Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 8—LUTHER PAMBERI PEDARE REDIET

    Mambo mukuru mutsva, Charles V, akange apinda pahutungamiri hwenyika yeGerimani, naizvozvo hutungamiriri hweRoma wakakasika kuendesa vamiririri vahwo kunomuchingamidza uye nekumukumbira kuti ashandise masimba ake kumisa rumutsiridzo. Kunerumwewo rutivi mubati weSaxony uyo akanga aita rupande rukuru pakugadzwa kwamambo Charles akamuyambira kuti asite chinhu kuna Luther asina kumbomunzwa. Naizvozvo mambo vakaiswa panguva yakaoma nemativi maviri aya. VanaPapa vakange vasingagutswi nechimwe chinhu kunze kwekuti Luther atongerwe rufu. Mubati weSaxony akanga aisa pachena kuti “hapana munhu, chero mambo akanga aisa pachena kuipa kwezvidzidzo zvaLuther;” naizvozvo akakumbira “kuti Luther apiwe chivimbiso chekuchengetedzwa, kuitira kuti agogona kumira pamberi pevatongi vakadzidza, vanotya Mwari, uye vasina divi ravakarerekera.” —D'Aubigne, b. 6, ch. 11.KK 95.1

    Mapoka ose aive akatarisira kusvika kwemusangano mukuru wemaguta eGerimani waizoitwa kuWorms mushure mekugadzwa kwamambo Charles. Paiva nemibvunzo yakakosha yezvematongerwo enyika yaifanira kutarirwa nedare guru renyika iyi; apo kekutanga machinda aitarisira kuzosangana namambo wavo mutsva wechidiki. Kubva kunzvimbo dzose dzenyika makurukuta esangano neenyika akanga aungana, kusaganisira nemakurukota aibva kunedzimwe nyika. Asi panyaya dzose dzaizotaurwa apa hapana yakanga ichinyanya kutarisirwa nevanhu kupfuura yemuvandudzi wechitendero wekuSaxon.KK 95.2

    Mambo Charles vakange varaira mubati kuti auye naLuther kudare, akamuvimbisa kuchengetedzwa, uye nekukurukurwa zvakasununguka kwenyaya dzake nevanhu vanokodzera. Luther akanga achidisa zvikuru kundomira pamberi pamambo. Panguva iyi hutano hwake hwakange husina kumira mushe; asi akanyorera mubati achiti: “Kana ndikatadza kuenda kuWorms ndakasimba, ndichatakurwa kuendako ndichirwara sezvandiri. Nokuti kana mambo vandidana, handikahadzike kuti rukoko rwaMwari pachake. Asi vakada kundishandisira simba, izvo zvavanogona kungoita, ndichaisa nyaya yacho muruoko rwaMwari. Achiri mupenyu uyo akachengeta varume vatatu mugomba remoto. Kana akasandiponesa, hupenyu hwangu hauna zvahwo kunyanya kukosha. Ngatichengetedze Evhangeri kubva mukushorwa nevaipi, uye ngatideure ropa redu nekuda kwaro. Handisiri ini ndinoziva kuti kurarama kwangu kana kufa kwangu ndiko kuchaendesa basa reruponeso mberi zvirinani ... mungatarisira zvimwe zvese kubva kwandiri asi kwete kutiza kana kurasa dzidziso dzangu.” Ibid., b. 7, ch. 1.KK 95.3

    Shoko rekuti Luther achange aripo pamusangano weWorms rakamutsa chido chevazhinji chekuvapo. Alexander, uyo aiva mumiriri wapapa pamusangano uyu akashamiswa nekugumburwa nazvo. Akaona kuti kupera kwazvo kwakanga kusina kunakira hutungamiri hweRoma. Kutsvaga kutongazve nyaya iyo Papa akange atoisa rwake rutongo rwkuzvidza nekurasha kwaiva kuri kuzvidza hukuru nehutongi hwapapa. Zvakare aiziva kuti kutaura kwakatsetseka kwaLuther kwaizoba mwoyo yemachinda mazhinji kubva kunapapa. Nokudzaro akaedza kunyengetedza mambo Charles kuti varege kuunza Luther kudare. Panguva imweyo chirevo chekudzinga Luther musangano chakabva chabuda, izvi zvakabva zvaita kuti mambo ateerere kukumbira kwemumiriri wapapa kuti Luther asabvumirwe kupinda mumusangano. Mambo akanyorera mubati kuti kana Luther aizorambira mudzidziso dzake aifanira kurambira kuWittenberg.KK 95.4

    Alexander, uyo asina kugutsikana nekungosiya Luther akadaro akashanda zvikuru nesimba nehuchenjeri hwake kuti Luther atongerwe kufa. Akataura nesimba pamberi pemachinda nevose vaiava mudare achipomera Luther kuti “aiva mupanduki, munyengeri, nemumhuri.” Asi simba rakaratidzwa nemumiriri uyu rakapangidza pachena mweya wakanga uchimusunda. Vanhu vazhinji vakaona kuti; “Arikusundwa neruvengo negodo kwete nehutsvene.” Ibid., b. 7, ch.KK 96.1

    Vadare vakawanda vakanga vakarerekera kurutivi rwaLuther. Mumiriri wapapa akaedza nesimba rake rose kuonesa mambo kukosha kwekuteedzera zvirevo zvapapa. Asi pasi pemurairo weGerimani hakuna chaiitwa pasina kutenderana kwemachinda, naizvozvo mambo vakaudza mumuriri wapapa uyu kuti aunze nyaya yake pamberi pedare. “Raiva zuva rekuzvikudza kune mumiriri uyu. Gungano raiva guru, uye nyaya yaivapo yaiva huruvo. Alexander akanga achimiririra Roma, … mai vemasangano ose. Murume uyu aiva nechipo chekutaura naizvozvo akasimudza nyaya yake zvine simba pamusangano. Mwari vakagdzira kuti Roma ipe huchapupu hwayo kuburikidza nenyanzvi dzayo isati yaraswa.” —Wylie, b. 6, ch. 4. Avo vaitsigira Luther vakateerera mumiriri uyu. Mubati weSaxon akanaga asipo asi akanga atuma nhume dzake kundomunzwira.KK 96.2

    Nesimba rake rekudzidza nekutaura mumiririri uyu akazvimisira kuwisira chokwadi pasi. Nekupomera kuzhinji akaita kuti Luther aonekwe semhandu uesangano nenyika, yevapenyu nevakafa, vafundisi nenhengo, makurukota nemaKristu. “Muna Luther munehuipi hwakakwanira vapanduki zana rezviuru vanofanira kupiswa.” Akadanidzira Alexander. —D'Aubigne, b. 7, ch. 3.KK 96.3

    Nemiseve yakaita seiyi vamiririri vezvokwadi vakarwiswa kwemakore. Kusvikira nhasi ndiwo marwisiro anoitwa varanda vezvokwadi. Vanopomerwa kuti vashoma, havana kudzidza, asi vanozviti vanezvokwadi inoponesa. Kuvandudzwa kwechitendero hakuna kuguma naLuther, sezvingafunga vamwe. Kucharamba kuripo kusvika pakuguma kwenhoroondo yenyika. Luther akaita basa guru rekuratidza vanhu chiedza icho Mwari akange amupa asi haana kuzarurirwa chiedza chose chaifanira kuwanikwa nenyika. Kubva panguva yake kusvika nhasi chiedza chitsva chinoramba chichivhenekera Magwaro matsvene. KK 96.4

    Mashoko emumiriri wapapa akabata basa guru padare reDiet. Luther akange asipo kuti aburitsewo chokwadi pachena, kudzivisa shasha yeRoma iyi. Hakuna shoko rakarehwa kumiriririra Luther. Pakava nekuwirirana kuti zvinyorwa zvake zvipihwe mhoswa uye kana zvaibvira kuti basa rerumutsiridzo riparadzwe kamwe kamwe. Roma yakanga yawana mukana wekuzvireverera. Zvose zvavaida kutaura zvakanga zvarehwa. Asi kukunda kwayo kwaionekwa ndiko kwakava munongedzo wekukundwa kwayo. Kubva zvino musiyano wezvokwadi nemanyepo zvakange zvavekuzoonekwa nekuda kwehondo yakanga yave pachena. Roma yakange isisazomirizve sezvayakanga yakaita kare. Vanhu vazhinji vaiva padare reWorms vangadai vakarega Luther achienda mukuparadzwa neRoma asi vakawanda vavo vakanga vachitotsvagawo angavasunungura kubva muhuori nemuzvivi zvakawanda zvaiitwa nesangano kuburikidza nehutungamiri hwaro. KK 96.5

    Mutauriri wapapa akanga aisa murairo weRoma pamberi pedare nenzira yakanaka. Zvino Jehovha vakamutsa imwe nhengo yedare kuti iburitse pachena hutsinye hweRoma. Muchinda weSaxony ainzi George akasimuka akatura nekusakanganisa kunotyisa hunyengeri nehuipi hwehupapa nematuso ahwo. Pakuvharira mashoko ake anoti: “Pane kumbunyikidza kurikuitwa nesangano reRoma. Havasisina kunyara zvachose uye donzo ravo rangova… mari, mari, mari,... zvekuti vaparidzi vaifanira kudzidzisa chokwadi vave kunobudisa manyepo vachipiwa mari semubairo. Vanhu vakawanda vachaenda kunoparadzwa nekuda kwemabasa akaipa esangano. Kumutsiridzwa kwekunamata kuri kufanira kuitwa.”- Ibid., b. 7, ch. 4.KK 96.6

    Mashoko akasimba kupfuura awa ekushoropodza hudzvinyiriri hwehupapa akanga aisazo kwanisa kuwanikikwa achibva kunyangwe mumuromo waLuther pachake. Chimwe chinhuzve chakaita kuti mashoko aya ave nesimba ndechekuti aibva mumuromo wemhandu yaLuther. Dai meso evaiva pamusangano uyu aivhurwa vangadai vakaona ngirozi dzaMwari dziri pakati pavo, dzichiunza miranzi yechiedza chekudzinga dima rekurasika uye kuzarura mwoyo yevnhu kuti igamuchire chokwadi. Raiva simba raMwari wezvokwadi iro rakatungamirira kunyangwe nemhandu dzerumutsiridzo kugadzira nzira yebasa guru raifanira kuitwa. Martin Luther aisavapo, asi izwi reUyo mukuru kuna Luther rakanzwika pamusangano uyu. KK 96.7

    Pakarepo komiti yakagadzwa, kuti igadzire gwaro rezvimhu izvo sangano reRoma rakanga raisa pamitsipa yevanhu veGerimani, zvaivaremera. Zvinhu zvaisvika zana nechimwe zvakanyorwa zvikaunzwa pamberi pamambo, nechikumbiro chekuti patorwe matanho ekuzvigadzirisa nekukasika (Ibid., b. 7, ch. 4).KK 97.1

    Ipapo dare rakabva rakumbira kuti Luther kuzomira pamberi pavo. Zvisinei nekupikisa, uye kutyisidzira kwaAlexander, mambo pakupedzisira akabvuma kuti Luther auye, naizvozvo akadaidzwa kuti asvike kudare. Pamwechete nerukoko urwu, akapihwawo chivimbiso chekumuchengetedza, uye nekumudzosera kunzvimbo yakachengeteka mushure memusangano. Mashoko aya akatakurwa nenhume kuenda kuWittenberg, iyo yaifanira kumuunza kuWorms.KK 97.2

    Shamwari dzaLuther dzakakatyamara nekutya. Vachiziva kuipa kwemhandu dzake, vakatyira kuti kunyangwe nemhiko yekumuchengetedza yaigona kusaremekedzwa, naizvozvo vakamurambidza kuisa hupenyu hwake panjodzi. Akavapindura akati: “Vana papa havadi kuti ndiende kuWorms, asi vanotsvaga kuti ndiurawe. Hazvina basa. Namatirai kwete ini, asi Shoko raMwari…. Kristu achandipa Mweya wekukunda vafundisi vekurashika ava. Ndinovashora muhupenyu hwangu; ndichavakunda murufu rwangu. Vari mubishi kutsvaga kuti ndirambe dzidziso dzangu kuWorms; uku ndiko kuchava kuramba kwangu: Ndakambotaura kuti papa mutevedzeri waKristu; nhasi ndinoti imhandu yaShe, uye inhume yaSatan.” Ibid., b. 7, ch. 6.KK 97.3

    Luther akanga asingazoendi ega parwendo rwakaipa urwu. Shamwari dzake nhatu dzakasimba dzakazvimisira kumuperekedza. Melanchthon akazvimisira kuenda navo. Mwoyo wake wakanga wakanamirana newaLuther zvakadaro zvekuti akashuwira kumutevera, kunyange zvaireva kupinda naye mutororngo kana murufu. Asi akarambidza. Nekuti dai Luther aizourawa, tariro yerumutsiridzo rwechitendero yaizosara yakazendama panemubati uyu wechidiki. Luther anoti kuna Melanchthon apo vaiparadzana: “Kana mhandu dzangu dzikandiuraya, ndikasadzoka, enderera mberi nekudzidzisa, wakamira pachokwadi. Shanda panzvimbo yangu…. Kana ukasara urimupenyu, rufu rwangu ruchava chinhu chidiki.” Ibid., b. 7, ch. 7. Vadzidzi nevanhu vakanga vaungana kuzoona Luther achienda vakabatwa nemashoko awa zvikuru. Mhomho yeavo vakanga vadaira kuevhangeri yakauya kuzomuperekedza nemisodzi pamatama. Naizvozvo muvandudzi uyu neshamwari dzake vakasimuka kubva kuWittenberg.KK 97.4

    Munzira vakaona kuti mwoyo yevanhu vakawanda yakanga yakabatwa nedima. Munemwamwe maguta havana rukudzo rwavakawana. Apo vakazorora kuti vamborara, mumwe muprisita aiva nehushamwari naye akaratidza kutya kwake kuna Luther nekubuditsa mufananidzo waiva nemumwe muvandudzi wechitendero kuItaly, uyo akanga aurawa. Ava mangwana vakanzwa kuti zvinyorwa zvaLuther zvakanga zvarambwa kuWorms. Nhume dzamambo dzaifamba dzichidaidzira chirevo chamambo nekuudza vanhu kuti vaendese zvinyorwa izvi kuvatongi. Nhume yamambo yaiifamba nayo, nekuda kwekutyira hupenyu hwemuvandudzi uyu kudare, achifunga kuti Luther akange avekutya, akamubvunza kana akanga achiri kuda kuenda mberi. Luther akapindura: “Kunyangwe ndasvibiswa mumaguta ose, ndicharamba ndichienda.”- Ibid., b. 7, ch. 7.KK 97.5

    Muguta reErfurt, Luther akagamuchirwa nerukudzo. Mhomho dzevanhu vaiyemura dzakamira achipfuura mumigwagwa iyo yaakambofamba achipemha kare. Akashanyira sangano rake, akarangarira nhamo iyo akaona apo akazowana chiedza icho chakanga chadai kutekeshera nenyika yeGerimani. Akakumbirwa kuti aparidze. Akange arambidzwa kuparidza asi nhume yamambo yakamutendera, naizvozvo akakwira pahamende.KK 97.6

    Kumhomho yevanhu vakange vaungana akataura kubva pamashoko aKristu, “Rugare ngaruve nemi. Vachenjeri, vanachiremba, nevanyori, vakamboedza kudzidzisa vanhu kuti vangawana sei hupenyu husingaperi, asi havana kubudirira. Ndichakuzivisai izvozvo: … Mwari akamutsa munhu mumwechete kubva kurufu, Jesu Kristu, kuti aparadze rufu, nekubvisa zvivi, akapfiga masuwo egehena. Iri ndiro basa reruponeso…. Kristu akazvipedza! Ndiro shoko rinofadza, takaponeswa nemabasa ake kwete edu. Ishe wedu Jesu Kristu akati, ‘Rugare kwamuri; tarirai maoko angu;’ ndiko kuti, Ini ndoga, ndini ndinobvisa zvivi zvenyu, nekukudzikinurai; naizvozvo mava nerugare, ndizvo zvinotaura Ishe.”KK 98.1

    Akaenderera mberi nekuratidza kuti kutenda kweidi kunoratidzwa nehupenyu hutsvene. “Kana Mwari akatiponesa, naizvozvo ngatibate mabasa anogamuchirwa pamberi pake. Uri mupfumi here? Hupfumi hwako ngahushumire varombo. Uri murombo here? Mabasa ako ngaagamuchirwe nevafumi. Kana mabasa ako achibatsira iwe wega, kushumira kwako kuna Mwari ndekwemanyepo. Ibid., b. 7, ch. 7. KK 98.2

    Vanhu vakabatwa zvikuru neshoko iri. Chingwa chehupenyu chakamedurwa kunemweya iyi yaiva nenzara. Kristu akasimudzirwa pamberi pavo kupfuura papa, vafundisi nemadzimambo. Luther haana kumbotaura nezvenjodzi yaaive mukati mayo. Haana kuda kutsvaga kunzwirwa tsitsi nevanhu. Akange arasikirwa nekuzvikudza asi avekungotsvaka kuti Kristu oga ndiye azikanwe semudzikinuri wevatadzi.KK 98.3

    Apo akapfuurira mberi nerwendo vanhu vakawanda vakauya kuzosangana naye, vazhinji vavo vachimuyambira nezvezano raiva nesangano reRoma. Vamwe vakamuudza vachiti; “Vachakupisa ukaita madota sezvavakaita Huss.” Luther akapindura achiti, “Kunyangwe vakavesa moto unobva kuWorms kusvika kuWittenberg, biravira rawo richisvika kudenga, ndichafamba mauri nezita raShe; Ndichandomira pamberi pavo; ndichapinda mumuromo webere, ndikavhuna mazino aro, ndichipupura Jesu Kristu.” Ibid., b. 7, ch. 7.KK 98.4

    Mashoko ekuswedera kwake kuWorms akaunza kusagadzikana kukuru. Shamwari dzake dzakabvunda nekutyira hupenyu hwake, mhandu dzake dzakatyira kubudirira kwebasa ravo. Basa guru rakaitwa kuedza kumurambidza kupinda muguta. Maprisita apapa akaronga kuti aende kunemumwe muzinda wemumwe murwi apo vaka vimbisa kuti zvinhu zvese zvaizogadziriswa. Shamwari dzake dzakaedza kumurambidza kupinda muguta nekuda kwenjodzi yaivapo pakuita izvi. Zvese izvi zvakashaya basa. Luther, asingazungunuswi anoti: “Kunyange muWorms mukava nemadhimoni akawanda semarata aripadenga remba, ndichamupinda chete.” Ibid., b. 7, ch. 7.KK 98.5

    Paakapinda muWorms mhomho yevanhu yakaungana kumugamuchira. Ungano yakadai yakanga isina kuungana kunyange pakauya mambo. Paiva nemhirizhonga huru, kukanzwikwa rimwe izwi richidaidzira pakati pemhomho kuyambira Luther pamusoro pedambudziko rakanga rakamumirira. “Mwari vachava nhowo yanyu,” akadaro achiburuka mungoro.KK 98.6

    Vanapapa vakanga vasina kumbofungira kuti Luther angazvimisire kupinda muguta, nazvozvo kusvika kwake kwakaita kuti vabatwe nemudumbu. Mambo akakasika kudana vadare vake kuti vaonesane kuti vodii. Mumwe mufundisi wapapa akati: “Nyaya iyi takaitaura kare. Mambo munofanira kupedza nemunhu uyu kamwe. Ko Sigismund haana kuraira kuti Huss apiswe here? Hatingasungirwi kuchengetedza mhiko yekuchengetedzwa kwemupanduki.” “Kwete,” mambo vakapindura, “tinofanira kuchengeta mhiko yedu.” Ibid., b. 7, ch. 8. Naizvozvo dare rakazowirirana kuti Luther anzwikwe. KK 98.7

    Guta rinenge rose rakauya uko Luther aigara. Luther, uyo akange asati anyatsopora kubva pahurwere hwake, uye aneta nerwendo rwemavhiki maviri, aida nguva yekuzorora, yakanyarara kuti angadzirire musangano waizovako zuva raitevera. Asi vanhu vaiva nechidiso chikuru chekumuuona zvekuti asati aita nguva refu pakuzorora kwake, vanhu vanokudzwa, varwi, maprisita nevagari veguta vakange vamuunganira. Pakati pavo paiva nevarume vakakudzwa avo vainge vataura namambo kuti munyika muunzwe shanduko kubva muhudzvinyiriri hwesangano reRoma.- Martyn p. 393. mhandu zvese neshamwari vakauya kumufundisi uyu, uyo akavagamuchira nemashoko akadzikama nehuchenjeri hukuru. Akange azere nehushingi pachimiro chake. Vanhu vese vakashiswa naye vakabvumirana kuti simba raMwari raiva pamusoro pake. Asi varikowo vakataura pamusoro pake sezvakaita vaFarise kuna Jesu vachiti: “Ane mweya wetsvina.”KK 98.8

    Ave mangwana Luther akadaidzwa kuzomira pamberi peDare. Mubati wamambo akagadzwa kuti amutungamirire kuimba yaiitirwa musangano, asi vakasviko nekunetseka kukuru. Munzira dzose makange makazara vanhu vainge vauya kuzoona mufundisi uyu akanga azvimisira kupikisana nesimba raPapa. Apo vakange vakupinda muhoro mumwe mukuru hwehondo akamuzevezera mashoko ekumushingisa nezita raShe. D'Aubigne, b. 7, ch. 8.KK 99.1

    Pakupedzisira Luther akamira pamberi pedare. Mambo akagara pachigaro chake, akakombwa nevanhu vanokudzwa vehumambo hwake. Hapanazve mumwe munhu akambenge amira pamberi pedare rakakudzwa zvakadai seiro Luther akange ava kuzozvidavirira pakutenda kwake. “Mamiriro edare iri pachawo wakava munongedzo wekukunda hupapa. Papa vakange vamutongera kurashwa asi zvino akange amira pamberi pedare iro, nekuda kwechiitiko ichi, rakanga razvipa simba pamusoro paPapa. Papa akanga atema chirevo chekuti Luther araswe, uye kuti vanhu vese vasawadzane naye, asi parizvinhu akanga adaidzwa neruremekedzo, ndokugamuchirwa pamberi pedare guru pasi rose.” Ibid., b. 7, ch. 8.KK 99.2

    Pamberi pedare guru rakadai, muvandudzi uyu akanga azvarirwa mukuninipa, akapindwa nokutya. Machinda mazhinji, vachiona kutya kwake, vakaswedera kwaari, mumwe wavo akazevezera kwaari: “Usatya avo vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya.” Mumwe akati: “Pavachakuisai pamberi pevatongi nemadzimambo nokuda Kwangu, Mweya waBaba vangu uchakupai zvamuchataura.” naizvozvo mashoko aKristu akaunzwa kwaari nemiromo yevarume vakuru venyika kushingisa muranda Wake panguva yekuedzwa. KK 99.3

    Luther akamiswa panzvimbo yakanga yakanangana namambo. Runyararo rukuru rwakava mudare iri rakanga rakazarisa nevanhu. Panguva iyi mhume yedare yakasimuka ikanongedzera pamurwi wezvinyorwa zvaLuther, ndokubvuza muvandudzi uyu kuti akanga achibvuma kuti zvinyorwa izvi ndezvake here uye akanga akazvimisira here kushoropodza zvakanga zvirimukati mezvinyorwa izvi pamberi pedare. Mazita emabhuku aya akati averengwa, Luther akapindura kumubvunzo wekutanga achibvuma kuti zvinyorwa zvaiva zvake. “Kumubvunzo wechipiri,” akadaro Luther, “ndichiona kuti mubvunzo unechekuita nekutenda, nekuponeswa kwemweya, uye unechekuita nechekuita neShoko raMwari, rinova pfuma yakakosha kupfuura zvose pasi nekudenga, ndinenge ndisina kuita zvakanaka ndika pindura ndisina kufunga. Ndingatadzira Mwari, nokuti zvimwe ndingarerutsa nyaya kana kuwedzera zvandingafanira kutaura. Naizvozvo ndinokumbira mambo wangu, kuti mundipewo nguva, kuti ndipindure ndisingatadzire shoko raMwari.”— D'Aubigne, b. 7, ch. 8.KK 99.4

    Mukutaura uku Luther akaita nehuchenjeri. Maitiro ake akaratidza ungano kuti akange asingaiti namanyawi kana hasha. Kudzikama kwakadai, nekuzvibata, zvakawedzera kusimba rake, zvikamubatsira kuti azokwanisa kupindura nehuchenjeri, zvikashamisa nekugumbura mhandu dzake, zvikavatsiura pakuzvikudza kwavo.KK 99.5

    Remangwana aifanira kuzopa mhinduro yekupedzisira. Kwekanguva akatya apo akafunga huwandu hwemasimba akanga achirwisa chokwadi. Kutenda kwake kwakazungunuka; akadedera achipindwa nekutya kukuru. Njodzi yakamira pamberi pake; akaona mhandu dzake sedzokurira. Makore akaungana paari akaona sekunge akanga apatsaniswa naMwari. Akashuwira kunzwa Mwari achimuvimbisa kuti aiva naye. Akawira pasi nechiso akachema kunaMwari.KK 99.6

    “O Mwari Wamasimba ose, nyika ino yakaipa sei! Tarirai yashamisa muromo wayo kuti indimedze, handichina simba rekuvimba nemi. Kana riri simba renyika ino bedzi randinofanira kuvimba naro, pangu papera…. nguva yangu yekupedzisira yasvika. Mwari ndibatsireiwo kurwa nehuchenjeri hwenyika ino…. nokuti iri ibasa renyu, kwete rangu. Handina chekuita pamberi penyanzvi dzenyika ino… basa nderenyu, uye ibasa dzvene risingaperi. Makandisarudzira basa iri, miraiwo neni, nokuda kweMwanakomana wenyu anodikanwa, Jesu Kristu, ari nhowo yangu, rutiziro rwangu, nemureza wangu.” Ibid., b. 7, ch. 8.KK 100.1

    Mwari vakanga varatidza Luther kuti aone njodzi yaaive mairi, kuti asavimbe nesimba rake izvo zvaingamupinza munjodzi. Asi kwakanga kusiri kutyira hupenyu hwake uko aiva nako. Akakanga asvika padaambudziko akazvinzwa asina kukwana kusangana naro. Nokuda kwehutera hwake basa rezvokwadi raigona kukundwa. Naizvozvo akanga asinga chemeri kuchengetedzwa kwehupenyu hwake asi airwira evhangeri. saIsaraeri akarwa naMwari akakunda. Pakukundikana kwake, kutenda kwake kwakabata pana Mwari, mudzikinuri mukuru. Akasimbiswa nevimbiso yekuti akanga asingazomiri pamberi pedare ari oga. Rugare rwakadzoka kwaari akafara kuti akanga atenderwa kusimudza shoko raMwari pamberi pevatongi venyika.KK 100.2

    Akaisa mwoyo wake panzvimbo imwechete akagadzirira hondo yaiva pamberi pake. Akafunga pamusoro pemhinduro dzaaizopa, akaongorora zvinyorwa zvake, akatora ndima dzaitsigira dzidziso dzake mushoko raMwari. Achiisa ruwoko rwake rweruboshwe pazvinyorwa zvake, akasimudza ruoko rwerudyi kudenga akapika “kuti acharamba akatendeka kushoko, kunyange zvikareva kudeuka kweropa rake.” Ibid., b. 7, ch. 8.KK 100.3

    Paakazomirazve pamberi pedare akanga asina kana kutya. Akamira akadzikama sechapupu chaMwari pamberi pevakuru venyika. Mukuru wedare parizvino akadana Luther kuti apindure kuti akanga achida here kuramba dzidziso dzake. Akapindura akadzikama chose, asina hasha paizwi rake. Akanga aine rukudzo nemufaro wakashamisa ungano yose. “Mambo wangu anokudzwa, machinda anoremekedzwa, nemadzishe anenyasha, “Ndinomira pamberi penyu nhasi nekuda kwemubvunzo wandakapihwa nezuro, ndichivimba kuti muchanditeerera zvakanaka ndichipindura ndakamirira basa randinovimba kuti rakarurama. Mundiregererewo kana ndikadarikira pakutaura kunodiwa mudare nekuti ndakakurira musangano.” Ibid., b. 7, ch. 8.KK 100.4

    Achienda pamubvunzo, akati mabhuku ake akanga asina kufanana. Munemamwe akanyora zvekutenda nemabasa akanaka, uye kunyange mhandu dzake dzaiwirirana naye kuti zvinorwa izvi zvakanaka. Kuramba zvinyorwa izvi kwaiva kushora zvokwadi yaitendwa nemativi ose. Boka rechipiri rakange riri zvinyorwa zvaibuditsa pachena huori, nehudzvinyiriri hwehupapa. Kuramba zvinyorwa izvi kwaiva kusimbisa hutsinye hweRoma izvo zvaizodziura masiwo ehuipi hwakawanda. Muzvinyorwa zvetatu maiva nemashoko ekurwisa vanhu vanotsigira huipi hwaiva panyika. Kuneizvi akabvuma kuti anogona kunge akanyanya kushandisa hasha, asi akange asingagone kurasawo zvinyorwa izvi zvakare, nekuti izvi zvaizosimbisa vavengi vezvokwadi kuti vaparadze vanhu vaMwari nehutsinye hwakanyanya. KK 100.5

    “Asi ndiri munhuwo zvangu, handisi Mwari,” akaenderera mberi; “SaKristu ndichataura ndichiti: ‘Kana ndareva zvakaipa, pupurai tinzwe.’ … Nenyasha dzaMwari, ndinokukumbirai mambo, nemi machinda, nemi mose munokudzwa, kuti mundiratidzewo kubva mushoko raMwari kuti ndakatadza. Kana ndangoudzwa izvi, ndicharamba dzidziso dzakatsauka idzo, ndigova ini wekutanga kuisa maoko pamabhuku angu ndichiakandira mumoto.” Ibid., b. 7, ch. 8.KK 100.6

    Luther akanga ataura mururimi rwechiGerimani; akakumbirwa kuti adzokorere mashoko mamwewo muchiLatini. Kunyange zvake akanga aneta asi akabvuma ndokutaura, nesimba uye zvakatsetseka sepakutanga. Mwari vakatungamira basa iri. Mwoyo yemachinda mazhinji yakanga yakapofomadzwa nenhema zvekuti havana kunyatsonzwa hudzamu hwemashoko aLuther, asi paakadzokorora zvakavapa mukana wekunyatso bata zvakanaka minongedzo yake. Avo vakatsinzinya meso avo kuchiedza nokuda kwekuzvikudza, ndokuramba kugamuchira chokwadi, vakatsamwiswa nesimba remashoko aLuther.KK 100.7

    Achipedza kutaura, mutauri wedare akataura akatsamwa akati: “Hauna kupindurwa zvawabvunzwa ... unofanira kupa mhinduro yakajeka…. Urikurasa dzidziso dzako here kana kuti kwete?” Muvandudzi akapindura: “Sezvo mambo wangu anokudzwa murikuda mhinduro yakajeka, isinganetsi, ndichakupai iyo, naizvozvo ndinoti: Handigoni kuisa kutenda kwangu pasi paPapa kana pematare, nekuti zvakajeka semasikati kuti vagara vachikanganisa uye vachipikisana. Kunze kwekuti ndatendeswa neMatsamba kana nekutsanangura kwakajeka kunobva mushoko raMwari, handigoni uye handizofa ndakatendeuka padzidziso dzangu, nokuti hazvina kunaka kuti muKristu aite zvinopikisana nepfungwa dzake. Ndiripano, hapana chimwe chandingagone kuita; Mwari vandibatsire. Amen.” Ibid., b. 7, ch. 8.KK 101.1

    Murume mutsvene uyu akamira pahwaro hweshoko raMwari. Chiedza chedenga chakapenya pauso hwake. Hukuru nekuchena kwechimiro chake, rugare nerufaro rwemwoyo wake, zvakaonekwa nevose apo akapupura hukuru hwekutenda kunokunda nyika nedzidziso dzakatsauka. Kwakanguva vanhu vaiva mudare vakashamiswa vakashaya zvekutaura. Paakatanga kutaura Luther akanga akaisa izwi pasi akazvininipisa. VaRoma vakafunga kuti izvi zvaireva kupera kwehushingi hwake. Vakafungidzira kuti kunonoka kupindura kwake kwaireva kuti aigadzirira kutendeuka. Charles pachake, achiona kuninipa kwenufundisi uyu akati: “Mufundisi uyu haambofa akandiita mupanduki.” Kutaura kunesimba nehushingi kwaakazenge oita, uye kujeka kwemifungo yake zvakazadza vanhu nekukatyamara. Mambo vakayemura vakati: “Mufundisi uyu anotaura nehushingi nehuchenjeri.” Machinda akawanda emuGerimani vakanzwa kuzvikudza nekuda kwekumiririrwa kwakanga kwaitwa nyika yavo. Vamiririri veRoma vakanga vapedzwa; chiedza chavo chakanga chadzima. Vakatsvaga kumisa simba ravo kwete nemagwaro, asi nekutyisidzira. Mutauriri wedare akati: “Kana ukasatendeuka, mambo nematunhu ose ehumambo vachaona kuti vangaite sei nemupanduki asingatendeuki.”KK 101.2

    Shamwari yaLuther, uyo akanga akateerera nemufaro mukuru kumhinduro dzake, yakadedera nekutya, asi Luther pachake akapindura akadzikama: “Mwari ngavandibatsire, nokuti hapana chandiri kutendeuka kwachiri.” Ibid., b. 7, ch. 8. akakumbirwa kubuda mudare apo machinda akanga ava kutauonesana zvekuita. Pakaonekwa kuti dambudziko guru rakanga rasimuka. Kuramba kwaLuther kutendeuka kwaizo shandura nhoroondo yesangano kwemakore. Vakawirirana kuti vape Luther mumwe mukana wekutendeuka. Kekupedzisira akaunzwa zvekare mudare. Zvekare mubvunzo wakapihwa kuti aizoramba here zvidzidzo zvake kana kuti kwete. “Handina imwe mhinduro yekupa,” akapindura, “kunze kweyandapa kare.” Zvakava pachena kuti akanga asingagone kunyengetedzwa nezvipo kana kutyisidzira kweRoma.KK 101.3

    Vakuru veRoma vakashungurudzika kuti simba ravo, iro rakaita kuti madzimambo adedere, ringazvidzwa zvakadaro nemufundisi akashoreka; vakashuwira kuti vamurwadzise kusvika murufu. Asi Luther achiziva njodzi yaivapo akataura kunavose nekudzikama kwechiKristu. Mashoko ake akanga asina kuzvikudza, hasha kana manyepo. Haana kuzvitarira kana kuona varume vanokudzwa vakanga vakamukomba, asi akaona bedzi kuti akanga amire pamberi paUyo mukuru kunanapapa, nemadzimambo. Kristu akanga ataura kuburikidza nekupupura kwaLuther nesimba rakabata vose shamwari nemhandu panguva iyi. Mweya waMwari waiva pamusangano uyu, uchibata mwoyo yemadzishe enyika. Machinda akawanda akabvuma kururama kwebasa raLuther. Vazhinji vavo vakatenda kuchokwadi asi vamwe zvaingova zvechinguva. Pane vamwe vasina kukasika kutenda asi mushure mechinguva apo vakanga vanzvera magwaro vakatenda nekusatya nekutsigira rumutsiridzo reevhangeri.KK 101.4

    Mubati weSaxony akanga akatarisira kwazvo kumira kwaLuther pamberi pedare, akateerera nemwoyo wese kumashoko ake. Nemufaro mukuru akaona kushinga kwachiremba uyu, akazvimisira kuramba achimuchengetedza. Akatarira zvakaitika mudare akaona kuti huchenjeri wemaprisita hwakanga hwashaiswa basa nezvokwadi. Sangano rapapa rakanga rakundwa nenzira yaizonzwikwa munyika dzose kwenguva dzose.KK 102.1

    Mumiririri waPapa akaona matuso aizova nemashoko aLuther, akatyira kuchengeteka kwesimba reRoma, naizvozvo akatsvaka nzira dzose dzaigona kuita kuti Muvandudzi uyu anyudzwe. Nekugona kwake kutaura akaisa pachena kunamambo wechidiki uyu njodzi yaivapo pakuchengetedza muvandudzi asina kukosha uyu, achirasikirwa nehushamwari uye rutsigiro rweRoma.KK 102.2

    Mashoko ake haana kushaya basa. Zuva rakatevera, Charles akapa shoko kudare, rekuzivisa kuzvimisira kwake kuenderera mberi nemhiko yevakamutangira yekuchengetedza chitendero chechiKatorike. Nokuti Luther akanga aramba kurasha dzidziso dzake, naizvozvo matanho akaomarara aifanira kutorwa pamusoro pake nezvinyorwa zvake. “Mufundisi mumwechete, achitsautswa nehupenzi hwake, amukira kutenda kwechiKristu. Ndikachengeta kupanduka kwakadai, ndinenge ndatengesa humambo hwangu, pfuma yangu, ropa rangu, mweya wangu nehupenyu hwangu. Ndavekuda kudzinga Luther, ndimurambidze kukonzera nyongano pakati pavanhu; ndichamuti iye nevanomutevera vapanduki, vanofanira kuraswa nekuparadzwa. Ndinodana nhengo dzanyika ino kuti vave maKristu akatendeka.”- Ibid., b. 7, ch. 9. KK 102.3

    Kunyange zvakadaro mambo vakaraira kuti mhiko yekuchengetedzwa kwaLuther ipihwe ruremekedzo, uye kuti atenderwe kusvika kumba kwake zvakanaka mamwe matanho ese asati atorwa. KK 102.4

    Miono miviri yaipikisana yakange yodai kusundwa nenhengo dzedare. Vamiririri vapapa vaiti mhiko yekuchengetedza muvandudzi yaifanira kuputswa. Vakadaidzira kuti, “Rwizi Rhine rwunofanira kugamuchira madota ake, sekugamuchira kwarwakaita madota aHuss musenjuri yakapfuura.” Ibid., b. 7, ch. 9. Asi machinda eGerimani, kunyangwe navowo vaiva vesangano reRoma uye vavengi vaLuther, vakaramba kuputsa chirangano ichi nekuti zvaizo svibisa humambo hwenyika yavo. Vakanongedzera kuzviitiko zvakatevera kuurawa kwaHuss, vakati vaisada kuunza matambudziko akaipa zakadaro kunyika yeGerimani uye kunambo wavo mutsva.KK 102.5

    Mambo Charles pachake, akapindura akati: “Kutenda nekukudzwa kungashaikwa munyika yose asi zvinifanira kuwana rutiziro mumwoyo yemachinda.” Ibid., ch. 9. Apo vakuru veRoma vakaramba vachimukurudzira kuti aitire Luther sezvakaitwa naSigismund kuna Huss, apo akarega sangano richiita zvarinoda naye; mambo, achirangarira mashoko aHuss, uyo muhusungwa hwake akarangaridza mambo chivimbiso chavo chavakanga vaputsa, Charles akati: “Handingadi kunyara sezvakaita Sigismund.” —Lenfant, vol. 1, p. 422.KK 102.6

    Ichokwadi kuti Charles akanga aramba chokwadi chaktaurwa naLuther. “Ndichamira ndakasimba pamatsiko amadzibaba angu,” akanyora mambo. —D'Aubigne, b. 7, ch. 9. akanga azvimisira kuti haangatsauki panzira dzezvokwadi nekururama. Akanga achazochengetedza kutenda kweRoma, pamwe nehutsinye nehuori hwacho, nokuda kwemadzibaba ake. Naizvozvo akamira achiramba kugashira chimwe chiedza chitsvachinopfuura chakagamuchirwa nemadzibaba ake, kana kuita rimwe basa ravasina kuita. Variko vazhinji nhasi vanoramba vakabatirira patsika dzemadzibaba avo. Apo Mwari anovatumira chimwe chiedza, vanochiramba, nekuda kwekuti hazvina kumboitwa namadzibaba avo. Hatina kufana nemadzibaba edu; uye mabasa edu nezvatinotarisirwa kuita hazvina kufanana. Mwari havatarisire kuti titevere muenzaniso wemadzibaba edu pakuita basa rake asi kuti tinzvere tega mushoko raKe kuti tiwane chokwadi. Zvinotarisirwa kwatiri zvakakura kupfuura izvo zvaitarisirwa kubva kumadzibaba edu. Tinotarisirwa kuchengeta chokwadi chavakapihwa, icho chakauya kwatiri senhaka, uyezve totarisirwawo kuchengeta chokwadi chatakazowedzerwa munguva yedu.KK 102.7

    Anodaro Kristu kumaJudah aisatenda: “Dai ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi: asi zvino havangavi nepembedzo pazvivi zvavo.” Johane 15:22. Simba dzvene rimwechetero rakanga rataura kuburikidza naLuther kunamambo namachinda eGerimani. Mweya waMwari wakagombedzerana navose vaiva mudare kekupedzisira, kuburikidza nechiedza cheShoko. Sazvakaita Pirato makore ekare apo akatendera kuzvikudza kuti kuvhare nzeve dzake kuna Muponesi; naFelix apo akati kunenhume yezvokwadi, “Enda hako; kana ndawana mukana ndichazokudaidza;” sezvakapupurwawo naAgripa achizvikudza, “Wapotsa wandiita muKristu” Mabasa 24:25; 26:28, asi vakafuratira mashoko edenga- ndizvo zvakaitwawo naCharlses, nokuda kwekuzvikudza uye mirairo yenyika, akasarudza kuramba chiedza chezvokwadi.KK 103.1

    Guhu rezvaida kuitirwa Luther rakafamba rikakonzera kusagadzikana kukuru muguta. Muvandudzi aiva neshamwari zhinji, idzo, nekuda kwezvavaiziva zvinoitwa nesangano muhutsinye hwaro kunemunhu anoripikisa, vakazvimisira kuti aisafanira kubatwa. Vanokudzwa vanemazana vakazvimisira kumuchengetedza. Pamasuwo edzimba dzakawanda pakaiswa zvibhakani zvaipembedza kana kuzvidza Luther. Panerimwe ramabhakani aya pakanga pakanyorwa mashoko emuchenjeri, “Unenhamo iwe nyika kana mambo wako ari mucheche.” Ecclesiastes 10:16. Kudiwa kwaiitwa Luther munyika neGerimani kwakaratidza mambo nevadare vese kuti kana pakaitwa chinhu chisakarurama kwaari zvaizoshaisa rugare munyika iyi nekuisa chigare chamambo panjodzi huru.KK 103.2

    Frederick weSaxony akaramba akazvibata, akavanza zvaaifunga pamusoro paLuther, asi panguva imwe achiongorora kuchengetedzwa kwake, akatarisisa mafambiro emuvandudzi neemhandu dzake. Asi variko vakawanda vasina kuvanza kumira kwavo naLuther. Akashanyirwa nemachinda uye nevanhu vakakudzwa vazhinji, zvekuti imba yaaigara yakatadza kukwana vaenzi vake. — Martyn, vol. 1, p. 404. Vanhu vakamuyeva yekunge akange asiri munhuwo zvake. Navose vaitenda kuzvinyorwa zvake vakayemura simba rake rekumira kunyange zvaireva kufira zvaaitenda. Matanho makuru akatorwa ekuti abvume zvido zveaRoma. Machinda nevakakudzwa vakamuonesa kuti akaramba akamira nepfungwa dzake achipikisa sangano aizodzingwa pasina angamuchengetedze. Kumashoko aya Luther akati: “Shoko raKristu harigone kuparidzwa pasina kupesana…. Handinga paradzane neshoko dzvene reidi nokuda kwekutya. Kwete, ndingatopa zvangu muviri wangu, ropa rangu, noupenyu hwangu.” — D'Aubigne, b. 7, ch. 10.KK 103.3

    Zvakare akakumbirwa kuti azviise pasi perutongo rwamambo, naizvozvo haazovi nechekutya. “Ndinobvuma,” akapindura, “nemwoyo wangu wese kuti mambo, machinda, kana muKristu mudiki sei, ngavaongorore nekutonga basa rangu, vachitora shoko raMwari sechiero. Vanhu havana chimwe chavangaita kunze kwekuriteerera. Musatyisidzira mwoyo wangu, uyo wakasungwa neShoko Dzvene.” Ibid., b. 7, ch. 10.KK 103.4

    Kune imwe kukudziro akapindura achiti: “Ndinobvuma kushoropodza maitiro angu. Ndinozviisa ini nehupenyu hwangu mumaoko amambo, asi kwete shoko raMwari!” Ibid., b. 7, ch.10. akaratidza chido chekuzviisa pasi pehutongi wekanzuru, kwoga kana kanzuru ichizotonga sezvinoreva shoko raMwari. “Mairerano nezvinoreva shoko raMwari, mukristu wese akangofanana pakutonga kwake napapa, kunyange vakapoteredzwa nemamiriyoni evabatsiri.” Akawedzera.- Martyn, vol. 1, p. 410. Shamwari dzake pamwe nevavengi vakazogutsikana kuti hapana zvavaingagona kuita kuedza kumudzosa.KK 103.5

    Dai muvandudzi akabvuma pachinhu chimwe zvacho, Satani nehondo dzake vangadai vakawana rukuriro. Asi hushingi hwake hwakava rudzikinuro rwesangano, uye mavambo enguva itsa irinani.KK 103.6

    Hwezvero yemurume mumwe uyu, aida kuzvifungira nekurarama zvaanoda panezvekunamata, hwakanga huchazoshandura nyika nesangano, munguva yake nemumazera aizotevera. Hushingi hwake hwaizosimbisa vose vaizosangana nechimiro chakdai kusvika pakuguma kwenyika. Simba nembiri yaMwari zvakamira pamusoro pematare ose evanhu, nepamusoro pemasimba aSatani.KK 103.7

    Luther akazokasika kupiwa shoko raibva kunambo kuti achidzokera kumusha, akaziva kuti chiziviso ichi chaizo kasika kuteverwa nekutongwa kwake. Makore anotyisa aiva panzira yake; asi pakubva kwake kuWorms akava nemufaro nekurumbidza. “Satani pachake” akadaro Luther, “akakomberedza chigaro chapapa; asi Kristu akapaza ruzhowa urwu, naizvozvo satani akamanikidzwa kupupura kuti Jehovha mukuru kwaari.”—D'Aubigne, b. 7, ch. 11.KK 104.1

    Mushure mekubva kwake, asingade kuti hushingi hwake hufunidzirwe sekupanduka, Luther akanyorera mambo nwadhi. “Mwari, uyo anonzvera mwoyo, ndiye chapupu changu, kuti ndakazvimisira zvakanyanya kukuteererai, mukukudzwa kana kuzvidzwa, muupenyu kana murufu, pazvinhu zvese kunze kweshoko raMwari, iro rinoraramisa vanhu. Pazvinhu zvese zvehupenyu hwanhasi, kutendeka kwangu hakungazununguki, nokuti pano kuwana kana kushaya hazvingaenzaniswe neruponeso. Asi kana pari panyaya dzekurarama nekusingaperi, Mwari havadi kuti munhu azviise pasi peumwe munhu. Nekuti kuziisa pasi kwakadai ndiko kunamata chaiko kunofanira kuipiwa kunaMusiki oga.” Ibid., b. 7, ch. 11.KK 104.2

    Parwendo rwake rwkubva kuWorms, Luther akagashirwa nevanhu munzira yake kupfuura paakaenda. Machinda akamuchingamidza, uye vatongi vematunhu vakakudza mufundisi uyu akanga araswa nesangano. Akakumbirwa kuti aparidza, naizvozvo kunyange zvake akanga arambidzwa kuparidza namambo, akakwira pahamende akaparidza. “Handina kumbozvimisira kuisa shoko raMwari muhusungwa.”—Martyn, vol. 1, p. 420.KK 104.3

    Akanga asati aenda kure neworms apo mafundisi apapa akabudirira kunyengetedza mambo kuti vaise mutongo pamusoro pake. “Pachirevo ichi Luther akanzi ndiye Satani chaiye muchimiro chemunhu, akafunga nguwo dzehufundisi.”— D'Aubigne, b. 7, ch. 11. zvakarairwa kuti mushure mekupera kwemhiko yaimuchengetedza, matanho atorwe ekumisa basa rake. Vanhu vese vakarambidzwa kumuchengeta, kumupa chikafu kana zvekunwa, kana kumubatsira nenzira ipi zvayo, mungave muchivande kana pachena. Aifanira kubatwa oiswa mumaoko evakuru. Vateveri vake navo vaifanira kusungwa, uye nhumbi dzavo dzotorwa. Zvinyorwa zvake zvaifanira kuparadzwa, uye vose vaizopikisa chirevo ichi navowo vaifanira kuparara. Mubati weSaxony namachinda ake vakanga vasimuka kundosngana naLuther muhushamwari, apo gwaro ramambo rakawana rutsigiro rwedare. Parizvino vaRoma vakanga vafara. Vakaona basa rerumutsiridzo rapera.KK 104.4

    Mwari vakanga vagadzira nzira yekupunyuka nayo yemuranda wavo panguva yakaipa. Ziso rechengetedzo rakanga ratevera Luther mukufamba kwake kuti anunurwe. Zvakava pachena kuti Roma yaisatsvaka chimwe chinhu kunze kwerufu rwake, naizvo kumuviga ndiko chete kwaizogona kuchengetedza Luther. Mwari vakapa huchenjeri kuna Frederic weSaxony kuti aronge zano rekuvanza muvandudzi. Vachibatsirwa neshamwari dzakatendeka, zano ravo rakabudirira, Luther akavigwa kubva kuhama nevavengi. Ari munzira kuenda kumba, akabatwa, akamhanyiswa nemumasangu kuenda kuimba huru yeWartburg, mumakomo aiva kure. Kuvanzwa kwake kwakanga kwakarongeka zvakadaro zvekuti kunyange naFrederick pachake akambotora nguva asingazive zvakaitika. Akazofara kuziva kuri Luther akanga akachengeteka. Gore rose rakapera Luther ari musungwa. Aleander nevamwe vake vakafara kuti mwenje weevhangeri wakanga wava kudzima. Asi muvandudzi akanga arimubishi kuisa mafuta mumwenje wezvokwadi, uyo waizojeka zvakare kupfuura kare.KK 104.5

    Muhushamwari hwenzimbo yekuchengetedzwa yeWartburg, Luther kwechinguva akafara kuti akanga abviswa pakupisa nebongozozo rehondo. Asi haana kugutsikana nekuramba akanyarara. Semunhu akanga akajaira hupenyu hwekushanda nekurwa, haana kunakidzwa nekuramba akazorora. Mumazuva ekunyarara kwake chimiro chesangano chakasimuka pamberi pake naizvozvo akachema nekukuhunika. “Maiwee, hakuna munhu pamazuva ano ehasha dzaShe, angamira serusvingo, kuponesa Israeri!” Ibid., b, ch. 2. zvakare pfungwa dzake dzakadzoka kwaari, akatya kuti angatongwa nekugwara hwekutisa hondo. Akazvituka nekutsvaka kwake kuzvichengetedza.KK 104.6

    Asi zuva nezuva akanga achiita basa risingagone kuitwa nemunhu mumwe. Haana kumira kunyora. Apo vavengi vake vaizvinyengera kuti akanga anyaradzwa, vakakatyamara nekuona humboo hwekuti akanga achiri kushanda. Mapepa mazhinji, akanyorwa naye, aitenderera muGerimani. Akaitawo chinhu chikuru kuvanhu verudzi rwake nekududzira Testamende itsva kuisa mururimi rwechi Gerimani. Gwegore rose akaendrera mberi nekutsiura zvivi zvenguva yake nekuparidza shoko, ari munzvimbo yake yainge Patmos. Asi Mwari vakanga vasina kumuvinga nemhaka yekumuchengeta kubva kumhandu dzake badzi. Akanga aponesa muranda wake kubva mukuzvikudza kunokonzerwa nekubudirira.KK 105.1

    Apo vanhu vanofara mukusununguka kunounzwa nekuziva zvokwadi, vanogona kusimudzira avo vanenge vashandiswa naMwari kuputsa maketani enhema. Satani anotsvaka kubvisa meso evanhu kuna Mwari, oita kuti vaone nekupa rukudzo kune avo vanenge vashandiswa semidziyo nedenga. Kazhinji vakuru vekereke avo vanowana kurumbidzwa vanopedzisira vabvisa kuvimba kwavo muna Mwari votanga kuzvivimba. Naizvozvo vanopedzisira voita kuti vanhu vatarire kwavari, kwete kutsvaga kutungamira kweshoko raMwari. Kazhinji basa rerumutsiridzo rinoshaiswa simba nemweya wakadai unowanikwa muneavo vanoriita. Mwari vakachengeta basa rerumutsiridzo nenzira iyi kubva kudambudziko iri. Vaida kuti basa iri riwane pembedzo yaMwari, kwete yemunhu. Meso evanhu vese akanga aiswa kunaLuther saiye muparidzi weidi; naizvozvo akabviswa kuitira kuti vanhu vatarire kuna Iye Muvambi wezvokwadi isingaperi.KK 105.2

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents