Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 5—JOHN WYCLIFFE

    Nguva yekuvandudzwa kwechitendero cheChikristu isati yasvika, kwakanga kuine maBhaibheri mashoma aiwanikwa muvanhu, asi Mwari haana kutendera kuti Shoko rake riparare zvachose. Zvokwadi yaro yaisafanira kuramba yakavigwa. Mwari vaigona kusunungura shoko ravo kubva mubabote sezvavakaita pavaizarura masuwo nemagedhe ematirongo vachisunungura varanda vavo. Munyika dzakasiyana-siyana muEurope, kwakamuka varume vaisundwa nemweya waMwari kunzvera Magwaro vachitsvaga zvokwadi sepfuma inokosha. Vakapiwa chipo chekugona kunzvera Magwaro Matsvene vaine nyota yekunzwisisa. Vakanga vazvipira kugamuchira chiyedza chavaizowana zvisinei nemutengo wacho. Kunyangwe zvavo vaisanyatsoona zvakajeka mushoko, asi vakagona kuburitsa pachena zvokwadi yakanga yakavanzwa kwemakore mazhinji. Sevatumwa veDenga, vakaenda mberi vachidambura mabote enhema ne zvekutenda-mashura, vachidanidzira kune avo vakanga vasungwa muhuranda hwenhema kwenguva refu kuti vasimuke vachigamuchira kusunungurwa kwavo. KK 57.1

    Kunze kwemaWaridenzi, Shoko raMwari, kwemakore mazhinji, rakanga rakavharirwa mururimi rwaizivikanwa bedzi nevakadzidza; asi zvino nguva yakanga yakwana yekuti Magwaro apihwe kuvanhu nekuiswa mururimi rwavanonzwisisa munzvimbo dzavo. Nyika yakanga yapfuura nguva yayo yedima. Nguva dzedima dzakanga dzirikupera nekukasika, zvekuti munzvimbo zhinji makanga mave kuonekwa chadzera chemambakwedza. KK 57.2

    Musenjuri yegumi nechina, munyika yeEngland makasimuka “Nyeredzi YeMangwanani eRuvandudzo”. Murume anonzi John Wycliffe ndiye akava Mudanidziri wekuvandudzwa kwechitendero, kwete muEngland chete asi muchitendero cheChikristu chose. Kuratidzira kukuru kwaakatenderwa kuvamba muSangano reRoma hakuna kuzogona kunyaradzika. Kuratidzira uku kwakazarura masuo ekurwisa kukuru zvinove zvakazotungamirira mukusununguka kwemunhu akazvimirira, kweMasangano, uyewo kwenyika dzakazvimirira. KK 57.3

    Wycliffe akawana dzidzo yakasununguka, uye kwaari, kutya Jehova kwaiva kuvamba kwehuchenjeri. Pachikoro paakadzidza aizivikanwa neKuremekedza Mwari zvikuru, uyewo nematarenda aakanga anawo, pamwechete nekuva mudzidzi wemabhuku akachenjera. Mukutsvaga kwake zivo, Wycliffe akava nenyota yaakazoita kuti ade kuongorora mhando dzezvidzidzo dzese dzaiwanikwa pachikoro. Nokudaro, akaita zvidzidzo zvekutsvaga ruzivo zvainzi (Scholastic Phylosophy), akadzidzawo nezve Mitemo yeSangano (Canons of the Church), akaitawo dzidzo nuneZvemitemo yekugarisana nekutongwa kwevanhu (Civil Law) - zvikuru mitemo yenyika yekwake. Kukosha kwedzidzo idzi kwaari kwakazoonekwa kushure mebasa raakabata. Kunyatsoongorora kwaakaita dzidziso dzekutsvaga njere dzaiitwa mumazuva ake kwakaburitsa pachena mhosho dzaivamo, uyewo kudzidza kwaakaita mitemo yenyika neyeKereke kwakaita kuti apinde mukurwa kukuru achida kuti pave nerusununguko mukutongwa kwevanhu uye mune zvechitendero. Aigona kumira achirwa akabata zvombo zvaakawana muShoko raMwari, asiwo akanga awana njere mukudzidza kwake nezveZvikoro, saka aiziva nzira dzakangwara dzaishandiswa nevezvikoro. Kudzama kwehunyanzwi hwekuziva nenjere dzaakanga anadzo zvakaita kuti aremekedzwe neshamwari kunyangwewo mhandu dzake. Vanhu vaimuterera vakabvuma nekugutsikana kuti nyanzvi yavo iyi yakanga iripamberi kana kuchitariswa vanhu vanenjere munyika, saka mhandu dzake nevaimupikisa havana kumuwanira mhosho padzidziso dzake dzavainga shandisa kukonesa basa rake.KK 57.4

    Wycliffe paakanga achiri pachikoro chedzidzo yepamusosoro, ndipo paakatanga kupinda mukudzidza Bhaibheri zvakadzama. Mumakore iwayo ekutanga, Bhaibheri raingowanikwa mundimi dzekare chete, saka vanhu vedzidzo ndivo bedzi vaikwanisa kunwa pastime rezvokwadi iri, asi veruzhinji vakanga vasina kudzidza vaivharirwa kunze. Saka nguva iyi yakamugadzirira basa raiva mberi rekuzovandudza chinamato cheChikristu. Varume vakadzidza vakanga vanzvera Magwaro vakawana dzidziso huru yezvokwadi yeNysaha dzaMwari dzinopiwa pachena. Mukudzidzisa kwavo, vakanga vatambanudza zvokwadi iyi kuvanhu zvikaita kuti igamuchirwe.KK 58.1

    Pfungwa dzaWycliffe dzakanangisa kuMagwaro, saka akadzidza Bhaibheri nesimba rimwechetero raakanga aisa apo aidzidza nezveZvikoro. Apa ndipo paakanzwa ainenzara iyo dzimwe dzidzo dzaakanga aita dzese dzakatadza kugutsa. Mushoko raMwari ndimo maakawana izvo zvaaitsvaga kumashure asi achizvishaya. MuMagwaro ndimo maakawana zano reruponeso richiburitswa pachena, uye Kristu achiratidzwa kuti ndiye chete mumiririri wemunhu. Wycliffe akazvipira kushandira Kristu uye kuparidzawo zvokwadi iyi yaakanga awana. KK 58.2

    Sezvakangoita vamwe vavandudzi vechitendero vakazouya kumashure kwake, Wycliffe haana kuziva kwaizosvika basa rake. Haana kuita maune kurwisana neRome, asi kuzvipira kuzvokwadi iyi hakwaizotadza kusawirirana nemanyepo. Paairamba achiona kujeka kwemhosho dzaiitwa nemaiitiro aPapa, ndipowo paaiwedzera kudzidzisa chokwadi chaakanga awana muBhaibheri. Akaonawo kuti Roma yakanga yasiya Shoko raMwari ikatanga kudzidzisa tsika dzevanhu panzvimbo yaro. Akamira akasimba achipomera vaPrisita mhosva yekurambidza kudzidziswa kweMagwaro, akakohomedza kuti Bhaibheri ridzorerwe kuvanhu uye kuti simba raro ridzorerwe muSangano. Wycliffe akanga ari mudzidzisi weBhaibheri ane hunyanzvi, zvakare aiva muparidzi wevhangeri anonzwisisika, uye hupenyu hwake hwemazuva ese hwaiva muenzaniso wezvaanoparidza. Ruzivo rwake rwemagwaro, rwunova simba rekufunga kwake, uye kuchena kwehupenyu hwake, uye hushingi hwake, zvose izvi zvakaita kuti awane rutsigiro rwevanhu. Vanhu vazhinji vakanga vasisa gutsikani nechitendero chakanga chave muSangano reRoma uye kusarurama kwavaiona pachena muKereke iyi, saka vakasimudzira nemufaro zvokwadi yakanga yauya naWycliffe, asi Papa nevatungamiri veSangano vakamutswa hasha dzavo pavakaona kuti mudzidzisi uyu akanga akutowana rutsigiro muSangano kudarika ivo. KK 58.3

    Wycliffe aiva munhu anokwanisa kuona mhosho nekukasika, saka aibva arova pamuzongoza penyaya asingatyi, achitendeka pachena zvakaipa zvaiitwa nekukurudzirwa neRoma. Mazuva aakanga achishanda akasanobata chigaro semufundisi waMambo, akatora danho rakasimba rekubvunza kuti sei Papa akanga achitora mutero kubva kuna Mambo weEngland, akaburitsawo pachena kuti simba raikambirwa naPapa pamusoro pehumambo wenyika rakanga risina rutsigiro kubva mushoko kana mumitemo. Zvaidiwa naPapa kubva kuvanhu zvakatanga kumutsa ruvengo pakati pevanhu, uye dzidziso dzaWycliffe dzakavhura pfungwa dzevatungamiri vemunyika. Izvi zvakaita kuti Mambo weEngland nemakurukota ake vasvike pakuramba kutongwa naPapa uye kubvisa mutero wadiwa kubva kwavari. Izvi zvakabva zvarova pahwaro hwesimba raPapa muEngland. KK 58.4

    Chimwe chakaipa icho Wycliffe akaona akashanda nesimba kuchirwisa, itsika yekugadzwa kwevanhu vaitumwa naPapa kuzorarama sevapemhi pakati pevanhu. Vapemhi ava vakanga vakazara munyika yeEngland, vachikanganisa kubudirira kwenyika. Kuita kwevanhu ava kwakakanganisa mune zvemabasa, mune zvedzidzo, uye mune zvetsika nemagariro. Hupenyu vevafundisi ava hwehusimbe nekupemha hwaisava mutoro kuvanhu bedzi asi zvakaita kuti uve muenzaniso wakaipa unosimudzira kusashanda nesimba. Vechidiki vakakanganiswa vakawodzwa hunhu havo. Mukutevedzera vapemhi vaPapa ava, vechidiki vazhinji vakapinda mutsika yekuda kuzvipira kuhupenyu hwekuzvitsaura vachingoita zvekunamata chete, kubva pamisha vachinogara kunzvimbo dzakayereswa, uye izvi vaizviita kunyangwe vabereki vavo vasingadi, kana kuti vaigona kutoenda vabereki vasingazivi, kana kuenda zvenharo. Umwe Papa weSangano reRoma mumakore aya, paaidzidzisa tsika yekuenda kunogara kunzvimbo dzakayeriswa idzi, akataura mashoko ekuti: “Kunyangwe baba vako vakarara pamusiwo vachiungudza nekuchema, kunyangwe amai vako vakabvisa mbatya dzose ukaona muviri wavo pamwe nemazamu awakayamwa, iwe vatsike netsoka dzako uchipfuura, uchienda mberi wakatarisa kuna Kristu.” Luther akazonyorawo mumashure pamusoro petsika iyi yakashata achiti: “Tsika iyi yehunhu hwakashata, yaikurudzira munhu kuva bere nemudzvinyiriri, kwete kuva muKristu nemunhu,” Tsika iyi yakaita kuti moyo yevana isindimare kuvabereki vavo: -(Barnas Sears, The Life of Luther, pages 70, 69) . Ndizvo zvakaitwa naPapa nevatungamiri vake, sezvakaitwa neVaFarise vekare, kushaisa mutemo waMwari simba nekuda kwetsika dzavo. Misha yevanhu yakaitwa matongo, vabereki vakatorerwa mukana wekukudza nekurera vanakomana nevanasikana vavo.KK 59.1

    Kunyangwe vadzidzi muzvikoro zvepamusoro vakanyengerwa nevafundisi ava vakasiya zvikoro vachienda kunzvimbo idzi. Vazhinji vavo vakazozviona kwave mberi kuti vakanga varasiswa, vakanya hupenyu hwavo nekurasa mukana, uye kuti vakanga vashungurudza vabereki vavo, asi sezvo vana va vakanga vasungwa mumusungo uyu, zvakanga zvakaoma kusungurwa kwavo. Vabereki vazhinji, nekuda kwekutya kuti vana vaizonofurirwa nevadzidzisi ava, vakaregera kuendesa vana kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro. Izvi zvakaita kuti huwandu hwevana vaienda kuzvidzidzo zvepamusoro hudzikire zvikuru. Zvikoro zvakatambudzika, kusadzidza kukakura, vana vasina kudzidza vakawanda. Papa akanga apa vafundisi vake simba rekuteerera vanhu vachireurura, uye rekurergerera zvivi. Iyi tsika rakava tsime rezvivi zvikuru. Nekuda kwesimba iri, vafundisi ava vaivawo vapemhi vepfuma, vakaona kuti zvaivapa mari zhinji saka vakatanga kurerutsira vapari vemhosva huru, nekuvapa ruregerero pamhosva dzose dzavaipara, chero chete vaine mari pfuma chete, zvinova zvakakonzeresa kuparwa kwemhosva huru dzisingatongwi. Asi vanorwara nevarombo vakasiiwa vachitambudzika, nekuti zvipo zvaifanira kuvabatsira zvakaenda kuvafundisi ava, vaikararira kuti vanhu vabhadhare zvipo, vachiisa zvituko pamusoro peavo vaitadza kana kuramba kubhadhara. Zvisinei nechimiro chehurombo nekupemha chairatidzwa kunze nevafundisi ava, hupfumi hwavo hwakatanga kuwanda. Zvivakwa zvavo zvembiri zvavaivaka pamwechete nekushongedzwa kwaiita matafura avo pakudya zvakaita kuti hurombo hwenyika hunyatsoonekwa. Vaipedza nguva yavo zhinji vachizvifadza nekuzvivaraidza, uku vachituma vanhu vasina ruzivo kunoparidza manyepo, nengano, nezvinosetsa vanhu, kuti vanhu veruzhinji vaite manyawi ekupa kuvafundisi. Vapemhi vaPapa ava vakaramba vaine simba pamusoro pevanhu vavaitendesa mashura nemanyepo, zvikaita kuti vanhu vafunge kuti chintendero chese chaiva pakuita zvinodiwa naPapa, kumuremekedza, kumamata vatsvene vakafa, nekupa zvipo kuvafundisi, uye kuti izvi ndizvo zvairingana kuwanisa munhu nzvimbo kuDenga.KK 59.2

    Varume vakadzidza vakashanda nesimba vachiendza kuunza shanduko muzvikoro zvakayereswa izvi asi havana kubudirira: asi Wycliffe, achitaura zvakajeka, akakwanisa kurova pamudzi wechivi ichi, akadanidzira pachena asingatyi kuti tsika iyi yaiva yemanyepo, uye yaifanira kuparadzwa. Vanhu vakatanga kugara pasi vachiita hurukuro nekuongorora, ukuwo vafundisi nevapemmhi vachikwidza nekudika munyika yose vachidanidzira kutengwa kweruregerero nemari, vachiunganidza pfuma yaPapa, vanhu vakatanga kubvunza huchokwadi hwekutenga ruregerero nemari, vakatagawo kubvunza kuti vaisafanira here kuwana kuregererwa kwezvivi kubva kunaMwari badzi pasina Papa weRome? Vazhinji vakatanga kushamiswa nemaitiro evapemhi vaya nemakaro avo epfuma. Vanhu vakatanga kutaurirana vachiti “Vafundisi nevaPrisita veRoma varikutidya vachitipedza senhuta, Mwari vanofanira kutidzikinura, zvikasadaro vanhu vanopera”-(D’Aubigne, b.17.ch.7.) Senzira yekuedza kuvharidzira huipi hwemakaro avo, vafundisi vapemhi ava vakatanga kudzidzisa vachiti kaitiro kavo aka vakanga vachiteedzera tsika yaJesu Kristu nevadzidzi vake avo vairarama nerutsigiro rwavaiwana muzvipo zvavaipiwa nevanhu. Chikonzero ichi chavakapa chakatozonyanya kuvakuvadza nokuti vanhu vakabva vadzokera muBhaibheri kuti vanotsvaga chokwadi pachavo- zvakazobuda ipapo hazvina kuzofadza muzinda weRome. Pfungwa dzevanhu dzakatanga kunangiswa kuMagwaro, chinova chinhu icho muzinda weRome waisada.KK 60.1

    Wycliffe akatanga kunyora nekuburitsa zvinyorwa zvaipikisa basa revapemhi, asi izvi aisazviitira kurwa navo asi kunangisa pfungwa dzevanhu kudzidziso dzeShoko raMwari. Akadanidzira kuti simba raiva naPapa nevaPrisita vake rekuregerera zvivi nekudzinga vanhu muSangano rakanga rakafanana, asi hakuna munhu aigona kuregererwa kana kubviswa muSangano zvisingaitwi naMwari pachake. Hapanazve imwe nzira inopfuura iyi yakaitwa naWyclife zvikaita kuti abvise nekuwisira pasi simba rekuzvipa raPapa iro rakanga rakatandira nekusunga vanhu pasi pehuranda. Wycliffe akazosheedzwa kuti anomirira kodzero dzevanhu veEngland kuti vasakanganiswa nekupinda kwakanga kwaita Rome, saka akatumwa kunoita mumiriri waMambo we England kuNetherlands, kwaakanopedza makore maviri achiita misangano nevamiriri vaPapa ikoko. Munyika iyi akawana mukana wekutaura nevakuru veMasangano kubva kunyika dzeFrance, Italy ne Spain, izvi zvikamupa mukana wokuona nekuziva zvimwe zvinhu zvakavanzika zvaaisagona kuona nekuziva dai akaramba ari muEngland chete. Akadzidza zvizhinji zvakazobatsira kunzwisisika kwebasa rake mumashure. Muvamiriri vaPapa ava, akadzidza chimiro chaicho nezvinangwa zveVakuru vakuru vaiva kumusoro kweSanagno. Akazodzokera kuEngland kunoenda mberi nedzidziso dzake pachena asizvino akanga ava nesimba rakawedzerwa zvekugona kudaidzira kuti vamwari veRoma vaiva makaro, ruchiva, kuzvikudza nekunyengera.KK 60.2

    Munezvimwe zvinyorwa zvake, achitaura pamusoro paPapa nevashandiri vake, Wycliffe anoti: “Vanotora hupenyu hwevarombo venyika yedu, mari yamambo yezvinhu zvakayereswa pagore rimwe inosvika kuzviuru, ichishandiswa muchituko chekutenga ruregerero, vachiita kuti maKristu ese achengetedze manyepo aya. Zvokuti kunyangwe zvainzi tine gomo guru rendarama, kusina umwe munhu anotora pariri kunze kwemuprisita uyu wenyika, munguva pfupi gomo iroro raipera, nokuti chaanongoita kuramba achitora mari munyika yedu asingadzosi chinhu kunze kwechakatukwa naMwari chekutitengesera ruregerero” —(John Lewis, History of the Life and Sufferings of J. Wiclif, page 37).KK 60.3

    Mushure mekunge achangodzokera kuEngland, Wycliffe akagadzwa naMambo kuvaMuprisita aigara muLutterworth. Izvi zvaireva kuti hofisi yaMambo yakanga isina kukanganiswa nedzidziso dzake. Kuita kwaWycliffe kwakava nehwezvero yakashandura mashandiro edare redzimhosva, uyewo kwakaumba zvaitendwa nevanhu munyika. KK 60.4

    Asi nekukasika mabhanan’ana ehasha aitinhira achibva kunaPapa akamusvikira. Tsamba nhatu dzinechirevo chaPapa dzakatumirwa kuEngland, imwe kuChikoro chepamusoro, imwe kunamambo, imwe kuvafundisi vaiva nehofisi dzepamusoro musangano kuEngland, - dzese tsamba idzi dzichiraira zvisingapikiswi kuti nekukasika paifanira kutorwa matanho ekunyaradza Wycliffe nekuti aiva mudzidzisi wenhema. (Augustus Neander, General History of the Christian Religion and Church, period 6, sec.2, pt 1, par.8.) . Asi tsamba idzi dzisati dzasvika, maBhishopi emuEngland akanga atodana Wycliffe nechekare kuzomubvunzurudza. Asi kwakaitawo makurukota anesimba maviri amambo akamuperekedza vachimuchengetedza, ukuwo boka guru revanhu rakauya richimhanya richiratidzira rikapinda nekukomberedza dare maitongwa Wycliffe, saka vatongi vakabatwa nekutya ndokubva dare rambomiswa, akanzi ngaande hake nerugare. Mushure menguva pfupi, mambo Edward III uyo akanga ava mutana, akabva afa, apo mabhishopi nevakuru veSangano vakanga varikuedza kumufurira kuti amukire Wylcliffe, umwe aiva muchengetedzi waWycliffe muhushe hwaEdward lll akabva agadzwa kusanobata chigaro chamambo. KK 61.1

    Asi kusvika kwakaita tsamba dzinesimba dzaPapa muEngland, dzakaraira zvisingapikiswe kuti muparidzi uyu asungwe nekuiswa mutirongo. Izvi zvaireva kuti chaizotevera rufu rwemunhu achipondwa. Zvakabva zvaita sekuti Wycliffe nekukasika aizosangana nehasha dzeRoma. Asi uyo akataura kunevekare achiti “Usatya:…ini ndiri nhovo yako”( Genesis 15:1) , akatambanudzazve ruoko rwake kuchengetedza muranda wake. Rufu rwakabva rwasvika, kwete kunaWycliffe, asi kuna Papa akanga atema chirevo ichi. Pope Gregory Xl akabva afa, zvakaita kuti vatungamiri vakanga vaunganira dare rekutonga Wycliffe vapararire.KK 61.2

    Ruoko rwaMwari rwakabata, rukapa mukana wekuti basa rekuvandudza chitendero rifambire mberi richikura. Rufu rwaGregory rwakateverwa nekusarudzwa kwanaPapa vaviri avo vairwisana. Pakabva paita masimba maviri airwisana, ese achizviti haakanganisi, uye vese vaida kuteererwa. Umwe neumwe aidaidzira nekukumbira kuti vanhu vakatendeka vamubatsire kurwisa umwe, uye vese vaitema zvirevo zvaituka vavengi vavo uye vachivimbisa mubairo kudenga kune avo vaivatsigira. Chiitiko ichi chakapedza simba rehuPapa, nekuti apo mativi maviri paarwisana, zvakapawo Wycliffe nguva yekuzorora. Zvituko nemashoko ekushuvirana rufu aibururuka pakati kubva kune umwe Papa zvichienda kuneumwe, uyewo paiitwa zvibairo zveropa kutsvaga kuti umwe neumwe agamuchirwe pane zvaaitaura. Zvakaitawo kuti mhosva nedzimhosva dziparwe nekuvigiridzwa muKereke. Panguva iyoyo, Muvandudzi Wycliffe akanga ari kufambira mberi achivandudza basa rake rekudzidzisa Sangano raaitungamira muLutterworth, achitungamirira vanhu kubva kunanaPapa vairwisana ava achivaratidza kunaJesu, Muchinda WeRugare.KK 61.3

    Mutswi wekutsemuka kweSangano wakakonzerwa negakava ranaPapa uyu, wakaumba hwaro hwebasa guru reKuvandudzwa kweChitendero, nokuti gakava iri rakavhura vanhu pfungwa vakanyatsoona chimiro chehutongi hwanaPapa. Munerimwe bepa rakanyorwa naWycliffe achitsanangura gakava nekupatsanurana kwanaPapa, akadaidzira vanhu kuti vacherekedze kuti vanaPapa ava vaisareva zvokwadi here mumashoko avo ekutukana nekuzvidzana vachiti umwe ndiAntikristu? Akatiwo: “Mwari haana kurega muvengi achitonga kuburikidza neumwe wevaprisita ava, asi akavaita mhandu mumwe kunemumwe, kuitira kuti vanhu, muZita raJesu Kristu, vagone kukunda vose vaviri ava zvirinyore’(R Vaughan, Life and opinions of John de Wycliffe, vol 2, p.6.) .KK 61.4

    Sezvaiita Tenzi wake, Wycliffe akaparidza vhangeri kuvarombo. Haana kugutsikana nekuparidza mudunhu rake remuLutterworth chete, asi akatsvaga kuti vhangeri risvike muEngland yose. Kuti izvi zvibudirire, akagadzira boka revaparidzi, vanhu vaiva nyore, vaizvininipisa asi vakazvipira, uye vaida zvokwadi vachitsvaga bedzi kuparadzirwa kwayo. Varume ava vakaenda kunzvimbo dzese, vachidzidzisa muzvimbo dzekutengeserana, munzira dzemumaguta makuru, uye dzekumamisha. Vaitsvaga vanhu vose kusanganisira vatana, varwere, nevarombo, vese vakavazarurira nhau dzinofadza dzeNyasha dzaMwari.KK 62.1

    Semuzvinafundo munezveBhaibheri pachikoro chikuru cheOxford, Wycliffe akaparidza Shoko raMwari mudzimba dzinoungana ruzhingi pachikoro ichi. Ainyatso tsanangura shoko aakatendeka kuvana vechikoro vaaidzidzisa, zvekuti akazopiwa zita rekuti “Chiremba wezveVhangeri’. Asi basa guru rakaitawo muupenyu hwake ndere kuturikira Bhaibheri kuisa mururimi rweChirungu. Munerimwe basa rake rinonzi “On the Truth and Meaning of Scripture” , anotaura pamusoro pechinangwa chake chekuturikira Bhaibheri, kuitira kuti munhu wese muEngland agone kuverenga mururimi rwakazvarwa narwo, mabasa anoshamisa aMwari.KK 62.2

    Asi nekukasika basa rake rakamiswa. Kunyangwe zvake akanga ava pazera remakore asingasviki makumi matanhatu ekuzvarwa, nyaya yekushanda zvakaoma asingazorori, nekushungurudzwa kwaakaitwa nevavengi vake, zvakanga zvamubata nesimba panyama, zvikaita kuti akasikwe kuchembera. Akabva abatwa nekurwara kwakaipisisa. Shoko rekurwara kwake rakasvika senhau dzinofadza munzeve dzevapemhi. Vakafunga kuti iyi ndiyo nguva yaaizotendeuka nemisodzi kubva muzvakaipa zvaakanga aiitira Sangano, saka vakamhanyira kumba kwake kuti vanonzwa achireurura ari pamubhedza werufu. Vamiririri vehutungamiri kubva kumatunhu mana esangano, pamwechete nevaibva kuhofisi yezvemutemo vana, vakaungana vakatenderedza murume wavaifunga kuti akanga otandadza. “Wava nerufu pamiromo yako”:, vakadaro, “batikana nekukanganisa kwako kwawakaita,utaure mashoko ekutendeuka pamberi pedu, kutsiva mashoko nezvose zvawakataura uchitirwadzisa. ” Muvandudzi akavateerera anyerere hake ndokubva akumbira mubatsiri wake kuti abatsirwe kumuka pamubhedha wake, ndokubva anyatsovatarisa, apo vakanga vakamirira kunzwa achireurura, akabva ataura neizwi raivavhundutsa rakasimba achiti: “handisi kufa, asi ndichararama, kuti ndiparidzezve zvakaipa zvevapemhi”. (D’Aubigne, b.17, ch.7.) Nekushamisika kunotyisa zvikuru, vafundisi ava vakakasika kubuda mumba make. Mazwi aWycliffe akazadziswa. Akararama kusvikira aisa mumaoko evanhu vekwake chombo chikuru chekurwisa Roma chinova Bhaibheri, rinova nhume yakagadzwa neDenga kuzosunungura, nekupa chiedza, nekuparidzira vanhu. KK 62.3

    Kwakanga kuine zvimhingamupinyi zvikuru uye zvizhinji zvaigona kunge zvakakonesa basa iri. Wycliffe akadhonzerwa pasi nematambudziko; aizivawo kuti kwakanga kwangosara makore mashoma kwaari ekuita aite basa iri; akaonawo zvinopikisa zvaaizosangana nazvo; asi akakurudzirwa nevimbiso dzemuShoko raMwari, akaenda mberi asina kukuhunika. Paakanga achine simba mundanagriro dzake, neruzvivo rwakapfuma, akanga agadzirirwa naMwari kuti aiite basa iri, rinova ndiro guru pamabasa ake ese. Apo chitendero cheChiKristu chakanga chakazadzwa nekusagadzikana, Muvandudzi uyu pakushanda kwake semuPrisita muLutterworth, akaita basa rake raakadanirwa asingatyi dutu raivhuvhuta kunze.KK 62.4

    Pakupedzisira basa rakabudirira rikapera, Bhaibheri rekutanga mururimi rweChirungu rakagadzirwa. Shoko raMwari rakazarurirwa kuEngland. Muvandudzi zvino haana kuzotya kupinda mutirongo kana rufu. Akanga aisa mumaoko evanhu vemuEngland chiedza chisingazodzimi. Mukupa Bhaibheri kuvanhu venyika yake, akanga aita basa guru rekudambura makashu ekusaziva neemanyepo, zvikuru kusimudzira nekusunungura vanhu venyika yake, zvisina kumbogona kuitwa nevarwi vakakunda nekurwa nehunyanzvi kuhondo.KK 63.1

    Hunyanzvi hwekudhinda mabhuku husati hwazikanwa, zvakaitika mukurema, zvishoma nezvishoma kuti maBhaibheri awande. Kwaiva nechidiso chikuru muvanhu chekuwana bhuku iri, zvekuti vazhinji vakazvipira kuita basa rekunyora nemaoko vachitevedzera bhuku iri, asi zvakanga zvakaoma kuti vanyori ava vagutse huwandu hwevanhu vairida. Vamwe vevatengi vaiva nemari vaida Bhaibheri rese rakazara, vamwewo vaida chikamu charo. Zvaiitikawo kazhinji kuti mhuri dzaigona kubatana kuti vatenge bhaibheri rimwechete. Nekudaro, Bhaibheri raWycliffe rakawana nzira yekupinda mudzimba dzevanhu. Rukoko rwekuti munhu agone kushandisa pfungwa rwakavabatsira kuti vabve mukutevera dzidziso dzaPapa. Wycliffe akadzidzisa dzidziso dzinemutsauko dziowanikwa mumaSangano akabuda muRoma nekuratidzira zvakaita senyaya yeruponeso kuburikidza nekutenda munaKristu, uye kusashanduka kweBhaibheri roga. Vaparidzi vakatumwa naWycliffe vakaendesawo Bhaibheri, kusanganisira nezvimwe zvinyorwa zvaWycliffe, izvi zvikabudirira zvekuti chitendero ichi chitsva chakagashirwa nehafu yehuwandu hevanhu muEngland.KK 63.2

    Kuwanikwa kwakanga kwavakuita Bhaibheri kwakashaisa vakuru veSangano rugare. Nokuti zvino vakanga vave kuzorwisana nesimba rakakura kupfuura Wycliffe, simba raizonetsa kukunda vachishandisa zvombo zvavo. Panguva iyi kwakanga kusina mutemo muEngland wairambidza Bhaibheri, nokuti rakanga risina kumbovapo kumashure mururimi rwevanhu. Mitemo yakadaro yakazoiswa mumakore akazotevera ikashandiswa zvakaomarara. Asi kwenguva iyi, zvisinei nekurwisa kwaiita vaPrisita, Bhaibheri rakawana mukana wekumbotenderera muvanhu.KK 63.3

    Vatungamiri vesangano reRome vakatanga zvakare kuedza kunyaradza Wycliffe. Akamiswa katatu pemberi pedare achitongwa asi achishairwa mhosva. Pekutanga, musangano wakaitwa nemaBhishopi wakatonga kuti zvinyorwa zvake zvaiva zvizere nemanyepo, saka vakabva vawana rutsgiro rwamambo wechidiki akanga agadzwa ainzi Richard ll, uyo akabva atonga kuti vese vaizowanikwa vachishandisa zvinyorwa zvaWycliffe vaizoiswa mutirongo. KK 63.4

    Wycliffe akakwidzawo chichemo chake kudare reParamende maringe nezvakanga zvatongwa nedare reSangano, achibva anotaura asingatyi nekuratidza kuParamemde humbowo uye kukumbira kuti pavandudzwe mashandiro akanga achiita Kereke pakufambisa basa rayo. Nemashoko anesimba rinotendesa vanhu, Wycliffe akaratidza pachena kuti hofisi yaPapa yakanga yabvuta masimba eSanagano uye yakanga ichiita huwori. Vavengi vake vakasara vakakanganiswa vasisina kuwirirana. Vakanga vachifunga kuti panguva iyi, Wycliffe nevatsigiri vake vainge vabvuma kukundwa, uye sezvo Wycliffe akanga akura, uye asisina shamwari dzakawanda aifanira uzviisa pasi pesimba raMambo uye revakuru veKereke. Asi hazvina kuita saizvozvo, asi kuti ivo ndivo vakatozoona vakundikana. Dare reParamende, parakacherechedza nyaya iyi, rikaona kusimba kwehumboo hwaWycliffe, rakatonga kuti chirevo chakanga chatemwa namambo nekereke pamusoro pezvinyorwa nekusungwa kwevanhu chibviswe, izvo zvakabva zvasunungura Wycliffe kuti aite basa rake.KK 63.5

    Akazomiswazve kechitatu pamberi pedare guru repamusoro muhurongwa hweSangano muhumambo hweEngland. Apa hapana kuzoratidzwa tsitsi kumuvanhudzi uyu. Pakupedzisira, Sangano reRoma rakakurira, mabhuku eMuvandudzi uyu akarambidzwa. Hofisi yaPapa yakafunga kuti kana vakakunda apa, chinangwa chavo chikabudirira, Wycliffe aizomanikidzwa kubvuma kuti akatyora mutemo, uye aizobuda mudare umu akanangiswa kunopiswa.KK 64.1

    Asi Wycliffe haana kubvuma kudzokera shure, kana kusiya basa rake. Akaramba akamira padzidziso yake uye akaramba mhosva dzaaipomerwa nevadzivisi vake. Asingazvitarisi iye, kana chigaro chake, kana chiitiko chakanga chiripo, Wycliffe akadanidzira vateereri vake kuti vapinde mudare dzvene, ndokubva ayera manyepo avo pachiyero chezvokwadi isingaperi. Simba reMweya Mutsvene rakanzwika mudare umu, simba raMwari rikava pamusoro pevateereri. Vakashaiwa simba rekubva panzvimbo iyi. Semiseve inobva mugoba raJehovha, mashoko eMuvandudzi akabaya moyo yavo. Mhosva yekunyora manyepo yavakanga vachimupomera akazoiisa pamusoro pavo ivo. Akabvunza kuti sei ivo vaida kuramba vachiparadzira manyepo? Vaizviitira kuwana pfuma nekutengesa Nyasha dzaMwari here?KK 64.2

    Akabvunza achiti: “Munofunga kuti murikurwa nani?, Nemutana akwegura avepedyo neguva here?, kwete, asi murikurwa nezvokwadi- zvokwadi inesimba kupfuura imi, saka ichakukurirai.” (Wylie b. 2, ch. 13.) . Apedza kutaura izvi, akafamba achibuda mudare, asi hapana umwe wevavengi vake akasimuka kuti amumise. KK 64.3

    Basa raWycliffe rakanga rave pedyo nekusvika kumagumo. Mureza wezvokwadi waakasimudza wakanga wavapedyo kudonha kubva muruoko rwake, asi akanga achine kanguva kekupupura Vhangeri. Zvokwadi yaifanira kunoparidzwa mukati chaimo meguta raiva pasi pehutongi hwemanyepo. Wycliffe akasheedzwa kunomira pamberi pedare raiye Papa pachake kuRome, iro dare rakanga radeura ropa revatsvene vazhinji. Aitoziva njodzi yaakanga atarisana nayo, asi akanga azvipira kunomira pamberi pedare iri, dai pasina kurwara kusinganzwisisiki kwakazomubata akatadza kufamba rwendo urwu. Kunyangwe zvino zvaireva kuti haachakwanisi kunozvipundurira nemuromo ari kuRome, akasarudza kushandisa nzira yekunyora tsamba. Ari kudunhu kwake kwaaishandira, Muvandudzi akanyora tsamba kunaPapa, umo maakashandisa mazwi airatidza mweya wechiKristu wekuremekedza nerukudzo, asi achitendeka pachena simba rekuzvikudza raiwanikwa muhofisi yaPapa. KK 64.4

    Akanyora achiti: “Chokwadi ndinofara kwazvo, kuzarura nekutaura kuvanhu pachena kutenda kwandakabata, zvikuru kunaBishopi weRome, uyo wandinoziva kuti kana achida hake kureva chokwadi, anotenderana neni panyaya iyi, asi kana ndiri kunyepa, anogona hake kundigadzirisa mashoko aya. Chekutanga, ndinoda kutenda kuti vhangeri yaKristu ndiyo muviri wose wemurairo waMwari…saka ndinoda kutaura kuti Bishopi weRome, kunyangwe hake ari iye mumiririri waKristu pasi pano, ndiye anofanira kunyanya kusungwa nemurairo wevhangeri, kupfuura vamwe vanhu vese. Nokuti uyo aiva mukuru pakati pevadzidzi vaKristu akanga asina mbiri kana kukudzwa kwepanyika, asi aigara pedyo uye achitevera Kristu muupenyu nemaitiro ake…Kristu, mumazuva ake ekufamba panyika ino, aiva murombo wekupedzisira, achiramba nekurasha kukudzwa kwese nembiri yepanyikaKK 64.5

    “Hakuna munhu akatendendeka anofanira kutevera Papa kana umwe wevarume vatsvene, asi nenzira iyo chete sezvaiita Peter nevanakomana vaZebedee vachitevera Kristu, asi paya pavakada rukudzo rwepanyika, zvinova zvaisafambirana nekutevera matsiko aKristu, zvikava chigumbuso, nokudaro ipapo pamhosho iyoyo, hakuna munhu anofanira kuvatevedzera…KK 65.1

    “Papa anofanira kusiira vezvematongerwo enyika simba ravo rinoguma nehutongi, uyewo anofanira kutora danho rekutsiura vafundisi vake vose, nokuti ndizvo zvaiita Kristu, kunyanya vaApostori vake. Asi kana ndakakanganisa panezvose zvandakanyora, ndinosununguka kuuya kuzogadziriswa, kunyangwe nerufu kanazvirizvo zvakafanira, uye kana ndirikuzvishandira nekuda kwangu kana madiro angu, ndichazviunza ndega kuzvipira pamberi paBhishopi weRome; asi zvisinei hazvo, Mwari vakandishanyira, vakandidzidzisa kuti ndinofanira kuteeera Mwari kupfuura vanhu.” KK 65.2

    Mukuvhara tsamba yake akanyora achiti: “Ngatinamatei kunaMwari wedu, kuti amutse mukuru wedu Papa Urban Vl, kuti sematangiro akaita, iye nevafundisi vagone kutevera Ishe Jesu Kristu muupenyu nemuzviito; uye kuti vagone kudzidzisa vanhu zvakanaka, uye,kuti vanhu vagone kuvatevera kana vaita zvakanaka.” (John Foxe, Acts and monuments, vol.3, pp.49,50.). KK 65.3

    Nenzira iyi Wycliffe akaratidza Papa nedare revatevedzeri vake, hunyoro nekuzvininipisa kwaKristu, akaratidzawo, kete ava chete asi nyika yese yeChiKristu mutsauko uri pakati pavo naTenzi uyo wavaitaura kuti vanomiririra. KK 65.4

    Wyclife akagutsikana nekutarisira kuti hupenyu hwake ndihwo hwaizova mubhadharo wekutsungirira kwake. Mambo, Papa, nemaBhishpoi, vese ava vakanga vakabatana kuti vamuparadze, saka zvakava pachena kuiti mumwedzi mishoma vaizogona kumuisa kunogurwa musosoro. Asi hushingi hwake hahuna kuzununguswa. Akataura achiti: “Munotaurirei zvekuenda kure kunotsvaga kufira Kristu?, Paridza vhangeri yaKristu kuvafundisi vanozvikudza, hauzopotsani nerufu rwekuurairwa vhangeri. Kutii? Kuti ndinyarare ndigorarama? Haisva!, regai chibhakera chiuye,ndakachimirira.” (D’Aubigne, b.17,ch.8.).KK 65.5

    Asi ruoko rwaMwari rwakaramba rwakadzivirira muranda wake. Murume akanga amira hupenyu hwake hwose achimiririra zvokwadi, aisafanira kufa achiurawa nevavengi vake. Wycliffe haana kumbobvira aedza kuzvidzivirira ega, asi Jehovha ndiye aiva mudziviriri wake, nazvino apo vavengi vake vakanga votsvaga hupenyu hwake, ruoko rwaMwari rwakamuisa kure navo. Mukereke yake paLutterworth, apo akanga arikugadzirira kuti ape chirairo chaTenzi, akawira pasi nechirwere chekuwoma mitezo, mushere menguva pfupi akabva afema kekupedzisira ndokuzorora murufu.KK 65.6

    Mwari vakanga vapa Wycliffe basa rake. Vakanga vaisa shoko ravo mumuromo make, ndokuisa murindi kuchengetedza muranda wavo kuti shoko risvike kuvanhu. Hupenyu hwake hwakachengetedzwa, makore ebasa rake akatambanudzwa, kusvikira hwaro hwaiswa hwebasa guru rekuvandudza chitendero. KK 65.7

    Wycliffe akanga amutswa ari wekutaga kubva mumakore erima guru. Hakuna akanga amutangira mubasa iri ainge amugadzirira hwaro hwebasa rake raakazoita. Akamutswa sezvakita Johane Mubhabhatidzi kuti aite basa rakatsanangurika, akava mushevedzeri nemuvambi wechikamu chinokosha munhoroondo yechiKristu. Asi zvakadaro pabasa raakaita, hakuna vakamutevera shure kwake vakamupfuura, kana kugona kusvika paakasvika, kunyangwe musure memakore zana. Hwaro hwaakaisa hwanga hwakafara uye hwakadzika, uye nheyo dzaakaisa dzakanga dzakasimba muzvokwadi zvekuti hazvaitsvaga kuti zvinatsurudzwe nevakazomutevera.KK 66.1

    Basa guru rakavambwa naWycliffe raiva nemanyuko muBhaibheri, uye raizo sunungura pfungwa dzevanhu vedzidzo, nekusunungura ndudzi dzevanhu vakanda vakabatwa muhuranda hwedzidziso dzeRome. Wycliffe ndiye akava manyuko enzizi dzezvikomborero, idzo dzakazova zvitubu zvemvura yeupenyu yakayerera kumarudzi nemurudzi kubvira mumakore eSenjuri yegumi nechina. Wycliffe akagamuchira Magwaro matsvene nekutenda kwakaperera, achibvuma kuti ndiko kuzarurwa kwekuda kwaMwari, uye kuti magwaro akaringana kutonga chitendero nemaitiro acho. Akanga akadzidziswa kuti agamuchire kuti Sangano reRoma raiva dzvene, uye risingakanganisi pakutonga kwaro, uye kugamuchira usina mubvunzo tsika dzaro nedzidziso dzaro dzezviuru zvemakore, asi iye kazosiya izvi akasarudza kutevera shoko dzvene raMwari. Bhaibheri ndiro simba raakanga ave kukurudzira vanhu kuti varitevere. Panzvimbo yekuteerera Kereke ichitaura kuburikidza naPapa, Wycliffe akakurudzira vanhu kuteera izwi raMwari vachitaura kuburikidza neShoko ravo. Haana kungodzidzisa chete kuti Bhaibheri ndiro kuzarurwa kwakakwana kwekuda kwaMwari, asiwo kuti Mweya Mutsvene ndiye mududziri waro, uye kuti munhu wese anogona kuziva basa rake pakuridzidza. Naizvozvo akabvisa pfungwa dzevanhu kubva kuna Papa weRome kudziisa ku Shoko raMwari.KK 66.2

    Wycliffe anoverengwa semumwe wevaparidzi vakuru vekuvandudza Chikristu. Vashoma vakauya kumashure kwake vangaenzaniswa naye kana pachitariswa kuzvipira, kugona kushandisa pfungwa zvakajeka, kumira nehushingi pachokwadi nekugona kumiririra chiKristu. Kuchena kwehupenyu, kusatsukira kurudyi kana kuruboshwe pakudzidza Bhaibheri nepabasa, chimiro chakachena chisina huwori, uye rudo serwaKristu nekutendeka muhushumiri, ndizvo zvainyanya kuzivikamwa nazvo vaparidzi venguva yeruvandudzo rwesangano. Izvi zvakanga zvisinei nekuti vairarama munyika yakanga yashata zvakadaro.KK 66.3

    Chimiro chaWycliffe huchapupu hwesimba reShoko pakushandura chimiro chemunhu. Bhaibheri ndiro rakamuumba kuti azove zvaaive. Shungu dzekugamuchira zvokwadi huru dzeBhaibheri dzinounza kufefetera nesimba idzva mundanagriro. Pfungwa dzinokurawo nekurodzwa, zvopa matongero epfungwa akarurama. Kudzidza bhaibheri kunobatsira pfungwa dzese, kunzwa uye zvidiso zvisingagonekwi nezvimwe zvidzidzo zvese. Kuridzidza kunodzikamisa zvinangwa, kunopa moyo murefu, kunopa hushingi, kunovandudzawo chimiro pamwe nekuchenesa mweya. Kudzidza Bhaibheri nekurevesa, nerukudzo, kunounza pfungwa dzemudzidzi kuti dzigunzvane nedzaMwari, izvo zvinozopawo nyika vanhu vanenjere dzakasimba vanogona kumira pazvimiso zvinokosha, asi izvi hazvigoni kuitwa nekudzidza panjere dzevanhu vehunyanzvi hwepanyika. Mapisarema anoti: “Kuzarurwa kwemashoko enyu kunopa chiedza, kunopa njere vasina mano” (Mapisarema 119:130). KK 66.4

    Dzidziso dzeBhaibheri dzakasiiwa naWycliffe dzakaendera mberi kwenguva yakatevera: vateveri vake vanozivikanwa nekuti maWycliffes nemaLollards, havana kungowanikwa muEngland chete, asi vakapararira vachienda kune dzimwe nzvimbo, vachienda neruzivo rweVhangeri. Nekuda kwekuti mutungamiri wavo akanga abviswa, vaparidzi ava vakashanda nesimba rakawedzerwa kupfuura kare, vanhu vazhinji vakauya kuzonzwa dzidziso dzavo. Vamwe vaibva mudzimba dzakakwirira dzinoremekedzwa, kusanganisira memudzimai wamambo, vakatendeuka. Mune dzimwe nzvimbo kwakaonekwawo shanduko mutsika dzevanhu, uye zvifananidzo zveRome zvikabviswa mumaKereke. Asi nekukasika moto wekutambudzwa wakatungidzwa kurwa neavo vakanga vasarudza kutevera Shoko raMwari. Madzimambo ekuBritain, mukutsvaga kwavo simba rekutonga nekuwana rutsigiro rwaPapa weRoma, havana kuzeza kuuraya vatendi. Kekutanga munhoroondo yeEngland, mutongo wekugurwa musoro wakapiwa kuvateveri veVhangeri. Kufira vhangeri kwakatekeshera. Vamiririri vezvikwadi, pavaitambudzwa nekushungurudzwa, vaingonzwikwa kuchema kwavo bedzi nenzeve dzaJehovha weHondo. Vaivhimiwa sevavengi veSangano uye sevatengesi vechokwadi, asi vakaramba vachiparidza munzvimbo dzakavanzika, vachiwana pekuwanda mumisha yevarombo, uye kazhinji vaiwana pekuhwanda mumapako nemuninga.KK 67.1

    Zvisinei nekushungrudzwa kwakauya, kuratidzira kwakadzikama, kunerunyararo kwakaenderea mberi kwemazana emakore kuchirwisana nehuwori hwakanga huri muchitendero. MaKristu venguva iyoyo yekare vaive neruzivo rushoma rwezvokwadi, asi vakanga vadzidza kuteerera nekuda Mwari, vakatambudzwa nekuda kwaizvozvo. Sezvakaitawo vadzidzi mumazuva eKereke yevaApostora, vazhinji vakasarudza kupa pfuma yavo yepanyika kuti basa raKristu riitwe. Avo vaitenderwa kugara mumisha yavo, vaigamuchira nekuchengeta nomufaro hama dzavo dzaitambudzwa, uye vaizotiwo kana ivo vavewo kutambudzwa, vaigamuchira nomufara mukombe unovava uyu. Ichokwadiwo kuti kune zviuru zvedzimwe hama dzakati dzichiona kutambudzwa uku kukuru, dzakatyiswa nekukura kwehasha dzevatambudzi, ndokubva vasurudza kutenga rusununguko nemutengo wekusiya kutendeka kwavo, vakabuda mumajeri vakapfeka nguwo yechivi, vakaendawo kunoramba kutendeka kwavo pamheri pevatambudzi vavo. Asiwo huwandu hwevakaramba vakamira pakutendeka kwavo hwakakura chose, uye pakati pavo paiva navanhu vanokudzwa pamwechete nevarombo vanozvininipisa- ava vose vakashinga kupupurira zvokwadi vari mumatirongo, munzvimbo dzakaita seLollard, uku kwavaipiswa nomoto nekushungurudzwa, asi vaifara kuti vakanga vasarudzwa kuti vazive “kuyanana naIye mukutambudzika kwake”.KK 67.2

    Vashandiri veRome havana kunge vagona kuita zvavaidisa kunaWycliffe mumazuva ehupenyu hwake, uye ruvengo rwavo haruna kugutswa nekurara kwake nerunyararo muguva. Izvi zvakaita kuti pamusangano mukuru wakaitwa paConstance, makore anopfuura makumi mana Wycliffe afa, pakapiwa mutongo wekuti mapfupa ake afukunurwe, ndokupbva mapfupa aya apiswa nomoto pamberi peruzhinji, madota acho akanokandwa murukova rwaiva pedyo.KK 67.3

    Umwe munyori wekare akanyora achiti: “rukova urwu rwakanodira madota aya murwizi Avon, rwizi Avon rukanoadira murwizi Severn, rwizi Severn rukanoadira mumakungwa madiki, ayo akazonoadira munyanza huru. Naizvozvo, madota aWycliffe ndiwo munongedzo wedzidziso dzake, idzo nhasi dzapararira pasi rose.” (T. Fuller, Church History of Britain, 6, 4, sec2, par, 54.). Vatambudzi vake havana kuziva havo kukura nekuipa kwechiito chavo ichi uye zvachaireva.KK 67.4

    Kuburikidza nezvinyorwa zvaWycliffe, murume anonzi John Huss weBohemia, akatungamirirwa kuramba dzidziso zhinji dzemanyepo sekudzidziswa kwadzaiitwa neSangano reRoma uye zvakitawo kuti apinde pabasa rekutsvaga kuvandudza chitendero cheChikristu. Nokudaro mumaSenjuri maviri aya, mbeu yeZvokwadi yakaparadzirwa kusvika kure, kubva munzvimbo yeBohemia basa rakatandavara richienda kunedzimwe nzvimbo. Pfungwa dzevanhu dzakatungamirirwa kudzokera kuShoko raMwari iro rakanga rakanganwikwa kwenguva refu. Ruoko rwaMwari rwakanga rwuri kugadzira nzira yebasa guru reKuvandudzwa kweChitendero. KK 68.1

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents