Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 7—KUPATSANA KWALUTHER NEROME

    Kune avo vose vakadanwa kuti vatungamirire sangano kubva mudima rehuPapa kuenda muchiedza chakajeka, Luther akava mukuru wavo. Akadzidzisa nekusatya uye nesimba rake rose nekutendeka, asingatyi chinhu kunze kwaMwari, achitenda kuBhaibheri rega sehwaro hwekutenda. Mwari akashandisa Luther kuita basa rakakura pakumutsiridza kereke. KK 83.1

    Sevaparidzi veEvhangeri vekutanga, Luther akakurira mumhuri yaitambudzika. Akakurira mumusha wevarimi vepasi pasi munyika ye Germany. Baba vake vaishanda mumigodhi maicherwa zviwanikwa kuti Luther akwanise kuenda kuchikoro. Vaida kuti azova gweta asi Mwari vaida kuti azove muvaki wekereke yake iyo yainge yatanga kukura zvishoma nezvishoma mukati memazana emakore. Luther akawana dzidziso yakasimba kuburikidza nematambudziko nenhamo izvo zvakamugadzira kuti azove mushundi webasa raMwari akasimba. KK 83.2

    Baba vaLuther akanga ari murume akarurama pakurarama kwake . Akanga asingatyi zvaizomuwira pamusoro pezvaanenge aita. Pfungwa dzake dzaisavimba nezvaiitwa nekereke. Baba vaLuther havana kuzvi gamuchira apo mwana wako akasarudza kuvapakati pevatungamiriri vesangano. Kwakatora makore maviri kuti vazoyanana zvakare asi baba vakaramba vasinga gamuchiri kaitiro kevakuru vekereke. Vabereki vaLuther vakanga vane hanya huru pamusoro pekudzidza nekukudzwa kwemwana wavo. Vaida kumupa dzidziso dzekuziva Mwari nekurarama hupenyu hwemunhu anotya Mwari. Mwanakomana aigara achinzwa munamato wababa kuti azorangarira Mwari zvakare azobatsira kufambiswa kwevhangeri. Vabereki vaiita zvose zvaiita kuti mhuri yavo ibudirire pazvose. Vaishingaira nemoyo wose kuti vararame hupenyu hwakachena nekushanda zvine pundutso. Dzimwe nguva vaimboita zvinopfuuridza mwero mukuedza kuita zvinhu zvose nemazvo. Asi Luther mukuona kukanganisa kwavo, aitora zvakanaka zvose achisiya zvinenge zvakanganiswa nevabereki vake asingavashoori.KK 83.3

    Luther aiitirwa hutsinye kuchikoro kwaakatanga kuenda arimuduku. Nekuda kwenhamo yavaiva nayo dzimwe nguva Luther aikwanisa kupemha zvokudya kuchikoro. Mashura aitendwa pamusoro pechinamato akazadza pfungwa dzake nekutya. Aikwanisa kurara achitya nekuda kwekutya pamusoro peramangwana, apo aiwona Mwari arimunhu anehutsinye asiri Mwari anerudo. Luther akaramba achishingaira kuti ave munhu arinani pakurarama semutendi. Akava nenyota yeshoko, akashuvira kuva munhu anozvininipisa kwete kuzvikudza.KK 83.4

    Paakasvitsa makore gumi nemasere, akaenda kuchikoro chepamusoro (University of Erfurt), apo akanga avanemikana iri nani akava netarisiro dzakajeka kupfuura ari muduku . Vabereki vakanga zvino vokwanisa kumupa zvaidikanwa nekuda kwekushingaira kwavo. Shamwari dzake dzaidzidzawo zvehugweta dzaimusimbisa. Akatanga kuverenga zvinyorwa zvevamwe vanyori ,achitora zivo kubva pahupenyu hwavo. Dzidziso dzaakawana kubva kuvabereki vake dzakaita kuti ashuvire kubudirira zvemhando yepamusoro pazvidzidzo zvake. Akakwanisa kukurumidza kuwana nzvimbo zvepamusoro nekuda kwenjere dzake. Kuzvidzora kwake pakufunga kwakaita kuti agadzirire mupfungwa dzake matambudziko ayizomuwira nekufamba kwenguva.KK 83.5

    Kutya Mwari kwakagara mumoyo maLuther akava munhu anozvininipisa zvikuru pamberi paMwari. Akanga achishuvira kugara achitungamirirwa naMwari nguva dzose. Nguva dzose aitanga zuva rake nemunamato wekukumbira kutungamirwa. Aigara achitaura mashoko ekuti, “Kunamata kwakanaka ndiyo shamwari yekudzidza.” —D’Aubigne, b. 2, ch. 2.KK 84.1

    Rimwe zuva, Luther akasangana neBhaibheri rechiLatin apo akanga arimunzvimbo inochengeterwa mabhuku ekuverenga. Akanga asati amboona bhuku rakadaro. Akanga asingazivi kuti bhuku rakadaro raiveko. Akanga achifunga kuti zvikamu zveBhaibheri zvaiverengwa mukereke ndiro Bhaibheri racho rose. Akatanga kuvhura Bhaibheri iri nekukatyaramara kukuru, achinamata kuti Mwari amupe bhuku rakaita seiroro!”—Ibid., b. 2, ch. 2. Ngirozi dzekudenga dzakanga dziri padivi pake dzichimuvhenekera kuti anzwisise chokwadi. Akava nekumutsiridzwa nekusimudzirwa pakutya kutadzira Mwari. Nechidiso chekuva akasununguka kubva pachivi, akazvitsaura kuti agare oga nekuda kweshoko raMwari. Akatanga kuita basa rinorema, achipemha mudzimba dzevanhu. Panguva yaaifanirwa kuva anoremekedzwa ndipo paakatanga kurarama hupenyu hwakadzika kudaro. Akazvigamuchira nekuti aifunga kuti zvivi zvake zvaimupa mhosva. KK 84.2

    Aitora mukana wese waaiwana kuti adzidze Bhaibheri izvo zvaaifarira kupfuura zvinhu zvose. Paakanyanya kunzwisisa kuipa kwechivi, akatanga kutsvaga nzira dzekuregererwa zvivi achishandisa simba rake. Akatanga kurarama hupenyu hwekuzviwomesera, achizvinyima zvekudya nekuita mabasa akawoma. Akaramba kurarama hupenyu hurinyore. “Ndakava mushumiri aneshungu zvikuru ,” akazoti mushure, “ndakatevedza mitemo yandakazvipa nemazvo. Dai kudenga kwaiendwa nemabasa ndingadai ndaiponeswa ... Dai zvakaenderera mberi kwechinguvana, ndingadai ndakafira mukunyadziswa kwangu.”— Ibid., b. 2, ch. 3. Nekuda kwekararamire aka Luther akatanga kurwara izvo zvisina kuzopera. Pakuita kwake kwese uku, moyo wake hauna kuwana zororo. KK 84.3

    Akasvika pakushaya zvekuita, nekupererwa. Mwari akaunzira Luther shamwari yaizomubatsira Luther. Staupitz akasimbisa pfungwa dzaLuther kuti atarise mberi kuna Jesu anoregerera zvitadzo zvake, arege kuramba akatarisa pamurango wekuputsa murairo waMwari. “Pachinzvimbo chekuzvirwadzisa nyama yako kuti uregererwe zvivi zvako, zvikande mumaoko amuponesi. Vimba nerufu rwake pamuchinjiko nekururama kwake. Teerera kuMwanakomana WaMwari. Akauya semunhu kuti akuratidze rudo. Ida uyo akakuda usati wamuda.”—Ibid., b. 2, ch. 4. Akataura mashoko aya enyasha. Mashoko ake akabata pfungwa dzaLuther zvikuru. Mushure mekutambudzika nenhema kwenguva yakakura, akakwanisa kutanga kunzwisisa chokwadi, moyo wake ukava nerugare.KK 84.4

    Luther akazodzwa kuve muprista, akava mudzidzisi pachikoro chedzidzo yepamusoro cheWittenberg. Luther akatanga kudzidza Bhaibheri kubva mumitauro yarakanyorwa nayo yeHebrew ne Greek. Akatanga kudzidzisa Bhaibheri kusanganisira Mapisarema, Mateo Marko, Ruka naJohane netsamba dzaPauro. Bhaibheri rakatsanangurwa kuti vanhu vanzwisise. Staupitz, akakurudzira Luther kuti aparidzire vanhu shoko raMwari. Akambotya achifunga kuti haana kufanira kuparidza pachinzvimbo chaKristu. Akazogamuchira pfungwa iyi kwapera nguva yakareba. Akanga atove nesimba pakudzidzisa shoko raMwari, nyasha dzaMwari dzikauya pamusoro pake. Kugona kutsanangura zvakajeka kwake kwakabata moyo yevanhu vazhinji. Panguva iyi Luther akanga ari mwanakomana akatendeka wekereke yaPapa asina pfungwa dzekusiya kereke. Mwari vakamupa mukana wekushanyira Roma. Akafamba netsoka rwendo rwake, achimbozorora munzvimbo dzaigara vamwe vaPrisita vekereke. Paakasvika paichengetwa vamwe vashandi vekereke kuItaly, akashamisika achiwona hupfumi, nekunaka kwaive panzvimbo iyi. Vafundisi vaigara munzvimbo dzinoshamisira vakapfeka hembe dzinodhura vachidya chikafu chemhando yepamusoro. Luther akafanidza hupenyu uhu nehwake hwekuzviramba nekuzvininipisa akakuhunika nazvo.KK 85.1

    Pakupedzisira akaona nechekure guta remakomo manomwe, ndokudaidzira; “Roma rinoera, ndinokukwazisa.”- Ibid., b. 2. Ch. 6. Akapinda muguta, akashanyira makereke, ndokuteerera kungano dzinoshamisa dzaitaurwa nevaPrisita nekubata marusando ose aaifanira kubata. Kwese kwaaifamba aiona zvinhu zvaimushamisa nekutyisa. Akaona kuti maprisita anenge ose airarama muzvivi. Akanzwawo kutaura kwakaipa kuchibuda mumiromo yevashandi vemweya akazadzwa nekutya nekusaremekedza kwavo hutsvene hwekereke kunyange panguva dzeminamato mikuru. Apo aisangana nevafundisi akaona huori hwakaipisisa. Kwese kwaaitarisa aiona panzvimbo yeutsvene huipi hunotyisa. “Hapana munhu anogona kunzwisisa kukura kwezvivi zvinoitwa muRoma kunze kweuyo azviona.” Akanyora Luther. “Saka zvichinzi, ‘Kana gehena ririko, Roma yakavakirwa pamusoro paro: igomba rakadzika-dzika umo munobuda mando dzose dzezvivi.’”- Ibid., b. 2, ch. 6.KK 85.2

    Panguva pfupi yakanga yapfuura pakange paitwa chivimbiso, naPapa, chekuregererwa kwezvivi kunemunhu anenge akwira nemabvi “danhiko raPirato,” iro rainzi ndiro rakafambwa naKristu apo aibva pamberi paPirato pamusi waakatongwa, danhiko iri rainzi rakange rauya kuRoma nenzira yeminana. Luther aikwira danhiko iri rimwe zuva apo akanzwa munzveve dzake izwi rakatinhira semheni richiti: “Mutsvene achararama nekutenda.” VaRoma 1:17. Akasimuka akabva padanhiko iri nekunyara nekutya kukuru. Shoko irir harina kuzobva pamwoyo wake zvachose. Kubva panguva iyi akatanga kuona zvakajeka huipi hwekuvimba nemabasa enyama pakuponeswa akadzidza kukosha kwekutenda mubasa rakaitwa naKristu. Meso ake akange azaruka zvekusazo pfigwazve. Apo akafuratira guta reRoma nemoyo wake wakabva wafuratirawo kutsika dzehuPapa kusvika adambura hukama nesangano zvachose.KK 85.3

    Pakudzoka kwake kubva kuRoma, Luther akasvikopihwa digirii rekuva Chiremba wezvehuMwari (doctor of divinity) nechikoro chikuru cheUniversity of Wittenberg. Izvi zvakamupa mukana wekudzidza akasunungunga shoko raMwari nekuriparidza nekutendeka mazuva ose ehupenyu hwake, achisiya dzidziso dzose dzemenyepo dzeRoma. Akanga asisiri muPrisitawo zvake asi muparidzi weBhaibheri. Akange adaidzwa semufudzi kupa boka raMwari kudya, iro rakange rinenzara nenyota yeshoko. Akaparidza nesimba kuti maKristu akange asingafanirir kuwana imwe dzidziso kunze kweizvo zvakanyorwa mushoko raMwari, Bhaibheri. Mashoko aya akazungunusa nheyo dzehutongi hwaPapa. Aivawo mashoko azere nezvimiso zverumutsiriro.KK 85.4

    Luther akaona kuipa kwekukudza dzidziso dzevanhu kupfuura shoko raMwari. Nekusatya akarwisana nepfungwa dzevadzidzi veRoma dzakanga dzakabata vanhu kemakore mazhinji. Akatsvaka kutsautsa vanhu kudzidziso dzakatsauka nekuipa idzi akavanangisa kuzvokwadi isingaperi yakaiswa pachena nevaprofita nevaApostora. Mashoko ake akasvika munzeve dzemhomho dzevanhu nekukosha kukuru. Vanhu vakanga vasati vambonzwa mashoko akanaka zvakadai. Rudo rwaMwari, nekuregererwa kwezvivi, zvakaunza mufaro netariro isingaperi mumoyo yevazhinji vakanzwa. paWittenberg pakayungidzwa mweje waizovhenekera pasi rose, uyo waizoramba uchiwedzera kujeka kusvika munguva yekuguma.KK 86.1

    Asizve chiedza nedima hazvifambidzane. Kusimudzira chimwe kurwisana nechimwe. Muponesi wedu akdaidzira achiti: “Handina kuuya kuzoisa rugare asi munondo.” Mateo 10:34. Makore mashoma mushure mekutanga kwerumutsiriro Luther akataura achiti: “Mwari vanondisunda, vanonditakura. Handiiti zvandinoda. Kunyangwe ndichida kugara hangu pasiasi Mwari vanondikanda mushanduko.”- D’Aubigne, b. 5, ch. 2. Akange zvino ave kupinzwa mugakava.KK 86.2

    Sangano reRoma rakanga richitengesa nyasha dzaMwari. Matafura evatengesi vemari akanga akamiswa pamativi emaatari esangano (Mateo 2112), uye mumhepo makanga muzere ruzha rwevatengesi nevatengi. Paitsvagwa mari yekuvaka muzinda weSt. Peter’s kuRoma vanhu vakapihwa mikana yekubhadhara kuita zvivi nehutungamiri hwaPapa. Nemutengo wezvakaipa temberi yekunamatira Mwari yakavakwa- ibwe repakona rikaitwa nemubairo wezvivi. Asi izvi ndizvo zvimwe zvakapa simba vavandudzi vechitendero vakakwanisa kurwisana nehunyengeri hwesangano kusvikira nheyo dzehutongi hwaro dzazungunuswa.KK 86.3

    Munhu akapihwa simba rekutungamirira kutengeswa kweruponeso muGermany- Tetzel- uyo aive atongerwa mhosva dzakaipisisa munyika iyi, akapukunyuka mhosva dzake akapihwa simba rekuenderesa mberi zvirongwa zvehuipi hwapapa uhu. Akatanga kudzokorora nekudzidzisa nhema kuchaunga chaitenda mashura. Dai vanhu ava vaiziva shoko raMwari vaisanyengerwa. Vakarambidzwa kuti vazive shoko raMwari vega kuti vavanyengere vachitora pfuma kwavari. (Verenga John C. L. Gieseler, A Compendium of Ecclesiastical History, per. 4, sec. 1, par. 5.) KK 86.4

    Tetzel paakasvika muguta, mutumwa akamhanya mberi kwake achideedzera: “Nyasha dzaMwari nedzaPapa dzasvika pamasuvo enyu.”—D’Aubigne, b. 3, ch. 1. Vanhu vakagamuchira murevi wenhuma uyu sekunge ndiye Mwari pachake aburuka kubva kudenga. Tetzel akaenda mberi kwevanhu mukereke akakurudzira vanhu kuti vabvise mari kuti varegererwe zvivi zvavo. Akaudza vanhu kuti ukangobhadhara chivi chako, unenge wasunungurwa, “panenge pasisina chikonzero chekutendeuka.”—Ibid., b. 3, ch. 1. Akaudza vanhu kuti unokwanisa kubhadharira hama dzakafa kuti dziponeswe kubva mupegatori kuenda kudenga. (See K. R. Hagenbach, History of the Reformation, vol. 1, p. 96.) KK 86.5

    Simon Magus paakada kutenga simba rekuita zvishamiso kubva kuvadzidzi, Peter akati kwaari: “Sirveri yako ngaiparadzwe newe, nokuti wafunga kutenga chipo chaMwari nemari.” Acts 8:20. Asi chipo chaTetzel chakagamuchirwa nevazhinji. Sirivheri nendarama zvakaunzwa muhomwe yake. Ruponeso rwekutenga nemari rwaiva nyore kuwana pane kutanga watendeuka nekutenda uchibva wasiya zvivi. (See Appendix note for page 59.KK 86.6

    Dzidziso yekutenga kuregererwa yakazvidzwa mukereke yeRoma nevanhu vakanga vakadzidza uye vaitya Mwari. Hakuna mumwe chete kuvakuru vekereke akakwanisa kupikisana nekaitiro aka asi vanhu vaingogunun'una vachishuvira kuti dai Mwari angomisa tsika yakadai. Luther akabatwa nekutya kukuru nezvakanga zvavekuitwa mukereke zvekutengesa ruponeso. Nhengo dzake zhinji dzakapihwa zvitupa zvekuregererwa , vakatanga kuenda kuna mufundisi wavo kundokumbira kuregererwa zvivi zvavo, kwete nekuti vakaknge vatendeuka asi nekuti vakanga vabhadhara .Luther akavaudza kuti vanofanirwa kusiya nzira dzavo dzakaipa kuti vave vakaregererwa zvivi zvavo vasaparare vari muzvivi. Vanhu vakadzokera kunaTetzel nechichemo chekusagamuchirwa kwetsamba dzavo dzekuregererwa zvivi naLuther. Vakakumbira zvikuru kuti vadzoserwe mari dzavo. Mukuru wekereke akabatwa nehasha zvikuru. Akataura mashoko makuru ekumhura, akaraira kuti moto ubatidzwe pachena, akati “ndagamuchira shoko kubva kuna papa rekupisa vanhu vose vanopikisa kubhadharwa kuregererwa kwezvivi.”—D’Aubigne, b. 3, ch. 4. KK 87.1

    Luther zvino akatanga basa rake semhare yezvokwadi. Akanzwikwa achiparidza achiyambira nekurevesa. Akaudza vanhu kuipa kwechivi akaisa pachena kuti hakuna anokwanisa kuzvisunungura kubva pachivi nesimba rake. Kutenda kuna Jesu nekutendeka ndizvo zvega zvinokwanisa kusunungura munhu. Nyasha dzaMwari hadzitengeswi asi chipo chinongopihwa pachena naMwari. Akaudza vanhu kuti vasatenge kuregererwa zvivi, asi vaise kutenda kunaMuponesi akaroverwa pamuchinjiko. Akatsanangurira vanhu hupenyu hwake apo aitsvaga kururama achishandisa simba rake. Akakurudzira vanhu kuti vatarise kuna Mwari chete kuti vawane rugare nerunyararo. KK 87.2

    Apo Tetzel akaenderera mberi pakubira vanhu Luther akaramba achipikisa tsika iyi yekutyora kodzero dzevanhu. Kereke yepaWittenberg yakanga ine mifananidzo yakawanda iyo yairatidzirwa kuvanhu pamazuva akasanangurwa, apo zvivi zvevanhu vaiiuya kuzoreurura pamazuva aya zvizoregererwa nesangano. Nokudaro vanhu vazhinji vakaenda kukereke iyi nemazuva aya. Mumwe wemitambo iyi wakanga wavekusvika wainzi Mutambo Wavatsvene Vose. Zuva raitevera Luther akabatana nechaunga chaienda kukereke . Akanamira, pamukova wekereke, zvinyorwa makumi mapfumbamwe nezvisahnu zvaipikisana nekutengeswa kweruponeso. Akanga akazvimisira kumiririra zvinyorwa izvi kana paine vanenge vachizvipikisa. KK 87.3

    Zvinyorwa izvi zvakabata ndangariro dzevanhu vakawanda. Zviverengwa izvi zvakaverengwa kakawanda. Pakava nemanyukunyuku pachikoro nemuguta rose. Zvinyorwa izvi zvairatidza kuti simba rekuregerera zvivi nekupa murango harina kubvira rapihwa kuna Papa. Chitsotsi chese chakagadzirwa kungobira vanhu mari, kubudikidza nekuvatendesa nhema dzasatani kuti vaparare. Zvakaratidzawo zvakare kuti shoko raMwari rakanga rakakosha zvikuru kukereke. Rairatidza nyasha dzaMwari idzo dzaipihwa pachena avo vanotsvaga kutendeuka kubudikidza nekutenda. Zvinyorwa zvaLuther zvakaita kuti paitwe hurukuro asi pakanga pasina aikwanisa kumira achizvipikisa. Zvinyorwa izvi zvakapararira munyika yese yeGermany nemuma kristu ose. Vamwe vatendi vakatendeka vechiRoma, vaishaya kuti vangatsiura sei zvakaipa izvi, vakaverenga zvinyorwa nemufaro mukuru vachiti iri raive inzwi raMwari. Vakaona rwuri rwuwoko rwaMwari rwauya kuzodzivisa zvakaipa zvakanga zvichiramba zvichikura muRoma. Vatongi nevatungamiri venyika vakafara muchivande nekuti simba rehudzvinyiriri raizo wongororwa kashandiro karo. KK 87.4

    Vazhinji vaifarira kurarama muzvivi vakabatwa nekutya apo zvaivadzivirira kubva mukutya zvakabviswa. Apo vakuru vekereke vakaona kuti pfuma yavo yapinda panjodzi, vakabatwa nekutya kukuru, vakasimuka kuti vamiririre hunyengeri hwavo. Luther aifanirwa kusangana nevavengi vake. Vamwe vaimuti wasundwa nemanyawi zvakare haana kutumwa naMwari kunyora zvinyorwa izvi. “Ndiyani asingazivi,” akapindura, “kuti hazvina kujairika kuti munhu auye nepfungwa itsva asingaonekwi seanozvikudza, zvakare anopihwa mhosva yekuunza nyongano? ... Chinyi chakaita kuti Kristu nevamwe vakafira vhangeri vaurayiwe? Vaiwonekwa sevanhu vaizvikudza vasingateereri pfungwa dzevatungamiriri venguva iyoyo vachiunza dzimwe dzidziso vasina kukumbira kuvakuru.” Akavaudza zvakare achiti: “Zvese zvandichaita hakuzi kuda kwevanhu asi Mwari ndivo vanonditungamirira. Kana basa riri raMwari, ndiyani angaridzivisa? Kana basa riri raMwari diyani achariendesa mberi? Mwari ndivo voga vachaita kuti basa ravo riende mberi?”—Ibid., b. 3, ch. 6. KK 88.1

    Luther aizosangana nematambudziko kunyangwe aitungamirirwa neMweya waMutsvene. Vavengi vake vakatanga kumushoropodza hupenyu hwake, izvo zvakaramba zvichi kanganisa kufamba kwechokwadi nekukasika. Aitarisira kuti vatungamiriri vekereke nekunyika vachabatana naye pakuunza mutsiridzo. Mashoko ekurudziro kubva kuvatungamiriri akamupasimba, mufaro netariro. Akanga avekuona chiedza chichiuya kukereke. Kurudziro yakazoshanduka, ikava kutukwa nekushoropodzwa kukuru. Vakuru vose vakagutsikana kuti zvinyorwa zvaLuther zvaive zvechokwadi, asi havana kuzvigamuchira nekuti zvaizounza shanduko yakakura. Shanduko iyi yaizomisa kuuya kwemari yakawanda kukereke yeRoma. Kudzidzisa vanhu kuti vavimbe naKristu chete zvaibvisawo simba ravo. Nekuda kwaizvozvo havana kugamuchira mutumwa WaMwari akanga auya kuzovavhenerekera. KK 88.2

    Luther akadedera paakazvitarisa- munhu mumwechete anopikisana nevatongi vepasi rose. Pamwe aimbokatyamara kana vari Mwari vakamutuma kupikisana nemasimba. “Ndingava aniwo zvangu ndingapikisana nemasimba eRoma ayo anoita kuti madzimambo enyika dzose adedere nekutya.” Anodaro Luther, “Hakuna anoziva kudzamirwa kwandakaita mumakore maviri ekutanga aya, ndakanyura mukukuhunika nekutya kwakanyanya.” Ibid., b. 3, ch. 6. Kunyange zvakadaro haana kurasha moyo zvachose. Apo rubatsiro rwevanhu rwakashaikwa, Luther akatenda kuti aizovimba neruwoko rwaMwari oga rusingakundikane kurinda vanhu vake.KK 88.3

    Kutenda kwechokwadi kwakatora chinzvimbo chekutenda kwenhema kwakanga kwatora nguva refu kuri mukereke. Vanhu vakatanga kusava neshungu nemanyepo aidzidziswa nekereke yeRoma. Shoko raMwari raiparidzwa naLuther raibatsira kuona musiyano wechokwadi nenhema. Kwakava nerumutsiriro kunyika zhinji. Kwakava nenzara nenyota kuvanhu vazhinji. Maziso evanhu akatanga kubviswa pakuwona vanhu sevamiririri vakatarisa pana Kristu akaroverwa pamuchinjiko. Kupararira uku kwakavhundutsa papa nedare rake. Luther akadanwa kuRome kuzozvidavirira pamusoro pedzidziso idzi. Kudana uku kwakatyisa shamwari dzake. Luther Akaziva njodzi yaizomuwira nekuti papa akanga akatombouraya vamwe vatendi vaJesu. Shamwari dzaLuther dzakaramba kuti ayende kuRome asi atongwe ari munyika yeGermany. Papa akatuma nhume kundo teerera nyaya yake. Mutsamba yakatumwa nenhume yapapa, Luther akanga akatonyorwa kuti mudzidzisi wenhema. Dare rakatoudzwa kuti ripe murango risinga pambadzi nguva. Kunonoka kumupa murango kwaiitakuti awane simba pamusoro pevanhu.” Vaida kumubvisa pakati pevanhu vose.”— Ibid., b. 4, ch. 2. Papa akaraira kuti vose vacharamba kuti Luther apihwe murango wake semudzidzisi wenhema aizobviswa pakati pevanhu. Apa ndipo pakaratidzwa chimiro chehutungamiriri hwechi papa. Pakanga pasingafanirwi kuonekwa nyaya dzechiKristu muchinyorwa chapapa zvakare hapafaniri kuwanikwa kutonga kwakarurama. Luther akanga arikure neRome; akanga asingagoni kutsanangura achizvimiririra asi musi mumwechete akanzi ngaapihwe mutongo wake semudzidzisi wenhema. Izvi zvakaitwa napapa anozviti baba vatsvene, muridzi wekereke nenyika. “Ndaimbova ani,” akadaro Luther, “kupikisana nemasimba apapa anotyiwa nemasimba enyika yose ? ... Hakuna anoziva zvaiita moyo wangu makore maviri apfuura aya, kuti ndakapinda pakushushikana kwakakura zvakadini.”—Ibid., b. 3, ch. 6. KK 89.1

    Asi haana kusiiwa kusvika pakuwora moyo. Apo akashaya munhu aimubatsira akatarisa kuna Mwari oga kuti adzidze murunyararo ari mumaoko akachengetedzeka. Luther akanyora: “Tinotanga kunamata tisati tadzidza shoko raMwari. Kumbira nyasha kubva kuna Mwari kuti dzibatsire kunzwisisika kweshoko raMwari. Hakuna mumwe mududziri weshoko raMwari kunze kwake iye Mwari. ‘Vachadzidziswa vose naJehovah.’ Ngative nekutenda munaMwari kwete musimba nenjere dzedu. Ngativimbe naMwari ega neMweya Mutsvene.”—Ibid., b. 3, ch. 7.KK 89.2

    Apa ndipo panechidzidzo kune vose vanoshuvira kundodzidzisa vamwe chokwadi chenguva ino. Chokwadi ichi chinomutsa ruvengo kubva kuna satani nevanhu vasingadi chokwadi asi nhema dzavakagadzira. Mukurwisana nemasimba ewakaipa panodikanwa simba raMwari kutibatsira. Apo vavengi vaidzokera kutsika dzavo nedzidziso dzechipapa, Luther aishandisa Bhaibheri shoko raMwari roga. Vakashuvira kuuraya Luther nekuti vakatadza kutsanangura shoko raMwari, sezvakaita maJuda kuna Jesu apo vakashevedzera. “Mudzidzisi wenhema,” Mauto eRoma akasheedzera. “Hazvina kunaka kusiya mudzidzisi wenhema achirarama kwenguva imwechete. Gadzirai zvimbo yekuti apiswe nemoto!”—Ibid., b. 3, ch. 9. Luther haana kuvhunduka hasha dzavo. Mwari akanga aine chinangwa naye, akatuma ngirozi kuzomuchengetedza. Vazhinji vakagamuchira chiedza kubva kuna Luther, vakatanga kutambudzwa naSatan vamwe vakasvika pakuuraiwa. Dzidziso dzaLuther dzakakwezva pfungwa dzevanhu vaidzamisa pfungwa munyika yeGermany Kubudikidza nemharidzo nezvinyorwa zvake vazhinji vakamutswa moyo.KK 89.3

    Kutenda kwechokwadi kwakatora chinzvimbo chekutenda kwenhema kwakanga kwatora nguva refu kuri mukereke. Vanhu vakatanga kusava neshungu nemanyepo aidzidziswa nekereke yeRoma. Shoko raMwari raiparidzwa naLuther raibatsira kuona musiyano wechokwadi nenhema. Kwakava nerumutsiriro kunyika zhinji. Kwakava nenzara nenyota kuvanhu vazhinji. Maziso evanhu akatanga kubviswa pakuwona vanhu sevamiririri vakatarisa pana Kristu akaroverwa pamuchinjiko. Kupararira uku kwakavhundutsa papa nedare rake. Luther akadanwa kuRome kuzozvidavirira pamusoro pedzidziso idzi. Kudana uku kwakatyisa shamwari dzake. Luther Akaziva njodzi yaizomuwira nekuti papa akanga akatombouraya vamwe vatendi vaJesu. Shamwari dzaLuther dzakaramba kuti ayende kuRome asi atongwe ari munyika yeGermany. Papa akatuma nhume kundo teerera nyaya yake. Mutsamba yakatumwa nenhume yapapa, Luther akanga akatonyorwa kuti mudzidzisi wenhema. Dare rakatoudzwa kuti ripe murango risinga pambadzi nguva. Kunonoka kumupa murango kwaiita kuti awane simba pamusoro pevanhu.” Vaida kumubvisa pakati pevanhu vose.”— Ibid., b. 4, ch. 2. Papa akaraira kuti vose vacharamba kuti Luther apihwe murango wake semudzidzisi wenhema vaizobviswa pakati pevanhu. Apa ndipo pakaratidzwa chimiro chehutungamiriri hwechi papa. Pakanga pasingafanirwi kuonekwa nyaya dzechiKristu muchinyorwa chapapa zvakare hapafaniri kuwanikwa kutonga kwakarurama. KK 90.1

    Luther akanga arikure neRome; akanga asingagoni kutsanangura achizvimiririra asi musi mumwechete akanzi ngaapihwe mutongo wake semudzidzisi wenhema. Izvi zvakaitwa napapa anozviti baba vatsvene, muridzi wekereke nenyika.KK 90.2

    Mwari vakatumira Luther shamwari yaizomusimbisa yainzi Melanchthon kuWittenberg. Melanchthon akawana vateveri vakawanda nekuda kwekugona kutaura, nenjere dzakapinza, kutendeka nekufambirana kwake nenguva. Akanga ari munhu akanyorova. Akava muteweri wevhangeri, izvi zvakaita kuti awe shamwari yaLuther yaaivimba nayo. Hunhu hwake nehwaLuther hwaiita kuti basa riende mberi zvakanaka. Nzvimbo yeAugsburg yakavakwa senzvimbo yekupira vanhu mitongo yavo . Luther akashanyira nzvimbo iyi. Kutya kwakavapo muvanhu nekuda kwaLuther. Akayambirwa kuti aikwanisa kuurayiwa munzira saka shamwari dzake dzakaedza kumunyengetedza kuti asaende. Vakamukumbira kuti abude munzvimbo yeWittenberg kwechinguva chiduku aende kunzvimbo yaaizochengetedzeka. Luther akaramba kusiya nzvimbo yaakaiswa naMwari. Aifanira kurambira pachokwadi kunyangwe aisangana nematambudziko akawanda. Mashoko ake akanga ari ekuti: “Ini ndakaita saJeremiah, munhu wekushingaira nekukakavadzana; mufaro wangu unowedzera apo vanenge vachiwedzera kundishungurudza... Vakandizvidza kare nekundidzikisira. Changosara chavanoda, muviri wangu wasakara uyu. Regai vautore; vanoda kundiuraya munguva shoma inotevera. Chavasingagoni kutora mweya wangu. Uyo unoparidza shoko raKristu kunyika, anofanira kutarisira rufu.”—Ibid., b. 4, ch. 4. Kusvika kwaLuther muAugsburg kwafadza mutevedzeri wapapa. Mudziddzisi wenhema akanga anetsa, ava mumaoko eRoma, zvakare akanga asingafaniri kupukunyuka. Luther akanga amboyambirwa neshamwari dzake kuti asayende. Mutevedzeri wapapa aida kuti Luther arevurure kuti arege kuendeswa kuRome asavurawe sezvakaita Jerome. Akaronga kuti anyengerere Luther.KK 90.3

    Luther akaramba kuita zvose. Akabvuma kuenda pamberi papapa avimbiswa kuchengetedzwa nemutungamiriri wenzvimbo iyi. Vanhu vemu Roma vaida kushandisa nzira yekunyengerera Luther kuti aite zvavanoda. Mutevedzeri wapapa akaratidza hanya kuna Luther paaimubvunza, achida kuti asapikise kana kubvunza paaizotongwa nedare guru. Akanga asinganyatsonzwisisi munhu waaitaura naye. Luther akapindura achiratidza kuremekedza kereke, chidiso chake chekutevera chokwadi, kugadzirisa kwake kuzozvidavirira pane zvose zvaakadzidzisa, nekuisa zvinyorwa zvake kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro kuti zviongororwe. Akapokana nepfungwa yekuti asazvidavirira ega pazvidzidzo nemharidzo zvaakapa kuvanhu vasina kumuudza paakarasika. Luther akaratidza kuti dzidziso dzake dzaibva muBhaibheri zvakare akaramba akasimbira padziri akati haakwanisi kuzvidza chokwadi. Mutevedzeri wapapa paakatadza kupindura akatanga kushowora nekutuka Luther asingamupi mukana wekutaura. Luther akazopihwa mukana wekupindura muzvinyorwa. “Mukuita izvi,” anodaro seari kunyorera kushamwari, ” uyo akadzvinyirirwa achawana zvikamu zviviri; chekutanga, zvichanyorwa zvichaenda kunevamwe vatongi; chechipiri, mumwe achashandisa pfungwa dzake nemazvo.”—Martyn, The Life and Times of Luther, pages 271, 272. Luther akatsanangura zviri pachena achishandisa Bhaibheri shoko raMwari. Mushure mekuverenga chinyorwa chake zvainyatsonzwika, akapa kudare chinyorwa chake icho chakarasirwa kure chichinzi chaive chakazara nhema. Luther akanga anyatso sangana nevakuru veRoma zvemazvirokwazvo izvo zvakabvisa kufungidzira kwose. Mutongi paakaona kuti Luther aitaura zvinehuchenjeri akatadza kuzvidzora akaviruka nehasha. Akadeedzera nehasha akati: “Tendeuka kana kuti ndokuendesa kuRome, pamberi pevatongi vakatumwa kuzokuwongorora. Ndichakubvisa pakati pevanhu, vose vanokutevera ndichavapa murango wavo.” Akapedzisira achideedzera nenzwi rehasha kuti Luther atendeuke kuti aizovuraiwa: —D’Aubigne, London ed., b. 4, ch. 8. Luther neshamwari dzake vakasuduruka vakavimbisa kuti vaisazodzokera shure pachinangwa chavo. Ichi chakanga chisiri chinangwa chevatungamiri vesangano. Vaifunga kuti Luther aizobvuma mushure mekunge vashandisa chisimba. Vakaona kukundikana kwezano ravo. Zvakaitwa naLuther zvakabereka michero. Vazhinji vakanga vakaungana vakakwanisa kuona musiyano pakati pemutongi naLuther kuti ndeupi akanga akamira pachokwadi. Luther mukuzvininipisa kwake akamira panaMwari achitsigirwa nechokwadi cheshoko rake. Mumiririri wapapa aitaura asina kana tsigiro yeshoko raMwari. Aingopedzisira avekudeedzera kuti Luther atendeuke kana akaramba aizorangwa. Vatungamiriri veRoma vakanga vakaronga kubata Luther vomuisa mutirongo. Shamwari dzaLuther dzakaita kuti adzokere Wittenberg nekukasika. Akasimuka achibva Augsburg zuva risati rabuda ari pamusoro pebhiza, akakombwa nevanhu vaimuchengetedza vakatumwa nemutongi. Akabuda kaverevere nemigwagwa yeguta kuchakasviba. Vavengi vake vaironga kumuvuraya. Aizokwanisa here kupukunyuka miteyo yakanga yagadzirwa iyi? Yakanga iri nguva yekushushikana nekunamata. Akasvika pasuwo duku reguta. Vakawana rakavazarukira kare nevaimuchengetedza. Vakapinda zviri nyore. Luther akachimbidza kutiza kuti vavengi vake vazozviziva avakure kwavaisazomubata. Satan nevatumwa vake vakakurirwa.KK 91.1

    Munhu wavaifunga kuti vabata, akapukunyuka kubva pamusungo seshiri. Mumiririri wapapa paakanzwa kuti Luther atiza, akabatwa nekushamisika nehasha. Aitarisira kukudzwa nekugona kudzivisa munhu aiparidza nhema achikanganisa kereke. Tarisiro yake yakabva yapera. Kuratidza kutsamwa kwake mutsamba yaakanyorera kunaFrederick weku Saxony achizvidza Luther akaraira kuti Frederick atumire Luther kuRome kana kuti asapinde muSaxony. Luther akakumbira kuti mumiririri wapapa kana papa vamuratidze kukanganisa kwake vachitsinhanisa neshoko raMwari. Izvi ndizvo zvaizoita kuti arase zvinyorwa zvake. Akatenda Mwari nekuti aizotambudzwa nekuda kweshoko ravo. Frederick akazvimisira kuchengetedza Luther kusvika pawanikwa paari kukanganisa. Akanga anakidzwa nekutsanangura kwaLuther. Akapindura tsamba yakabva kune mumiririri wapapa: “Nekuda kwekuti Dr. Martin vakambosvika kuAugsburg pamberi penyu, maifanira kugutsikana. Anofanira kutendeuka mushure mekuratidza zvizere kukanganisa kwake. Hakuna kana mumwe chete munzvimbo mangu akakwanisa kutsanangura kukanganisa kwaMartin.’ Luther haana kuendeswa kuRome, kana kubva paakanga achigara.”—D’Aubigne, b. 4, ch. 10. KK 91.2

    Akaona zvakare kuti pakanga pasina hunhu hwakanaka pakati pevanhu. Vanhu vaifarira kumutsiridzwa. Panenge pasisina chikonzero chekushandisa murango yakawomarara kana vanhu vakadzidza tsika dzakanaka. Izvi ndizvo zvaitarisirwa na Luther. Semudzidzisi pachikoro chedzidzo yepamusoro, Luther akanga abudirira. Mushure megore Luther aisa zvinyorwa zvipfumbamwe pamusiwo wekereke, vanhu vaingoramba vachiita vashoma vaiuya kumitambo weVatsvene Vose. Vatendi veRoma vakaramba vachiita vashoma nezvipo zvakanga zvavakubviswa zvishoma. Pa Wittenberg, pakanga pavekungouya vanhu vaizouya kuzodzidza. Zvinyorwa zvaLuther zvakaita kuti vanhu vazhinji vaite shungu dzekuverenga shoko raMwari munzvimbo zhinji. Vakomana vechidiki vaifara pavaisvika paWittenberg vachirumbidza Mwari nekuda kwechiedza chechokwadi chaibva panzvimbo iyi sezvakaita paZion yekare.”—Ibid., b. 4, ch. 10. Luther akanga asati abuda zvakazara kubva mutsika dzeRoma. Akashamisika paakanga achitsinhanisa Shoko raMwari nezvinyorwa zveRoma. “Ndiri kuverenga zvinyorwa zvevakuru vekereke ... handizivi kana papa ari iye Anti Kristu, kana muteveri wake, asi chandinoziva ndechekuti havasi kumiririra Kristu zvinotarisirwa.”—Ibid., b. 5, ch. 1. Panguva iyi Luther akanga arinhengo yeRoman asina pfungwa dzekubuda mukereke. Zvinyorwa zvaLuther zvaisvikawo kumaKristu mazhinji pasi rose. Basa revhangeri rakasvika kuSwitzerland nekuHolland. Zvimwe zvinyorwa zvake zvakasvika kuFrance, Spain, England, Belgium neItaly. Vanhu vazhinji vakamutsiridzwa murufaro nemukutenda. Roma yakatanga kushunguridzika nekutsiurwa kwayaiitwa naLuther. Pakawiriranwa nevakuru vekereke paRoma kuti anouraya Luther haana mhosva. Mumwe munhu asingazivikanwi akasvika panaLuther akabata pfuti akamubvunza kuti sei aiva ega. Luther akapindura kuti aiva mumaoko aMwari. “Ndiye simba rangu nemudziviriri wangu. Munhu angandiiteiko?”— Ibid., b. 6, ch. 2. Munhu uyu paakanzwa mashoko aya akatiza kubva pamberi pengirozi dzaMwari. Roma yakanga yavakuda kuparadza Luther asi Mwari akanga akamuchengetedza. Dzidziso dzaLuther dzakasvika pose pose. —Ibid., b. 6, ch. 2.KK 92.1

    Mumazuva iwayo Luther, akanga achiverenga zvinyorwa zvaHuss, apo akasangana nechidzidzo chekururamiswa nekutenda icho aida kusimbisa. “Pauro, Augustine, neni taiva vateveri vaHuss tisingazivi!” “Mwari achashanya zvakare pamusoro penyika,” akaenderera mberi, “chokwadi chakamboparidzwa kare chikapiswa nemoto!”—Wylie, b. 6, ch. 1 Luther akakumbira kuvakuru muGerimani akamiririra makristu ose. Luther akanyora pamusoro papapa: “Zvinotyisa kuti munhu anozviita mumiririri waKristu, anochipfeka zvekushamisira kukunda madzimambo enyika. Ndiko here kufanana naJesu murombo kana saPetro wekuzvininipisa? Uyu anoti ndiye anobata hushe hwenyika yose asi Jesu anoti Hushe hwake hausi hwenyika ino?”—D’Aubigne, b. 6, ch. 3. [141] Akanyora pamusoro pezvikoro zvedzidzo yepamusoro kuti zvaiva masuwo eku gehena kunze kwekunge vatanga kududzira Shoko raMwari vachiriisa mumoyo mevechidiki. Nzvimbo imwe neimwe isingaverengwi shoko raMwari inopedzisira yazadzwa nehuwori. —Ibid., b. 6, ch. 3. Chikumbiro ichi chakaendeswa kunzvimbo dzose dzemuGerimani chikava nesimba guru kuvanhu vazhinji. Nyika yose yakazungunutswa, vanhu vakawanda vakashuvira kuita shanduko. Vavengi vaLuther vakabatwa neshungu dzekutsiva, vakaudza papa kuti vatore matanho ekumumisa. Pakaiswa murairo wekuti dzidziso idzi ngadziregwe nekukasika. Luther nevateveri vake vakapihwa mazuva makumi matanhatu ekutendeuka, vakasatendeuka vaizo dzingwa mukereke izvi zvakaita kuti muRoma muve nekutya kukuru.KK 92.2

    Luther akanga asingazivi zvaizomuwira asi akaramba akaisa vimbo yake munaKristu semudziviriri wake. Akanyora mashoko aya asingatyi: “Handizi zvichandiwira, zvakare handidi kuzviziva...regai zvindiwire, asi ini handina kutya mandiri. Hakuna shizha rinodonha pasi zvisingawonekwi naMwari. Nekudaro anehanya nesu. Zviri nyore kufa nekuda kweshoko raMwari nekuti iye Jesu akafawo. Kana tikafa naye, tichararamawo naye; tichazova naye nekusingaperi.”—Ibid., 3d London ed., Walther, 1840, b. 6, ch. 9. Luther haana kugamuchira zvinyorwa zvakabva kuna papa. Akati “Ndinozvidza zvinyorwa izvi semanyepo makuru...ndiKistu arikuzvidzwa ... ndinonzwa kusununguka pamweya wangu nekuti ndazoziva pakupedzisira kuti papa ndiye anti kristu, nechigaro chake ndecha satani.”— D’Aubigne, b. 6, ch. 9. Roma yaiva nechinangwa chekutambudza vanhu kuti vavateerere. Vakanga vane simba shoma pakutenda vaidedera nekuda kwemutongo wakapihwa vanhu vasingadi kuteerera murairo weRoma. Vanhu vakanga vachinzwira Luther tsiye nyoro, vachimuti azviisirei hupenyu hwake panjodzi zvakadai. Vazhinji vaifunga kuti basa rerumutsiridzo iri rasvika pakupera. Luther haana kumbopindwa nekutya. Roma yakanga yamupa mutongo wake saka nyika yakafunga kuti Luther aizouraiwa kana kumanikidzwa kutendeuka. Vaimutonga vakataura paruzhinji kuti vakanga vamubudisa mukereke kuti asave nhengo. Luther akapisa zvinyorwa zvapapa pamberi peruzhinji. “Vavengi vangu vakapisa zvinyorwa zvangu nechinangwa chekudzima chokwadi mupfungwa dzevanhu kuti vaparare. Hondo huru yatanga, ichapedzwa naMwari.”—Ibid., b. 6, ch. 10.KK 93.1

    Luther akapindura kutukwa kwaakanga achiitwa nevavengi vake akati: “Ndiyani angaziva kana ndakatumwa naMwari, kana musingatyi kundizvidza, munenge muchizvidza Mwari. Moses akanga ariega pakubuda Egypt; Eriyah akanga ariega panguva yekutonga kwamambo Ahabi; Isaya akanga ariega muJerusarema; Ezekeri ariega muBhabhironi.... Mwari haana kusarudza munhu anoremekedzwa; asi akashoreka, kunyangwe mufudzi wemakwai Amosi. Nguva dzese Mwari vaida kutsiura vanokudzwa venyika ino.... ndinechivimbo chekuti shoko raMwari rine simba kwete ivo.”—Ibid., b. 6, ch. 10. Yakava nguva yakaoma kuti Luther apatsane nekereke yeRoma. Akanyora chaiti: “Ndavekuwona kurema kwekusiya dzidziso dzakakurera kubva pahuduku. Zvakanga zvakaoma kubudisa pachena kuti papa ndiye anti kristu, uchishandisa Shoko raMwari. Ndakava nekuremerwa kukuru, ndichizvibvunza mubvunzo wandaigara ndichibvunzwa nevavengi vangu: ‘Ndiwe wega wakachenjera here? Vanhu vese vangarasika here? Dzimwe nguva ndini ndakarasika?’ ‘Ndakava nekuzvishungurudza zvakare Satani akandishungurudza kusvika Kristu andibatsira kubudikidza neshoko rake richibvisa kusatenda mandiri.”—Martyn, pages 372, 373. Papa akaudza Luther kuti aizomuisa panzvimbo kwaaizogara ega, izvi akabva anozviita. Pakauya rimwe gwaro raitaura kudzingwa kwaLuther mukereke yeRoma. Akaudzwa kuti akanga arambwa nedenga nevose vachagamuchira zvinyorwa zvake. Hondo yanga yava pane chimwe chinhanho. Vose vachaparidza chokwadi chenguva yavanenge vachirarama mairi vachasangana nekurwiswa. Pakanga paine chokwadi chenguva yaLuther, —chokwadi chakanga chakakosha panguva iyi kusangano.KK 93.2

    Mwari vanoisa vanhu muzvimiro zvakasiyana siyana, nekuvapa zvekuita panguva imwe neimwe kuti vaite sekutungamira kwake. Kana vakakoshesa chiedza chavanenge vapihwa vaizovhenekerwa kuti vawone chimwe chokwadi chiri mberi. Vanhu vakawanda havachadi chokwadi kupfuura vateveri vapapa vairwisa Luther. Pachingorine tsika yekugamuchira dzidziso netsika dzevanhu kupfuura shoko raMwari sepamazuva ekare. Vanouya nechokwadi vasatarisire kugamuchirwa nemufaro kupfuura vekare. Hondo huru pakati pechokwadi nenhema, satani naMwari icharamba ichiwedzera kusvika pakuguma kwenyika. Jesu akati kuvadzidzi vake: “Kana maiva venyika, nyika yaida vayo, zvino zvamusati muri venyika asi ndakurangarirai panyika, saka nyika inokuvengai. Rangarirai shoko randakareva kwamuri ndichiti: Muranda haasi mukuru kunashe wake, kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemiwo, kana vakachengeta shoko rangu, vachachengeta renyuwo.” John 15:19, 20. Ishe akarevawo pachena: “Munenhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu, nekuti madzibaba avo akaitira vaporofita venhema zvakadaro.” Luke 6:26. Mweya wenyika hauchayanani neMweya waKristu sepamazuva ekare. Vanoparidza Shoko raMwari nekutendeka havagamuchiriki sepamazuva ekare. Kurwiswa kwevhangeri uku kucharamba kuripo kusvika pakuguma kwenyika.KK 94.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents