Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 16—MADZIBABA EVAFAMBI

    Vavandudzi vezvechitendero vekuEngland, pavairamba dzidziso dzeRoma, vakachengetedza minongedzo yacho mizhinji. Kunyangwe Roma yakange iine simba nezvinyorwa, hakuna tsika nemitambo yakawanikwa mukereke yeEngland. Zvakawanikwa kuti zvinhu izvi hazvinei nekufunga kwemunhu; kunyange zvakanga zvisingawanikwe mushoko, uye zvisina maturo, zvisingarambidzwe zvakare, mazviri makanga musina kuipa. Kuchengetedzwa kwetsika idzi nemitambo iyi, zvakadukupisa mukaha wemakereke akashanduka akabuda muRoma, uye zvichitsanangurwa kuti makereke anopesana neRoma padzidziso anogamuchirwa neveRoma. Pfungwa idzi dzairatidza sokunge kusina mamwe maonero. KK 181.1

    Asi kwakange kuine rimwe boka raive nemamwe maonero. Pfungwa yokuti tsika idzi “dzaiita sokuti dzaibatanidza mupata uri pakati peRoma nevavandudzi” (Martyn, volume 5, page 22) , mukufunga kwavo vaiti vapedzeredza nevaichengetedza chokwadi. Vaivatarisa sekunge vasunungurwa kubva munyembe dzehunhapwa, uye kuti vakange vasisina mukana wokudzokerazve. Vakange vakasimbira pakuti Mwari akaisa mushoko rake mitemo inotungamirira manamatirwo ake, uye kuti vanhu havana mvumo yokuwedzera kana kutapudza kubva pazviri. Kutanga kwokuputsika chaiko kwaiva pakuwedzera simba raMwari kubva kukereke.Roma yakatanga nokudzidzisa zvinhu zvakanga zvisina kutaurwa naMwari, ndokupedzisira nokurambidza izvo Mwari akanga abvumidza. KK 181.2

    Vazhinji vaidisa zvikuru kudzokera kukururama, uye kuperera kwaiva mukereke yokutanga. Vaitora kusimudzirwa kwetsika nekereke yeEngland sezvimiso zvokunamata zvifananidzo, uye havana kugona kupikisana nepfungwa dzavo zvokubatana nekereke kunamata nenzira iyi. Asi kereke, ichitsigirwa nemasimba evatongi, haina kutendera vanopikisana nayo kana vanemamwe maonero pamusoro pezvayaiita. Mutemo waitomanikidza kupinda mukereke, uye kuungana kwokunamata kusina kubvumidzwa kwairambidzwa nemutongo wejere, hunhapwa kana rufu. KK 181.3

    Mukutanga kwemakore eSenjuri yegumi nemanomwe, mambo uyo akanga achangogadzwa kutonga hushe muEngland akaburitsa pachena shungu dzake dzekuda kuti vanhu vainzi maPuritans “vashanduke nekufanana nevamwe….kana kuti vodzingwa munyika …kana kuti vaizotirwa zvinopfuura nekuipa”—(George Bancroft, History of the United States of America, pt. 1, ch. 12, par. 6) . Vakavhimiwa, vakatambudzwa, vakaiswa mumajeri, vakaona ramangwana ravo kuti ranga risina vimbiso yezvirinani, asi vazhinji vavo vakabvuma vakazvipira kuti vaizoshumira Mwari zvinoenderana nezvavaiziva mupfungwa dzavo “Nyika yeEngland yakanga irikuratidza zvachose kuti yainge isisagarike”—(J. G. Palfrey, History of New England, ch. 3, par. 43) . Vamwe vakazogumisira vazvipira kunotsvaga kupotera munyika yeHolland. Kuomerwa nehupenyu, kurasikirwa nepfuma, uye kusungwa nekuiswa mumajeri ndizvo zvavakasangana nazvo. Zinangwa zvavo zvaikoneswa, uye vaitengeswa vachiiswa mumaoko evavengi vavo. Asi kutsungirira kwakazokurira pekupedzisira, vakazowana pekugara muzvimbo dziri mumahombekombe enyika yevanhu verudzi rwemaDutch.KK 181.4

    Pakutiza kwavo vakasiya misha, pfuma yavo, uye nzira dzavo dzese dzendaramo. Vakava vaeni munyika yehutorwa, pakati pevanhu verurimi netsika dzakasiyana nedzavo. Izvi zvakava manikidzira kutsvaga nzira itsva dzekurarama nadzo kuti vawane zvekudya. Varume vezera repakati, vakanga vajaira kurima ivhu, vakanga zvino vave kufanira kudzidzira Mabasa ekushandisa michina. Asi vakagamuchira havo hupenyu hutsva uhu nemufaro zvekuti havana kupambadza nguva vachishaya zvekuita kana kugunun’una nekudemba. Kunyangwe dzimwe nguva vairwadziwa nehurombo, vakatenda Mwari nechikomborero chavakanga vapiwa vakawana rufaro rwavo muruwadzano rwepamweya. “Vaiziva kuti vakanga vari vafambi, saka Havana zvizhinji zvavaitarisira, asi vakasimudzira meso avo kudenga, inova nyika yavaidisisa, vakanyardzwa mweya yavo”.—(Bancroft, pt. 1, ch. 12, par. 15) . KK 182.1

    Mukati mehutiziro nekuomerwa nehupenyu, rudo rwavo nekutenda kwavo zvakawedzera kukura. Vaitenda kuvimbiso dzaJehovha, iye haana kuvasiya panguva dzavaimudisa. Ngirozi dzake dzaiva parutivi pavo kuvakurudzira nekuvatsigira. Zvekuti apo ruoko rwaMwari parwakaratidza kuti rwaivanongedzera kunyika yaiva mhiri kwenyanza, uko kwavaigona kuzviwanira nyika yavo, kwavaizogona kusiira vana vavo nhaka yekunamata vakasununguka, vakaenda mberi vasingatyi, varimunzira yezvikomborero. Mwari akanga atendera miyedzo kuti iwire vanhu vake senzira yekuvagadzirira chinangwa chake navo. Kereke yaMwari yakanga yambodzikisirwa pasi, kuitira kuti igozosimudzirwa. Mwari vakanga voda zvino kuratidza simba ravo kuburikidza neKereke, kuti vape kunyika humbowo hwekuti havazosiyi avo vanovimba naMwari.KK 182.2

    Mwari vakanga vakonesa zviitiko zvesimba raSatani, nekuronga kwevanhu vakaipa kuti varatidze mbiri yavo uye kuti vasvitse vanhu vavo kunyika yavaizowana kuchengetedzeka. Kutambudzwa nekuzonogara muhutorwa zvaivhura nzira yekusunungurwa. Pakutanga pavakasundwa kuti vaparadzane neSangano remuEngland, maPuritans vakanga vabatanidzwa nemhiko inokosha, sevanhu vakasununguka vaMwari, “kufamba pamwechete munzira dake dzose idzo dzakanga dzichizikanwa uye dzaizoziviswa kwavari mune ramangwana”—(J. Brown, The Pilgrim Fathers, page 74) . Uyu ndiwo mweya wezvokwadi wekusanduka, chimiso chinokosha chekuva vateveri vaMwari. Nekuda kwechinangwa vafambi ava vakasimuka kubva muHolland kunotsvaga musha munyika itsva. Mufundisi wavo anonzi John Robertson, uyo akakoneswa kuenda navo, mumashoko ake ekuwonekana navo akati: “hama dzangu, tasvika zvino panguva yekuparadzana, uye Jehovha ega ndiye anoziva kana ndichararama kuzoonazve huso hwenyu zvakare. Asi kunyangwe Ishe vakazvitendera kana kwete, ndinokurairai nhasi pamberi paMwari nevatumwa vake vakaropafadzwa kuti musanditevera kupfuura pandakasvika kutevera Kristu. Kana Mwari vakazokuratidzai chimwe chimnhu nenzira dzake, gadzirirai kuchigamuchira sezvamaingaita muchigamuchira zvokwadi yandaikudzidzisai, nekuti ndinotenda kuti Mwari vachine imwe zvokwadi nechiedza chavachaburitsa kubva mushoko ravo dzvene.” -(Martyn 5:70). “Kana ndirini, handigoni kugutsikana nechimiro chemasangano akabuda muRoma, avo vasvika panguva ino muchitendero, asi vasingagoni kusvika parizvino, kupfuurira mberi vachitsvaga zvinopfuura zvavakadzidza panguva reRuvandudzo. Vatendi veLutheran havasi kugona kudhonzwa kuti vapfuure zvakaonekwa naLuther;… uye vatendi vechiCalvinist, munoona kuti vanobata vakasimba vari pavakasiirwa nemunhu uya waMwari, asi asina kugona kuona zvinhu zvose. Ichi chinhu chinosiririsa kwazvo nekuchemedza; nokuti kunyangwe vaiva mwenje inpfuta pamazuva avo, asi havana kugona kupinda zvakadzika munezvose zvakarairwa naMwari, zvekuti dai vari vapenyu nhasi, vangadai vakazvigadzirira kugamuchira chimwe chiedza chinopfuura nekunaka pane chavagamuchira pekutanga —(D. Neal, History of the Puritans 1:269.) KK 182.3

    “Rangarirai mhiko yeSangano yamakaita, iyo makabvuma kuti muchafamba munzira dzose dzaMwari dzaakazivisa kana dzaachazivisa kwamuri. Ranagrirai vimbiro yenyu uye mhiko yamakita pakati penyu kuti muchagamuchira zvokwadi nechiedza chose chamuchaziviswa kubva muShoko rake, asi zvakadaro, Mwari; chenjerai, ndino kukumbirai kuti icho muchagamuchira sechokwadi, munofanira kuchienzanisa nekuchiyera nemagwaro ezvokwadi musati machigashira, nokuti hazvigoneki kuti nyika yemaKristu iyo irikubuda kubva mukati merima guru ra antiKristu, kuti zvibve zvangojeka nekuzwisisika kamwe-kamwe!” —(Martyn, vol. 5, pp. 70, 71) .KK 183.1

    Nekuda kwechidiso chekusununguka mupfungwa, vafambi ava vakatsunga mukurema kwerwendo rwakareba rwekuyambuka nyanza, vakatsungirira kurema uye njodzi dzemurenje, asi nechikomborero chaMwari vaksvika mumahombekombe enyika yeAmerica, hukava hwaro hwenyika inesimba. Kunyangwe zvazvo vafambi ava vakanga vakatendeka vachitya Mwari, havana kugona kunzwisisa chimiso chikuru chekusununguka kwemunhu pane zvekunamata. Rusunguko rwavakashingairira kurwuwana ivo, havana kuzogona kurwupa kune vamwe. “Vanhu vashoma kunyangwe vaiva nepfungwa dzakanaka muSenjuri yegumi nemanomwe, vakatadza kunzwisisa kukosha kwechimiso ichi, icho chinoburitswa pachena muTestamendei Itsva, kuti Mwari chete ndiye mutongi panyaya dzechitendero chemunhu.” — (Martyn, vol. 5:297) Dzidziso yekuti mwari akapa simba kuKereke rekutungamirira nekudzora pfungwa dzevanhu, uye kutendeka mhosho nekurova neshamhu, inemidzi yayo yakadzika mudzidziso dzakatsauka dzakaiswa naPapa. Kunyangwe zvazvo varume vakashanda kuvandudza kereke vakaramba zvinyorwa zvemitemo yeRome, havanawo kuzonyatso sununguka kubva pamweya wekusabvumira. Rima guru redzidziso dzenhema rakanga raputira chiKristu kwenguva refu, rakanga risati ranyatsopera panguva iyi. Umwe mufundisi wemunzvimbo yeMassachusetts akataura achiti: “inyaya yekubvumira yakaita kuti nyika yose isa gamuchira chiKristu; uye Kereke haina kuva nehanya nekushungurudzwa kwevadzidzisi venhema.”- Vol 5, p.335) . Kwakaiswa mutemo nevatongi wekuti nhengo dzesangano bedzi ndidzo dzaitenderwa kuva nezwi munezvekutonga kwehurumende. Izvi zvinoreva kuti pakagadzirwa hurumende yaitongwa neKereke, vanhu vese vakasungirwa kuti vabvise mari yekutsigira basa revafundisi, uyewo vatongi mumatare edzimhosva vakapiwa simba rekutsikirira vanhu vanodzidzisa manyepo. Nokudaro, simba rezvematongerwo enyika rakava mumaoko eSangano. Hazvina kutora nguva zvisati zvatungamirira mukutambudzwa kwevatendi. KK 183.2

    Makore gumi nerimwe kubva pakavambwa nyika yekutanga, murume anonzi Roger Williams akasvika munyika Itsva iyi. Sezvakanga zvaita madzibaba evafambi vekutanga, Williams akanga auya kuzokomborerwa nerusununguko rwekunamata, asi hazvina kudaro, nokuti akaona izvo vashoma venguva yake vakaona, kuti rusununguko rwakanga rwusiri rwevanhu vese, sezvingaita mitemo yavo. Williams aivawo mutsvagi wezvokwadi airevesa, nekuti aitenda saRobinson kuti chiedza chaMwari chakanga chichigere kuzarurwa chese. Williams “akava munhu wekutanga munguva iyi yeChikristu kuumba hurumende yezvekutongwa kwevanhu iine dingindira rinoti Madzibaba evafambi, rusununguko rwepfungwa, kuenzana kwemikana yemiono pane zvemutemo.”— [294] Bancroft, pt. 1, ch. 15, par. 16). Akatonga kuti basa reVatongi vematare edzimhosva raiva rekumisa kuparwa kwemhosva, kwete kuudza vanhu mafungiro. Akataurawo achiti: “Vanhu, kana mutongi wedare anogona kutonga zvakafanira kuitirwa munhu kubva kuneumwe munhu; asi kana vavakuedza kuudza munhu zvebasa rake kuna Mwari, anenge ava kurasika, uye hapazovi nerugare; nokuti zviri pachena kuti kana mutongi akapiwa simba, anogona kutonga nenzira yemaonero ake nhasi asi mangwana otonga neimwe nzira yakasiyana; sezvakaitwa nemadzimambo nanaVahosi vazhinji muEngland, uye nanaPapa vakasiyana-siyana nematare eSangano reRoma, zvekuti chitendero chakaguma chave nemurwi wedzidziso dzine nyongano”. —(Martyn, vol. 5, p. 340). Kuti munhu akakundikana kusvika paungano yesangano aifanira kuripa muripo kana kuendeswa mujere. “Williams akaramba murairo wakanga wakanyanya kuipa pabumbiro remitemo muEngland, waiti munhu aitofanira kupinda Sangano remudunhu rake. Waimanikidza vanhu kupinda chero Sangano rinemitemo yakasiyana nerake, nokuti akati izvi kutyora kodzero dzemhunhu kuri pachena; kuzvuzvurudza munhu kuenda kunonamata kwaasingadi, zvaireva kuti atova munyengeri..” saka hakuna munhu anofanira kumanikidzwa kunamata, kana kuramba achinamata nenzira yaasingawirirani nayo”. Asi vaimupikisa vakashamisika vachiti “Ko nzombe haina kodzero yekudya paburiro here?, iye akapindura kuti, “Hongu, ndokunge iine kodzero kubva kune varikuishandisa”—(Bancroft, pt. 1, ch. 15, par. 2) .KK 184.1

    Roger Williams airemekedzwa nekudiwa semushandiri akatendeka, murume aiva nezvipo zvine mutsauko, murume aimira pakutendeka nyangwe zvorema, asi zvakadaro kuramba kwaakaita simba raipiwa vatongi vematatre pamusoro peKereke, nekudanidzira kwake kuti vanhu vapiwe rusununguko pakunamata hazvina kutenderwa. Gakava ravo padzidziso yake raiti: “Kuzoshandiswa kwemitemo yake iyi, kwaizobvisa zvimiso zvehurumende nemitemo yenyika”. —(Ibid., pt. 1, ch. 15, par. 10) . Nokudaro Williams akatongerwa kuti asatenderwazve kuonekwa mumatunhu enyika, pakupedzisira, achityira kusungwa, akamanikidzwa kutiza mukati memhepo yechando yaitonhora, achienda musango. Akazotaura achiti: “Kwemavhiki gumi nemana, ndaipepereswa ndirindega muchando, ndisingazivi kuti mubhedha kana chingwa zvinorevei.” Asi makunguwo akandipa zvekudya murenje, uye mhango yemuti yakandipawo pekugara. “—(Martyn, vol. 5, pp. 349, 350).KK 184.2

    Akaramba achitsungirirra murwendo rwake rwekutiza nemukati mechando nemumasango musina nzira, kusvikira azowana pekuhwanda mukati mevamwe vanhu verudzi rwekuIndia avo vakanga vachivimba naye paakaedza kuvadzidzisa zvokwadi yeVhangeri. Pakupedzisira, mushure memwedzi mizhinji yekudzungaira, akazosvika mumahombekombe enzvimbo yeNarragansett, ndokubva anovamba dunhu renyika raizozivikanwa mumazuva anhasi nekukurudzira kwaro kodzero dzemunhu parusunguko rwekunamata. Hwaro hwedzidziso dzedunhu raRoger Williams dzaiti “munhu wese anofanira kuva nerusununguko rwekunamata Mwari zvichiendera nechiedza chaainacho mupfungwa dzake”— Ibid., vol. 5, p. 354.Kanyika kake kadiki aka kanonzi, Rhode Island, kakazova guta rehutiziro kune vaidzvinyirirwa, kakazokura nekubudirira kusvikira pave nehwaro hunoti — rusunguko rwevanhu pakugara nepakunamata, - rikazova dombo repakona yenyika yeAmerica. Muchinyorwa chikuru chekare icho madzibaba edu akagadza kodzero dzevanhu- Kudanidzirwa kweRusununguko- vakataura vachiti: “tinosimudza zvokwadi iyi kuti izvipupurire, kuti vanhu vose vakasikwa vakaenzana; uye kuti vakapiwa nemusiki wavo dzimwe kodzero dzisina kwadzakarerekera, uye pakati padzo panoti, hupenyu, kusunuguka, uye kutsvaga Rufaro.” Uye bumbiro remutemo rinopa nenzira yakajeka, “kusafanira kukanganiswa kepfungwa dzemumhu”: “hakuna bvunzo yezvechitendero inofanira kupiwa munhu kuti agone kuwana basa rehofisi ipi zvayo munyika yemubatanidzwa weAmerica.” “dare reparamende harifaniri kuzoisa mitemo inopa kodzero kuti chimwe chitendero chitange, kana unorambidza chimwe chitendero kusunguka.” “Vagadziri vebumbiro iri vakacherechedza chimiso chinoti hukama hwemunhu naMwari huri pamusoro pemitemo inogadzwa navanhu, uye kodzero dzepfungwa dzake hadzifaniri kubviswa. Kufunga kwemunhu hakwaigona kugadzira zvokwadi iyi, asi tinoiziva kubva mumunhu wemukati. Ikoku kuziva kwatinako, kunoramba mitemo yevahu, kwakatisimbisa kunyangwe murufu rwekushungurudzwa nekupiswa nemoto. Vakaona kuti basa ravo kunaMwari raikosha kupfuura mitemo yevanhu, uye kuti munhu haafaniri kutonga pfungwa dzavo nesimba. Ichi chinhu chiri mutembo wekuzvarwa nawo, usina chingaudzima.” —Congressional documents (U.S.A.), serial No. 200, document No. 271).KK 185.1

    Apo nhau dzakanaka idzi dzakasvika munyika yeEurope, nhau dzenyika iyo munhu wese aikwanisa kudya akafara zvibereko zvesimba rake, achiteerera nekuita zvinobva mupfungwa dzake, zviuru zvevanhu zvakamhanyira kunosvika kumahombekombe eNyika Itsva iyi. Matunhu enyika akatanga kuwanda. Dunhu reMassachusetts, nemutemo wakatsanagurika, rakagashira vaiuya nekuvapa rubatsiro pachena, pachishandiswa mari dzemitero, kuma Kristu vaibva chero kunyika ipi vaikwanisa kubururuka nepamusoro penyanza yeAtlantic “vachitiza hondo kana nzara, kana hudzvinyiriri hwevatambudzi vavo.” Izvi zvakaita kuti vainge vasina misha, nevaitsikirirwa pasi, nemitemo, vakaita madzibaba vafambi, vaeni vemubatanidzwa.”- Martyn, vol. 5, p. 417. Mumakore makumi maviri kubvira pakusvika kwekutanga panzvimbo yePlymouth, vafambi vanezviuru vakanogara munzvimbo yeNew England. Kuti vawane icho chavaitsvaga, “vakagutsikana kurarama upenyu hwekushanda nesimba nekupa. Havana zvakawanda zvavakakumbira kubva muvhu, kunze kweizvo zvairinganaira simba ravo. Hakuna hope dzeramangwana rakapfuma dzakaisa mumvuri munzira yavo. Vakagutsikana nekubudirira zvishoma nezvishoma, asi vakagarisana zvakanaka. Vakagutsikana kuwana zvishoma zvemurenje, vachidiridzira muti werusununguko rwavo nemisodzi yavo, neziya rechiso chavo, kusvikira watuma midzi yawo pakadzika penyika.” Bhaibheri rakabatwa sehwaro hwekutenda, semanyuko ehuchenjeri, uye mureza werusununguko. Zvimiso zvaro zvakadzidziswa nehungwaru mumisha, muzvikoro, nemuKereke, zvibereko zvaro zvikaonekwa mukugona kuchengetedza, muhuchenjeri, mukuchena kwehupenyu, nemukuzvidzora. Munhu anogona kugara kwemakore munharaunda yevakachena, “akasaona chidhakwa, kana kunzwa kupika, kana kusangana nemupemhi” —(Bancroft, pt. 1, ch. 19, par. 25) . Zvakarakidzwa pachena kuti zvimiso zveBhaibheri ndizvo zvinonyatsogona kuchengetedza nyika kuti ikure. Zvimatunhu zvidiki zvakanga zvisna simba ndizvo zvakazokura kuita mubatanidzwa wematunhu anesimba, pasi rese rikashamiswa nekubudirira murunyararo “kwekereke isina Papa, nenyika isina Mambo.” Asiwo vanhu vazhinji vakaramba vachikwezvewa kuenda kumhenderekedzo dzeAmerica, vachisundwa nezvinangwa zvakasiyana nezve Vafambi vekutanga. Kunyangwe zvazvo kutenda kwekare pamwechete nekuchena kwehupenyu zvirizvo zvakaumba simba renyika, asi simba razvo rakaenda richiderera apo huwandu hwevanhu hwaiwedzera, avo vanongotsvaga bedzi mikana yehupenyu hwepanyika.KK 185.2

    Mitemo yakanga yagashirwa nevagari vekutanga, yekutendera bedzi nhengo dzesangano kuvhota kana kupiwa chigaro muhurumende, yakaburitsa michero inorwadza zvikuru. Mitemo iyi yakanga yaiswa kutsvaga kuchengetedza kuchena kwenyika, asi yakazotungamirira mukuwora kweSangano. Mufanidzo wekutenda ndiwo wakanga wave chitupa chekuwana hofisi, zvikaita kuti vazhinji, vachisundwa nezvidiso zvenyika, vave nhengo dzesangano asi vasina kutendeuka pamoyo. Izvi zvakaita kuti masangano mazhinji, azare nevanhu vasina kutendeuka; kunyangwe muchifundisi makapindawo vanhu vaisadzidzisa manyepo chete, asiwo vakanga vasina kuvandudzwa nesimba raMweya Mutsvene. Nokudaro pakabva paratidza michero yakashata, yakanga yamboonekwa munhoroondo yeKereke kubva mumazuva aConstantine kusvikra zvino, ekuedza kushandisa nyika kuvaka Kereke, ekukumbira masimba ezvematongerwo enyika kutsigira vhangeri reuyo akataura kuti “Humambo hwangu hahusi wenyika ino.” (John 18:36) kubatana kweKereke nenyika, nyangwe nechiyero chiduku, zvingaite sekuti inzira yekuunza nyika pedyo neKereke, asi chokwadi ndechekuti zvinounza Kereke pedyo nenyika.KK 186.1

    Chimiso chikuru chakamiririrwa naRobinson pamwe naRoger Williams, chokwadi ichi chinoramba chichikura, chekuti maKristu vanofanira kumira vakagadzirira kugashira zvokwadi nechiedza chese chinogona kupenya chichibva mushoko dzvene raMwari, asi chimiso ichi chakaraswa nerudzi rwakazovatevera. Masangano emuAmerica akabuda musanagno reKaturike, pamwechete neayo ekuEurope, akanga aitirwa Nyasha dzekuwana chiedza cheRuvandudzo, akatadza kuramba akatsunga kuenda mberi munzira iyo. Kunyangwe zvazvo paimuka varume vashoma, panguva yega-yega, vaiparidza zvokwadi nekuyanika pachena manyepo aidiwa nevazhinji, sevakangoitawo vaJudha munazuva aKristu nanaPapa mumazuva aLuther, vanhu vakatenda sekutenda kwemadzibaba avo, nekurarama sekurarama kwavakaita. Nokudaro chitendero chakawira pasi chikava mufananidzo bedzi; mosho nekutenda mashura izvo zvingadai zvakarasirwa parutivi dai Kereke yakaramba ichifamba muchiedza cheshoko raMwari, uye chingadai chakachengetedzwa. Mweya wakanga wafemerwa nebasa reKuvandudza chitendero wakaenda uchidzima, kusvikra pachiero chekuti pakanga pavakutoda basa rimwechetero reRuvandudzo muma Sangano akabuda muRoma, sezvaitwa muSangano iri kare mumazuva aLuther. Pakaonekwa muSangano mweya umwechetewo wekuda nyika nekufa pamweya, pakavawo nechimiro chiya chekuremekedza pfungwa dzevanhu nekuisa dzidziso dzevanhu panzvimbo yedzeShoko raMwari.KK 186.2

    Kutendera zvakapamhamha kwakaita Bhaibheri mumakore ekutanga eSenjuri yegumi nepfumbamwe, nechiedza chikuru chakapenya pamusoro penyika, hazvina kuteverwa nesimba rinofanana nezvakaitwa nezvokwadi yakazoratidzwa, kana nechitendero chekuedza. Satani haana kugona kurambidza shoko raMwari kusvika kuvanhu sepamazuva ekare, asi rakanga raiswa mumaoko evanhu, asi uti abudirire zvaakdaro pachinagwa chake, akatungamirira vanhu kusarikoshesa. Vanhu vakaregera kutsvagurudza paMagwaro, zvikaita kuti vatende dudziro dzemanyepo, nekufarira dzidziso dzaknga dzisina hwaro muBhaibheri. Achiona kuti akambo kundikana kuparadza zvokwadi nekutambudza vatendi, Satani akasarudza kushandisa nzira yekurerutsa shoko raMwari inova ndiyo yakatungamirira mukurasika kukuru nekuvambwa kweSangano reRoma. Akafurira kuti maKristu azvibatanidze, kwete nevahedheni, asi neavo vanemoyo izere kuda zvenyika, vakanga vazviratidza kuti vaiva vanamati vezvifananidzo zvakavezwa. Matuso emubatanidzwa uyu anemarwadzo nhasi sezvaakangoita mumakore ekare; apo kuzvikudza, kuda zvenyika nemafaro, zvakadzidziswa zvakapfekedzwa nguwo yechitendero, zvikakonzera kuti masangano azare huwori. Satani akaenderera mberi achitsausa dzidziso dzeBhaibheri, netsika dzemadzibaba dzaizokanganisa mazana ezviuru zvevanhu akadzika midzi. Sangano rakanga rava kutosimudzira nekutsigira tsika dzemadzibaba, panzvimbo yekuti rirwire “kutenda kwakadeya kupiwa kuvatsvene.” Naizvozvo rakashaisa chiremerera zvimiso izvo vaparidzi veRuvandudzo vakanga vaita nekutambira zvikuru.KK 187.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents