Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 25—MUTEMO WAMWARI UNOGARA NEKUSINGAPERI

    “Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa areka yesungano ikavonekwa mutembere yake” Zvakazarurwa 11:19. Areka yaMwari yesungano iri munzvimbo tsvene tsvene, kamuri rechipiri reSenjuari. Mukushumira kweTebhenekari yaive pano pasi, iyo yaishanda “semufananidzo nemunongedzo wezviri kudenga, mupanda iwoyu waizarurwa bedzi pazuva guru rekuyananisira iyo yaive nzira yekuchenesa Senjuari. Naizvo, kudanidzira kwekuti Temberi yaMwari yazarurwa kudenga uye areka yesungano yakaonekwa zvainongedzera kukuzararurwa kwenzvimbo tsvene tsvene yeSenjuari yekudenga mugore ra1844 apo Kristu akapindamo kunoita basa rekupedzisira rekuyananisira. Avo vanekutenda uye vachitevera muPurisita mukuru apo anopinda munzvimbo tsvene tsvene kunoita basa rake vakaona areka yesungano. Apo vaidzidza zvineudzamu chidzidzo cheSenjuari vakasvika pakunzwisisa kushanduka kwebasa rakristu rekushumira zvakare vakaona kuti akange ave kushumira ari pamberi peAreka yaMwari, achireverera vatadzi kuburikida neropa rake. KK 270.1

    Areka yemuTebhenekari yepano pasi yaive nemaHwendefa maviri emabwe, apo pakanga pakanyorwa mutemo waMwari. Areka waive mudziyo bedzi wekutakurira mabwe emitemo uye uvepo hwemitemo iyi ndihwo hwaipa kukosha nehutsvene pairi. Apo temberi yaMwari payakazarurwa kudenga, areka yesungano yakaonekwa. Mukati menzvimbo tsvene tsvene kudenga ndimo makachengetedzwa mitemo iwo uya wakataurwa naJehovha pachake ari pakati pekutinhira kukuru muGomo reSinai uye akanyora mutemo nemunwe wake pamabwe maviri.KK 270.2

    Mutemo waMwari uri muSenjuari yekudenga ndiwo wekutanga chaiwo, naizvo mutemo wakanyorwa pamahwendefa emabwe iya yakachengetedzwa naMoses muPentateuch mutemo usina chaunopomerwa. Avo vakasvika pakunzwisisa pfungwa iyi vakatungamirirwa kusvika pakuona hutsvene, kukosha uye kusashanduka kuripamitemo yaMwari. Vakaona, sezvakanga zvisina kumbodaro kare simba nehudzamu mumashoko aMuponesi: “kusvikira denga nepasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yemurairo hazvingatongopfuuri.” Mutemo waMwari unowa ndiwo unoratidza zvinodiwa naMwari, chiratidzo chechimro chaJehovha, uye chiratidzo chekuti iye akadii unofanira kugara nekusingaperi “sechapupu mudenga.” Zvakare hapana kana mutemo mumwechete wakabviswa. Mapisarema anoti “shoko renyu rakasimba kudenga nekusingaperi,Jehovha. Mirairo yake yakasimba,yakasimbiswa nokusingaperi peri”Mapisarema 119:89;119:7,8.KK 270.3

    Pakati pemitemo inegumi ndipo pane mutemo wechina sekupihwa kwawakaitwa naMwari pekutanga.”Rangarira zuva resabata ,kuti urichengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu, uite Mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako, usatongobatamabasa naro iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako,kana muranda wako, kana murandakadzi wako,kana zvipfuyo zvako,kana mweni wako urimukati mamasuwo ako,nokuti namazuva matanhatu Jehovha wakaita denga napasi, negungwa,nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha wakaropafadza zuva resabata akariita dzvene.” Eksodo 20:8-11KK 270.4

    Mweya waMwari wakataura nemwoyo yevadzidzi weshoko rawo. Mweya waMwari akataura nekutsimbidzira kusvika vanzwisisa kuti ivo mukusaziva kwavo vakanga vachitotyora murairo nekusacherechedza zuva remusiki. Vakatanga kuita tsvagurudzo yechikonzero chekuchenetedzwa kwezuva rekutanga kwevhiki panzvimbo yezuva rakaitwa dzvene naJehovha. Vakashaya tsigiro mushoko raMwari yekuti murairo wechina wakabviswa, kana kuti sabata rakashandurwa,chikomborero chakatanga kuisa sabata padivi hachina kubviswa.Vaitsvaga nekuperera kuziva zvinodiwa naMwari,apo vakaona kuti ivo vaputsi vemirairo yaMwari,urombo nekusuwa zvakazadza mwoyo yavo,vakatanga kuratidza kuzvipira kwavo kuna Jehovha kuburikidza nekuchengeta sabata riri dzvene.KK 271.1

    Kune zvizhinji zvakaitwa nemuvengi kuedza kuputsa Rutendo rwavo. Hapana akanga asingazvioni kuti kana senjuari yepano pasi urimufananidzo weyekudenga, mutemo waive muareka pano pasi waive mumwechete neuri muareka irikudenga; uye kugashira chokwadi chesenjuari yekudenga zvinosanganisira kugashira zvose zvinorairwa nemutemo waMwari kusanganisira nemutemo wechina. Ndipo panechahwanzika cheshungu nekupikiswa kwekubatana pamwechete kwechokwadi chinoburitsa basa rakristu Jesu muTebhenekari yekudenga. Vanhu vakatsvaga kupfiga musuwo uyo Mwari vakanga vazarura, nekuda kuzarura musuwo wakanga wapfingwa kare naMwari. Asi “iye unoti kana achizarura, hakuna unopfiga, kana achipfiga hakuna unozarura; Iye unoti “tarira ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa hakuna ungaupfiga” Zvakazarurwa 3:7,8. Kristu akanga azarura mukova kana kuti basa rekushumira munzvimbo tsvene tsvene, chiedza chaivheneka zvichibva nepamukova wakazarurwa muSenjuari yekudenga, zvakare mutemo wechina wakaratidzwa uripo pamwechete nemitemo yose yakachengetedzwa imomo, izvo zvakaiswa nekusimbiswa naMwari hakuna munhu unogona kuzviputsa.KK 271.2

    Avo vakanga vagashira chiedza chebasa rekumiririra kwaKristu uye kuti mutemo waMwari unogara nekusingaperi vakaona kuti ndiyo zvokwadi inobuditswa pana Zvakazarurwa 14. Mashoko anokosha echitsauko ichi anenyevero nhatu dzinokosha zvikuru pakugadzirira vagari vepanyika apo vakatarisana nekuuya kwaKristu muponesi. Kudanidzira kwekuti “nguva yake yekutonga yasvika’ kunonongedzera kupenderwa kwebasa raKristu rekushumira kuti vanhu vaponeswe. Inopardzira chokwadi chinofanira kuparidzwa kusvikira basa remuponesi semumiriri rapera, apo anodzoka kubva kudenga kuzonotora vanhu vake. Basa rerutongo rakatanga mugore ra1844 rinofanira kuenderera mberi kusvikira nyaya dzevanhu dzese dzevakafa nevapenyu dzapera kuongororwa, kusvika apo mutsa wevanhu uchavharwa. Kuitira kuti vanhu vagadzirire kumira parutongo, vhangeri rinoraira vanhu kuti “vatye Mwari nekupa mbirir kwaari” “nekunamata iye akasika denga nenyika negungwa, namatsime emvura.” Matuso akanaka ekugashira mashoko iwaya akapihwa mushoko rinoti ” Ava ndivo vanochengeta mitemo yaMwari, nekutenda kwavo munaKristu.” Kuti vanhu vagone kugadzirira rutongo rwuri kuuya, zvinokosha kuti vanhu vachengetedze mitemo yaMwari. Mutemo iwoyo ndiwo uchashandiswa kuongoro chimiro chemunhu pamusi werutongo. Muapositora Pauro anoti “vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo” pazuva iro Jehovha, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu.” Anoti zvakare “vaiti vemurairo vacharuramiswa” VaRoma 2:12-16. Kutenda kunokosha zvikuru takatarisana nenyaya yekuchengetwa kwemutemo waMwari nekuti “pasina kutenda hazvibviri kumufadza” uye kuti “zvose zvisingabvi pakutenda, zvivi” VaHeberu 11:6; VaRoma 14:23.KK 271.3

    Nengirozi yekutanga vanhu varikukokwa kuti “vatye Mwari, nekupa mbiri kwaari”uye nekumunamata semusiki wedenga nenyika. Mukuita izvi vanofanirwa kuchengeta mutemo waMwari. Mambo Solomon anoti “Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose” Muparidzi 12:13. Pasina kuteerera mirairo yaMwari hapana kunamata kunofadza pamberi paMwari. “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo kuti tichengete mirairo yake;” “Unoramba kunzwa murairo nenzeve yake, kunyange nemunyengetero wake unonyangadza.” Zvirevo 28:9.KK 272.1

    Basa rekunamata Mwari rakatsamira papfungwa yekuti iye ndiye musiki uye kuti maari zvinhu zvose zvinorarama. Zvakare pega pega muBhaibheri panotaurwa kunamatwa nekuremekedzwa kwake pamusoro pevamwari wevahedheni, panobuda umboo hwakakwana hwesimba rake rekusika. “Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha wakaita kudenga denga.” “Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndiinzane naye? Ndizvo zvinotaura mutsvene. Tarirai kumusoro nemeso enyu, muvone kuti ndiyani wakasika izvozvi.” “Nokuti zvanzi naJehovha wakasika nyika nokuiita; ndini Jehovha hakunomumwe” Isaya 40:25,26; 45:18. Pisarema rinoti: “Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari, ndiye wakatiita, tirivanhu vake.” “Uyai tinamate tikotamire pasi, ngatipfugame pmberi paJehovha muiti wedu” Psalm 100:3;95:6. Uye ngirozi kudenga dzinonamata Mwari dzinoisa chikonzero chekunamata Mwari nemhaka yekuti “imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubginya nekukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose.” Zvakazarurwa 4:11.KK 272.2

    Muna Zvakazarurwa 14, vanhu vanodaidzwa kuti vanamate musiki; zvakare chiporofita chebhaibheri chinoisa pachena boka, iro nekuda kweshoko rekunyevera rengirozi nhatu varikuchengeta mirairo yaMwari. Umwe yemirairo iyoyi unonongedzera kuna Mwari semusiki. Mutemo wechina unoti “asi zuva rechinomwe isabata raJehovha: . . . nokuti namazuva matanhatu, Jehovha wakaita denga nepasi,negungwa,nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe, naizvozvo Jehovha wakaropafadza zuva resabata akariita dzvene” Exsodo 20:10,11. Pamusoro pesabata Jehovha vanoti “chiratidzo . . . kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu” Ezekiel 20:20. Zvakare chikonzero chinopihwa: “Nekuti mumazuva matanhatu Jehovha wakaita denga nepasi, asi nezuva rechinomwe akazorora, akasimbiswa” Exsodo 31:17.KK 272.3

    “Kukosha kwezuva resabata sechirangaridzo chekusika kuri pakuti rinoisa pachena chikonzero kuti nemhaka yei Mwari musiki vachifanira kunamatwa ivo voga, nemhaka yekuti ndivo musiki, uye isu tiri zvisikwa.” Nekudaro sabata rinoumba hwaro hwekunamatwa kwaMwari, sabata rinodzidzisa nenzira yakajeka zvekuti hapana zve imwe yakajeka kupfuura iyoyi. Hwaro hwechokwadi pakunamata Mwari hauzi pakungoti zuva rechinomwe bedzi, asi pakunamata kwose kunobuda pachena pakuti Mwari musiki zvimwe zvese zvisikwa. Pfungwa iyoyi haifaniri kukanganikwa kana KK 272.4

    kuraswa.”-J. N.Adrews,History of the Sabbath chapter 27. Nemhaka yekuda kuchengetedza chokwadi ichi mupfungwa dzevanhu, Mwari wakaisa sabata mubindu reEden, nekudaro chikonzero chekuti Mwari ndiye musiki chinoita kuti arambe aine kodzero yekunamatwa zvakare sabata richiita basa rekurangaridza munhu kwaakabva. Dai sabata raichengetwa mupasi rese, pfungwa dzemunhu, nezvidiso zvake zvaizotungamirirwa kumusiki saiye ega akakodzerwa nekukudzwa uye nekunamatwa, uyezve kwaisazombowanikwa vanhu vanonamata zvifananidzo, vanoramba kuti hakuna Mwari, kana vapanduki. Kuchengeta sabata chiratidzo chekuteerera Mwari weChokwadi, ” Iye akasika denga, nenyika,negungwa, namatsime emvura.” Zvinoteera pakuti shoko rekuraira kuti vanhu vanamate Mwari uye nekuchengeta mirairo yake ririkuvakokera kuti vachengete mutemo wechina wesabata. KK 273.1

    Mukuenzanisa avo vanochengetedza mitemo yaMwari nekutenda kuna Kristu Jesu, ngirozi yechitatu inonongedzera kune rimwe boka, iro rinopiwa nyevero inotyisa nekuvhundutsa: “Kana munhu akanamata chikara nemufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake, naiye uchanwa vo waini yokutsamwa kwaMwari” Zvakazarurwa 14:9,10. Nzira chaiyo yezvokwadi yekududzira mifananidzo yakashandiswa inokosha zvikuru kwazvo kuti tinzwisise mashoko anokosha aya. Chikara, mufananidzo, nechiratidzo zvinomirira chii? Mifananidzo iyi nezviporofita zvacho zvinotanga kuwanikwa muna Zvakazarurwa 12, apo shato yakatsvaga kuparadza Kristu pakubarwa kwake. Shato iyi anonzi ndiSatan i(Zvakazarurwa12:9); ndiye akagara panaHerudhe kuti auraye muponesi. Asi mudziyo mukuru wakashandiswa naSatani kuita hondo naKristu nevanhu vake kubva munguva yekutanga kwesangano remakristu uMambo hweRoma, umo tinoona kunamatwa kwezvifananidzo kwakakurumbira. Shato mukumwekutaura ndiye Satan, asi achishandisa umambo hwepakutanga hweRoma.KK 273.2

    Muchitsauko 13 (verses 1-10) panotsanangurwa zve zvechimwe chikara, “chakaita sembada”icho chakapihwa simba neshato, nechigaro, nemasimba.” Chiratidzo ichi, sekududzirwa kwachinoitwa nemaProtestants (kureva masangano akabuda kubva musangano reRoma) vanotenda kuti zvinomirira chitendero chana Papa icho chakatora chigaro nemasimba zvakanga zvakambobatwa neumambo hweRoma hwaiveko kare. Pamusoro peChikara chakaita sembada zvinonzi “akapihwa mashoko okumhura nawo Mwari nekutaura zvikuru. . . . Akashamisa muromo wake kumhura Mwari nezita rake, neTebhanekari, neavo vanogara kudenga. Akapuhwa masimba ekuita hondo nevatsvene vaMwari, nekuvakunda, nesimba, zvakare chakapihwa simba pamusoro pendudzi dzose nendimi dzose.” Chiporofita ichi chinetsanangudzo dzekarunyanga kadiki kekuna Danieri7, chinonongedzerazve zvisina mubvunzo kumasimba echiRoma (Papacy).KK 273.3

    “Chakapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi manna nemaviri.” Muporofita anoti, “mumwe musoro wacho wakakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu.” Zvakare,” kana munhu achitapa, uchatapwa; kana munhu achiuraya nemunondo unofanira kuvurawa nemunondo.” Mwedzi inamakumi maviri inguva imwechete neiya “nguva imwe nedzimwe nguva nehafu yenguva.” Makore matatu nehafu, kana kuti makore anechuuru nemazana maviri nemakumi matanhatu {1260} ekuna Danieri 7; nguva iyo masimba eRoma akanga achizodzvinyirira vanhu vaMwari. Nguva iyi sekutsanangurwa kwainoitwa muzvitsauko zvinotevera, inotanga nekutonga kwana Papa mugore raA.D 538, kwakazonoguma mugore ra1798. Panguva iyoyo Papa aiveko akatapwa nehondo yechiFrench, ipapo masimba eRoma akagashira ronda zvakanga zvakaporofitwa zvakabva zvazadziswa panguva iyoyo, “kana munhu achitapa, uchatapwa.”KK 273.4

    Panguva iyi tinoona zvakare mumwe mufananidzo uchiuya. Muporofita anoti: “Zvino ndakaona chimwe chikara, chichikwira, chichibva panyika, chakanga chinenyanga mbiri sedzegwayana.” Kuuya kwechikara ichi nemasimukiro achakaita anoratidza kuti nyika yachirikumirira yakasiyana nedzimwe dzepakutanga. Nyika dzaive nemukurumbira dzakatonga pasi rese dzinotsanangurwa namuporofita Daniel achishandisa mhuka dzemusango, dzakasimuka, “apo mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru.” Danieri 7:2. Muna Zvakazarurwa 17:15, ngirozi inotsanangura kuti mvura inomirira kana kureva “vanhu, navazhinji, namarudzi, nendimi.” Zvakazarurwa 17:15. Mhepo inomirira kana kuti mufananidzo wehondo. Mhepo ina dzekudenga dzakarova pagungwa guru dzinomiririra hondo huru dzinotyisa dzekukurira uye neshanduko idzo dzakaita kuti humambo hwakasiyana siyana huwane masimba ekutonga.KK 274.1

    Asi chikara chakanga chine nyanga sedzegwayana chakaonekwa” chichibuda kubva panyika.” Panzvimbo yekukurira humwe humambo nemasimba kuti huvepo, umambo uhu hwakasimuka huchibva panyika kana kuti nzvimbo yakanga isingagari vanhu, saka hwakasimuka zvishoma nezvishoma zvinerunyararo. Umambo uhu kana kuti nyika iyi isina kubva kana kutangira munzvimbo “inevanhu, nevazhinji, nenyika, nendimi” inowanikwa bedzi kunyika dzekumavirira zuva.KK 274.2

    Kunenyika yakasimuka kuva nemasimba mugore ra1798 ikavimbisa kuva nemasimba nekukura, nyika zhinji dzikatarira kwairi zvakanyanya. Mufananidzo uyu unobudisa pachena nekunongedzera kuti inyika yeUnited States of America. Kakawanda pfungwa iyi inobuditswa nevanyori venhorondo nevadetembi vachitsanangura kusimuka kwenyika yeAmerica. Chikara chakaonekwa “chichibva panyika”vanotsanangura nekuongorora mazwi nekuadudzira vanoti mashoko ekuti “coming up” kusimuka kana kuti kubva anomiririra chinhu “chinokura zvishoma nezvishoma sezvinoi ta miti kana kuti zvirimwa. Zvakare sezvataona United State of America yakatangira muzvimbo yakanga isina vanhu vaigara imomo.Umwe munyori anemukurumbira anotsanangura kusimuka kwakaita nyika yeUnited States of America achiti “sembeu inokura chinyararire Takakura kusvika pakuva umambo hukuru. -G.A.Townsend, The New world Compared with the Old, page 462. Chimwe chinyorwa cheku Europe mugore ra1850 chinotsanangura nyika yeUnited States of America senyika inekushamisa kukuru yakanyuka chinyararire asi “zvinesimba nemukurumbira.” The Dublin Nation.KK 274.3

    “Chikara chakanga chinenyanga mbiri segwayana.” Nyanga mbiri dzegwayana dzinoratidza udiki, kushaya chipomerwa, neunyoro, zvinonyatsowirirana nehunhu hwe United States of America sekutsanangurwa kwazvinoitwa nemuorofita kuti yakanyuka muna 1798. Pakati pemakristu akatanga kutizira kuAmerica vachitsvaga kwekupotera vachitiza kudzvinyirirwa munyaya dzekunamata vakatsvaga kuva nehurumende yakasununguka panyaya dzekunamata. Zvakare Bumbiro remitemo yavo raikurudzira kodzero dzekuzvitonga kuzere, raive nevamiriri vaisarudzwa nevanhu ndivo vaizoita kuti mitemo ishande sezvinodiwa nevanhu. Kusununguka pachitendero kwakapihwazve mubumbiro remutemo rakagadzirwa nenzira yekuti munhu wese aizonamata Mwari akasununguka. ChiProtestant neChiRepublican zvakave hwaro hwekugadzirwa kwenyika yeAmerica. Mamillion mazhnji evanhu vakatizira kuUnited States of America zvakaita kuti nyika iyi iwe yedzimwe nyika dzinesimba.KK 275.1

    Asi chikara ichi chinenyanga mbiri sedzegwayana,“chakataura seshato. Chinobata nemasimba ose echikara chekutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga chiya chakapora vanga rokuuraya racho. . . chichiti kune vanogara panyika kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chinenevanga romunondo chikararama.” Zvakazarurwa 13:11-14.KK 275.2

    Kuva nenyanga mbiri sedzegwayana nekutaura seshato mumufananidzo uyu zvinhu zviviri zvakatosiyana kana takatarisa zvinopupurwa nekuraramwa nenyika irikumiririrwa.Kunonzi kutaura kwenyika zvinoreva Mabasa nekushandiswa kunoitwa mutemo mumatare enyika iyoyo. Nekuda kwemararamiro iwayo inopikisana nemitemo yerugare nekusununguka iyo inowa hwaro hwebumbiro ravo. Chiporofita chekuti chichataura, “seshato” nemasimba achakapihwa nechikara chekutanga “zvese izvi zvinonongedza kukuuya zvishoma nezvishoma kwemweya wekudzvinyirira nekutambudza vatsvene kwakaitwa nehumambo hwekare hunomiririrwa neshato uye nechikara chakaita sembada. Zvakare mutsara wekuti “chikara chinenyanga mbiri,” chakaita kuti vanogara panyika “vanamate chikara chekutanga” zvinoratidza kuti masimba enyika kana kuti hushe uhwu huchange huine nzira yekumanikidza vanhu kunamata kwenhema kwana Papa.KK 275.3

    Maitiro aya anopikisana zvikuru nezvimiso zvehurumende yenyika iyi. Vakatanga nenyika iyi vakatsvaga zvikuru kuti masimba enyika asapindire munezvekereke, nekuda kwezvinozoitika sekusagashirana nekutambudzwa. Bumbiro remutemo wenyika iyi rinoti “masimba makuru enyika ekugadzira mitemo haazogadziri mutemo unokanganisana nechitendero, uye kutadzisa vanoda kunamata zvakasununguka,” zvakare kuti “chitendero hachizoshandiswi pakutsvagwa kwebasa muhurumende yeAmerica.” Asi kusateedzerwa kwebumbiro iri ndiko kurikutaurwa nemufananidzo, kuti chikara chiya chinenyanga mbiri sedzegwayana, mune zvinotarisirwa, chinoita sekuti hachikuvadzi, chineunyoro, uye chakachena- asi chichitaura seshato. “chichiti kune avo vanogara panyika,kuti vanofanira kuitira mufananidzo wechikara” Apa zvinoisa pachena urongwa hwehurumende iyo masimba ayo arimuvanhu, zvinobva zvabuda pachena kuti nyika irikurehwa nechiporofita ndeye United states of America.KK 275.4

    Asi chii chinombonzi” mufananidzo wechikara?” uye kuti uchagadzirwa sei? Mufananidzo unoitwa ne chikara chinenyanga mbiri sedzegwayana, asi uri mufananidzo wechikara. Unodaidzwa zvakare uchinzi mufananidzo wechikara. Kuti tidzidze kuti mufananidzo wakaitasei uye kuti uchagadzirwa sei tofanira kudzidza nekuongororora hunhu hwechikara chacho.KK 275.5

    Apo sangano rekutanga rakatanga kusvibiswa nekubva pavhangeri rechokwadi vachigashira mitambo, netsika dzechihedheni, rakabva rarasikirwa nomweya uye nesimba raMwari, saka kuti vagone kuramba vakabata pfungwa dzevanhu vaitungamira kereke nguva iyoyo vakatanga kutsvaga rutsigiro kumasimba ekunyika. Ndipo pakabva pazotanga masimba ehuPapa, kereke inemasimba anobata nekunyika zvikuru pakuranga avo vanenge vachinzi vane dzidziso dzakatsauka. Kuti United States of America igone kuita mufananidzo wechikara, masimba echitendero anofanira kutorera hurumende masimba kuitira kuti kereke ishandise hurumende nenzira yainoda.KK 276.1

    Pega pega apo kereke inotora masimba kunyika, yaishandisa masimba iwayo kunyararidza avo waisimudza musoro zvikuru vachitsiura nyaya dzedzidziso dzinopesana neshoko raMwari. Makereke ese echiProtestant akatevedzera mumatsiko ekereke yeRoma kuita sungano nemasimba enyika akaratidza zve tsika imwecheteyo yekurambidza vanhu kunamata nepfungwa dzakasununguka. Tine muenzaniso wakanaka kubva pakereke yeEngland yakatambudzawo vanhu vazhinji zvakare kwenguva yakareba avo vaive nekunzwisisa nekufunga kwakasiyana navo. Munguva ye16 ne17th Century zviuru zvevafundisi vakaramba dzidziso dzakarasika dzemakereke avo vakamanikidzwa kutiza nekubuda mumakereke avo, vamwe vanhu vakabhadhariswa mari, vamwe vakaiswa mumatirongo, kushungurudzwa, vamwe vakauraiwa.KK 276.2

    Kwaive kutsauka kwakatungamirira kereke yenguva yekutanga kuti itsvage rubatsiro kubva kuhurumende dzenyika, izvi ndizvo zvakatungamirira kukuvamba kwehutongi hwaPapa (Papacy) kana kuti chikara. Pauro anoti: ” Pachave” nekutsauka, . . . nomunhu wezvivi.” 2 Thessalonians 2:3. Nokudaro kutsauka kwekereke kunogadzirira nzira kugashirwa kwemufananidzo wechikara.KK 276.3

    Bhaibheri rinoisa pachena kuti Ishe vasati vauya kuchavapo kuneta nekutsauka kukuru kwakangofanana nekwakaitika munguva yakararama kereke yekutanga. “Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene, vasinorudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wekunamata Mwari, asi vakarasa simba rako.” 2 Timoti 3:1-3. “Zvino mweya unoreva pachena,kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa” 1Timoti 4:1. Satan achashanda “nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, nekunyengetera kwese kwekusarurama.” Avo vose “vasingagashiri rudo rwechokwadi kuti vaponeswe”vachasiiwa kuti vagashire kunyengera kunesimba kuti vatende nhema.” 2Thessalonians 2:9-11. Kana uipi hwasvika pachimiro chakadai, zviya zvakaitika munguva yekutanga zvichadzokororeka zvakare.KK 276.4

    Musiyano wakakura pakutenda urimo mumakereke echiProtestant unoonekwa nevazhinji sehumboo hwekuti hapana masimba kana kumanikidza kurikuitwa kuti pave nehumwe pakutenda kungave kuri kuitwa. Asi kwemakore mazhinji pfungwa yekuda kubatana iyi zvikuru vakanangana nedzidziso dzavanowirana irikuonekwa ichikura chaizvo. Kuti pasvikwe pachidanho chekubata hurukuro dzinechekuita nezvidzidzo zvavasingawirarane vanoti ivo zvinofanira kuregwa kana kuiswa padivi.KK 276.5

    Kana makereke anemukurumbira muAmerica abatana pane zvawanowirirana pakutenda, vachakonzeresa kuti hurumende imanikidzire mitemo nedzidziso dzavo. Kana zvadaro Protestent America inenge yatoita mufananidzo weRoma nekumanikidzira kuti pave mutemo wekuti asingatevedzeri zvidiso zvavo anopihwa murango mukuru.KK 277.1

    Chikara chinenyanga mbiri sedzegwayana “chakaraira kuti vose vakuru nevaduku, vakapfumi nevarombo, vakasununguka nevakasungwa, kuti vagashire chiratidzo muruoko rwerudyi, kana pahuma dzavo: kuti parege kuva neanogona kutenga kana kutengesa, kunze kweavo vanechiratidzo, kana zita rechikara, kana chiverengo chezita racho.” Zvakazarurwa 13:16,17. Nyevero yengirozi yechitatu inoti: “Kana munhu akanamata chikara nemufananidzo wacho, nekugashira chiratidzo pahuma yake kana paruoko, uchanwa waini yekutsamwa kwehasha dzaMwari.” Chikara chirikutaurwa ichi icho chichamanikidzirwa kuti chinamatwe, ndicho chikara chekutanga chiya chakaita sembada chekuna Zvakazarurwa 13.KK 277.2

    Mushure menyevero,yakasimba pamusoro pekunamatwa kwechikara nemufananidzo wacho, chiporofita chinoti: “Ndipo panekutsungirira kwevatsvene, vanochengeta mirairo yaMwari nekutenda kwaJesu. Nekuda kwekuti avo vanochengeta mitemo yaMwari varikuenzaniswa neavo vanonamata chikara nemufananidzo wacho nekugashira munembo, zvinoreva kuti kuchengetwa kwemutemo waMwari nerimwe divi uye kuputwsa kwawo nerimwe divi ndizvo zvichapa musiyano pakati pevanonamata Mwari neavo vanonamata chikara.KK 277.3

    Chimiro chiripachena chechikara nemufananidzo wacho uripakutyora mutemoto waMwari. Daniel anoti,pamusoro pekarunyanga kadiki: “Achafunga mano ekushandura nguva nemirairo.” Daniel 7:25, Pauro anotsanangura zve masimba mamwechete iwaya anoti; “murume wezvivi” akazvisimudzira pamusoro paMwari. Kubudikidza nekushandura mutemo waMwari chikara {Papacy} chinenge chazvisimudzira pamusoro paMwari; uyo anoenderera mberi nekuchengeta mitemo yaMwari sekudzidzisa kunoitwa nechikara iyeye arikurumbidza masimba anorwa naJehovha.KK 277.4

    Chikara chakaedza kushandura mutemo waMwari. Mutemo wechipiri unorambidza kunamatwa kwezvifananidzo wakabviswa paneimwe, zvakare mutemo wechina wakashandurwa kuti kuchengetwe zuva rekutanga kwevhiki panzvimbo yesabata raJehovha remusi wechinomwe. Asi vana Papa vanokurudzira sechikonzero chekusiya mutemo wechipiri vachiti hazvina mhaka kana ukasaiswa panemimwe, vanoenderera mberi vachiti tirikungopa mutemo semapihwirwo azvakaitwa naMwari. Shanduko iyi haingava iyo yakarehwa nemuporofita. Muprofita anobuda pachena zvakanayanya apo anoti; “Uchatsvaka kushandura nguva nemurairo. . . .” Kushandurwa kwemutemo wechina kunozadzisa chaizvo chaizvo zvakaprpfitwa. Nekudaro chikara chakazvisimudzira kuenda pamusoro paJehovha.KK 277.5

    Apo vana vaMwari vanonamata vachaonekwa zvikuru nekuchengeta nekusimudzira mutemo yese kusanganisira newechina, nekuti mutemo wechina ndicho chiratidzo chemasimba ekusika aMwari uye chiri chapupu chinopupura kuti ndiye akakodzerwa nekukudzwa nembiri. Kunerimwe divi vanamati vechikara vachaonekwawo nekusakoshesa chiratidzo chaMwari chekutindiye musiki, kuti vagosimudzira mutemo wevanhu. Kupanduka kukuru kwana Papa kunobuda ipapa. Pavakatora masimba enyika vakabva vamanikidzira kuchengetwa kwezuva reSvondo sezuva raJehovha. Asi Bhaibheri rinonongedzera kuzuva rechinomwe, kwete kunerekutanga sezuva raJehovha. Jesu Kristu anoti, “Mwanakomana wemunhu ndiye Ishe wesabata.” Mutemo wechina unoti: “Zuva rechinomwe isabata raJehovha,” zvakare kuburikidza namuporofita Isaya Jehovha akaisa zuva iri parutivi akariti: zuva rangu dzvene.” Mark2:28; Isaya58:13.KK 278.1

    Pfungwa inoparidzwa nevamwe yekuti Kristu akashandura sabata inorambwa pachena nemashoko aJesu pachake. Pamharidzo yake yepagomo Jesu anoti; “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza murairo, kana vaprofita: handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa. Zvirokwazvo ndinotikwamuri kusvikira denga nenyika zvichipfuura yota imwe kana tsanga imwe yemurairo hazvingatongopfuuri zvese zvisati zvazadziswa. Naizvozvo uyo unodarika nekutyora mimwe yemurairo muduku uyu, achidzidzisa vamwe kudaro, uchanzi muduku muhumambo hwedenga: Asi uyo unoita nekuidzidzisa, uchanzi mukuru muhumambo hwekudenga.” Matthew5:17-19.KK 278.2

    Ipfungwa inozikanwa nekutendwa nemaProtestants kuti hapana muBhaibheri pakapihwa masimba ekushandurwa kwesabata. Zvakare kereke yeRoma inogashira kuti shanduko yesabata yakaitwa naivo uye ivo vanoti makereke ese emaprotestant kuburikidza nekuchengeta zuva resvondo varikuremekedza masimba echikaturike.KK 278.3

    Sechiratidzo chesimba rayo kereke yeRoma inoti “iko kutoshandura sabata kubva kuSabata kuendesa kuSvondo,I zvo zvakagashirwa nemaprotestant- nekuti kuburikidza nekuchengeta Svondo vanogashira masimba ekereke ekuisa mitambo, nekuregerera zvivi.” Henry Tuberville, An Abridgment of the Christian Doctrine,page 58. KK 278.4

    Kune makristu ekare vakachengeta svondo, vachifunga kuti mukudaro vakanga varikutochengeta sabata remubhaibheri mukusaziva. Mwari vanogashira kurevesa kwavo nehumhare hwavo pamberi pavo. Asi kana Svondo yavekumanikidzwa, nyika ichapihwa chiedza chesabata, naizvozvo uyo unoputsa murairo waJehovha nekuda kuteerera munhu anenge avekunamata munhu panzvimbo yaMwari. Anenge akunamata chikara nemufananidzo wacho. Kusvikira nyaya yave kuzikanwa nekuperera pamberi pevanhu, uye vachadeedzerwa kuti vasarudze pakati pemutemo waMwari nemutemo wemunhu, kuti avo vanoramba vachiputsa mirairo yaMwari vachiziva vachagashira munembo wechikara.KK 278.5

    Kana kune nyevero inotyisa yakambopihwa kuvanhu panyika ndiyoyi yeShoko rengirozi yechitatu. Chitema chikuru chaizvo chingaitwe nemunhu chichaita kuti hasha dzaMwari dzigoburuka dzisina kuvhenganiswa nenyasha dzake. Vanhu havafanirwi kusiiwa vari murima panyaya iyi inokosha zvakadai; nyevero pamusoro pechitema ichi inofanira kupihwa kunyika marutongo aJehovha asati asvika, kuti vanhu vese vazive nekuita sarudzo dzekunzvengeswa. Chiporofita chebhaibheri chinoti ngirozi yekutanga ichaparidzira “kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose, navahu vose. “Naizvozvo nyevero kana kuti chenjedzo yengirozi yechitatu inova iyo yakangobatana nedzimwe ngirozi mbiri dzekutanga inofanirawo kupararira pasi rese. Muchiporofita chebhaibheri zvinotaurwa zvichinzi shoko iri rakadaidzirwa nenzwi guru, nengirozi yaibhururuka pakati pedenga; zvichireva kuti nyika yese yakafanira uye inofanira kuziva.KK 279.1

    Mukurwiwa kwehondo iyi vanonamata vose vachapinda muzvipoka zvikuru zviviri; kune avo vanochengeta mutemo waMwari nekupupura kwaJesu, neavo vacchanamata chikara nemufananidzo wacho, nekugashira munembo wechikara. Kunyangwe zvazvo kereke nehurumende zvichabatanidza masimba azvo kuti “vose vakaruru nevediki, vakapfuma nevarombo, vakasungwa nevakasununguka,” Zvakazarurwa 13:16, vagashire “munembo wechikara,” asi vanhu vaMwari havazogashiri munembo. Muporofita mukuru wepaPatimose anoona avo vakakurira chikara nemufananidzo wacho, nechiratidzo chacho, nechiverengo chezita rake vamire pamusoro pegungwa rinovhenekera, vanorudimbwa rwaMwari, vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi neGwayana.”KK 279.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents