Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 23—CHII CHINONZI NZVIMBO TSVENE (TEBHANEKERI)?

    Shoko rakanga riri hwaro nesimba rekutenda kweboka reAdvent rakanga rataurwa rinoti: “Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.’ Dan 8:14. Mashoko aya akanga anemukurumbira kwazvo maringe nezvekuuya kwaIshe. Nekutaura kwemiromo yezviuru chiporofita ichi chaive chadzokororwazve sechiratidzo chekutenda kwavo. Vese vaive netarisiro yekuti muzviitiko zvenguva yaiva yakatarwa iyi ndimo makanga mune zvidiso zvinofadza uye zvikuru zvetariro yavo. Mazuva echiporofita ichi aiva anzwisiswa kuti iyizopera mumwaka wekukohwa muna1844. Mukuwonerana pamwe chete nema Kristu pasi rese, vatendi vechiAdventisti akava vemuwono wekuti pasi rino kana kuti chikamu chepasi rino ndiyo yaiva nzvimbo tsvene. Vakava nekunzwisisa kuti kucheneswa kwenzvimbo tsvene kwaiva kupiswa nemoto kwepasi rino pazuva guru rekupedzisira vachiti izvi zvaizoitika pakudzoka kwechipir kwaJesu. Zvikavasvitsa pamhedzisiro yekuti kristu waizodzoka panyika gore ra1844.KK 259.1

    Asi zvino nguva yakatarwa yakadarika Jesu haana kuuya. Vatendi vaizviziva kuti Shoko raMwari haringakundikani asi zvichida kududzirwa kwe chiporofita ichi ndiko kwakanga kwarasika, asi papi chaipo pakanga pakanganiswa? Vazhinji vaka kasika kuti pakuhwerengedzwa kwemazuva 2300 achinzi anopera 1844 ndipo pakanga pakanganiswa. Hapana tsanangudzo yaipihwa kunze kwekungoti kristu haana kudzoka panguva yavaiva vakamutarisira. Vakatanga kuwonesana kuti kana chiporofita chemazuva ichi chaipera 1844, kristu angadai akawuya kuzochenesa nzvimbo tsvene nemoto, saka zvaasina kudzoka zvoreva kuti mazuva epachiporofita ichi akanga asati apera.KK 259.2

    Asi kubvuma muwono uyu kwaiva kurasa zvese zvaiva zvambotendwa maringe nechiporofita chamazuva. Mazuva zviuru zviviri namazana matatu (2300) aya akanga awonekwa kuti aitanga nekutema chirevo kwa Artaxerxes pakumutsurudza nekuvaka Jerusarema mu Zhizha regore ra457 BC. Pachitorwa muwono uyu sepaitangira kuverengwa kwenguva iyi yamazuva aya, zvese zvakanga zvichinyatsoenderana nekupindirana zvakanaka netsanangudzo dzezviitiko zvepana Danieri 9:25-27. Mavhiki makumi matanhatu nemapfumbamwe (69), ndiwo aiva makore mazana mana nemakumi masere nematatu (483) ekutanga kubva mumakore zviuru zviviri nemazana matatu, pachizosvikwa pana Mesiasi, Akazodzwa; parubhabhatidzo rwaKristu nekuzodzwa naMweya Mutsvene, A.D 27, izvi zvainyatsozadzisa zvakanga zvakatarwa. Pakati pevhiki rechi makumi manomwe (70) Mesiasi waifanira kuurayiwa. Makore matatu nemwedzi mitanhatu mushure merubhabhatidzo Rwake, Kristu wakaroverwa pamuchinjiko, muMatsutso egore ra A.D 31.KK 259.3

    Mavhiki makumi manomwe kana kuti makore mazana mana nemakumi mapfumbamwe aya akanga atsaurirwa VaJudha chete. Pakupera kwamazuva aya maJudha akazadzisa kuramba kwavo Kristu nekutambudza vadzidzi vake ndipo apo vaApostora vakatanga kuparidza kuvatorwa mugore raA.D 34. Izvi zvaireva kuti makore mazana mana nemakumi mapfumbamwe akanga apfuura tichimabvisa pamakore zviuru zviviri nemazana matatu, kwakazosara makore chiuru nemazana masere anegumi (1810). Kubva pana raA.D 34, makore chiuru nemazana masere anegumi ainosvika kuti gedye pana 1844. Mutumwa akati “ipapo Nzvimbo tsvene ichacheneswa.” Zvese muchiporofita kubva pekutanga zvaizadziswa nemo nemo zvichiitika panguva yakatarwa. KK 259.4

    Nemuwono uyu, zvimwe zvese zvaiva pachena zvichipindarana zvakanaka kunze kwekuti hakuna kuwonekwa mhinduro yaizadzisa chiitiko cheku cheneswa kwe nzvimbo tsvene mugore ra1844. Kuzviramba kuti mazuva aipera panguva iyi zvaimutsa mubvunzo nekukahadzika, uye nekurswa kwemuwono wechiporofita ichi wakanga wamiswa nekuzadziswa kwezvimwe zvese zvaiva muguva yakatarwa. Asi Mwari vakanga vatungamirira vanhu vavo muboka guru reAdvent; Simba nembiri yake zvakanga zvatungamirira basa iri, uye haaizozvirega zvichiperera murima nekukuhunika, kuti zvitorwe semanyepo nemanyawi. Mwari haizosiya basa rake richiperera munyunyuto nekusajeka. Kunyangwe vazhinji vakaramba nguva yechipofita ichi zvakazvidza huchokwadi hwacho, asi vamve havana kuda kusiya zvimiso zvekutenda kwavo izvo zvaitsigirwa nemagwaro zvine huchapupu hweMweya waMwari. Vakatenda kuti vakanga vashandisa zvimiso chaizvo zvekududzira shoko mukunzvera kwavo zviprofita, uye rakanga riribasa ravo kubatisisa chokwadi chavaiva vawana nekuramba vachifamba nezira imweyo yekunzvera Bhaibheri. Nekurevesa paminamato vakatsvakurudza pamuwono wavo vachirava magwaro vachitsvaka kuziva kana paine apo vangadai vakakanganisa mukududzira. Apo vakashaya pakakanganiswa maringe nekuverengwa kwechiporofita chenguva, vakatungamirirwa kunonyatso tsvakurudza zvakadzama maringe nezvekunzwisisa Nzvimbo tsvene.KK 260.1

    Mutsvakurudzo dzavo vakawona kuti muMagwaro makange musina humbowo hwaitsigira muwono waivapo wekuti nyika yaiva nzvimbo tsvene. Asi vakawana zvizere tsanangudzo nedzidziso pamusoro penzvimbo tsvene; chimoro, payaiwanikwa, nezvaiitwa mairi; huchapupu zvemanyoro matsvene huchibuditsa pachena pamusoro payo zvisina mubvunzo. Mu Apostora Pauro mutsamba yava Hebheru anoti “Zvino neyiyi sungano yekutanga yakanga ine mirairo yekushumirwa Mwari nayo, neimba tsvene yenyika. Nokuti tabhenekeri yaiva yokutanga yakagadzirwa, makanga muine chigadziko chemwenje netafura, nezvingwa zvekuratidza ndipo panonzi patsvene. Zvino mberi kwechidzitiro chechipiri pakange paine tabhenakeri yainzi Patsvene-tsvene, pakanga paine ndiro yendarama yezvino nhuwira, neareka yesungano, yakanga yakanamwa nhivi dzise nendarama, yanga ine manna, netsvimbo yaAaroni yakadeya kutungira, namahwendefa esungano; pamusoro payo pakanga panamakerubhi okubwinya, akadzikatidza chifunhiro chengoni.” vaHebheru 9:1-5.KK 260.2

    Nzvimbo tsvene yaitaurwa naPauro apa ndiyo tabhenekeri yakavakwa naMoses pakuraira kwaMwari se nzvimbo yehugaro hwaMwari wekudenga. “Ngavandiitire nzvimbo tsvene kuti ndigogara pakati pavo” Exodo 25:8. Ndiro shoko raakapihwa Mozisi apo akanga ari mugomo naMwari. Vana vaIsraeri vakanga vachifamba murenje saka vaifanira kuigadzira nenzira yekuti yaizotakurika apo vaisimudzira nerwendo, asi yaiva chivakwa chakanaka zvikuru. Chidziro cheTabhenekeri chakanga chine nhivi dzakagadzirwa nendarama yairema chakaiswa zvindori zvesirivheri, pamusoro payo paiva nemachira akanaka, nhivi dzekunze dzaiva nematehwe, mukati maive nemucheka mwemhando yepamusoro yakanga yakagadzirwa mifananidzo yemakerubhi. Paiva neruvazhe rwekunze umo maiva ne Aritari yezvipiriso, tabhenekeri yaiva nemakamuri maviri imwe yainzi itsvene, neimwe yainzi tsvene —tsvene, makamuri aya akange akavharwa nejira rakanaka uye rinokosha, ndiro zvekare jira raivhara pamusuwo wekamuri yekutanga.KK 260.3

    Munzvimbo yainzi tsvene maiva nezvigadziko zvemwenje, kuchamhembe, nemwenje yawo minomwe yaipa chiyedza siku nesikati mutabhanekeri; kumaodzanyemba kwaiva netafura yechingwa chekuratidza; shure kwejira raipatsanura nzvimbo tsvene, ne nzvimbo tsvene-tsvene paiva ne aritari yendarama yerusenzi apo gore rezvinonhuwira zveminamato yaIsrairi raikwira zuva rimwe nerimwe pamberi paMwari.KK 260.4

    Mukati menzvimbo tsvene-tsvene maiva neAreka yesungano, yaiva nematanda emuakasia yakafukidzirwa nendarama yakaisvonaka, umo maiva nemabwe maviri ayo Jehovah vakanyora mutemo unegumi nemunwe wavo. Pamusoro peAreka paive nechigaro chengoni, chakanga chaitwa nendarama yakaisvom naka, pamusoro pacho paiva nemakerubhi maviri akanga akaitwa nehunyanzvi, akanga ari nhivi mbiri ayo akanga akagadzirwa nendarama achifukidzira areka akatarisa pakati. Pakati pemaKerubhi ndipo paiva negore raibwinya kwazvo rairatidza huvapo hwaMwari. KK 260.5

    Mushure mekunge vaHebhuru vasvika ku Kenani, Tabhanekeri yakatsiviwa ne Temberi ya Soromoni, yakanga yakavakwa nenzira yepamusoro inehupanhi hukuru asi yakange ine zvimwechete zvaiwanikwa mutabhanekeri. Muchimiro ichi nzvimbo tsvene yaivepo, kunze kwenguva payakava dongo mumazuva aDanieri- kusvikira pakuparadzwa kwayo neVaroma muna A.D 70. KK 261.1

    Iyi ndiyo yega Nzvimbo tsvene yakavapo panyika, yatinopihwa ruzivo pamusoro payo neBhaibheri. Ndiyo yakanzi naPauro ndiyo Nzvimbo tsvene yesungano yekutanga. Ko sungano itsva ine nzvimbo tsvene here? KK 261.2

    Tichitarisa zvekare mubhuku ravaHebheru avo vakanga vachitsvaka zvokwadi, vakawona kuti huvepo hwesungano yechipiri kana kuti itsva inowonekwa mumashoko aPauro anoti “Zvino neyiyi sungano yekutanga yakanga ine mirairo yekushumira Mwari nayo, neimba tsvene yenyika.” Mashoko aPauro apa achiti “yakanga” anoratidza kuti akanga ambotaura pamusoro penzvimbo tsvene iyi. Tichitarisa kutanga kwe chitsauko chava Hebhuru 8:1,2 “Zvino shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: tine muPirisita mukuru akadai kugara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo hweKudenga. Iye mushumiri pazvinhu zvitsvene, newe tabhanekeri chaiyo yakamiswa naIshe, isina kumiswa nemunhu.” KK 261.3

    Apa ndipo panoburitswa tabhanekeri yesungano itsva. Tabhanekeri ye sungano yekutanga yakaitwa nemawoko emunhu, yakavakwa naMozisi; iyi itsva yakaitwa naMwari kwete nemawoko emunhu. Mutabhanekeri yepanyika mapirisita akanga achiita marusando; asi pane itsva Kristu mupirisita wedu mukuru anoshumaira imomo arikurudyi rwaMwari. Kwaiva neTabhanakeri imwe chete panyika, imwe yacho irikudenga. KK 261.4

    Yaiva panyika yakavakwa naMozisi achitevedza mucherechedzo waakanga aratidzwa naMwari.: ‘sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo weTabhanekeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzosemunofanira kuita saizvozvo, Uchenjere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo.’ Ekisodho25:9, 40. Pauro anoti tabhanekeri yekutanga “wakanga uri mufananidzo wenguva ino vanobayira nayo zvipo nezvibayiro zvisingagoni kukwanisa pahana yake inoshumira, “naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga” kuti mupirisita aise zvipo nenzira yaidiwa nemurairo “ivo vaishumira nezvemufananidzo nomumvuri wezvokudenga” uyezve kuti “Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi kapinda kudenga kumene kuti zvino azviise pamberi paMwari nekuda kwedu.” Hebhuru 9:9,23: 8:5;9:24KK 261.5

    Tabhanekeri iri kudenga, iyo Kristu anoshumira achitimiririra ndiyo yazvokwadi, nekuti iyo yakaitwa naMozisi waiva mufananidzo. Mwari akaisa mweya wake mune avo vakavaka tabhanekeri yepano pasi. Basa rakabatwa rehumhizha raipupura pamusoro pekubata kwehuchenjeri hwaMwari. Nhivi dzamadziro etabhanekeri dzaive dzakaitwa nendarama yaihwinya mativi ose nekuda kwemwenje yezvigadzidzo zvinomwe. Tafura yezvingwa zvekuratidza ne aritari yerusenzi yaibwinya sendarama yakatsetseka. Machira akanga achigadzira hata yeimba, akanga aine mifananidzo yengirozi akanga achewedzera kunaka nekusiyana kwekunaka kwerudzi rwejira. Seri kwejira kwaiva neShekaina tsvene yaivaima ichiratidza hustvene hwehuvapo hwaMwari, umo makanga musingapindwi nani hake kunze kwemupirisita mukuru. KK 261.6

    Kunaka kwetabhanekeri yepasi hakugona kufananidzwa neyekudenga uko Kristu arikutimirira pamberi pechigaro chaMwari. Pahugaro hwaMambo we Madzimambo, uko zviuru nezviuru zvemazana zvinomushumira ne makumi ezviuru zvezviuru zvine ngumi ramazana zvimire pamberi pake (Danieri 7:10) apo temberi, yakazara nekubwinya nerumbidzo isingaperi, apo maseraphimu, nekupenya kwavo anozvivhara meso nerukudzo, asi ye tabhanakeri yekudenga nezveruponeso rwavanhu vese zvakaratidwa nekudzidziswa mutabhanekeri yepanyika nemarusando ayo.KK 261.7

    Nzvimbo tsvene yetabhanakeri yekudenga inoratidzwa nemakamuri maviri etabhanekeri yepanyika. Apo muApostora Johani akapiwa muwono wetemberi yaMwari yekudenga akawona”mwenje minomwe yaipfuta pamberi pechigaro chamwari” zvakazarurwa 4:5. Akawona mumwe mutumwa “akamira paAritari nomudziyo wendarama wezvinomhuwira zvizhinji kuti azviise pamwechete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama yakanga iri pachigaro cheUshe. Zvakazarurwa 8:3. Apa muApostora wakatenderwa kuwona kamuri yekutanga yetabhanekeri iri kudenga, akawona imomo “mwenje minomwe yaipfuta” ne ” aritari yendarama” zvaimirirwa nechigadziko chemwenje ne aritari yerusenzi mutabhanakeri yepanyika. Zvakare ” Temberi yaMwari yakazaruka” Zvakazarurwa 11:19, akatarisa mukati menzvimbo tsvene tsvene. Apa akawona” Areka yesungano” yakanga ichimirirwa neiya yakagadzirwa naMozisi akaisa mitemo inegumi mukati mayo.KK 262.1

    Avo vakanga vachidzidza nekutsvakurudza nyaya iyi vakawana humbowo huzere kuti imwe tabhanakeri yaiva yezvokwadi yakanga iri kudenga. Moses akavaka tabhanakeri yepanyika achishandisa mufananidzo yeakanga aratidwa yekudenga. Pauro anodzidzisa kuti yekudenga ndiyo yazvokwadi inopupurwa naJohani kuti akaiwona kudenga.KK 262.2

    Kutemberi irikudenga ndipo panehugaro hwaMwari, pachigaro chake chakasimbiswa nekururama nerutongo. Mukati menzvimbo tsvene tsvene ndimo munemutemo, mutemo mukuru wazvokwadi apo vanhu vose vanoyedzwa nawo. Areka inofukidzira murairo yakavharwa nechigaro chemutsa, apo Kristu anotireverera neropa pachinzvimbo chevatadzi. Zvichimirira kubatana kwemurairo netsitsi muzano rekudzikinura vanhu. Kubatana uku, njere nehumwari chete ndizvo zvinogona kuzviita nekuzvizadzisa; kubatanidza kunozadza denga rese nekushamiso nerumbidzo. MaKerubhi akanga ari paAreka akagadzirwa akatarisisa pachigaro chetsitsi, zvichimirira chido chikuru pazvisikwa zvaMwari zvekudenga kuda kunyatsonzvisisa nyaya yebasa rezano reruponeso. Ichi ndicho chakavanzika chengoni, kuti ngirosi dzinoda kuhwisisa, kuti Mwari anoramba akarurama apo anoruramisa mutadzi atendeuka, nekudzoredzera kuzivana kwake ne vanhu vakatadza; apo Kristu wakadzika kumakomba erima akanonyurura vatadzi vazhinji kwakuvapfekedza hutsvene hwake nekuvati vave vamwe nengirozi idzo dzisina kumbotadza ovagarisa pamwe muhuvepo hwaMwari nekusingapere.KK 262.3

    Basa raKristu rekuva mumiriri rinoburitswa zvakana muchiporofita chaZakaria pamusoro pake “zita rake ndiye Davi” zvinotaurwa namuporofita: ” ndiye achavaka temberi yaJehovah; iye achava nouhumambo, uye achagara pachigaro chake achibata Ushe, achava muprisita pachigaro chake choushe, rangano yorugare ichiva yavo ivo vaviri.” Zakaria 6:12,13 “Achavaka temberi yaIshe” Zvaari iye chipiriso nemuyananisi. Kristu ndiye hwaro nemuvaki weTemberi yaMwari. MuApostora Pauro anoti “ndiyo nheyo yapakona” maari temberi yese yakamira, umo nemiwo murikuvakwa kuti muve nehugaro hweMweya Mwari.KK 262.4

    “Achatakura mbiri yekubwinya” munaKristu ndimo munembiri yerudzikinuro yevese vakatadza. Kumakore anogara nekusingapere rwiyo ruchava rwunoti: ” kunaiye anotida akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake… kwaari ngakuve nekubwinya nesimba nokusingaperi peri Amen. Zvakazarurwa 1:5,6KK 262.5

    Iye ” achatonga agere pachigaro chake cheUshe; achava muprisita pachigaro Chake.” Kwete ikozvino ” pachigaro chake chekubwinya” humambo hwake hwembiri haasati ahugashidzwa, kusvikira basa rake rehuyananisi rapera, ipapo Mwari ” achamupa chigaro chake choushe chababa vake Dhavidhi” humambo hwake nehushe hwake hauna magumo. Ruka 1:32,33. Semu Prisita Kristu agere pamwe naBaba pachigaro chavo choushe. Zvakazarurwa 3:21. Agere pachigaro naUyo unogara nekusingaperi, nauyo anozvipa hupenyu, ndiye ” akatakura kurwadziwa nekuchema kwedu” iye ” akayedzwa pazvinhu zvese sezvatinongoitwa asi iye haana kutadza,” kuti ” agone kubatsira avo vanoidzwa.” ” kana munhu achitadza tinemurevereri kunaBaba.” Isaya 53:3; Hebhuru 4:15;2:18; 1 Johani 2:1. Humiririri Hwake ndehwe muviri wakabaiwa nekupwanyika, nehupenyu husina gwapa. Zvanza zvine mavanga, rutivi rwakabaiwa, tsoka dzakakuvara, zvese izvi zvinokumbirira munhu akatadza, anerudzikinuro rwakatengwa nekutengo rinokosha.KK 262.6

    ” Musangano werugare uchava pakati Pavo Vaviri” Rudo rwaBaba harwusi rushoma pane rweMwanakomana, ndiro tsime reruponeso kune rudzi rwakarasika. Jesu unoti kuvadzidzi vake asati aenda ” Handikuudzii kuti ndichakunyengetererai kuna baba; nokuti Baba vamene vanokudai.” Johani 16:26,27. ” Mwari akanga achiyananisa nyika naye munaKristu.” 2 Vakorinte 5:19. Uyezve mubasa rake kuTemberi iri kumusoro kudenga, ” ungano yekurudziro yerugare ichava pakati pevaviri vavo” “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro kuti akapa Mwanakoma wake mumwe woga kuti ani nani anotenda maari arega kufa asi ave nehupenyu husingaperi.” Johani 3:16KK 263.1

    Mubvunzo wekuti, Chii chinonzi nzvimbo tsvene? Unopindurwa zvakajeka mumagwaro. Mazvi ekuti ” Nzvimbo tsvene,” “Temberi” kana kuti “tabhanekeri” ano shandiswa muBhaibheri achireva Tabhanekeri yakavakwa naMozisi achigadzira seyaakanga awona yezvinhu zvekudenga. Kechipiri inoratidzwa ne ” tebhanekeri yechokwadi” yeKudenga, iyo yakanga ichinongedzwa neyepanyika. Pakufa kwaJesu marusando emunongedzo aiitwa mutabanekeri yepanyika akabva aguma. Nekuti “tabhanekeri yechokwadi” yekudenga ndiyo yesungano itsva. Mukuzadziswa kwechiporofita chaDanieri 8:14 munguva iyi, tabhanekeri yachinotaura ndiyo yesungano itsva. Pakupera kwamazuva 2300 muna1844 pakanga pasina tabhanekeri kana kuti nzvimbo tsvene panyika kwemakore mazvizhinji. Zvichireva kuti chiporofita chekuti pakupera kwemazuva 2300 ipapo nzvimbo tsvene ichacheneswa chinonongedza zvisina mubvunzo kutemberi kana kuti nzvimbo tsvene irikudenga.KK 263.2

    Asi mubvunzo unokosha hausati wapindurwa unoti: chii chinonzi kucheneswa kwenzvimbo tsvene? Mukudzidzwa kwetetsamente yekare, kwaiva nemutambo wekucheneswa kwenzvimbo tsvene wakanga uchiitwa paTabhanekeri yepano pasi. Asi kudenga kungava nechingada kucheneswa here? Kucheneneswa kwenzvimbo tsvene yepanyika neyekudenga kunodzidziswa zvizere pana vaHebhuru 9. Zvirokwazvo tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvese zvinonatswa neropa, uye kana kusine ropa rinoteurwa hakuna ruregerero, naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibayiro izvi; asi zvinhu zvokudenga zvimene zvinatswe nezvibayiro zvinopfuura izvi nekunaka. Hebhuru 9:22, 23, asi ropa raJesu Kristu bedzi. Kucheneswa uku kuri paviri, waiva munongedzo nerusando rwazvokwadi zvese zvinozadziswa neropa: mutabhanekeri yakare yepanyika yaicheneswa neropa remhuka, asi mutabhanekeri chaiyo yekudenga inochenswa neropa raJesu Kristu. Pauro anotauro chikonzero sei pakucheneswa uku pachidiwa ropa, nekuti pasina kudeuka kweropa hapana kuregererwa kwezvivi. Kuregererwa kana kubviswa zvezvivi ndiro basa rinofanira kuzadziswa neropa. Ko chivi chingapinda sei mutabhanakeri yepamyika chero irikudenga? Izvi tingazvinzwisisa zvizere nezvaiitwa nemuprisita patabhanekeri yepanyika, iyo yakanga iri mufananidzo nemvuri yezvinhu zvekudenga. VaHebhuru 8:5KK 263.3

    Hushumiri wetabhanekeri yepanyika hwaiva nemapoka maviri emarusando: yekutanga ndiyo yaiitwa nemapirisita mazuva ese mukamuri yainzi tsvene; yechipiri yaiitwa kamwechete pagore pazuva ravaiti rekuyananisa yaiitwa mukamuri yainzi tsvene-tsvene, ndiko kwaiva kucheneswa kwenzvimbo tsvene. Zuva nezuva mutadzi atendeuka aienda nechipiriso chake pasuwo retabhanekeri aibva aisa mawoko ake pamusoro wemhuka yechipiriso achireurura zvivi zvake, izvozvo mukutenda waiva munongedzo wekuti zvivi zvabva paari zvaenda pane chipiriso chisine mhosva. Mhuka iyi yaibva yauraiwa “Pasina kudeuka kweropa” zvinotaura naMupostora hapana kuregererwa kwezvivi. “Hupenyu hwenyama yose uri muropa.” Revhitiko 17;11. Kutyorwa kwemutemo waMwari kunotoda rufu rwemutadzi. Ropa, rakanga richimirira hupenyu hwemutadzi areurura, apo chivi chake chainge chaienda pamhuka yechipiriso, raitakurwa nemupirisita munzvimbo yekamuri tsvene umo ropa iri raisaswa pamberi pejira kwaiva kuseri kweAreka yaJehovah, yaiva ine mutemo uyo munhu ainge adarika. Nekuda kwechiitiko ichi chivi chainge chiri muropa, choiswa munzvimbo tsvene mumunongedzo. KK 263.4

    Munedzimwe nhambo ropa rakanaga risingaiswa munzvimbo tsvene asi nyama yacho yaidyiwa nevapirisita, Mozisi akanga araira vana vaAroni achiti: “Mwari akakupai icho kuti mubvise kutadza kweUngano” Revhitiko 10:17. Mitambo yese miviri yaimirira kubviswa kwezvivi kumutadzi zvichiiswa muTabhanekeri. Ndiro basa raiitwa mazuva ese pagore rese muTabhanekeri. Nemhaka iyi zvivi zvaIsiraeri zvainge zvazara mutemberi pajira raisaswa ropa, zvino kwaizosara basa rekuchenesa nzvimbo tsvene zvivi zvaIsiraeri zvichizobviswa. Saka Mwari akaraira kuti kucheneswa kwetemberi kuitwe mukamuri dzinoyera, “anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kwokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kwokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvovo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakatipokusanaka kwavo.” Kuyananisira kwaifanira kuitwa kweAritari zvekare, kuti “ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana va Isiraeri.” Rhevhitiko 16:16,19 KK 264.1

    Kamwe chete pagore nezuva guru rekucheneswa kwetemberi, mupirisita mukuru aipinda muimba tsvene —tsvene kuchenesa Nzvimbo tsvene. Basa rakanga richibatwa ipapo raizadzisa hushumairi hwaiitwa gore rese. Pazuva iri rekucheneswa kwetemberi kwaitorwa mbudzana mbiri dzoiswa pamusuwo weTabhanekeri paikandwa mijenya pamusoro padzo, imwe yaiva yaJehovah imwe yaiva yaAzazeri (satani). Ipapo mbudzana yaJehovah yaiurawa sechipiriso chezvivi zvavanhu. Mupirisita mukuru waipinda neropa mukati meimba tsvene-tsvene osasa ropa pamberi pechigaro chetsitsi, ropa iri raisaswa paaritari yerusenzi yaiva pamberi pejira. “Aroni agoisa mawoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri kudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose, ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza itumwe kurenje nomunhu wakanga arairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu.”Mbudzi yekurasirirwa yakanga isingarasirwe pedyo neungano yaIsiraeri, murume ayinoirasa aifanira kuti wodzoka wogeza nekusuka nguwo dzake asati adzoka kuvungano yaIsiraeriKK 264.2

    Mutambo wese waive uchiitirwa kuti vaIsiraeri vafarire hutsvene hwaMwari, nekuvenga Kwake chivi, uyezve nekuratidza kuti hakuna anoita chivi choregedza kumusvibisa. Munhu wese aifanira kuchemera mweya wake apo basa rekucheneswa kwetemberi raiitwa. Musi uyu kwaisaitwa chero basa zvaro, Isiraeri yese yainoungana pamunamato kutsanya nekunzvera moyo yavo zvizere. Zvokwadi maringe nekucheneswa kwetemberi kunodzidziswa zvizere nemunongedzo werusando urwu. Mhuka yaitenderwa kutsiva nzvimbo yemutadzi, asi chivi chakanga chisinga bviswe neropa rechipiriso. Zvino nzira yakagadzirwa kuti chivi chigone kuendeswa mutabanekeri. Nechipiriso cheropa mutadzi waibvuma simba remutemo, nekureurura zvivi pakutadza, nekuratidza chidiso chekuregererwa kuburikidza nemudzikinuri uyo aizouya, asi asinga gone kuregedzwa pakupomerwa kwemurairo. Pazuva iri rekucheneswa kwenzvimbo tsvene, muprisita mukuru waitora chipiriso cheropa, opinda nacho munzvimbo tsvene-tsvene kwakusasa ropa pachigaro chemutsa kunyangwe nepaareka paiva nemutemo, kuti zvaidiwa nemutemo zvizadziswe. Zvino muchimiro chake muprisita semuyananisi aitora zvivi zveungano yese paari kubva muTabhanakeri. Aizobuda oenda kunoisa mawoko ake pamusoro wembudzi yaAzareri kwakureurura zvivi zvese pamusoro payo. Ipapo mbudzana iyi yaAzazeri yaiva yatakura zvivi zvese zveungano yondorasirwa kure ipapo zvivi zvaIsiraeri zvaive zvaregererwa nekukanganwiwa zvachose kubva kuvanhu.KK 264.3

    Urwu ndirwo rusando rwaiitwa, “zvaiva mufananidzo wemumvuri wezvinhu zvekudenga” zvaitwa semufananidzo patabhanekeri yepano pasi ndizvo zvinoitwa zvazvokwadi mukushumaira kwetabhanakeri iri kudenga. Mushure nekukwira kwake kubva panyika achidzokera kudenga, Kristu wakatanga basa remuprisita mukuru. Pauro anoti ” Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakaitwa namawoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi akapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu. VaHebheru 9:24.KK 264.4

    Kushumira kwaiitwa nevaPirisita zuva nezuva mugore rese paTabhanakeri yepanyika mukati menzvimbo yainzi tsvene vachindo sasa ropa pajira vachibva mukamuri yepanze, zvaimirira basa rakanoitwa naJesu achibva munzvimbo tsvene yekudenga mushure mekukwira kwake kudenga kubva panyika. Raiva basa remuPirisita mazuva ose pamberi paMwari kutakura chipiriso cheropa, uyezve nerusenzi rwaikwira kudenga neminamato yaIsiraeri. Ndizvo zvimwe chete izvo Kristu anoita pamberi pababa achikumbira neropa rake akamirira vatadzi, achizviratidza pamberi pababa nekunhuwirira kwekururama Kwake, neminamato yaivo vanotenda. Ndiro raiva basa rake kudenga mukamuri yekutanga mutabanakeri yekudenga. Ndipo apo kutenda kwevadzidzi vakamutevera apo akakwira vakasazomuwona. Ndipo pane chisimbiro chetariro yavo, ” yatinayo sechibatiso chemweya, tariro, isingazungunutswi yakasimba, inopinda kune zviri mukati mechidzitiro chetemberi; pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu akaitwa mupirisita mukuru nokusingaperi.” Anoreva Pauro. “Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwechete, zvikapera panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi. VaHebheru 6:19,20; 9:12KK 265.1

    Kwemasenjuri gumi nemasere Kristu akaita basa rekushumira muimba yekutanga yekutemberi yekudenga. Ropa rake Jesu richikumbirira vatadzi kuti varegererwe, nekugamuchirwa nababa, kunyangwe hazvo zvivi zvavo zvirimo mumabhuku erangariro. Pakupera kwegore marusando emunongedzo webasa rekuyananisira, basa raKristu rerudzikinuro rwevanhu risati rapera, kunebasa rekuyananisira nekubviswa kwezvivi munzvimbo tsvene. Ndirwo rusando rwakatanga pakaperera mazuva chiuru nemazana matatu (2300). Panguva iyo sezvinotaurwa namuporofita Danieri kuti muprisita mukuru akapinda munzvimbo tsvene tsvene, kuti aite basa rake rekupedzisira rekucheneswa kweNzvimbo tsvene.KK 265.2

    Sezvaiitwa kare zvivi zvavanhu zvaibviswa pavari nekutenda zvoiswa pachipiriso chezvivi kuburikidza neropa uri munongedzo patabhanekeri yepanyika, zvino musungano itsva, zvivi zvemunhu atendeuka nekutenda zvinobviswa paari zvoenda panaJesu zvichipinda munzvimbo tsvene yekudenga. Sezvakanga zvichiiitwa panyika semufananidzo kuti nzvimbo tsvene yaicheneswa pazvivi zvinenge zvaisvibisa, saizvozvo nzvimbo tsvene yekudenga inofanira kucheneswa kuburikidza nekubviswa nekudzimwa kwezvivi izvo zvakanyorwa. Asi izvi zvisati zvaitika panofanira kuita tsvakurudzo pane zvakanyorwa mumabhuku, kuti zvizivikannwe kuti ndiani kuburikidza nekutenndeuka nekutenda munaKristu anofanira kuwana mubairo wekanganwiro. Saka zvinoreva kuti basa rekucheneswa kwetemberi yekudenga rinosanganisira basa retsvakurudzo yererutongo. Basa iri rinofanira kubatwa pachinguva icho Kristu asati auya kuzodzikinura vanhu vake; nekuti kana Iye auya anoti: “mubairo wangu ndinawo kuti ndipe mumwe nemumwe sezvaakabata.” Zvakazarura 22:12.KK 265.3

    Saka izvi zvinoreva kuri vose vakatevera chiedza cheshoko rechiporofita vakawona kuti, zvavaifunga kuti Kristu anouya panyika pakupera kwamazuva chiuru namazana matatu negore ra1844, nyamba akanga asingauye panyika asi aipinda munzvimbo tsvene-tsvene yekudenga kuti aite basa rake rekanganwiro achigadzirira kudzoka kwake. Zvakaonekwawo zvakare kuti, apo chipiriso chechivi chaimirira Kritsu sechibayiro, mupirisita mukuru waimirira Kristu semuyananisi, naizvozvowo mbudzi yaAzazeri yaimirira Satani, uyo akatanga nechivi, uyo zvivi zvose zvevakacheneswa zvichazoiswa paari pekupedzisira. Apo mupirisita mukuru aibuda neropa rechipiriso, wobvisa zvivi kubva muNzvimbo tsvene, waizozviisa pambudzi yekurasirwa. Apo Kristu achapedza basa rekuchenesa temberi yekudenga nekuda kweropa, achabvisa zvivi zvese zvevanhu vake mutemberi yekudenga pakupera kwebasa rake, ozviisa zvese panaSatani, uyo parutongo rwake anofanira kutakura matuso ezvivi zvake zvese. Mbudzi yekurasirwa yaiendeswa kure kwakanga kusingagarwe nevanhu, kuti isadzokezve paungano yaIsiraeri. Saizvozvowo, Satani anofanira kuparadzwa nekusingapere, kubva pamberi paMwari napavanhu vake, anofanira kuparadzwa pakupedzisira pamwechete nechivi nevatadzi.KK 265.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents