Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 42—HONDO HURU YAPERA

    Panopera makore ane churu, Kristu anodzoka zvekare panyika. Anenge achiperekedzwa nechita chevakaponeswa achishandirwa negungano revatumwa. Apo anodzika nemutsindo mukuru anoraira kuti vakafa vakaipa vamuke kuti vagamushire mubairo wavo wekuparara. Vanomuka, iri hondo huru kwazvo chinesimba, vasingaverengeki sejecha regungwa. Musiyano wakadii nevaka muka parumuko wekutanga. Vatsvene vaiva vafukidzwa nemiviri mitsva isingafi yakanaka. Vakaipa vachine zviratidzo zveurwere nekufa. KK 396.1

    Ziso rimwe nerimwe muboka guru iri rinotarisa pakubwinya kweMwanakomana waMwari. Hondo yevakaipa iyi pamwe chete vanodaidzira “Wakaropafadzwa anouya muzita raShe. Harusi rudo kuna Kristu runoita kuti vadaidzire vachidai. Simba rechokwadi rinomanikidza kuburitsa mazwi aya, mumiromo yavo isingadi. Sekupinda kwavakaita mumakuva, vakaipa ava vanongobuda vaine ruvengo rumwe chetewo kuna Kristu, nemweya mumwechete iwoyo wekupanduka. Havasi kuzopihwa mumwe mukana wekutendeuka kuti, vachigadziridze mhosva dzepupenyu hwavo hwekare. Hapana chingabude pakudaro. Hupenyu hose hwekutadza hauna kunyevenutsa mwoyo yavo. Mukana wechipiri, dai waingapihwa kwavari, wainga shandiswa sewekutanga pakunzvenga zvidiso zvaMwari uye kumutsa mweya wechimurenga kunaMwari. KK 396.2

    Kristu anoburukira pagomo reMiorivi, kwaakakwira achibva paakamuka kubva kuvakafa, apo vatumwa vakadzokorora chitsidzo chekudzoka kwake. Muporofita anoti, “Jehova Mwari wangu achauya, nevatsvene vose pamwechete newe.” “Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivi, riri pamberi peJerusaremu kurutivi rwemabvazuva; gomo reMiorivi richapamuka nepakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo; imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwekumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi.” “Jehova uchava Mambo wenyika yose nezuva iro Jehova uchava mumwe chete, nezita rake rimwe chete” Zakaria 14: 4, 5, 9. Apo Jerusarema idzva rodzika kubva kudenga, nekupenya kukuru, rinomhara panzvimbo inenge yanatswa kugadzirira kurigamuchira, Kristu nevanhu vake nevatumwa vanobva vapinda muGuta Dzvene. KK 396.3

    Ipapo Satani anobva agadzirira kurwisa kwekupedzisira kuti atore hukuru. Paange amboshaiswa simba rake nekutadziswa kunyengera, muchinda wehuipi uyu angaachingodzungaira akadumbirwa asi apo panomuka vakaipa anobva aona vanhu vakawanda vari kurutivi naye, saka tariro yake inomutswa, ozvimisira kuti haangakundwi pahondo huru iyi. Anobva akokera hondo dzose dzevakaraswa kuti vave pasi pemureza wake, ovashandisa kuti mazano ake abudirire. Vakaipa inhapwa dzake. Mukuramba Kristu, vakagashira kutongwa nemutungamiriri wekupanduka uyu. Vakazvimisira kugamushira zvaanotaura, vachiita zvose zvaanovatuma. Iye Satani, sekuita kwake kubva pekutanga haazviratidzi kuti ndiye Satani. Anozviti ndiye muchinda anova muridzi wenyika ino, uye kuti nhaka yake yakabvutwa kubva kwaari. Anozviratidza kuvanhu vake semudzikinuri achivasimbisa nerukuti isimba rake ravamutsa kubva mumakuva, saka ava kuda kunovanunura kubva kumutongi anehutsinye. Kristu anenge amboti sudurukei, saka Satani anobva aita mapipi kutsigira zvaanenge ataura. Anoita kuti vakaneta vasimbe avafemera mweya wake nesimba. Anovaudza kuti anoda kuvatungamirira kumusasa wevatsvene nekuda kutora Guta Dzvene. Nemufaro unemanyawi mukati, anonongedzera kuhuwandu hwevanhu vamutswa, obva ati semutungamiriri wavo, anogona kukunda guta nekutora chigaro nehushe.KK 396.4

    Muchaunga ichi mune vazhinji vakararama panyika kwenguva refu murove usati wauya. Varume vaive nemumhu mukuru nenjere dzaipinza. Vakazvipa kuteerera vatumwa vakawa, saka vakabva vaisa humizha nehunyanzvi hwavo zvishandisa kuzvifadza ivo, varume vakaita mabasa ehumhizha vakarumbidzwa nekunamatwa nevamwe vavo, asi hutsinye hwavo nezvavakagadzira zvakasvibisa nyika zvikadzima mufananidzo waMwari mavari, zvikakonzera kuti Mwari avabvise panyika. Panenge pane madzimambo nevakuru vemauto vakakunda dzimwe nyika magamba asina kumbokundwa muhondo, varwi vaizvikudza vaineshungu, zvekuti kuswedera kwavo kwakakonzera humwe hushe kubvunda serutsanga. Pakufa kwaro, havana kushanduka. Pavanobuda mumakuva, vanosimudzira mafungiro avo pavakasiira. Vanenge vachimutswa nemweya mumwe chetewo wekukunda waiva tonga pavaka putsikira pasi vachifa. KK 397.1

    Satani anorangana nengirozi dzake, pamwechete nemadzimambo aya nevakuru vehondo vanesimba ava. Vanotarisa huwandu hwavo nesimba ravo, zvinoita kuti vataurirane kuti hondo irimuguta ine mauto mashoma, saka vanogona kuikunda. Vanoronga mazano ekutora hupfumi nembiri yeJerusarema idzva. Vose vanobva vakatanga kugadzirira hondo. Mhizha dzinehunyanzvi dzinogadzira zvombo zvehondo. Vatungamiriri vehondo dzekare vachikurudzirwa nekupembererwa nekubudirira kwavakaita kare, vanoranga vanhu muzvipoka zvipoka zvekurwa. KK 397.2

    Pekupedzisira panobva papihwa shoko rekuti vaende mberi, chita chisingaverengeki chobva chafamba … hondo huru isati yakambounganidzwa nevakundi vepanyika, isingaenzwanisi nemauto ose emazera ose panyika yose kubvira pakatanga hondo. Satani, murwi mukuru anesimba kukunda vose, anobva atungamirira chita ichi, nevatumwa vake vanobva vabatana naye kuti varwe kwekupedzisira. Madzimambo nemachinda ehondo varimo muchikwata chake, neruzhinji votevera, boka rimwe nerimwe riine mukuru waro. Vanofamba nehunyanzvi hwehondo vachidzika nekukwira mumakoronga vachienda kumusasa wevatsvene. Jesu anobva araira kuti masuo eguta apfigwe, hondo yaSatani inobva yakomba guta rose, vachigadzirira kutanga hondo. KK 397.3

    Kristu anobuda pachena zvekare kuti vavengi vake vamuone. Pamusoro-soro peguta, kunenge kune chigaro cheushe chine nheyo dzendarama, chakasimudzwa mudenga. Ndipo panobva pagara Mwanakomana waMwari, akatenderedzwa nevaranda vake. Simba nechiremerera zvaKristu hazvitauriki, kana kugona kunyorwa nezvazvo. Mbiri yaBaba vasingafi yakaputira Mwanakomana. Kupenya kwekuvapo kwake kunozadza Guta RaMwari, kopfuurira mazambara, zvichiita kuti nyika yose ijeke. KK 397.4

    Pedyo pedyo nechigaro kune avo vaiva mbiru dzokurwisa varikudivi raSatani, asi vakava zvitsiga zvakabvutwa mumoto vakazoshandira Kristu nekuperera kwavo kose. Kuchitevera vaya vakachenesa zvimiro zvavo zveChikristu pakati pemanyepo nekusavimbika, avo vakaremekedza mutemo waMwari panguva io nyika yose yaiti haushandi, nevakawanda, venguva dzose, vakapondwa nekuda kwekutenda kwavo. “Shure kwavo kune, “vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nemunhu, vakabva kundudzi dzose, nemarudzi, nevanhu, nendimi,” “pamberi pechigaro chevushe, nepamberi peGwaiana, vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo” Zvakazarurwa 7: 9. Hondo yavo yapera, vakakunda. Vakamhanya mujaho, vakapiwa mubairo. Matavi emichindwe mumavoko avo mucherechedzo werukuriro rwavo, nguwo chena dzichimiririra hutsvene hwaKristu husina ruvara, zvino hwave hwavo. KK 398.1

    Vakaponeswa vanoimba rwiyo rwekurumbidza runoita maungira anopararira mudenga rose: “Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chevushe, nekuGwaiana”. Ngirozi neserafimu dzinobatana navo nemazwi ekurumbidza. Sezvo vatsvene vakaona simba nehukasha hwaSatani, vanovona kuti hapana simba rinogona kuita kuti vakunde kunze kweraKristu. Kune ruzhinji rwose runopenya urwu, hapana anozviti akakunda nesimba rake, kana kunaka kwake. Hapana zvinotaurwa pamusoro pezvavakaita, kana kutambudzika kwavo, asi dindingira rerwiyo rumwe nerumwe nerwiyo rwavo rukuru kuti: Ruponeso rwabva kuna Mwari nekuGwaiana! KK 398.2

    Pamberi pewungano yevagari vepanyika neve kudenga, kugadzwa kwekupedzisira kweMwanakomana waMwari kunobva kwaitwa. Ipapo, apiwa masima nerukudzo, Mambo wemadzimambo anobva ataura murango wevakapandukira hurumende yake, nekupa zvakavakodzera kune avo vakatyora mutemo wake nekudzvanyirira vanhu vake. Muprofita anoti, “Zvino ndakavona chigaro chevushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamusoro pacho, iye, nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo. Ipapo ndakavona vakafa, vaduku nevakuru, vamire pamberi pechigaro chevushe; bhuku dzikazarurwa,neimwe bhuku yeupenyu ikazarurwa, vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata” Zvakazarurwa 20:11, 12.KK 398.3

    Panongozarurwa bhuku dzerutondedzo, ziso raJesu richitarisa vakaipa, ivo vanobva vatondera zvose zvakaipa zvavakamboita. Vanovona pose pakatsauka tsoka dzavo kubva munzira yehutsvene nekururama, kuti kuzvikudza nehupandu zvakavasvitsa kupi, pakuputsa mutemo waMwari. Miyedzo yekufurirwa yavakakurudzira kuburikidza nekusazvidzora kuchitema, zvikomborero zvakatambiswa, nhume dzaMwari dzakazvidzwa, yambiro dzakashairwa hanya, nenyasha huru dzakarambwa nemwoyo yakasindimara isina kutendeuka ...zvose izvi zvinoonekwa sekuti zvakanyorwa nemavara emoto. KK 398.4

    Pamusoro pechigaro panobva paonekwa muchinjiko kobva kwabudiswa inenge mifananidzo yekuedzwa nekuwa kwaAdamu, nematanho ose akatorwa muzano reruponeso. Kuzvarwa kwakashoreka kwaMuponesi, hupenyu hwake kubva pahuduku hwake mumhuri yepasi pasi huine kuteerera; kubhapatidzwa kwake muJordani, kutsanya nekuedzwa kwake murenje, kushandira vanhu kwake, paaizarura kuvanhu nezvechikomborero chinokosha chekudenga; mazuva akazadzwa nemabasa erudo nengoni, husiku hwekunamata ari oga mumakomo, kuronga kwegodo, ruvengo nehutsinye zvakava kutendwa kwake; kurwadziwa kunotyisa kusinganzwisisiki muGetsemani akatsimbirirwa nemutoro wezvivi zvenyika yese, kutengeswa kwake kuruzhinji rwaida mumuvuraya; zviitiko zvinotyisa pahusiku hwekutambudzwa kwake…. Musungwa asingarwisi, arambwa nekutizwa nevadzidzisi vaanoda, achizvuzvurudzwa nekumhanyiswa munzira dzeJerusarema; Mwanakomana waMwari oiswa pamberi paAnnasi nechisimba, omiswa mumuzinda wemuprista mukuru, muimba yekutonga yaPirato, pamberi pembwende ine hutsinye Herodi, kusekwa, kutukwa, kurwadziswa, nekutongerwa rufu …. Zvose izvi zvinoratidzwa pachena.KK 398.5

    Pamberi peboka guru kwazvo panoratidzwa zviitiko zvekupedzisira .... Munhu wekutambudzika anotiwira achifamba nzira yekuenda Karvari, Muchinda wekudenga arembera pamuchinjiko vaprista vanozvikudza neruzhinji ruchisvevereredza marwadzo ekufa kwake, dima risinganzwisisiki, kuzunguzika kwenyika, matombo achitsemuka, makuva akazaruka, zvichiratidza nguva apo Mununuri wenyika akapa hupenyu hwake.KK 399.1

    Chiitiko chinotyisa ichi chinoonekwa sekuitika kwazvakaita. Satani, vatumwa vake nevaanotungamirira havana simba rekubvisa maziso avo kubva kumufananidzo wemabasa avo. Mumwe nemumwe anorangarira pake paakaita. Herodi, akaparadza vana vasina mhosva vekuBeterehema kuti aparadze Mambo waIsraeri, Herodias aive nemwoyo wakaipa, ane mhosva yeropa naJohane mubhapatidzi, Pirato, wekusada kuita zvakafanira, varwi vechiRoma vekuseka, yaprista nevatongi neruzhinji rwakadaidzira, ruchiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu nevana vedu!” …. Vose vanovona kukura kwemhosva yavo. Vanoedza kuvanda kubva kuchiso chesimba raMwari chinekubwinya kunodarika kwezuva, apo vakadzikinurwa vanenge vachikandira zviremba zvavo pamakumbo aMuponesi, vachidaidzira vachiti, “Akandifira ini!”.KK 399.2

    Pakati peboka revakaponeswa iri panevadzidzi vaKristu, gamba Pauro, Petro wekushingaira nesimba, Johane aidikanwa zvikuru, nehama dzaro dzose dzepamwoyo yakatwasuka, pamwechete navo paine boka revazhinji vakapodwa nekuda kwekutenda kwavo, kunze kweguta kunezvose zvakasviba, zvinonyangadza, kunenge kuine vaya vakashungurudza vatsvene, vakavapfigira mumatirongo, nekuzovavuraya. Nero, gandanga rehutsinye hwakaipisisa, achavona rufaro rwekukudzwa rweavo vaakamborwadzisa, achinakidzwa zvikuru nekugomera kwavo. Mai vake varipo kuti vavone mabasa avo, kuona chimiro chakashata chavakaisa pamwana wavo, havi dzezvakaipa dzakakurudzirwa nekuwumbwa nemuenzaniso wavo, zvakabereka michero mumhosva dzakaita dederesa nyika.KK 399.3

    Pane vaprista veRoma nevakuru, vainyepera kuva nhume dzaKristu, asi vachishandisa mitauro yekurembedza vanhu nemajere emumakomba, nekupisa vanhu vakasungirirwa kuti vamanikidze vanhu vaMwari kuti vanamate sekuda kwevaprista. Kune vana Papa vaizvikudza pamberi paMwari, vakafunga kushandura murairo waMwari Wekumusoro. Avo vaizviti madzibaba ekereke vachazvidavirira pamberi paMwari panyaya dzose dzavangada kunzvenga. Pasisina mukana wekushanduka vanovona kuti Mwari muzivi wazvose anegodo nemutemo wake uye kuti haangaregeri munhu anemhosva. Vanovona kuti Kristu ane hanya nevanhu vake vanotambudzika, vanonzwisisa simba remashoko ake ekuti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wevaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini” Mateo 25:40.KK 399.4

    Nyika yose inomira ichitongwa pachigaro chaMwari vachipomerwa mhosva yakakura yekupandukira hurumende yekudenga. Hapana anovamiririra pamhosva dzavo; havana bako rekuvanda mariri, saka vanobva vatongerwa rufu nekusingaperi. KK 400.1

    Zvino zvavapachena kuvanhu vose kuti mubairo wezvivi hakusi kuzvitonga nehupenyu husingaperi asi huranda, kuparara nerufu. Vakaipa vanovona zvavakarasikirwa nazvo nekuda kwehupenyu hwavo hwekupanduka. Mbiri yakakosha kwazvo inokudzwa, uye inogara nekusingaperi vakazvidza pavakaipiwa; asi apa yave kudikanwa zvikuru. Vanoti, “zvose izvi ndingadai ndakazviwana, asi ndakasarudza kuzvirasira kure neni. Haiwa, hupenzi hukuru! Ndakatsinhanisa rugare, rufaro rerukudzo nehurombe, kushorwa, nekushaya tariro. “Vose vanovona kuti kusiiwa kwavo kudenga kutonga kwakarurama. Nehupenyu hwavo vakataura vachiti “Hatidi kuti munhu uyu (Kristu) atitonge.” KK 400.2

    Kuita sevarikurota, vakaipa vakatarisa kugadzwa kwaKristu. Vanovona mahwendefa emutemo waMwari mumavoko ake, mirairo yavakazvidza nekuputsa. Vanovona kupfachuka kwemufaro, kushamisika nekurumbidza kunobva kune vakaponeswa; maungira ekuimba kwavo paanonzwika nevarikunze, vose vanodaidzira nezwirimwe chete vachiti “Ishe, Mwari Wemasimba Ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wemarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi, Imwi Ishe wevatsvene.” Vanowira pasi vachinamata Muchinda wevupenyu. KK 400.3

    Satani anomboita seaoma achiona kubwinya nekukudzwa kwaKristu. Uyo aimbova kerubi inofukidzira anorangarira kwaaimbova asati awa. Serafarimi inopenya, mwanakomana wemambakwedza tarirai kuti washanduka sei, waninipiswa nechitema sei! Haachabvumirwi nekusingaperi kusvika kumatare ekudenga kwaimboremekedzwa. Anovona mumwe akamira pedyo naBaba, achifukidzira mbiri Yake. Akaona korona ichiiswa pamusoro waKristu nemumwe mutumwa anoremekedzwa ane simba, anoziva kuti chinzvimbo chine ngirozi iyi chaifanira kuva chake. KK 400.4

    Ndangariro dzinodzokera kumusha wake mumazuva ehutsvene nekuperera kwake, rugare nekugutsikana zvaiva zvake asati ava nemweya wekunyunyutira Mwari, negodo kuna Kristu. Kupomera kwake, chimurenga chake, nekunyengera kwake kuti awane rutsigiro rwevatumwa, kuramba kwake akaomesa mwoyo Mwari paakanga amupa mukana wekuregererwa zvose izvi zvinovuya mupfungwa dzake. Anorangarira basa rake pakati pevanhu nemuchero yaro- kuvengana kwevanhu, kuparadzwa kunotyisa kwehupenyu, kumuka nekuputsika kwehushe, kupidigurwa kwezvigaro zvehushe, matambudziko asingaperi, kurwisana, nekupandukirana kukuru. Anorangarirawo kupikisa kwaaiita basa raKristu, nekuderedza hunhu hwemunhu kuenda pasi pasi kuronga kwake kwakaipa kwakatadza kuparadza avo vakaisa ruvimbo rwavo munaJesu. Satani paanotarisa humambo hwake, michero yekushingaira kwake kwese, anongovona kukundikana nekuparara. Anyengedza vanhu kuti vatende kuti kuparadza Guta Dzvene zvirinyore; asi iye anoziva kuti aya manyepo. Nguva nenguva, mukuenderera mberi kwehondo huru, aingokundwa nekumanikidzwa kubvuma. Anonyatsoziva simba nekukudza kwaIye Asingafi.KK 400.5

    Chinangwa chemupanduki mukuru uyu chaive chekuzvichenesa kubvira pakutanga, achida kuratidza kuti hurumende yaMwari ndiyo yakakonzera kupanduka. Akapedzera simba rake rose nenjere dzake kusimbisa chinangwa ichi. Akashanda nehungwaru nekuronga kukuru, achinyatsobudirira, pakutungamirira vazhinji kuti vamutsigire muhondo huru yatora nguva yakareba zvakadai. Kwezviuru zvemakore mukuru uyu wehupanduki angaachiisa nhema panzvimbo yechokwadi. Asi nguva yasvika yekuti chimurenga chake chikurirwe, nenhoroondo nechimiro chaSatani zviratidzwe pachena. Mukuedza kwake kwekupedzisira kubvisa Kristu pachigaro, kuparadza vanhu vake, nekubvuta Guta raMwari, munyengeri mukuru uyu azonyatsobuda. Vose pachena vakabatana naye vavekuona kukundikana kuzere kwehurongwa hwake. Vateveri vaKristu nevatumwa vasina kupanduka vanyatsoona hurongwa hwake hose hwekuda kuparadza hurumende yaMwari. Ndiye ave chiseko chinhu chinosemesa kudenga nepanyika.KK 401.1

    Satani anovona kuti kupanduka kwake kwekuzvisarudzira kwamuita kuti asakwane kudenga. Akazvidzidzisa kurwa naMwari, saka kuchena, rugare nekunyarara kwekudenga kungamushungurudza zvikuru. Kupomera kwake achishora tsitsi nekururamisira kwaMwari kwanyaradzwa zvino. Kushoresa kwaakanga aita kuzita raMwari kwaiswa zvizere pamusoro pake iye. Satani zvino anopfugama achibvuma kuti chirango chake chakamufanira. KK 401.2

    “Ndianiko ungarega kutya nekukudza zita renyu, Ishe? Nekuti imi moga muri mutsvene; nekuti marudzi ose achavuya, achinamata pamberi penyu; nekuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.” Zvakazarurwa 15: 4. Mibvunzo yose pakati pechokwadi nenhema mumakakatanwa emakore yaiswa zvino pachena. Matuso ekupanduka, michero yekusiya mitemo yaMwari, zvavonekwa pamberi pezvisikwa zvose zvinenjere. Kushanda kwehutongi hwaSatani kuchienzaniswa nehurumende yaMwari zvaiswa pamberi pedenga nenyika yose. Mabasa aSatani anomupa mhosva. Huchenjeri hwaMwari, kururamisa kwake, nekunaka kwake zvinobuda pachena. Zvinoratidzwa kuti kushanda kwake kose muhondo iyi, Mwari aishandira kuti zvinakire vanhu vake nekunakira nyika dzose dzaakasika. “Mabasa enyu ose achakuvongai Jehova; nevatsvene venyu vachakurumbidzai” Pisarema 145:10. Nhoroondo yechitema ichamira nekusingaperi sehuchapupu hwekuti mutemo waMwari uripo kuti zvisikwa zvaMwari zvose zvive nemufaro. Panenge pachiratidzwa pachena zvose zvine chekuita nehondo huru iyi, zvisikwa zvose kudenga nepasi, zvinoterera nezvakapanduka, zvichataura nezwirimwe chete. “Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzazvokwadi, imi Mambo wevatsvene.”KK 401.3

    Pamberi pedenga nenyika chibairo chikuru chakaitwa naBaba neMwanakomana pakubatsira vanhu chaiswa pachena. Nguva yasvika yekuti Kristu agadzwe pachinzvimbo chake, uye akudzwe kupfuura masimba nemazita ose. Mufaro wakange uri pamberi pake - wekuti aunze vanhu vazhinji kukukudzwa ndiwo - kwakaita kuti atsungirire pamuchinjiko, nekutakura kunyadziswa. Kunyadziswa nekusuwa kwake kwaive kukuru kusingatauriki, asi rufaro rwakazovuya kura nekubwinya kwacho kwakakura kupfuvurisa. Anotarisa vakaponeswa vaitwa vatsva muchimiro chake, mwoyo yose yakazara nehuMwari nezviso zvose zvichiratidza kufanana naMambo wavo. Mavari anovona tuso rekurwadziwa kwake kukuru, zvinomupa kugutsikana. Zvino nezwi rinonzwika neruzhinji rwose rwevatsvene nevakaipa anodaidzira achiti “Tarirai zvakatengwa ne Ropa Rangu! Ndakavatambudzikira, ndikavafira, kuti vagare neni nekusingaperi.” Rwiyo runobva rwatetsurwa nevanenguwo chena vari pamberi pechigaro chehushe runoti: “Gwaiana rakabaiwa rakafanira kuti rivigirwe vushe, nefuma, nekuchenjera, nesimba, nekukudzwa, nekubwinya, nekurumbidzwa” Zvakazarurwa 5:12. KK 401.4

    Zvisinei kuti Satani amanikidzwa kubvuma kuti Mwari akarurama, nekupfugamira hukuru hwaKristu, chimiro chake hachina kusanduka. Mweya wechimurenga, sedutu rinesimba, unobva watubukazve maari. Anozadzwa neshungu, ozvimisira kuti asabvuma kukundwa muhondo huru iyi. Nguva yasvika yekuti arwisane kekupedzisira naMambo weDenga. Anomhanyira pakati pevanhu vake, nekuvafemera hasha dzaanadzo kuti vasimukire kurwa. Asi pane vose vaakanyengera kupanduka, hapana achabvumira kutonga kwake neguva ino. Simba rake rapera. Vakaipa vakazarawo nekuvenga Mwari saSatani, asi vanovona kuti nyaya yavo haina kwainoenda, havanga kuriri Jehova. Hasha dzavo dzinopindukira kunaSatani navose vaishandiswa naye pakunyengera, saka nekutsamwa kukuru sekwemadhimoni, vanovamukira.KK 402.1

    Ishe Jehova vanoti: “Zvawakamisa mwoyo wako semwoyo waMwari, naizvozvo tarira, ndinovuisa vatorwa pamusoro pako, ivo vanotyisa pakati pemarudzi ose; vachavhomorera kunaka kwehuchenjeri hwako minondo yavo, vachasvibisa kubwinya kwako. Vachakuburusira kugomba.” “Ndichakuparadza, iwe kerubi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe emoto.... Ndichakuwisira pasi, ndikakuisa pamberi pemadzimambo kuti vakuvone.... ndichakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona. ... Uchava chinhu chinotyisa, haungazovi chinhu nekusingaperi” Ezekieri 28: 6-8, 16-19.KK 402.2

    “Nekuti shangu imwe neimwe yemurwi, yakatsika nekutinhira, nenguvo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzemoto” Isaya 9:5; 34:2; Pisarema 11:6. “Nekuti Jehova akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa”. “Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa.” Moto unouya kubva kudenga kuna Mwari. Nyika inotsemurwa. Zvombo zvekurwa nazvo zvakavigwa kwakadzikadzika zvinoburitswa. Mirazvo inopisa inobuda kubva pose pakatsemuka. Matombo chaiwo arikubvira. Zuva rasvika rinopisa sechoto, Maraki 4:1; 2 Petro 3:10. “Nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa nenyika nemabasa ari mairi achapiswa”. Nyika yose inoita sedombo rakatsva, rikanyongodetswa dziva remoto rinopedza chose. Inguva yerutongo nekupardzwa kwevanhu vasingadi Mwari,- “zuva rekutsiva raJehova, negore rekutsiva zvakaitirwa Zioni” Isaya 34:8.KK 402.3

    “Tarirai, wakarurama achapiwa mubairo panyika; Ndoda wakaipa nemutadzi! Zvirevo 11:31. Vachava “semashanga; zuva rinovuya, richavapisa, rikasavasiira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehova wehondo” Maraki 4:1. Vamwe vanoparadzwa nekanguva kadukuduku, asi vamwe vanombotambura mazuva mazhinji. Vose vanorangwa “zvichienderana nemabasa avo.” Zvivi zvevatsvene zvakabviswa pavari zvichiiswa panaSatani, achaitwa kuti atamburire kwete kupanduka kwake iye chete, asi nezvivi zvose zvaakakonzera vanhu vaMwari kuti vazviite. Kurangwa kwake kuchave kukuru kukunda vose vaakanyengera. Kana vamwe vose vakaputsika vanyengerwa naye vapera kufa, iye anombosara achitsva ari oga. Mumarimi anochenesa aya, vakaipa vose vazoparadzwa zvino mudzi, nedavi - Satani ari mudzi, vateveri vake vari matavi. Kutyorwa kwemutemo kwaripirwa zvizere; zvinodiwa nekururamisa zvaitwa, uye denga nenyika zvakatarisa zvinobva zvadaidzira kururama kwaJehova. KK 402.4

    Basa raSatani rekuparadza rapera zvachose nekusingaperi. Kwemakore zviuru zvitanhatu anga achiita zvaanoda, achizadza nyika nenhamo nekurwadziwa kwemwoyo kudenga nepasi. Zvisikwa zvose zvaigomera nekuchema pamwe chete zvichirwadziwa. Zvino zvisikwa zvaMwari zvanunurwa kubva kwaari nemiedzo yake. “Nyika yose yazorora, yanyarara; (vakarurama) vanofara nekuimba” Isaya 14:7. Kudaidzira kwekurumbidza nekukunda kunokwira kuchibva kudenga nenyika yose inoterera. “Inzwi ravazhinji-zhinji, senzwi remvura zhinji, senzwi rekutinhira kukuru rinonzwikwa richiti: Hareruya! Nekuti Ishe Mwari wedu wemasimba ose anotonga.” KK 403.1

    Nyika payakaputirwa nemoto wekuparadza, vatsvene vanga vakachengeteka muguta Dzvene. Pamusoro pavose vakamutswa parumuko rwekutanga, rufu rwechipiri haruchina simba. Zvakazarurwa 20:6; Pisarema 84:11. Kunyange Mwari ari moto unoparadza kune vakaipa, kuvanhu vake izuva nechidziviriro.KK 403.2

    “Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nekuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo” Zvakazarurwa 21:1. Moto unoparadza vakaipa unobva wachenesa nyika. Zvose zvine chekuita nechituko zvinokukurwa. Hakuna gehena rinobvira nekusingaperi richiramba richiyeuchidza vakaponeswa mubairo wezvivi unotyisa.KK 403.3

    Kuchasara chiyeuchidzo chimwe chete. Muponesi wedu acharamba ane mavanga ekuroverwa kwake pamuchinjikwa. Musoro wake wakakuvadzwa, rutivi, mavoko nemakumbo ndizvo zvoga zvichava chiratidzo chebasa rechitema rinehutsinye. Achivona Kristu ari mukubwinya, muprofita akati “Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruvoko rwake, simba rake rinovandapo” Habakuki 3:4. Rutivi rwake rwakabaiwa pakabuda rukova rutsvuku rwakayananisa vanhu naMwari - ndipo pane mbiri yaMuponesi ndipo pane “kuvanzika kwesimba rake” “Anesimba rekuponesa,” kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro, saka akavawo nesimba rekuranga vose vakazvidza tsitsi dzaMwari. Micherechedzo yekunyadziswa nekudzikisirwa kwake ndiyo inoita kuti aremekedzwe zvikuru, saka mavanga epaKarvari acharatidza kurumbidzwa kwake, nekuparidza simba rake nekusingaperi. KK 403.4

    “Zvino iwe, rutura rwemakwai, iwe chikomo chemukunda weZioni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwekutanga huchasvika” Mika 4:8; VaEfeso 1:14. Nguva yasvika iya yaishuvirwa nevatsvene vane chidiso chikuru kubva pakudzingwa kwemhuri yekutanga muEdeni - nguva ye “kudzikinurwa kwechakatengwa. Nyika ino pakutanga yakapiwa munhu kuti aitonge, akaiengesa kunaSatani nekunyengererwa, ikava mumavoko ewakaipa kwenguva yese iyi yakareba, zvino yadzoserwazve kumunhu nezano guru reruponeso. Zvose zvakanga zvarasika nekuda kwechitema zvadzoka “Nekuti zvanzi naJehova akaumba nyika nekuiita, akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi akaiumba kuti igarwe. . . ” Isaya 45:18. Chinangwa chaMwari chepakutanga chekusika nyika chinozadziswa painoitwa nzvimbo yekugara yevatsvene nekusingaperi. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nekusingaperi” Pisarema 37:29.KK 403.5

    Kutya kuti nhaka iyi inouya inozoonekwa sechinhu chinobatika chepasi pano zvakaita kuti vazhinji vatore musha uyu nemufananidzo chete, izvi zvinobvisa chokwadi chinotibatsira kuutarisira semusha wedu. Kristu akavimbisa vadzidzi vake kuti aienda kunovagadzirira dzimba dzakanaka mumba maBaba vake. Vose vanogamuchira dzidziso dzeshoko raMwari havazotadzi kuziva nezvemusha wekudenga. Kunyange zvakadaro “Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, nezvisina kupinda mumwoyo wemunhu, ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.” 1 VaKorinde 2:9. Mutauro wevanhu unotadza kunyatsotsanangura mugove wevatsvene. Zvichazoonekwa chete nevachaendako. Hapana njere yemunhu inokwanisa kunzwisisa mbiri iri muParadiso yaMwari.KK 404.1

    MuBhaibheri nhaka yevachaponeswa inonzi “nyika” VaHeberu 11: 14-16. Ikoko Mufudzi wekudenga anotungamirira makwai ake kumatsime emvura yehupenyu. Muti wehupenyu unobereka muchero yawo mwedzi mumwe nemumwe, uye mashizha awo ndeekurapa marudzi. Kune nzizi dzinoyerera nguva dzose, mvura yacho yakachena sekristori, uye kurutivi kwadzo kune miti inozunguzika ichikanda mimvuri munzira dzakagadzirirwa vakadzikinurwa vaIshe. Mapani akatanda anoenda kusvika kuzvikomo zvakanakisisa, nemakomo aMwari anovonekwa mudenga denga necheshure. Mumapani aya erugare, kumativi enzizi didzi dzehupenyu, vanhu vaMwari, vaimbova vafambi nevadzungairi vachawana musha imomo. KK 404.2

    “Vanhu vangu vachagara paugaro vane rugare, nepadzimba dzakasimba, nepanzvimbo dzekuzorora dzakadzikama” Isaya 32:18; 60: 18; 65: 21, 22. “Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika yako, kana kuraswa nekuparadzwa pamiganhu yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rekuti, “Ruponeso, nemasuo ako Rumbidzo.” “Vachavaka dzimba nekugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nekudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; ...vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa emavoko avo.” KK 404.3

    Ikoko “renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.” Isaiah 35:1; 55: 13. “Panzvimbo yemuti wemunzwa pachamera musaipuresi, panzvimbo yerukato pachamera mumirite.” “Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, uye mwana muduku achadzitungamirira.” “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene,...” ndizvo zvinotaura Jehova (Isaya 11:6, 9, 33; 24: 62: 3; 65: 19).KK 404.4

    Marwadzo haangavipo mudenga raMwari. Hakuzovi nemisodzi, kana mariro, kana nguvo dzekuchema. “Rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nekuti zvekatanga zvapfuvura” Zvakazarurwa 21:4, 11, 24, 3. “Hakuna ageremo, achati, “Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo” Isaya 11: 6, 9; 33:24; 62: 3; 65: 19.KK 404.5

    Iri ndiro Jerusarema Idzva, muzinda mukuru wenyika itsva yekupenya, “Iwe uchavawo korona yakanaka muruvoko rwaJehova, nehukomba hwehumambo muruvoko rwaMwari wako.” Isaya 11: 6, 9; 33:24; 62: 3; 65: 19. “Chiedza charo chakanga chakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejaspisi, rinovonekera sekristaro” Zvakazarurwa 21: 3, 4, 11, 24. “Vuye marudzi avaya vanoponeswa achafamba nechiedza charo, madzimambo enyika achavuyisa kubwinya kwawo nekukudzwa kwawo mariri.” Jehova anoti: “Ndichafarira Jerusarema, nekuva nemufaro pamusoro pevanhu vangu.” Isaya 11: 6, 9; 33: 24; 62: 3; 65:19. “Tarirai, tabernakeri yaMwari iri pakati pevanhu, iye uchagara navo ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.” Zvakazarurwa 21: 4, 11, 24, 3. KK 405.1

    Muguta raMwari “hakuna husiku ikoko.” Hapana anenge achida kumborara kana kuzorora. Panenge pasina kuneta pakuita zvinodiwa naMwari nekurumbidza zita rake. Tichagara tichinzwa hutsva hwemangwanani,husingazoperi narini. “Havatsvaki chiedza chemwenje kana chiedza chezuva; nekuti Ishe Mwari uchavavhenekera. . . ” Zvakazarurwa 22:5; 21: 22. Kupenya kwezuva kuchakundwa nekupenya kusingarwadzisi meso nekutosvora, asi kuchipfuvura kupenya kwemasikati edu makuru. Kubwinya kwaMwari neGwaiana kenenge kuchipa kupenya kusingaperi. Vakadzikinurwa vachafamba mumbiri isina zuva asi kuine chiedza chemasikati nguva dzose. KK 405.2

    “Handina kuona tembere mukati maro, nekuti Ishe Mwari Wemasimba Ose neGwaiana itembere yaro” Zvakazarurwa 22:5; 21: 22. Vanhu vaMwari vanemukana wekutaurirana naBaba neMwanakomana uso neuso. “Nekuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo” I VaKorinde 13:12. Tinoona mufananidzo waMwari uchivonekera, semuchivoni voni, mumabasa ezvakasikwa nemabasa ake muvanhu, asi tichazomuona uso neuso, pasina mucheka wekuvhara pakati. Tichamira pamberi pake, tichiona kupenya kwechiso chake.KK 405.3

    Ipapo vakadzikinurwa “vachaziva, sekuzivikanwa kwavanoitwa.” Rudo netsitsi zvakadyarwa mumunhu naMwari zvichanyatsoshanda zvakanaka. Kutaurirana kutsvene nezvisikwa zvitsvene, kudyidzana nevatumwa uye nevakatendeka vemazera ose vakasuka nguvo dzavo nekudzichenesa muropa reGwaiana, hukama hutsvene hunobatanidza “mhuri yose yekudenga nepasi” (VaEfeso 3:15) izvi zvichabatsira kuumba mumufaro wevakaponeswa. KK 405.4

    Pfungwa dzevanhu dzichafungisisa nekufara kusingaperi zvishamiso zvesimba rekusika, nechakavanzika cherudo rwekudzikinura. Panenge pasina munyengeri anehutsinye anoita kuti vanhu vakanganwe Mwari. Masimba enjere achawedzerwa, nekunzwisisa kuchiwedzerwa. Kudzidza hakuzonetesi pfungwa kana kupedza simba. Zvirongwa zvemabasa makuru zvichaitwa, munhu wose achisvika paanoda kusvika pane zvaanoshandira asi kuchangoramba kuine zvimwe zvikuru zvinenge zvasara zvisina kudzidzwa kana kuongororwa. KK 405.5

    Hupfumi hose huri kudenga nepanyika hunenge hwave pachena kuti hudzidzwe nevakadzikinurwa vaMwari. Vasisina kusungwa neketani dzerufu, vachabhururuka vachienda kunedzimwe nyika dzakasikwa dziri kure vasinganeti,- nyika dzaishamiswa nekusuwa dzichiona nhamo yevanhu, dzikaita maungira enziyo dzekufarira mweya wadzikinurwa. Nekufara kusingatauriki vana vepanyika vachapinda mumufaro nehuchenjeri hwezvisikwa zvisina kumbotadza. Vachigoverana hupfumi hweruzivo nekunzwisisa kwakawanikwa nguva yakareba yekufungisisa pamusoro pemabasa emaoko aMwari. Nekuona kusina madzengerere, vanoona kubwinya kwemabasa ekusika aMwari - mazuva, nyenyedzi nehurongwa wehuzhinji hwezvinotenderera pachigaro chaMwari. Pazvose izvi kubva kuzviduku kusvika kuzvikuru zvazvo, zita reMusiki rakanyorwa uye mazviri zvose munovonekwa hupfumi hwesimba rake.KK 405.6

    Panofamba makore ekusingaperi, kunoramba kuchingozaruka zvimwe zvakadzika zvekubwinya kwaMwari nekwaKristu. Sekukura kuchaita ruzivo, ndizvo zvichaitavo rudo, kuremekedza, nekufara kuchiwanda. Vanhu pavanodzidza zvimwe pamusoro paMwari, zvichaita kuti vanyanyise kuda chimiro chake. Jesu paanovazururira zvefuma yekudzikinura kwake, nekukurira kunoshamisa kwakaitwa muhondo huru naSatani, mwoyo yevaponeswi inofara nekurumbidza kwakasimba, nekuridza kwakanakisisa vanoridza vudimbwa hwavo hwendarama; uye makumi nemakumi ezvuru anosanganisiravo mazwi avo murwiyo rwekurumbidza. KK 406.1

    “Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, nepanyika, nezviri pasi penyika, nepagungwa nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti: Kurumbidzwa, nekukudzwa, nekubwinya, nesimba ngazvive kunaIye ugere pamusoro pechigaro chevushe, nekuGwaiana nekusingaperi-peri” Zvakazarurwa 5:13.KK 406.2

    Hondo huru yapera. Chitema nevatadzi hazvisisipo. Nyika nedenga zvose zvachena. Zvisikwa zvose zvave kuita chinhu chimwechete murufaro. Kubva kuna Iye akasika zvinhu zvose, vupenyu hunoerera nechiedza nemufaro, kusvika kunyika dziri kure kure. Kubva kuchisikwa chiduku duku kusvika kunyika huru kukunda dzose, zvinhu zvose, zvinofema nezvisingafemi zvinokambaira nezvakamira, mukunaka kwazvo kusina kufukidzirwa nerufaro rwakaperera, zvinotaura nesimba kuti Mwari rudo.KK 406.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents