Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 20—KUMUTSWA KUKURU KWECHITENDERO

    Kumutswa kukuru muchinamato pakuparidzwa kweshoko rekukasika kudzoka kwaKristu kunoporofitwa mushoko rengirozi yekutanga rinowanikwa muna Zvakazarurwa 14. Mutumwa anoonekwa “achibhururuka nepakati pedenga, aine Ivhangeri isingaperi kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.” “Akati nenzwi guru” anoparidzira shoko, “ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika, namatai Iye wakasika denga nenyika, negungwa namatsime emvura.” Verse 6,7. KK 225.1

    Pfungwa yekuti Mutumwa ndiye akaparidza yambiro iyi inoita kuti nyaya iyi ikoshe kwazvo. Kuburikidza nekuchena, nesimba, nekubwinya kwemutumwa weDenga uyu, hutsvene nenjere dzeDenga, vakafadzwa kuti varatidze kukura kwebasa raifanira kuitwa neshoko iri uye simba nekubwinya zvaizofamba naro. Uyewo kubhururuka kwemutumwa uyu “napakati pedenga,” uye “neinzwi guru” iro akadanidzira naro yambiro iyi, uye kupiwa kwaro shoko “kune vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.”—zvinopa humbowo hwekukasika kunofanira kuitwa zvichiendeswa pasi rose. KK 225.2

    Shoko remutumwa pacharo rinotipa chiedza kuti inguva ipi apo Sangano iri rekuparidza rinofanira kutora nzvimbo. Shoko iri rinodanidzirwa richinzi “Ivhangeri isingaperi;” uye rinodanidzira kuvamba kweRutongo. Vhangeri yeruponeso yakagara ichiparidzwa kubva kare mumazera ose, asi shoko iri, rinova rupandi rweVhangeri iyi rinofanira kuparidzwa bedzi mumazuva ekupedzisira, nokuti ipapo bedzi ndipo pane chokwadi chekuti nguva yekutonga yasvika. Zviporofita zvinotipa muono wekutevedzana kuchaita zviitiko zvichatungamirira kuzarurwa kwenguva yerutongo. Izvi zvinonyanya kubuda huchokwadi hwacho mubhuku raDanieri. Asi chikamu chechiporofita chake chine chekuita nemazuva ekupedzisira, Danieri akarairwa kuti achivhare “kusvikira panguva yekupedzisira.” Koga kana tasvika panguva iyi ndipo paizoparidzwa nyaya yorutongo, kana tichitarisa kuzadziswa kwezviporofita izvi. Asi pakupera kwenguva, muprofita anoti: “nokuti vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda.” Danieri 12:4. KK 225.3

    MuApostori Pauro mumazuva ake akayambira Kereke kuti irege kutarisira kuuya kwaKristu panguva iyi. Anoti “nokuti zuva iro harisviki, kana kurashika kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika asati awonekwa.” Hatigoni kutarisira kuuya kwaTenzi kusvikira kurashika kukuru, nenguva refu yekutonga kwe “munhu wezvivi.” Uyu “munhu wezvivi,” anonzi zvakare “chakavanzika chokurashika,” kana “mwanakomana wokurashika,” uye “uyo wakaipa,” anomirira hutungamiri hwanaPapa, uhwo hunoporofitwa muchiporofita kuti hwaizotonga husina kukanganiswa kwemakore ane chiuru, namazana maviri ane makore makumi matanhatu. Nguva iyi yakapera mugore ra 1798.KK 225.4

    Kuuya kwaKristu kwaisagona kutora nzvimbo nguva iyi isati yapfuura. Yambiro yaPauro inoputira nguva yeKereke yeChiKristu kusvika gore ra1798. Mumashure megore iri, ndipo panotanga kuparidzwa shoko rokudzoka kwaKristu. Hakuna shoko rakadaro rakamboparidzwa mumakore ekumashure nguva iyi isati yasvika. Sekuona kwataita, naPauro wo, haana kumboparidza nyaya iyi, asi akanongedzera hama dzake kunguva yaiva mberi yekuuya kwaJesu. Vaparidzi venguva yeReformation havana kumboparidza nyaya iyi. Martin Luther akapfuudzira nguva yerutongo mberi kwenguva yake zvemakore anosvika mazana matatu. Asi kubva gore ra1798, Bhuku raDhanieri rinozarurwa, rinobviswa chisimbiso, uye ruzivo rwekuzarurwa kwacho rwunowanda, uye vazhinji vanoparidza shoko rekusvika kwenguva yerutongo. KK 226.1

    Sezvaitika munguva yeruvandudzo rwekunamata mumakore esenjuri yegumi nenhanhatu, Sangano revaparidzi vekudzoka kwaJesu rakamuka munyika dzakasiyana siyana dzeChiKristu panguva imwechete. Munyika dzese mbiri dzinoti Europe, neAmerica, varume vekutenda nemunamato vakatungamirirwa kudzidza Bhaibheri, zviporofita, nekuronda zvinyorwa zvakafemerwa, kubva vaona humbowo husingapikiswi hwekuti nguva yekuguma kwezvinhu zvose yakanga yasvika. Munzvimbo dzakasiyana-siyana, kwakaonekwa mapoka eChiKristu avo, vakasvika pakutenda kuti kuuya kwamuponesi kwakanga kwasvika, kuburikidza nekunzvera magwaro. KK 226.2

    Mugore ra1821, makore matatu mushure mekunge Miller asvika pakugutsikana kuti zvaakanga adzidza maringe nerutongo zvaiva zvechokwadi, murume anonzi Dr. Joseph Wolff, “Muparidzi wepasi rose” akatanga kuparidza shoko rekudzoka nekukasika kwaShe. Wolff akazvarirwa munyika yeGermany, kuvabereki vechiHebheru, uye baba vake vaiva mudzidzisi wechiJudha. Kubva paudiki hwake, akagutsikana nekutenda kuti chitendero cheChikristu chaiva nezvokwadi.semunhu aiva nepfungwa dzakangwara kubva pahudiki, akanga achifarira kuteerera izvo zvaidzidziswa mumba mavo nababa vake semaJudha akatendeka pavaiungana zuva roga-roga vachidzidza nezvetariro dzaiva nevaJudha, dzinosanganisira kuuya kwaMesiya, uye kusunungurwa kwaIsraeri. Rimwe zuva akanzwa pachitaurwa nezvaJesu weNazareta, ndokubva abvunza kuti Jesu uyu aimbova ani? Mhinduro ikati, “Aiva MuJudha akanga aiine hunyanzvi,” “asi akazoita dambudziko rekuti aiizviti ndiMesiyasi, ndokubva dare rechiJudha repamusoro ramutongera rufu.” “Ngenyi?” Mubvunzi akaramba achienderera mberi, “ko Jesusarema rakaparadzwa here, uye sei tiri muhubatwa?” Baba vake vakapindura: “kwete, kwete!,” “nokuti vaJudha vakaponda vaporofita.” Ipapo pfungwa yakauya mumusoro memwana nekukasika ndokuti: “Zvimwe Jesu aivawo muporofita, vaJudha ndokumuuraya asina mhosva.”— Travels and Adventures of the Rev. Joseph Wolff, vol. 1, p. 6. Pfungwa iyi yakabva yamubata nesimba, zvekuti kunyangwe zvazvo airambidzwa kupinda muKereke yeChiKristu, dzimwe nguva aizoonekwa achingotenderera pedyo nayo achiteerera mharidzo ari kunze. KK 226.3

    Rimwe zuva apo ainge aine makore manomwe ekuzvarwa, akataura neumwe muvakidzani mutana weChiKristu achizvikudza nokuda kwekuti Israeri yaiziva neramangwana rakajeka kana Mesiya azouya, ndokubva mutana apindura zvinyoro-nyoro kuti: “Mudikani mukomana, rega ndikuudze kuti Mesiya chaiye ndiyani: Ndiye Jesu weNazareta … uyo akaroverwa nemadzitateguru enyu, sezvavakaitawo vaporofita vekare. Enda kumba unoverenga chitsauko 53 chaIsaya, ipapo uchagutsikana kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”—Ibid., vol. 1, p. 7. Shoko iri rakamubata kubva ipapo. Akaenda kumba ndokunoverenga chitsauko chiya, kubva ashamisika kuti zvakanyorwamo zvaiwirirana chose nekuzadziswa muna Jesu weNazareta. Mashoko emuKristu uyu ndeechokwadi here? Mukomana akabvunza baba vake kuti vatsanangure chiporofita ichi, asi akapindurwa nerunyararo rwunotyisa zvekuti haanazve kuzosimudza nyaya iyi zvakare navo. Asi izvi zvakangowedzera chidiso chake chekuda kuziva zvakawanda nezveChitendero cheChiKristu.KK 226.4

    Ruzivo rwaaitsvaga rwakavanzwa mumba yavo yeChiJudha nenzira yekusadzidza nezvazvo; asi, apo akanga ava namakore gumi nerimwe ekuzvarwa, akasiya baba vake akaenda munyika kuti anowana ruzivo rwake agozvisarudzira chitendero chaanoda nebasa raanoda muhupenyu. Akambowana pekugara muhama dzake dzeropa asi nenguva pfupi akadzingwa zvichinzi aiva murasiki padzidziso, nokudaro akanzunzutira ari ega kutsvaga kurarama pakati pevatorwa. Akachinja nzvimbo nezvimbo dzekugara ari mufambi, achizviraramisa nekudzidzisa rurimi rwechiHebheru. Kuburikidza nedzidziso dzeumwe mudzidzisi wechiKaturike, akatungamirirwa kugamuchira chitendero chechiRoma ndokubva aita pfungwa yekuda kuzova mumishinari kuvanhu vekwake. Nokuda kwechinangwa ichi, mumakore mashoma akatevera, akaenda kuchikoro chepamusoro chedzidzo kuRoma. Ikoko kukorichi ndiko kwaakazoita dambudziko rekunzi mudzidzisi wenhema nekuda kwepfungwa dzake dzainyanya kubvunzurudza dzisingadi kudzvanyirirwa. Chaaingoita kushoropodza kaitiro kesangano nekukurudzira kugadziriswa kwezvisingaitwi maringe neshoko. Kunyangwe pakutanga aiitirwa nyasha nevakuru veSangano, akazodzingwa kuRoma mushure mechinguva. Akafamba nzvimbo nenzvimbo asi ari pasi peziso reSangano, kusvikira zvava pachena kuti haaizofa akazviisa pasi pedzidziso dzehuranda dzeSangano reRoma. Sangano rakapa mutongo wekumupa zita rekunzi munhu akarashika zvisingagadziriki saka aifanira kusiiwa achienda kwaada semufambi. Nokudaro akabva aenda kuEngland, achizviti aiva wechitendero chechiProtestenti, ndokubva anobatana neSangano remuEngland. Mushure memakore maviri ekudzidza, akabva atanga basa rake rehumishinari muna 1821. KK 227.1

    Apo Wolff akagamuchira zvokwadi huru yekuuya kwaKristu kekutanga se “munhu wekurwadziwa, akaziva urwere,” akaonawo kuti zviporofita zvinoburitsa pachena kudzoka kwake kwechipiri nesimba nekubwinya. Nokudaro apo aiparidza kuvanhu vekwake achitsvaga kuvatungamirira kuna Jesu weNazareta saiye Mesiya akavimbiswa, uye kuvanongedzera kukuya kwake kwekutanga mukunyadziswa nekuroverwa kufira zvivi zvevanhu, akavaparidzirawo nezvekudzoka kwake kechipiri saMambo nemudzikinuri. KK 227.2

    Akavadzidzisa achiti: “Jesu weNazareta, ndiye Mesiya wezvokwadi, ane maoko nemakumbo akabaiwa, akaunzwa segwayana kuchibairo, ndiye aiva munhu wekurwadziwa aiziva urwere, uyo, mushure mekunge tsvimbo yabviswa kwaJudha, uye simba rematare raiswa patsoka dzake, akauya kekutanga, achauyazve kechipiri nemakore edenga, nehwamanda yemutumwa mukuru.” (Joseph Wolff, Researches and Missionary Labors, page 62) “Uye achamira pamusoro peGomo reMiorivhi; ipapo, simba riya raakambopiwa kuna Adhamu pamusoro pezvisikwa, akazorasikirwa naro, (Genesis 1:26; 3:17), richapiwa kuna Jesu. Achava Mambo panyika yose. Kugomera nekuchema kwezvisikwa zvose kuchapera, asi nziyo dzekurumbidza nekutenda dzichanzwikwa … apo Jesu achauya mukubwinya kwaBaba vake, nekwavatumwa vatsvene … vatendi vakafa vachatanga kumutswa. (1 VaTesaronika 4:16; 1 VaKorinte 15:32). Izvi ndizvo zvatinoti semaKristu kumuka kwekutanga. Chimiro chemhuka dzesango chichashanduka (Isaya 11:6-9), zvigoiswa pasi paJesu. Mapisarema 8. Ipapo pasi rose richava nerunyararo.”— Journal of the Rev. Joseph Wolff, pages 378, 379. “Ipapo Jehovha vachatarisa zve pasi panyika agoti, tarira zvose zvakanaka kwazvo.”— Ibid., page 294.KK 227.3

    Wolff aitenda kuti kuuya kwaShe kwakanga kwave pedyo, saka kudzidzisa kwake pakududzira chiporofita kwakaisa nguva yekudzoka kwaJesu mumakore mashoma aitevera ayo akanga achidzidziswa naMiller. Kune avo vaipikisa nezvinyorwa vachiti “kana riri zuva kana nguva, hakuna munhu ungaziva’” Wolff aivapindura achiti: “Ndizvo here kuti Tenzi wedu akati zuva nenhambo hazvizofi zvakazivikanwa? Haana here kutipa zviratidzo zvenguva zvine kutevedzana kwakajeka kuitira kuti isu tizive kuti akutosvika, sekuziva kunoita munhu kuti zhezha rakusvika kuburikidza nekutunga mashizha kwemuonde? Matthew 24:32. Hatigoni here zvachose kuziva nguva iyo, asi iye akatiraira kuti tisangoverenga muporofita Danieri bedzi, asi kuti timunzwisise? Uye imomo munaDanieri tinoudzwa kuti mashoko akanga akavanzwa kwenguva (inova nguva yake) kusvika panguva yekuguma, apo “vazhinji vachamhanya pose-pose,” “nezivo ichawanda,” Daniel 12:4. Kunze kwaizvozvo, Ishe wedu haasi kutaura nemashoko aya kuti kusvika kwenguva hakuzi kuzozivikanwa, asi kuti ‘zuva chairo nenguva hazvizivikanwi nomunhu.’ Anoti, zvakaringana ndizvo zvichazivikanwa kuburikidza nezviratidzo zvenguva, kuti zvitibatsire kugadzirira kuuya Kwake, sezvakaita Noah pakuvaka ngarava.”—Wolff, Researches and Missionary Labors, pages 404, 405.KK 228.1

    Pamusoro penzira yekududzira kana kusadudzira zvakanaka magwaro, Wolff akanyora achiti: “Chikamu chikuru cheMaKristu vakabva panzira iri pachena yekunzwisisa maGwaro, vakatevera nzira yechiBhudha, iyo inotenda kuti mufaro weramangwana revanhu uri mukufamba mumhepo, sekuti kana uchida kunzwisisa maJudha unofanira kunzwisisa vaHedheni, kana uchida kuverenga nezve Jerusarema unofanirawo kunzwisisa nezveKereke, saka kana zvichinzi Nyika, zvinoreva kuti muDenga kana mumhepo; uye pakuuya kwaTenzi vanofanira kunzwisisa kufamba kwebasa remaMishinari, uye kuenda kugomo reimba yaJehovha, zvinoreva boka revanokudzwa pamusangano weChihwisiri.— Journal of the Rev. Joseph Wolff, page 96.KK 228.2

    Mukati mekakore makumi maviri nemana kubva gore ra1821 kusvika 1845, Wolff akafamba zvakanyanya muAfrica, achishanyira Ejipita ne Abyssinia; muAsia, akafamba zvikuru muPalestina, Siriya, Persia, Bokhara, neIndia. Akashanyirawo Amerika, murwendo urwu akaparidza muchitsuwa cheSaint Helena. Akasvika mu New York muna Nyamavhuvhu, 1837; uye mushure mekuparidza muguta iri, akandoparidzawo muPhiladelphia neBaltimore, uye pakupedzisira akaenda kuWashington. Muguta iri ndimo maakataura achiti: “papfungwa yasundwa nevaimbova mutungamiri wenyika vaJohn Quincy Adams, mune imwe imba huru yedare reCongress, Dare rose rakatenderana kuti rindipe mukana wekushandisa imba huru inoungana vazhinji yemu dare reCongress kuti ndipe chidzidzo, icho chandakapa nemusi weSabata paine ruremekedzo rwekuvapo kwenhengo dzedare reCongress, uyewo nemufundisi mukuru, Bhishopi weVirginia, vanobva kuvafundisi nevagari vemu Washington. Ruremekedzo rumwecheterwo ndakarupiwa nenhengo dzemakurukota ehurumende ye New Jersey nePennsylvania, avo pamberi pavo ndakapa chidzidzo chinobva patsvakurudzo yandakaita kuAsia, uyewo pamusoro pekutonga kwaJesu Kristu pachake.”— Ibid., pages 398, 399.KK 228.3

    Dr. Wolff akafamba munyika zhinji dzaizivikanwa nemhirizhonga nejodzi asi asina kana chengetedzo kubva kuhurumende dzemu Europe, akasangana nezvigozhero zvizhinji, akatenderedzwa nenjodzi zhinji. Dzimwe nguva aimborwadziswa nekurohwa pasi petsoka, aimbotengeswa kuitwa muranda, uye kanokwana katatu akambotongerwa rufu. Aimbovandirwa nemakororo, pane dzimwe nguvawo akapotsa afa nenyota. Kamwe chete akambotorerwa zvose zvaaiva nazvo akasiiwa achifamba netsoka kwemitunhu mirefu yemamaira mazhinji nemukati memakomo, achirohwa nechando mutsoka dzisina shangu achifamba pamazaya echando. KK 228.4

    Panguva dzaaipiwa yambiro yekufamba asina zvombo zvekuzvidzivirira mukati memarudzi akaisvoipa, ipundura achiti: “zvombo ndinazvo,” zvinoti “munamato, simba rekushandira Kristu, uye hushingi hwekuziva kuti anondibatsira.” Akatizve, “ndakapiwawo zvakare rudo rwaMwari, uye muvakidzani wangu ndiwo moyo wangu, uye Bhaibheri riri muruoko rwangu.”—W.H.D. Adams, In Perils Oft, page 192. Kwese kwaaienda aitakura Bhaibheri mururimi rweChirungu nerweChihebheru. Achitaura pamusoro perwumwe rwendo rwake mumazuva ekupedzisira anoti: “Ndakatakura Bhaibheri rakazaruka muruoko rwangu. Ndainzwa kuti samba rangu raiva mubBhuku iri, uye kuti simba raro rainditsigira.”— Ibid., page 201.KK 229.1

    Nokudaro akatsungirira mubasa rake kusvikira shoko reRutongo rasvika mumativi mazhinji enyika yaigara vanhu. Akasvitsa Bhaibheri pakati pemarudzi anosanganisira maJudha, maTurks, maParsees, maHindu, achivapa Bhaibheri shoko raMwari mundimi dzavo, uye achidanidzira hutongi hwaMesiya hwakanga hwavakusvika. KK 229.2

    Munzendo dzake akasvikawo munyika yeBokhara umo akawana shoko redzidziso yekudzoka kwaJesu kechipiri ichizikanwa nekaboka kevanhu vaive kure nevazhinji. Vanhu verudzi rwechi Arab veku Yemen, anoti: “vakanga vaine bhuku rinonzi Seera, iro rinopa yambiro yekudzoka kwaKristu kwechipiri uye Kutonga Kwake neMbiri; uye vanotarisira kuitika kwezvinhu zvikuru mugore ra1840.”— Journal of the Rev. Joseph Wolff, page 377. “Munyika yeYemen ... ndakagara mazuva matanhatu nevana vaRechab. Havanwi waini, havarimi minda yemizambiringa, vanogara mumatende, havasimi minda, uye vanorangarira zvakanaka mutana Jonadab, mwanakomana waRechabi; uye ndakawana vana vaIsraeri vachigara navo, verudzi rwaDani … avo vanotarisira, pamwechete nevana vaRechabi, kusvika nekukasika kwaMesiya mumakore eDenga.” Ibid., page 389.KK 229.3

    Kutenda kumwechete kwakare kwakawanikwawo neumwe mumishinari munyika ye Tatary. Muprisita wechi Tatar akabvunza mubvunzo kumuMishinari uyu kuti Kristu aizouya riini kechipiri. Apo Mumishinari akapindura kuti akanga asina ruzivo nezvazvo, muPrisita akashamiswa zvikuru kuti sei munhu uyu aizviti muparidzi nemudzidzisi weBhaibheri aisaziva nyaya iyi, ndokubva muPrisita ataura zvaaitenda kubva muzviporofita zveBhaibheri kuti Kristu aizouya muna 1844. Kutanga kare mumakore ana 1826, shoko rekudzoka kwaJesu rakatanga kuparidzwa muEngland. Asi Sangano revaparidzi ikoko rakanga risina haro kunyatsorongeka sezvakanga zvakaita kuAmerica; zvekuti, nguva chaiyo yekudzoka kwaJesu haina kudomwa, asi zvokwadi huru yekudzoka kwaKristu nesimba nekubwinya yakaparidzwa nesimba. Izvi hazvina kuitwa kuchisiiwa vaya vanoramba nevanofarira nyika bedzi. Mourant Brock, munyori weChirungu, anotaura kuti vaparidzi vanosvika mazana manomwe muKereke yeEngland vaiparidza “Ivhangeri iyi yoUmambo.” Shoko racho, kunyangwe munyika yeGreat Britain rainongedzera gore ra1844 kuti ndiyo nguva yekudzoka kwaShe. Zvinyorwa zvaidzidzisa shoko rekuuuya kwaJesu zvaibva kuAmerika zvakatenderera munyika yese. Mabhuku nematsamba zvakadhindwawo zvikaparadzirwa muEngland. Mugore ra1842, Robert Winter, chizvarwa chemuEngland, uyo akanga agashira vhangeri iyi kuAmerika, akadzokera kunyika yekwake kunoparidza shoko iri rekudzoka kwaShe. Vazhinji vakabatana naye mubasa iri, zvikaita kuti shoko reRutongo riparidzwe munzvimbo zhinji dzemuEngland.KK 229.4

    Kunyika ye South America, mukati mevanhu vanopfurikidza mwero, nevanoita zvemashavi, murume anonzi Lacunza, werudzi rwechi Spaniard uye aivawo muJesuit, akawana mukana wekudzidza magwaro akagamuchira zvokwadi yekudzoka nekukasika kwaKristu. KK 230.1

    Achimanikidzwa pamweya kuti aparidze shoko iri, asi achityawo kutadzira Sangano reRoma raizomurova neshamhu, akaburitsa shoko rake muchinyorwa chaiva nezita rekunyebera rainzi “Rabbi Ben-Ezra,” achizviti akanga ari muJudha akatendeuka. KK 230.2

    Lacunza akararama munguva yeSenjuri yechigumi nemasere, asi bhuku rake rakazowana mukana wekusvika kuEngland mumakore ana1825 uko rakazonoiswa mururimi rweChirungu. Kushambadzwa kwebhuku iri kwakabatsira kusimbisa shoko rakanga ragara rasvika muEngland rekudzoka kwaJesu kwechipiri. KK 230.3

    Munyika yeGermany dzidziso iyi yakanga yasvika kare nemurume anonzi Bengel, aiva mufindisi muSangano reLutheran uye aivawo mudzidzi weBhaibheri airemekedzwa. Pakupedza kwake zvidzidzo zvake, Bengel “akazvipira kuita zvidzidzo zveTheology, apo paakabatsira pfungwa dzake kuziva zvechitendero, zvikabatsira kuwedzera ruzivo rwake rwaakanga ambowana pakudzidza kwake nekurovedzerwa. Sezvinongoitawo vechidiki vazhinji, akanga akura achinetseka nekuda kunzwisisa zvinogozha kubata zvechitendero, zvekuti anotaura zvaainzwa mumoyo make achiti: “miseve mizhinji yaibaya moyo wake, zvikaita kuti anetseke memitoro yairema mukukura kwake.” Paakazova nhengo yeboka rezvekunamata raigara pa Wurttemberg, ainyanya zvikuru kukurudzira kuti vanhu vapiwe mukana wekunamata vakasunguka. “Kunyangwe zvazvo aitenda kuti zvimiso nemitemo yeSangano inokosha, aikurudzira nekumiririra avo vanonzwa vachisundwa nekuda kubatira Mwari kuti vapiwe rusununguko rwendangariro dzavo pakunamata, kana zvichireva kuti vatenderwe kusarudza kurega kugashira chirairo.”— Encyclopaedia Britannica, 9th ed., art. “Bengel.” Zvakanaka zvinobva papfungwa yake iyi zvichiri kuwanikwa mudunhu rake.KK 230.4

    Chiedza chekudzoka kwaJesu chakapenya mupfungwa dzaBengel rimwe zuva apo aigadzira mharidzo yekunoparidza kuSvondo ichibva pana Zvakazarurwa 21. Zviporofita zvaZvakazarurwa zvakatanga kurudunuka mupfungwa dzake zvaakanga asati amboita. Nokuda kwekukurirwa nepfungwa yekutya kurasika, uye kukosha kwaita nyaya dzaitaurwa nemuporofita dzainyanya kubwinya, akambosiya nyaya idzi kwechinguvana.KK 230.5

    Asi panguva yekuparidza akamira pamberi pevanhu, shoko riya rakatanga kudzoka zvakare mupfungwa dzake nesimba guru. Kubvira panguva iyoyo, akasarudza kuora nguva yake achidzidza zviporofita kunyanya zvemunaZvakazarurwa, nekukasika akasvika pakunzwisisa kuti zvainongedzera kudzoka kwaKristu kwakanga kwava pedyo. Zuva rekudzoka kwaJesu rakanga rakasiyana nemakore mashoma neiro rakazoiswa naMiller pashure. KK 230.6

    Zvinyorwa zvaBengel zvakapararira munyika zhinji dzineChiKristu. Miono yake panyaya dzechiporofita dzakagashirwa kunyangwe munyika yake ye Wurttemberg, uyewo kuenda kune dzimwe nzvimbo mu Germany. Sangano rakaenderera mberi kunyangwe mushure mekufa kwake, zvekuti shoko rekudzoka kwaJesu rakanzwika muGermany nguva imwechete apo raiparidzwa kune dzimwe nzvimbo. Kune vamwe vatendi vakaenda kuRussia vakanogadzira tumapoka tudiki, kutenda mukudzoka kwaKristu kuchiri kugashirwa muKereke dzechiGermany munyika iyi.KK 230.7

    Chiedza chakapenyawo munyika dzinoti France neSwitzerland. Muguta re Geneva apo Farel naCalvin vakanga vaparidza chokwadi munguva yeruvandudzo rwekutenda, Gaussen aiparidza shoko rekudzoka kwajesu kechipiri. Pamazuva aakanga ari kuchikoro, Gaussen akasangana nedzidziso yakanga yakakurumbira muEurope yekushandisa pfungwa kuongorora zvinhu mumakore emaSenjuri yegumi nesere negumi nepfumbamwe zvekuti paakatanga hushumiri, akanga aine dambudziko rekusaziva zvekutenda pamwechete nekurerekera kumweya wekusabvuma. Pahudiki hwake, akanga aita chidiso chekudzidza zviporofita. Mushure mekuverenga chinyorwa chenhoroondo chinonzi Rollin’s Ancient History, ndokubva meso ake afarira chitsauko chechipiri chaDanieri, zvikaita kuti abatwe zvakasimba nekuzadzikiswa nemo kwakanga kwaita chiporofita ichi, sezvakanga zvakanyorwa muchinyorwa chenhoroondo. Apa akabva akaona huchapupu hwekufemerwa kweBhaibheri, zvakabva zvamupa hwaro hwekumira mumatambudziko eramangwana. Haana kugutsikana nedzidziso yenyika yekuongorora zvinhu nepfungwa dzako, saka mukudzidza Bhaibheri nekutsvaga chiedza, mushure menguva akawana kutenda kwechokwadi. KK 231.1

    Paakaramba achiita bvunzurudzo yake muzviporofita, akasvika pakuona kuti kuuya kwaShe kwakanga kwave pedyo. Nekubatikana nezvokwadi iyi nekukosha kwayo, akashuvira kuti aidzidzise vanhu; asi dzidziso yaivako muvanhu yekuti zviporofita zvaDanieri zvicharamba zviri zvakavanzika yakamuvhiringidza munzira yake. KK 231.2

    Pakupedzisira, akasarudza, sezvakanga zvamboitwawo na Farel, kuti aende kunoparidza kuGeneva, achitanga nekudzidzisa vana vaduku, avo vaaivimba kuti vaizosvitsa kuvabereki vavo. KK 231.3

    “Ndaishuvira kuti ndinzwisisiwe,” akazotaura achidaro pashure, achitaura nekukosha kweshoko rake: “haisi nyaya diki kwete, asi inyaya huru inokosha, saka ndaishuvira kuisvitsa sezvakaifanira, saka ndakazoipa kuvana. Ndaishuvira kuti dai ndainzwikwa, uye ndaitya kuti handinganzwikwi kana ndikaitaura ndiri ini pachangu kuvanhu vakuru.” “Nokudaro ndakasarudza kuenda nayo kuvana vadiki. Ndaiunganidza boka revana; kana boka rikakura, ndikaona kuti vaiteerera, vachifarira, nekuda, vachiratidza kunzwisisa nekugona kuzotsanangura chidzidzo, ndaiva nechokwadi kuti ndaizowana rimwe boka nekukasika, mushure macho, vanhu vakuru vaizoona kuti chidzidzo chaikosha kwavariwo kuti vachidzidze. Kana izvi zvaizoitika, naizvozvo chinangwa chinenge chazadziswa.”—L. Gaussen, Daniel the Prophet, vol. 2, Preface.KK 231.4

    Basa rake rakaita michero, nokuti paaidzidzisa vana, vanhu vakuru vaiuya vogarawo vachiteerera. Mipanda yeSangano rake yaizara nevateereri vachinzwa. Pakati pavo paivawo nevarume vaikudzwa nevakadzidza, nevaeni vaibva kune dzimwe nyika vaishanya muguta reGeneva, avo vaizotakura shoko vachienda naro kune dzimwe nzvimbo. KK 231.5

    Achikurudzirwa nekubudirira kwebasa rake, Gaussen akanyora nekuburitsa zvidzidzo zvake, aine tariro yekukurudzira vanhu kudzidza zviporofita mumasangano evanhu vaitaura rurimi rwechiFrench. Gaussen anoti: “kunyora nekuburitsa zvidzidzo zvaipiwa kuvana, kutaura kuvanhu vakuru avo vanowanikwa kazvhinji vachirega kuverenga mabhuku aya vachiti akavanzika, kuti kwavari, akavanzika sei kana zvichigona kunzwisiswa nevana venyu?” anoenderera mberi achiti, “ndaiva nechidiso chikuru chekuti ndipe ruzivo rwezviporofita zvaiva zvakajairika mumapoka edu kana zvaibvira.’ “Kwandiri, hakuna chimwezve chidzidzo, chingaringana nguva ino, izvi ndizvo zvichatibatsira kugadzirira nguva yematambudziko yava pedyo, nekurindira nekumirira Jesu Kristu.” KK 231.6

    Kunyangwe akanga ari mumwe wevaparidzi vaiva nemutsauko vaidikanwa mururimi rwechiFrench, Gaussen akazombomiswa basa rehushumiri mhosva yake iri yekudzidzisa Bhaibheri kune vechidiki, panzvimbo yezvidzidzo zvekatikazi zvainyorwa nesangano. Akazovawo mudzidzisi mune chimwe chikoro chaidzidzisa Bhaibheri, asi nemusi weSvondo aienderera mberi nekudzidzisa vana kubva muBhaibheri. Zvinyorwa zvake pazvidzidzo zvechiporofita zvakafarirwa nevazhinji. Akaenderera mberi nebasa rake kwemakore mazhinji semudzidzisi muchikoro chepamusoro, semunyori, uye semudzidzisi wevana, akatungamirira vazhinji kudzidza zvakadzama zviporofita zvairatidza kuti Jesu anodzoka nekukasika. KK 232.1

    Shoko rekudzoka kwaJesu rakaparidzwawo munyika yeScandinavia, uye moto wekuda kudzidza wakabakidzwa. Vazhinji vakamutswa kubva pakushaya hanya kwavo nehupenyu, vakareurura nekusiya zvivi zvavo, vakatsvaga kuregererwa muzita raKristu. Asi vafundisi veKereke yehurumende vakadzivisa basa iri, uye kuburikidza nesimba ravo vamwe vaiparidza vhangeri iyi vakaiswa mumajeri. Munzvimbo zhinji uko vaparidzi veshoko rekudzoka kwaJesu vakarambidzwa kuparidza, Mwari vakaita minana nekutuma shoko nenzira inoshamisa, kuburikidza nevana vaduku. Nekuda kwekuti vaiva nemakore ari pasi pamutemo, hurumende hayaikwanisa kuvarambidza, saka vaitenderwa kutaura vakasununguka. KK 232.2

    Vhangeri yainyanyowandira kune vepasi, uye mudzimba dzisinganyanyoonekera dzevashandi ndimo maiungana vanhu vachinzwa yambiro iyi. Vana vaiparidza ava vazhinji vacho vaiva varombo vaigara mumatumba. Vamwe vavo vaiva vadiki zvemakore anosvika matanhatu kana masere ekuzvarwa, asi hupenyu hwavo hwaipupura kuti vanoda Muponesi, saka vaiidza kurarama mukuteerera zvinodiwa naMwari, uyewo vairatidza ruzivo nenjere zvinoringanawo nezera ravo. Asi vaiti kana vamire pamberi pevanhu pakutaura, zvairatidza kuti vaisundwa nerimwe simba rinopfuura kugona kwavo panyama. Katauriro kwavo nehunhu zvaishanduka, vachisvitsa shoko nesimba, vachipa yambiro yerutongo, kuburikidza nezvinyorwa zveshoko raMwari vachiti: “Ityai Mwari, mumupei mbiri, nokuti nguva yake yokutonga yasvika.” Vaitsiura zvivi zvevanhu, vachitsiura tsika dzehuori, kusazvibata, kusanganisira kuda zvenyika nekudzokera shure, uyewo vaiyambira vateereri vavo kuti vakasike kutiza hasha dzakanga dzichizouya. KK 232.3

    Vanhu vainzwa nokuvhundutswa. Simba raMweya Mutsvene rekutendeutsa raibata moyo yavo. Vazhinji vaitungamirirwa kunonzvera magwaro nechidiso chitsva, uye vaya vekusazvidzora nevehutera vaitendeuka, vamwewo vakasiya nzira dzavo dzekusatendeka, zvekuti basa rakaitwa rakava nemucherechedzo kunyangwe kuvafundisi vekereke yehurumemnde vakabvuma kuti ruoko rwaMwari rwaiva pamusoro pesangano iri revaparidzi.KK 232.4

    Kwaiva kuda kwaMwari kuti shoko rekudzoka kwaMuponesi riparidzwe munyika dzeScandinavia; uye apo mazwi evaranda vake pakanyaradzwa, apo Jesu akaswedera pedyo neJerusarema akagashirwa nemhomho yevanhu vachiimba nekurumbidza, nemazwi ekukurira vachisimudza mashizha emichindwe, vachidanidzira kuti akanga ari Mwanakomana waDavidi, godo revaFarise rakamutswa vakaraira kuti vanhu vanyaradzwe, asi Jesu akavapindura achiti uku kwaiva kuzadziswa kwechiporofita, saka kana ava vainganyarara, mabwe aizodanidzira. Vanhu nekuda kwekuvhundutsirwa nemashoko evaPrisita nevatongi, vakanyarara kudanidzira mashoko erufaro rwavo pakupinda kwavo masuwo eguta reJerusarema; asi vana vaiva mumabiravira eTemberi vakasimudzira mashoko ekudanidzira, vachisimudza maoko avo vachiti: “Hossana kumwanakomana waDavidi!” Matthew 21:8-16. Apo vaFarise vakarwadziwa namashoko aya, vakati kwaari, “unonzwa here kuti ava vanoti kudii?” Jesu akavapindura achiti: “Hongu, hamuna kurava here, kuti kubva mumiromo yevacheche, navanoyamwa, achawana kurumbidzwa?” Mwari sezvaakaita kuburikidza nevana vadiki pakuuya kwaJesu kwekutanga, ndizvo zvaakaitawo pakuvapa shoko rokudzoka kwake kechipiri. Shoko raMwari rinofanira kuzadziswa, kuti kuparidzwa kweshoko rekuuya kwaMuponesi kusvike kuvanhu vose, nendimi, namarudzi. KK 233.1

    William Miller nevamwe vake vakapiwa kuti vaparidze yambiro iyi kuAmerica. Nyika iyi ndiyo yakava nhongonya yevhangeri iri guru. Ndimo makava nekuzadziswa kweshoko rengirozi yekutanga. Zvinyorwa zvaMiller nevamwe vake zvakatakurwa kuenda kune dzimwe nyika dziri kure. Kwese kwaienda maMishinari kunoparidza mupasi rose, vaitumwa neshoko rinofadza rekudzoka kwaKristu nekukasika. Kure nepedyo shoko reIvhangeri isingaperi rakapararira: “Ityai Mwari, mumupei mbiri, nokuti nguva yake yokutonga yasvika.” KK 233.2

    Huchapupu hwezviporofita hwairatidzwa sokuti kuuya kwaKristu kwaizoitika muchirimo chegore ra1844 hwakabata pfungwa dzavanhu zvakadzama. Apo shoko raifamba kubva kune imwe nyika kuenda kune imwe nyika, kumutswa kwemoyo kukuru nechido kwakaitika. Vazhinji vakagutsikana kuti humbowo hwairatidzwa nenguva dzezviporofita hwaiva hwechokwadi, nokudaro, havana kuzombotarisisa zvakanyanya nezvazvo, asi kugashira zvokwadi iyi nemufaro. Vafundisi vazhinji vakasiya miono yemasangano avo, vakasiya mabasa aivapa pundutso pamwe nemaSangano avo, vakabatana nevamwe mukuparidza kuuya kwaJesu. Kwakanga kuinewo vafundisi vashoma panguva iyi vaizogona kuita basa rekuparidza shoko iri, nokudaro, basa guru rakapiwa kunhengo dzesangano dzaiva vaparidzi. Varimi vakasiya minda yavo, vagadziri vedzimota vakasiyawo zvipanera zvavo, vatengesi vezvinhu vakasiya misika yavo, vashandi vakadzidzira hunyanzvi hwemabasa vakasiya zvigaro zvavo; asi zvakadaro, huwandu hwevaparidzi hwakaramba huripasi kana zvichiyenzaniswa nebasa raida kuitwa nekupedzwa munguva pfupi. Chimiro chaiva nesangano uye nyika yakanga iri muchitema ndiwo waiva mutoro mukuru mumoyo yenharirire dzezvokwadi, nokudaro vakazvipira kutambudzika, kushaiwa, kutakura mutoro, kuitira kuti vakokere vanhu kukutendeuka nekuruponeso. Kunyangwe zvazvo Satani aivarwisa, basa rakafambira mberi, uye zvokwadi yekudzoka kwaJesu yakagashirwa nezviuru zvavanhu. KK 233.3

    Pese pese munyika zvapupu zvainzwikwa zvichiyambira vatadzi, vose vemunyika nevemuKereke, kuti vatize hasha dzakanga dzavakusvika. SaJohani Mubhabhatidzi, vaparidzi vakaisa demo pamudzi womuti, vakakurudzira vanhu vose kuti vabereke zvibereko zvakafanira kutendeuka. Yambiro dzevaparidzi ava dzakanga dzichimutsa moyo nesimba kupfuura zvakanga zvakajairika kunzwika pamharidzo dzemumakereke akajairika dzerugare nekugarika; saka pose paipiwa shoko iri, raisunda vanhu. Shoko rakananga raibva muhuchapupu hwemagwaro, richitungamirirwa nesimba raMweya Mutsvene, raisvika nesimba zvekuti vashoma vaigona kuripikisa. Vana mazvikokota munyaya dzezvitendero raivazunungusa pamidzi yavo vachibva pakusendama pane zvavaivimba nazvo. Vaibva vaona kudzokera kwavo shure, hunyika hwakanga huri mavari nekusatenda, vachionawo zvakare kuzvikudza nechindini zvaiva mavari. Vazhinji vavo vakatsvaga Jehovha nenyadzi dzokutendeuka. Zvidiso izvo vakanga vainazvo kuzvinhu zvenyika zvakashandurwa kukava kutarisa kudenga. Mweya waMwari wakagara pamusoro pavo, uye nemoyo yakapfaviswa nekunyoroveswa, vakabatana nevamwe mukudanidzira kwaiti: “Ityai Mwari, mumupei mbiri, nokuti nguva yake yokutonga yasvika.”KK 233.4

    Vatadzi vaitendeuka nemisodzi vachibvunza kuti: “Ndingaita sei kuti ndiponeswe?” Avo vakambenge vachirarama hupenyu husina kutendeka vakanga zvino votsvaga kudzorera zvavakanga vambobira vamwe. Vose vaiwana rugare munaKristu vaidokwairira kuonawo vamwe vachiwana chikomborero ichi. Moyo yevabereki yakadzorerwa kuvana vavo, nemoyo yevana kuvabereki vavo. Mikaha yaiparadzanisa vanhu yekuzvikudza nerusarura yakabviswa. Kureurura kwakanzwika kuchibva pamoyo, uye nhenyo dzemhuri imwe dzakashanda kuti vadikanwi vavo nehama dzepedyo dziponeswe. Kazhinji kwainzwikwa minamato yekunamatira vamwe. Pese-pese painzwika kugomera kwemweya ichikumbira kuna Mwari. Vazhinji vaipedza husiku mumunamato vachitsvaga vimbiso yekuti zvivi zvavo zvakanga zvaregererwa, kana kunamatira kutendeuka kwehama dzavo nevavakidzani. KK 234.1

    Mapoka ese evanhu mukusiyana kwavo aimhanyira kumisangano yekuparidzwa kwevhangeri. Vapfumi nevarombo, vakakwirira nevepasi, vose ava, nezvikonzero zvakasiyana, vaiva nenyota kuti vazvinzwire shoko rekudzoka kwaJesu. Jehovha vakambomisa mweya wekupikisa apo varanda vavo vaitsanangura zvikonzero zvekutenda kwavo. Dzimwe nguva muparidzi wacho ainge ari munhu anoshoreka, asi Mweya waMwari waipa simba kuzvokwadi yake. Kuvepo kwengirozi muungano dzevanhu kwainzwikwa, nokudaro vaiponeswa vaiwedzerwa kuvatendi. Apo humbowo hwekudzoka kwaKristu hwaiiswa pachena nekudzokororwa, vanhu vazhinji kwazvo vaiwanikwa vachiteerera nehana dzichirova. Zvakaita sekuti Denga neNyika zvakanga zvakumbana. Simba raMwari raionekwa muvakuru, vaduku pamwe nevari pakati. Vanhu vaidzokera kudzimba dzavo nemiromo ichirumbidza zvakadaro zvekuti husiku hwaizadzwa nenziyo dzedenga. Hakuna akasvika pamisangano iyi akakanganwa zviitiko izvi zvaibata mweya.KK 234.2

    Kuparidzwa kwezuva chairo rekuuya kwaJesu kwakamutsa hondo yekupikiswa nemamwe mapoka avanhu vaisanganisira vafundisi kusvika kuvatadzi vaisada kunzwa nyaya dzekudenga. Mashoko echiporofita akazadziswa anoti: “Kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, Vachiti: Chipikirwa chokuvuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sapakutanga kubva pakusikwa.” 2 Petro 3:3,4. Vazhinji avo vaiti vanotenda munaKristu vakataura vachiti vakanga vasingapikisi nyaya yekudzoka kechipiri kwaShe, asi kuti vairamba nyaya yekudoma zuva chairo rekudzoka kwake. Asi ziso raMwari rekunzvera raiverenga moyo yavo. Chaivanetsa ndechekuti vaisada kunzwa nyaya yekudzoka kwaKristu kuzotonga nyika nokururama. Vakanga vari varanda vasina kutendeka, mabasa avo aisagona kumira pakuyedzwa kwemoyo naMwari, saka vaitya kusangana naTenzi wavo. Sezvakaita vaJudha pakuuya kwaKristu pekutanga, vakanga vasina kugadzirira kumugamuchira Jesu. Havana kungoramba bedzi kugashira shoko raiva pachena kubva mumagwaro, asi vakaseka nokutuka avo vakanga vakatarisira Ishe. Satani nengirozi dzake vakasimudzirwa, vakasimudza mireza yavo pachiso chaKristu nengirozi dzake vachiti, vanhu venyu vamunoda vanerudo rudiki kwamuri zvekuti havana chido chekuonekwa kwenyu. KK 234.3

    Shoko rinoti “Zuva kana nguva hazvingazikanwi nomunhu” ndiro raishandiswa kupikisa nevairamba kutenda shoko rekudzoka kwaShe. Shoko rakanyorwa rinoti: “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga, kunyangwe Mwanakomana, asi baba voga.” Mateo 24:36.KK 235.1

    Tsanangudzo yakajeka inowirirana neshoko yaipiwa neavo vakanga vakatarisira kudzoka kwaShe, uye kusadudzira tsamba iri zvakanaka kwaiitwa nevapikisi kwaiiswawo pachena. Mashoko aya akataurwa naKristu pahurukuro yake nevadzidzi vari pagomo reMiorivhi mushure mekunge abuda muTemberi kekugumisira. Vadzidzi vakanga vaine mubvunzo wekuti: “tivudzei kuti izvozvo zvichagova riiniko? nechiratidzo chekuuya kwenyu nechekuguma kwenyika chichava chipiko?” “Saizvozvo nemivo kana movona izvozvo zvose, zivai kuti wavapedo pamukova.” Verse 3,33. Kutaura kumwe kwaMuponesi wedu hakufaniri kushandiswa kuputsa chimwe chezvirevo zvake. Kunyangwe kusina munhu ungaziva zuva kana nguva yekuuya kwake, tinofanira kuziva kana kuuya uku kwavapedyo. Tinodzidziswazve kuti kusagamuchira yambiro yake, nekuramba kana kurega kuziva kana kuuya kwake kwavapedyo, zvose izvi injodzi kwatiri, sezvakaitika kuvanhu venguva yaNoah, kuti vakashaya hanya yekuziva kuti murove wakanga wava pedyo. Zvakare, mufanidzo unowanikwa muchitsauko chimwechetecho wemuranda akatendeka neasina kutendeka, uchidaidzira rushambwa kune uyo akati mumoyo make: “Ishe wangu unononoka kuuya,” unoratidza kuti Jesu akataura izvi achida kuratidza mutsauko uchawanikwa pakati peavo vachawanikwa vakagadzirira kuuya kwake, vachiparidza kuuya kwake, neavo vacharamba. Anoti: “naizvozvo rindai,” “Akaropafadzwa muranda uyo Ishe achamuwana achiita saizvozvo.” Verse 42, 46. “Naizvozvo kana usingapepuki, ndichauya sembavha, haungazivi nguva yandichakuwira nayo.” Zvakazarurwa 3:3. KK 235.2

    Pauro anotaura nezveboka revanhu avo kuuya kwaShe kuchavawira vakarivara. “Kuvuya kwaShe kuchaita sembavha vusiku, Kana vachiti rugare, nokugarika, ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuchavawira … havangatongopukunyuki.” Anowedzera achiti: kune vakagamuchira yambiro yaTenzi “Asi imi hama dzangu hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. Nokuti imi murivana vechiedza, navana vamasikati, hatizi vousiku, kana verima.” 1 Vatesaronika 5:2-5. KK 235.3

    Apa tinooona kuti Bhaibheri haripi munhu kodzero yekuramba asina ruzivo rwunechekuita nekuvapedyo kwekuuya kwaKristu. Avo vanoda havo kuva nechikonzero chekusaziva nekuramba chokwadi, nekudzivira nzeve dzavo vachiti “hakuna munhu ungaziva zuva kana nguva,” vakafanana nezvaingoitwa nevarambi veshoko kare neavowo vaizviti vateveri vaKristu. Apo vanhu vaidenhwa neshoko, vachitanga kutsvaga nzira yeruponeso, vadzidzisi vezvitendero vainomira pakati pavo nezvokwadi, vachitsvaga kudzivira nzeve dzavo nekunyaradza kutya kwavo kuburikidza nekududzira shoko raMwari zvisizvo. Vatariri vasina kutendeka vaibatira pamwe mubasa remunyengeri mukuru vachidanidzira, rugare, rugare, apo Mwari asina kutaura rugare. Sezvakaitwa neVaFarise mumazuva aKristu, vazhinji vakaramba voga kupinda muhumambo hwedenga, avo vaida kupinda vaivadzivisa. Ropa remweya iyoyo richatsvagwa pamavoko avo.KK 235.4

    Vanozvininipisa nevakatendeka mumasangano kazhinji ndivo vaitanga kugamuchira shoko. Avo vaizvidzidzira Bhaibheri vega, Havana kukwanisa kuona chimiro chisingakoshesi Bhaibheri chaiva mumiono yezvakajairika zvaidudzirwa nazvo zviporofita; saka pose apo vanhu vaigona kuverenga voga vasingatungamirirwi nevafundisi vemasangano, apo vaizvitsvagira zvokwadi voga, shoko rekudzoka kwaJesu raigona kungobuda kana paenzaniswa Bhaibheri neBhaibheri kuti simba redenga rionekwe. KK 236.1

    Vazhinji vaitambudzwa nehama dzavo dzisingatendi. Vamwe vakasarudza kunyarara nyaya yetariro iyi vachitsvaga kuchengetedza zvigaro zvavo mumasangano; asi vamwe vakanzwisisa kuti kuteerera Mwari kwaivarambidza kuviga zvokwadi yaakanga avapa hutariri pamusoro payo. Havazi vashoma vanhu vakabviswa mumaSangano nokuda kwekutenda kwavo mushoko rekudzoka kwaJesu. Ishe anotaura mashoko akanaka kuneavo vakayedzwa pakutenda kwavo mumashoko emuporofita: “Hama dzenyu dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, Jehovha ngaaratidze humambo hwake, kuti tione mufaro wenyu, asi ndidzo dzichanyadziswa.” Isaya 66:5. KK 236.2

    Ngirozi dzaMwari dzakanga dzakatarisa nehanya huru michero yeyambiro iyi. Apo pakava nekurambwa kweshoko iri nemasangano, ngirozi dzakadududza nekusuwa kukuru. Asivo kune vazhinji vasina kumboyedzwa pazvokwadi iyi. Vazhinji vakarasiswa nevarume vavo, nemadzimai avo, kana vana vavo, vakaudzwa kuti chaiva chivi kutongoteerera hako shoko raidzidziswa nemaAdventists aya. Ngirozi dzakapiwa basa rekuchengetedza mukutendeka mweya yevanhu ava, nokuti chimwe chiedza chaiuya kuzovapenyera chichibva pachigaro chaMwari.KK 236.3

    Nechidiso chisingakahadziki, avo vakanga vagamuchira zvokwadi vakarindira kuuya kwaMuponesi. Nguva yavaitarisira kusangana naye yakanga yasvika. Vakatarisana nenguva iyi vaine kudzikama kukuru. Vakazorora mukuyanana naMwari, nerunyararo urwo rwaizova rwavo nekusingaperi. Hakuna pakati peavo vakasangana nenguva iyi yetariro angakanganwa maawa aya ekumirira. Kwemavhiki mazhinji, zuva iri risati rasvika, mabasa enyika ndicho chinhu chakambosiiwa parutivi. Vatendi vakanga vachibatikana mukuzvinzvera nekuongorora zvimiro zvemoyo yavo, nendangariro kunyangwe kunevaiva pamibhedha yerufu vaishuvira kupfiga meso avo kubva panyika nezvayo zvose. Pakanga pasina nguva yokugadzira kana nguwo dzokukwira nadzo kudenga, asi vose vaitsvaga kunatsa munhu womukati kuti agadzirire kusangana naShe, nokuti nguwo chena dzavo kwaiva kuchena kwemweya yavo, nezvimiro zvakagezwa neropa raKristu kubva muzvivi. Oh, dai zvaigona kuti mweya uyu uve pakati pevanhu vaMwari, mweya umwechete wekuzvinzvera pamoyo, mweya wekutenda kwakazara. Dai vanhu vaMwari vaigona kusvika pakuzvininipisa pamberi paMwari nekushingaira pamberi pechigaro chetsitsi vachiisa mikumbiro yavo vaigona kuwana kutenda kwakayedzwa kupfuura kwavanako nhasi. Parizvino pane kunamata kushoma, kuzvinzvera kushoma, nekushaikwa kwekutenda kupenyu izvo zvasiya vazhinji vari varombo panyasha idzo dzakapiwa mukupfuma kwadzo naMuponesi. KK 236.4

    Mwari vakagadzirira kuyera vanhu vavo. Ruoko rwaMwari ndirwo rwakavhara mhosho yanga iripo pakududzira chiporofita chenguva. MaAdventists havana kugona kuona mhosho iyi, uye hainavo kugona kuonekwa nyangwe nevakadzidza zvikuru avo vaivapikisa. Vaipikisa ava vaiti: “Kunzwisisa kwenyu nguva dzechiporofita ndekwazvokwadi, chiriko chinhu chikuru choda kuitika; asi hachizi icho hama yedu ari kunongedzera; asi ndechekutendeuka kwenyika, kwete kuuya kwechipiri kwaKristu.” (Ona Kumapeto Ebhuku) .KK 236.5

    Nguva yaitarisirwa yakapfuura, asi Kristu haana kuuya kuzodzikinura vanhu Vake. Avo vakanga vakamirira muponesi wavo nekutenda kwazvokwadi, vakapinda mukukuhunika kukuru kunorwadza. Asi zvakadaro, zvinangwa zvaMwari zvakanga zviri kuzadziswa; nokuti akanga ari kuyedza moyo yeavo vaiti vakanga vakamumirira. Nokuti pakati pavo paiva neavo vakanga vatenda nokuda kwekutya. Kutenda kwavaiita mufananidzo wako kwakanga kusina kushandura moyo yavo nehupenyu hwavo. Apo chaitarisirwa kuti chiitike pachakakundikana kusvika, vanhu ava vakadaidzira kuti havana kukuhunika nazvo; nokuti havana kumbenge vatenda kuti Kristu aiuya. Ndivo vakava vekutanga kuseka kusuruwara kwakanga kwakaita vatendi vechokwadi. KK 237.1

    Asi Jesu, nehondo dzose dzekudenga vakanga vakatarisa netsitsi nerudo pamusoro pevakatendeka ava panguva yekuyedzwa kwavo. Dai chidzitiro chinoparadzanisa nyika inoonekwa nedenga chakabviswa, ngirozi dzingadai dzakaonekwa dzichiswedera pedyo pedyo nemweya iyi yakanga yakazvipira, kuti dzivadzivirire kubva kuzevezeve raSatani. KK 237.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents