Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 6—HASI NAJEROME

    Vhangeri rakange radyarwa MuBohemia munguva ye senjuri yechipfumbamwe. Bhaibheri rakange raiswa mururimi rwevanhu uye minamato yaiitwa mururimi rwevanhu venyika iyi. Asi apo masimba aPapa akange achikura shoko raMwari rakange richidzvinyirirwa. Papa Gregory VII, uyo akange azvimisira kuninipisa madzimambo, akange asingafaririri zvaiitwa nevanhu ava naizvozvo akatema chirevo chairambidza vanhu veBohemia kunamata nemutauro wavo mumakereke. Papa akati “zvaifadza Wamasimbaose kuti kunamta kuitwe nerurimi rwekumwe uye kuti dzidziso dzenhema dzakange dzauya nokuda kwekusateerera mutemo uyu.”- Wylie. B. 3. ch. 1. Saizvozvo Roma yakatema kuti chiedza cheshoko raMwari chidzimwe uye kuti vanhu varambire mudima. Asi denga rakange ragadzira dzimwe nzira dzekuchengetedza nadzo sangano. Vanhu vazhinji vechi Waridenzi neveAribegenzi vakange vadzingwa nematambuziko kunyika dzavo dzeFrance neItaly vakauya kuBohemia. Kunyange zvavo vasina kudzidzisa pachena vanhu ava vakashanda zvikuru muchivande. Naizvozvo kutenda kwakachengetedzwa munguva dzose.KK 69.1

    Mazuva aHasi asati asvika pakaita varume muBohemia vakataura zvakasimba vachishoropodza huori nekurashika kwesangano. Kushanda kwavo kwakabata zvikuru ndangariro dzevanhu kunzvimbo zhinji. Hutungamiri hwakabatwa nekutya izvo zvakakonzeresa kusimudzwa kwekutambudzwa kwevateveri veEvhangeri. Vatsvene vakasundirwa kundonamatira mumakomo nemasango, umo vaivhimwa semhuka nemauto vazhinji vavo vakaurawa. Mushure menguva chirevo chakatemwa chekuti vose vaizowanikwa vachinamata nenzira isati iri yeRoma vaizofanira kupiswa. Asi kunyange zvavo vaiuraiwa maKristu vakange vaine tariro yekuti vhangeri raizokunda. Mumwe wavo uyo akadzidzisa kuti “ruponeso runowanikwa bedzi nekutenda kuna Muponesi akaroverwa pamuchinjikwa,” akadaidzira apo akange ofa kut: “Hasha dzemhandu dzezvokwadi dzingatikunda nhasi, asi hadzingakundi nekusingaperi; kuchasimuka mumwe pakati pavanhu, asina munondo, asi iyeye havangamukundi.” Ibid., b. 3, ch. 1. Nguva yaLuther yakanga ichiri kure zvakanyanya; asi aripo mumwe akange otosimuka, ane kupupura kwaizo zungunutsa nyika yose.KK 69.2

    John Huss akazvarwa mumhuri isina kunyanya kukurumbira, uye akafirwa nababa achiri mudiki. Amai vake avo vaikoshesa zvikuru dzidzo nekutya Mwari vakatsvaka kuti vadzidzise mwanakomana wavo. Huss akadzidza pachikoro chemudunhu ravo akazoenda kuchikoro chepamusoro cheUniversity kuPrague, apo akawana rubatsiro senherera. Akaperekedzwa kuenda kuUniversity namai vake avo vaiva chirikadzi rombo, isina chekupa mwana wayo; asi pavakange vosvika muguta vakapfugama vakakumikidza nherera yavo kuna Baba vedu varikudenga. Amai ava havana kuziva kukura kwaizoita mhinduro yemunamato wavo.KK 69.3

    Pachikoro chikuru ichi Huss akakasika kuzikanwa nekushanda zvikuru mukuwana ruzivo uye hupenyu hwake hwakachena hwakaita kuti ayemurwe nevazhinji. Aiva muteveri akakwana wechitendero chesangano reRoma nedzidziso dzaro. Panguva yejubiri akaenda kunoreurura, ndokubhadhara tumari twose twaainge asara natwo muhomwe, kwakupinda muminamato nevamwe achitarisira kanganwiro yezvivi iyo sangano raivimbisa. Mushure mekupedza zvidzidzo zvake, Huss akazova mumwe wevaPrisita veRoma akakasika kukwidziridzwa pazvigaro, akazova mudzidzisi nemukuru weUniversity apo paakange adzidza. Mumakore mashoma mudzzidzi akazvininipisa uyu akange akwidziridzwa akava munhu mukuru anozikanwa kwazvo muzinyika mai reEurope.KK 70.1

    Asi Huss akatanga basa rerumutsiridzo neimwe nzira. Makore mazhinji apfuura, Huss akazopihwa basa rekuva muparidzi wesangano reBethlehem. Muvambi wesangano iri akange akurudzira kuparidzwa kweshoko raMwari mururimi rwevagari venzvimbo iyi. Kunyange zvazvo tsika iya yakange yarambidzwa nehutungamiriri hwesangano reRoma, asi muBohemia tsika iyi yakanga isina kuperesesa. Kusaziva magwaro kwaivapo muvanhu uye zvakaipa zvizhinji zvairaramiwa neruzhinji muBohemia. Huss akatanga kuparidza nesimba achitsiura zvakaipa izvi nekudzidzisa chokwadi cheshoko raMwari.KK 70.2

    Mumwe mugari wemuPrague ainzi Jerome uyo akazobatana naHuss akange abva kuEngland akauya nezvidzidzo zvaWycliffe. Mudzimai waMambo wekuEngland, uyo aive muteveri wedzidziso dzaWycliffe, aive mwanasikana wamambo wekuBohemia, akabatsirawo zvikuru mukuparadzirwa kwezvidzidzo zverumutsiriro rwaWycliffe kumusha kwake. Huss akaverenga zvidzidzo izvi nemwoyo unoda; akaona kuti munyori wazvo aiva munhu anotya Mwari akazvimisira kuendesa mberi basa rerumutsiriro iri. Huss haana kuziva kuti sarudzo iyi yakanga yamuisa mugwara raizomuendesa kure nesangano reRoma.KK 70.3

    Panguva imwechete iyi kunevarume vaviri, vakadzida, vakasvika muPrague vachibva kunyika yeEngland kuzoita basa rekuparadzira chokwadi cherumutsiriro. Vakatanga kushoropodza pachena hukuru hwaPapa, izvo zvakaita kuti vanyaradzwe nekukasika, nokudaro vakatsvaka dzimwe nzira dzekufambisa shoko nadzo. Sezvo vaiva vaparidzi vanehunyanzvi hwehunyanduri vakapfuurira mberi kushandisa hunyanzvi hwavo. Vakanyora mifananidzo miviri vakaiisa panzvimbo yaionekwa neruzhinji. Paneumwe wemifananidzo iyi paive pakaiswa Jesu arikupinda muJerusarema, “aine kuzvininipisa, uye akatsva pambongoro” (Mateo 21:5), achiteverwa nevedzidzi vake vakafuka nguvo dzakasakara nerwendo, vasina chinhu padzoka dzavo. Wechipiri waiva naPapa arikufamba, akapfeka nguwo dzinodhura nekorona yehutatu, akatasva bhiza rakashongedzwa, uye achiteverwa nevaridzi vehwamanda nemachinda ake nawo akafuka nguwo dzinoyevedza. KK 70.4

    Iyi yakava mharidzo yakabata ndangariro dzevanhu vemazera ose. Ruzhinji rwevanhu rwakauya kuzoyeva mifananidzo iyi. Hapana munhu asina kunzwisisa zvairehwa nemifananidzo iyi, uye vazhinji vakabatikana nemusiyano waipo pakati pekuzvininipisa kwaKristu Tenzi nekuzvitutumadza kwaPapa, uyo aizviti muranda waKe. Pakava nekuzengezeka kukuru muguta rePrague, naizvozvo vaenzi ava vakaona zvakafanira kuti vadzokere zvavo kumusha kwavo kuti varambe vakachengeteka. Asi chidzidzo chavakange vadzidzisa hachina kukanganwikwa nevanhu. Mifananidzo iyi yakabata mwoyo waHuss zvikuru, zvikamutungamirira mukuwedzera kudzidza mangwaro matsvene nezvinyorwa zvaWycliffe. Kunyange akange asati azvimisira kuendesa mberi zvimiso zvese zverumutsiridzo zvaWycliffe, akaona pachena chimiro chehutongi hwaPapa, akatanga kushoropodza nesimba, kuzvikudza nehuori hwehutongi uhu. KK 70.5

    Kubva kuBohemia chiedza chakasvikawo kuGermany, nokuti mhirizhonga yakaitika muPrague yakakonzeresa kuti vadzidzi vazhinji vaibva kuGermany vadzokere kumba. Vazhinji vavo vakange vawana ruzivo rwekutanga rweBhaibheri kubva kunaHuss, naizvozvo vakadzokera kunyika yamadzibaba avo vakandoparadzira ruzivo urwu.KK 71.1

    Mashoko ebasa rakaitwa muPrague akasvika kuRoma, naizvozvo Huss akadaidzwa kuti andomira pamberi paPapa. Kubvuma izvi kwaive kuzviisa pamberi perufu. Mambo namambokadzi veBohemia, chikoro chikuru, nevavanokudzwa vose vehurumende vakakumbira kunaPapa kuti Huss atenderwe kuramba arimuPrague uye kuti azvidavirire nyaya dzake pamberi pemumiriri waPapa. Papa havana kugamuchira izvi asi vakatumira shoko rekudzinga Huss ndokuisa guta rese rePrague pasi perushamhu.KK 71.2

    Munguva idzi rutongo rwakadai rwaiti kana rwapihwa rwaiunza kutya kukuru. Zviitiko zhaizotevera rutongo urwu zvaiunza kutya kukuru kuvanhu avo vaitarisa Papa semumiriri waMwari panyika, uyo anesimba redenga negehena, uye aine simba rekuunza rutongo rwepanyama nepamweya. Paiva nekutenda kwekuti dunhu rinenge rapiwa rutongo urwo rinenge ravharirwa denga uye kuti vakafa vedunhu iri vaizodzingwa mumafaro edenga. Nokuda kwerutongo urwu, marusando ose ekunamata akanga achizomiswa. Masuwo emakereke ose aizopfigwa. Hakuna michato yaizoitwa mumakereke ose. Vakafa vaizorambidzwa kuvigwa paruvazhe rwekereke uye vaizovingwa mumasango pasina minamato yevaprisita. Naizvozvo nematanho anotyisa zvakadai Roma yakange yabata ndangariro dzavanhu.KK 71.3

    Guta rePrague rakava nekuzununguka kukuru. Vanhu vazhinji vakaona Huss ari iye honzeri yematambudziko awa vakadanidzira kuti apiwe kuhasha dzeRoma. Kunyaradza dutu iri, Huss akabuda muguta kwechinguva akandogara kumusha kwake. Achinyora kushamwari dzake dzakange dzasara muPrague, Huss anoti; “Kana ndakabva pakati penyu, ndakazviita kuti nditevere muenzaniso waKristu Jesu, kuti ndipe vane mwoyo yakaipa mukana wekuzviisa parutongo rusingaperi, uye kuti ndisave honzeri yekutambudzika kwevatsvene. Ndakabvawo zvakare kuti ndisaita kuti maprisita akaipa arambe achirambidza kuparidzwa kweshoko raMwari pakati penyu, asi handina kuti munyarare kutaura shoko raMwari, iro randakazvimisira kufira.”- Bonnechose, The Reformers Before the Reformation, Vol. 1, p. 87. Huss haana kumira basa asi akaterera nemisha achipardzira ruzhinji. Naizvo matanho ayo Papa vakange vatora ekudzvinyirira chokwadi akatokonzeresa kupararira kwacho kunzvimbo zhinji. “Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nezvokwadi, asi chinobatsira zvokwadi.” 2 Vakorinde 13:8KK 71.4

    “Panguva iyi mwoyo waHuss waifanira kunge uri pakumanikidzwa. Kunyange sangano rakange richida kumuparadza, asi akange asati aramba hutongi hwaro. Kwaari sangano reRoma rakange richiri mudzimai waKristu uye Papa vari mumiriri waKristu panyika. Chairwiswa naHuss kwaiva kuzvikudza nehuori kwete hutongi hwekereke pachahwo. Izvi zvakaunza kurwisana kukuru pakati pendangariro dzake nezvaaiparidza. Kana hutongi uhu hwaiva huri hwaMwari, sekutenda kwaaiita, ko sei ainzwa simba rekusada kuhuteerera. Kwaari kuteerera hutongi uhu kwaiva kutadza; ko sei kuteerera hutongi hwesangano kwaunza kutadza kana riri sangano raMwari? Iri raiva dambudziko raakatadza kugadzirisa, zvikadya ndangariro dzake nguva dzose.KK 71.5

    Mhinduro yaiva pedyo padambudziko iri kwaari yaiva yekuti izvi zvakange zvamboitika kare munguva yaKristu, apo vaPirisita vakaratidza huipi hwavo vakashandisa simba ravo kuita zvaisava pamurairo. Izvi zvakamutungamirira mukugadzira gwara rake oga, uye kuparidza kunevamwe kuti zvimiso zveshoko raMwari ndizvo zvinotonga ndangariro; nemamwe mazwi, “Mwari vanotaura kuburikidza neBhaibheri, ndiye mutungamiri wavo kwete mapirisita anotaura musangano.” —Wylie,b. 3, ch. 2.KK 72.1

    Mushure menguva yakati kuti apo zvinhu zvakange zvadzikama muPrague, Huss akadzokera kuKereke yake yekuBethlehem kuti aenderere mberi nekuparidza shoko raMwari zvinesimba nehushingi. Mhandu dzake dzaiva nesimba guru, asi mambokadzi nevamwe vaikudzwa dzaiva shamwari dzake, uye vanhu vazhinji vakamutsigira. Vachienzanisa dzidziso dzake dzakarurama nedzevapridzi veRoma dzaive dzizere nemanyepo nekunyengera, vanhu vazhinji vakaona kuti zvaiva nerukudzo rukuru kumira naHuss. KK 72.2

    Kusvika panguva iyi Huss akange amira oga mubasa rake; asi Jerome, uyo akagamuchira dzidziso dzaWycliffe apo aive ari kuEngland, akabatana naye pabasa rekuvandudza. Vaviri ava vaiva nezvipo zvakasiyana. Hunyanzvi, dzidzo, nekugona kutaura, zvipo zvaiva naJerome asi Huss aiva nesimba rekumira pazvimiso zvake.Kugona kumira kwake kwakabatsira Jerome uyo aive nemenyukunyuku zvikabatsira kudzikamisa basa ravo. Basa rerumutsiridzo rakakasika kufamba kuburikidza nekubatana kwevaviri ava. KK 72.3

    Mwari vakatendera chiedza chikuru kuti chivhenekere mwoyo yevarume vaviri ava, kuvaratidza mhosvo zhinji dzesangano reRoma; asi havana kupihwa chiedza chose chaifanira kupihwa nyika. Kuburikidza nevaranda vake ava Mwari vakange vachitungamirira vanhu kubva mudima rechiRoma; asiwo pakange panematambudziko makuru avaizosangana nawo, saka akavatungamira zvishoma nezvishoma nepavaigona napo. Vaisazokwanisa kuwana chiedza chose pamwechete. Sezvingaita chiedza chemasikati makuru kune uyo anga arimudima guru ndizvo zvavaingazoita dai vakazarurirwa zvose, zvaizovakunda vakatiza. Naizvozvo Mwari akazarurira vatungamiri ava zvishoma nezvishoma izvo zvaizokwanisa kugamuchirwa nevanhu. Mumasenjuri aizotevera kwaizomutswawo vamwe vashandi vakatendeka vaizotungamirira vanhu kunzira yeshanduko.KK 72.4

    Kupesana kwakapfuurira mberi musangano reRoma. Vana papa vatatu vakange vachirwira kutonga, kurwa kwavo kukazadza chitendero chose nekupesana nehuipi. Hondo yavo yakasvika pakusimudzirana minondo, apo mumwe nemumwe wavo aitsvaga zvombo nemauto ekurwisa vamwe. Izvi zvaida mari naizvozvo maropafadzo, zvipo nezvigaro zvemusangano zvakatanga kutengeswa. Vaprisita wo, vachitevera vakuru vavo, vakatangawo kushandisa hondo nebopoto kuti vanininipise mhandu dzavo nekuzvisimbisa. Huss akasimuka zuva rimwe nerimwe akazvisimbisa kurwisana nemasimba ehupapa; ukuwo vanhu vakaendera mberi kuramba huipi nehuori haiva musangano. Guta rePrague rakange zvakare ratarisana nebopoto ringadeura ropa. Sepanguva dzekare, muranda waMwari akapomerwa mhosva yekuva “mutambudzi waIsraeri.” 1 Madzimambo 18:17. KK 72.5

    Guta rakaiswa pasi peshamhu zvakare, Huss ndokudzokerazve kumusha kwake. Kupupura kwaibva muKereke yake inodikanwa yeBeterehema kwakamira. Aifanira kuzotaura kupasi rose asati aisa hupenyu kwake pasi sechisimbiso chekupurura kweidi. Kurapa huipi hwaikanganisa nyikamai yeEurope, musangano wakadaidzirwa kuConstance. Musangano uyu wakadaidzwa naMambo mukuru Sigismund, vachisundwa napapa John XXIII, mumwe wevaipikisana. Asi papa John vakanga vasingafariri kuti paitwe musangano wakadai nengari yehuipi hwavo uhwo hwakanga hwatekesherawo mumaprisita avo, asi sezvo mambo mukuru akanga adaidza musangano uyu, papa uyu haana kugona kupikisa.KK 73.1

    Donzvo guru remusangano uyu raiva riri rekupedza kupesana musangano reRoma uyewo nekumisa dzidziso dzakatsauka. Naizvozvo mapapa maviri aipikisana akadaidzwa kuti avepo, kusanganisira naHuss uyo aiva mukuru wedzidziso itsva. Vanapapa, nekuda kwekutyira hupenyu hwavo havana kuuya asi vakatumira vamiriri vavo. Papa John, uyo aiva mukumbiri wemusangano akauya vachityira kuti mambo aigona kuvabvisa nekuda kwehuipi hwake. Naizvo akapinda muguta reConstance nemukurumbira nekuzvikudza kukuru akapoteredzwa nemudungwe wevaperekedzi. KK 73.2

    Vanokudzwa vese veguta neruzhinji rwevanhu vakaenda kunomuchingamidza. Vatongi vakuru vana vemuguta irir vakanga vakasimudza mumvuri wendarama pamusoro pake. Kushamisira kukuru kwakaonekwa pakupinda kwake muguta. Panguva imweyo mumwe mufambi akange achipindawo muguta iri. Huss akange achiziva njodzi yaivapopakuenda kumusangano uyu asi akaenda achiziva zvake kuti zvaigona kumutungamirira kukuparadzwa. Akange avimbiswa kuchengetedzwa naMambo weBohemia uye namambo Mukuru Sigismund apo akange ari munzira, mushure mekuona kuti rwendo urwu rwaigona kumutungamirira kurufu.KK 73.3

    Mutsamba yaakanyorera kushamwari dzake dzemu Prague anoti: “Hama dzangu, …. ndinoenda nerutsigiro rwamambo kunosangana nemhandu dzangu zhinji…. Ndinozviisa musimba risingagumi raMwari naMuponesi wangu; Ndinovimba achanzwa minamato yenyu kuti aise ruzivo rwake mumuromo wangu, kuti ndigone kuvarwisa; uye kuti andipe Mweya Wake Mutsvene kundisimbisa muzvokwadi Yake, kuti ndigone kumira pamberi pemiendzo, netirongo, uye kana zvichibvira nerufu runonyadzisa. Jesu akatambudzwa nekuda kwehama dzake; naizvozvo tingashamisika here kuti akatisiira muenzaniso kuti nesuwo tive nekutsunga pazvinhu zvose kuti tiponeswe? Ndiye Mwari, isu tiri zvisikwa zvake; Ndiye Ishe, isu tiri varanda vake; Ndiye tenzi wepasi rese, isu tiri vanhu venyama- asi akatambudzwa! Ko isu tingatadza nei kutambudzika kana kutambudzika kuchigona kutiunzira kunatswa. KK 73.4

    Naizvozvo hama dzangu, kana kufa kwangu kuchifanira kumuunzira mbiiri, namatai kuti kukasike kusvika. Asi kana zvakanaka kuti ndidzoke ndiri mupenyu, namatai kuti ndidzoke dzisina vanga- ndirege kuvanza chero chokwadi chimwe kuti ndiwanire hama dzangu muenzaniso wakanaka wekutevera. Zvinogona kuitika kuti hamuchazooni chiso changu zvakare muPrague; asi kana wemasimba ose andidzosa kwamuri ngatiendei mberi nebasa nesimba rose murudo rwaKe.” —Bonnechose, vol. 1, pp. 147, 148. KK 73.5

    Muneimwe tsamba kumupirisita akange ave muteveri wake Huss akataura nekuzvininipisa nekuzvishora “pamusoro pekufarira kupfeka zvigaro.” akawedzera mashoko anobata aya: “Dai mbiri yaMwari nekuponeswa kwemweya zvazadza mwoyo wako, kwete kufa nezviwanikwa zvepasi. Chenjera kuti usashongedza imba yako kupfuura mwoyo wako. Zvininipise pamwe nevarombo uye usadzire pfuma yako mumitambo. Ndinotyira kuti uchazotambudzwa sezvandichaitawo…. Unoziva kudzidzisa kwangu kubva muhudzuku hwako; naizvozvo hazvibatsire kuti ndikunyorere zvakawanda. Asi ndinokukumbira zvikuru kuti usanditeedzera muzvinhu zvisina basa zvawakandiona ndichiwira mazviri.” Pamusoro petsamba iyi pakanga pakanyorwa kuti: “Ndinokukumbirisa kuti usavhure tsamba iyi kusvika wanzwa kuti ndafa.” Ibid., vol. 1, pp. 148, 149.KK 74.1

    Arimurwendo Huss akaona pese- pese humbowo hwekupararira kwedzidziso dzake uye nekugamuchirwa kwadzakanga dzaitwa. Vanhu vakaungana kuzosangana naye uye mune mamwe maguta vatongi vakamuchingamidza munzira dzavo.KK 74.2

    Achisvika muConstance, Huss akapiwa rusununguko rwese. Pamusoro pekuvimbiswa kuchengetwa namambo mukuru, Huss akavimbiswawo napapa kuchengetedzwa. Asi kunyange zvakadaro mushure menguva pfupi Huss akasungwa pasi pechirevo chapapa akakandwa mutirongo rakaipisisa. Mushure mazvo akaendeswa kurerimwe jeri kuRhine akachengetwa semusungwa. Napapawo vakazokandwa mutirongo rimwechetero mushure mekusabudirira pahondo dzavo. Papa uyu akanga awanikwa nemhosva dzehuori, hupombwe nezvimwe zvakaipisisa kutaura, pamusangano mukuru uyu. Dare rakaona kuti akanga asina kufanirwa nekorona naizvozvo akakandwa mutirongo. Vamwe anapapa vaipikisa navowo vakabviswa kukaiswa papa mutsva pachigaro. KK 74.3

    Kunyange Huss akange asina mhosva asi ari iye aito tsiura mabasa akaipa emapapa aya, asi dare iri rakamurasa. Kusungwa kwaHuss kwakaunza hasha huru pavanhu veBohemia. Varume vanokudzwa vakataura vachipikisa kusungwa kwake. Mambo mukuru uyo akange avimbisa Huss chuchengetedzwa akange asingade kuti Huss asungwe asi mhandu dzemuparidzi weshanduko uyu dzakange dzinerusimbiro rukuru pahuronga hwadzo. Vakataura zvinesimba kunamambo mukuru maererano nekuchengetedzwa kwekutenda uye kubviswa kwevapanduki vesangano zvisinei kuti vakange vavimbiswa kuchengetedzwa namambo. Jacques Lenfant, History of the Council of Constance, vol. 1, p. 516. KK 74.4

    Naizvozvo vakabudirira. Pakupedzisira Huss akaunzwa pamberi pedare, achirwara nekuda kwemweya waiva uri mutirongo raaive aiswa. Akamira pamberi pamambo mukuru akasungwa nemaketati. Murutongo rwake rurefu akamira pazvokwadi yeshoko, akataura zvakatendeka pamberi pavakuru vese achipikisana nehuori hwehutungamiri hwesangano. Apo akabvunzwa kuti aizosarudza chii pakati pekuramba dzidziso dzake kana kufa, akasarudza rufu.KK 74.5

    Nyasha dzaMwari dzakamusimbisa. Mumavhiki akateverwa nerutongo rwake rwekugumisira, rugare rwedenga rwakazadza mwoyo wake. Achinyora kushamwari anoti; “Ndinonyora tsamba iyi ndiri mutirongo, ndakasungwa maoko ndichitarisira kutongerwa rufu mangwana…. Apo nekubatsira kwaJesu Kristu tichasanganazve murugare rweupenyu hwamangwana, uchaziva kuti Mwari akandiitira nyasha dzakadii, kuti Akandi batsira sei mukati memiyedzo.”- Bonnenchose, vol. 2, p. 67.KK 75.1

    Mudima retirongo yake akaona kukurira kwekutenda kwechokwadi. Muhope dzake akaona achidzokera kuKereke yake yekuPrague uko akange aparidza evhangeri, akaona papa nemabhishopi ake vachinyangadza mifananidzo yaKristu iyo akange aisa pamadziro. “Hope idzi dzakamukanganisa, asi pazuva rakatevera akaona vanhu vazhinji vachiita basa rekudzosera mifananidzo iyi yakawanda uye ichionekwa zvakajeka kwazvo. Mushure mekupedza basa ravo vanhu ava vakakombwa nemhomho huru yevanhu vaidaidzira vachiti, ‘zvino papa nemabhishopi ake ngavauye tione. Havambofa vakagonazve kudzima mifananidzo iyi.’” Akadaro Huss achirondedzera hope dzake. “Ndakabva ndava nechokwadi kuti mufananidzo waKristu hauzofi wakadzimwazve. Vangashuwira kuudzima asi uchaiswa patsva nemwoyo wese nevaparidzi varinani kupinda ini.”— D'Aubigne, b. 1,ch. 6.KK 75.2

    Kekupedzisira Huss akaunzwa pamberi pedare. Paiva neungano huru inokudzwa- Mambo mukuru, machinda enyika, vatevedzeri vemachinda, vakuru vesangano, mabhishopi, maprisita, nevazhinji vakange vauya kuzoona chiitiko chemusinuyu. Kubva kwese kwese mupasi rechiKristu vanhu vakaungana kuzova zvapupu zvekuzvipira kwekutanga kukuru muhondo yekunamata kwakasununguka. Achidaidzwa kuti ataure sarudzo yake kekupedzisira, Huss akabudisa pachena kuti aizomira nedzidziso dzake. Akatarisa mumaziso amambo mukuru uyo akange amunyengedza nechivimbiso chekumuchengetedza akati: “Ndakauya kuzomira pamberi pedare rino nekuda kwangu, pasi pechivimbiso chekuchengetedzwa namambo uyo andimire pamberi pake.”—Bonnechose, vol. 2, p. 84. Chiso chamambo chakatsvuka apo meso evanhu vose vaiva mudare akatendeukira kwaari.KK 75.3

    Rutongo rwakati rwapiwa, mutambo wekunyadzisa wakatanga. Mabhishopi akapfekedza musungwa wawo nenguwo yekunyadziswa, achipfeka nguwo iyi Huss anoti: “Ishe wedu Jesu akapfekedzwa nguwo chena yekuzvidzwa, apo Herode akaita kuti aiswe pamberi paPirato.” —Ibid., vol. 2, p. 86. KK 75.4

    Pavakamuudza zvakare kuti arambe zvidzidzi zvake, akapindura: “Ndinozotarisana nedenga nechiso chakaita sei? Ndichazotarisana sei nezviso zvevanhu vazhinji avo ndakaparidzira evhangeri rechokwadi? Kwete, ndinokoshesa kuponeswa kwavo kupfuura muviri usina simba uyu uyo watongerwa kufa. Nguwo dzakabviswa imwe neimwe, bhishopi mumwe neumwe achitaura shoko rekutuka apo anenge achibvisa. Pedzezvo vakaisa ngowani yebepa apo pakange pakanyorwa mifananidzo inotyisa yemadhimoni, nemazwi anoti ‘Mudzidzisi mukuru wenhema’ akaiswa pamberi. Huss akadaidzira akatarira kudenga; Ndinopfeka nguwo yekunyadziswa iyi nokuda Kwenyu ndinemufaro mukuru, O Jesu, imi makapfeka korona yeminzwa nokuda kwangu.” Apo akange apfekedzwa, maprisita vakataura vachiti, “Zvino tinoisa mweya wako kunasatani.” Huss akanamatawo achiti, “Ndinoisa mweya wangu mumawoko enyu Tenzi Jesu, nekuti makandidzikinura.”- Wylie, b. 3, ch. 7.KK 75.5

    Panguva iyi akapiwa kuhutungamiriri hwenyika ndokutungamirirwa kuenda kunzvimbo yekuurairwa. Mhomho huru yakatevera, mazana evarwi, maprisita nemabhishopi akashonga nguwo dzinodya mari zhinji, nevagari vemuConstance. Apo akange asungirirwa pamurwi wehuni, moto wave kuda kutungidzwa, Huss akapihwazve mukana wekuramba zvidzidzo zvake kuti azviponese. Anopindura achiti: “Kukanganisa kupi kwandingarambe? Handizive chero mhosva imwe yandakapara. Ndinodana Mwari kundipururira kuti izvo ndakanyora nekuparidza zvaiva zvekusunungura mweya kubva kuzvivi nerutongo; naizvozvo ndichasimbisa neropa rangu chokwadi icho ndakanyora nekuparidza.”— Ibid., b. 3, ch. 7. KK 76.1

    Apo moto wakatanga kubvira uchimutenderedza, akatanga kuimba, “Jesu, Mwanakomana waDavid, ndinzwireiwo ngoni,” akaramba achiimba kusvika izwi rake ranyaradzwa nekusingaperi. Kunyangwe nemhandu dzake dzakabatwa zvikuru nehushingi hwake. Mumwe mutendi akasimbira wechipapa achitsanangura kuurawa kwaHuss nekwaJerome akazourawawo munguva pfupi yakatevera anoti: “Vose vakanga nakadikama mupfungwa apo nguva yavo yekupedzisira yakanga yasvika. Vakagadzirira moto sekunge vaienda kumuchato. Havana kana kuchema nekurwadziwa. Apo moto wakatanga kukwira, vakatanga kuimba nziyo; hasha dzemoto hadzina kugona kuvanyaradza kuimba kwavo.”— Ibid., b. 3, ch. 7. KK 76.2

    Apo muviri waHuss wakapera kupiswa, madota ake, pamwe nevhu iro akange ari, zvakatorwa zvikanokandwa murwizi Rhine, urwo rwakazvitakura kuenda kunyanza. Vatambudzi vake vakazvinyengedza nekufunga kuti vakange vanyaradza zvokwadi iyo akange aparidza. Havana kuziva nepadiki pose kuti madota ake ayo akaeredzwa kuenda kunyanza akange achazova mhodzi dzakaparadzirwa munyika dzose; kuti munyika dzisingazikanwe chokwadi chakange chaparadzirwa. Izwi rakange rataura mudare reConstance rakange ramutsa maungira aizonzwikwa mumazera anouya. Huss akanga asisipo asi chokwadi chaakafira hachaigona kuparadzwa. Muenzaniso wekutenda nekushinga kwake zvaizosimbisa vazhinji kuti vamirire chokwadi vasinga zungunuswi, kunyangwe pamberi pekutambudzwa kana rufu. Kuurawa kwake kwakange kwaratidza nyika hutsinye hweRoma. Mhandu dzechokwadi dzakange dzisingazivi kuti apo dzaefunga kuti dzirikupedza chikwadi dzaitochiendesa mberi.KK 76.3

    Mumwe moto wakanga uchazoiswa zvekare paConstance. Ropa rechimwe chapupu raifanira kupupurira chokwadi. Jerome, apo akaparadzana naHuss achienda kudare, akamushingisa akavimbisa kuti kana aizopinda munjodzi iye aivapo kuzouya kuti amubatsire. Apo akanzwa kusungwa kwemumwe wake, muteveri uyu akavimbika akakasika kugadzirira kuzadzisa mhiko yake. Asina rudziviriro, akasimuka neshamwari imwechete, kuenda kuConstance. Achisvikako akabva aona kuti akange azvipinza munjodzi, uye haana zvaaigona kuita kununura Huss. Akabva abuda muguta achitiza asi akasungwa asati aenda kure akadzoswa akasungwa nemaketani. Paakatanga kuiswa pamberi pedare mhinduro dzake dzakasangana nekudaidzira, “Ngaapiswe, Ngaapiswe!”—Bonnechose, vol. 1, p. 234. Akakandirwa mutirongo, akasungwa nenzira yairwadza chose, akapiwa chingwa nemvura kuti adye. Mushure memwedzi mishoma hutsinye hwaakaitirwa hwakaita kuti arware zvikuru zvekuti nhandu dzake dzakafunga kuti dzaizorasikirwa naye saka vakarerutsa kutambura kwake, kunyange zvazvo akaramba ari muhusungwa kwegore rose.KK 76.4

    Kufa kwaHuss hakuna kuitika nenzira iyo vakuru veRoma vaitarisira. Kuputswa kwevimbiso yekumuchengetedza kwakamutsa bopoto guru munyika, naizvozvo dare rakatsvaka kumanikidza Jerome kuti arambe kutenda kwake senzira yaiva nani kupedza nyaya iyi pane kumupisa. Akamiswa pamberi pedare akapihwa mukana wekuramba dzidziso yake panekupiswa nemoto. Kwaari, dai akaurawa paakasungwa zvaiva nani pane kutambudzwa kwaakanga aitwa mutirongo, naizvozvo panguva iyi, apera simba nehurwere, uye nehutsinye hwetororngo rake, pamwe nekushungurudzwa mupfungwa uye kupatsana neshamwari dzake, kusanganisira nerufu rwaHuss; zvose izvi zvakapedza simba raJerome rekumira, zvikamupa kuti abvume kuita zvaidiwa nedare. Akazvimisira kuterera sangano reKatorike pakutenda akabvuma zvaidiwa nedare kuti arambe dzidziso dzaWycliffe naHuss. Nenzira iyi akafunga kuti aizonyaradza izwi rendangariro uye owana rusununguko. Asi ava oga muhusungwa akaona zvakajeka izvo akanga aita. Akafunga nehushigi nekutendeka kwaHuss akazvienzanisa nekuramba kwake chokwadi. Akafunga nezvaMuponesi uyo aakanga avimbisa kuzoshumira, uyo akazvipa nokuda kwake kurufu rwemuchinjikwa. Kuzvidemba kukuru kwakabata mwoyo wake. Akazvimisira kuti aizomira naTenzi wake pakuti atize kutambudzika kwenguva duku. KK 77.1

    Akazodzoswazve pamberi pedare mushure menguva duku. Mhinduro dzake dzakange dzisina kunyatsogutsa dare revatongi. Nyota yavo yeropa, iyo yakange yamutswa nerufu rwaHuss yakange yokarirazve kutonhodzwa patsva. Jerome aifanira kuramba chokwadi zvinemutsindo kuti apunyuke. Asi parizvino akazvimisira kumira nechokwadi atevere hama yake kufuru rwevatsvene mumoto.KK 77.2

    Akaramba zvaakanga ambobvuma pashure, akazvimisira kumiririra chokwadi chaaiparidza asati afa. Vadzivisi vake vakange vasingadi kuti ataure zvakawanda kunze kwekubvuma kana kuramba dzidziso dzake, vachitya kuti aizotendeutsa vazhinji vainzwa. Jerome akaramba izvi akataura achiti; “Makandivharira kwegore rose, mujeri rinonhuhwa, rinetsvina, ndichishaiwa zvinhu zvakawanda; nhasi mondiburitsa mondiunza pano kuti muteerere vavengi vangu vachitaura asi morambawo kundinzwa…. kana zvedi muri vahu vanenjere, uye mwenje wenyika, zvichenjererei kuti musatadzira kururamisira. Ini zvangu ndiri munhu asina kukosha nemmurwere, naizvozvo pandinokukurudzirai kuti musatonge zvisakarurama, handizviitiri ini asi imi.”— Ibid., vol. 2, pp. 146, 147.KK 77.3

    Vakazomutendera kutaura. Pamberi pevatongi vake, Jerome akapfugama akanamata kuti Mweya waMwari ubate pfungwa dzake nemashoko ake, kuti asataure chinhu chinopikisana naTenzi wake nezvokwadi. Kwaari musi uyu mashoko aMuponesi akazadzikiswa, apo akati kuvadzidzi: “Muchaiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nokuda Kwangu…. asi musatya izvo muchapindura nekuti muchazvipihwa panguva imwechete iyoyo, izvo muchapindura. Nokuti hamusiri imi muchapindura, asi Mweya waBaba venyu unotaura mamuri.” Mateo 10:18-20.KK 77.4

    Mashoko aJerome akashamisa nekuyemurwa kunyangwe nevavengi vake. Kwegore rose aiva avharirwa mutorongo asingagone kuverenga kana kuona, ari mukutambudzwa kukuru kwenyama nepfungwa. Asi akataura zvakajeka nesimba semunhu asina kumbobvira avhiringwa zvidzidzo zvake. Akanongedzera vanzwi kumudungwe wevatsvene avo vakanga vatongwa nevatongi vakaipa ava. Mumazera ose kwakange kunevanhu avo vakapomerwa vakatongerwa zvakaipa kunyangwe vaifanirwa nekukudzwa. Kristu pachake akatongwa semunhu akaipa pamberi pevatongi vasakarurama.KK 78.1

    Apo akange amboramba kudzidzisa kwake, Jerome akangewo aratidza kudare kuti akange achiwirirana naro mukupa kwaro mhosva kuna Huss; asi panguva ino akaratidza kutendeuka kwake akataura pachena kuti aitenda kuhutsvene nemukushaiwa mhosva kwaHuss. “Ndakamuziva kubva muhuduku hwake,” anodaro Jerome. “Aiva munhu akanaka, akarurama uye mutsvene; akapihwa mhosva kunyangwe akanga asina kutadza…. Neniwo ndakazvimisira kufa: Handingatye kutambudzwa kwaiswa pamberi pangu nemhandu dzangu nevapupuri venhema avo vachamira nerimwe zuva pamberi paMwari mukuru, uyo asinganyengedzwi, vachizvidavirira pamusoro pemanyepo avo.”—Bonnechose, vol. 2, p. 151.KK 78.2

    Achiratidza kuzvidemba pamusoro pekumboramba kwaakaita chokwadi, Jerome anoendera mberi achiti: “Pazvivi zvose zvandakamboita kubva pahuduku hwangu, hapana chinondiremera kudarika icho ndakaita panzvimbo ino, apo ndakabvumirana nedare pakupa mhosva kuna Wycliffe, nekuna tenzi wangu neshamwari yangu, John Huss, mutsvene waMwari. Ichokwadi, ndinoreurura uye kuzvidemba kuti ndakatadza, apo nokuda kwekutya rufu, ndakarasha kudzidzisa kwavo. Naizvozvo, ndinokumbira Mwari Wamasimbaose kuti andiregerere zvivi zvangu, kunyanya ichochi chandakaita pano chakaipisisa kupfuura zvose.” Achinongedzera kuvatongi vake, akataura akasimba achiti: “Makazvidza Wycliffe naHuss kwete nekuti vakazungunusa dzidziso dzesangano, asi nekuti vakashoropodza huipi hwevakuru vesangano- kuzvikudza kwavo, nezvinonyangadza zvese zvavanoita, izvo zvinobuda pachena, uye neniwo ndinozvishoropodza.” Mashoko ake akamiswa aripakati pekutaura. Vakuru vesangano, vachibvunda nehasha, vakadaidzira: “Chii chimwe chatingada kunzwazve? Tose tirikuzviona kuti pamberi pedu pamire mupanduki mukuru!”KK 78.3

    Asingazungunuswi nedutu, Jerome akapindura: “Munofunga kuti ndiri kutya kufa here? Makandiona kwegore rose ndiri mutorongo rakaipa kupfuura rufu pacharwo. Makandibata zvakaipa kupfuura zvamungaisa muJudha kana muhedheni, naizvozvo nyama yangu yaora pamapfupa angu ndirimupenyu; asi handina kumbogunun’una, kunyangwe zvangu ndichishamisika nehutsinye hwakadai hunoitirwa muKristu.”— Ibid., vol. 2, pp. 151-153.KK 78.4

    Zvakare bope rakasimuka, Jerome akakasika kubviswa achiendeswa kutorongo. Asi vakanga varipo vamwe mudare avo vakabatwa nemashoko ake uye vakatsvaka kumununura. Akashanyirwa nevakuru vesangano vakamukurudzira kuzvipira kuzvido zvedare. Akavimbiswa zvipo zvikuru zvaaizowana akabvuma kuzviisa pasi pezvido zveRoma. Asi Jerome akaamba akamira pakutenda kwake seizvo zvakaitwa naMuponesi wake panguva yekuedzwa. “Ndipangidzei kubva muShoko Dzvene kuti ndiri kutadza, ipapo ndichabvuma.” Anodaro Jerome. Mumwe wevaedzi vake akadanidzira, “Shoko Dzene! Unofunga kuti zvinhu zvese zvinotongwa neshoko dzvee here? Ndiani anganzwisise Shoko Dzvene kana risina kudzudzirwa nesangano?” “Tsika dzevanhu dzingakosha kudarika evhangeri raMuponesi here?” Anopindura Jerome. “Pauro haana kukurudzira vanhu vaakanyorera kuti vateerere tsika dzevanhu, asi anoti, ‘Tsvakai pamagwaro.’” “Mupanduki!” Akapindura mumwe mupomeri wake, “Ndinozvidemba kuti ndapambadza nguva ndichikunyengetedza ndisingaoni kuti unosundwa nemweya wakaipa.” — Wylie, b. 3, ch. 10.KK 78.5

    Ipapo akatongerwa kuparadzwa. Vakamutungamirira kunzvimbo imwechete apo pakafira Huss. Akaenda achiimba munzira yese, chiso chake chakajeka nemufaro nerugare. Meso ake akange akatarira panaKristu, uye rufu kwaari rwakanga rusisatyise. Apo uyo aitungidza moto akaenda kumashure kwake kuti atungidze moto, Jerome akadaidzira kwaari: “Huya pamberi pangu utungidze moto usingatye. Dai ndaitya ndingadai ndisiri pano.” Mashoko ake ekugumisira, ayo akataura moto uchimukomberedza, waiva munamato. “Ishe, Baba Vamasimba ose, ivai netsitsi neni, mundiregererewo kudarika kwangu; nokuti Munoziva kuti ndakagara ndichida zvokwadi yenyu.”—Bonnechose, vol. 2, p.KK 79.1

    Izwi rake rakapera asi miromo yake yakaramba ichifamba mumunamato. Apo moto wakapedza basa rawo, madota emutsvene uyu akatorwa akandokandwa murwizi, Rhine sezvakaitwawo madota aHuss.KK 79.2

    Ndiko kwakava kupera kwevasimudzi vemwenje waMwari vakatendeka. Asi chiedza chavakatungidza hachina kugona kudzimwa. Kuedza kudzima chiedza ichi zvaingafanana nekuedza kuvhara chiedza chezuva ririkubuda nezijira dema guru kuti chisavhenekere nyika. Kuurawa kwaHuss kwakamutsa moto wehasha munyika yeBohemia. Nyika yese yakaona kuti Huss akanga abatwa nehuipi hwemaprisita nekunyengera kwamambo mukuru. Akaitwa muparidzi wezvokwadi, uye dare rakamutongera rufu rakapihwa mhoswa yeropa rake. Dzidziso dzake dzakawana vateveri vazhinji kudarika kare. Nechirevo chapapa zvinyorwa zvaWycliffe zvakange zvatongerwa kupiswa. Panguva iyi zvidzidzo zvake zvakange zvisina kutsva zvakaburitswa zvikadzidzwa pamwechete neBhaibheri vanhu vakawanda vakatungamirirwa mukutenda kurumutsiridzo.KK 79.3

    Vaurai vaHuss havana kuramba vakanyarara izvi zvichiitika. Papa namambo mukuru vakabatana kuparadza basa iri, naizvozvo mauto aSigismund akatumirwa kuBohemia. Asi Mudzikinuri akasimudzwa. Ziska, uyo akava bofu mushure mekutanga kwehondo iyi, aiva mukuru wehondo anogona, ndiye akava mutungamiri wevanhu veBohemia. Vachivimba naMwari uye nehutsvene hwezvavairwira, vanhu ava vakakwanisa kumira vachirwa nehondo huru kwazvo. Mambo mukuru akasimudza hondo dzake kakawanda asi dzose hadzina kugona kukurira Bohemia. Vateveri vaHuss vakanga vasingatye rufu naizvozvo hapana chakagona kuvakunda. Ziska akazofa makaore mashoma hondo yatanga, nzvimbo yake ikatorwa naProcopius, uyo aive akashingawo uye ari mutungamiri wehondo anogona.KK 79.4

    Mhandu dzeBohemia padzakanzwa nezvekufa kwaZiska dzakafunga kuti waiva mukana wekutora zvose izvo dzakange dzarasikirwa nazvo. Papa zvino vakadaidzira hondo tsvene kuBohemia, naizvozvo hondo huru yakaunzwa kuBohemia asi yakasangana nekukundwa kwakaipisisa. Imwe hondo tsvene yakadaidzirwa zvekare. Kubva kunyika dzose dzechipapa muEurope, kwakabuda varume, mari nezvombo zvekurwa. Mhomho yevarwi yakauya vainechokwadi chekuti hundo nevateveri vaHuss yakanga yozopera zvino. Varwi vazhinji ava vakapinda muBohemia vachivimba kuti vakange vachizokunda. Vanhu vakamira vachirwa nehondo iyi. Mapoka maviri aya akasangana apo vaipatsaniswa nerwizi pakati pavo. “Varwi vapapa vaiva hondo irinani zvakanyanya, asi panzvimbo yekuti vafambe vachiyambuka rwizi kundorwa nevateveri vaHuss avo vakanga vavinga kuzoparadza, varwi ava vakaramba vakamira murunyararo.”—Wylie, b. 3, ch. 17. Mushure mekanguva chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika kuvarwi ava. Hondo huru iyi yakatanga kutiza ikaparara sekunge yadzingwa nesimba risingaonekwi nemunhu. Vazhinji vavo vakaurawa nevateveri vaHuss, avo vakavatevera vakanhonga pfuma zhinji yakasiiwa nevaitiza, izvo zvakaita kuti hondo iyi isiye vanhu veBohemia vapfuma zvikuru.KK 80.1

    Mushure memakore mashoma akatevera, kwakamuka Papa mutsva, uyo akaronga imwe hondo tsvene. Sepakutanga varume nezviwanikwa zvakaunganidzwa kuenda kuhondo iyi. Kuregererwa kwezvivi zvikuru kwakavimbiswa kunevose vaizopinda pahondo iyi. Avo vose vaizofira muhondo iyi vakavimbiswa mugove kudenga, zvoti avowo vaizorarama pahondo iyi vaizowana pfuma kubva kune zvaizopambwa muhondo. Varwi vazhinji kwazvo vakauya vakasvika kuBohemia. Varwi veBohemia vakadududza vakadzokera shure, izvo zvakaita kuti varwi vapapa vatevere kusvika vapinda mukati-kati meguta vachivimba kuti vakange vatokunda. Pakarepo varwi vaProcopius vakamira, vakatarisana nemhandu, vakarwa navo. Apo varwi vapapa vakanzwa ruzha rwekuuya kwevarwi veBohemia, vakabatwa nekutya kukuru. Machinda, vakuru vehondo, nevarwiwo zvavo, vose vakarasa zvombo zvavo vakatizira kumativi ose. Mumiririri wapapa akaedza kudzosa mauto ake asi zvakaramba kusvika iye akukurwa nedutu rekutiza kwehondo yake. Hondo yakapera, zvekare pfuma huru ikawira mumaoko evanhu veBohemia.KK 80.2

    Naizvo kechipiri hondo dzemuEurope, idzo dzaiva dzakawanda uye dzakadzidziswa kurwa, dzakawa pamberi pevanhu vashoma veBohemia pasina kana chombo chakasimudzwa. Apa pakaonekwa simba raMwari pachena. Mhandu dzakarohwa neruoko rwedenga. Uyo akaparadza hondo dzaFarao pagungwa Dzvuku, uyo akaita kuti hondo dzevaMedia dzitize pamberi paGedioni nevarwi vake vanemazana matatu, uyo akapedza hondo yemuAssiria aizvikudza nehusiku humwe, ndiye akange atambanudza ruwoko rwake kurwa nemudzvinyiriri.KK 80.3

    Pakupedzisira, anapapa vaona kuti vakundikana kushandisa simba kuti vakunde, vakafunga kushanda nekunyengera. Vanhu veBohemia vakanyengedzwa vakafunga kuti vakange vapihwa rusununguko asi vasingazive kuti vakange vatopinzwa pasi pesimba reRoma. Vanhu veBohemia vakanga vatara zvinhu zvina izvo vaida kuti vaitirwe kuti vapinde murugare neRoma: kuparidzwa pachena kweEvangeri; kuwaniswa kodzero kwemunhu wese kuchingwa newaini zvepachidyo, uye kushandiswa kwerurimi rwavo parusando; kubviswa kwevakuru vesangano pazvigaro zvose zvehutongi hwenyika; uye kuti mumatare edzimhoswa vanhuwo zvavo pamwe nevaprisita vaizotongwa zvakafanana.KK 80.4

    Hukuru hwesangano “hwakazobvuma kuti vateveri vaHuss vaitirwe zvavaida, asi kuti kududzirwa kwazvo kwaizoitwa nehutungamiriri chete- nemamwe mazwi, papa namambo mukuru ndivo vaizova nekodzero yekuzvidudzira.”— Wylie, b. 3,KK 81.1

    ch. 18. Naizvozvo chibvumirano chakaitwa, nenzira iyi Roma yakakwanisa kuwana kuburikidza nehunyengeri izvo yakanga yatadza kuwana kuburikidza nemhirizhonga; nokuti kana vaizova nesimba rekududzira zvirimuchibvumirano, sesimba ravaiva naro rekududzira magwaro, vaizomonyorora mashoko kuti awirirane nezvavaida ivo. Vanhu vazhinji veBohemia vachiona hunyengeri hwaiva muchibvumirano ichi vakaramba kuchigamuchira. Kupesana kwakamuka pakati pavo, izvo zvakatungamirira kupokana nekurwisana pakati pehama. Mukurwa uku, Procopius mukuru wehondo aikudza akawa, zvikatungamirira mukuparara kwerusununguko rwevanhu venyika iyi. KK 81.2

    Sigismund, munyengeri waHuss naJerome akabva ava mambo weBohemia, naizvozvo kunyange akanga avimbisa kuchengetedza kodzero dzevanhu veBohemia, akaenderera mberi mukupa masimba kunaPapa. Asi haana zvizhinji zvaakabatsirwa nazvo nekuva pasi pesimba reRoma. Kwemakore makumi maviri hupenyu hwake hwakange hwakazadzwa nekushanda kunenjodzi. Mauto ake nepfuma yake zvakange zvapedzwa nekurwa mudzihondo dzaakaita, zvekuti mushure mekutonga kwegore rimwe chete akafa akasiya humambo hwake huri pedyo nehondo yemukati uyewo akazvisiira zita rakaipa. Kurwa, mhirizhonga nekudeuka kweropa zvakatevera. Zvekare mauto ekunze akauya akarwisa Bohemia, kutambudzwa kukuru kwevanhu nekuda keEvangeri kukasimukawo.KK 81.3

    Apo hanma dzavo dzakaita mubatanidzwa neRoma, dzikagamuchira manyepo ayo, avo vakarambira pakutenda kwekare vakazvivambira sangano idzwa, vakazvitumidza kuti “United Brethren.” Izvi zvakaunza kushoropodzwa kubva kunevamwe vanhu. Asi kutenda kwavo hakuna kuzungunuswa. Vakatizira kumasango nemapako uko vaiungana vachirava shoko raMwari nekunamata.KK 81.4

    Kuburikidza nevatumwa vakatumwa muchivande kunyika dzakasiyana-siyana, vatendi ava vakaziva kuti munzvimbo dzakawanda kwaiva “nevamwe vakafanana navo vainge vakachengeta kutenda kweidi, uye vachitambudzwawo; uye kuti pakati pemakomo eAlps paiva nesangano rekare, raive rakazendama panheyo dzeMagwaro, richirwisana nehuori hweRoma.”—Wylie, b. 3, ch. 19. KK 81.5

    Ruzivo urwu rwakagamuchirwa nemufaro, pakatangiswa hurongwa hwekutaurirana nesangano remaWaridenzi. Vanhu veBohemia ava vakarambira paEvangeri munguva yekutambudzwa kwavo, vakasimudza maziso avo sevanhu vakatarisira kuuya kwechiedza chemangwanani. “Vaive mumazuva akaipa, asi … vakarangarira mashoko akataurwa naHuss, ayo akadzokororwazve naJerome ekuti zana remakore richati rapfuura ipapo mambakwedza achasvika. Mashoko aya akava KuvaTabori (vateveri vaHuss) sezvaiva mashoko aJosefa kuimba yaIsraeri yaiva muhutapwa: ‘ini ndofa zvangu asi zvirokwazvo Jehovha uchakushanyirai akakubudisai.’”— Ibid., b. 3, ch. 19. “Pakupera kwesenduri yechishanu sangano reHama iri rakaenderera mberi nekukura. Pakutanga kweSenjuri yechitanhatu masangano avo akanga asvika mazana maviri muBohemia neMoravia.” —Ezra Hall Gillett, Life and Times of John Huss, vol. 2, p. 570. Sangano remusaririra iri rakanga rakanaka kwazvo, iro rakapunyuka hasha dzemoto nemunondo, rikatenderwa kuona kubuda kwezuva rakanga rarehwa naHuss.” —Wylie, b. 3, ch. 19.KK 82.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents