Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 12—SHANDUKO MUFRANCE

    Kuratidzira kunzvimbo yeSpire nekupinduka panzvimbo yeAugusburg kwakaparura kukunda kweRuvandudzo muGermany, kwakateverwa nemakore ekurwisana pamwe nedima munyaya dzekunamata. Kusavapamwe kwevateveri veRuvandudzo nekurwiswa nevabati vesimba kwakapa chiratidzo chekuparara kwemasangano akapandukira Roma. Zviuru nezviuru zvevanhu zvakasimbisa kutenda kwavo neropa ravo, vakaurairwa kutenda kwavo. Hondo munyika ikavamo vamwe vateveri veRuvandudzo vakakundikana kumirira zvokwadi; Mambo mukuru akaita nhapwa vanakomana vaitevera shanduko yevekutenda kutsva muguta rimwe narimwe, asi mukuita semukundi ndiye akazokundwa. Akaona vaaida kuparadza vachipukunyuka mumaoko ake, akamanikidzwa kugashira dzidziso yeRumutsiridzo yaakanga azvimisira kurwisa kweupenyu hwese. Mambo uyu akange amisikidza umambo hwake, upfumi pamwe neupenyu hwake kuparadza dzidziso dzeRuvandudzo dzaaiti ndedzenhema. Akaona varwi vake vachiparadzwa muhondo, upfumi hwake huchipera,nyika dzaaitungamira dzichimukirwa, ukuwo vatendi vaaida kuparadza vachiwedzera simba nekukura. Charles V akanga achirwisana neWamasimbaose. Mwari vakange vati, “Ngapave nechiedza”asi embara vaida kuti rima rirambe rakapofomadza nyika. Zvaaida zvakakudikana, asati akura zvakanyanya, apedzwa nehondo akaramwa chigaro akandovanda, akarega kuvamutungamiri.KK 138.1

    Munyika yeSwitzerland sezvazvaiva muGermany yakange iringuva yakaoma zvikuru kuneve Ruvandudzo. Kunyange zvazvo zvizvarwa zvizhinji zvemuSwitzerland zvakange zvagashira kutenda kweshanduko vamwe vakaramba vakabatirira padzidziso dzechiRoma. Kutambudzwa kwevakange vasarudza kutevera chokwadi kwakamutsa hondo pakati pavanhu. Zwingli nevamwe vazhinji vakange vari vateveri veShanduko vakaurawa pamunda weCappel. Oecolampadius akundwa nematambudziko aya akabva ashaikawo. Roma yakakunda uye munzvimbo zhinji yakange yavakugashirika zvakare padzidziso dzayo. Asi Uyo Anenjere dzisingazikanwi kubvira pakusingaperi akange asina kusiya basa kana kurasa vari vake. Ruoko Rwake rwuchaunza dzikinuro kwavari. Mwari vakange vamutsa vamwe vabati vachaendesa mberi basa reshanduko.KK 138.2

    MuFrance zita ra Martin Luther risati raizikanwa semuunzi weshanduko, chiedza chakange chavamo kuburikidza nemudzidzisi aive muzvinafundo paChikoro chikuru cheParis muFrance ainzi Lefevre. Murume uyu ndiye akatanga kuwana chiedza, akanga akaperera kwazvo pachitendero cheRoma uye ari mupirisita akatendeka. Mukuita tsvakurudzo pamusoro penhoroondo yekare akakwezvwa neBhaibheri ndokutanga kuridzidzisa kuvadzidzi paChikoro ichi.KK 138.3

    Lefevre akange ari murumbidzi wavatsvene uye akange azvipira kunyora nekuita tsvakurudzo pamusoro pevatsvene nevakafira chitendero sekutaurwa kwazvaiitwa nekereke mumabhuku anonyorwa vanofanira kunamata. Basa iri raive rakaoma kwazvo asi akange achiratidza kubudirira pakuriita, akatanga kuverenga Bhaibheri anepfungwa dzekuwedzera ruzivo pamusoro petsvakurudzo dzaaiita. MuBhaibheri zvedi akatanga kuwona vatsvene vachizarurwa asi kwete sezvaitaurwa munhoroondo dzeRoma. Mafashama echiedza chitsvene akapinda munjere dzake. Mukushamisika nekuzvishora akarasa pfungwa dzaaive nadzo dzekutsvaka nhoroondo ndokutanga kuzvipira kuzere mukudzidza Bhaibheri. Chokwadi chinokosha chaakawana muBhaibheri akatanga kuchidzidzisa. KK 138.4

    Mugore ra 1512, Luther naZwingli vasati vatanga basa reRuvandudzo, Lefevre akanyora kuti “NdiMwari unotipa kururama, kuburikidza nekutenda, kunouya nenyasha dzinopa kururamiswa kuupenyu husingaperi”--Wylie, b. 13, ch. 1. Achitarisa chakavanzika cherudzikinuro anoti: “Tsinhaniso inoshamisa isingatsananguriki,-- Asina chaakatadza anopiwa mhosva, anechaakatadza osunungurwa; zvikomborero zvotakudzwa kutuka, zvakatukwa zvotakudzwa zvikomborero; Upenyu hunofa, mufi worarama; Hutsvene hoputirwa nerima, uyo asina chaanoziva kunze kwenyongano opfekedzwa nguvo yekubwinya.”-- D'Aubigne, London ed., b. 12, ch. 2. KK 139.1

    Aidzidzisa kuti Ruponeso runobva kunaMwari oga uye kuteerera ibasa remunhu.” Kana urinhengo yechechi yaKristu, urinhengo yemuviri Wake, kana uri wemuviri wake uzere nechimiro cheutsvene. . . dai vanhu vainzwisisa izvi mifungo yavo ingadai yakachena uye kurarama kwavo kurikutsvene. . . .”-Ibid., b. 12, ch. 2. {GC 213.1}KK 139.2

    Pakati pevadzidzi vaidzidziswa naLefevre pakange pane vaiterera nemazvo shoko raaitaura uye vakange vazvipira kupfuurira mberi nekuparidza chokwadi kana mudzidzisi wavo anyaradzwa. Mumwe wevakazvipira kuenda mberi nekuparidza Chokwadi ainzi William Farel. Akange arimwana akarerwa nekukurira mudzidziso dzechiRoma nevabereki vakanga vakaperera padzidziso dzekereke, saPauro aigona kuzvifananidza naye pashoko rinoti “ndaiva muFarise, nedzidziso yekupira kwedu yakaisvo-rurama.” Mabasa 26:5. Aiva muRoma akakwana akaperera zvekuda kuparadza aninani anopikisa kereke. “Meno angu aibvunda mumukanwa sebere ratsamwa kana ndainzwa munhu anotaura nekuzvidza Papa” anodaro Farel achitarisa muraramire wake wekare. -Wylie, b. 13, ch. 2. Aive akaperera pakupa rumbidzo kuvatsvene, achifamba naLefvre mumakereke emuParis, achinamata paaritari nekukoshesa nzvimbo dzaive tsvene. Zvose izvi hazvina kumupa kuzorora pamweya. Pfungwa yekuziva kuti ndirimutadzi yakaramba irimaari uye haaina kubviswa kunyange aitevedzera zvinotaurwa nekereke. Senzwi rinobva kudenga akaterera mashoko emuvandudzi: “Ruponeso rwunouya nenyasha,“Asinamhosva anotongwa, anemhosva anosunungurwa.” “Muchinjikwa waKristu woga ndiwo unozarura masuwo edenga nekupfiga masuwo egehena.” --Ibid., b. 13, ch. 2.KK 139.3

    Farel akagamuchira chokwadi ichi nemufaro. SaPauro akatendeuka kubva kudzidziso nemuraramiro netsika dzekare achiuya kurusununguko rwekuva mwana waMwari. “Panzvimbo yekuva nemweya wehumhondi sebere rinehasha,” adzoka anoti, “ndave munyoro segwayana, moyo wabva pana Papa ndikaupa Jesu Kristu.”--D'Aubigne, b. 12, ch. 3. {GC 214.1}KK 139.4

    Lefevre akaenderera mberi nekuparidza kuvadzidzi pachikoro, mumwe wevadzidzi vake ainzi Farel, mutendi akange akaperera panaKristu sezvaaiva kuna Papa, akaenda neshoko rezvokwadi pajekerere, kuruzhinji rwavanhu. Munyarikani mukereke bishop wenzvimbo yeMeaux akavamuteveri wezvokwadi. Vadzidzisi vemukurumbira vakabatirawo moto wekuparidzira vhangeri yechokwadi vazhinji vanosanganisira varimi, vashandi vemabasa epasi kusvikira kuimba yeumambo vakava vateveri veRuvandudzo. Mukunda wamambo ainzi Francis 1 akavawo muteveri weRuvandudzo, iye Francis nemudzimai vakataridza kufarira dzidziso kwekanguva asi havana kuzozvipira kutevera kutenda kutsva, vateveri veRuvandudzo vakaramba vachitarisira kuti mhuri iyi yeumambo ichazvipira kutevera vhangeri rimwe zuva, asi shuviro iyi haina kuzadzikiswa. Kutambudzwa nekuuraiwa zvakanga zvakamirira vateveri vaKristu, izvi zvakaratidzwa kwavari munyasha dzaMwari. Pakambova nenguva yekudzikama nerunyararo kuti zvisimbise vateveri vaJesu nekuvagadzirira kutivagone kuve nesimba pakuedzwa kukuru kwaiva mberi. Munguva yerunyararo iyoyo shanduko yakapararira. Bishopu weMeaux akashanda pakuparidza pakereke napakufundisa vakuru vekereke nevanhu zvokwadi. Mapirisita akange anehunhu hwakaipa akavabvisa akaisa vaive vakafunda vachiita zvakanaka. Bishopi uyu aida kuti Shoko risvike mudunhu make vanhu vavenaro, izvi zvakazadzikiswa. Lefevre akashanda pakushandura Testamente itsva ichiisa mumutauro wevanhu, Bhaibheri rainzi French New Testament rikaparurwa paMeaux panguva imwechetewo yakaparurwa Bhaibheri raLuther rechiGerimani paWittenberg. Bishopu akaita zvose zvaaigona kuti Bhaibheri iri risvike kumasangano, nenguva shoma varimi nevanhu vepasi vakange vave neBhaibheri mudzimba dzavo. {GC 214.3}KK 140.1

    Rufaro rwevafambi vanopanga mvura vaona chitubu ndizvo zvingafananidzwa nekugashirwa kwakaitwa shoko reBhaibhiri.Vabati vemumunda nevemapazi akasiyana-siyana vaishanda vachikurukura pamusoro pamashoko akanaka ezvokwadi yemuBhaibheri. Munguva dzamanheru vakange vasingachaendi kumafaro asi vaiungana mudzimba kuzoverenga Bhaibheri, kunamata pamwe nekupa mbiri kunaMwari. Shanduko huru mumararamiro ikavapo munharaunda.Vanhu vepasi, varimi nevasina kufunda, nyasha dzaMwari dzakararamika mavari. Mukuzvininipisa, murudo, muhutsvene vakamira sezvapupu zvinoitwa nevhangeri kune vanorigashira mukuperera. {GC 215.1} KK 140.2

    Mwenje weshoko wakatungidzwa paMeaux wakasvika kure. Zuva rimwe narimwe vaitendeuka vaiwedzera.Uturu hwehutungamiri (monks) hwakambomiswa namambo kwekanguva asi vatungamiri vana Papa vakazokururira pakurwisa vatendi.Hondo yakachizotanga.Bishopi weMeaux akamanikidzwa kuti asarudze pakati pekufa nemoto kana kutuka nekuzvidza kutenda kwaakange agashira,iye akasarudza nzira irinyore akatiza marwadzo asi vateveri veRifomesheni vakaramba vakamira panaMwari.Vazhinji vakapupurira kutenda kwavo mumoto. Hushingi nekuramba vamire vakatarisana nerufu nekuzvininipisa kwaKristu yakava mharidzo kuzviuru nezviuru zvavanhu vakange vasina kuwana zvokwadi munguva yerunyararo.KK 140.3

    Vakange vari varombo nevakazvininipisa vakaramba varipana Kristu chete panguva dzekutambudzika, kusekwa nekuurawa. Mumuzinda wamambo makange munevakazvipira kutevera zvokwadi vaikoshesa bhaibheri kudarika rukudzo rwavaiwana chero upfumi hwavo neupenyu. Vamwe varindi vamambo vaive vachigashira zvokwadi kudarika mabishopi. Loise de Berquin akange akazvarwa muimba yeupfumi. Aive achishandira pamuzinda wamambo ane hushingi, aive muverengi anehunhu hwakanaka asina chaanopomerwa. Akange ari muteveri akatendeka webumbiro raana Papa, achitevedzera misa nedzidziso dzacho pakuperera kwake. Berquine aivenga dzidziso dzaLuther asi sezvakaitika kuvazhinji akatungamirirwa kuBhaibheri akashamisika kudzidza kuti dzidziso dzeRoma hadzina tsigiso reshoko raMwari asi dzaLuther ndodzirimuBhaibheri--Wylie, b. 13, ch. 9.KK 140.4

    Kubvira nguva iyi akazvipira zvizere pakuita zvinoda vhangeri. “Aive mufundi kudarika vachenjeri vemuFrance, uchenjeri nekugona kutaura, ushingi, kukurudzira uye rukudzo rwaaipiwa nevazhinji pamuzinda wamambo zvakaita kuti adiwe namambo. Vazhinji vakaona paari munhu achaunza shanduko munyika mavo. Beza anoti: “Berquin angadai akava Luther wechipiri dai akawana rutsigiro kubva kuna Francis 1.” “Akasvoipa kudarika Luther,” vakadaidzira mapirisita.-Ibid., b. 13, ch. 9. Aityiwa zvakanyanya nemaRoma emuFrance. Vakamusunga vachimupa mhosva yekuti mudzidzisi wenhema asi mambo aimusunungura. Kwemakore hondo iyi yakaramba iripo. Francis akange asina rutivi rwaairerekera pakati peRoma neVavandudzi, pamwe aimbogashira kaitire kemafundisi eRoma pamwe odzivisa pfungwa yehuipi hwavanenge vachida kuita. Katatu Berquine achisungwa nekuiswa mutirongo, asi aisunungurwa nevatongi vaiyemura njere dzake nekudzikama kwake uye vakaramba kuti aitirwe zvakaipa nevakuru vekereke.KK 141.1

    Berquin akapiwa yambiro yenjodzi yaizomuwira kana akaramaba ari muFrance, akakurudzirwa kuti atore matanho ekubuda munyika iyi sezvaiita vamwe. Mumwe muzvinafundo airemekedza kukudzwa, nekuita zvaanoda kudarika Mwari; ainzi Erasmus akanyora mwadhi kuna Berquin achiti; “kumbira kuti unove mumiriri weFrance kunenyika dzekunze kana kuenda kuGermany. Beda unomuziva kuti chikara chakapedza vazhinji nekuuraya uye miseve yeuturu hwake inoenda mativi ose. Vavengi vako vanosvika zviuru nezviuru. Chinangwa chako chakakosha kudarika chaJesu here? Havakuregi uchienda vanoda kukuuraya muutsinye hwavo. Usavimba zvakanyanya nechengetedzo yauri kupiwa namambo.”-Ibid., b. 13, ch. 9.KK 141.2

    Njodzi payakanyanya kuvepedyo, Berquin mushure mekuwana mashoko aya kubva kuna Erasmus zvakatowedzera hushingi maari. Akazvipira kumiririra zvokwadi nekurwisa nhema. Mhosva yaaipiwa yekuvamuteveri wenhema nemaRoma akaita kuti ive yavo ivo. Boka remadhokotera epaChikoro chikuru cheParis nevafundi vebhaibheri vairwisana zvakanyanya naBerquin pamusoro peBhaibheri. Kubva pazvinyorwa zvemadhokotera aya, Berquin akanyora zvavaitenda zvinegumi nezviviri akaisa pachena kuti dzidziso dzavo ndedzenhema uye hadzisi mubhaibheri. Ndokubva akumbira mambo kuti vave mutongi panyaya iyi. KK 141.3

    Vatongi mukuona kukakavadzana kwaivapo uye mukufarira kwavo kunyadziswa kwevakuru vechechi vakapa mutemo wekuti vakuru veRoma ngavamiririre kutenda kwavo vachitsigirwa neBhaibheri. Kusapindura kwavo kwaireva kuti jeri, nekurwadziswa zvakange zvatarisana navo. Gomba ravakange vachida kuti Berquin awire mariri ndivo vakange vakufanira kuwiramo. Nyaya yakange yavapandukira, mukushamisika nekupererwa vakatsvaka nzira dzekupukunyuka nadzo panjodzi yerufu yavakange vakatarisana nayo. “Munguva imwechete chitombi chemhandara Mary chakaputswa paneimwe kona munzira yemuguta. Pakave nekukatyamara guta rose, vazhinji vakanoungana vachiratidza kubatikana nekushungurudzika. Namambo vakabatikana nechiitiko ichi. Ndowakava mukana wemamafundisi wekuitira Berquin huipi hwekumuparadza. “Izvi ndozvibereko zvedzidziso dzaBerquin,” vakadaidzira. “Zvose zvakuzomukirwa—chinamato, mutemo, kusanganisira neumambo nemhaka yedzidziso dzaLuther idzi.”-Ibid., b. 13, ch. 9.KK 141.4

    Berquin akasungwa zvakare. Mambo akange asiri muguta musi uyu zvakapa mukana kuti mafundisi aite zvavaishuvira pasina mudzivisi. Muvandudzi akamiswa pamberi pedare ndokutongerwa rufu, mukutya kuti Francis angauya akasunungura musungwa, Berquin aifanira kuuraiwa zuva iroro.KK 141.5

    Munguva dzamasikati Berquin akange atarisana nerufu.Vanhu vazhinji vakange vakaungana vamwe vachishamisika kuti musungwa ndeweimba huru inoremekedzwa muFrance. Kuseka kuzvidza kutuka zvaive zvakaputira zviso zvegungano yaivepo asi chiso chaBerquin chairatidza mufaro nekubwinya. Pfungwa nendangariro dzake dzaive kure nezvaiitika paari akange akanangisa pakuvepo kwaJesu pedyo naye.KK 142.1

    Mungoro yerufu yaaive mairi, kufinyama kumeso kwevavengi vake, rufu rwakange rwakatarisana naye-zvose izvi haana kuzvitarisa; “Uyo arimupenyu, akange akafa, arimupenyu nekusingaperi, ane kiyi dzerufu nehadhesi akange ariparutivi rwake. Chiso chaBerquin chairatidza kupenya chine runyararo rwedenga” -D'Aubigne, History of the Reformation in Europe in the Time of Calvin, b. 2, ch. 16. Yakange yave nguva yake yekupupura pamberi pamambo wemadzimambo nepamberi pedenga rose nokudaro hakuna chaidzivisa rufaro rwake. KK 142.2

    Paaitungamirirwa kunzvimbo yerufu zvishomanezvishoma vanhu vaishamisika nerunyararo rwaive paari, rufaro rwemukundi rwaiva maari. “Anoita sekunge uyo anogara mutemberi achimiririra zvitsvene” vamwe vaidaro--Wylie, b. 13, ch. 9. Aripamatanda ekuti achiurawa Berquine akakumbira kuti ataure mashoko mashoma kuvanhu vaive vakaungana asi vafundisi mukutya zvingazoita vanhu vakatanga kuita ruzha nekuombera maoko kuti zvaitaurwa naBerquin zvisanzwikwa navanhu. Ibid., b. 13, ch. 9. KK 142.3

    Berquin akauraiwa nekudzipwa netambo mutumbi wake ukapiswa nemoto. Shoko rekufa kwake rakaunza kusuwa kuvateveri veshanduko munyika yose yeFrance. Asi mucherechedzo weupenyu hwake hauna kurasikira pasina. “Nesuwo tazvigadzirira,” vakadaro vapupuri vechokwadi, “kusangana nerufu takatarisa paupenyu unouya.”--D'Aubigne, History of the Reformation in Europe in the Time of Calvin, b. 2, ch. 16.KK 142.4

    Munguva yekutambudzika uku munzvimbo ye Meaux, vadzidzisi vaive nekutenda muRuvandudzo vakatorerwa marezinesi ekuti vaparidze ndokubva vatizira kune dzimwe nzvimbo. Lefevre akaenda kunyika yeGermany uyevo Farel akadzokera kunyika yechibarirwe chake kumabvazuva eFrance kuti andoparidza munzvimbo yaakakurira. Shoko rezvaiitika kuMeaux rakange ratosvika, chokwadi chaaiparidza mukusatya chakagashirwa nekuteererwa. Munguva pfupi vakuru venharaunda vakamurambidza kuparidza ndokumudzinga muguta ravo. Kunyange anga asingachakwanisi kuparidza paruzhinji, nguva yake yaive yekuparidzira vagari vemumaruwa nemapani, achiwana hugaro hwake mumapako nemumasango maaitambira achiri mwana. Mwari vakange vachimugadzirira basa guru raizove mberi kwake. “Michinjiko, kuurawa, nzira dzose dzehuipi hwaSatani dzandakange ndafanoziviswa hadzaiva pasina,” anoti, “miyedzo yacho yakange yakarema zvokusakunda ndiri ndoga; asi Mwari vari Baba vangu; vaindipa simba uye vacharamba vachindisimbisa” -D'Aubigne, History of the Reformation of the Sixteenth Century, b. 12, ch. 9.KK 142.5

    Sepamazuva avaapostora kutambudzwa kwakaita kuti shoko revhangeri ritoenda mberi nesimba. VaFiripi 1:12. “Zvino avo vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko.” Acts 8:4. Chiedza chikasvika munzvimbo dzekumaruwa muFrance.KK 142.6

    Mwari vakange vachiri kugadzira vabati vachaendesa basa mberi. Munechimwe chikoro muParisi maive newechidiki aifunga, akanyarara, aipa chiratidzo chekuti njere dzake dzakadzama, haana chaaipomerwa mukurarama uye ainge akazvipira pakunamata. Hudzamu hweuchenjeri hwake nemuitire wake wakaita kuti ave chidadiso pachikoro paaiva mudzidzi, Calvin uyu aitarisirwa navanhu kuti achazove mukuru anenge achirwira nekumiririra kereke. Chiedza chaMwari cheshoko chakasvika nepaari kuti chimurwire muchinamato chenhema chaakange akanyura machiri. Akanzwa dzidziso itsva nekukahadzika, aizivazve kuti dzidziso dzenhema nevanoitenda vakafanira moto. Akaita tsvakurudzo achida kubudisa pachena kuti dzidziso yeShanduko ndeyenhema kana tichitarisa dzidziso yeRoma.KK 143.1

    Muzukuru waCalvin, uyo akange avemuteveri weShanduko aigara muParis. Vaviri ava paukama hwavo vaisikurukura pamusoro pezvinetso muchiKristu. “Kune zvitendero zviviri bedzi munyika,” akadaro Olivetan, aiva mutendi weRuvandudzo. “Boka rekutanga rechinamato rakavambwa navanhu, mariri munhu anoita mabasa akanaka nekutevedzera zvipiriso kuti agozviponesa; rimwe boka rechitendero rinoratidzwa kubva muBhaibheri, rinodzidzisa munhu kuti ruponeso runobva kuna Mwari kuburikidza nenyasha dzinopiwa pachena.’’ “Handinei nedzidziso itsva dzako idzo,” akadaro Calvin; “unofunga ndakararama mumanyepo upenyu hwangu hwese uhwu here?” --Wylie, b. 13, ch. 7. {GC 220.2} KK 143.2

    Shoko harivhikwi, pfungwa dzake dzakange dzakutoshushikana. Ari oga akafungisisa pamusoro pemashoko emuzukuru wake. Pfungwa yekuziva kuti iye mutadzi yakamubata zvinesimba, akazviona asina mumiririri, pamberi pemutongi akarurama ari mutsvene. Kumiririra kwevatsvene, mabasa akanaka, zvipiriso zvekereke hazvaigona kuchenesa chivi. Pamberi pake aiona rima rekuparadzwa kwake chete. Vakuru vesangano vakaedza kuti mutoro uyu ubve paari asi vakakundikana. Kureurura nezvimwe zvakaitwa asi hapana zvakabatsira pakudzorera ukama hwake panaMwari.KK 143.3

    Achiri pakushungurudzika nenyaya iyi pasina betsero Calvin akasvika panzvimbo paipiswa mutendi weRifomesheni. Akashamiswa nekuratidzika kwekudzikama nekuva nerunyararo kwemusungwa uyu akange atarisana nerufu. Pakati pekurwadziswa zvikuru nekuzvidzwa nekereke mubatwa uyu akaratidza ushingi nekutenda, Calvin achiita fananidzo neupenyu hwake akaona kuti arikurarama upenyu husina tariro uye arimurima guru.Akaziva kuti kutenda kwevarevi venhama ava kuri paBhaibheri. Akasarudza kudzidza Bhaibheri kuti agowana chakavanzika chemufaro wavo kusvika pakufa. KK 143.4

    MuBhaubheri akaona Kristu. “O Mwari,” akachema,’’Kufa kwaJesu kwakanyaradza hasha dzenyu; Ropa rake rakasuka kuipa kwangu; Muchinjikwa wake wakatakura kutukwa kwangu; Rufu rwake rwakachenesa ini. Takazviitira paupenzi hwedu dzimwe nzira asi imi maisa Shoko renyu semwenje pamberi pangu, imi mabata moyo wangu kuti ndisiye zvose zvinokunyangadzai kunze kwekuva naJesu.” --Martyn, vol. 3, ch. 13.KK 143.5

    Calvin akange akafundira kuva mupirisita. Ane makore gumi nemaviri akange achitungamira imwe kereke. Aiziva kafambire kesangano zvakadaro zvekuti mabhishopu vaimuti musoro wake ibhuku. Akave mukuru nenguva pfupi mukereke. Achiziva kuti ave mupirisita hazvichagoni akasarudza kuita zvidzidzo zvekuti agove gweta asi akazvisiira panzira ndokusarudza kuzvipira kuvhangeri kweupenyu hwake. Aitya kuva mutauri pamberi pevazhinji nekuita basa reuvhangeri, asi shamwari dzake dzakamukurudzira akazogashira kuvamuparidzi wechokwadi. “Zvinoshamisa izvi,” anodaro,“kuti munhu ane nhoroondo yepasipasi anopiwa rukudzo rwandirikupiwa.”-Wylie, b. 13, ch. 9.KK 143.6

    Chinyararire Calvin akatanga kuita basa, mashoko ake aive semvura yedova inopa upenyu kunyika. Akange abuda muParis muguta diki munerimwe dunhu akachengetwa nemukunda wamambo ainzi Margaret uyo aichengetedza vadzidzi nekuti iye aifarira vhangeri. Calvin akange achiri wechidiki akadzikamira kwazvo. Basa rake ayiriitira mudzimba. Akatenderedzwa nemhuri dzaaishanyira aidzidza navo Bhaibheri nekuzarura chokwadi cheruponeso. Vaainge adzidza navo vakatakura mashoko akanaka aya kunevamwe, shoko rikapararira kwese kwese nenguva pfupi.KK 144.1

    Kwemwedzi mishoma Calvin akadzoka zve muParisi. Pakati pevadzidzi paive nekudzidza mitauro yekare zvakazotungamira kuti vasvike pakudzidza Bhaibheri. Kudzidza kwacho kwaingove kwekuda kuratidzana ruzivo chete, kunyange Calvin aive neruzivo rwakadzama akasarudza kupfuurira mberi nekuparidza pakuita nharo dzisina chadzinobudisa. Calvin aipinda imba imwe neimwe achizarura Bhaibheri kuvanhu nekutaura nezvaJesu akafa akamuka.KK 144.2

    Mukuzarura kwaMwari, Parisi yaifanira zve kupiwa mumwe mukana wekuwana vhangeri. Kudaidza kwaLefevre naFarel hakuna kunge kwagashirwa nevagari veguta iri, saka vhangeri raifanira kusvika zvakare mumapoka ose. Mambo achicherechedza nyaya dzematongerwe enyika akange asina kunatso rerekera kuRoma pakurwisana kwayo neShanduko. Margaret akaramba akabatirira patariro yekuti kutenda kutsva kuchakunda nekugamuchirwa muFrance. Akazvimisira kuti kutenda kweshanduko kunofanira kuparidzwa muParis. Kana mambo asipo Margaret aiukurudzira kuti mufundisi weRuvandudzo aparidze mumakereke ose emuguta. Pazvakarambidzwa nanapapa akazarura pamuzinda kuti paparidzirwe ipapo. Nzvimbo yekupindira pamuzinda yakazarurwa uye paive nenguva yekuparidzwa kweshoko, vanhu vose vaikokwa.KK 144.3

    Vazhinji vaienda kunonzwa shoko. Zviuru nezviuru zvaisangana zuva nezuva, pavauyi paisanganisira, vachenjeri, vamiririri, magweta, vagadziri vezvinhu. Mambo vakaraira kuti mamwe makereke maviri emuParisi avhurwe. Hazvina kumbobvira zvakaitika kuti vanhu vaishandurwa neshoko zvakadaro. Mweya waMwari waiva pakati pevanhu. Kuzvidzora, kuchena pamoyo, kurongeka nekushanda kwakatora nzvimbo yekuraradza, kuchiva, hondo neunyope. KK 144.4

    Asi hutungamiri hunezvahwaironga kumisa kufamba kweshoko. Mambo vakaramba kumisa kuparidzwa kweshoko, vakuru ndokuenda kuvanhu. Vakashandisa nzira dzose dzinosanganisira kutyisidzira vanhu kuti varege kuteerera kuparidzwa kweshoko. Vagari vemuParisi vakabvuma kupofumadzwa ndangariro dzavo nevadzidzisi venhema, seJerusarema rekare havana kuziva zuva renjodzi ichavawira nekubvisa runyararo. Kwemakore maviri shoko raMwari rakaparidzwa muguta, kunyange pane vakawanda vakagashira vhangeri, vazhinji vakariramba. Francis akange angotendera kuti vhangeri rifambe achida kuzadzisa zvinangwa zvake, vana papa vakakundazve kuvapamusoro. Makereke akavharwa zve nzvimbo yekuuraya vatendi ikamutsiridzwa.KK 144.5

    Calvin akange achiri muParisi achizvigadzirira basa remberi nemunamato, kudzidza Bhaibheri nekuramba achifamba neshoko. Vatungamiri vakange vomutsvaka vachida kuti vamupise. Iye achifunga kuti paari pakavanda hakuna chingamuwana shamwari dzake dzakauya dzichimhanya neshoko rekuti vatariri varikuuya kuzomusunga. Nguva imwechete pakanzwikwa kugogodza pamukova wekunze, pakange pasina mukana wekutambisa, dzimwe shamwari dzake dzakandozama kuvanonotsa kuti vasapinde ukuwo dzimwe shamwari dzichimuburutsa nepafafitera, ndokutizira kunze kweguta kumba kwemumwe mutendi akapfuurira achibva ipapo akananga kumadokero ndokuguma avanda nekuchengetwa naMargaret. (See D'Aubigne, History of the Reformation in Europe in the Time of Calvin, b. 2, ch. 30).KK 145.1

    Calvin akagara panzvimbo iyi kwemwedzi mishoma akachengetedzwa neshamwari achipfuurira mberi nekuverenga Bhaibheri. Moyo wake waidokwairira kunoparidza kuFrance uye ange asingachakwanisi kugara asingaparidzi. Paakaona kunze kwadzikama akaenda kunoshandira munzvimbo itsva yainzi Poitiers makange munechikoro chikuru, uyezve pfungwa itsva dzaigashirwa. Vanhu vemapoka ose vakaterera vhangeri nemufaro. Vanhu vaisaungana pakuparidzwa kweshoko asi mudzimba, kwaigara Calvin nemuminda mashoko eupenyu husingaperi aisvitswa kuvanhu naCalvin. Vanhu vaiterera shoko, pavakaramba vachiwedzera vakasarudza kunosangana kunze kweguta. Bako raive pamupata rakavharirwa nemiti yakasvibira ndiro rakava nzvimbo yakasarudzwa kunamatira. Vanhu vaibuda muguta varizvipoka zviduku uye nenzira dzakasiyana vaindosangana panzvimbo iyi yekunamatira. Panzvimbo iyi Bhaibheri raiverengwa mukudaidzira nekududzirwa. Panzvimbo iyi ndipo pakaparurwa kudyiwa kwechidyo chaTenzi kekutanga nevatendi veshanduko muFrance. Kubva pasangano duku iri vaparidzi vazhinji vakenda neshoko.KK 145.2

    Calvin akadzokera zvakare kuParis. Tariro yake yaive yekuti guta iri ragadzirira kugashira Ruvandudzo, asi akawana mikana yose yekushandira Mwari yakavharwa. Kuparidza shoko kwaive kutora nzira yerufu rwekuurawa ndokubva atizira kuGermany. Nguva shoma achangobuda muFrance dutu renjodzi rakawira vatendi veshanduko zvekuti dai asinakukasika kubuda angadai akafiramo. KK 145.3

    Vateveri veshanduko muFrance mushungu dzekuda kuti nyika yavo ifambirane neGermany neSwitzerland vakazvimisira kuparadza kamwekamwe chinamato nezvaitendwa neRoma. Usiku humwe zvibhakani zvaishoropodza misa zvakanamatidzwa munyika yose yeFrance. Panekuti varambe vachienda mberi neRuvandudzo boka iri raisundwa nesimba asi risina kunatsoronga rakaunza kuparara kwavari nevose vaive vatendi veshanduko muFrance yose. Zvakapa mukana kumaRoma kuti vaiite zvavakange vachishuvira kwenguva refu—kuparadzwa nekuurawa kwevateveri venhema nekuti vanounza kusagadzikana munyika uye vanopandukira humambo.KK 145.4

    Mukusaziva kuti zvakaitwa nani chimwe chibhakani chakanonamatidzwa pamukova wemba yamambo yemukati, pakange pakanyorwa mashoko ekuzvidza nekutsoropodza tsika dzechinamato chaitendwa nemaRoma. Muzinda wese wakavhunduka. Kusatya kweakanamira chibhakani ichi kusvika pakuisa paimba yamambo zvakamutsa hasha dzamambo, mambo vakaita nguva vachibvunda nehasha vakanyarara. Hasha dzakabuda nepamuromo nemashoko akaipa ekuti: “Vose vari vateveri ve Lutherism ngavabatwe ndoda kuvaparadza vose.” -Ibid., b. 4, ch. 10. Muchiitiko ichi, mambo akasarudza kuva rutivi rumwe neRoma.KK 145.5

    Matanho akabva atorwa ekusungwa kwemutendi wese anotevera dzidziso dzaLuther muParis. Murombo aive mutendi weRuvandudzo aisikokera vanhu kunonamata munzvimbo dzakavanda akabatwa akanzi; ‘’sarudza pakati pekufa uchitsva, nekutiratidza kunevatendi veshanduko varimuguta.’’Akavhunduka nekutya kutsva nemoto akasarudza kuvamutengesi nekupandukira vatendi. Akatungamirira boka remapirisita, vabati vezvinonhuwira masoja, naMorin mupurisa wamambo, chinyararire vachipfuura nemuguta. Kufamba kwavo kwaive kuchenesa guta muhuipi hwavaiti hwakonzerwa nevaratidziri vePorositendi, asi raiva zano rekuparadza vatsvene. Kana vasvika paimba yemu Lutheran, mutengesi uya aivanongedzera pasina shoko raitaurwa, vomira imba yopindwa mhuri yotobuda yose yasungwa nengetani vachikwevewa. Boka raibva rapfuurira kunotsvaka vasungwa vatsva. Hapana imba yakasara, vakuru kana vadiki vaitorwa chero pamakoreji nechikoro chikuru pakasvikwa. Morin akaita kuti guta rose ridengenyeke…Utsinye hwakabata ushe. -Ibid., b. 4, ch. 10.KK 146.1

    Vasungwa vakauraiwa mukurwadzisa kukuru, pamwe painzi moto ngauve mushoma vatsve kuti marwadzo aite nguva refu. Asi vakafa sevakundi. Kutenda kwavo kwakange kusingazungunuki uye runyararo rwavo rwaivepo. Vatambudzi vavo vakaona vakundikana kubvisa vanhu ava paushingi hwavo. “Matanda nenzvimbo dzekupisira vatendi dzakaiswa munzvimbo dzose muParis, kupiswa kwavanhu kwakaitwa zuva rogaroga, chinangwa chiri chekuvhundutsira vamwe kuti vasatevere maKristu. Pakupera kwazvo mukana wakasara urikuvhangeri. Vagari vose vemuParis vakagona kuona shanduko inounzwa nevhangeri. Kwaisava nemharidzo inodarika matanda nevanhu vaitsva vachifira shoko raMwari. Mufaro waive nevatendi vakananga kunotsva, hushingi hwavo vakamira mumarimi emoto, hunyoro, kushanduka kwavo kwakaita kuti vaiona vabve pakuva nehutsinye vachiuya pakuita hanya, vamwe vakabva pakuvenga vachiva nerudo, vakaramba vachishuvira kuti vhangeri rirambe richienda mberi.”--Wylie, b. 13, ch. 20.KK 146.2

    Maprisita achida kuparadza vatendi vose vakataura manyepo pamusoro pevatendi veshanduko. Vatendi ava vakanenerwa mhosva dzekuti vaida kuuraya maKatorike, vaida kupandukira hurumende nekuuraya mambo. Hakuna kana umbowo hwairatidza kuti ndezvechokwadi. Utsinye hwakaitirwa vatendi ava vakange asina mhosva nemaKatorike hwakaita kuti vazosanganawo nazvo kwapera makore mazhinji zvakazokonzera kutambudzwa kwamambo, hurumende yake nevaitungamirira asi kutambudzika kwaizokonzerwa nevasingatendi pamwe nana papa. Kudzvanyirira vatendi veshanduko kwakaitwa kwaizokonzeresa matambudziko makuru muFrance makore anamazana matatu emberi.KK 146.3

    Francis I aiazvirumbidza semutungamiri wekutanga akamutsirira fundo musenjuri yegumu nenhanhatu. Aifara kunge ane vanhu vakafunda pamuzinda wake. Chakaita kuti ambogashira Ruvandudzo kwaive kuona kuti vateveri vacho vaive vakafunda kana achienzanisa nevafundisi veRoma vaitevera tsika nezvipiriso zvisina kujeka. Nepfungwa yekuda kuparadza vadzidzisi venhema (reformation) mutsigiri wefundo Francis akaraira kuti vose vateveri veshanduko vaparadzwe. KK 146.4

    France kuburikidza nekuita mitambo yayo yakange yazvipira kuparadza zvachose vateveri vekutenda kutsva. Mapirisita akakumbira zvechisimba kuti kuzvidzwa kwakaitwa kudenga pamusoro peMisa kuchenurwe neropa uye mambo semumiriri wevanhu atsigire kuitwa kwechiitiko ichi vanhu vose vachiona.KK 146.5

    Musi wa21 Ndira 1535 ndiro zuva rakatarwa rekuita mutambo wacho. Ruzhinji rwavanhu rwaivapo muguta reParis. Mwenje yainge yakatungidzwa mudzimba dzemumugwagwa. Maaritari akange akaiswa mumugwagwa aripedyo napedyo. Achirimangwanani vanhu vaibva pamuzinda wamambo zvakarongeka vanezvibhakani varimberi, voteverwa nana papa, tevere vagari venzvimbo vachifamba vari vaviri vaviri vakabata mwenje waipfuta. Vakuru vekereke vakateverawo vakafuka nhumbi dzinokosha.KK 146.6

    “…Francis 1 musi uyu haana kupfeka nhumbi dzeumambo. Musoro wake musina chinhu, meso ake akatarisa pasi, maoko ake akabata mwenje,’’ Mambo weFrance airitadza kunge ,’’arikunzwa urombo nezvaiitika.” -Ibid., b. 13, ch. 21. Aipfugama paaritari imwe neimwe mukuzvininipisa, kwete pamusoro pezvivi zvake, kana pamusoro peropa revatsvene vaakauraya pasina mhaka asi aichemera chivi chakaipisisa chekuzvidzwa kweMisa kwakange kwaitwa nevaitenda kushanduko. Mudzimai wake aiteverawo shure kwake, teverewo vanoremekedzwa vachifamba vari vaviri vaviri vakabata mwenje. KK 147.1

    Pazuva iri mambo pachake akataura zvinesimba kuvatungamiri vehurumende yake pamuzinda wemaBhishopi. Neuso huzere nekusuwa nemashoko azere nemisodzi akati, ‘’mhosva yakaparwa yekumhura misa yaita kuti zuva rive rekusuruwara rinonyadzisa, zvakawira nyika yedu.” Akakurudzira kuti mumwe nemumwe anotungamirirwa naye abatsire pakubvisa nekurwisa vatsigiri nevateveri venhema avo varikuunza kuparara munyika yeFrance. ‘’Ini semutungamiri wenyu wechokwadi kana ndikaziva kuti gumbo rangu rabatwa neutachiona uye ririkuora, ndinokupai kuti muridambure. Uyezve ndikaona mwana wangu anechakaora paari, handimuregi . . . ndinomuita chibairo chaMwari ini ndomene,” akadaro mambo, misodzi ichiperekedza mashoko ake. Vose vakange vakaungana vakachema, nezwi rimwechete vakadaidzira:’ ‘Tichararamira nekufira chitendero cheKaturike!’’ -D'Aubigne, History of the Reformation in Europe in the Time of Calvin, b. 4, ch. 12.KK 147.2

    Dima rakange raputira nyika yakaramba chiedza chechokwadi raityisa. Nyasha,’’dzaiiunza ruponeso,’’ dzakange dzauya; asi France mushure mekuona simba revhangeri neutsvene hwaro, shanduko huru yaratidzwa vakafuratira nyasha idzi vakasarudza dima panzvimbo yechokwadi. Zvakaipa vakazviita zvakanaka, nezvakanaka vakazviita zvakaipa kusvikira vava vabatwa vemusungo wavo. Kunyange vaiita izvi vachifunga kuti varikutoitira Mwari mukuparadza vatsvene, mhosva vaiva nayo pamberi paMwari. Dai vakagashira chiedza chingadai chakavarwira pakunyengerwa nepakuteura ropa risinamhaka.KK 147.3

    Chirevo chekuparadza vatendi veshanduko chakaitwa pakereke huru, ndipozve pakazoiswa chimwarikadzi chekunamata njere mushure memakore anemazana matatu nenyika iyi yakange yakanganwa Mwari mupenyu. Basa rezuva rakaenderera mberi, vamiriri veFrance vachizadzisa zvavakange vapikira. Nechepedyo matanda akange asimudzwa apa paizopiswa maPorositendi varivapenyu, zvakange zvakarongwa kuti moto waizotungidzwa kana mambo avepedyo, uye vaifanira kumira voona kafiro nekatsviro kemaKristu.”-Wylie, b. 13, ch. 21. Marwadzo akasangana nezvapupu zvaJesu izvi haatsananguriki, asi kunyange zvakadaro vakaramba vamire panaMwari. Mumwe akaudzwa kuti arambe zvokwadi agosunungurwa, akapindura kuti: ‘’Ini ndirimutendi wezvakaparidzwa neva porofita nevaapostora, uye nezvinotendwa nevatsvene vose. Kutenda kwangu kuri munaMwari achadzivisa masimba egehena.” -D'Aubigne, History of the Reformation in Europe in the Time of Calvin, b. 4, ch. 12.KK 147.4

    Nguva nenguva nhungamiri dzaimira panzvimbo yaitsva vatsvene. Kana vapedza vaidzokera pavakatangira, kumuzinda wamambo, vose vakadzokera kudzimba dzavo vachikorokotedzana uye vagutsikana kuti basa ravakatanga rekuparadza vatendi venhema raifamba zvakanaka.KK 147.5

    Vhangeri rerunyararo rakarambwa muFrance rakaita kuti nguva dzinotyisa nematuso acho zvirambe zviripo. Musi wa 21 January mugore ra1793, mushure memakore ane mazana maviri nemakumi mashanu nesere mushure mekunge France yazvimisira kuparadza vateveri veRuvandudzo, chiitiko chakafanana chakaitika zve muParisi. “Zvakare mambo aive munyarikani mukuru, kwaive nekudaidzira, kuchema kwevasungwa kwainzwika,matanda ekupisira vanhu aivepo zuva rikapera nekuurawa nekupiswa kwevanhu. Louis XVI, akabatwa achikwekweredzwa nemasoja akananga panzvimbo yaakagurwa musoro pamatanda.” -Wylie, b. 13, ch. 21. Akanga asiri iye oga mambo akaurawa musi uyu asi vanhu vaivepedyo nekusvika zviuru zvitatu vakauraiwa vachigurwa musoro pazuva rinotyisa iri.KK 148.1

    Shanduko yakasvitsa Bhaibheri rakazaruka kunyika, richibudisa mutemo waMwari kuti ubatsire vanhu. Rudo rwaMwari rwakazivisa zvisungo zvaanotarisira nemuiitirwe wedenga. Mwari vakange vakati: ‘’Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nekungwara kwenyu pamberi pavanhu. ” Deuteronomy 4:6. Nyika ye France payakaramba chipo chedenga yakadyara mhodzi yekupanduka yakaita kuti pave nekurarama muupenyu hweutsinye hunotyisa.KK 148.2

    Kutambudzwa kwakakonzereswa nevaratidziri vezvibhakani zvaitsoropodza katorike kusati kwaitika, Farel murume wehushingi akange atizira kunyika yake yechizvarwa. Kuparidza kwake muSwitzerland achishandidzana naZwingli kwakaita kuti Shanduko igashirike munyika iyi. Mumakore ake ekuvanda akatora nguva achiparidza munharaunda yaaive agere achipa kurudziro kune vaitambudzwa. Zvinyorwa zveShanduko yeGermany zvakashandurwa mururimi rweFrance, uye Bhaibheri mururimi rweFrance raidhindirwa muSwiztzerland muuzhinji hwazvo. Zvinyorwa izvi zvakasvitswa kuFrance nevatengesi vemabhuku basa rikaramba richienda mberi.KK 148.3

    Farel akapinda mubasa rake semudzidzisi wevana pachikoro muSwitzerland. Mukereke yaive munyika aidzidzisa vana chokwadi chemuBhaibheri ane tarisiro yekuti vana vachanoudza vabereki vavo zvavadzidza. Vamwe vakagashira shoko asi mapirisita akapikisa kwazvo dzidziso iyi. ‘’Iri haringavi vhangeri raKristu,’’ vakadaro mapirisita, ‘’kuparidzwa kwaro hakuunzi runyararo asi hondo” -Wylie, b. 14, ch. 3.Sezvazvaive kuvadzidzi vekutanga kana vakatambudzwa vaitizira kunerimwe guta. Kubva muruwa rimwe achienda kunerimwe zvimwechetezvo nemumaguta achifamba dzendo refu netsoka, kunzwa nenzara, chando, kuzvidzwa, kurohwa zvose akasangana nazvo pakuparidza shoko asi akaramba achienda mberi. Kunyange airamba achidzingwa iye achitsungirira akatanga kuona vhangeri rake richitanga kugashirwa uye nzvimbo dzaitongwa nana papa dzichitanga kuzarura magoni avo kwaari. Kutenda kweshanduko kwakatanga kugashirwa. Guta reMorat nereNeuchatel vakaramba chitendero cheRoma vakabvisa zvifananidzo zvainamatwa mumakereke avo.KK 148.4

    Farel akange ane shuviro yekudzvara kutenda kutsva munyika yaGeneva. Kana guta iri raigashira kutenda raizova muzinda werifomesheni munyika yeFrance, Switzerland neItaly. Nepfungwa iyi maari akaramba achiparidza mumaguta akapoteredza. Iye nemubatsiri waaiva naye vakazopinda muGeneva. Akakwanisa kuparidza mharidzo mbiri chete nekuti vapirisita vakange vakutsvaka kumudzivisa, pavakakundikana kumuisa kumatare vakamudeedza kudare ravo rekereke vanezvombo muhanzu dzavo kuti vamuponde, panze paive zvakare nevanhu vaida kumukuvadza kana apukunyuka mukati medare. Kuvepo kwevatongi nemasoja kwakaita kuti asauraiwe, akarwirwa iye nemubatsiri wake vakanosiiwa kunzvimbo yakachengeteka. Ndiwo akava magumo mukuedza kekutanga kuparidzira vagari vemuGeneva.KK 148.5

    Mukuedza kupinda nevhangeri muGeneva Mwari vakashandisa mukomana wechidiki aitarisirwa pasi kwazvo kunyange nevateveri veRuvandudzo. ‘’Ko chii chaangatiitira panzvimbo yakarambwa Farel? Zvinogoneka sei kuti munhu asina zvivindi neruzivo agone kumira pahondo yakaita kuti vanesimba neruzivo vadududze?’’ “Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi neMweya wangu ndizvo zvinotaura Jehovha.” Zechariah 4:6. “Mwari vakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, kuti anyadzise izvo zvinesimba . . .” “Nokuti vupenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura vanhu; novutera hwaMwari hwakasimba kupfuura vanhu.” 1 Corinthians 1:27, 25.KK 149.1

    Froment akatanga kuita basa semudzidzisi pachikoro. Chokwadi chaaidzidzisa kuvana vaindo dzokorora kuparidzira vabereki vavo. Vabereki vakatanga kuuya muhuzhinji hwavo kuzodzidza Bhaibheri uye vaiterera kwazvo. Bhaibheri muTestamende itsva nezvimwe zvinyorwa zvaipiwa pachena, uye zvinyorwa izvi zvakasvikira vazhinji kusanganisira nevakange vasina kusununguka kuungana nevamwe pakudzidzwa kweBhaibheri. Mushure menguva mubati uyu akamanikidzwa kutiza asi chokwadi chaakadzidzisa chakange chatobata pfungwa dzavanhu. Shanduko yakange yatodzvarwa ikaramba ichikura nekupararira. Vaparidzi vakaramba vachiuya, kuburikidza nekushanda kwavo chinamato chitsva chakagashirwa nekudzika midzi munyika yeGeneva. Calvin akazotizira muGeneva iye naFarel vakatora nguva kudzidzisa vagari vemuGeneva kuti vaperere panaMwari zvizere. - D'Aubigne, History of the Reformation in Europe in the Time of Calvin, b. 9, ch. 17.KK 149.2

    Panguva iyi matambudziko mazhinji akange akatarisana nemavatendi veshanduko. Kutuka nehasha dzana papa dzakange dzakudururwa panyika yeGeneva. Guta iri nehuduku hwaro raizokwanisa kumira here pamberi pesimba rapapa iro rakambo gwadamisa madzimambo nevakuru vedzinyika? Geneva yaigona kumira here pamberi pamasoja aya akange akunda pasi rose? Rome yakatsvaka nzira itsva yekurwisa nekupedza vateveri vekutenda kutsva. Boka remaJesuits, rakange riine utsinye, risina charinotya rakavambwa kuti ridzorere utongi hwanapapa paumambo. Boka iri raive rakaipisisa kwazvo, risinganzwi nzwiri tsitsi, vaurayi vasina hanya uye vasingafungi, chavo kuda kuti umambo hweRoma hurambe huchisimba nenzira dzose dzingashandiswa. Vhangeri raKristu rakagadzira vanhu kuti vagone kushinga mumatambudziko ose anosanganisira kusungwa, nzara, urombo nekufa asi chokwadi chaMwari chichiramba chichiparidzwa. Kuedza kukunda boka ramaKristu aya maJesuits akakurudzirana kushandisa nzira dzose dzekunyengera uye nekutambura kuti chokwadi chisazikanwa. Hakuna zvinotyiwa neboka iri kuita, kuuraya, kushaya chero zvichingoita kuti vana popu varambe varivakuru boka iri rakazvigadzirira kuita zvose zvingawisira pasi kutenda kutsva.KK 149.3

    Boka iri rinorarama sevanhu vakanaka vachiita mabasa emutsa akafanana nekushanyira vakasungwa mumatirongo nemuzvipatara; vanoshanya, vachibatsira vanotambura,vanoratidzika sevakasiya upenyu hwenyika uye vakatakura zita rakanaka raJesu. Mukuita sevasina chipomerwa boka iri rakazara nehuipi hunotyisa. Humbavha, kureva nhema, kupomera, kuuraya, kunyangaritsa vanhu zvinokurudzirwa neboka iri chero zvichiita kuti chinangwa chavo chizadzikiswe. Mukunyengera kwavo maJesuits anopinda achinoshandira muhurumende, mumatare edzimhosva achitora rupande pakuumbwa kwemitemo kuti irerekere kurutivi rwavo. Vanogona kutova varanda vachitapa mashoko ezvinoitika pavanoshandira. Vakavaka zvikoro nemakorechi vana vevatendi veruvandudzo vanonodzidza ikoko vabereki vevana vopedzesera vakugashira dzidziso dzeRoma. Tsika dzose nechinamato cheRoma dzinodzorwa nekuda kwezvikoro zvowisira pasi zvokwadi yakagamuchirwa nemadzibaba avo. MaJesuits nekukasika akapararira Europe yose, kwese kwavaipfuura nako paive nerumutsiriro rwesimba raana papa. Boka iri rinoshanda zviripamutemo asi muchivande mupasi rose. Vazhinji mumapoka avanhu vakaurawa muchinyararire vamwe vakamanikidzirwa kutizira kunedzimwe nyika.KK 149.4

    Ndidzo nzira dzaishandiswa neRoma kuedza kudzimura mwenje weRuvandudzo nekubvisa vanhu pashoko raMwari, nekuita kuti vanhu vatevere mabasa erima nedzidziso dzekupira. Muzvikomborero zvaMwari, kushanda kwevaranda vake vakatevera Luther, shanduko yakakurira ikasakundwa. Nyika dzaive duku nedzaitarisirwa pasi dzakave idzo dzakange dzakasimba pakutenda kweShanduko. Nyika idzi dzinosanganisira Geneva, Holland neSweden dzakapa kukunda kuRuvandudzo.KK 150.1

    Kwemakore anosvika makumi matatu Calvin akashanda ari muGeneva, chekutanga aisimbisa sangano kutirimire nehunhu paBhaibheri, nekuita kuti Shanduko irambe ichienda mberi muEurope yose. Calvin mukuita basa semutungamiri zviripo zvaaitokundikana nekukonewa, dzimwe dzidziso dzake dzaitopesana neshoko raMwari, asi muchokwadi chaakange akazarurirwa munguva iyoyo akachiparidza nesimba. Akashanda zvakare pakudzivisa dzidziso dzeRoma dzakange dzaakudzoka, akakurudzira masangano ose eRifomesheni kuti ararame upenyu hwakachena husina kuda kuwonekwa nekuzvikudza.KK 150.2

    Kubva munyika yeGeneva, zvinyorwa nevadzidzisi vakabuda kuparidzira kutenda kweRifomesheni. Munyika iyi vaitambudzwa vaiwana kurudziro nemazano. Guta raibva Calvin rakava utiziro nenzvimbo yekuvanda kuvateveri veRifomesheni vaitambudzwa kuchamhembe kweEurope. Geneva yakazarura mikova yayo kuvanhu vaitsvaka upenyu, vaiva nezara, vakakuvadzwa, vasina pekugara vakatambirwa nemufaro munyika iyi, rikava guta rakakomborerwa nevane njere nevashandi vaibva kunyika kwavaitambudzwa neRoma. John Knox, murume wehushingi aive muvandudzi wemuScotland, vamwe vemaPuritan, vavandudzi vemuHolland nevemu Spain, maHuguenots emuFrance vakaenda nechiedza cheshoko munyika dzavo vachibvira muGeneva.KK 150.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents