Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 26—BASA RERUMUTSIRIRO

    Kupedziswa kwebasa rerumutsiriro panyaya yeSabata kwakataurwa kare nemuProfita Isaya:” Zvanzi naJehovha : chengetai kururamisa muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa. Wakaropafadzwa munhu unoita izvozvi, nomwanakomana womunhu unozvibatisisa, unochengeta sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege uita chinhu chakaipa.” “Navatorwa vo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda kwezita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomwe unochengeta sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu; ivavo ndichavauisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera.” Isaya 56:1,2,6,7.KK 280.1

    Chimiro chiripamashoko aya chinoratidza kuti anobata nguva yenhorondo yechikristu yatirikurarama mairi, {Christian age}. “Ishe Jehovha, unovunganidza vakadzingwa vaIsrael, unoti: Ndichaunganidza zve vamwe kwavari, pamwechete navake vakavunganidzwa.” verse8. Apa tinoona mumvuri wakanaka wekuzounganidzwa kwaizoitwa avo vasiri vaIsrael panyama nekuda kwekuparidzwa kweevhangeri. Kuna avo vanokudza nyaya yesabata nekuiisa panzvimbo yayo Mwari anoraira chikomborero chikuru kwazvo. Naizvo kucherechedzwa nokukosha kwesabata kunopfuurira mberi kwekuroverwa kwaKristu pamuchinjikwa, kumuka kwake, nekukwira kwake kudenga, kusvika panguva iyo varanda vake vachizoparidzira kumarudzi ose mashoko akanaka.KK 280.2

    Mwari unoraira kuburikidza naprofita Isaya zvakare: “Sunga chipupuriro, namatidza murairo nechisimbiso pakati pavadzidzi vangu.” Chisimbiso chemurairo waMwari chinowanikwa pamurairo wechina. Pakati pemirairo yese irigumi murairo wechina bedzi ndiwo unoratidza zita nebasa remupi wemirairo. Unoisa pachena kuti Jehovha ndiye musiki wedenga nenyika, nekudaro anokodzerwa nekupihwa mbiri nekukudzwa pamwe nekunamatwa kupfuura zvimwe zvinhu zvose. Kunze kwemurairo wechina iwoyu hapana pamwe panoisa pachena kuti mutemo wakaiswa naani. Apo sabata rakashandurwa nemasimba echikaturike, chisimbiso chakabva chabviswa pamurairo. Nekudaro vadzidzi vaJesu vanokokerwa kuti vadzorere nekusimudzira sabata repamutemo wechina kuti uende panzvimbo yawo chaiyo sechirangaridzo chekusika uye chiratidzo chesimba rake.KK 280.3

    “Kumurairo nekuzvipupuriro” kunyangwe zvazvo dzidziso dzakatsauka nedzinopikisa mutemo waMwari dzakawanda, mutemo waMwari ndiwo bedzi usina chaunopomerwa uye unoshanda pakuongorora pfungwa, dzidziso, nezvose zvingataurwe nevanhu. Muporofita Isaya anoti: “kana vasingatauri sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.” Isaya8:20.KK 280.4

    Zvakare kwakarairwa kuchinzi “Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakobo zvivi zvavo.” Havasi vanhu vakaipa varimunyika varikufanirwa nesoko rekutsiura iri asi avo vanonzi naJehovha “vanhu vangu”Jehovha vanoenderera mberi vachiti: “kunyange zvakadaro vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirairo yakarurama sorudzi runoita zvakarurama, rusingasii zvakarairwa naMwari.” Isaya 58:1,2. Hevanoi vanhu vanofunga kuti ivo vakarurama pachavo, zvakare vachiratidza kufarira basa raJehovha chaizvo; asi kutsiura kunesimba kunobva kunaiye anocherechedza moyo kurikuratidza kuti vanhu ava varikuputsa murairo waJehovha. Muprofita anonongedzera pazvirevo izvo zvakanga zvasiiwa; “Vachaberekwa newe vachavaka zve matongo ekare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa: Mugadziri wepakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo. Kana uchidzora gumbo rako pazuva resabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinofadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo uchafarira Jehovha kwazvo.” Isaya 58:13-14. Chiprofita chebhaibheri ichinobata zvakare munguva yedu yatiri. Kukoromoka kwepamurairo waMwari kwakaitika apo sabata rakashandurwa nemasimba echikaturike. Asi ikozvino yasvika nguva yekuti zvokwadi yemurairo waMwari idzoserwe panzvimbo payo. Pakakoromoka panofanirwa kuvakwa zve zvakare hwaro hwemarudzi anotevera hunoda kusimudzirwa zve.KK 281.1

    Sabata rakakudzwa nemusiki rikakomborerwa, Adam akarichengetawo arimo muEden. Kunyangwe abuda mubindu nekuda kwechitema akaenderera mberi nekurichengeta. Sabata rakachengetwa zvakare nevakateera mumashure maAdam kubva pana Abel kusvika kuna Noah wekururama, Abraham nekusvika kuna Jakobo. Apo vasanangurwa vaMwari pavakanga vari muhutapwa hwe Egypita, vazhinji wavo nekugara painamatwa zvifananidzo, vakarasikirwa neruzivo rwemutemo waMwari. Asi Jehovha paakavaburitsa vaIsrael muEgypt akavaparidzira mutemo wake nenzira inesimba kuti vatye nekuziva zvinodiwa naJehovha kuti vagomuteerera nekusingaperi.KK 281.2

    Kubva pazuva iroro kusvika ikozvino ruzivo rwemutemo waMwari rwakachengetedzwa panyika, uye sabata repamutemo wechina rakachengetwa. Kunyangwe “munhu wezvivi” akabudirira kuputsa mutemo wesabata pasi petsoka dzake, kunyangwe munguva yakadaro iyoyo yekuti aishandisa masimba ake ese, vakasara vachichengeta nekuteerera mutemo waMwari waiwanikwa munzvimbo dzakawanzika dzakasiyana siyana. Kubva munguva yerumutsiriro, kwakanga kuchingowanikwa vanosimudzira murairo iwoyu nekuucherechedza. Kunyangwe zvazvo vakararama pakati pekushungurudzwa nekutambudzwa, ivo vakaramba vakamira vachipupura kukosha kwemitemo yaJehovha kusanganisira nemutemo wesabata.KK 281.3

    Chokwadi ichi sekuparidzirwa kwachinoitwa muna Zvakazarurwa 14 chichibatanidzwa “neEvhangeri risingagumi”zvichapa musiyano wakakura kukereke yaKristu kusvika panguva iyo achauya. Kubva pakuparidzwa kwesoko rengirozi nhatu: “ava ndivo vanochengeta murairo waMwari,nekutenda kwaJesu.” Vhangeri iri ndiro rekupedzisira kuparidzwa kuuya kwaJesu kusati kwasvika. Munguva shoma yekuperakwaro kuparidzwa mwanakoma wemunhu anoonekwa nomuprofita, achaiuya nembiri kuzokohwa panyika. KK 281.4

    Avo vakagashira chiedza che senjuari nechemutemo waMwari unogara nekusingaperi vakazadzwa nomufaro uye nekushamisika apo vaiona kunaka nekubatana kwezvokwadi iyo yakazarura kunzwisisa kwavo.Vakashuvira kuti icho chiedza chakakosha zvikuru kwavari chisvikewo kumaKristu mazhinji, asi kunge vambozvifunga kuti chokwadi chakadai chingarambe kugashirika. Asi chokwadi chaivaisa panzvimbo yekuti vanopikisana nenyika hachina zvakare kufarirwa nevazhinj vaizviti vateveri vakristu. Kuteerera mutemo wechina kwaida uye kunoda kuzvipira nekuzviramba uko kusingadiwi zvakare kusingafarirwi nevazhinji.KK 281.5

    Apo chokwadi chesabata pachaiparidzwa, vazhinji vaishandisa pfungwa dzavo dzemunyika pakuramba chokwadi ichi.Vaiti: “Tagara tichingochengeta svondo iyoyi, madziteteguru edu ndiyo yavaichengeta, uye vazhinji vatsvene vatakaona vakafa vaine mufaro vachichengeta svondo iyoyi. Kana ivo vakanga vakadaro nesuwotichadaro. Kuchengeta sabata idzva iri kunoita kuti titadze kuwirirana nenyika uye hatizokwanise kushandidzana nenyika. Iro boka diki irori ririkuchengeta sabata rechinomwe iri ringamire here kana zvichienzaniswa nepasi rese ririkuchengeta svondo sesabata? Ndiyo zve pfungwa yakaita kuti vaJudha vatadze kugashira Jesu paakauya kekutanga. Pfungwa yavo yaiti madzibaba avo akagashirwa naMwari,vachipirisa zvipo, ko isu sevana vacho tingakonewa nei kuwana ruponeso nenzira imwechete yo? Zvakare munguva yana Luther, vana Papa vaidarozve zvakare kuti makristu ekare ezvokwadi vakafira imomu muchitendero chechikaturike, naizvozvo chitendero chavo vaiti chakakwana kuti vaponeswe. Pfungwa iyoyi yakamira sechidziviriro kuruponeso rwevazhinji vanoti vanonamata.KK 282.1

    Vazhinji vanoti kuchengetwa kwesvondo sesabata idzidziso yakagara iriko kubva kare setsika yekereke kwemazana emakore. Asi nerimwe divi kwakazoonekwa kuti Sabata remusi wechinomwe rakagara ririko kubva kare pakuwamba kwenyika chaiko, izvi zvinotsigirwa kutanga nengirozi uye naMwari pachavo. Apo hwaro hwenyika hwakaiswa pasi, nyeredzi dzemangwanani dzichiimba pamwechete, vanakomana vaMwari vese vachidanidzira nemufaro ipapo ndipo pakaiswa hwaro hwesabata remusi wechinomwe. Job 38:7; Genesis 2:1-3. Sabata rinotsvaga kuremekedzwa kwaro nesu; nekuti harina kuiswa nemunhu,kana netsika dzevanhu; asi rakaiswapo naJehovha rikasimbiswa neshoko ravo rinogara nekusingaperi.KK 282.2

    Apo rumutsiriro rwesabata rwakaunzwa kuvanhu vazhinji, vafundisi vazhinji vemukurumbira vakatsauka pashoko raJehovha nekuunza dudziro dzekunyaradza pfungwa dzeavo vaitsvaga kuziva chokwadi. Avo vakanga vasina mukana wekuzviverengera shoko raMwari vakagutsika nekugashira dudziro nedzidziso dzaifambirana nezvidiso zvavo. Kuburikidza nekupikisa, kunyengera, tsika dzemadzibaba, nemasimba ekereke, vazhinji vakaramba zvokwadi vakaiputsira pasi.Vamiriri vechokwadi vakasundirwa kushoko raMwari kubhaibheri kuti vamirire kukosha kwemurairo wechina. Varume vakazvininipisa, vaine shoko raMwari bedzi mumaoko avo, vakagona kumira vachirwisana nevakadzidza, avo mukushamisika, nemuhasha dzavo, vakaona kuti, hunyanzvi hwavo hwakanga husina simba pamberi pevaranda vaMwari vakanga vakazadzwa neshoko raMwari vasina pfungwa dzakakanganiswa nekunyengera kwekudzidziswa nevanhu. KK 282.3

    Pasina uchapupu hwebhaibheri vazhinji vasingakurumidzi kuneta nekuita nharo asi vachikanganwa kuti pfungwa imwechete iyoyi yekupikisa yakamboshandisirwa kuna Kristu neVaapositori.” Nemhaka yei vakuru vedu vasirikunzwisisa nyaya yesabata iyi? Asi vashoma vanotenda sezvaunoita. Hazvirevi kuti iwe uripachokwadi uye kuti varume vese ava vakadzidza varimunyika varikudivi risiri iro”KK 283.1

    Kuti vagone kumisidzana nenhema idzi zvaitsvaga kuti vadzokere kumagwaro kuti anoti kudii, uye nhoroondo yekuti Ishe Jehovha akamboshanda nenzira ipi kuvanhu munguva dzakasiyana. Mwari anoshanda neavo vanoteerera inzwi ravo, avo vanoti kana zvichibvira, vanotaura chokwadi chisingafadzi, avo vasingatyi kutsiura zvitema zvinoitwa neruzhinji. Chikonzero nei nguva zhinji Mwari asinganyanyosarudzi vanhu vakadzidza uye vari muzvidanho zvepamusoro kana akatarisana nenyaya yeshanduko nerumutsiriro, imhaka yekuti vazhinji vakadaro vanovimba nezvakanyorwa nemakereke, dzidziso dzevanhu, uye nezvavanodzidziswa muzvikoro zvavo zvechifundisi, sakanekudaro vanoona pasina chikonzero chekudzidziswa naMwari.KK 283.2

    Avo bedzi vakazemberana nemanyuko euchenjeri ndivo bedzi vanokwanisa kunzwisisa nekutsanangura magwaro.Varume vasina kuwana mukana wekudzidza kushoma kwezvikoro imwe nguva vanosheedzwa naMwari kuti vapupure zvokwadi, kwete nekuti havana kudzidza, asi nekuti kazhinji havazvivimbi kana pari panyaya yekudzidziswa naMwari.Vanodzidza kuchikoro chaKristu Jesu, kuzvininipisa kwavo nekuteerera kwavo kunoita kuti wave vakakudziridzwa. Kuburikidza nekuvapa ruzivo rwechokwadi, Mwari akaisa kukudzwa pamusoro pavo, kana zvichienzaniswa nekukudzwa kunopihwa vanhu nenyika kunoparara uye kusingagari nekusingaperi. KK 283.3

    Vazhinji vaimirira kudzoka kwechipiri kwakristu vakaramba zvokwadi yeSenjuari nemutemo waMwari, zvakare vazhinji vakasiya chitendero vakagashira dzidziso dzaipikisana dzezviprofita zvaibata basa iroro.Vamwe vakaenderera mberi vachidzokorora kuisa madheti ekuuya kwaKristu. Chiedza chaipenya pachidzidzo ichochi cheSenjuari chaifanira kuvaratidza kuti hakuna nhororoondo yechiprofita yaizopfuurira kusvika pakudzoka kwechipiri; uye kuti zuva chairo rekuuya kwaKristu harina kunge rataurwa. Asi mukufuratira kwavo chiedza vakaenderera mberi vachiisa madheti akasiyana siyana ekuuya kwakristu nekudaro vakangoramba vachisangana nekukuhunika. KK 283.4

    Apo kereke yeTesaronika yakagashira dzidziso dzekutsauka dzinechekuita nekuuya kwaKristu, muApositori Pauro akavaraira kuti vaifanirwa kuedza tariro yavo zvakanaka vachishandisa shoko raMwari. Akavanongedzera kuchiporofita chairatidza zviitiko zvaifanira kuzoitika Kristu asati auya, akavaratidza zve kuti ivo vaisafanira kutarisira Kristu munguva yavo. “Ngaparege kuva nemunhu unokunyengerai nemutoo upi noupi zvawo” ndiwo manzwi aPauro enyevero. Kana vakaramba vachiteedzera tariro dzisina tsigiro yeshoko raMwari, vaizotungamirirwa munzira dzekutsauka; uye dzakazara kukuhunika uko kunounza kusatenda zvokwadi inoponesa nezvokwadi yeruponeso. Kurudziro nenyevero yamupostori Pauro kuva Tesaronika inezvidzidzo zvakawanda kune avo vari kurarama mumazuva ekupedzisira.Vazhinji vaimirira kudzoka kwaJesu kwechipiri vainzwa kana pasina zuva rakatarwa rekuuya kwaKristu, vakanga vasingakwanisi kushanda zvinesimba pabasa rekugadzirira iri. Apo tariro yavo yaipihwa manyuku nyuku nguva nenguva asi pakupedzisira vaizokuhunika zvikuru nekusauya kwaKristu panguva dzavainge vakatara kusvikira mwoyo isisakwanise kutenda kuzvokwadi yechiprofita chemubhaibheri.KK 283.5

    Kuparidzwa kwenguva chaiyo yakatarwa yerutongo, mukuparidzwa kweshoko rengirozi yekutanga, kwakanga kwakarairwa naJehovha Mwari pachavo. Zvakare kuverengwa kwenguva yezviporofita iyo vhangeri rakanga rakatsamira pairi, zvakanangana nekupera kwemazuva ane madekwana namangwanani anezviuru zviviri namazana matatu; (2300) mugore ra1844 inomira pasina anopikisa. Nyaya yekudzokorora kutara nguva yepekutangira nekuperera kwenguva yezviporofita, nenharo dzisina tsigiro yeshoko raMwari, zvaisangotungamirira bedzi kuti pfungwa dziende kure nechokwadi asi kuti zvaidziviri kunzwiswa nekutsanangurwa kwezviporofita zvemubhaibheri. Apo tsika yekutara nguva yekudzoka kwechipiri, nekudzidziswa kwayo, zvakakurudzira zvinangwa zvaSatan kuti zvibudirire. Kana nguva iya ikapfuura Satan aimutsira kushoorwa nekutukwa kune avo waive pamberi nekutara nguva, zvakapedzisira zvashoresa zvakare basa rakanga rabatwa mumakore a1843 na1844. Avo vanorambira pakutsauka kwakadai pakupedzisira vachatara nguva irikumberi zvakanyanyisa kwekuuya kwaMuponesi. Izvi zvichaita kuti vatsamire pakuchengeteka nekugutsikana kwenhema,vazhinji vachasangana nekunyengerwa kukuru.KK 284.1

    Nhorondo yeIsraeri yekare muenzaniso unobatika chaizvo unobatawo zvakasangana neboka revamiriri vekudzokwa kwakristu kwechipiri. Mwari vakatungamirira boka irori zvakangofanana nekutungamirira kwaakaita vana veIsrael kubva muEgypita. Kukuhunika kukuru kwavakasangana nako apo Jesu asina kuuya panguva yavaitarisira kutenda kwavo kwakazununguswa zvakafanana nezvakaitika kuvaIsrael pagungwa dzvuku. Dai vakaramba vakavimba neruoko rwaivatungamira mumashure, vangadai vakaona ruponeso rwaJehovha. Dai vose vakanga vashanda vakabatana pabasa mugore ra1844, vakagashira shoko rengirozi yechitatu nekuriparidza nesimba remweya mutsvene, Mwari vangadai vakazviratidza zvikuru kwazvo mumabasa avo. Chiedza chikuru kwazvo chingadai chakapararira nekukurumidza mupasi rese. Kaare kwazvo vagari vepanyika vangadai vakapihwa yambiro, uye basa iri rekuparidza ringadai rakapera, uye Kristu angadai akatouya kuzodzikinura vanhu vake. KK 284.2

    Kwakanga kusiri kuda kwaMwari kuti vaIsrael vapoterere mugwenga kwemakore makumi mana; Mwari waidisa kwazvo kuvatungamirira pasina kumira kunyika yeCanaan, kuti vagaremo nemufaro. Asi “vakanga vasingagoni kupinda nokusatenda kwavo.” VaHeberu 3:19. Nekuda kwekudzokera kwavo kumashure, nekutsauka vakapararira mugwenga,vamwe vakamutswa kuti vapinde munyika yechipikirwa. Zvimwechetezvo, rakanga risiri zano raMwari kuti kudzoka kwakristu kunonokeuye kuti vanhu vake vararame zve makore mazhinji panyika ino yechitema nekusuwa. Asi kusatenda kwakavaparadzanisa naMwari. Apo vairamba kuita basa raakanga akavatarira, vamwe vakamutswa kuti vaparidze ivhangeri iri. Nenyasha dzake kunyika Kristu unononotsa kuuya kwake, kuitira kuti vanyangadzi wawane maari pekuhwanda hasha dzaMwari dzisati dzadururwa.KK 284.3

    Sezvazvaiva munguva yakapfuura, kuparidzwa kweidi rinotsiura chitema nekutsauka kwenguva kunomutsa kupikiswa nekurwiswa kukuru. “Nokuti mumwe nomumwe unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.” Apo vanhu vanoona kuti pavamire panyaya dzekutenda hapana tsigiro yemagwaro, vazhinji wavo vanozvimisira kurambira pavari zvisinei kuti pakaipa zvakadii, nekuda kwemweya wakaipa uyu vanomira vachishungurudza nekushoora chimiro nehunhu hweavo vanomirira zvokwadi isina kujairika. Maitiro aya agara ariko kubva kare kwazvo. Elijah akanzi mutambudzi waIsrael, Jeremaiah akanzi mutengesi, Pauro akanzi musvibisi weTemberi. Kubva kare kusvika ikozvino, avo vanorambira pachokwadi vanomhurwa vachinzi vanorwisana nevatungamiri vedzihurumende, vachinzizve vanedzidziso dzakatsauka, kana kuti vapanduki.Vazhinji vane kusatenda kukuru kusingakwanisi kugashira shoko rouporofita vachagashira nekukurumidza zvisina mubvunzo kupomerwa kweavo vanoshinga kutsiura chitema nezita racho. Mweya uyu ucharamba uchiwedzera nekungowedzera. Zvakare Bhaibheri rinodzidzisa nekunyevera kuti nguva inouya apo mitemo yenyika icharwisana nemitemo yaMwari, zvakadaro zvekuti wese munhu anoteerera mitemo yaMwari yese yakakwana anofanira kutarisira kushoorwa nekupihwa zvirango achinzi muiti wezvakaipa.KK 285.1

    Takatarisana nenyaya iyi, basa remutumwa weChokwadi nderei? Anofanirwa here kuti chokwadi hachifaniri kutaurwa, nekuti pese pachinotaurwa chinomutsa mweya wekuti vanhu vanzenge kana kuramba chokwadi ichi? Kwete; haana chimwe chezvikonzero chekusataura shoko raMwari, nekuti rinomutsa kupesana, sezvakasangana nevekutanga. Kupupura kwekutenda kwakaitwa nevatsvene vekare kwakanyorerwa kuti kubatsire avo vaizotevera mumashure mavo. Iyo mienzaniso inobatatika yehutsvene, nehumhare pakumirira chokwadi zvakaunzwa kuti zvimutse mweya wekushinga kune avo varikudanwa ikozvino kuti vamire vari zvapupu zvaMwari. Vakagashira nyasha, nezvokwadi, kuti zvive zvavo bedzi, asi kuti kuburikidza navo, chiedza chaMwari chigovhenekera nyika. Mwari vakapawo here chiedza kuvaranda vake munguva yatiri ino? Naizvozvo, vanofanirwa kuita kuti chiedza ichi chivhenekere munyika yese.KK 285.2

    Kare Jehovha wakapupura kune uyo unotaura muzita rake: “Asi imba yaIsrael icharamba kukunzwa, nokuti havadi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsrael vanehuma dzakawoma, nemwoyo mikukutu.” “Asi iwe unofanira kuvaudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo” Ezekeri3:7;2:7.KK 285.3

    Kumuranda waMwari wenguva ino, Jehovha anoti; “Danidzira nenzwi guru sere hwamanda, uratidze vanhu vangu kutsauka kwavo, neimba yaJakobo zvivi zvavo”KK 285.4

    Apo mikana yozaruka kudai, munhu wese akagashira chiedza ichi chezvokwadi, anemusengwa wakakura kwazvo uye unotyisa sezvakanga zvakaita vaProfita vekwaIsrael, avo shoko rakasvika kwavari richiti, “Saizvozvo mwanakomana wemunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsrael, naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu. Kana ini ndikati kunowakaipa: iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo; kana ukasanyevera wakaipa panzira dzake, wakaipa uyo uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake munhu uyo wakaipa uchafa nekuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, iye uchafa nokuda kwezvakaipa zvake asi iwe warwira hako mweya wako” Muporofita Ezekeri33:7-9.KK 285.5

    Chidziviriro chikuru pakugashirwa uye nepakuparidzwa kwechodi ndechekuti zvinosanganisira kushoorwa, kurwiswa, nekukuhunika kwakawanda. Ndiro rimwe remaidi risingakwanise kurambwa nevamiriri vezvokwadi vazhinji. Asi izvi hazvidziviriri vateveri vechokwadi vaKristu. Ivo havamirire kuti chokwadi chitange chakurumbira. Pavanongoziva basa ravo bedzi, nekukurumidza vanotakura muchinjiko, pamwechete naPauro vanoti, “nokuti kutambudzika kwedu kwakareruka, uko kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka nokusingaperi.” Umwe wekare “akati kuzvidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita.” 2Vakorinte 4:17; vaHebheru 11:26.KK 286.1

    Tinofanira kusarudza zvakanaka nekuti zvakanaka, tosiya mumaoko aMwari pane zvinozobuda ipapo. Nekuda kwevarume nevakadzi, vezvimiso, kutenda, nehushingi, nyika inechikwereti zvikuru panyaya yerumutsiriro. Nevarume ivava basa rerumutsiriro neshanduko rinotarisirwa kuenderera kumberi.KK 286.2

    Ndizvo zvinotaura Jehovha: “Nditererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurairo wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu musavhundutswa nokutuka kwavo. Nokuti zvipfunho zvichavadya senguvo, zvivundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.”Isaya 51:7,8.KK 286.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents