiedza chinopa kujeka kumunhu wose anovuya munyika” chakavhenekera mipanda yakavanzika yemweya yavo, zvinhu zvakavanzika zverima zvikaiswa pachena. Kudzamirwa kwakadzika kwakabata pfungwa nemwoyo yavo. Vakanzwisisa pamusoro pechivi uye kururama, pamwechete nerutongo rwunouya. Vakanzwisisa kururama kwaJehova, vakanzwa kutya kumira pamberi peMuongorori wemwoyo vaine mhosva, uye vasina kuchena. Mukurwadziwa zvikuru vakachema kwazvo: “Ndiyani achandidzikinura kubva mumuviri uyu werufu?” Apo muchinjikwa weKarivhari, nechibairo chawo chezvivi zvevanhu chisina chiyero, wakaiswa pachena, vakaona kuti pakanga pasina chimwe kunze kwekugona kwaKristu, chaikwana kuve chibayiro chezvivi zvavo; ndiwo chete waigona kuyananisa munhu naMwari. Nokutenda nokuzvininipiisa vakagamuchira Gwaiana raMwari, rinobvisa chivi chenyika. Kuburikidza neropa raJesu vakave “nekuregererwa kwezvivi zvakapfuura.”KK 287.1

    Mweya iyi yakauya nemichero yekutendeuka. Vakatenda vakabhapatidzwa, vakasimuka vakafamba muhupenyu,-zvisikwa zvitsva muna Kristu Jesu. Kwete kuti vararame zvido zvenyama zvekare, asi nekutenda kweMwanakomana waMwari vatevere mutsoka Dzake, kuti varatidze chimiro Chake, uye kuti vazvichenure sezvo iye akachena. Zvinhu zvavaimbovenga, ndizvo zvavakanga voda, uye zvinhu zvavaimboda vakazvivenga. Vaidada nekuzvikudza vakazvininipisa nekuzvidzikisira pamwoyo. Vaizvikudza nekuzviona vakakosha kudarika vamwe vese vakarega zvekubata zinyekenyeke nekushamisira. Vasingakudzi Mwari vakatanga kumuremekedza, vaisidhakwa vakapengenuka, uye vaisirarama zvakafumuka vakave vakachena. Zvipfeko zvakareruka zvenyika zvakaiswa parutivi. MaKristu havana kutsvaka “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka vhudzi, nekushonga ndarama, kana kupfeka nguvo” 1 Petro 3: 3, 4.KK 287.2

    Marumutsiriro akaunza kuzviongorora mumwoyo zvakadzika, nekuzvininipisa. Akanga aine kunyengerera mutadzi kwakasimba, kwakaperera, nenyasha dzine shungu dzekutengwa neropa raKristu. Varume nevakadzi vakanamata nekuita mutsimba naMwari kuti mweya iponeswe. Michero yemarumutsiriro akadai akaonekwa mumweya izere nekuzviramba nekuzvipira, vakafarira kuti vaverengwa pakati pevakanyadziswa nekushungurudzwa nekuda kwaKristu. Vanhu vakaona kushandurwa kwehupenyu hwevanhu vaisidana zita raJesu. Nharaunda yakabatsirika nekubata kwavo. Vakaunganidza naKristu, uye vakadyara kuMweya kuti vagokohwa upenyu husingaperi.KK 287.3

    Zvaigona kunzi pamusoro pavo “Kurwadziwa mwoyo kwenyu kwakatungamirira mukutendeuka.” “Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nekuti makachemedzwa mukatendevuka nekuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurashikirwa nechinhu nekuda kwedu. Nekuti kuchema sezvinoda Mwari kunovuyisa kutendevuka, kunoisa kukuponeswa kusingazvidyi mwoyo; asi kuchema kwenyika kunovuyisa rufu. Nekuti tarirai kuti chinhu icho chekuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakavuyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nekuzvidavirira, nekutsamwa, nekutya, nechishuvo, nekurwadza mwoyo, nekutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi” 2 VaKorinde 7: 10, 11.KK 287.4

    Ndiwo matuso ekushanda kwemweya waMwari. Hapana humboo hwekutendeuka kunze kwekunge zvaunza chimiro chitsva. Kana akazadzisa mhiko, akadzosera zvaakanga abvuta, akareurura zvivi zvake, akada Mwari pamwe nekuda vamwe vake, mutadzi angave nechokwadi kuti awana rugare naMwari. Iyi ndiyo michero, mumakore ekare, yaiwonekwa mushure menguva dzekumutsirirwa mukunamata. Vachivonekwa nemichero yavo, vaizikanwa sevakaropafadzwa naMwari mukuponeswa kwevanhu nekusimudzirwa kwevanhu vese.KK 288.1

    Asi marumutsiriro mazhinji anhasi aratidza musiyano mukuru kubva pakuratidzwa kwenyasha dzedenga uko kwakatevera mabasa evaranda vaMwari mumazuva akapfuura. Ichokwadi kuti kwakamutswa chidiso munzvimbo yakakura, vazhinji vanoti tapinduka, uye kune mhomho dziri kuuya kumasangano; zvakadaro michero haisiri kuvonekwa ingatsigira kuti kwakaitika kukura kwehupenyu hwemweya. Chiedza chinombobvira kwekanguva chinokurumidza kufa, chichisiya rima ratonyanya kupfuvura zvaranga riri pakutanga.KK 288.2

    Marumutsiriro ane mbiri anowanzosimudzwa nemarukoko ekuti pfungwa dzione zvisipo nekumutsamutsa nyama, nekugutsa zvishuvo zvinongoda zvitsva nezvinotekenyedza kana zvinoshamisa. Vanotendevuka nenzira idzi vanenge vasina shungu dzakanyanya dzekuteerera chokwadi chemuBhaibheri, vaine chidiso chiduku mukupupura kwevaporofita nevaapositori. Kunze kwekunge nguva yekunamata ine zvinotekenyedza nekunyautsanyautsa, haina zvinovakwezva. Shoko rinotsvaka zvekuti vanhu vafunge Mwari vakwezverwe kwaari. Yambiro dziri pachena dzeshoko raMwari, dzinonyatsonangana nezveupenyu husingaperi, hadzitererwi. KK 288.3

    Kune mweya wese wakatendeuka zvechokwadi, hukama naMwari nezvinechekuita nekusingaperi ndizvo musoro wenyaya mukuru wehupenyu. Asi ndekupi mumasangano anembiri anhasi, kunemweya wekuzvipira zvakaperera kuna Mwari? Vatendi vatsva havasiyi kudada kwavo nerudo rwenyika. Havana chidiso chekuzviramba kupfuvura zvavaive vasati vatendevuka, kuti vatakure muchinjiko, nekuteera Jesu akazvininipisa nekuzvidzikisira. Zvekunamata wave mutambo wevasineyi naMwari nevasingadi kutenda chokwadi, nokuti vazhinji vanezita rekunzi vanamati havazive zvimiso nezvisungo zvekunamata. Simba rehuMwari rakapotsa ratotama kubva kumazhinji emasangano iwayo. Mafaro nekudya, zvezvimitambo inonakidza musangano, zvedzimba dzakanaka, zvekuzviratidzira, zvakatodzinga pfungwa dzezvaMwari. Minda, nezvinhu, nemabasa epane rino pasi ndizvo zvazadza pfungwa asi zvinechekuita neupenyu husingaperi hazvitombotariswi kana nepaduku zvapo.KK 288.4

    Zvisineyi nekuwanda kwekuderera kwekutenda nekuzvipira kuna Mwari, kune vateveri vechokwadi vakristu mumasangano iwaya. Kutonga kwaMwari kwekupedzisira kusati kwasvika panyika, kuchavepo pakati pevanhu vaMwari rumutsiriro, rwehuMwari hwekare sezvisati zvakamboonekwa kubvira panguva yevapostori. Mweya nesimba raMwari zvichadururirwa pavana vake. Panguva iyoyo vazhinji vachazviburitsa mumasangano iwayo umo rudo rwenyika rwatora nzvimbo yerudo rwaMwari neshoko rake. Vazhinji, vafudzi pamwechete nenhengo, vachagamuchira chokwadi chikuru Mwari chaanoda kuti chiparidzwe munguva ino kugadzirira vanhu kuuya kwaTenzi kwechipiri. Muvengi wemweya anodisisa kudzivisa basa iri, uye nguva yemafambiro ezvinhu akadai isati yasvika, achashingaira kuti izvi zvisaitika nekuisa chakafanana nechinofanira kuitika, asi chisiri icho zvachose. Mumasangano ayo aanogona kuisa pasi pesimba rake achazviita kuti zviite sekuti chikomborero chaMwari chinoshamisa chadururwa; kuchaonekwa chichafungidzirwa sekuti kufarira kunamata kukuru. Vazhinji vachati Mwari ari kuvashandira zvinoshamisa, iro riri basa remumwe mweya. Zvichiita sekuti ndezvekunamata, Satani achatsvaka kufukidza chiKristu chose nesimba rake. KK 289.1

    Mumarumutsiriro mazhinji akaitika mumakore makumi mashanu akapfuura, masimba iwaya akanga ari pabasa, mukuwanda kana kushomeka, izvi zvicharatidzwa nenzira yakakura zvikuru kudarika kare mumaitiro enguva inotevera. Pane kutekenyedzwa munyama kuchaveko, kusanganiswa kwechokwadi nenhema, uko kuchange kwakanyatsogadzirirwa kurasisa. Zvakadaro hapana anofanira kunyengerwa. Muchiedza cheshoko raMwari, hazvina kuoma kuti chimiro chemaitiro aya chionekwe. Kwese kwese uko vanhu vanoshaya hanya nekupupura kweBhaibheri, vachitendeuka kubva kuchokwadi ichi chinonzvera mweya, icho chinotsvaka kuzviramba uye kusiya nyika, ipapo tinogona kuva nechokwadi chekuti chikomborero chaMwari hachina kupiwa. Uye nemutemo uyo Kristu pachake akapa, “Muchavaziva nemichero yavo” (Mateo 7:16) zviri pachena kuti zviri kuitwa izvi harisi basa reMweya waMwari.KK 289.2

    Muchokwadi cheizwi Rake, Mwari akazvizarurira Iye Pachake kuvanhu; uye kuna vose vanozvigamuchira inhovo yekudzivirira kunyengera kwaSatani. Kushaya hanya nechokwadi ichi ndiko kwakazarurira musuo kuti zvakaipa izvi zvipararire pakati pevanonamata. Chimiro nekukosha kwemurairo waMwari zvasudurutswa kure zvikuru. Manzwisisiro asiri iwo echimiro chemurairo wedenga, nekuvepo kwawo narini, nezvaunosimbisa, zvatungamirira mukukanganisa maererano nekutendevuka nekunatswa, uye zvakonzeresa kudzikisirwa kwechiero chemanamatiro nekuzvipira musangano. Apa ndipo pane chakavanzika chekushaikwa kweMweya nesimba raMwari mumarumutsiriro enguva yedu. KK 289.3

    Mumasangano akasiyana-siyana mune varume vanozivikanwa nezvekunamata kwavo, vanoziva izvi nekuzvitsoropodza. Professor Edwards A. Park, achiisa pachena kurasika mune zvekunamata kuriko zvino, anobva ati: “Pamwe panove ndipo pari kubva njodzi kusashandiswa kwenzvimbo yekuparidzirwa nekutsimbidzira mutemo wedenga. Mumazuva akapfuvura nzvimbo iyi yaive maungira eizwi rehana . . . Vaparidzi vedu vaive nembiri kupfuvura vamwe vose vaipfumisa mharidzo dzavo kuburikidza nekuterera muenzaniso waTenzi, nekusimudzira murairo nezvimiso zvavo, nekuvhundutsira kwawo. Vaidzokorora zvikuru-kuru zvawo zviviri kuti murairo ndiwo mufananidzo wekukwana kwehuMwari uye kuti munhu asingadi murairo haadivo vhangeri nekuti murairo pamwechete nevhangeri, ndicho chivoni-voni chinoratidza chimiro chaMwari chechokwadi. Dambudziko iri rinotungamirira kune rimwe rekudzikisira kuipa kwechivi, kukura kwacho, nehuipi hwacho. Kukura kwekuperera kwemutemo kunoenderanavo nekukura kwemhosva inobva mukusauterera.KK 289.4

    Pamwechete nenjodzi dzatotaurwa kare, kunevo njodzi yekutarisira pasi kururamisira kwaMwari. Tsika yevaparidzi vazvino ndeyekumanikidzira kubvisa kururamisira kwedenga kubva kukunaka kukuru kwedenga. Kudzikisira kunaka uku kuti kuve sekakungofunga kana kanzwiro kasina kunyanyokosha, pane kuti kusimudzirwe kuchiva chimiso. Dzidziso itsva iyi pamusoro paMwari iri kuparadzanisa zvakabatanidzwa naMwari. Murairo wedenga wakanaka here kana kuti chinhu chakaipa. Wakanaka. Saka kururamisa kwakanaka; nekuti ndiwo mafungiro, kana maitiro anoisa murairo panzvimbo yawo chaiyo. Kubva mutsika yekudzikisira murairo wedenda nekururamisa, kukura kwekuipa kwekusaterera kwevanhu, vanhu vanowira zvirinyore mutsika yekutarisira nyasha dzake dzakatiunzira chibairo chechivi pasi.” Nekudaro vhangeri rinorasikirwa nekukosha kwaro mupfungwa dzevanhu, zvekuti vagadzirire kurasira kure neBhaibheri racho chairo.KK 290.1

    Vadzidzisi vazhinji vezvekunamata vanoti Kristu nekufa kwake akaparadza murairo, uye vanhu kubva ipapo vakasunungurwa kubva kuzvidiso zvemurairo. Vamwevo vanoti murairo ijoko rinorwadzisa, uye vanodzidzisa nezvekudzvanyirirwa kwemutemo vachiuenzanisa nerusununguko runofadza rwekuve pasi pevhangeri.KK 290.2

    Asi vaprofita nevapostora vakanga vasingavoni saizvozvo murairo waMwari. Davidi akati: “Ndichafamba ndakasununguka, nekuti ndinotsvaka mirairo yenyu” Pisarema 119:45. Muapostora Jakobo, akanyora mushure mekufa kwaJesu, anoti mirairo inegumi “mirairo yehumambo” uye murairo werusununguko wakaperera” Jakobo 2:8; 1:25. Nemunyori waZvakazarurwa makore makumi mashanu shure kweMuchinjikwa anodaidzira kuropafadzwa kune “vanoita mirairo Yake kuti vatenderwe kunodya pamuti wehupenyu nekutivo vapinde nepamasuo eguta, Zvakazarurwa 22:14.KK 290.3

    Kutaura kuti Kristu nekufa kwake akapedza murairo waBaba vake hakuna rutsigiro runobva muBhaibheri. Dai zvaigoneka kuti murairo ushandurwe kana kuiswa parutivi, saka zvingadai zvisina kutsvaka kuti Kristu afe kuti aponese munhu kubva kutuso rechivi. Rufu rwaKristu, zviri kure zvakadaro nekuparadza murairo, runotosimbisa kuti murairo haushanduke. Mwanakomana waMwari akavuya “kuzosimudzira murairo nekuita kuti uremekedzwe” Isaya 42:21. Akati “musafunga kuti ndakavuya kuzoparadza murairo, kusvika denga nenyika zvapfuvura, hapana kana kadimbu zvako kemurairo kachabviswa” Mateo 5:17, 18. Uye pamusoro pezvake Iye anotaura zvakasimba achiti: “Ndinofarira kuita kuda kwenyu, O Mwari wangu, uye murairo wenyu uri mumwoyo mangu” Pisarema 40:8.KK 290.4

    Murairo waMwari, kubva pachimiro chawo haushanduke. Ndiwo unoisa pachena kuda nechimiso cheMunyori kana kuti Muvambi wawo. Mwari rudo, uye murairo wake rudo. Zvimiso zvawo zviviri rudo kuna Mwari nerudo kumunhu. “Rudo kuzadziswa kwemurairo”VaRoma 13:10. Chimiro chaMwari kururama nechokwadi; ichi ndicho chimiro chemurairo wake. Muimbi anoti: “murairo wenyu ichokwadi; mitemo yenyu yose yakarurama” Pisarema 119:142, 172. Uye muApostora Pauro anoti: “murairo mutsvene uye mutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka” VaRoma 7:12. Murairo wakadaro uri mazwi ekutsanangura pfungwa nechidiso chaMwari unofanira kurarama sekurarama kweMuvambi wawo.KK 290.5

    Ibasa rekutendeuka nekunatsa rinoyananisa vanhu kuna Mwari, kuburikidza nekuvaunza mukuwirirana nezvimiso zvemurairo wake. Pakutanga munhu akasikwa mumufananidzo waMwari. Akanga ari mukuwirirana kwakaperera nechimiro nemurairo zvaMwari, zvimiso zvekururama zvakanga zvakanyorwa pamwoyo wake. Asi chivi chakamuparadzanisa neMusiki wake. Haana kuzoramba achiratidza mufananidzo wedenga. Mwoyo wake wakange wave nehondo nezvimiso zvemurairo waMwari. “Pfungwa yenyama inovengana nemurairo waMwari, nekuti haizviisi pasi pemurairo waMwari, hazvigoni kuti ive saizvozvo” VaRoma 8:7. Asi, “Mwari akada nyika zvakadaro, zvekuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga,” kuti munhu agone kuyananiswa naMwari. Kuburikidza nekugona kwaKristu, anogona kudzoserwawo mukufambidzana kwakanaka neMusiki. Mwoyo wake unofanira kushandurwa nenyasha dzedenga; unofanira kuva nehupenyu hutsva hunobva kumusoro. Kushanduka uku ndiko kuberekwa patsva, pasina izvi Jesu akati “haangagoni kuona humambo hwaMwari.” KK 291.1

    Danho rekutanga mukuyananiswa naMwari, kubvuma zvakaipa. “Chivi kudarika murairo.” “kuburikidza nemurairo chivi chakazivikanwa” 1 Johane 3:4; VaRoma 3:20. Kuti avone mhosva yake, munhu anofanira kuyera chimiro chake nechiyero chikuru chekururama chaMwari. Ndicho chivoni-voni chinoratidza kuperera kwechimiro chakarurama uye unogonesa mutadzi kuona kukombama kwechimiro chake iye.KK 291.2

    Murairo unoisira mutadzi pachena chivi chake, asi haupi nzira yekugadzirisa. Kunyange uchivimbisa hupenyu kune anoteerera, unotaura nesimba kuti rufu ndiwo mubairo wemutadzi. Vhangeri raKristu chete ndiro rinogona kumudzikinura kubva kumhosva kana kusvibiswa kwechivi. Anofanira kutendeukira kuna Mwari, ane murairo wakadarikwa; nekutenda kuna Kristu, chibairo chake chekuyananisa. Izvi zvinoita kuti awane, “kuregererwa kwezvivi zvakapfuura” anobva ave nemugove wechimiro chedenga. Ave mwana waMwari agashira mweya wekuitwa mwana, zvinozoita kuti acheme achiti: “Abba, Baba!”KK 291.3

    Asununguka zvino here kuti atyore murairo waMwari? Pauro anoti: “Zvino tochimhura murairo kuburikidza nekutenda here? Kwete! Tinotosimbisa murairo kwazvo.” “Ko isu takafa kuzvivi tingararama sei mazviri?” Johane anosimbisa achiti: “Uku ndiko kuda Mwari, kuti tinochengeta mitemo yake. Uye mitemo yake haisi mutoro” VaRoma 3:31; 6:2; 1 Johane 5:3. Mukuberekwa patsva mwoyo unovuyiswa mukuwirirana naMwari, paunenge uchiiswa mukufambidzana nemurairo wake. Kana shanduko iyi inesimba yaitika mumutadzi, abva murufu achiuya muhupenyu, kubva kuchivi kuuya kuhutsvene, kubva kukudarika nekupanduka kuuya kukuterera nekukutendeka. Hupenyu hwekare hwekuva kure naMwari hwapera; hupenyu hutsva hwekuyananiswa, nehwekutenda nerudo hwatanga. Ipapo “zvakarurama zvinodiwa nemurairo” “zvave kuzadziswa matiri vasingafambi sekuda kwenyama asi vanofamba neMweya.” VaRoma 8:4. Nemutauro wemweya unobva wati: “Haiwa! Ndinofarira sei murairo wenyu! Ndinoufungisisa zuva rose” Pisarema 119:97.KK 291.4

    “Murairo waJehova wakaperera, unopindura mweya” Pisarema 19:7. Pasina murairo, vanhu havagoni kunzwisisa kuchena nehutsvene hwaMwari kana mhosva yavo nekusviba kwavo pachavo. Havanyatsonzwisisa chitema kana kunzwavo shungu dzekutendeka. Nekusavona chimiro chavo chekurasika sevanorwisana nemurairo waMwari, havavoni kufanira kwavo kucheneswa neropa raKristu. Tariro yeruponeso inogamuchirwa pasina kushanduka kwemwoyo kana kupinduka kwehupenyu. Saka kupinduka kusina kukwana kwakawanda, naizvozvo vanhu vazhinji vasina kana kumbofambidzana naKristu vanozadza makereke.KK 292.1

    Pfungwa dzemanyepo dzekunatswa, dzinobvavo pakushaya hanya kana pakuramba murairo wedenga dzinowanikwa zvakanyanya mumasangano ezvekunamata emazuva ano. Mafungiro aya akarasika uye anenjodzi padzidziso dzawo, mukurarama; nechikonzero chekuti arikufarirwa nevanhu vakawanda, zvinokosha kakapetwa kuti vanhu vose vave nekunzwisisa kwekuti Magwaro anodzidzisa kuti kudii nenyaya iyoyi.KK 292.2

    Kunatswa kwechokwadi idzidziso yeBhaibheri. Muapostora Pauro, mutsimba yake kusangano reVaTesaronika, anotaura zvakasimba achiti: “Nekuti kuda kwaMwari ndihwo vutsvene hwenyu, murege vupombwe” 1 VaTesaronika 4:3; 5:23 uye anokumbirisa achiti: “Mwari werugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo.” Bhaibheri rinodzidzisa zviri pachena kuti kunatswa kuita sei uye kuti kunowanikwa sei. Muponesi akanamatira vadzidzi achiti: “Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi” Johane 17:17. Uye Pauro anodzidzisa kuti vatendi vanofanira “kuitwa vatsvene neMweya Mutsvene” VaRoma 15:16. Basa reMweya Mutsvene nderei? Jesu akavudza vadzidzi vake kuti: “Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose” Johane 16:13. Zvakare muimbi anoti: “Murairo wenyu ndewazvokwadi.” Neshoko neMweya waMwari zvimiso zvikuru zvekururama zviri mumurairo wake zvinoziviswa kuvanhu. Uye sezvo murairo waMwari uri “mutsvene, uye wakarurama, wakanaka,” chiratidzo chakanyorwa chehuMwari, zvinoreva kuti chimiro chinobuda pakuchengeta murairo uyu chinovavo chitsvene. Kristu muenzaniso wedu wakaperera wechimiro chakadaro. Anoti: “Seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu, ndichigara murudo rwavo” Johane 15:10; 8:29 “Nekuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.” Vateveri vaKristu vanofanira kufanana naiye,-nenyasha dzaMwari, vave nezvimiro zvinowirirana nezvinotarisirwa nemurairo wake mutsvene. Ndiko kunatswa kweBhaibheri. KK 292.3

    Basa iri rinokwanisika chete kuburikidza nekutenda muna Kristu, nesimba reMweya waMwari anogara mumunhu. Pauro anoraira vatendi achiti: “Pedzisai kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera; nekuti ndiMwari unobata mukati menyu, kuti mude vuye muite kuda kwake kwakanaka” VaFiripi 2:12, 13. Makristu achanzwa kumutsa kwechivi, asi anomira ari pahondo nacho. Apa ndipo panotsvakwa kubatsira kwaKristu. Kusasimba kwemunhu kunobatanidzwa nesimba redenga, uye kutenda kunoti: “Zvino Mwari ngaavongwe, unotipa kukunda muna Kristu Jesu ” 1 VaKorinde 15:57.KK 292.4

    Magwaro anoratidza zviri pachena kuti basa rekucheneswa rinokura zuva rimwe nerimwe. Kana mukutendevuka mutadzi anowana rugare naMwari kuburikidza neropa rekudzikinurwa, hupenyu hweChikristu hwatotanga. Zvino anofanira “kuenderera mberi kusvika mukukwana;” kukura kuenda “kuchiero chechimiro chekuzara kwaKristu.” Muapostora Pauro anotaura achiti: “Asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi. Ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wekudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu” VaFiripi 3:13, 14. Petro anoisa pamberi pedu matanho atinogona kuwana nawo kunatswa kwemuBhaibheri: “Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, nepakunaka wedzerai kuziva; nepakuziva, kuzvidzora; nepakuzvidzora, kutsungirira; nepakutsungirira, kunamata Mwari; nepakunamata Mwari, kuda vatendi, nepakuda vatendi, rudo . . . . Nekuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasinovusimbe nevasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nekuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi” 2 Petro 1:5-10.KK 293.1

    Avo vanosangana nekunatswa kwemuBhaibheri vacharatidza mweya wekuzvininipisa. SaMosisi, vanenge vawoneswa hutsvene hwehumambo hunotyisa, uye vovona kusakodzera kwavo ivo zvichienzaniswa nekuchena nekuperera kwakakwirira kwaIye Asinamagumo.KK 293.2

    Muprofita Danieri akanga ari muenzaniso wekunatswa kwechokwadi. Hupenyu hwake hwakareba hwakazara nekushandira Tenzi wake. Akanga ari murume ” aidiwa zvikuru”, (Danieri 10:11) nedenga. Zvakadaro pane kuti ati ndakachena uye ndiri mutsvene, muprofita anoremekedzwa uyu anozviisa pamwechete nevatadzi chaivo vaIsraeri paainyengetera ari pamberi paMwari achimiririra vanhu vake: “Nekuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nekuda kwezvakarurama zvedu, asi nekuda kwenyasha dzenyu huru.” “Takatadza, takaita zvakashata.” Anotaura zvakasimba, “Zvino ndakati ndichitaura nekunyengetera nekuzvirevurura zvivi zvangu nezvivi zvevanhu vangu vaIsraeri” Danieri 9:18, 15, 20; 10:18.Uye panguva duku yepamashure akataura achiti: “Ndikapererwa nesimba; nekuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.”KK 293.3

    Jobo paakanzwa izwi raJehova richibva muchampupuri, akataura nekushamiswa: “Saka ndinozvisema, nekuzvidemba muguruva nemadota” Jobo 42:6. Yakanga iri nguva iya Isaya yaakavona mbiri yaJehova, nekunzwa vatumwa vachidaidzira vachiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehova wehondo; nyika yose izere nekubwinya kwake” Isaya 6:3, 5 Ndipo paakadaidzira achiti: “Ndine nhamo! Nekuti ndoparara.” Pauro paakanga asimudzwa akaiswa mudenga rechitatu mumweya, akanzwa zvinhu zvisingakwanisi kutaurwa nemunhu, anotaura nezvake semunhu “Ndinoziva munhu uri muna Kristu, ave makore anegumi nemana apfuvura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari unoziva), munhu wakadai wakakwidzwa kudenga rechitatu. Vuye ndinoziva munhu wakadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwemuviri, handizivi; Mwari unoziva) kuti wakakwidzwa muparadiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti areve” 2 VaKorinde 12:2-4; “Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose” VaEfeso 3:8. Akanga ari Johane uya aidiwa kwazvo naJesu, akatsamira pachifuva chaJesu nekuona mbiri yake, akawira pasi petsoka dzemutumwa seakafa Zvakazarurwa 22:8.KK 293.4

    Hapagoni kuti pave nekuzvisimudzira kana kutaura kwekuzvikudza kunobva pakusununguka kubva muzvivi, kune avo vanofamba mumumvuri wemuchinjikwa weKarvari. Vanonzwa kuti chitema chavo chakakonzeresa kurwadziwa kwakapwanya mwoyo weMwanakomana waMwari, pfungwa iyoyi inovatungamirira mukuzvidzikisira. Avo vanogara pedyo-pedyo naJesu vanovona zvakanyatsojeka kusasimba nekuve vatadzi kwevanhu, tariro yavo yoga iri mukugona kweMuponesi akaroverwa akamuka.KK 294.1

    Kuitwa vatsvene kuri kuita mukurumbira pakati pevanamati mazuva ano kuzere nemweya wekuzvisimudzira uye kushaya hanya nemurairo waMwari zvinova ndizvo zvinoratidza kuti hakuna hukama nekunamata kunotaurwa neBhaibheri. Vanokurudzira pfungwa iyi vanodzidzisa kuti kuitwa mutsvene ibasa rinokwanisa kuitika pakarepo, nenguva duku, vanoti izvi zvinoda kutenda chete, vanobva vawana hutsvene hwakaperera. “Ingotenda chete,” vanodaro, “Chikomborero chinobva chave chako.” Hakunazve zvimwe zvinofanira kuzoitwa neagamuchira. Panguva imwe chete iyi vanoramba simba remurairo waMwari, vachimanikidzira pfungwa yekuti vakasunungurwa kubva pakuchengeta murairo. Asi zvinokwanisika here kuti munhu ave mutsvene, achiwirirana nekuda nechimiro chaMwari, pasina kupindirana nezvimiso zvinoratidza chimiro chake nekuda kwake, zvinoratidza izvo zvinomufadza?KK 294.2

    Chidiso chekunamata kwakareruka, kusingatsvaki kushingaira, kana kuzviramba, kana kusiyana nehupenzi hwenyika, kwakonzera dzidziso yekutenda, kutenda chete, ive dzidziso ine mukurumbira chaizvo; asi ko Shoko raMwari rinoti kudii? Anodaro muapostora Jakobo: “Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti: Ndine kutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? . . . “Zvino iwe munhu wevupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa? Ko Abrahama, baba vedu, haana kururamiswa nemabasa here, nguva yaakabaira mwanakomana wake Isaka paaritari? Unovona kuti kutenda kwake kwakabata pamwe chete nemabasa ake, vuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa nemabasa? . . . Munovona kuti munhu unoruramiswa nemabasa, haaruramiswi nekutenda bedzi” Jakobo 2: 14-24. KK 294.3

    Kupupura kweshoko raMwari kunopikisana nedzidziso inonyengera iyi yekutenda kusina mabasa. Hakusi kutenda kunobata mwoyo waMwari kuti atide isu tingachengeta zvaakatema kuti nyasha dzigopiwa. Kungotenda mune zvinonzi chokwadi asi icho chisiri chokwadi; nekuti kutenda kwechokwadi kune hwaro muzvitsidzo zvinowanikwa muMagwaro.KK 294.4

    Ngakurege kuva nemunhu anozvinyengedzera achiti anogona kuva mutsvene asi achipesana nechimwe chezvidiso zvaMwari achiziva zvake. Kuita chivi uchiziva kunonyaradza izwi raMwari Mweya Mutsvene nekusudurudzira munhu kure naMwari. “Chivi ndiko kudarika murairo, mumwe nemumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nemumwe unoita zvivi, haana kumuvona kana kumuziva” 1 Johane 3:6. Kunyange Johane mutsimba dzake anorambira parudo rwaMwari zvakazara, asi haatyi kuisa pachena chimiro chechokwadi cheboka rinoti rakanatswa iro richirarama mukutyora murairo waMwari. “Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, zvokwadi haizi maari; asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo” 1 Johane 2:4, 5. Apa ndipo pane kutenda kwemunhu wose. Hatigone kuti munhu mutsvene tisina kumupima nechiero chehutsvene chimwe chete chaMwari mudenga nepasi. Kana vanhu vasinganzwi kukosha kwemurairo, kana vachizvidza nekurerutsa mirairo yaMwari, kana vachityora mumwe wemitemo miduku iyi, nekudzidzisa vanhu kuita saizvozvo, havagoni kuremekedzwa pamberi pedenga, uye tinogona kuziva kuti zvavanotaura hazvina hwaro.KK 294.5

    Uye kutaura kuti handina chivi, pachako kusimbisa kuti iye ari kutaura kudaro ari kure nehutsvene. Izvi zvinoreva kuti haana kunzwisisa kwechokwadi kwekukura kusina chiero kwekunaka nehutsvene hwaMwari, kana zvaanofanira kuve uyo achave mukuwirirana nechimiro chake. Nekuti haanzwisisi zvakakwana kuchena nekunakisisa kwaJesu kwakakwirira, nenjodzi nehuipi hwechivi kuti munhu iyeye azozvivona semutsvene. Kuve kure kwake kubva kuna Kristu, nekukura kwekusaziva kwake chimiro chekudenga nezvinotarisirwa, ndiko kukura kwehutsvene hwake semaonero aanozviita iye.KK 295.1

    Kuitwa mutsvene kunotsanangurwa muMagwaro kunoputira munhu wose,-mweya nemwoyo nemuviri. Pauro akanamatira vanhu vekuTesaronika achiti: “Mweya wenyu, nemwoyo, nemuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa kusvikira pakuuya kwaShe wedu Jesu Kristu” 1 VaTesaronika 5:23. Zvakare anonyorera vatendi achiti: “Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari” VaRoma 12:1. Munguva dzaIsraeri wekare chibairo chimwe-nechimwe chapiwa sechipiriso kuna Mwari chaitarisiswa. Kana chinhu chakaipa chaivonekwa mumhuka yaida kubairwa, yaisagamuchirwa nekuti Mwari akanga araira kuti chibairo chaifanira kuva, “chisina chachinopomerwa.” Saka Makristu anokurudzirwa kuti aise miiri yavo, “sechibairo chipenyu chitsvene, chinogashirika pamberi paMwari.” Kuti izvi zviitwe, masimba avo ose anofanira kuchengetedzwa arimuchimiro chakanaka. Tsika ipi neipi inokanganisa muviri kana pfungwa inokonzera kuti munhu asafanira kushandira Musiki wake. Mwari angafadzwe here nechinhu chiri pasi pechiero chezvaakatara pane zvatinogona kupa? Kristu akati: “Unofanira kuda Jehova Mwari wako nemwoyo wako wose nepfungwa dzako dzose. “Avo vanoda Mwari nemwoyo wese vanozvimisira kuMupa kushumira kwakanakisisa kweupenyu hwavo, uye vanozoramba vachitsvaka kuti vaise hupenyu hose mukuwirirana nemirairo inozovagonesa kuita zvaanoda. Havazokanganisi hutano, kana kusvibisa chibairo chavanofanira kumisa kuna Baba vekudenga kuburukidza nekutunhidza havi kana zvidiso zvenyama.KK 295.2

    Petro anoti: “Muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nemweya” 1 Petro 2:11. Chipi nechipi chinoitwa kungotsvaka kugutsa nezvidiso zvenyama zvakashata chinoisa chiveve mupfungwa nekuvuraya maonero. Izvi zvinokonzera kuti inzwi reMweya waMwari rinzwikwe zvishoma shoma mumwoyo. Pauro anonyora kuvanhu vekuKorinde: “Ngatizvinatse pamatsvina ose enyama neemweya, tikwanise vutsvene pakutya Mwari” 2 VaKorinde 7:1. Uye zvibereko zveMweya zvinoti—“rudo, nemufaro, nerugare, nemwoyo murefu, nemwoyo munyoro, nekunaka, nekutendeka, nevunyoro,”- anozviisa muchikwata chimwechete “nekuzvidzora” VaGaratia 5:22, 23.KK 295.3

    Kunyange paine kutaura kunesimba kwakafemerwa kwakadii, vangani maKristu vari kuparadza hutano hwavo nekushingairira pfuma kana kunamata mapfekero; vangani vari kudzikisira chimiro chavo chehuMwari nemakaro, nekunwa waini, nekunakidzwa nezvinorambidzwa. Uye sangano, pane kuti ritsiure, kazhinji rinorukudzira zvakaipa nekukoshesa havi, dzekuda shungu hupfumi, kana kuda kunakidzwa, kuti kereke iwane mari isingagoni kuwanikwa kubva mukuda Kristu. Dai Jesu aipinda mumakereke nhasi nekuona mabiko nezviri kufambiswamo muzita rekunamata, haaitinhira vasvibisi avo kunze here, sezvaakatandanisa vairavanisa mari mutemberi? KK 296.1

    MuApostora Jakobo anotaura zvakasimba kuti huchenjeri hunobva kumusoro “kunotanga nekuchena.” Dai akanga ambosangana neavo vanotaura zita rakakosha raJesu, nemiromo yakasvibiswa nefodya, avo vane kufema kana miviri yavo zvakakanganiswa nekunhuwa kwayo, uye vanosvibisa mhepo yedenga nekumanikidzira vose vakavapoteredza kuti vafeme mweya uneuturu uhu,—dai akanga ambosangana nemararamiro anopikisana zvakadaro nekuchena kwevhangeri, angadai asina here kuzvishora “sezvinhu zvepasi pano zvinofadza nyama, zvadiaborosi?” Varanda vefodya vachiti chikomborero chekunatsva chose ndechavo, vanotaura netariro yavo yekuve kudenga; asi Shoko raMwari rinotaura pachena kuti “Mukati maro hamungatongopindi chinhu chinosvibisa” Zvakazarurwa 21:27. KK 296.2

    “Hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yeMweya Mutsvene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMwari? Hamuzi venyu; nekuti makatengwa nemutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu vuye mumweya yenyu iri yaMwari” 1 VaKorinde 6:19, 20. Uyo ane muviri uri temberi yeMweya Mutsvene haangaitwe muranda netsika inenjodzi kuhupenyu hwemunhu. Masimba ake ndeaKristu akamutenga nemutengo weropa. Pfungwa yake ndeyaIshe. Inoshaya mhosva sei mukuparadza hupfumi uhu hwaakachengeteswa kuitira kuti basa rigoenderera mberi? Vanozviti makristu vanoshandisa mari yakawanda gore negore pazvinhu zvisina basa vachiita zvinhu zvine njodzi kuhutano hwavo panguva imwecheteyo mweya ichifa nekushaya shoko rehupenyu. Mwari anobirwa muzvegumi nezvipo, vanhu vachidya paaritari yekuchiva kunoparadza kudarika kupa kwavanoita kuti varombo varerutsirwe na- pakakufambiswa kwevhangeri. Dai vose vanoti vateeri vaKristu vakaruramiswa nekunatswa pachokwadi hupfumi hwavo pane kuti hushandiswe pane zvisina maturo nemune zvinokuvadza, hwaidzoserwa kudura rehupfumi hwaJehova, uye maKristu aizove mienzaniso wekuzvidzora, kuzviramba, uye nekuzvipira. Ipapo vaizova chiyedza chenyika. KK 296.3

    Nyika yaputsikira kune zvinofadza nyama chete. “Kuchiva kwenyama, kuchiva kwemeso, nekuzvida ndizvo zviri kusunda vanhu vazhinji. Asi vateveri vaKristu vane kudaidzwa kutsvene. Budai pakati pavo muzvitsavure, ndizvo zvinotaura Jehova, musabata chinhu chinetsvina.” Mukurarama sezvinodiwa neShoko raMwari, zvinokodzera kutaura takasimba kuti kunatswa hakuna kukwana kana tisingaunzi kuramba nekusiya tsika dzakashata dzekutsvaka kuzvigutsa nezvinhu zvenyika. KK 296.4

    Kune avo vanoteerera zvimiso zvinodikanwa, “budai kubva mukati mavo muende parutivi musabate chinhu chine tsvina.” Chitsidzo chaMwari chinoti: “Ini ndichakugamuchirai, ndichava Baba venyu, nemi muchava vanakomana nevanasikana vangu. Ndizvo zvinotaura Ishe unesimba rose” 2 VaKorinde 6:17, 18. Zvinotsvaka kuti muKristu mumwe nemumwe apfume mumararamiro nemuzvinhu zvaMwari. “Ndiri chiedza chenyika,” akataura Jesu, “Unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza chehupenyu” Johane 8:12. “Asi gwara revakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru” Zvirevo 4:18. Danho rimwe nerimwe rekutenda nekuteerera rinouyisa mweya pedyo nechiedza chenyika. Uyo maari, “musina kana rima.” Maranzi anobwinya ezuva rekururama anopenyera varanda vaMwari ivo vanofanira kuratidza kupenya kwemaranzi ake. Senyeredzi dzinotiudza kuti kune chiyedza chikuru mudenga chine mbiri inodziita kuti dzipenye, saka Makristu anofanira kuti zvive pachena kuti kuna Mwari ari pachigaro chekutonga kudenga nepasi ane chimiro chakakodzera kurumbidzwa nekuteererwa. Nyasha dzeMweya wake, kuchena nehutsvene hwechimiro chake, zvichavonekwa muvaranda vake. KK 297.1

    Pauro mutsamba yake kuVaKorosi anoisa pachena zvikomborero zvakapfuma zvavakapiwa kuvana vaMwari. Anoti: “Nesuvo, hatiregi kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe nekuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nekunzwisisa kose kwemweya; kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo; muchisimbiswa nesimba rose, nesimba rekubwinya kwake, nemwoyo murefu, nekutiwira nemufaro” VaKorosi 1: 9-11.KK 297.2

    Anonyorazve nechidiso chake chekuti hama dzepaEfeso dzisvike pakunzwisisa kureba kwemukana wemuKristu. Anozarurira pamberi pavo, mururimi runonyatsonzwisisika, simba rinoshamisa neruzivo rwavaigona kuve narwo sevanakomana nevanasikana vewekumusorosoro. Zvaive zvavo “kuti vasimbiswe neMweya wake mumunhu wemukati; kuti vave nemidzi nenheyo murudo; vave nesimba rekunzwisisa pamwe chete nevatsvene vose, kuti kufara, nekureba, nekukwirira, nekudzika kwakadiniko, nekuziva rudo rwaKristu, runopfuvura kuziva, Asi munyengetero wemuapostora anosvika pachiruvi chaipo paanoti, “Kuti muzadziswe nekuzara kose kwaMwari” VaEfeso 3:16-19.KK 297.3

    Apa ndipo parikuiswa pachena kukwirira kwezvingagonekwe zvatingasvikire kuburikidza nekutenda muzvivimbiso zvaBaba vedu vekudenga, patinenge tazadzisa zvaanoda. Kuburikidza nekugona kwaKristu tine mvumo yekusvika pachigaro chesimba risina chiero. “Iye usina kuramba kunyange neMwanakomana wake, asi wakamupa chose nekuda kwedu tose, ungarega seiko kutipavo zvose pamwe chete naye” VaRoma 8:32. Baba vakapa Mweya wavo zvisina chiero kuMwanakoma wavo, nesuwo tinogona kuwana mugove mukuzara uku. Jesu anoti, “Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka: Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kune vanokumbira kwaari” Ruka 11:13. “Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.” “kumbirai muchapiwa kuti mufaro wenyu uzadzisike” Johane 14:14; 16:24. KK 297.4

    Apo upenyu wemuKristu hunenge hwakazara nechimiro chekuzvininipisa, haufaniri kuratidzwa nekusuruwara nekuzvitarisira pasi. Mukana wemumwe nemumwe kuti ararame zvinoita kuti Mwari ati zvakanaka agomukomborera. Hakusi kuda kwaBaba vedu vekudenga kuti tive pasi pekushorwa nerima. Hapana chinotsigira kuzvinipisa kwechokwadi mukufamba musoro uri padivi nemwoyo wakazadzwa nekuzvifunga iwe pachako. Tinogona kuenda kuna Jesu tichinocheneswa tozomira pamberi pemurairo wake tisina nyadzi kana kuzvishora. “Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kunevari muna Kristu Jesu vasingafambi nenyama asi nemweya” VaRoma 8:1. KK 298.1

    Kuburikidza naJesu vanakomana waAdamu vakaputsika vanogona kuva “vanakomama vaMwari.” “Nekuti uyo, unovaita vatsvene, naivo vanoitwa vatsvene, vose vakabva kune mumwe; nemhaka iyi haanenyadzi kuvaidza hama dzake” VaHeberu 2:11. Hupenyu hwemuKristu hunofanira kuva hwekutenda, hwekukunda, uye hwakazara nemufaro muna Mwari. “Nekuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu” 1 Johane 5:4. Muranda waMwari Nehemia akataura chokwadi: “Nekuti mufaro waJehova isimba renyu” Nehemia 8:10. Uye Paurovo anoti, “Farai munashe nguva dzose; ndinopamhidzazve farai. Rambai muchingofara. Namatai musingamiri. Tendai muzvose nekuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu nekuda kwenyu” VaFiripi 4:4; 1 VaTesaronika 5:16-18. KK 298.2

    Izvi ndizvo zvakaita michero yekutendevuka nekuitwa vatsvene sezvinotaurwa neBhaibheri; nekuda kwekuti zvimiso zvikuru zvekururama zviri mumurairo waMwari hazvisi kukosheswa nemaKristu ndicho chikonzero nei michero iyi isiri kunyanya kuvonekwa. Ndicho chikonzero nei kuvonekwa kwebasa rakadzika dzika reMweya waMwari, rakaunza rumutsiriro mumakore akapfuvura rakadaro. KK 298.3

    Tikaramba takatarisa tinoshandurwa tofanana nezvatakatarisa. Kana zvimiso izvi zvitsvene umo Mwari akazarura kuvanhu kuperera nehutsvene hwechimiro chake zvikashairwa hanya uye pfungwa dzevanhu dzichikwezverwa kudzidziso dzevanhu nemafungiro evanhu, hazvishamisi kuona kudzikira kwekuzvipira muhupenyu hwekunamata musangano. Jehova anotaura: “...Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura” Jeremia 2:13 .KK 298.4

    “Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa . . . . Asi anofarira murairo waJehova; anofungisisa murairo wake masikati nevusiku. Achafanana nemuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichabudirira” Pisarema 1:1-3. KK 298.5

    Kana murairo waMwari ukadzorerwa panzvimbo yavo zvakazara ndipo chete panogona kuuya rumutsiriro rwekutenda kwekare nehuMwari hwakaperera pakati pevanhu vake. “Mirai panzira, muwone; bvunzai nzira dzekare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mweya yenyu zororo” Jeremia 6:16. KK 298.6

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents