Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 38—YAMBIRO YEKUPEDZISIRA

    “Ndakaona mumwe Mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ikavhenekwa nokubwinya kwake. Akadaidzira nezwi guru, achiti, ‘rawa rawa Bhabhironi, guta guru, rakaita nzvimbo inogara mweya yakaipa, rakaita jeri remweya inotadza, nenzvimbo yekugara yeshiri dzose dzakasviba uyezve dzakavengwa!’ ‘Ndakanzwa zvekare rimwe izwi richibva kudenga richiti ‘budai muguta iri vanhu vangu, pamwe mungaita mugove muzvitema zvaro, mozowirwa nematambudziko aro.’” Zvakazaruwa 18:1,2,4.KK 365.1

    Gwaro iri rinonongedzera kunguva yekuwa kweBhabhironi kwakataurwa nemutumwa wechipiri munaZvakazarurwa 14:8 apo kuwa kweBhabhironi kuchadzokororwa, pamwe nekuwedzera kwekutaurwa kwezvakaipa zvirikupinda mumabato akasiyana-siyana ari muBhabhironi kubva pakapihwa shoko muna1844. Kuipa kukuru munyaya dzekutenda kunotsanangurwa. Mukuramba chokwadi mifungo yevanhu ichaipa, moyo yavo ichawedzera kuoma, kusvika vaoma moyo kusvika pakugumisira. Mukusateerera kuraira kwakapihwa naMwari, vacharamba vachityora mumwe wemitemo yaMwari kusvika pakutambudza vanochengeta mutemo iwowo. Mukuzvidzwa kweshoko raMwari pamwechete nevanhu vake, Kristu ndiye anenge achizvidzwa iye pachake. Makereke mukugamuchira kuti vakafa vanotaura nevapenyu kunenge kuri kudzorwa kwemoyo inoda zvepanopasi kunobviswa mhiko yechitendero inoshanda kuvharidzira chitema. Kutenda mumweya yemuchadenga kunovhurira mweya yakaipa musuwo pamwechete nedzidziso dzaSatani nekudaro kubata kwemweya yakaipa kunooneka mukereke.KK 365.2

    Bhabhironi mukutaurwa kwaro muchiporofita inonzi “zvivi zvake zvakasvika kudenga Mwari akarangarira kudarika kwake.” Zvakazarurwa 18:5. Yakazadza mukombe wezvivi zvayo naizvozvo igere kuparadzwa. Asi Mwari achinevanhu vake muBhabhironi, naizvozvo asati arova Bhabhironi vakatendeka vake vanofanira kudanwa kuti vabudemo, varege kuva nemugove nezvitema zvavo uye “vasatambudzwe pamwechete neBhabhironi.” Naizvozvo chiitiko chakamirirwa nemutumwa akabva kudenga achivhenekera nyika nembiri yake nekusheedzera nezwi guru rine simba achitaura zvivi zveBhabhironi. Maererano neshoko rake, kudana kunonzwikwa: “budai imomo vanhu vangu.” Mashoko aya pamwechete neemutumwa wechitatu anotaura nezvechenjedzo yekupedzisira ichapihwa vagari vepanyika.KK 365.3

    Nyaya ichaunzirwa nyika inotyisa kwazvo. Masimba epano pasi achibatana kuita hondo nemitemo yaMwari vachataura kuti “vose vakuru, vapfumi, nevarombo, vakasungwa nevatapwa.” Zvakazarurwa 13:16. Vanofanira kuteedza mitemo yekereke kuburikidza nekuchengetwa kwesabata renhema (musi weSvondo).Vese vacharamba kuteerera mitemo iyi vachatambudzwa zvikuru. Pakupedzisira vachanzi vanofanira kuuraiwa. Nerimwe divi mitemo yaMwari inosanganisira kuchengetwa kweSabata inofanira kuteererwa ichizosimudza hasha dzaMwari kune vasingateereri.KK 365.4

    Aninani achatyora mitemo yaMwari achiteera mitemo yemunhu achagamuchira mufananidzo wechikara, anogamuchira chiratidzo chekuteerera masimba aasarudza kuteerera asiri aMwari. Chiziviso kubva kudenga ndechekuti: “kana munhu akanamata chikara nemufananidzo wacho kana kugamuchira mufananidzo wacho, pahuma kana paruoko rwake iyewo uchanwa waini yehasha dzaMwari isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake.” Zvakazarurwa 14:9,10.KK 365.5

    Hakuna munhu anofanira kutambudzwa muhasha dzaMwari kunze kwekuti anzwa shoko rake iye owomesa moyo wake. Pane vazhinji vasina kuwana mukana wekunzwa chokwadi chinokosha ichi chenguva ino. Kuchengetwa kwemutemo wechina havana kumbokunzwa. Iye anoverenga moyo achiedza nzira dzese haasiye munhu ane chidikwadikwa chekuziva chokwadi achinyengerwa munguva ino yehondo nemuvengi. Mutemo hausi kuzodzvanyirira vasingazive chokwadi nechakaipa. Munhu wese achange ane chiedza chichaita kuti iye asarudze zvaarikuda. KK 366.1

    Kuchengetwa kweSabata ndiko kucharatidza kutendeka kwevatendi nekuti ndipo pane kutsungirira kwevatendi sezvo paripo panoda kuyedza kushandurwa naSatani. Kuyedzwa kwekupedzisira pakuchaunzwa kuvanhu ndipo pachaonekwa vanorumbidza Mwari pamwechete nevasingamurumbidze. Mukuchengetwa kweSabata renhema pamwechete nemitemo yenyika vachipikisana nemutemo wechina munhu anenge achiteedzera masimba anopikisana naMwari, kuchengetwa kweSabata razvokwadi mukutererwa kwemutemo waMwari chiratidzo chekutendeka kumusiki. Avo vanoteerera masimba epasi pavanowana chiratidzo chechikara vamwe vachiterera Mwari vanogamuchira chisimbiso chaMwari.KK 366.2

    Vaparidzi veshoko rengirozi yechitatu vanoonekwa sevaparidzi vemhangamhanga. Kutaura kwavo pamusoro pekuti kusatererwa kwechokwadi kuchatangira kuUnited States pamwe nekuti masimba enyika neekereke achabatanidzwa vatambudze avo vanoterera mitemo yaMwari. Kwakashevedzerwa sekupenga uye kusina basa. Kwakataurwa zvakasimba kuti nyika ino haisi kuzova kunze kwezvairi—mumiriri wekusununguka kwekunamata. Mubvunzo wekushandurwa kwezuva rekunamata reSabata zvaunotyisa nekutambudza vazhinji asi chiitiko chekushandurwa kwemusi wekunamata zvausingatendwe nevazhinji kwenguva refu chava kusvika naizvozvo shoko rengirozi yechitatu richaisa shanduko yaraisakwanisa kuisa.KK 366.3

    Panguva dzose Mwari akatumira varanda vake kuzobvisa zvitema zvese munyika nemukereke. Asi vanhu vanoda zvinhu zvinofadza moyo yavo vacharamba chokwadi. Vaparidzi vakawanda mukupinda kwavo mubasa raMwari vaiva neshungu dzekubvisa zvivi mumakereke pamwechete nemunyika. Vaiva netariro yekuti kuburikidza nekurarama hupenyu hweChikristu hwakanaka vachadzorera vazhinji kuzvidzidzo zveBhaibheri. Asi mweya waMwari wakauya pamusoro pavo sezvawakaita kunaEria uchimushandisa kuzivisa mambo zvivi zvavo nevanhu vake—havana kumira kuparidza chokwadi cheBhaibheri, zvokwadi yavaisada kutaura nezvayo panguva yakapfuura. Vakava nechido chekuparidza chokwadi pamwechete. Vakasundwa vakava nechido chekuparidza chokwadi, nedambudziko raiva pamberi pevanhu. Shoko ravakanga vapihwa naMwari,v akaritaura vasingatyi kuurayiwa, vanhu vakava neshuwiro yekunzwa mashoko echenjedzo.KK 366.4

    Nekudaro shoko rengirozi yechitatu richaparidzwa. Mukuswedera kwenguva yekuti ripiwe nesimba guru, Mwari achashandisa midziyo yakazvininipisa, achitungamirira pfungwa dzevanozvipira kubata basa rake. Vashandi vachapinzwa pabasa nekuzadzwa neMweya Mutsvene kwete nekudzidza muzvikoro. Vanhu vanotenda nekunamata vachasundwa kuti vaende nemoyo unoda vachiparidzira shoko ravakapihwa naMwari. Zvitema zveBhabhironi zvichaiswa pachena. Magumo anotyisa ekuisa kuchengetedzwa kwekereke nemasimba enyika, nenzira dzekutaura nevakafa, kukurumidza kwebudiriro yekugadzwa kwemasimba echiroma (chikara) kuchaiswa pachena. Mashoko echenjedzo achashungurudza vanhu. Mazana emazana vachaterera vanenge vasina kumbonzwa mashoko akadai. Mukushamisika vanonzwa huchapupu hwekuti bhabhironi ndiyo kereke yakawa nekuda kwezvivi zvayo nekudarika kwayo, nekuda kwekuramba chokwadi chakabva kuna Mwari. Vanhu vachaenda kuvadzidzisi vavo vekare nekutsvakurudza kukuru, “ndizvo here zvinhu izvi?” Vaparidzi nevadzidzisi vavo vachavaudza nyaya, mifananidzo nehuporofita hunonyengera, kuti vavanyaradze mukutya kwavo nekunyaradza pfungwa dzinenge dzavakutsvaga ruponeso. Asi vazhinji mukuramba kwavo kugutsikana nemasimba emunhu vachati “ndizvo zvinotaurwa naMwari,” hubati hune mbiri semaFarise vekare vachazadzwa nekutsamwa kwekuyedzwa kwemasimba avo vachati mashoko aSatani vachifadza vazhinji vanoda zvivi vachivasimudzira kuti vatambudze vaparidzi veshoko raMwari. Mukukura kwehondo ichipinda munzvimbo itsva nemupfungwa mevanhu vanoda kuparadza shoko raMwari. Satani anofara. Simba riri mushoko richatsamwisa avo vanoripikisa. Masimba achaisa mamwe masimba makuru kuti vaedze kuvharira chiedza vachiti pamwe chinogona kuvhenekera vanovatevera. Nenzira dzose dzavanogona vachazama kumisa nhaurirano dzemibvunzo yakakosha. Kereke ichakumbira masimba enyika, nekudaro vatungamiri venyika neveKereke vachabatana. Mukuswedera kwekuchengetedzwa kwezuva reSvondo kereke ichawana simba, mitemo ichaiswa kuti vanochengeta Sabata vatambudzwe pamwechete nekuiswa mumatirongo, vamwe vacho vachapiwa mibairo nezvinofadza moyo senzira yekubvisa kutenda kwavo asi mhinduro yavo yakatendeka ndeyekuti “titaridzei mushoko raMwari kuti kukanganisa kwedu kuri papi?”—zvakafanana nezvakambokumbirwa naLuther apinda mubipi rakangofanana neiri. Avo vanomiswa mumatare edzimhosva vachimirira kutenda kwavo, vamwe vachanzwa vachasundwa kusiya zvakaipa kuti vatevere mirairo yaMwari. Naizvozvo chiedza chichaunzwa pamberi pevanezana vasingazive chokwadi ichi.KK 366.5

    Vateveri veshoko raMwari vachaonekwa sevapanduki. Mukuvaraidzwa naSatani, vabereki vachaitira hasha kuvana vanotenda muna Mwari. Vatungamiri vachadzvanyirira vashandi vavo vanochengeta shoko raMwari. Kunzwirana kucharega kuvapo, vana vachanyimwa nhaka vachidzingwa pamba. Mashoko aPauro achazadzikiswa: “zvino navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa.” 2 Timotio 3:12. Vamiriri vechokwadi mukuramba kwavo kuchengeta musi weSvondo, vamwe vachabatwa sevaranda. Mukufunga kwemunhu zvese izvi zvinoita sezvisingaitike, asi Mweya waMwari wekudzora paunobva pavanhu vachava vachishandiswa nasatani uyo anovenga mitemo yaMwari, naizvozvo kuchava neshanduko dzisinganzwisisike. Moyo unogona kuipa kana kutya Mwari nerudo zvikabviswa.KK 367.1

    Mhepo huru painoswedera, vazhinji vakatenda shoko rengirozi yeChitatu asi vasina kuzadzwa nekuterera chokwadi vachasiya nzvimbo dzavo voshanda pamwechete nevanopikisa shoko raMwari. Mukubatana nenyika nekudyidzana nemweya yayo, vanoona semaonero enyika; zvino kuedzwa pakunouya, vakagadzirira kusarudza nzira iri nyore, yevanhu vazhinji. Vanhu vane zvipo, vanotaura zvinodakadza, vaimbofarira chokwadi vachashandisa masimba avo kurasa vazhinji. Vanobva vava vavengi vakuru vevavaitenda navo zvimwechete. Apo vachengeti veSabata pavanoiswa mumatare edzimhosva nokudza kwekutenda kwavo, Munguva iyi yekutambudzwa, kutenda kwevaranda vaMwari kuchayedzwa, mukutendeka vachapiwa mashoko eyambiro, vakatarira kuna Mwari neshoko rake bedzi. Pakutaura kwavo vachange vachidzorwa neMweya waMwari uyo unovapa simba kuti vaite basa vasingatye kutambudzwa vachiparidza shoko raMwari. KK 367.2

    Havakoshese zvido zvavo kana mazita nehupenyu hwavo asi vanozvipira kuita kuda kwaMwari. Panosimuka mafunge anovarwisa nekushora achiputika pamusoro pavo, vamwe, nekuda kwekuwandirwa nekutsimbirirwa vanoti ” dai takawona zvaizouya kuburikidza nemashoko edu , tingadai takangonyara.” Vanokomberedzwa nezvinorema, Satan anovashungurudza nemiyedzo inotyisa kwazvo. Basa ravakatanga rinotanga kuwoneka serakawoma ringambopedzeke. Vanotyisidzirwa nekuparadzwa, simba nerudo rwekuita basa raMwari rinotuwidzwa, asi havagone kuchadzokera shure. Vachinzwa kushaya simba, nekuva sekunge pasina chavamobatsira vanomhanyira kuna Mwari wamasimbaose kuti vawane simba. Vanorangarira kuti mashoko avakamga vachitaura akanga asiri avo, asi auyo akavati ipai chenjedzo. Mwari akaisa zvokwadi mumoyo yavo saka havangara vachitadza kuriparidza. Zvimwe chete izvozvo ndizvo zvakaitika kumhare dzevhangeri dzakararama shure kwavo ana Wycliffe, Huss, Luther, Tyndale, Baxter, Wesley, vakamge vachikutudzira kuti dzidziso dzose dzekutenda dzinofanira kuidzwa neshoko raMwari uyezve kwakuti vanoramba chese chinenge chisina humbowo hweshoko. Pamusoro pevarume ava kutambudzika kukuru kwakavapo muhupenyu hwavo, asi Havana kumira pakaumirira zvokwadi yaMwari. Kusiyana kwezvikamu zvenguva munhoroondo yesangano, chimwe nechimwe chinovaka pfungwa yakakosha yezvokwadi, zvichinobatana nezvinenge zvichidiwa naMwari panguva yakafanira. Kazhinjri chokwadi nzira yacho ineruvengo nekupikiswa kwakakura, avakaropfadzwa nechayedza ichochi vakayedzwa zvese nekuropafadzwa. Mwari anopa vana vake chokwadi kunyangwe vanhu varipakabatikana. Voramba kutsikisa chokwadi ichi kuti chishambadzirwe. Mwari oraira veranda vake kuti vaite rukoko rwetsitsi rwekupedzisira Kunyika. Havangarambe vakanayarara kunze kwekuti kana vachida ivo kuparara, vamiriri vaKristu havanga wirwi neshamhu idzi, vanofanira kungoita basa ravo vosiya mhinduro kunaJehovah.KK 367.3

    Apo bope rekukupikisa kufamba kwebasa rinonyanya kusimuka vabati ,mubasa raMwari vanoshamiswa; nekuti zvinoita sekunge ndivo vaunza dambudziko. Asi mifungo yavo neshoko raMwari zvinovataurira kuti varimugwara. Kunyangwe miyedzo ichiwanda vanosimbiswa kuramba vakabata kutenda. Apo mutambo unotsvuka ropa kutenda kwavo kusimuka pakubatikana kwenguva, huchapupu hwavo unoti ” hatingatambe neshoko raMwari, kupatsanura mutemo vwake mutsvene, vachiti umwe wakakosha umwe hauna kukosha kuti tiwane kufirwa nenyika,Ishe watinobatira anogona kuti dzinginura, Kristu wakakunda simba renyika;saka tingatya here nyika yakakundwa kare?”KK 368.1

    Kutambudzwa mukusiyana kwako imhodzi inokura nekurarama nekuda kwekuvapo kwaSatani asi Chikristu chine simba. Hakana mumhu anogona kukudza nekurumbidza Mwari kunze kwekunge asiya nekubuda musimba repikiso dzewakaipa. Munhu akadaro ngirozi dzewakaipa dzinomusona nemhake yekuti dzinoziva arimubasa ekubvisa vatadzi murufu kuvaunza muupenyu. Asi kana Jesu angora mumiriri wedu mutemberi yekumusoro, simba rekudzora raMweya mutsvene rinonzwikwa muVatongi nemuVanhu. Mweya waMwari uchiri kutonga mitemo yenzvimbo, dai yanga isiri mitemo iyoyi, chimiro chenyika chingadai chakaipa kudarika zvachiri. Apo vatungamiriri vedziNyika vakawanda vamiriri vaSatan, asi Mwari anevabati vake zvekare varipakati pevanotungamirira dzinyika. Muvenge anofamba pavabati vake kuti awone anagpinde sei pakuvhiringa basa raMwari; asi vabativenyika vanotya Mwari varipo kupikisa pfungwa idzodzo dzwewakaipa nesimba guru, ndizvo varume vashoma vakabata mhepo dzewakaipa . avo vanopikisa kuparidzwa kwechokwadi kweshoko rengirozi nhatu vanodziviswa kuti shoko riite basa raro. Pachapihwa chenjedzo yekupidzisira, ichabata pfungwa dzevatungamiri vazhinji vamwe vavo vachatendeuka vototanga kumira nevanhu vaMwari munguva yekutambudzika.KK 368.2

    Mutumwa ane basa rekubatanidza pakuparidzwa kweshoko rengirosi nhatu achapenyera nyika yese nekubwinya kwake. Basa repasi rese pano ndipo parinotaurwa nesimba risina chinokanganisa. Boka remaAdvent emakore a 1840-44 rakanga chiratidzo chembiri yesimba raMwari, shoko rengirozi yekutanga rakaenda kuna muvhangeri vanoenda dzimwe nyika, vakagona kuendesa vhangeri pasi tenderere.. kune dzimwe nyika kwasimuka cgidiso chikuru panezvekunamata kuma 16th century, asi izvi zvichakundwa nesimba reshoko richavapo pa shoko yengirozi yechitatu. Basa richada kungofanana nezuva riya (re pentecosti) apo mvura yekutanga yakapihwa, pakadururwa kwaMweya Mutsvene pakautangisa pekuparidzwa kwevhangeri, zvikakonzeresa kusimuka kwe mvura yekupedzisira iyo ichaiswa panyika pakuibva kwegoho. ” Ngatimuzive, ngatishingaire,kuziva Jehovah;kubuda kwake kwakatemwa sokwamangwanani achauya kwatiri semvura, semvura yekutevera inodiridza nyika.” Hosea 6:3 ” naizvozvo farai imi vana veZ oni, mufarise mubaJehovah Mwari wenyu, ; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nomvura yekutevera, nomwedzu wekutanga. Joeri 2:23. ” mwari vanoti namazuva okupedzisira, ndichadurura mweya wangu pamusoro pemyama yose,vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; majaya enyu acahawona zviratidzo, navatana venyu vacharota hope.” ” zvino kuchaitiaka kuti anai nani anodana zita raIshe acahaponeswa.” Mabasa 2:17,21KK 368.3

    Basa guru revhangeri harisi kupera nekuda kwe simba shoma asi nesimba guru raMwari kupfura rakaitika pakutanga kwaro. Zviporofita zvakazadziswa pakunaya kwemvura yekutanga, pakuvhurwa kwekuparidzwa kwevhangeri kunofanira kuzadzisa kunyangwe pakunaya kwemvura yekupedzisira. Ndidzo “nguva dzekuvandudzwa” apo muapostors Petro vachitarisira vanoti ” naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti mguva dzikusimbiswa dzinobva kunaIshe dzisvike.atume Kristu, iye Jesu akagadzwa kare nekuda kwedu. Mabasa 3:19,20KK 369.1

    Varanda vaMwari, nezviso zvavo zvichipenya nekutsaurwa kutsvene, vanofanira kuparidza nguva nenguva nzvimbo ne nzvimbo vachiparidza shoko kubva kudenga. Nezviuru zvemazwi pasi rese renyika chenjedzo ichapihwa kunyika, minana ichaitika,vanorwara vachapora, zviratidzi nezvishamiso zvichatevera vatendi. Satani achashandawo nekunyengera kwake, kunyamwe zvekudzikisa moto kubva kudenga pamberi pavanhu Zvakazarurwa 13:13 ipapo vanogara panyika vafanira kutora hugaro hwavoKK 369.2

    Shoko richafamba kwazvo kwete nenharo nekupikisana asi nesimba rezvokwadi raMweya Mutsvene. Nhaurirano dzenyaya dzaiswa pachena. Mhodzi yadyarwa, ikozvino ichamera yokura, yobereka zvibereko. Zvinyorwa zvaipihwa nema missionari zvine simba rakanyanya nesimba rekushandura pfungwa dzemunhu zvakakura, kunyangwe vazhinji vakadziviswa mupfungwa kunyatsogamuchira chokwadi chovasvitsa pakuterera. Ikozvino chayedza chinopinda pese pese, chokwadi chinowonekwa, kubatana kwemhuri, kugarisa zvemasangano. Chokwadi chakakosha kudarika zvose, kunevabati vazhinji vanorwisa chokwadi, asi vazhinji vanomira kurutivi rwaMwari.KK 369.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents