Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 24—MUNZVIMBO TSVENE TSVENE

    Chidzidzo chetemberi yaMwari ndicho chakazarura izvo zvakanga zvakavanzika pakukuhunika kukuru kwegore ra1844. Zvakaburitsa pachena chokwadi chinotaridza kuti ruoko rwaMwari ndirwo rwakatungamira kufamba kwesangano remusaririrwa kuchiratidza pachena chimiro nebasa revanhu vaMwari. Sekufara kwakaita vadzidzi vaJesu pavakamuona mushure mekunge vaita husiku hwekutambudzika kukuru, ndiwo mufaro wakange une avo vakange vaine kutenda mukuuya kwake kwechipiri. Vaitarisira kumuona achidzika nekubwinya kuti azopa mubairo kuvanhu vake. Sekuputsika kwakaita tariro yavo, Jesu akabviswa pakuvonekwa navo, uye pamwe naMaria pabwiro vakachema. “Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavamuisa.” Zvino munzvimbo tsvene-tsvene vakamuona zvekare, muPirisita Mukuru wavo ane hanya, uyo waizozviratidza samambo uye mudzikinuri wavo. Chaedza chetemberi chakavhenekera zvekare, zviripo nezvichazovepo. Vaiziva kuti Mwari akange avatungamira. Asi sevadzidzi vekutanga, vakange vatadza kunzwisisa shoko ravaiva naro, iro raiva rechokwadi. Mukuriparidzira, vaizadzisa chidiso chaMwari, uye kushanda kwavo kwaisava pasina munaShe. KK 266.1

    Chiporofita chinowanikwa pana Danere 8:14, “kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa,” neshoko remutumwa wekutanga, “Ityai Mwari mumurumbidze, nokuti nguva yake yokutonga yasvika,” zvainongedza mukubata kwaKristu munzvimbo tsvene tsvene, kwete mukuuya kwake kuzodzikinura vanhu vake nekuparadza vakaipa. Kukanganisa kwakanga kusiri pakududzira mazuva ekureva kwemuporofita asi pakududzira chiitiko chaizoitika mushure memazuva 2300. Kuburikidza nekupotseka uku vatendi vazhinji vakava nekushungurudzika, asi izvi zvose zvakanga zvakaburitswa pachena nechiporofita, uye zvakanga zvakanyorwa mumagwaro matsvene zvakazadzikiswa. Panguva iyo vakanga vachichema kurasika kwetariro yavo, chiitiko chakataurwa mushoko chakanga chatoitika icho chinofanirwa kuzozadziswa Kristu asati azviratidza kuzopa vanhu vake mibairo yavo.KK 266.2

    Kristu akauya, kwete panyika sezvavaitarisira, asi sezvakange zvataurwa kare kuti waizopinda munzvimbo tsvene-tsvene yetemberi yaMwari kudenga. Kristu uyo aimirirwa nemuporofita Dhaniere achinzi achauya panguva iyo kune Akwegura Pamazuva Ake: “Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona umwe akafanana noMwanakomana womumnhu achiuya nemakore ekudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake.” Dhanieri 7: 13.KK 266.3

    Kuuya uku kwakanga kwataurwa kare zvekare nemuporofita Maraki: “Ipapo Ishe wamunotsvaga, achasvika pakarepo, patemberi yake, iye Mutumwa wesungano wamunoshuva, tarira, anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Maraki 3:1. Kuuya kwaKristu muTemberi yake kwakanga kusingatarisirwe nevanhu vake. Vaitarisira kuti waizouya panyika, “mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu Jesu Kristu.” 2 Vatesaronika 1: 8. KK 266.4

    Asi vanhu vazhinji vakanga vasina kugadzirira kusanga naKristu. Pakange pachine basa guru rokuvagadzirira. Chaedza chaifanirwa kupihwa, chichinongedza pfungwa dzevazhinji kutemberi yaMwari kudenga; sezvavanofanira kuita nekutenda vachitevera muPirisita Mukuru wavo pakubata kwake, mabasa matsva anozarurwa. Rimwe shoko reyambiro nerairo raifanirwa kupihwa kukereke.KK 266.5

    Marachi 3:2, 3, “Asi ndiani ungatsunga nezuva rekuuya kwake? Ndiani angamira kana achionekwa? nokuti akafanana nomoto womunatsi, nesipo yomusuki. Iye achagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirivha; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama.” Avo vachange vachirarama panyika pachapera nguva yaKristu yokutimiririra munzvimbo tsvene, vachamira pamberi paMwari mutsvene vasina mumiririri. Nguwo dzavo dzinofanirwa kunge dzakachena, vanofanirwa kunge vakanatswa kubva kuzvivi neropa raKristu. Nekuda kwenyasha dzaMwari nekuedza kwavo vanofanira kuva vakundi muhondo newakaipa. Apo rutongo rwetsvakurudzo ruri kuenderera mberi muchadenga, apo zvivi zvevanorevesa pakutenda zviri kucheniswa munzvimbo tsvene, pane basa rakakosha rekuzvinatsa, nekusiya zvakaipa muvanhu vaMwari panyika. Basa iri rinoiswa pachena muna Zvakazarurwa 14.KK 266.6

    Kana basa iri richinge rapera, vateveri vaKristu vachange vagadzirira kuonekwa kwake. “Ipapo chipiriso chaJudha neJerusarema zvichafadza Jehovha, sepamazuva ekare, sepamakore epakutangatanga.” Maraki 3:4. Sangano, iro richagamuchira Kristu pakuuya kwake, “pamberi pekereke yake, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai.” Vaefeso 5:27. Ichange ichiratidzika, “samambakwedza, akanaka somwedzi, akachena sezuva, anotyisa sehondo inemizera.” Rwiyo Rwukuru RwaSoromoni 6: 10. KK 267.1

    Maraki haangotaure nezvekupinda kwaKristu mutemberi chete, asi anotaura nezvekuuya kwake kwechipiri, apo Anouya kuzotonga, paanoti, “Ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mushandiri pamubayiro wake, nechirikadzi, nenherera, napamusoro pavanodzinga vatorwa, vasingandityi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Maraki 3: 5. Judha unotsigira zvekare paanoti, “tarirai Ishe wakauya nevatsvene vake vanezviuru zvamazana, kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari, pamabasa avo ose okusada Mwari.” Judha 14, 15. Kuuya uku, nokuuya kwaKristu kutemberi yake, zviitiko zviviri zvakasiyana.KK 267.2

    Kuuya kwaKristu semupirisita mukuru wedu munzvimbo tsvene-tsvene, kuti anatsurudze temberi, kwakaburitswa pachena, Dhanieri 8: 14; kuuya kweMwanakomana womunhu kune akakwegura pamazuva ake, sezvakataurwa pana Dhanieri 7: 13; kuuya kwaKristu kutemberi yake sezvakataurwa naMaraki, itsanangudzo dzechiitiko chimwechete; izvi zvinotaridzwa zvekare pakuuya kwechikomba kumuchato, kwakatsanangurwa naKristu pachiratidzo chevasikana vanegumi, Mateo 25. KK 267.3

    Muchirimo cha1844 kwakava nechidaidziro, “tarirayi chikomba chouya.” Kwakava nemapoka maviri ayo aimiririrwa nevasikana vakangwara nevakapusa, rimwe boka raitarisira nomufaro kuuya kweMuponesi, vaigadzirira kwazvo kuzosangana naye; rimwe boka, rakanga ratungamirirwa nekutya, vakanga vafarira chokwadi ichi asi vakanga vasina nyasha dzaMwari. Mumufananidzo uyu, pakauya chikomba, “avo vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wekuwana.” Pamufananidzo uyu, chikomba chakauya mutambo wekuwana usati watanga. Mutambo wokuwana unomiririra kugamuchira kwaKristu humambo hwake. Guta dzvene, Jerusarema idzva rinova guta guru muhumambo rinodanwa kunzi, “mwenga, mudzimai weGwayana.” Ngirozi inoti kuna Johane: “Vuyai ndikuratidzei mwenga, mudzimai weGwayana.” Akanditakura mumweya,” muporofita anotaura, “akandiratidza guta guru, Jerusarema dzvene, richidzika kubva muchadenga kuna Mwari.” Zvakazarurwa 21:9, 10. Zviri pachena kuti mwenga waimiririra Guta Dzvene, uye mhandara dzakanogamuchira chikomba dzaimiririra kereke. Mubhuku raZvakazarurwa, vanhu vaMwari ndivo mweni pamutambo uyu wokuwana. Zvakazarurwa 19:19. Zvino kana vari vaeni pamutambo uyu, havangazokwanisa kuva mwenga. Kristu, sezvakarehwa nemuporofita Dhanieri, uchagamuchira kutonga, kubwinya nehumambo, kubva kune akakwegura pamazuva ake. Achagamuchira Jerusarema Idzva iro guta guru muhumambo hwake, “rakashongedzwa semwenga kagadzirirwa murume wake”. Dhanieri 7:14, Zvakazarurwa 21:2. Kana agamuchira humambo hwake, Achauya mukubwinya kwake, saMambo wemadzimambo naIshe wemadzishe, kuzodzikinura vanhu vake, avo vachagara naAbhurahama, Isaka naJakobo,” patafura yake muhumambo hwake, (Mateo 8: 11; Ruka 22:30), kuti vagova pamwe mumutambo wokuwana. KK 267.4

    Chidaidziro, “Tarirai, Chikomba chouya,” muchirimo chegore ra1844, kwakaita kuti vazhinji-zhinji vatarisire kukasira kuuya kwaShe kwechipiri. Panguva yakatarwa, chikomba chakauya, asi kwete panyika sezvaitarisirwa, asi kune Akakwegura pamazuva ake kudenga, kumutambo wokuwana, kugamuchira humambo hwake. “Avo vakange vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wokuwana; mukova ukavharwa.” Vaisadikanwa pamutambo uyu nokuti waizoitikira kudenga, ivo vari pasi panyika. Vateveri vaKristu vanofanirwa “kumirira iShe wavo, paachadzoka kumutambo wekuwana.” Ruka 12: 36. Asi vanofanirwa kunzwisisa basa Rake, vomutevera nekutenda apo anoenda kuna Mwari.KK 267.5

    Pamufananidzo, avo vaiva nemafuta mumwenje yavo ndivo voga vakapinda mumutambo. Avo vaiva neruzivo rwechokwadi kubva muMagwaro, vaiva neMweya nenyasha dzaMwari, avo, muhusiku hwokuedzwa, vakamira vakatsungirira vachitsvaga chiedza muBhaibheri ndivo vakaona chokwadi chetemberi yekudenga vuye kuchinja kwokubata kweMudzikinuri mutemberi, nekutenda vakamutevera mukubata kwake mutemberi kudenga. Vose vachagamuchira chokwadi ichi kuburikidza nokupupura kweMagwaro, vachitevera Kristu nekutenda apo anoenda pamberi paMwari kubata basa rake rekupedzisira rokumiririra, uye pakupedzisira achizogamuchira humambo hwake vose ava vachataridzwa sevarikupinda mumutambo wekuwana.KK 268.1

    Pamufananidzo wepana Mateo 22, chiratidzo chomutambo wokuwana chinoburitswa, uye rutongo rwetsvakurudzo runoburitswa pachena kuti runoitwa mutambo wokuwana usati waitwa. Mutambo usati waitwa, mambo anouya kuzoona vaeni, kuti vose vakange vakapfeka nguvo dzomutambo here, nguvo dzisina kana ruvara rwetsvina, idzo dzakasambwa dzikachena muropa reGwayana. Mateo 22:11; Zvakazarurwa 7:14. Uyo achawanikwa asina zvakaringana achakandirwa kunze, asi vose mushure metsvakurudzo, vachawanikwa vaine nguwo dzemutambo, vachagamuchirwa naMwari uye vachange vakakodzera kubata pamwe naye muhumambo hwake uye kuzogara naye pachigaro chake chehushe. Basa iri rokucherechedza hunhu, kutsvaga avo vakagadzirira humambo hwaMwari, ndiro basa rerutongo rwetsvakurudzo, kunova kupedzisira kwebasa retembiri yekudenga. KK 268.2

    Pachapera basa retsvakurudzo, apo mabasa evose vaiti vateveri vaKristu achange awongororwa, ipapo mutsa uchavharwa, mukova wemutsa uchapfigwa. Naizvozvo mumutsara mumwe chete, “avo vakange vakagadzirira vakapinda Naye mumutambo; musuwo ukapfigwa,” anofamba nesu mukubata kwaMuponesi kwekupedzisira, kusvikira panguva iyo apo basa guru rekuponesa vanhu richapera.KK 268.3

    Mukubata kweTemberi yepasi pano, sezvataona, chiratidzo chebasa ririkuitwa kudenga, apo mupirisita mukuru anopinda munzvimbo tsvene-tsvene paZuva reYananisiro kubata kwake munzvimbo tsvene kwaibva kwapera. Mwari akaraira, “ngakurege kuva nomunhu mutende rokusongana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda.” Revhitiko 16: 17. Naizvozvo, Kristu paakapinda munzvimbo tsvene-tsvene kubata basa rake rokugumisira rokuyananisira, basa rake muzvimbo tsvene rakaguma. Asi pakapera basa rake munzvimbo tsvene, basa rake munzvimbo tsvene-tsvene rakabva ratanga. Sekubatwa kwaiitwa, mupirisita mukuru paaibuda munzvimbo tsvene pazuva rekuyananisira, aienda pamberi paMwari neropa rezvivi achiripisa pakamiririra Israeri yose, avo voga vaitendevuka pachokwadi kubva muzvivi zvavo. Saizvozvo, Kristu akange apedza chikamu chimwe chete chebasa rake semumiriri wedu, kuti apinde mune chimwe chikamu, Iye achikumbirira neropa rake pamberi pababa achimirira vatadzi vose. KK 268.4

    Chidzidzo ichi hachina kunzwisiswa nevaimirira kudzoka kwaKristu mugore ra1844. Mushure mekufamba kwenguva apo Muponesi aitarisirwa kuuya, vazhinji vaitenda kuiti kuuya kwake kwaswedera; vakabatirira pakuti nguva yaKristu semumiriri wevanhu yakange yapera. Pakudzidza kwavo muBhaibheri, zvaitaridzwa sekunge nguva yemutsa ichavharwa kuuya kwaKristu nemakore kana kwave pedyo. Zvaitaridzika kunge zvechokwadi kuburikidza nemagwaro ayo ainongedza panguva iyo vanhu vachatsvaga, vachagogodza, uye vachachema pasuwo rengoni, asi harizozarurwi. Mubvunzo wavaiva nawo waiva pakuti zuva ravakanga vakatarisira kuuya kwaKristu raigona kusataura mavambo enguva yaizovapo kuuya kwake kusati kwasvika asi kwaswedera. Mushure mekupa chiziviso cherutongo rwaswedera, vakanzwa sekunge basa repanyika rapera uyezve vakarasa kutambudzika mumoyo izvi vachizviitira ruponeso.KK 268.5

    Chiedza chiri nane chakabuda apo vakadzidza pamusoro pe sanjuari. Vakaona kuti vainge vasina kurasika mukutenda kuti kupera kwemadekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu, mugore ra1844 kwaitara chiitiko chikuru, asi kunyangwe chaiva chokwadi kuti suwo renyasha netsitsi iro rakaita makore 1800 vanhu vachiwana mukana kuna Mwari, rakavharwa, kukavhurwa rimwe rekuregererwa kwezvivi mukana uyo Mwari arikupa vanhu kuburikidza nebasa raKristu muimba tsvene-tsvene. Chimwe chikamu chekubata kwake chakanga chapera, kuzarura mukana wekumwe kubata. Suwo retemberi yekudenga rakange richakazarurwa, umo Kristu aibata basa rokumirira vatadzi. KK 268.6

    Apa ndipo paionekwa kushanda kwemazwi akataurwa naKristu munaZvakazarurwa, anotaurwa kukereke panguva ino: “Zvanzi naiye mutsvene, iye wazvokwadi, iye une kiyi yaDhavhidhi, iye unoti kana achizarura, hakuna unopfiga, kana apfiga, hakuna anozarura: ndinoziva mabasa ako, (tarira ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurka, hakuna ungaona kuupfiga).” Zvakazarurwa 3:7, 8.KK 268.7

    Avo chete vanotevera Kristu nokutenda pabasa rake guru rokuyananisira, ndivo chete vachagamuchira mubairo wokumiririrwa naye, asi avo vanoramba chiedza chinoburitsa pachena kubata kwake havana chavanowana. MaJudha akaramba chaedza chakapihwa pakuuya kwaKristu kwekutanga, uye vakaramba kutenda kuti ndiye Muponesi wenyika yese, havana kugamuchira kununurwa maari. Jesu, pakuenda kwake kudenga, wakanopinda neropa rake mutemberi yekudenga, kuti ape vadzidzi vake zvikomborero zvekuvamiririra, maJudha vakasiiwa vari mudima kuti vaenderere mberi nezvipiriso nemibairo yavo yakange isisina basa. Kubata basa kwetemberi yepasi rino kwakanga kwapera. Suwo iro vanhu vaiwana mukana wokusongana naMwari rakanga ravharwa. VaJudha vakange varamba kumutsvaga nenzira iyo aizowanika, mukubata kwake mutemberi kudenga. Naizvozvo vakashaya nzira yokutaura naMwari. Kwavari, suwo rakanga rapfigwa. Vakange vasina ruzivo rwaKristu sechipiriso nemumiririri mumwechete pamberi paMwari; naizvozvo havana kukwanisa kuwana mubairo wekumiririrwa naye.KK 268.8

    Chimiro chemaJudha aisatenda chinoratidza chimiro chokushaiwa hanya uye kusatenda kwevanhu vanozviti maKristu, vanoshaiwa hanya nebasa remuPirisita Mukuru wedu remutsa. Mukubata kwepasi rino apo mupirisita mukuru aipinda munzvimbo tsvene-tsvene, Israeri yose yaitarisirwa kuungana patemberi uyewo vachizvininipisa nekurevesa pamberi paMwari kuti varegererwe pazvivi zvavo. Zvanyanya kukosha sei patemberi yechokwadi yekudenga pazuva reyananisiro kutiwo tinzwisise basa remuPirisita Mukuru nezvatinotarisirwa kuti tinge tichiita.KK 269.1

    Hazvigone kuti vanhu vaite maune vachiramba chenjedzo yavakapihwa naMwari mutsitsi dzake zvigopera zvakadaro. Munguva yaNoa, nyika yose yakarairwa kubva kudenga, uye ruponeso rwavo rwaizendamira pakutambira kwavaizoita rairo iyi. Nekuti vakaramba chenjedzo iyi, mweya waMwari wakabviswa mavari, vose vakaparadzwa nemvura zhinji. Munguva yaAbhurahama, tsitsi dzakauya pavanhu vaigara muSodhomu, vose vakaparadzwa nesarufa nomoto zvichibva kudenga kunze kwaRoti pamwe nomudzimai wake nevanasikana vake vaviri. Saizvozvo pamazuva aKristu, Mwanakomana waMwari akaraira kumaJudha vaisatenda, “Tarirai, masiirwa imba yenyu rava dongo.” Mateo 23: 38. Takatarisa mazuva ekupedzisira, Simba Risingaperi rinoraira, “nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe,” “Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema, kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafarira zvisakarurama vatongwe.” 2 Vatesaronika 2:10-12. Sekuramba kwavakaita dzidziso dzeshoko Rake, Mwari unobvisa Mweya Wake ovasiya mukunyengerwa kwavakada. KK 269.2

    Asi Kristu achiri mumiririri wevanhu, uye chaedza kune avo vanochitsvaga. Kunyangwe izvi zvisina kunzwisiswa nemaAdventisti, asi zvakazova pachena shure kwaizvozo kuburikidza nemagwaro anodudzira chimiro chavo pakutenda.KK 269.3

    Kufamba kwenguva mugore ra1844 kwakateverwa nenguva yekuedzwa kukuru kune avo vakange vakabatirira mukutenda kwekudzoka kwaJesu vakawana rugare muchaedza chainongedzera pfungwa dzavo kutemberi yekudenga. Rimwe boka rakabatirira pakuti Ishe akange avatungamira pakutanga; uye pavairindira vachinyengetera kuti vazive kuda kwaMwari, vakaona kuti muPirisita Mukuru wavo akange apinda mune kumwe kubata kwake, uye, vakamutevera nekutenda, vakasvika pakunzwisisa basa rekupedzisira rekereke. Vakava nekunzwisisa kwakanyanya kwemwadhi yekutanga neyechipiri yemutumwa, uye vakange vagadzirira kugamuchira nekupa pasi rose ruchenjedzo rwemutumwa wechitatu pana Zvakazarurwa 14.KK 269.4

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents