Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 1—SEMARIMI EKUPUTIKA KUKURU KUNOBVA PASI—KUPARADZWA KWE JERUSAREMA

    ______________________________________

    Imwe yetemberi dzakanakisisa mupasi rose. Guta rakanakisisa kupfuvura mamwe ose: Heino nyaya yekuparadzwa kweJerusarema muna A.D. 70, nemaRoma pasi paTito. KK 17.1

    Chakava chiitiko chinofadza kwazvo kuvaRoma; Ko maJudha chaivei? Pamusoro-soro pechikomo zasi kuneguta, mazhenje aiita semurazvo wemoto unobva pasi— Jerusarema, guta rakaidzwa kuchengetedzwa nemukuru wehondo yeRoma—asi rakapiswa rikaita madota haro, zvisinei nezvaingakwanisa kuitwa nemunhu kuridzikinura—nekuda kwechiprofita chakapiwa naJesu makore 39 akapfuvura.KK 17.2

    ______________________________________

    “Dai waiziva, zuva rino, zvinhu zvingakupa rugare! Asi zvino zvakavanzirwa meso ako! Nokuti uchasvikirwa nemazuva auchavakirwa nawo muchinjiziri nevavengi vako, vachakukomba, nekukumanikidza pamativi ose, vachakuparadzira pasi, iwe nevana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe, nekuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.” Ruka 19:42-44.KK 17.3

    Kubva pamusoro pegomo reMiorivi, Jesu akatarisa Jerusarema. Kunaka nerugare zvakange zvakatambanudzwa pamberi pake. Yakanga yave nguva yePasika, uye vana vaJakobo vakanga vabva kunzvimbo dzese vaunganira mutambo mukuru uyu wenyika yavo. Pakati pemapindu neminda yemizambiringa, nemitenu nemikwidza yakazadzwa nematende evafambi kwaivonekwa zvikomo nemizinda yeumambo, nerusvingo rukuru rweguta guru raIsraeri. Mukunda weZioni, ainge anotaura nekuzvikudza achiti, “Ndigere samambokadzi, handisikuzoshungurudzwa; murunako saizvozvo,” achizviona akachengeteka mukufadza Denga, sezvazvaive makore ekare kare, vaimbi vehumambo vachiimba:KK 17.4

    “Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wepasi pose, ndiro Gomo reZioni, ... guta raMambo mukuru.” Pisarema 48:2. Zvivaka zvetemberi zvakaisvonaka zvichinyatsoonekera. Maranzi ezuva richivira aivheneka kuchena kunenge kwechando, kwezvidziro zvematombo akaisvonaka, nekubwinya kwaro kuchivonekwa pa goride resuwo guru nechiruvi chetemberi.KK 17.5

    “Kuperera kwerunako” rakamira riri chidadiso cherudzi rwaJuda. Mwana upi waIsrairi aingatarisa zvakadai akasafadzwa, nekuyemura! Asi Jesu aitove nedzimwe pfungwa dzakasiyana zvachose mumwoyo make “zvino akati aswedera pedyo, akaona guta, akachema pamusoro paro.” Ruka 19:41. Mukati mekupemberera, kwavose, kupinda kwemukundi, mapazi emichindwe achizeeretswa, mahosana achimutsa maungira muzvikomo, nezviuru zvemazwi zvichidaidzira kuti Iye ndimambo, pakarepo Mudzikinuri wenyika akazadzwa nekusuruvara kunoshamisa. Iye, Mwanakomana waMwari, Akavimbiswa waIsrairi, anesimba rainge rakunda rufu nekudaidza vasungwa varwo kubva muguva, aive nemisodzi, kwete yekungorwadziwawo zvako. Asi yekurwadziwa kusingavanzike.KK 17.6

    Misodzi yake yakanga isiri yekuzvichema iye, kunyange aizivakwainaga tsoka dzake. Pamberi pake paive neGetsimane, nzvimbo kwaaizotambudzikira mumwoyo. Suwo remakwai zvakare raionekwa, iro kwemazana emakore raipinzwa naro zvibairo, raAizozarurirwawo Iye, “ achitungamirirwa segwayana kunobaiwa.” Isaya 53:7. Karivari, nzvimbo yemichinjikwa, yaisavekure. Munzira iyo Kristu aizofamba, aifanira kuwirwa nekurema kwerima guru apo aizozvipa sechibairo chechivi. Kusiri kufungisisa nezviitiko izvi kwaiisa mumvuri wekusuwa paAri, panguva iyi yemafaro. Hakusi kuremerwa nekurwadziwa Kwake iye kunopfuvurisa kwevanhu kwakakwidibira mweya wake Iye wekusazvitsvakira zvake. Akachemera zviuru zve Jerusarema — nekuda kwehupofu nekusatendeuka kwevaakanga auya kuzokomborera nekuponesa.KK 18.1

    Nhoroondo inopfuura chiuru chemakore, yekunatsirwa kwaka tsanangurika nekuchengetedzwa naMwari, zvaiburitswa kuvasarudzwa vake zvaiva pachena kuna Jesu. Kwaiwe neGomo reMoria, apo mwanakomana wechipikirwa, asingarambe, akanga ambosungwa akaiswa paaritari-ari munongedzo wechibairo cheMwanakomana waMwari. Genesi 22:9. Ipapo, sungano yechikomborero, chipikirwa chaMesia, yakasimbiswa kunababa vevakatendeka. Genesi 22:16-18. Ipapo moto wechibairo uchikwira kudenga uchibva paruware rwaipurirwa naOnani wakatendeutsira kurutivi munondo wengirozi yekuparadza (1 Makoronike 21) — mufananidzo wakakwana waMuponesi wekubaira nekumiririra vanhu vane mhosva. Jerusarema rakanga raremekedzwa naMwari kudarika nyika yose. Tenzi akanga “ asarudza Zioni,” Akanga “arida kuti rive hugaro hwaKe.” Pisarema 132:13. Ipapo, kwemakore mazhinji, vaprofira vatsvene vakanga vaparidza mashoko avo eyambiro. Ipapo vapirisita vakanga vazunzira hadyana, negore rerusenzi pamwe chete neminamato yevainyengetera, rakanga rakwira pamberi paMwari. Ipapa zuva nezuva ropa remakwayana aivuraiwa rakanga rapirwa, richinongedzera kuGwaiana raMwari. Ipapa Jehova akanga azviratidza mugore rekubwinya pamusoro pechigaro chemutsa. Ndipo paizororera chitsiko chemanera aibatanidza pasi nekudenga. (Genesi 28:12; Johane 1:51) — manera ayo ngirozi dzaMwari dzaidzika nekukwirira nawo, akazarurira nyika nzira yekupinda munzvimbo tsvene tsvene.KK 18.2

    Dai Israeri akachengetedza ruremekedzo rwake kuDenga, Jerusarema ringadai raka mira narini riri musanangurwa waMwari. Jeremia 17:21-25. Asi nhorowondo yevadikanwa vaMwari ava yakava rungano rwekudzokera shure nekupanduka. Vakanga varamba nyasha dzeDenga nekuzvidza rombo rakanaka ravaive vapiwa, vakatambisa mikana yavo.KK 18.3

    Kunyange Israeri yakanga “yatuka vatumwa vaMwari, nekushora mazwi Ake, nekusoropodza vaprofita” (2 Makoronike 36: 15, 16), Mwari akanga azviratidza kwavari, sa “Jehova Mwari, anenyasha nengoni, ane mwoyo murefu, azere nekunaka nechokwadi” Eksodo 34: 6; zvisinei nekumuramba kazhinji, nyasha Dzake dzakaramba dzichinyengerera. Zvinopfuura rudo rwababa rwunonzwira mwanakomana wavanochengeta, Mwari akanga “atuma yambiro kwavari nevatumwa Vake, vachimuka mwangwanani-ngwanani vachidzitumidzira, nekuti ainzwira vanhu Vake nenzvimbo yehugaro Hwake.” 2 Makoronike 36:15,16. Apo kudzivisa kose, kunyengerera, nekutsiura zvakanga zvakundikana, akavatumira chipo chakanakisa chekudenga; idi akadurura denga rese muChipo chimwe chete ichocho.KK 19.1

    Mwanakomana waMwari Pachake akatumwa kozonyengerera guta raisatendeuka. NdiKristu akanga auya naIsrairi semuzambiringa wakanaka kubva kuIjipita. Pisarema 80:8. Ruoko rwake pachake rwakange rwapotsera vahedheni kubva pamberi pake. Akanga aidyara “ pachikomo chaiburitsa michero kwazvo.” Isaya 5:1-4. Kuchengetedza kwake kwakanga kwakaripoteredza. Varanda Vake vakanga vatumwa kuzorirera. “Chii chimwe chingadai chaitirwa munda Wangu wemizambiringa, “Anodaro,” chandisina kuita mauri?” Isaya 5:1-4. Kunyange paakautarisira kuti ungabereke mazambiringa, iwo wakabereka mazambiringa emusango. (Isaya 5:1-4) asi neshungu dzaiva netariro dzekuwana michero akauya iye amene kumunda wake wemizambiringa, kuti pamwe ungadzikinurwa kubva kukuparadzwa. akautimbira; kaupemhenera nekuuda. Haana kuneta mukushigairirira kwake kuponesa muzambiringa waakadyara amene.KK 19.2

    Kwemakore matatu Tenzi wechiedza nembiri akanga achipinda nekubuda pakati pevanhu Vake. Aka “poterera achiita zvakanaka nekurapa vose vakanga vakadzvanyirirwa naDiabhorisi,” achibatanidza vaive nemwoyo yakapwanyika achisunungura vakanga cakasungwa, achisvinudza mapofu, achikonzeresa zvirema kufamba nematsi kunzwa, achichenura vaive nemaperembudzi, achimutsa vakafa, nekuparidza vhangeri kuvarombo. Mabasa 10:38; Ruka 4:18; Mateo 11:5. Kune vanhu vose aitaura rukoko: “uyai kwaNdiri, imi mose munoshanda, makaremerwa, uye ndichakupai zororo.” Mateo 11:28.KK 19.3

    Kunyange akaripirwa zvakanaka zvake nezvakaipa neruvengo panzvimbo yerudo rwake (Papisarema 109:5), akaramba akasimbira pachinangwa chake chekunzwira tsitsi. Hapana akarambwa kuna vose vaitsvaka nyasha dzake. Mufambi akanga asina musha, kushorwa nehurombo hwekupedzisira zviri pamusoro pake zuva rimwe nerimwe, airaramira kushandira kuti vanhu vawane zvinoraramisa, nekurerutsa nhamo dzevanhu, kuti avanyengetedze kuti vagashire chipo chehupenyu. Masaisai enyasha, aikavirwa kure nemwoyo mikukutu aidzokazve ave mananda enyasha nerudo rusingagoni kutsanangurika. Asi Israeri aiva atiza kubva kushamwari yake nemubatsiri wake mumwe chete oga. Kunyengerera kwerudo rwake kwaiva kwazvidzwa, kuraira kwake kwakarambwa nekusekwa, neyambiro dzake dzakashorwa.KK 19.4

    Nguva yetariro nekusunungurwa yaiva ichipfuvura nekukasika; mukombe wehasha dzaMwari wakamiswa kwenguva yakareba wasara paduku duku kuzara. Gore ranga richivungana kwemakore ekudzokera kumashure nekupanduka, ranga zvino rasviba razara nenhamo, roda kudzutukira pavanhu vane mhosva ava, zvekare Iye oga aigona kuvaponesa kubva munjodzi yaivuya iyi aiva ashorwa nekutarisirwa pasi, azvidzwa, nekua raguma. Kurasika ckana kwemweya mumwe chete itsaona isingagoni kana kuenzaniswa nepfuma yakaenzana nenyika yose, asi Kristu paaitarisa Jerusarema, kuparadzwa kweguta rose, kwenyika yose, kwakauya kuri pamberi pake, guta iroro, nyika iyoyo yakanga iri musanangurwa waMwari,-pfuma yake yakatsangurika.KK 19.5

    Vaprofita vakanga vachema nekudzokera shure kwaIsrairi, nekuparadzwa kunotyisa kwakasiyana-siyana kwavakanga vashanyirwa nako nekuda kwezvivi zvavo. Jeremia akanga amboshuva kuti dai meso ake aive chitubu chemisodzi, kuti aidai aizochema usiku nemasikati nekuda kwevakauraiwa vemwanasikana wevanhu vake, neboka raJehova rakatapwa. Jeremia 9:1; 13:17. Ko, kurwadziwa kwaive kukurusa sei kwaIye aigona kuona neziso rechiprofita kwete makore mashoma chete, asi mazera nemazera! Akaona ngirozi yekuparadza yakasimudza munondo kuguta raimbove hugaro hwaJehova kwenguva yakareba zvakadaro. Ari pakakwirira pechikomo cheMiorivi, panzvimbo chaipo paizomirwa naTito nehondo yake, panguva yaitevera, akatarisa mhiri kwemupata achiona dzimba tsvene dzetemberi nematenga adzo akaenda mudenga, nemaziso aive nemisodzo Akaona, zvinotyisa, madziro akakombwa nevarwi vemuvengi. Akanzwa mitsindo yehondo yaigadzirira kurwa. Akanzwa kuchema kwemadzimai nevana, vachichemera chingwa muguta rakakombwa. Akaona imba yaro tsvene, yakanaka, dzimba dzaro dzeumambo, dzichibvira, nepadzaiwe ari matutu ematongo aipfungaira.KK 20.1

    Achitarisa mazera nemazera aive mberi, Akaona vanhu vechipikirwa vachiparadzirwa pasi pese, “sezvimedu zvezvikepe pamahombekombe emugwenga.” Mukurangwa kwakanga kwave kuzowira pamusoro pevana varo, Akaona zvekutanga zvemukombe wehasha zvaraizomedza zvose parutongo rwekupedzisira. Kunzwira kwehuMwari, rudo rune shungu, zvakanzwikwa mumazwi ekuwungudza: “Jerusarema! Jerusarema! Iwe unovuraya vaporofita, nokutaka namabge avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inovunganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba!” Mateo 23:37.KK 20.2

    Haiwa iwe, rudzi rwakadiwa kudarika mamwe ese, ungadai wakaziva nguva yekushanyirwa kwako, nezvinhu zverugare rwako! Ndakamisa mutumwa wekururamisa, Ndakakudaidza kuti upinduke, asi hazvina kushanda. Havasi varanda chete, vakasarudzwa, nevaprofita, vawarambisisa, asi Mutsvene waIsrairi, Mudzikinuri wako. Kana ukaparadzwa, imhosva yako pachako. “Asi hamudi kuuya kwandiri kuti muve neupenyu.” Johane 5:40.KK 20.3

    MuJerusarema, Kristu akona muenzaniso wenyika yakasindimara mukusatenda nekupanduka, uye yaimhanyira kunosangana nekutonga nekuranga kwakakodzira kwaMwari. Matambudziko erudzi rwakaputsika, airemera mweya Wake, akamanikidza kuchema kwaivava kubva mumuromo Make. Akaona chivi chakanyorwa munhorowondo yekutambudzika kwevanhu nemumisodzi, neropa; mwoyo Wake wakasundwa nekunzwira kusina muganhu, kwekunzwira vaitambudzika nevairwadziwa mupasi; Aineshungu dzekuvasunungura vose. Asi kunyange ruvoko rwaKe rwaisagona kudzosera shure rushambwa rwevanhu; vashoma vaingatsvaka Iye oga aive rubatsiro rwavo. Akanga akazvipira kudurura mweya Wake kusvika parufu, kuti asvitse ruponeso pedyo navo; asi vashoma vaizouya kwaari kuti vave neupenyu.KK 20.4

    Mambo wedenga kuchema! Mwanakomana waMwari asina muganhu kunetseka mumweya nekukotamiswa nekurwadziwa kukuru! Chiitiko ichi chakazadza denga rose nekushamiswa. Chiitiko ichi chinoisa pachena kwatiri kukurisa kwekuipa kwechivi; chinoratidza kuoma kwazvakaita, kunyange kuSimba Risina Muganhu, kuti riponese mutadzi kubva mumatuso ekudarikwa kwemurairo waMwari. Jesu, achitarisa kusvikira kurudzi rwe kupedzisira, akavona nyika iri mukunyengerwa kwakafanana nekwakakonzeresa kuparadzwa kweJerusarema. Chitema chikuru chevaJuda chekuramba Kristu; chitema chikuru chemaKristu ndechekuramba mutemo waMwari, unove ndiwo hwaro hwehumambo Yake kudenga nepasi. Zvirevo zvaJehova zvaizotsoropodzwa nekuitwa chinhu chisina maturo. Mamirioni evanhu varimuhuranda hwechitema, varanda vaSatani, vachafa rufu rwechipiri, vaizoramba kuteerera mazwi echokwadi nezuva rekushanyirwa kwavo. Hupofu hunotyisa! Kushingaira kwavo mukunamata kune hupenzi nekurasika kunoshamisa!KK 21.1

    Mazuva maviri Paseka isati yasvika, apoJesu akanga abva mutemberi kekupedzisira, atsoropodza hunyengeri hwevatungamiriri vemaJudha, akaenda zvakare nevadzidzi Vake kuGomo reMiorivi akagara navo pamawere aneuswa akatarisana neguta. Akatarisisazve zvidziro zvaro, zviruvi zvaro zvirefu, nedzimba dzaro dzemadzimambo. Akatarisazve temberi nekunaka kwayo kwaitosvora, chishongo cherunako chaive korona yegomo rakatsanangurwa. KK 21.2

    Chiuru chemakore chakanga chapfuura, muimbi akanga arumbidza kuda kwaMwari Israiri, nekuita imba yake tsvene yehugaro Hwake: “PaSaremivo ndipo pane tabenekeri yake, nepaZioni vugaro hwake.”Pisarema 76:2. Aka “sanangura rudzi rwaJudha, negomo reZioni raakanga achida. Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira.” Pisarema 78: 68, 69. Temberi yekutanga yakanga yavakwa munguva yekubudirira kwakanyanyisa munhorondo yaIsrairi. Hupfumi huzhinji hwakange hwaunganidzirwa basa iri naMambo Davidi, uye mavakirwo ayo akanga arongwa nekuratidzwa naMwari. 1 Makoronike 28:12, 19. Soromoni, mambo akachenjera kudarika vose vakambotonga Israiri, ndiye akanga apedzisa basa iri. Temberi iyi yaive yakanaka zvakanga zvisati zvambovonekwa munyika. Asi Jehova akanga ataura nemuporofita Haggai, pamusoro petemberi yechipiri: “Kubginya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga.” “Ndichazunungusa ndudzi dzose, uye Chinotsvakwa nenyika dzose zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya: Ndichazadza imba ino nekubwinya, ndizvo zvinotaura Jehova wehondo.” Hagai 2:7, 9.KK 21.3

    Mushure mekunge temberi yaparadzwa naNebukadinezari, yakazovakwazve makore mazana mashanu Kristu asati aberekwa, nevanhu vakanga vakararama hupenyu hose vari nhapwa, vadzokera kunyika yakaparadzika zvekupotsa yaita dongo. Pakange paine vatana pakati pavo, vakanga vamboona mbiri yetemberi yaSoromoni, vakachema kwazvo pakuvakwa kwenheyo dzechivakwa chitsva ichi, kuti chakanga chakadarikwa nekure pakunaka nechekutanga. Ezra 3:12. Chimiro chaivepo chinotsanangurwa zvakasimba nemuprofita: “Ndiyani akasara pakati penyu, akaona imba ino pakubwinya kwayo kwekutanga? Zvino munoivona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sepasina here?” Hagai 2:3. Pakazopiwa chitsidzo chekuti kubwinya kweimba iyi yakapedzisira kuvakwa kwaizopfuvura kwekutanga.KK 21.4

    Asi temberi yechipiri yakanga isina kuenzana neyekutanga pakunaka; kana kuzadzwa nezvaivonekwa zvichiratidza kuvapo kwaMwari sezvaiva paneyekutanga. Hapana kuvonekwa masimba ekumatenga pakupirwa kwayo. Pakanga pasina gore rekubwinya raizadza senjuwari iyi yakanga yamiswa. Hapana moto wakabva kudenga kuzopisa chipisiro chaive paartari. Shekina (kubwinya kwaJehova) yakanga isisipo pakati pemakerubi munzvimbo tsvene tsvene; areka, chigaro chenyasha, nemahwendefa echipupuriro zvakanga zvisingawanikwimo. Hapana izwi raibva kudenga richivudza muprista aivhunza kuda kwaJehova.KK 22.1

    Kwemazana emakore maJudha akanga achishingairira pasina kuratidza kuti chitsidzo chaMwari chakapiwa naHagai, chakanga chazadziswa; asi kuzvida nekusatenda zvakapofumadza pfungwa dzavo kuchokwadi chairehwa nemashoko emuprofita. Temberi yechipiri haina kuremekedzwa negore rekubwinya kwaJehova, asi nekuvapo kwaIye mupenyu uyo anekuzara kwehuMwari mumuviri wake-akanga ari Mwari chaiye munyama. “Chidiso chemarudzi ose” akanga avuya zvirokwazvo mutemberi yake Murume weNazareta aidzidzisa nekuporesa mudzimba dzavo dzaiera. Kuburikidza naKristu, uye nekuvepo kwake chete, ndiyo chete nzira iyo temberi iyi yechipiri yakapfuvura yekutanga mukubwinya. Asi Israeri yakanga yaburitsapo Chipo Chedenga ichi. Nemudzidzisi akazvininipisa akanga apfuvura nepamasuo ayo endarama nezuva iri, mbiri yakanga yabva zvachose patemberi. Mashoko aMuponesi akanga atozadziswa kare, “Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.” Mateo 23:38.KK 22.2

    Vadzidzi vakanga vazadzwa nekushamiswa nekuvhunduswa nechiprofita chaKristu chekuparadzwa kwetemberi, uye vaida kunzwisisa zvakazara kuti mashoko ake airevei. Pfuma, basa, nehumhizha hwekuvaka zvakanga zvaiswapo kwemakore makumi mana (40) kugadzirisa runako rwayo. Herude Wemukurumbira akanga adirira pairi hupfumi hweRoma nehwemaJudha, kunyange nemutongi mukuru wepasi rose akanga aifumisavo nezvipo zvake. Matombo makuru machena, akanga akakura chaizvo, akanga abva kuRoma achiitirwa basa iri, akanga aripovo pamudhuri uyu; uye kumatombo aya vadzidzi vakanga varatidza Tenzi wavo, vachiti, “tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!” Marko 13:1.KK 22.3

    Kumashoko aya, Jesu akapa mhinduro yakasimba inovhundusa, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi ibwe pamusoro perimwe ibwe risingazowisirwi pasi.” Mateo 24:2.KK 22.4

    Vadzidzi vaifunga kuti kuparadzwa kweJerusarema chaive chimwe chezviitiko zvekuuya kwake mukubwinya kuti azotora hushe hwenyika yose, kuzoranga maJudha akanga asina kururama nekusunungurwa kwavo kubva kujoko revaRoma. Tenzi akanga avataurira kuti aizovuyazve kechipiri. Saka pakutaura kutongwa kweJerusarema, pfungwa dzavo dzakadzokera kunyaya yekudzoka kwake; saka pavakavungana panaMuponesi paGomo reMiorivi, vakavhunza, “tivudzei kuti izvozvo zvichagova riniko? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechekuguma kwenyika chichava chipiko?” Mateo 24:3.KK 22.5

    Remangwana rakavanzwa kuvadzidzi nekuda kwenyasha. Kudai vakanzwisisa zvakazara zvinhu zviviri zvakaipisa zvaizoitika-kutambudzika nekufa kweMudzikinuri wavo, nekuparadzwa kweguta ravo netemberi yavo,-vangadai vakazadzwa nekutya. Kristu akavataurira zvinhu zvikuru zvinokosha zvaizoitika nguva isati yapera. Mazwi ake haana kunyatsonzwisisikwa panguva iyi; asi zvaaireva zvaizoziviswa kuvanhu vake pavaingada kuzorairwa munezvaakataura. Chiprofita chaakataura chaiva nezvinhu zviviri zvachaireva: zvaisanganisira kuparadzwa kweJerusarema, nezviitiko zvinotyisa zvemazuva ekupedzisira.KK 22.6

    Jesu akataura zvakasimba kuvadzidzi vakanga vakaterera nerutongo rwaizowira pamusoro pevaIsraeri vakasiya kunamata, zvikuru sei kukurangwa kwekutsiva kwaivuya nekuda kwekuramba nekurovera kwavakaita Messia. Zviratidzo zvisingatadzi kunzwisisika zvaizotanga kuonekwa kuguma uku kusati kwasvika. Nguva iyi yaityisa zvakadai yaizovuya nekukasika vasingazvifungire. Muponesi akayambira vateveri vake: “Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yekuparadza yakarebwa nemuprofita Danieri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze). Zvino vari muJudea ngavatizire kumakomo.” Mateo 24:15, 16; Ruka 21:20. Zvino kana tsika dzekunamatwa kwezvifananidzo dzeRoma dzichiiswa munzvimbo tsvene, iyo yaitandavara kwemutunhu usingasviki maira kubva parusvingo rweguta, vateveri vaKristu vaifanira kupona nekutiza. Kana chiratidzo ichi chavonekwa, avo vanofanira kutiza havafaniri kunonoka. Munyika yose yeJudea, nemuJerusarema rose, chiratidzo chekuti vatize ichi chinofanira kuteererwa nekukurumidza. Uyo aingawanikwa aripamusoro peimba akanga asingafaniri kuburuka kumbopindazve mumba, kunyange kunotora zvinhu zvaikosha kwaari. Avo vaiwanikwa vachishanda vari mumunda vakanga vasingafaniri kudzokera kumba kunotora nguvo yekunze iyo yaibviswa kana munhu ari kushanda muzuva raipisa. Havafaniri kuzengurira kana paduku zvapo, kuti vasawirwa nekuparadzwa kwaizoitika kuruzhinji.KK 23.1

    Munguva yekutonga kwaHerude, Jerusarema rakanga risina kungonakiswa chete, asi nekuvakwa kweshongwe, rusvingo, nenhare, pamusoro pekusimba kwaraingove nako chisikirwe charo, rakave seguta rakanga risingakwanisiki kuparadzwa zvachose. Uyo aingataura nezvekuparadzwa kwaro munguva yaitevera, aingafananidzwa naNowa mumazuva ake, ainganzi ibenzi rinovhundutsira vanhu nezvisipo. Asi Kristu akati, “Denga nenyika zvichapfuvura asi mashoko angu haangatongopfuvuri.” Mateo 24: 35. Nekuda kwezvivi zvaro, hasha dzakanga dzadaidzirwa pamusoro peJerusarema, nekuomesa kwaro mwoyo rakanga rakonzera kuti kuparadzwa kwaro kusvike.KK 23.2

    Jehova akanga ataura zvakasimba kuburikidza naMika: “Chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru veimba yaJakobo, nevabati veimba yaIsraeri iyemi munosema kururamisa, nekuminamisa zvose zvakarurama. Munovaka Zioni neropa, uye Jerusarema nezvakaipa. Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vaprisita varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubairo, vaprofita varo vanovuka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuna Jehova vachiti, `Ko Jehova haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’ ” Mika 3: 9-11.KK 23.3

    Mashoko aya aitsanangura nemazvo huwori nekuzviita vatsvene kwavagari vemuguta reJerusarema. Vachiti vanochengeta mutemo waMwari zvakasimba, vakanga vachidarika zvimiso zvayo zvose. Vaivenga Kristu nekuda kwekururama nehutsvene hwake zvaiburitsa pachena kusarurama kwavo; vachimupomera mhaka yekuti ndiye aikonzera matambudziko akavawira nekuda kwezvivi zvavo. Kana nepo vaimuziva asina chitema, vakanga vapika kuti rufu rwake rwakanga rwakafanira kuti ivo vachengeteke serudzi. “Kana tikamurega achidaro,” vakadaro vatungamiriri vechiJudha, “vanhu vose vachatenda kwaari; nevaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu nerudzi rwedu.” Johane 11:48. Kana Kristu akapiriswa, vanogona kuvazve vanhu vakasimba vakabatana. Saka vakarangana, vakawirirana mukuita izvi nemuprisita wavo mukuru, kuti zvaive nani kuti munhu mumwe chete afe pane kuti rudzi rwose rupararare.KK 24.1

    Ndiko kuti vatungamiriri vechiJudha “vakavaka Zioni neropa, neJerusarema nekusarurama.” Asi pavaivuraya Muponesi wavo, nekuti aivatsiura pazvivi zvavo, uku ndiko kwaiva kuzviita vatsvene vachiti ivo ndivo vanhu vaidikanwa naMwari, vachitotarisira kuti Tenzi avadzikinure kubva kuvavengi vavo. “Naizvozvo,” anoenda mberi muprofita, Zioni richarimwa semunda nemhaka yenyu, Jerusarema richaitwa mirwi yemabwe, uye gomo reimba yaJehova senzvimbo dzakakwirira dzekudondo”, Mika 3: 12.KK 24.2

    Kwemakore anosvika makumi mana (40) kuparadzwa kweJerusarema kwataurwa naKristu Pachake, Jehova akanonoka kuburitsira rutongo rwake paguta iri nerudzi urwu. Mwoyo murefu waJehova unoshamisa wavakaitira vanhu ava vairamba vhangeri ravo, mhondi dzeMwanakomana waMwari. Mufananidzo wemuti wakanga usingabereki waimiririra zvaiitwa naMwari nerudzi rwevaJudha. Chirevo chakanga chapiwa, “uuteme, unotadzireiko pasi?” Ruka 13:7. Asi tsitsi dzedenga dzakanga dzaupa imwe nguva yekumborarama. Kwakanga kune vazhinji pakati pevaJudha vakanga vasingazivi nezvechimiro nebasa raKristu. Uye vana vakanga vasati vawana mikana kana chiedza zvakanga zvawanikwa nevabereki vavo vakazviramba. Kuburikidza nekuparidza kwevaapostora nevamwe vavo, Mwari aizoita kuti chiedza chivavhenekere; vaigona kuona kuti chiprofita chakazadziswa sei, musiri mukuzvarwa nehupenyu hwaKristu chete, asi nemurufu nerumuko rwakevo. Vana havana kupiwa mhosva yezvitema zvevabereki; asi neruzivo rwechiedza chose chakanga chapiwa vabereki vavo, vana vakaramba chimwe chiedza chavakanga vapiwa, vakave vagoverani muzvitema zvevabereki vavo, nekuzadza mukombe wekusarurama kwavo.KK 24.3

    Mwoyo murefu waMwari pamusoro peJerusarema wakangosimbisa vaJudha mukuwomesa kwavo mwoyo muzvivi zvavo. Muruvengo rwavo nehutsinye hwavo kuvadzidzi vaJesu, vakaramba rukoko rwekupedzisira rwenyasha. Mwari akabva abvisa ruzhowa rwake rwakanga rwakavadzivirira, nekubvisa simba rake raidzivisa Satani nevatumwa vake, nyika iyi ikasiiwa yave pasi pemutungamiriri wavakanga vasarudza. Vana vavo vakanga varamba nyasha dzaKristu, dzaivabatsira kukurira zvidiso zvavo zvakaipa, zvino zvidiso izvi zvikavakunda. Satani akamutsa shungu mavari dzakashatisisa dzinotyisa. Vanhu vakanga vasingachashandise pfungwa; kufunga kwakanga kwabva mavari,-vavekutungamirirwa nezvavainzwa munyama nehasha huru kwazvo. Vakave sadiaborosi chaiye muhutsinye hwavo. Mumhuri nemunyika , pakati pevepamusoro nevepasi zvakangofanana, pakanga paine kufungirana, godo, ruvengo, hondo, kumukirana, nekupondana. Hapana pakanga pachine kuchengetedzeka kose kose. Shamwari nehama dzaitengesana. Vabereki vaivuraya vana vavo, nevanavo vachivuraya vabereki vavo. Vatongi vevanhu vakanga vasisina simba rekuzvitonga ivo pachavo. Kusazvidzora pazvakaipa kwakavaita vadzvinyiriri. MaJudha akanga agashira huchapupu hwenhema kuti vapomere Mwanakomana waMwari akanga asina mhosva. Zvino kupomerana pasina mhaka kwakaita kuti hupenyu hwavo husava pakachengeteka. Nemabasa avo vakanga vagara vachiti, “bvisai Mutsvene waIsraeri pamberi pedu.” Isaya 30:11. Zvino zvavaida vakanga vazvipiwa. Kutya Mwari kwakanga kusingachavakanganisi zvino. Satani ndiye akanga ave kutungamirira nyika iyi, nevakuru munezve matongerwe enyika nevatungamiriri vezvekunamata vakanga vari pasi pesimba rake.KK 24.4

    Vaitungamirira mapoka aipikisana dzimwe nguva vaibatana mukuparadza nekurwadzisa vavanenge vabata, vachirwisana, nekuvurayana zvisina tsitsi. Kunyange kuyera kwetemberi hakuna kukwanisa kudzora hasha dzavo dzaityisa kwazvo. Vainamata vaiurairwa pamberi peartari, nesenjuwari ikasvibiswa nezvitunha zvevakanga vavuraiwa. Asi muhupofu hwavo nekumhura kwavo Mwari varongi vebasa iri rakaipisisa vaitaura pachena kuti vakanga vasingatyire kuti Jerusarema ringaparadzwa, nemhaka yekuti rakanga riri guta raMwari. Kusimbisa kubata kwavo, vakafufura vaprofita venhema kuti vaparidze, kunyange apo mauto eRoma aikomba temberi, kuti vanhu vamirire rudzikinuro rwaMwari. Kusvikira pekupedzisira, vazhinji vakabatirira padzidziso yekuti Wekumosoro- soro aizongomisa vavengi vavo nekuvakurira nenzira inoshamisa. Asi Israeri yakanga yaramba nekushora kudzivirira kwedenga, zvino apa yakanga isisina chidziviriro. Jerusarema risina rugare! Rakabvarurwa nekupesana kwaiva mukati maro, ropa revana varo vakanga vavurayana nemavoko avo rakanga ratsvukisa migwagwa yose yeguta apo mauto evavengi vekure vawisira pasi rusvingo rwaro rwechidziviriro nekuvuraya nemunondo varume varo vehondo!KK 25.1

    Zvose zvakanga zvaprofitwa naKristu pamusoro pekuparadzwa kweJerusarema zvakaita nemo nemo chaimo pasina kana chimwe chakasara. VaJudha vakavona chokwadi chaiva mumashoko ake ekuyambira, “nechiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho.” Mateo 7: 2.KK 25.2

    Zviratidzo nezvishamiso zvakavonekwa, zvichiratidza kuparara nenhamo huru. Pakati pevusiku pakavonekwa chiedza chisina kujairika pamusoro petemberi neartari. Mumakore kana zuva ravekudoka kwaivonekwa mifananidzo yengoro nevarume vehondo vachiunganira kunorwa. Vaprisita vaishumira mutemberi husiku vakatyiswa kwazvo nezvavainzwa zvakanga zvisina kujairika; nyika ikadengenyeka, mazwi mazhinji akanzwikwa achichema achiti, “Ngatibvei pano izvozvi.” Suwo guru rekumabvazuva, rakanga rakakura zvekuti raitonetsa kuvharwa nevarume vanosvika makumi maviri (20) kurivhara, uye rakanga rakabatwa nemasimbi akadzikwa mudombo rakasimba kwazvo raiva pasi, raizaruka pakati pevusiku, pasina mavoko aivonekwa. Milman, “History of the Jews,” Book 13.KK 25.3

    Kwemakore manomwe mumwe murume akavonekwa achikwira nekudzika mumigwagwa yeJerusarema, achidaidzira matambudziko aizowira guta. Husiku nemasikati akaimba rwiyo rwemariro:, “Izwi rinobva kumazuva! Izwi rinobva kumavirira! Izwi rinobva kumhepo ina! Izwi pamusoro peJerusarema netemberi! Izwi pamusoro pezvikomba nemwenga! Izwi pamusoro pevanhu vose!” Milman, “History of the Jews,” Book 13.KK 25.4

    Uyu munhu akanga asingazivikanwi kwaaibva akasungwa akarohwa neshamhu, asi hapana kunyunyuta kwakabva pamuromo make. Mukutukwa nemukuitirwa zvakaipa aingopindura achiti, “Nhamo, nhamo muJerusarema!” “nhamo, nhamo kuvagari vemo!” Kudaidzira kwake kwekuyambira hakuna kunyarara kusvikira pakuvuraiwa kwake mukukombwa kwaaiprofita.KK 26.1

    Hakuna kana Mukristu mumwechete akafa mukuparadzwa kweJerusarema. Kristu akanga apa vadzidzi vake yambiro, saka vose vakadavira mumashoko ake vakarindira chiratidzo chaakanga ataura. “Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo,” akadaro Jesu, “zivai kuti rodakuparadzwa. Musi uyo vari muJudea ngavatizire kumakomo; nevari pakati paro ngavabude; nevari kuruwa ngavarege kupindamo.” Ruka 21: 20,21. Mushure mekukombwa kwaro nemaRoma achitungamirirwa naKestiasi, vakazongosiya guta zvakanga zvisingatarisirwi kunyange zvose zvairatidzika sekuti vaigona kurikurira pasina kana dambudziko. Vakanga vakombwa, vakanga vasisina tariro zvachose yekuti vangakunda, vakanga vasvika zvino pekuda kuzvipira kuvavengi vavo, apo mukuru wemauto eRoma akadaidzira mauto ake kuti vadzoke kumashure pasina kana chikonzero chekuzviita. Asi tsitsi dzaMwari ndidzo dzakatungamirira kufamba kwezvimhu saizvozvo kuitira vanhu vake. Chiratidzo chakanga chavimbiswa chaiva chapiwa kumaKristu akanga akarindira, zvino mukana wakanga wazarurwa kunavose vaida, kuteerera yambiro yaMuponesi. Kuitika kwezvinhu kwakanga kuri muchimiro chekuti hapana muJudha kana muRoma aingadzivisa maKristu aida kutiza. Pakudzoka shure kwaKestiasi, maJudha akabuda muJerusarema , akadzingirira mauto aya akanga ave kudzokera kumashure; pakanga mauto aya ari mukati mekurwa kwakasimba, Makristu akawana mukana wekubuda muguta. Panguva iyi mumamisha makanga mabviswa vavengi vaingakanganisa avo vaitiza. Panguva iyi yekukombwa, maJudha akanga akavungana muJerusarema vachichengeta Mutambo weMatumba, izvi zvakabatsira kuti maKristu apfuvure nemunyika yose asina aivatambudza. Nekukasika vakatizira kunzvimbo yakachangeteka,-kuguta rePella, munyika yePerea, mhiri kwaJordani.KK 26.2

    Mauto echiJudha, achidzingirira Kestiasi nemauto ake, vakavatevera vakavarwisa zvaityisa zvekuda kuvaparadza zvachose. VaRoma vakapinda nemunguva yakaoma zvachose pakudzokera kwavo kumashure. MaJudha akadzoka kuJerusarema nekukurira asina kurasikirwa kana nechinhu, vachitove nezvinhu zvavakapamba muhondo. Asi kwaiva sekubudirira uku kwakavaunzira zvakaipa chete. Kwakavakonzera kuva nemwoyo wenharo nekusazvininipisa kumaRoma zvakazovakokera nhamo isingataurike kuguta rekuparadzwa iri.KK 26.3

    Matambudziko akawira Jerusarema akanga akaipisisa kwazvo pakamutsidzirwa kukombwa kwaro naTito. Guta rakashanyirwa nguva yePaseka, zviuru nezviuru zvevaJudha pavakanga vakawungana muguta. Matura avo aigona kupa vanhu zvekudya kwemakore akawanda kana aichengetwa zvakanaka, akanga aparadzwa pairwisana mapoka mapoka nekuda kwegodo nekutsivana, zvino matambudziko makuru enzara akavapo. Kandiro kegorosi kaitengeswa netarenda. Nzara iyi yaiva huru zvakadaro zvekuti varume vakatanga kutsenga makanda emabhanire avo nematehwe emanyatera avo neenhovo dzavo. Vanhu vazhinji vaiverevedza husiku vachinotsvaka mirivo yemusango yaimera kunze kwerusvingo rweguta, kana nepo vazhinji vaibatwa vachivuraiwa nenzira dzehutsinye nekurwadziswa kukuru, vazhinjivo vevaikwanisa kudzoka vaipambwa nevamwe vavo zvavainge vawana nemutengo waive nenjodzi yakakura zvakadaro. Kurwadzisa kwakaipisisa kusingaisiki mumazwi kwaiitwa nevakanga vachitonga, kuvamanikidza kuti vaburitse nezvishoma zvose zvavaingadaro vakaviga. Hutsinye hwakadai kazhinji hwakanga huchiitwa nevanhu vakanga vatozvigutira zvavo, vaitsvaka kuunganidza kuchengetera mazuva ari mberi.KK 26.4

    Zviuru zvakafa nehosha nenzara. Kudanana pakati pevanhu kwakanga kwapera. Varume vaibira vakadzi vavo, nevakadzi varume vavo. Vana vaivonekwa vachibvuta zvekudya kubva pamiromo yevabereki vavo vakakwegura. Mubvunzo wemuprofita, “Ko mukadzi angakanganwe mwana wake waanomwisa here?” Isaya 49:15. Wakawana mhinduro kubva mukati meguta rakaparara, “Mavoko evakadzi vaiva nemwoyo munyoro akabika vana vavo, zvikava zvekudya zvavo pakuparadzwa kwemukunda wevanhu vangu.” Mariro AJeremia 4:10. Pakazadziswavo yambiro yechiprofita chakataurwa makore 400 akanga apera: “Mukadzi unevundere neanokudzwa pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi nerutsoka rwake nekuda kwekufuma kwake neundere hwake, uchava nemufungo wakaipa kumurume wake waanoda, nemwanakomana wake, nemwanasikana wake; nekumwana wake muduku, waachangobereka, nekuvana vake vaachazobereka; nekuti uchadya pakavanda nekuda kwekushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nekumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako.” Dueteronomio 28: 56,57. KK 27.1

    Vatungamiriri vechiRoma vaida kuisa kutya kukuru muvaJudha, kuitira kuti vazvipire kwavari nekubvuma kukundwa. Vasungwa vaipikisa kana vave kutorwa, vairohwa neshamhu, vachirwadziswa, nekuroverwa pamichinjikwa yakanga iri kunze kweguta. Mazana aivuraiwa zuva rimwe nerimwe nenzira iyi, nebasa rakaipisisa iri rakaramba richienda mberi kusvikira, mumupata waJehoshefati nepaKarvari, michichinjikwa yakamiswa yakawanda zvekuti munhu aitotadza kufamba pakati payo. Chituko chakaipisa chavakazvidaidzira pamberi paPirato chakavashanyira nenzira inotyisa: “Ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu.” Mateo 27: 25 .KK 27.2

    Tito angadai akamisa chiitiko chaityiwa zvakadaro ichi nekumisa kuparadzwa kweJerusarema zvachose. Akatya zvikuru paakavona zvitunha zvevanhu zvakazara mumapani. Semunhu arimumuvono, akatarisa nepamusoro peGomo reMiorivi achivona temberi nekunaka kwayo, akaraira kuti pasabatwa kana dombo rimwe zvaro pairi. Asati aedza kubata hushe pamuzinda uyu, akapa rukoko rwakatsanangurika kuvatungamiriri vechiJudha kuti vasamumanikidza kusvibisa nzvimbo tsvene neropa. Kana vaibuda kuzorwa naye kuneimwe nzvimbo, hakuna muRoma aingakanganisa hutsvene hwetemberi. Josefasi pachake, murukoko rune kugombedzera kwazvo, akavakumbira kuti vabvume kukurirwa kwavo nekuzvipira kuvavengi vavo, kuti vararame, vararamise guta ravo, nenzvimbo yavo yekunamatira. Asi mashoko ake akapindurwa nekutuka kunovava chaizvo. Vakakandira miseve kwaari, mumiririri wavo wekupedzisira pakati pevanhu, paakamira achivanyengerera. MaJudha akanga aramba kunyengerera kweMwanakomana waMwari, ikozvino kunyengerera nekuvagombedzera kwakavawomesa mwoyo yavo kusvika kwekupedzisira. Tito akaedza zvikashaya basa kuti zvimwe temberi isaparadzwa: Mumwe mukuru kupfuvura iye akanga ati hakuna ibwe raizosara riri pamusoro perimwe ibwe.KK 27.3

    Kusindimara nekuomesa musoro kwevatungamiriri vechiJudha, nemhosva dzakaipisisa dzaiitwa mukati meguta rakakombwa iri, zvakamutsa ruvengo rukuru nehasha dzinotyisa dzevaRoma, zvikakonzera kuti Tito aswedere kutemberi. Akazvimisira kuti kana zvaibvira isaparadzwa. Asi rairo yake haina wakaiterera. Paakaenda kunozorora mutende rake husiku, maJudha, akabuda achibva mutemberi, akatanga kurwisa mauto aive kunze. Mukurwisana uku, zhenje remoto rakakandwa nemuuto nepaburi repamupanda wetemberi, mapuranga emusidari akanga akaiswa mumadziro eimba tsvene akabata moto ukapfuta zvinotyisa. Tito akamhanyira kuenda ikoko, vatevedzeri vehondo yake vachitevera akaraira mauto ake kuti vadzime moto. Hapana akaterera zvaakataura. Nekutsamwa kwavo kukuru vakakandira mazhenje emoto mumakamuri edzimba dzakanga dzakabatana netemberi, uye neminondo yavo vakavuraya vanhu vakawanda avo vakanga vavanda mutemberi. Ropa rikaerera pamanera ekukwira kupinda mutemberi semvura. Zviuru nezviuru zvemaJudha zvikaparara. Pamusoro peruzha rwehondo, mazwi akanzwikwa achishevedzera, “Ikabhodi!”-mbiri yabva.KK 28.1

    Zvakaomera Tito kumisa kutsamwa kwemauto ake; akapinda nevakuru vake vehondo, achitarisa mukati menzvimbo tsvene iyi. Runako rwayo rwakavashamisa; uye sezvo marimi emoto akanga asati asvika munzvimbo tsvene tsvene, akaedza kekupedzisira kudzivira nzvimbo iyi, akasimuka akaraira mavuto kuti amise moto. Mukuru wezana Riberaris akaedza kushandisa masimba ake kuti vamuterere; asi kushatirirwa maJudha nemweya wehondo, nekufarira zvakapambwa kwemauto kwakakonzera kuti varambe kumuterera. Mauto akaona zvose zvakanga zvakavakomberedza zvichipenya nendarama, iyo yaipenyeswa mumarimi emoto waipenga; vakafunga kuti kuwanda kwakanga kunepfuma yakanga yakaiswa musenjuwari. Mumwe muuto, asingamboonekwi, akabaira zhenje remoto paibatira musuwo kumadziro: chivakwa chose chikabatira moto ipapo. Hutsi hwaipofomadza nemarimi emoto zvikadzingira mauto panze, imba yakanaka yairemekedzwa ikasara ichitsva zvayo. KK 28.2

    “KumuRoma chakanga chiri chinhu chakanga chisingaiti zvachose mukuonekwa kwacho — ko kumuJudha zvaiva sei? Gomo rose rakanga riri pamusoro peguta, rakabhebha nezimoto. Midhuri yakadonha ichiteverana, nekudonha kukuru kuneruzha, zvose zvikamedzwa mugomba remoto. Matanga edzimba akanga akagadzirwa nemusidari aiita sekuti akanga akagadzirwa nemarimi emoto, nezviruvi zvetemberi zvakanamwa negoridhe zvakatsva zvikaita seminzwa yemoto; shongwe dzepamasuo dzakasimudza utsi nemarimi emoto. Zvikomo zvakakomberedza zvakajekeswawo nechiyedza chemoto uyu; zvipoka zvakasviba zvevanhu zvakavonekwa zvakatarisa nekushushikana chiitiko chairwadza chekuparara kweguta; madziro nenzvimbo dzakakwirira dzeguta rakazara nevanhu vakadongorera, vamwe vachigomera nekurwadziwa nekupererwa, vamwe vachituka nekushora vachidaidzira nehasha. Kudaidzira kwemauto eRoma pavaimhanya mberi neshure nekuungudza kwevaJudha vaiparara mumarimi emoto, zvakasangana nekutinhira kwezimoto nekuputika kwemapuranga aitsva achidonha. Maungira emakomo akadairira kana kuti akadzosa kurira kwevanhu vaive nechekumusoro; nguva yese iyi mumadziro mainzwikwa kurira nekuungudza; vanhu vaifa nenzara vakakoka simba ravo rakanga rasara mukuchema kwekurwadziwa kwazvo nekupererwa.KK 28.3

    “Kuurayiwa kwakaitika mukati kwakanga kuchityisa kupfuura zvaioneka nekunze. Varume nevakadzi, vakuru nevadiki, varwi nevaprisita, avo vairwa neavo vaikumbira mutsa, vese vaitemerwa pasi zvisina kusarudza. Huwandu hwevakauraiwa hwakapfuura vaurayi. Varwi vaisvetuka nepamusoro pemirwi yezvitunha vachienda mberi nebasa rekuvuraya nekuparadza.” KK 29.1

    Mushure mekuparadzwa kwetemberi, guta rose rakazowira mumaoko emaRoma. Vatungamiriri vemaJudha vakasiyawo nhare dzawo dzeutiziro, Tito akawana kusina vanhu. Akadzitarisa nekushamiswa kukuru akataura kuti Mwari akanga adziisa mumaoko ake; nemhaka yekuti hakuna muchina kunyange yakasimba sei yaigona kukunda panhare dzakadai. Zvose guta netemberi zvakaparadzwa kusvika panheyo, nepanzvimbo pakanga pakavakirwa imba tsvene “pakarimwa semunda.” Jeremia 26:18. Mukukombwa nekuuraiwa kwakatevera vanhu vanopfuura mirioni imwechete vakaparara; vakasara vakatakurwa senhapwa, vamwe vakatengeswa sevaranda, vakakwekweredzwa vachienda kuRoma kuti vanoratidzwa semichero yekukunda, vakanokandwa kumhuka dzesango mudzinhandare dzaitambirwa mitambo, vamwe vakaparadzirwa pasi rose semarombe asina musha.KK 29.2

    MaJudha akazvigadzirira oga misungo; vakanga vazvizadzira voga mukombe wekudzorerwa kwekutsamwa. Mukuparadzwa kukuru kwakavawira senyika, nemumatambudziko ose akavatevera mukupararira kwavo, vakanga vachikohwa zvavakanga vadyara nemaoko avo. Muprofita anoti, ” Imi Israeri, makazviparadza pachenyu.” “Nekuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu.” Hosea 13:9; 14:1. Kutambudzika kwavo kunoonekwa nguva zhinji sekurangwa kwakaiswa pamusoro pavo nechirevo chaMwari Nenzira iyi munyengeri mukuru anoedza kuvanza mabasa ake. Nekuomesa mitsipa pakuramba rudo rwaMwari nenyasha, maJudha akanga akonzera kuti kudzivirira kwaMwari kubviswe kwavari,. Satani akabvumirwa kuvatonga sekuda kwake. Hutsinye hwakaipisisa hwakaitwa pakuparadzwa kweJerusarema chiratidzo chiri pachena chemabatiro anoita Satani pamusoro pevanhu vari pasi pake.KK 29.3

    Hatingazivi kukura kwechikwereti chatinacho kuna Kristu nekuda kwerugare nekudzivirirwa kwatinako. Kurambidza kwesimba raMwari kunodzivirira vanhu kuti vasaende pasi paSatani zvachose. Avo vasingatereri nevasingatendi zvakanaka zvavanoitirwa vane zvikonzero zvikuru zvekupa kutenda nekuda kwetsitsi nemwoyo murefu zvaMwari mukuchengetedzwa kuhutsinye, nehutongi hwakaipa hwewakaipa uyu. Asi kana vanhu vazodarika miganhu wezvingagashirwa naMwari, kudzivirira uku kunobviswa. Mwari haamiri pamberi pemutadzi achiranga nekuda kwekudarika murairo kwake; asi anosiya avo vanoramba tsitsi dzake kuti vazvivonere, kuti vakohwe izvo zvavakadyara. Karanzi kose kechiedza kakarambwa, yambiro yose yakashairwa hanya, kana isina kutererwa, kusazvidzora pakuda zvakaipa kose kwakaitwa, kudarika kose murairo waMwari, imhodzi yakadyarwa, isingatadzi kupa michero ichakohwewa. Mweya waMwari, ukaramba uchirambwa nekusateerera , unopedzisira wabviswa kumutadzi, pachisara pasisina simba rekuramba zvakaipa mumwoyo, pasina kudzivirirwa kubva kugodo, neruvengo rwaSatani. Kuparadzwa kweJerusarema iyambiro inotyisa inoyera kuvanhu vose vanotamba nenyasha dzaMwari, vachiramba rukoko rutsvene rwetsitsi dzake. Hakuna kumbopihwa huchapupu hweruvengo rwaMwari kuchitema, nekurangwa kusinga tadzi kuuya pamusoro peane mhosva, sezvakaitwa apa.KK 29.4

    Chiprofita chaMuponesi pamusoro pekushanyirwa kwerutongo pamusoro peJerusarema chichave nekumwezve kuzadziswa, kwekuti kuparadzwa kunotyisa uku kwaingova mumvuri mutete chete. Mudambudziko rakaitika kuguta rakanga rakasarudzwa iri tinogona kuona kuparara kwepasi rose rinoramba tsitsi dzaMwari nekutsikirira mutemo wake pasi. Munhoroondo muzere kushungurudzwa nenhamo zvawira nyika mumazera emakore ekutadza kwayo. Mwoyo unorwara nepfungwa dzinoneta mukuedza kuzvifunga. Kwakaitika zvakaipisisa semibairo yekuramba hutongi hweDenga. Asi kune zvinopfuurisa nekuipa zvinoratidzwa kuti zvichaitika mberi. Zvakaitika kare, - kusagadzikana nemhirizhonga kwenguva refu, kunetsana, nekumukirana, hondo yemurwi izere nenyongano neruzha, “nenguvo dzake dzakanyikwa muropa” Isaya 9:5 — Koizvi zvinorevei kana zvichienzwaniswa nematambudziko ezuva iro kana mweya waMwari unodzivisa zvakaipa wabviswa zvachose kubva kumutadzi, asingachatarise kubuda kweshungu dzemunhu dzekuda zvakaipa nekutsamwa kunehusatani mukukati! Zvino nyika ichawona, zvaisina kumboona kare matuso ekutonga kwaSatani. KK 30.1

    Asi nezuva iro, semunguva yekuparadzwa kweJerusarema, vanhu vaMwari vachadzikinurwa mumwe nemumwe achawanikwa akanyorwa pakati pevapenyu. Isaya 4:3. Kristu akataura pachena kuti achadzokazve, kuti azotora vakatendeka vake kuti vagare naye: “...Zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana wemunhu achivuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nekubwinya kukuru. Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru. Vachavunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunerumwe rutivi.” Mateo 24:30,31. Zvino avo vasingatereri evhangeri vachaparadzwa nemweya wemumuromo make, vachaparadzwa nekupenya kwekuuya kwake. 2 VaTesaronika 2: 8. SaIsraeri wekare. Vakaipa vachazviparadza; vachawira pasi nekuda kwezvakaipa zvavo. Nekuda kwehupenyu hwechitema vakazviisa kure naMwari, Zvimiro zvavo zvadzikiswa nechakaipa zvakadaro, zvekuti kuonekwa kwekubwinya kwake kunova semoto unoparadza kwavari. KK 30.2

    Vanhu ngavachenjerere kuti vasashaya hanya nechidzidzo chavanopiwa mumashoko aKristu. Paakayambira vadzidzi vake nezvekuparadzwa kwe Jerusarema, achivapa chiratidzo chekuparara kwaiuya, kuti vakwanise kutiza; saka akayambirawo nyika nezvezuva rekuparadzwa kwekupedzisira, nekuvapawo zviratidzo zvekuswedera kwako, kuti vose vanoda vatize kutsamwa kunouya. Jesu akati, “Zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi, nepanyeredzi; nepanyika vurombo bwevanhu, vachikanganiswa nekutinhira kwegungwa nemafungu.” Ruka 21:25; Mateo 24:29; Marko 13:24-2; Zvakazarurwa 6:12-17. Avo vachaona zviratidzo zvekudzoka kwake “zivai kuti wava pedyo pamukova.” Mateo 24:33. “Naizvozvo rindai,” Marko 13:35 aya ndiwo mashoko ake ekuraira. Avo vachateerera yambiro iyi havazosari vari murima, kuti zuva iri rivasvikire vasina kugadzirira. Asi kune avo vanenge vasina kurinda, “zuva raShe rinosvika sembavha vusiku.” 1 VaTesaronika 5:2.KK 30.3

    Nyika haina kugadzirira kutambira shoko iri kupfuura maJudha kugashira kwaakaita yambiro yaMuponesi yekuparadzwa kweJerusarema. Richauya zvisinei, zuva raMwari richauya vasingadi Mwari vasingazive. Hupenyu huchingofamba semazuva ose; vanhu vakanyura mukufara kukuru, vari mumabasa, mumigwagwa vachitsvaka mari; vatungamiriri vezvekunamata vachiparidza kubudirira kwenyika nekuwanda kwezivo, vanhu vorara mukuchengetedzeka kwekunyepera uku,- ipapo, sembavha inoba pakati peusiku panzimbo isina kuchengetedzwa, ndizvo zvichaita kuparara nekukasika kuchiwira pamusoro peavo vasina hanya nevasingadi Mwari, “havangatongo pukunyuki” 1 VaTesaronika 5:3. KK 31.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents