Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 37—MAGWARO NDIWO ANOGONA KUTICHENGETEDZA

    “Dzokerai kumurairo nekuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chemangwanani, Isaya 8:20. Vanhu vaMwari vanonongedzerwa kumagwaro sechidziviriro chavo kubva kukukweva kwedzidziso dzenhema, nekubva kusimba rinonyengera remweya yerima. Satani anoshandisa nzira dzose kuti adziviirire vanhu kubva mukuwana ruzivo rweBhaibheri; nekuti kutaura kwaro kunonzwisisika, kunoburitsa pachena kunyengera kwake. Pakumutsirirwa kose kwebasa raMwari, muchinda wezvakashata uyu anodenhwa kuti ashande zvakawomarara; saka ikozvino ari kuisa simba rakawedzerwa kuti arwise kekupedzisira Kristu nevateveri vake. Kunyengera kukuru kwekupedzisira kuchabudira kwatiri nguva pfupi inotevera. Andikristu achaita mabasa ake anoshamisa pamberi pedu. Manyepo ake anenge akada kufanana nechokwadi zvekuti zvichanetsa kuona musiyano wawo nechokwadi kana kusina kushandiswa Magwaro Matsvene. Zvishamiso zvose nemashoko ose zvinofanira kuedzwa nekupupura kweMagwaro. KK 358.1

    Vachazvimisira kuterera mitemo yaMwari yose, vachapikiswa nekusekwa. Vanogona chete kumira muna Mwari. Kuti vagone kutsungirira pakuedzwa kuchavuya, vanofanira kunzwisisa kuda kwaMwari sekuzarurwa kwazvakaitwa mushoko rake; vanogona kumukudza chete kana vane pfungwa yakajeka pamusoro pechimiro chake, hurumende, nezvinangwa zvake, vachiita zvinoenderana nazvo. Hapana achamira pakurwisana kukuru kwekupedzisira kunze kwevanhu vakakomberedza pfungwa nehana dzavo nezvokwadi yemuBhaibheri. Munhu wose achaidzwa nemiedzo unoti: “Ndoterera Mwari here kana kuti munhu?” Nguva iyi inokosha yatosvika. Ko tsoka dzedu dzakatsika here padombo reshoko raMwari risingashanduki? Takazvimisira takashinga here kutsigira mitemo yaMwari nekutenda kwaJesu. KK 358.2

    Jesu asati aroverwa pamuchinjikwa akatsanangurira vadzidzi vake kuti aizovurawa ozomuka kubva muguva, uye vatumwa vaivepo kusimbisa mashoko ake muhana nemupfungwa dzavo. Asi vadzidzi vaitarisira kudzikinurwa kwepanyama kubva pahuranda hwevaRoma, saka vakanga vasingadi kugashira pfungwa yekuti munhu wavaivimba naye nguva dzose ozofa zvinonyadzisa zvakadaro. Mashoko avaifanira kurangarira akadzimika mupfungwa dzavo: Saka pakauya nguva yekuedzwa yavakawana vasina kugadzirira. Kufa kwaJesu kwakaparadza tariro yavo kuita sekuti akanga asina kutombovataurira nezvazvo. Saka muzviprofita remangwana redu rakazarurwa zvakajeka sezvazvakanga zvakaitavo panguva yevadzidzi nemazwi aJesu. Zviitiko zvakanangana nekupfigwa kwemutsa, nebasa rinodiwa kugadzirira nguva yenjodzi zvakaiswa pachena. Asi vanhu vazhinji havanzwisisi chokwadi ichi chinokosha kuita sekuti hazvina kumboratidzwa pachena. Satani anotsvaka mukana wekuti abvise zvose zvingachenjedza kuti vaende kuruponeso, nenguva yenjodzi ichavavona vasina kugadzirira.KK 358.3

    Kana Mwari achitumira vanhu yambiro dzinokosha zvekuti dzinoita sedzaparadzwa nevatumwa vatsvene vachibhururuka pakati pedenga, anoda kuti munhu wose akapiwa njere nesimba rekufunga aterera mashoko aya. Rutongo runotyisa runodaidzirwa kune vanonamata chikara nemufananidzo wacho, “Kana munhu akanamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake. Naiye uchanwavo waini yekutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumoto nesuferi pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwaiana ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho neunogamuchira chiratidzo chezita racho,” (Zvakazarurwa 14: 9-11) zvinofanira kuita kuti vanhu vashingaire kudzidza zviprofita kuti vadzidze kuti chiratidzo chechikara chii, uye kuti vangaitei kuti vasachigashire. Asi vanhu vazhinji vanoramba kuterera chokwadi vachitendevukira kungano dzisina maturo. Muapostora Pauro, akatarisa pamuzuva ekupedzisira akataura akati; “Nekuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachizvivunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo” 2 Timotio 4:3. Nguva iyi yatosvika. Vazhinji havadi chokwadi cheBhaibheri, nemhaka yekuti chinopesana nezvidiso zvemwoyo wechivi unoda zvenyika; saka Satani anovapa kunyengedzwa kwavanoda.KK 359.1

    Kunyange zvakadaro Mwari ane vanhu panyika vanoramba vakatsamira paBhaibheri, iro Bhaibheri chete, kuti chive chipimo chedzidziso dzose nehwaro hweshanduko dzose. Pfungwa dzevakadzidza, zvinobuda musainzi, zvimiso nezvirongwa zvinoumbwa nematare emakereke, nekuwanda nekupesana kwavo sezvakangoita makereke acho, kana izwi revazhinji,-hapana kana chimwe chezvinhu izvi chinofanira kushandiswa sehuchapupu hwekutsigira kana kuramba dzidziso ipi zvayo pane zvekutenda. Tisati tagashira mutemo kana dzidziso tinofanira kutsvaka tsigiro inoti: “Zvanzi ndizvo zvinotaura Jehova”. KK 359.2

    Nguva dzose Satani ari kushingaira kuti vanhu vatarise kumunhu pachinzvimbo chaMwari. Anotungamirira vanhu kuti vatarise kumabishopi, vafudzi, vadzidzi vakuru veBhaibheri sevatungamiriri vavo, pane kuzviverengera nekuzvitsvakira muBhaibheri kuti vadzidze zvavanofanira kuita. Kana Satani abata pfungwa dzevatungamiriri ava anochikonzera vazhinji kuti vaite zvaanoda.KK 359.3

    Kristu paakavuya kuzotaura mashoko ehupenyu, vanhuvo zvavo vakamuterera vachifara, nevazhinji pakati pevaprista nevatongi vakatenda maari. Asi vakuru vakuru pakati pevaprista nevatungamiriri venyika vakazvimisira kuzvidza nekusatenda dzidziso dzake. Kunyange vaitadza nguva zhinji kumuwanira mhosva, kunyange vainzwa simba redenga nehuchenjeri hwekudenga mukubata nemumashoko ake, asi vamwe vakaramba dzidziso yake nekuda kwekusangomufarira, nekumushora, vakasarudza kutsinzinira huchapupu hwaiva pachena hwekuti aive Messia nekuti vakanga vasingadi kuva vadzidzi vake. Vaipikisa Jesu ava vaive varume vekuti vanhu vaidzidziswa kubva pahuduku hwavo, kuti vaifanira kuvakudza, vakavakudza nekuvateerera zvisina mubvunzo. Saka vaibvunza kuti, “Sei vakuru vedu nevanyori vakadzidza vasingatendi muna Jesu? Ko vatendi ava vaitadza sei kumugashira kana aiva Kristu? ” Kunyengerwa kwevadzidzisi ava kwakakonzera kuti maJudha arambe Mudzikinuri wavo.KK 359.4

    Mweya waisunda vaprista nevakuru ava uchiri kuvonekwa muvazhinji vanozviti vanamati vakasimba. Vanoramba kutsvaka muMagwaro chokwadi chakakosha ichi chenguva ino. Vanotarisa kuwanda kwavo, upfumi nemukurumbira wavo, votarisa nekushora vateveri vechokwadi kuti vashoma, vari varombo, vasina mukurumbira vane kunamata kunovaparadzanisa nevamwe vanhu vose. KK 360.1

    Kristu akazvivona kare kuti kuzvivunganidzira masimba kwevanyori nevaFarise kwakanga kusingazoperi nekuparara kweva Judha. Akavona neziso rechiprofita basa rekusimudzira masimba emunhu kusvikira pakutonga mafungiro nemavonero evanhu, chakazove chituko chikuru mukereke mumazera ose. Nekushora kwake kunotyisa kwevanyori nevaFarise neyambiro yake kuvanhu kuti vasatevera vatungamiriri ava vaiva mapofu, zvakanyorwa seyambiro kumazera aizotevera. KK 360.2

    Kereke yeRoma inoti vafundisi chete ndivo vane kodzero yekududzira Magwaro. Nechikonzero chekuti vafudzi voga vanonzi ndivo vanogona kutsanangura shoko raMwari, vanhuvo zvavo vanorambidzwa kuribata. Kana nepo vaparidzi veReformation (veshanduko) vakabatsira kupa Magwaro kuvanhu vose, tsika imwe chete yakachengetedzwa nemaRoma inotadzisa vazhinji vari mumakereke echiProtestant kuti vanzvere Bhaibheri voga. Vanodzidziswa kugashira dzidziso dzaro sekududzirwa kwaro nekereke. Uye kune zviuru zvisingadi kugashira kana chimwe chete zvacho kunyange chiri pachena sei muMagwaro, kana chichipesana nezvinodairwa kana zvinodzidziswa nekereke yavo. KK 360.3

    Kana nepo Bhaibheriwo rizire neyambiro pamusoro pevadzidzisi venhema, vazhinji vakasununguka kuisa kuchengetedzwa mweya yavo kuvaFundisi. Kune vanoti vanonamata vakawanda kwazvo vasina zvimwe zvikonzero zvavanopa zvekutenda kwavanoita kunze kwekungoti vakazvirairwa nevatungamiriri vavo vezvekunamata. Vanosiya dzidziso dzaJesu, vachiita sevasingadzioni vachitsamira zvakasimba pamazwi evaFundisi. Ko vaFundisi havatadziwo here. Tingaisa mweya yedu kuhutungamiri hwavo seiko kunze kwekuti tazvivona mushoko raMwari. Kuti ivo vane chiedza? Kushayiwa kushinga kusiya nzira yakapfumbira yenyika zvaita kuti vanhu vakawanda vatevere matsiko evarume vakadzidza kusada kwavo kuzvitsvakira kuti shoko rinoti chii kwavaita kuti vabatwe mumusungo wenhema zvisina tariro yekupukunyuka. Vanovona kuti chokwadi chenguva ino chinonyatsobudiswa pachena muBhaibheri uye vanonzwa simba raMweya Mutsvene richiperekedza panoparidzwa shoko, asi vanobvumira kupikisa kwevafundisi kuvabvisa muchiyedza. Kunyange pfungwa nehana dzavo zvabvuma kuti ichokwadi, vanhu vakanyengerwa ava vanotya kufunga zvinopesana nevafundisi vavo. Saka mavonere avo, nehupenyu hwavo husingaperi, zvinopararira pakusatenda, kuzvida nekushora kwevatungamiriri vavo. KK 360.4

    Satani anoshandisa nzira zhinji dzekuita vanhu nhapwa achishandisa vamwe vanhu. Anosungirira vazhinji kwaari kuburikidza nekuvasunganidza nekushanda kwerudo nevanenge vari mhandu dzemuchinjikwa waKristu. Hazvinei kuti kubatanidzwa uku ndekweruzhinji kunyange kuri kwemubereki kumwana kana kuti kwemwana kumubereki kana kwekuroorana, kana kwekugarisana, asi magumo acho mamwe chete, vanopikisa chokwadi vanoshandisa simba kutonga manamatiro emumwe, zvekuti vaya vari pasi pavo havana kushinga kwakakwana kana kusununguka kutevedzera zvavanonzwa muhana dzavo kuti ndizvo zvinofanira kuitwa.KK 360.5

    Chokwadi chaMwari nembiri yake hazvigoni kuparadzaniswa, hazvigoni kuti isu tine Bhaibheri, pamberi pedu kuti tigorumbidza Mwari nenzira dzisiri idzo. Vazhinji vanoti hazvina basa kuti munhu anotenda chii, kana hupenyu hwake hwakanaka chete. Asi hupenyu hunoumbwa nezvaunotenda. Kana chiedza nechokwadi zviri pedyo nesu, isu tichishaya hanya yekuzvinzwa nekuzvivona, tinopedzesera tangochiramba chokwadi chacho; tinosarudza rima pachinzvimbo chechiedza.KK 361.1

    “Munhu anoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzerufu” Zvirevo 16: 25. Kusaziva hakusununguri munhu kuti atende nhema kana kuita chitema, kana ipo paine mikana yose yekuziva kuda kwaMwari. Munhu kana achifamba osvika pamharadzano pane nzira dzakawanda, paine chibhakani chinomuudza kuti nzira imwe neimwe inoenda kupi. Kana akaramba zvinotaurwa nechibhakani ichii opinda munzira yaangangofunga zvake kuti ndiyo chaiyo zvisinei kuti akaperera zvakadii anofamba nenzira isiri iyo, igomuendesa kusiri iko. KK 361.2

    Mwari akatipa shoko rake kuti tizive dzidziso dzaro, nekuzvizivira toga zvaanoda kuti tiite. Pakavuya gweta kuna Jesu, nemubvunzo wake, “Ndingaitei kuti ndiwane hupenyu husingaperi?” Muponesi akamudzorera kuMagwaro achiti, “Murairo unoti kudii? Unoverenga sei” Kusaziva hakugoni kusunungura mukuru kana muduku, kana kuvadzivirira kuchirango chekusaterera mutemo waMwari, mumavoko avo mune bhuku rakatendeka rinotsanangura mutemo waMwari nezvimiso zvawo nezvisungo zvawo. Hazvina kukwana kungove neshungu dzekuita zvakanaka,hazvina kukwana kuti munhu aite zvaanofunga kuti ndizvo zvakanaka, kana zvaanovudzwa nemufudzi kuti ndizvo zvakanaka. Ruponeso rweMweya wake rwuri panjodzi, saka anofanira kunzvera Magwaro oga. Hazvinei kuti anenge achitenda zvakasimba zvakadii hazvinei kuti anotenda wake kuti mufudzi anoziva chokwadi zvakadii, iyi haisi nheyo yake. Ane nzira inezvibhakani zvose zvinonongedzera kwekufamba nako parwendo rwekudenga saka haafaniri kutombofembera pane chimwe chezvinhu izvi. KK 361.3

    Ndiro basa rekutanga repamusoro soro remunhu wose anofunga kuti azviverengere Mwagwaro oga kuti azive chokwadi, agozofamba muchiedza ichi, nekukurudzira vamwe kuti vatevere mumuenzaniso wake. Tinofanira kudzidza Bhaibheri zuva rimwe nerimwe nemwoyo wose, tichiedza pfungwa imwe neimwe, nekuenzanisa rugwaro nerumwe rugwaro. Nerubatsiro runobva kuna Mwari, tinofanira kuzvisarudzira zvatinoda kuita panyaya dzekunamata, sezvatichazvipindurira toga pamberi paMwari.KK 361.4

    Chokwadi chakanyatsoiswa pachena muBhaibheri, chakasangana nerima nekukahadzika kwakawanda nevanhu vakadzidza, ivo vachinyepera kuita sevane huchenjeri hukuru, vanodzidzisa kuti Magwaro ane zvimwe zvisinganzwisisiki, zvakavanzika, zvaanoreva zvemweya zvisingavonekwi pachena nemutauro wakashandiswa. Vanhu ava vadzidzisi venhema. Ndivo boka rakanzi naJesu, “hamuzivi Magwaro kana simba raMwari” Marko 12:24. Rurimi rweBhaibheri runofanira kududzirwa sezvarunoreva sezvazviri, kunze kwekuti paine mufananidzo kana chimwe chinomiririra zvakanyorwa. Kristu akapa chitsidzo, “Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva dzidziso dzaMwari” Johane 7:17. Kana vanhu vakatora Bhaibheri sezvarinotaura, kudai pasina vadzidzisi venhema vanovanyengera nekukanganisa pfungwa dzavo, basa raingapedzwa rinoita kuti vatumwa vafare,uye vaingaunza mudanga raKristu zviuru nezviuru nhasi zviri kudzungaira murima.KK 361.5

    Tinofanira kuisa masimba ose epfungwa dzedu mukudzidza Magwaro, tichiita kuti pfungwa dzinzwisise, kusvika patingakwanisa sevanhu, zvinhu zvakavanzika zvaMwari; asi tinofanira kurangarira kuti kupfava kwemwana muduku nekuzviisa pasi ndiwo mweya wechokwadi wemudzidzi wechokwadi. Zvakaoma kunzwisisa zvemuMagwaro, hazvigoni kunzwisisika nenzira dzakafanana nedzinoshandiswa mukupindura mibvunzo yenyika ino. Hatifaniri kupinda mukudzidza Bhaibheri nekuzvivimba kunoitwa nevazhinji mukudzidza kwayo zvesainzi, asi nekunamata kukuru nekutsamira pana Mwari, nechidiso chakaperera chekudzidza kuda kwake. Tinofanira kuuya tine mweya wakazvirereka unodzidzisika kuti tiwane ruzivo kubva kuna NDICHAVA IYE WANDICHAVA. Kana zvikasadaro vatumwa vakaipa vachapofumadza pfungwa dzedu nekuwomesa mwoyo yedu zvekuti chokwadi hachitibati.KK 362.1

    Ndima dzakawanda muMagwaro dzinonzi nevakadzidza chaizvo hadzinzwisisiki, kana kuti dzavanopfuvura vachiti hadzina basa, dzakazara nekunyaradza nekuraira kune uyo akadzidza muchikoro chaKristu. Chikonzero nei vadzidzi vakuru veBhaibheri vasinganzwisisi shoko raMwari zvakanaka ndechekuti, vanotsinzina meso avo kuchokwadi chavasingadi kurarama. Kunzwisisa Bhaibheri hakuna kutsamira zvikuru pakupinza kwenjere dzinoshandiswa mukudzidza, sezvingaitika kana munhu ane chinangwa chimwechete chekutsvaka kururama nemwoyo wose. KK 362.2

    Bhaibheri harifaniri kumbodzidzwa pasina munamato. Mweya Mutsvene oga ndiye anokwanisa kutiita kuti tinzwe kukosha kwezvinhu zvirinyore kunzwisisa, kana kutibatsira kuti tisaita mutsimba nechokwadi chakaoma kuzvinzwisisa. Ibasa revatumwa vekudenga kugadzirira mwoyo yedu kunzwisisa shoko raMwari zvekuti tibatwe nerunako rwaro, nekukurudzirwa neyambiro dzaro nekumutsiridzwa, nekupiwa simba nezvitsidzo zvaro. Kukumbira kwemunyori wePisarema kunofanira kuva kwedu, “Ndisvinudzei meso angu, kuti ndione Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurau wenyu” Pisarema 119:18. Miyedzo inoita seyakaoma kukurira nguva zhinji, nekuti nekusadzidza shoko raMwari nekusanyengetera, munhu anoyedzwa haagoni kukurumidza kurangarira zvitsidzo zvaMwari zvinomugonesa kumira achidzivisa Satani nenhumbi dzekurwa nadzo dzeMagwaro. Asi vatumwa vakakomberedza avo vanoda kudzidziswa zvinhu zvitsvene, nemunguva yekuedzwa kukuru, vanovarangaridza chokwadi chinodiwa panguva iyoyo. Zvino “kana muvengi achivuya Mweya waMwari uchasimuka serwizi runodira, runokukura” Isaya 59:19. KK 362.3

    Jesu akavimbisa vadzidzi vake, “Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nekukuyevudzirai zvose, zvandakareva kwamuri” Johane 14:26. Asi dzidziso dzaJesu dzinofanira kugara dzave mumwoyo kare, kuti Mweya waMwari akurangaridze munguva yenjodzi. “Shoko renyu ndakariviga mumwoyo wangu,” Davidi anodaro, “kuti ndirege kukutadzirai” Pisarema 119:11.KK 362.4

    Vose vane hanya neruponeso rwavo vanofanira kugara vakangwarira zvingangounza kutenda. Nheyo dzechokwadi pachadzo dzinozungunutswa. Hazvikwanisiki kurarama munhu asingasvikirike nekushorwa nenhema dzine vuchenjeri hwenyika ino pamwechete nedzidziso dzakavanda dzinoparadza dzekusatenda dzemazuva ano. Satani anoita kuti miyedzo yake ikwane mumapoka ose evanhu. Anozvisvitsa kune vasina kudzidza semusere kana sejee nekuseka kusina maturo, kune vakadzidza achienda nemibvunzo inoda huchenjeri hwenyika nemhinduro dzinobva musainzi achizviita kuti vanhu vashaye rutendo muMagwaro. Kunyange vechiduku vasati vaziva zvakawanda muhupenyu vanomutsa kukahadzika mumirairo yenheyo dzechiKristu. Kusatenda uku kunovuya kune vechiduku, kana nepo kusina midzi, kune simba. Vazhinji vanokonzerwa nako kuti vaseke kutenda kwemadzibaba avo, nekuita zvakapesana neMweya wenyasha, VaHeberu 10:29. Vazhinji vaifanira kuva ruremekedzo kuna Mwari nechikomborero munyika vakanganiswa nemweya wakaipa wekusatenda. Vose vanovimba nemweya wekuzvikudza munjere dzemunhu, nekufunga kuti vanogona kutsanangura zvakavanzika zvehuMwari, nekuwana chokwadi pasina rubatsiro runobva kuhuchenjeri hwaMwari, vanowira mumusungo waSatani.KK 363.1

    Tiri kurarama munguva yakaipisisa yenyika ino. Magumo evazhinji zhinji wenyika ino ave pedyo kusarudzwa. Remangwana redu, neruponeso rwevamwe vanhu zvakatsamira panzira yatiri kufamba nhasi uno. Tinofanira kutungamirirwa neMweya wazvokwadi. Muteveri waKristu wose akatendeka anofanira kubvunza, “Ishe munoda kuti ndiitei?” Tinofanira kuzvininipisa pamberi paJehova, nekuzvinyima zvekudya nekunyengetera, nekutora nguva tichifungisisa nezveshoko raMwari, zvikuru sei panguva yerutongo. Tinofanira kutsvaka hukama hwakasimba nezvinhu zvaMwari. Hatina kana nguva yatinofanira kurasikirwa nayo. Zvinhu zvinokosha zviri kuitika pakati pedu; tiri panzvimbo yakaroiwa naSatani. Musarara, varindi vaMwari; muvengi akamirira mukana ari pedyo pedyo, akamirira kuti ingava nguva ipi zvayo, ukangoshaya simba nekukotsira zvishoma, anoda kukusvetukira nekukuparadza.KK 363.2

    Vazhinji vanonyengedzwa pamusoro pechimiro chavo chaicho pamberi paMwari. Vanozvikorokotedza pamusoro pezvakaipa zvavasina kuita vachikanganwa kuverenga zvakanaka nezvinorumbidzwa zvavanotarisirwa naMwari kuti vaite, asi zvavasina kuita. Kungova kwavo miti iri mumunda waMwari hazvina kukwana. Vanofanira kuita zvaanotarisira nekubereka michero. Anovapa mhosva yekusaita zvose zvakanaka zvavaikwanisa kuita, kuburikidza nenyasha dzake dzichivapa simba. Mumabhuku ekudenga vakanyorwa sevatambudzi vemunda. Asi kana kune ivava kuchine tariro. Kwavari nekune avo vakashaya hanya nemutsa wake nekushora nyasha dzake, mwoyo murefu wake weRudo uchiri kudaidzira. “Saka iye unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu achakupa chiedza. Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, . . . mungwarire nguva yenyu, nekuti mazuva akaipa” VaEfeso 5:14-16. KK 363.3

    Kana nguva yekuedzwa yasvika, vose vakatora shoko raMwari semurairo wekurarama nawo vachavonekwa. Muzhizha hapana musiyano pakati pemiti isingadonhedzi mazhizha nemimwe miti; asi kana chirimo chave kuuya, inoramba yakasvibira haishanduki, mimwe miti painenge ichidonhedza mazhizha ayo. Saka anonyepera kunamata haangagoni kuvonekwa kusiyana kwake neMukristu akaperera nhasi, asi nguva yatosvika pachavonekwa kusiyana kwavo. Regai vanopikisa vavepo, regai ruvengo nekuzvikudza kubate hushe, regai kutambudzwa nekushungurudzwa kwevatsvene kutange, avo vasina kutenda chaiko nevainyepera kunamata vachawira pasi nekusiya kutenda, asi Mukristu wechokwadi uchamira akasimba sedombo, kutenda kwake kuchitowedzera kusimba, tariro yake ichitowedzera, kupfuvura munguva yerugare. KK 364.1

    Muimbi anoti: “Nekuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.” “Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema” Pisarema 119: 99, 104. KK 364.2

    “Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, naiye munhu, anowana njere.” “Nekuti uchava semuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rekusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko” Zvirevo 3:13; Jeremia 17:8.KK 364.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents