Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 14—VAVANDUDZI VEKUPEDZISIRA VEMU ENGLAND

    Luther paizarura Bhaibheri kuvanhu veGermany, Tyndale aisundwawo neMweya waMwari kuita zvimwechete munyika yeEngland. Bhaibheri rakanyorwa naWycliffe rakange rashandurwa kubva mururimi rweLatini rakanga rinemhosho dzakawanda. Bhaibheri iri harinakusvika kuvanhu nekuti raidhura kudhindisa uye kereke yairamba kuti vanhu vaverenge Bhaibheri. Mugore ra 1516, Luther asati anyora zvikonzero zvaipikasana neshoko raMwari, Erasmus akange asvitsa kujekerere Testamende itsva muchiGiriki neLatin. Kaive kekutanga kuti shoko raMwari ridhindwe mururumi rwechiGiriki. Muchinyorwa ichi mhosho zhinji dzaive muchinyorwa chekutanga dzakange dzagadziriswa uye zvaibuda zvakajeka. Zvakapa vakafunda mukana wekunzwisisa chokwadi zvirinani nekupa simba mukuitwa kwebasa reRuvandudzo.Tyndale aive mufundi akaperera uye arimutsvaki wezvokwadi akagashira vhangeri kubva muTestamende Itsva yechigiriki yakange yanyorwa naErasmus. Aiparidza mukunzwisisa kwake asingatyi, achikurudzira kuti dzidziso dzose dzinofanira kutsigirwa nemagwaro. Kunana papa vaiti kereke ndiyo yakapa bhaibheri kuvanhu uye ndiyo chete inogona kududzira,Tyndale akapindura achiti: “Ndiyani akadzidzisa gondo kutsvaka zvokudya? Mwari mumwechete iyeye anodzidzisa vana vake vanenzara kuwana Baba vavo kubva mushoko. Hamuna kutendera kuti magwaro matsvene asvike kuvanhu, makapisa vose vaidzidzsa bhaibheri, dai maitenderwa maida kupisa Bhaibheri racho.”-D'Aubigne, History of the Reformation of the Sixteenth Century, b. 18, ch. 4. KK 155.1

    Kuparidza kwaTyndale kwaimutsa moyo uye vazhinji vakagashira chokwadi. Maprisita akange asina kumira kurwa hondo yawo, aiteverera kunenge kwabviwa nemuparidzi achityisidzira nekutaura zvisizvo kuti zvakaparidzwa zvishaye simba. Mukuita izvi vaibudirira. “Chii chinofanira kuitwa?” akazvibvunza. “Pandirikudyara, muvengi arikusvika achiparadza kana ndabva panzvimbo. Handikwanisi kuvapose nguva imwe. Dai muKristu mumwenemumwe awana magwaro mururimi rwavo vanogona kuzvimirira panhema dzingauya nevavengi. Pasina Bhaibheri zvakaoma kusimbisa mutendi muzvokwadi.”—Ibid., b. 18, ch. 4. Chinangwa chitsva chakange chavemaari chaive chekuti Bhaibheri rive mururimi rwavanhu. “Kuti kupokana kusavepo, vanhu vanofanira kuverenge Testamende itsva mururimi rwavo.” -Ibid., b. 18, ch. 4. KK 155.2

    Mumwe ndokotera pafundo akange arimukatorike achikakavadzana naye akati: “kutevera dzidziso dzana papa kutori nani pakutevera mutemo waMwari.” Tyndale akamupindura:’ “Ndinoshovora papa nemitemo yake; kana Mwari vakandipa upenyu ndichadzidzisa mukomana murimi zvakawanda pamusoro peShoko raMwari pakudzidzisa iwe” -Anderson, Annals of the English Bible, page 19.KK 155.3

    Chinangwa chaaiva nacho chekusvitsa Testament itsva mururumi rwavanhu akatanga kuchiita. Akatizira kuLondon mushure mekutambudzwa uko akaenderera mberi nebasa rekuisa Bhaibheri mururimi rwavanhu pasina zvipingaidzo. Maprisita akamuteverera zvakare, pasisina kwekutizira muEngland akaenda kuGermany. Arimunyika iyi akatanga kudhindisa Testamende Itsva muchirungu. Kaviri basa iri richimiswa asi aitizira kunerimwe guta. Pakupedzesera akazowana mukana wekuita basa iri panzvimbo yeWorms, pakambovhikirwa vhangeri naLuther. Achiwana betsero kubva kushamwari dzeRuvanndudzo, Tyndale akakwanisa kudhindisa mabhaibheri anosvika zviuru zvitatu.KK 155.4

    Mukutsungirira nekurevesa akaenderera mberi nebasa rake. Hutungamiri hwakange hwavharira kuti Bhaibheri risapinde munyika yeEngaland asi rakapinda muchivande muLondon ndokupararira munyika yose. Maprisita vakaedza kutsikirira chokwadi asi zvakakona. Bishopi weDurham imwe nguva akatenga maBhaibheri ose aitengeswa neshamwari yaTyndale achida kumaparadza achifunga kuti zvichamisa basa nekupararira kwawo. Asi mari yaakatenga nayo yakandobatsira zvikuru kudhindisa mamwe maBhaibheri akawanda nekutiyaive zhinji. Tyndale akazosungwa ndokunzi tokusunungura kana watiudza kuti mari yekudhindisa mabhaibheri waiiwana kupi. Akapindura kuti bishop weDurham akabatsira zvikuru kukunda vanhu vose nekuti akatenga mabhaibheri akange asara nemari zhinji zvakatipa simba rekuramba tichiita basa.KK 156.1

    Tyndale akazoiswa mumaoko evavengi veshoko, imwe nguva akaiswa mutirongo kwemwedzi mizhinji. Pakupedzisira akazadzisa huchapupu hwake nerufu rwekuurayirwa kutenda kwake; asi zvombo zvaakange asvitsa kuvanhu (Bhaibheri) zvakaita kuti mauto evhangeri arambe achienda mberi nebasa. KK 156.2

    Latimer akaramba achisimbisa pakuparidza kwake kuti Bhaibheri rinofanira kuverengwa mururimi rwavanhu. “Mwari ndiye munyori wemagwaro matsvene. Mambo, vatongi, nevatungamiri vose vanosungirwa kutevera zviri muBhaibheri…Ngatisatevedzera tsika dzamadzibaba edu pakurasika kwavo asi ngatitungamirwe neshoko raMwari.” Aya ndiwo emamwe mashoko ake pamharidzo yake yokutanga pamberi pamambo Edward wechitanhatu. Aijekesa pachena kuti Roma iripo pakutungamidza pfungwa dzavo panzvimbo yezviri muBhaibheri.KK 156.3

    Barnes naFrith, shamwari dzakatendeka dzaTyndale dzakapinda pabasa rekuvhikira chokwadi cheshoko vachiteverwawo naRidleys pamwe naCranmer. Vatungamiri muRuvandudzo rweEngland ava vaive vakafunda kwazvo pazivo yenjere uye vari vateveri vechitendero cheRoma vakaperera. Kupikisana kwavo nanapapa kwaive kwevanhu vakange vaona nekuziva nhema dzairaramwa nekereke iyi. KK 156.4

    Magwaro maTsvene anesimba risngakundikani uye anotibatsira panyaya dzekutenda nekurarama. Pfungwa iyi ndiyo yainyanyisa kutsimbidzirwa neVavandudzi vose vanosanganisira maWaridhenzi, WYcliffe, John Huss, Luther, Zwingli, nevose vaibatana navo.Vakaramba kuti vatungamiri, vana papa nevamwe vose vasava pfungwa dzavanhu panyaya dzechinamato. Bhaibheri ndiro roga rinesimba uye naro tinoyedza dzidziso dzose nekuita zvarinotaura. Kutenda munaMwari nemushoko zvakapa varume ava simba rekuramba vakabatirira kusvika parufu rwekuurairwa shoko iroro. “Ivai nekunyaradzwa,” akadaidzira Latimer kunevamwe vake vaaipiswa navo, “rimwe zuva muno muEngland vhangeri richapfuta semwenje pasina anoudzima.” -Works of Hugh Latimer, vol. 1, p. xiii.KK 156.5

    Munyika yeScotland mhodzi yevhangeri rechokwadi yakange yadzvarwa naColumba yakange isina kuparara zvachose. Kwemakore mazhinji mushure mekunge masangano emuEngland azvipa zvizere kuRoma, Scotland yakaramba yakachengetedza rusununguko rwayo senyika. Musejuri yegumi nembiri dima guru kuburikidza nedzidziso dzeRoma rakafukidza nyika iyi asi chiedza cheshoko chakapinda nekudzikunura vanhu kubva munhema dzavakange vagashira. MaLollards achibva kuIngirandi neBhaibheri pamwe nedzidziso dzaWycliffe vakaita zvikuru pakuchengetedza ruzivo rwevhangeri. Nguva imwe neimwe yaitove nevaifira vhangeri iri, anova magamba ekutenda.KK 156.6

    Kuvamba kweShanduko kwakaita kuti zvinyorwa zvaLuther zvivepo pamwe neBhaibheri raTyndale muTestamende itsva. Mukusaonekwa nevakuru, zvinyorwa izvi zvakasvikira vanhu vaive munzvimbo dzose, mumakomo, mumipata zvichimutsidzira nekupa upenyu kumwenje wechokwadi chakange chavakudzima muScotland nekushandura dzidziso yeRoma yakange yatonga nyika iyi kwemakore anemazana mana. KK 157.1

    Ropa revatsvene rakatangazve kuteurwa.Vatungamiri vemapirisita pavakazoona shanduko yevanhu kuburikudza nechokwadi chakange chaakuraramiwa vakatanga kubata, kutambudza nekuuraya vatsvene, vakachenjera nevanakomana vanokudzwa vemuScotland. Kuurawa kwavo yakava mharidzo yakaparidzwa kunzvimbo dzose nekupa hushingi kuvanhu kuti varwise utungamiri hweRoma. KK 157.2

    Hamilton pamwe naWishart vaive vana veumambo pakuzvarwa nepakuita, vakabatana navamwe pakufira vhangeri. Mushure mekupiswa kwaWishart pakabuda mumwe muparidzi akanga asinganyaradzwi nemoto akagona kurwisa nekukunda humambo hwana papa muScotland nekuparidza vhangeri. John Knox akange afuratira nekurasa tsika nedzidziso yekereke yeKatorike; dzidziso dzaWishart dzakamusimbisa kuti asiye chitendero cheroma atevere vatambudzwi veRuvandudzo. KK 157.3

    Achikurudzirwa neshamwari dzake kuti ave muparidzi akaita nguva achiramba kutora basa iri asi mushure mekurwisana nepfungwa dzake akazozvimisira kuva muparidzi. Aive muparidzi aimira panezvaakatenda uye aiita zvose nesimba rake rose achiri mupenyu. Aisatya chiso chemunhu, paaitsvakwa kuti aurawe ndipo paaitonyanya kuparidza nekuparadza zvitombi zvainamatwa muScotland. KK 157.4

    Knox paakamiswa pamberi pedare ramambokadzi wemuScotland, apo pakange papararira vatungamiri veshanduko vazhinji, akava chapupu chechokwadi chisingatyi. Mambokadzi akamupa mhosva yekuparidza manyepo nekukurudzira vanhu kunamata chitendero chakarambidzwa nenyika. Knox akamupindura asingatyi,“chinamato chechokwadi hachitori simba uye hachina kuvambwa namachinda epanyika pano asi Mwari anogara nekusingaperi ndiye muvambi, vanhu havaminikidzirwi kuti vanamate sezvingadiwa nevatungamiri venyika.Vatungamiri ava havaziva nezvaMwari uye kuti anonamatwa sei… Dei vanhu vese mumazuva avaapostora vakatevera chinamato cheroma, nyika ino ingadei inechinamato chakaita sei nhai mhai? Nekudaro vanhu havafaniri kusungirwa kuudzwa zvechinamato nevatungamiri venyika asi vanofanira kuvaterera asi kwete panezvinechekuita nekunamata. Ipapo Mary akati: “Unotsanangura Bhaibheri neimwe nzira, Kerereke YeKatorike inotsanangurawo nenzira yayo; zvino ini ndotenda munezvipi, ndiani angava mutongi panyaya iyi?’’KK 157.5

    “Munofanira kutenda munaMwari nezvaanotaura mushoko rake’’ Knox akapindura.’’Tendai zvoga zvinobva muShoko rake. Shoko raMwari rakajeka pachezvaro uye haripikisani, kana paita pasina kunatsojeka Mweya Mutsvene unonatso tsanangura kubudisa nyaya yacho nemamwe mavhesi mubhaibheri imomo. Anosarudza kusindimara ndiye asingaoni zvokwadi iyi.” -David Laing, The Collected Works of John Knox, vol. 2, pp. 281, 284.KK 157.6

    Ndochokwadi chaitaurwa nemuvandudzi akanga asingatyi njodzi inogona kumuwira pamberi peumambo. Nesimba rimwechete neushingi akaramba achiparidza, kunamata nekurwa hondo dzaMwari kusvika Scotland yasunungurwa kubva kunana papa.KK 157.7

    Munyika yeEngland Shanduko yakadzikisa kushungurudzwa nekutambudzwa kwevanhu asi hazvina kupera zvachose. Dzidziso dzeRoma dzimwe dzakarambwa asi shoma dzakasara. Hutongi hwapapa hwakarambwa pakaiswa madzimambo kuti atungamire sangano. Mumarusando esangano zvakawanda zvaifanira kushandurwa kuti sangano rinyatsomira pazvokwadi. Kuti munhu asarudze chitendero chaanoda pasina kumanikidzwa zvanga zvisati zvagamuchirika. Kumanikidzwa kwaivepo kwekuti zvauri kuudzwa nesangano tevedzera izvozvo. Vaipikisa vakatambudzwa kwemakore. KK 158.1

    Musenjuri yegumi nenomwe zviuru zvevafundisi zvakarasikirwa nebasa.Vanhu vaisatenderwa kuungana vachinamata kana vasina kupiwa mvumo nekereke. Vaisaterera mutemo uyu vaisungwa nekubhadhariswa mari zhinji,vamwe vaidzingwa munyika. Vatendi vaida kuungana vachinamata Mwari vaisangana pakavanda mumapako nemumatondo usiku vachirumbidza Mwari nekunamata. KK 158.2

    Kunyange vatendi vaiedza kuzvichengetedza, vazhinji vakatambudzirwa kutenda kwavo. Matirongo akazara navasungwa vekutenda, misha ikaparara nekurambana, vazhinji vakadzingirwa nekutizira kunyika dzekunze. Mwari vaive nevanhu vake, kutambudzwa hakuna kupedza kutenda kwavo.Vazhinji vakayambuka nyanza vakaenda kuAmerika uko vakanoteya nheyo dzekuti vanhu vagone kurarama nekunamata pasina kumanikidzwa. Ndizvo zvirikutendwa munyika iyi nhasi.KK 158.3

    Zvakare sepamakore eva apostora kutambudzwa kwavo kwakaita kuti vhangeri riende mberi. Mujere raisemesa nenda John Bunyan aifema mweya wekudenga akanyora nhoroondo yekufamba kwevana vaMwari vachibva munyika yekuparadzwa vakananga kudenga kuzere kubwinya. Kwemakore inzwi rake rakashandura vanhu, apo raitaura richibva mutirongo rainzi Bedford. Zvinyorwa zvake pamusoro pevafambi nenyasha dzakaitirwa mutadzi mukuru zvakatungamirira vazhinji kuti vatarise kuna Jesu. Baxter, Flavel, Alleine, nevamwe vaive nezvipo, fundo nekutenda kwakadzika munaMwari vakamirira zvokwadi kuti isawisirwe pasi. Basa rakabatwa nevarume ava richagara kweupenyu. Flavel naBaxter vakanyora zvinyorwa zvakasimbisa vatsvene kusvika nhasi.KK 158.4

    Mushure memakore ane zana rima guru panyaya dzekutenda rakafukidza nyika muEngland. Chinamato chevanhu chakange chafanana nemahedheni. Vatungamiri nevafundisi vakange vavekudzidza zvakanyanya pamusoro pezvisikwa kudarika musiki. Sangano rakange risina simba rekudzora maopoka evanhu kuzvokwadi yaive yakuputsika. KK 158.5

    Dzidziso huru yekururamiswa nekutenda sekuparidzwa kwayaiitwa naLuther yakange isingachatendwi maiiri; uye kutenda kweRoma kwekuponeswa nemabasa ndokwakange kwatora nzvimbo. Whitefield nemhuri yekwaWesleys, vakavamwenje munguva yerima iyi nekuti vakange vakaziva zvokwadi yekurarama zvakanaka mukuterera zvinodiwa naMwari. Neimwe nguva Charles Wesley akarwara zvekusvika pakufa, akabvunzwa neshamwari yake kuti tariro yekuwana upenyu husingaperi anayo here. Mhinduro yake ikati: “ndakaedza mukuperera kwangu kushandira Mwari,’’ shamwari yake ichiratidza kusagutsikana nemhunduro,Wesley akati, “kushingaira kwangu kubatira Mwari hausi umbowo hwakakwana here wekuva netariro? Ndingatorerwa nechisimba here mabasa andakabata? Handina zvimwe zvandinovimba nazvo” -John Whitehead, Life of the Rev. Charles Wesley, page 102. Ndiyo mhando yedima guru rakange rafukidza kereke, kutorera Jesu simba rekuponesa, vanhu vakange vafuratidzwa kutariro yeruponeso runouya nedzikinuro yeropa raJesu rakadeuka pamunjikwa. Mukutsvaka kuvavatsvene Wesley neshamwari dzake vakaita zvose zvavaifunga kuti zvingavaita kuti vave vatsvene uye vadike pamberi paMwari, asi zvose hazvina kugona kuvasunungura pakuzvidza kwechivi kana kurwirwa pasimba rekutadza.Vakamboshaisa miviri yavo nekuzviramba,vakaita mabasa emutsa, kuzvininipisa asi zvose hazvina kugona kuvawanisa nyasha dzaMwari. Martin Luther akambosanganao nechimiro ichi arimutirongo paErfurt. Ndomubvunzo mumwechete waimudya moyo; “Munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?” Job 9:2.KK 158.6

    Moto wezvokwadi wakange woita sewodzima paaritari yeRuvandudzo, waizomutsidzirwa zvakare nemaKristu enyika yeBohemia. Mushure meRuvandudzo, chitendero cheshanduko muBohemia chakatsikirirwa pasi nemaRoma.Vose vairamba kusiya chitendero ichi vakamanikidzirwa kutiza nyika iyi.Vamwe vakawana kwekupotera munyika yeSaxony uko vakarambira pakutenda. Kubva pamaKristu aya mwenje wedzidziso wakasvika kuna Wesley neshamwari dzake. KK 159.1

    John naCharles Wesley, mushure mekuzodzwa kuita basa raMwari vakatumwa kunova mamishinari kuAmerika.Varimuchikepe vakange varipamwe nevenyika yeMoravia. Dutu guru rakamuka varimunyanza, chikepe chakashumba kuparara. John Wesley atarisana nerufu, akanzwa maari asina vimbiso yerunyararo naMwari. MaJerimani vaaiva navo vairatidza kudzikama, runyararo nevimbo izvo aisanzwisisa.Wesley anoti,’’kwenguva ndaicherechedza vanhu ava (maJerimani) kuzvininipisa kwavo kwairamba kuripo, muchikepe vaiita mabasa atairamba isu uye vachimaita nemufaro pasina muripo. Kuvabvunza kuti sei musingadi muripo uye muchiita mabasa emutsa vaiti Muponesi wedu vakaita zvikuru kudarika isu zvatingaita. Kana vakarohwa kana kusundidzirwa,vaisimuka voenda pasina shoko rekugunun’una rakabuda mumuromo mavo. Mukana zvino wakange wavepo wekuona kuperera nekusatya kwavo kuburikidza nemafungu akange amuka munyanza.Varipakuimbira chikepepe chakarohwa nemvura chikatanga kuparara, zvaiita sekunge nyanza yose yakupinda muchikepe. Mheremhere yakavepo kuma Ingirandi asi maJerimani akaramba achiimba nemufaro.Wesley akabvunza mumwe wavo mushure medutu, “Ko manga musingatyi here” akapindura, “Ndinotenda Mwari, handina kutya.” Wesley akabvunzazve, “Ko vana venyu nevakadzi venyu vanga vasingatyiwo here?” Akapindurwa muunyoro, “Kwete havana kutya,vakadzi nevana vedu havatye kufa.” -Whitehead, Life of the Rev. John Wesley, page 10KK 159.2

    Vachisvika munzvimbo yeSavannah, Wesley akambogara nezvizvarwa zveMoravia akafadzwa zvikuru nekaitiro kavo semaKritsu. Paienzanisa muitire wavo nekushaya upenyu hwekanamatiro kavo kuEngland anonyora achiti: “kaitiro kema Moravia kakaita kuti ndione sendirikurarama mumakore ekare panguva dzaana Pauro, musuki wematende, Peter mubati wehove vaibata basa raMwari neMweya pamwe nesimba.”—Ibid., pages 11, 12.KK 159.3

    Achidzokera kuEngland Wesley achibatsirwa nemuparidzi wemuMoravia, akasvika pakunzwisisa zvakajeka kutenda kwemuBhaibheri. Akanzwa achisundwa kuti asiye kutsamira pakuvimba nemabasa kuti aponeswe asi kuti azvipire zvizere pakuvimba neGwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika. Pamusangano wakaitwa wevatendi veMoravia muLondon chinyorwa chaLuther chakaverengwa, chichitsanangura shanduko inoitwa neMweya waMwari mumoyo wemutendi.Wesley paaiterera kutenda kwakabatira mumoyo make. “Ndakanzwa moyo wangu uchidziirwa zvisina kujairika.” anodaro, “ndakanzwa ndichivimba munaKristu, Kristu woga panyaya dzeruponeso: vimbiso yakapiwa kwandiri, akabvisa zvivi zvangu akandirwira pamutemo wechivi nerufu. Kwemakore ekuneteswa nekusagadzikana, kuzvidzwa nekuzviramaba. Wesley aive nechinangwa chekutsvaka Mwari. Zvino akange amuwana, akaona kuti nyasha dzaaitsvaga nemunamato, nekutsanya, nekuita mabasa akanaka, pamwe nekuzviramba; chaiva chipo chinowanikwa pasina mari kana mutengo.KK 159.4

    Adzika midzi mukutenda muna Kristu, akava neshungu dzekuparidzira kwesekwese vhangeri rinobwinya renyasha dzaMwari dzinowanikwa pachena. Akaramaba achirarama upenyu hwekuzviramba kwete senzira yekuponeswa asi semuchero wekutenda; kwete semudzi asi muchero wehutsvene. Nyasha dzaMwari ndihwo hwaro hwetariro yemuKristu, nyasha idzi dzinoratidzwa mukuterera. Upenyu hwaWesley kubva panguva iyi hwaiva hwekuparidza chokwadi chaakange agashira —kururamiswa kuburikidza nekutenda, mukuchenura kuri muropa raKristu pamwe nekuitwa mutsva mumoyo neMweya Mutsvene, izvi zvichitipa muchero wekuti tirarame upunyu hunemucherechedzo waKristu.KK 160.1

    Whitefield pamwe nemaWesleys vakange vagadzirirwa kuita basa nenzira yakareba yekurasika kwavo kuti vagone kutsungirira semauto aKristu.Vakasangana nekusekwa, kuzvidzwa nekutambudzwa kusanganisira paChikoro chikuru pavakange vazvipira kuita basa raMwari. Ivo pamwe nevaivatsigira vakapiwa zita remadunhurirwa rekuti Methodists. Zita iri nhasi rinevateveri vanonamata muEngland neAmerika.KK 160.2

    Senhengo dzekereke yeEngland vainge vakabatirira panzira dzekunamata asi Mwari vakange vaisa pamberi pavo Shoko ravo kuti vaende naro pamusoro. Mweya Mutsvene wakavasunda kuti vaparidze Kristu nemuchinjiko. Simba rewekuMusoro raiva navo pabasa iri, vazhinji vakadenhwa moyo vakatendeuka mukurevesa. Zvaive zvakakosha kuchengetedza vatendi vatsva ava, nekudaro Wesley akaumba boka rainzi Methodist Connection, akange asina pfungwa dzekuvamba Kereke. Vaparidzi ava vakasangana nematambudziko ekurwiswa nemakereke akange agara ariko, asi munjere dzaMwari vakange vatendera kuti zvidaro kuti rumutsiriro rwutange pavatendi.Vamwe vatungamiri vakange vakurarama upenyu hwezvivi vakamuka vakatanga kuparidza, masangano akaknge atonhora akatanga kupisa pakutenda. KK 160.3

    Munguva yaana Wesley sezvazinoita munhoroondo yekereke, varume vezvipo zvakasiyana-siyana vaiita basa mukuperera.Vakange vasingawirirani panezvimwe zvavaitenda asi vose vaisundwa neMweya waMwari mukuunza nekunongedza vanhu kunaKristu. Kupesana pakati paWhitefield nanaWesleys kwakamboda kuunza kushorana asi sevadzidzi kubva pachikoro chaKristu kuregererana nekugamuchirana kwakaita kuti vayanane. Havana kuzopa mukana wekupesana nekuti huipii hwaivekwesekwese vazhinji vachifa muzvivi.KK 160.4

    Varanda vaMwari vakafamba nenzira yakaoma.Varume vaikudzwa nevakadzidza vairwisana navo nedzidziso dzavo.Vakuru vekererke vakatanga kuvenga nekuva negodo nevaparidzi ava.Vatungamiri vekereke vakatanga kutsoropodza dzidziso dzavo papurupiti, izvi zvakaita kuti dima, huipi nekusaziva zvipinde zvakare mukereke. Nguva zhinji John Wesley airwirwa parufu nenyasha dzaMwari. Rimwe zuva amukirwa nevanhu vazhinji vachida kumuuraya ngirozi muchimiro chemunhu yakamira kurutivi rwake vanhu vakadududza nekuwira pasi, muranda waMwari akaenda kure nenjodzi.KK 160.5

    Achitaura maererano nekurwirwa kwaakaitwa naMwari, Wesley anoti, “Pamwe pacho vanhu vaida kundisundidzira kumawere asi Mwari akandirwira, vamwe vachida kundirova musoro nematanda. Makore maviri adarika chidhinha chakarova mafudzi angu, mushure megore dombo rakatema pakati pemaziso angu. Mwedzi wadarika ndakarohwa kamwechete, manheru ndarohwa ruviri asi zvose zvaiita sekuti hapana chaitika kwandiri. Kunyange mumwe akandirova nesimba rake rose paditi mumwe akandirova pamuromo nesimba rake ropa rikadzatuka handina kunzwa marwadzo ezvibhakera izvi zvaiita sekunge ndagumhiwa neuswa.”—John Wesley, Works, vol. 3, pp. 297, 298. KK 161.1

    John Wesley achicherechedza mhaka dzaaipomerwa iye nevamwe vake anoti, “Vamwe varikuti dzidziso dzedu ndedzenhema, dzine zvadzinopesana neshoko raMwari; itsva hadzina kumbonzwikwa; ndedze kuzhangandira; ndedzana papa. Zvose izvi manyepo nokuti dzidziso dzedu dzakaiswa pachena nemagwaro matsvene sekudzidziswa kwadzinoitwa nekereke. Naizvozvo hadzingavi nemanyepo kana kuva dzakakanganiswa nekuti magwaro ndeazvokwadi sekutenda kwatinoita maari.” “Vamwe vanoti, ‘dzidziso dzavo dzakaoma kutevedzera dzinoita kuti nzira yekudenga ive yakamanikana.’ Asi dzidziso idzi dzinobva panezvakadzidziswa nekutendwa navaapostora. Shoko raMwari rinoti; ‘Ida Mwari wako nemoyo wako wese, nepfungwa dzako dzose, nemweya wako uye nesimba rako rese.’ ‘Nekuti shoko rimwe narimwe risina maturo rawakataura uchazvirevera pazuva rerutongo.’ ‘naizvozvo kana muchidya,kana muchinwa itai zvose kuti Mwari akudzwe.’ KK 161.2

    “Kana dzidziso dzavo dzakaoma kudarika apa,vane mhosva asi imi munozviziva mumene kuti dzidziso dzavo dziri mushoko. Ndiani angabvisa yota imwe pashoko raMwari akasariodza, kune angava mutariri wezvakavanzika zvaMwari here achishandura zvakanyorwa mumagwaro? Hakuna, haana chaangashandura, kupfavisa anosungirwa kuzivisa vanhu vose kuti: Handingadzikisi magwaro matsvene kuti aite sekuda kwenyu, munofanira imi kuita sezvinreva bhaibheri kana kuti moparara nekusingaperi” -Ibid., vol. 3, pp. 152, 153. KK 161.3

    Kudzokera shure pakutenda muEngland, Wesley asati atanga kuparidza kwaikonzereswa nedzidziso dzaizivisa vanhu kuti mutemo waMwari hauna basa kuuchengeta. Vazhinji vaitenda kuti Kristu akabvisa murairo, nekudaro vatendi havachafaniri kuuchengeta uye vakasunungurwa “pahubatwa hwekuita mabasa akanaka.’’ ‘Vamwe kunyange vaitenda kuti mutemo unogara nekusingaperi,vaikurudzira vafundisi kuti vasakurudzira vanhu kuuchengeta mutemo nekuti Mwari vakatosarudza vachaponeswa uye kune vachaponeswa vanopiwa simba kuburikidza nenyasha rekuti vanoita zvakanaka uyezve kune avo vekuraswa havana simba rekuterera mutemo waMwari.’KK 161.4

    Vamwe vaitenda kuti, “vasanangurwa havabvi panyasha kana kurasikirwa neutsvene,” kumagumo kwazvo vakazoti “zvakaipa zvavanoita hachisi chitema uye hazvitorwi sekuputsa mutemo waMwari, hapana chikonzero chekurerura kana kusiya chivi nenzira yekutendeuka.”-McClintock and Strong, Cyclopedia, art.KK 161.5

    Dzidziso dzekuti mutemo hauchina basa dzakangofanana nedzakazoparidzwa nevadzidzisi navafundisi venguva dzakatevera. Dzidziso idzi dzinoti hakuna mutemo unonzi haushanduki sechikero chezvakanaka, asi chikero chehunhu chinoumbwa nenharaunda, uye nharaunda inoramba ichishanduka. Nekudaro mutemo unoshanduka zvichenderana nemararamiro enharaunda. Dzidziso dzose idzi dzinounzwa naSatani akaunza pfungwa imwechete arikudenga achida kuputsa mutemo waMwari wakarurarama.KK 161.6

    Wesley akaramba achipikisana nedzidziso yevapikisi vemutemo achizivisa vadzidzisi vechitendero ichi kuti kuvamupikisi wemutemo hazvina tsigiro mubhaibheri. “Nokuti nyasha dzaMwari dzinowokekwa dzinovigira vanhu vose kuponeswa.” “Ndizvo zvakanaka zvinofadza pamberi paMwari. Muponesi wedu; uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi. Nokuti kunongova naMwari mumwechete, nomurevereri mumwechetevo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, wakazvipa iye kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzakafanira.” Titus 2:11; 1 Timothy 2:3-6. Mweya waMwari wakapiwa pachena kuti ugonese munhu kuti abatirire pakuponeswa. Naizvozvo Kristu, “chiedza chazvokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nemumwe pakusvika kwacho panyika.” John 1:9. Munhu anotadza kuwana ruponeso nekuda kwekuramba kwake chipo cheupenyu. KK 162.1

    Mukupindura zvaitendwa nevamwe kuti kufa kwaKristu kwakabvisa mutemo inegumi pamwe nemutemo wezvipiriso, Wesley anoti: “Mutemo waMwari unova mutemo unegumi, wakakurudzirwa navaporofita. Jesu haana kuubvisa. Kuuya kwake kwaisava kwekubvisa chero chipandi chiduku pamutemo. Mutemo unegumi uyu hauputswi ‘unomira urichapupu mudenga.’. . . Mutemo waivepo nyika ichivambwa wakanyorwa kwete pamabwe asi mumoyo yevanhu vose pavakasikwa naMwari. Kunyange zvakadaro mutemo uyu wakanyorwa naMwari wakaputswa nemhaka yechitema, ungabviswa wose here isu tine pfungwa yekuziva zvakanaka nezvakaipa. Mutemo uyu unofanira kuchengetwa navanhu kweupenyu hwese, zvisinei nenguva, nzvimbo, mutemo uyu haushanduki.KK 162.2

    “‘Handina kuuya kuzoparadza, asi kuzadzisa.’ . . . Pasina mubvunzo zvirikurehwa apa zvinoenderana nezviri kumashure nemberi pachaputa iyoyi. Jesu arikuti; ndakauya kuzosimbisa nekuzadzisa, zvisinei nekunyengera kwavanhu: ndakauya kuzadzisa nekujekesa izvo zvange zvakavharirika: ndakauya kuzozivisa chokwadi chiri pamutemo uyu wese; kuratidza udzamu nekupamhamha kwemutemo umwe neumwe uripa mitemo gumi. Mutemo uyu mutsvene uye wakachena wose.” -Wesley, sermon 25.KK 162.3

    Wesley aitaura zvinesimba hochekoche iri pakati pemutemo nevhangeri achiti,’’Pane sungawirirano iripakati pemutemo nevhangeri. Rumwe rutivi, mutemo unozarura nzira nekuti nongedzera kuvhangeri; rumwe rutivi vhangeri rinotita kutitizadzise mutemo nekuita nemazvo. Mutemo unotsvaka kwatiri kuti tide Mwari, tide vavakidzani vedu, tive vanyoro uye vatsvene. Kuti tizvigone tinobatirira pavhangeri, zvichiitwa kuburikidza nekutenda uye kururama kwemutemo kunozadzikiswa matiri nekutenda kurimuna Jesu Kristu.KK 162.4

    Wesley anoti: “Pamusoro pevavengi vevhangeri yaKristu pane vanotonga mutemo nekutaura zvakaipa pamusoro pawo, uye vanodzidzisa vanhu kuputsa kwete mutemo mumwe chete asi yose….Chinoshanisa pakunyengerwa uku ndechekuti vanotenda kuti mutemo haina basa vanotenda kuti varikupa mbiri kunaJesu mukurwisana nemutemo wake, vanoita sevanosimudzira Jesu asi vachiparadza dzidziso dzake.” -Ibid.Wesley akaramba achidzidzisa kuti mutemo wakatikoshera nekuti unotizivisa zvivi, taziva kuti tirivatadzi, tavakuda ropa raJesu kuti ritichenure.-Ibid., sermon 35.KK 162.5

    Wesley paaipfuurira mberi mukuparidza vhangeri renyasha dzaMwari, saJesu aitsvaga kusimudzira mutemo nekuita kuti ukosheswe. Mukuperera nekutendeka akapedza basa raakange apiwa naMwari akatenderwa kuona kubwinya kwemichero yebasa raakaita. Mushure mekushandira Mwari kwemakore anodarika makumi mashanu vateveri vaJesu, kuburikidza naye, vaipfuura hafu yemiriyoni. Ruzhinji rwevanhu vakabviswa mumatope nevhangeri rake, nevakasimukira pakuziva Mwari havazikanwi uwandu hwavo kusvikira taponeswa. Kurarama kwaWesley kwakatipa chidzidzo chekuzvipira kunofanira kuitwa nemuteveri waKristu. Dai kutenda, kuzvinipisa, kutsungirira, nekuzvipira kwemuranda waKristu uyu kukaratidzwa mumakereke anhasi.KK 163.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents