Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 4—RUDZI RWECHI WARIDENZI

    Mukati medima guru rakauya panyika munguva refu yekubataushe kwaPapa, chiyedza chezvokwadi hachina kudzima zvachose. Mumazera ega ega, kwakave nezvapupu zvaMwari- vanhu vaiva nekutenda kuti Kristu ndiye chete muyananisi pakati pemunhu naMwari. Vanhu vaisimudzira Bhaibheri chete kuti ndiro rinotonga hupenyu, vanhu vairemekedza Sabata rezvokwadi. Nyika haingagoni kubhadhara vanhu ava, zvizvarwa zvemberi hazvinganzwisisi kana kuziva vanhu ava. Nekuda kwemiono yavo vakatumidzwa zita remadunhurirwa rekuti Varasiki pashoko, miono yavo pashoko yakazvidzwa, zvimiro zvehupenyu hwavo zvikazvidzwawo, zvinyorwa zvavo zvakarambwa, zvikatsikirirwa, zvikaparadzwa. Asi vakamira vakasimba, kwemakore nemakore vakabata pakutenda kwavo kwakachena, vakava nhaka yenhoroondo yakayereswa kumarudzi anotevera. KK 47.1

    Nhoroondo yevanhu vaMwari mumakore erima guru akatevera hutongi husingapikiswe hweRoma yakanyorwa mumabhuku eKuDenga, asi mumabhuku evanhu panyika vanhu ava havazikanwe. Nhoroondo yekurarama kwavo hainyatsowanikwa nhasi, kunze kwemuzvinyorwa zveavo vaivatambudza nekuvapa mhosva. Wakanga uri mutemo muhushe hweRome kuparadza nhoroondo ine humbowo hwevanhu vairamba kuvateerera. Zvese zvavaiti ndezve kupanduka, zvingava zvinyorwa kana vanhu, zvaiparadzwa zvachose. Chese chairatidza kusatenda zvinhu zvavo, kana mibvunzo yaibvunza simba ravo nedzidziso dzavo zvairingana kuparadza hupenyu hwevanhu vacho zvisinei kuti varombo kana vapfumi, vakakwiria kana vepasi. Humambo hweRoma hwaiparadzawo humbowo hwese hwehutsinye hwavakaita kumarudzi evanhu vaivamukira. Misangano yanaPapa yaiburitsa zvisungo zvaitaura kuti zvinyorwa nemabhuku anehumbowo hwakadaro aifanira kupiswa. Michina yekudhinda mapepa isati yaveko, mabhuku aiva mashoma uyewo akanga asina kugadzirwa nenzira dzingamachengetedza kwenguva refu, saka zvainetsa kutadzisa Vakuru ava kuti vaite zvavanoda nawo.KK 47.2

    Hakuna Sangano reChikristu raiva pasi pehushe hweRoma raigona kusiiwa richiita rusununguko rwekuita sezvavangafunga. Nekukasika, hushe hwaPapa hwakatekeshera hukatambanudza ruoko kuparadza vese vainganzi vapanduki, nokudaro, kereke imwe neimwe yakazvipa pasi pehutongi hwavo. KK 47.3

    Munyika yeGreat Britain, ChiKristu chekare chakanga chakadzika midzi. Vhangeri rakanga ragashirwa nevanhu vemuBritain munakore esenjuri yekutanga rakanga rakachena, risina kusvibiswa nekurasika kweRoma. Chipo chekutanga chakawanikwa nevatendi vemuBritain kubva kuRome ndechekutambudzwa. MaKristu mazhinji vakatiza kutambudzwa uku muEngland vakanowana pekuhwanda kuScotland., zvikaitawo kuti zvokwadi iyede kuIreland, uyewo munyika idzi dzese vhangeri yakagashirwa nemufaro.KK 47.4

    Panguva apo rudzi rwemaSaxons rwakapinda kunorwisa Britain, chihedheni chakatanga kubata hushe. Vatapi ava vakaramba kudzidziswa tsika dzevaranda vavo, zvakabva zvaita kuti maKristu vatizire kumakomo nemumasango. Chiedza chakanga chambovigwa kwechinguva, chakatanga kupenyazve. Mushure memakore zana, chiedza ichi chakapenya muScotland nechadzera chacho chikasvika kunzvimbo dziri kure. MuIreland kwakabva murume ainzi Columba nevamwe vake vaashanda navo, vakanoungana pachitsuwa che Iona apo pakabva pava pamuzinda webasa ravo. Pakati pevaparidzi ava paivawo neumwe aiva muchengeti weSabata remuBhaibheri, nokudaro zvokwadi iyi yakabva yadzidziswa kuvanhu. Pazvimbo iyi yeIona pakabva pavhurwawo chikoro chemaMishinari pavaitumwa vachibva vachienda kunzvimbo dzakafanana neScotland, England kusvikawo kure kwakafanana neku Germany, Switzerland kunyangwe neku Italy.KK 47.5

    Asi Roma yakanga yaisa ziso rayo paBritain kuti ive pasi pehutongi hwayo. MuSenjuri yechitanhatu, maMishinari eRoma akatsvaga kutendeutsa maSaxons kubva kuchihedheni. Ava vakagamuchirwa nemarudzi aizvikudza emaBabarians zvikaita kuti zviuru zvevanhu zvigashire chitendero cheRoma. Apo basa raifamba, vaparidzi veRoma vakasangana nemaKristu aya ekare emuBritain. Pakatanga kubuda mutsauko pakati pechiKrisu chekuRoma nechevaya vekare vemuBritain. Ava vemuBritain vaiva nechiKristu chisina kuoma, chinozvininipisa, chaiva nechimiro nedzidziso dzemuBhaibheri, ukuwo chiKristu cheku Roma chairatidza kuzvikudza kwevakuru, kutenda mashura nenharo. Mumiririri akanga atumwa naPapa akatema chirevo chaiti Kereke dzese dzemaKristu aya ngavagamuchire hukuru nehutongi husingapikiswi hwaPapa weRoma. Vanhu vemuBritain vakapindura vakazvirereka kuti ivo vaifanira kuvanerudo kuvanhu vese, asi sezvo Papa akanga asina kodzero yekuva mukuru weSangano asingapikiswi, vaigona bedzi kumupa ruremekedzo rwakafanira vateveri vese vaKristu. Kwakaramba kuchiedzwa kuonesa vanhu ava hukuru hwaPope kuti vahubvume, asi maKristu aya, pavaiona kaitiro kekuzvikudza kenhume dzaPapa idzi, vakataura pachena kuti hapana umwe tenzi wavaiziva kunze kwaKristu. Apa ndipo mweya waPapa chaiwo wakachizviratidza. Mashoko akataurwa nemutungamiri weRoma ekuti “kana mukaramba kugashira hama inokuvigirai rugare, muchazogamuchira muvengi anokuvigirai hondo. Kana mukasabatana nesu pakuratidza rudzi rwemaSaxons nzira yehupenyu, muchagamuchira kubva kwavari shamhu yerufu”. —(J,H Merle D’ Aubigne, History of the Reformation of the Sixteenth Century, b. 17, ch 2.) Aya akanga asiri mashoko ekuvhundutsira bedzi. Hondo, kurongerwa nehunyengeri hwekurasisa zvakavigirwa zvapupu zveshoko raMwari izvi, kusvikira maKereke ese emuBritain akaparadzwa kana kumanikidzwa kuva pasi pehutongi hwaPapa. KK 48.1

    Munyika dzaiva kunze kwehutongi hweRoma, kwaiwanikwa maSangano echiKristu akanga ararama kwemakore mazhinji, ayo akanga asina kukanganiswa nembiriso yehuwori hwaPapa. Vanhu ava vakanga vakatenderedzwa nevahedheni vaive netsika dzakazovhiringidza chiKristu mukufamba kwemakore, asi zvakadaro vakaramba vachikoshesa Bhaibheri nekuteerera dzidziso dzaro dzechokwadi. MaKristu aya vaitenda kuti mutemo waMwari unogara nekusingaperi uyewo vaichengeta Sabata remutemo wechina. Kereke dzaive dzakabata kutenda uku dzaiwanikwa munyika dzePakati peAfrica uyewo pakati pemarudzi echi Aramenia aiwanikwa muAsia. KK 48.2

    Asi rudzi remaWaridhenzi rwakaonekwa ruri pamusoro peavo vose vakaramba kuteera dzidzizo nesimba raPapa. Munzvimbo dzese idzo vakuru veRoma vakaisa chigaro chavo, manyepo nehuori hwavo zvakasangana nevaizvipikisa. Kwemazana emakore, maSangano emu Piedmont akaramba aine kuzvitonga kwawo, asi nguva yakazosvika apo Sanagano reRoma rakavaudza kuti vazviise pasi paro. Mushure mekumboedza kumira vachiramba rukoko urwu, vatungamiri vemaSangano aya vakazongogashirawo asi vasingadi, nokuti zvairatidza kuti pasi rese rinenge raiva pasi pehutongi hweRoma. Asi kunevamwe vakaramba vakamira vakashinga kuti vasava pasi pehutongi hwaPapa kana vaPrista vake. Vakaramba vakabata kutenda kwavo nekuteerera Mwari uye kuchengetedza kuchena kwekutenda kwavo. Izvi zvakatungamirira kuparadzana. Avo vakasarudza kuramba vakabatirira pakutenda kwavo vakasuduruka; vamwe vachisiya misha yavo, vachinosimudza mureza wezvokwadi vari munyika dzeutorwa; vamwewo vakaenda kunze kwemaguta nekumipata yemakomo, kwavainochengetedza rusununguko rwavo rwekunamata Mwari.KK 48.3

    Kutenda uko kwakadzidziswa nemaKristu erudzi rwemaWaridhenzi, mumakore mazhinji, kwaisiyana kwazvo nedzidziso dzenhema dzaibva kuSangano reRoma. Chitendero chemaWaridhenzi chaiva nemidzi yacho muShoko raMwari Bhaibheri, rinova ndiro maitiro echokwadi echiKristu. Asi zvino varombo ava vaigara kure kusingaonekeri, kwaiva kunze kwenyika yevazhinji, vachitambudzika havo mumabasa ekurima mazambiringa nekupfuya zvipfuyo, havana kugona vega kusvika pakunzwisisa zvokwadi yaipikisana nedzidziso dzakatsauka dzekereke yakanga yapanduka. Kutenda kwavo kwakanga kusiri kwevanhu vatsva. Chitendero chavo yakanga iri nhaka yakabva kumadzibaba avo. Vaibvuma bedzi kutenda kwakafanana nekweKereke yevaApostori, - “Kutenda kwakadeya kupiwa kuvatsvene kamwe” (Jude3). “Sangano raiva murenje” ndiro raiva rechokwadi, richichengeta zvakavanzika zveshoko raMwari wezvokwadi raakapa kuvanhu vake kuti vaparidzire nyika, kwete zvinzvimbo zvekukudzwa zvaiwanikwa musangano raPapa raiva nemuzinda waro muguta guru remunyika. KK 49.1

    Chimwe chezvikonzero zvikuru zvakaita kuti Sanagano rechokwadi ripatsanurane nere Roma, inyaya yekuti Roma yakaratidza ruvengo paSabata remuBhaibheri. Sezvakanga zvataurwa kare muzviporofita, simba raPapa rakawisira zvokwadi pasi. Mutemo waMwari wakatsikwa-tsikwa muguruva, asi mirairo netsika dzevanhu zvikasimudzirwa. MaSangano ese aiva pasi pehutongi hwaPapa akamanikidzirwa kukudza Svondo sezuva dzvene. Pakati pemhosho dzakanga dzakakurumbira paivawo netsika yaiti: kunyangwe vanhu vaitenda nekuchengeta Sabata, vaiwanikwawo vachizorora nezuva reSvondo. Asi izvi hazvina kugutsa vatungamiri muhofisi yaPapa. Vakaraira vanhu kuti vaisangofanira kuchengeta Svondo sezuva dzvene chete, asiwo kumhura Sabata, vakatukawo nemazwi akasimba avo vaizowanikwa vachirikudza. Nzira yoga yekuti munhu agone kunamata Mwari akasununguka, kwaiva kutiza kubva pasi pesimba reRoma. KK 49.2

    MaWaridhenzi ndivo vakava rudzi rwevanhu vekutanga muEurope kuisa Bhaibheri munerumwe mururimi. Mazana emakore nguva yeReformation isati yasvika, vanhu ava vakanga vatove neBhaibheri mururimi rwavo. Vaiva nezvokwadi isina kusvibiswa, zvinova zvakaita kuti vavengwe nekutanbudzwa. Vakataura pachena vasingatyi kuti Sangano reRoma ndiro Bhabhironi rakarasika rinorehwa naZvakazarurwa, uye vakamira noupenyu hwavo vachiramba dzidziso dzaro. Nokuda kwekumanikidzwa nekushungurudzwa, vamwe vavo vakazosiya kutenda zvishoma nezvishoma, asi vamwe vakaramba vakashinga vakabata pazvokwadi. Mumakore ese erima guru, kune maWaridhenzi vakaramba kugamuchira hutongi hweRoma, vakaramba kunamatwa kwezvifananidzo, vakachengeta Sabata. Mudutu guru rinotyisa rekutambudzwa, vakarambira pakutenda. Kunyangwe vaibaiwa nepfumo rinouraya, vachirohwa neshamhu inorwadza, vakamiririra kukudzwa kwaMwari neShoko rake. KK 49.3

    MaWaridhenzi vaiwana nzvimbo dzavo dzekuhwanda museri memapako emakomo, mumarudzi mazvinji ekutambudzwa nekudzvinyirirwa. Mavari ndimo makachengetedzwa mwenje wezvokwadi uchipfuta mukati merima guru remumakore epakati. Mumakore anosvika chiuru, huchapupu hwezvokwadi hwakachengetedzwa. KK 49.4

    Mwari akapa vanhu nzvimbo yekuchengetera zvokwadi yake pakati perudzi urwu nemutoo unoshamisa. Kuvatendi ava, makomo aiva mucherechedzo wehutstvene hwaMwari husingashanduki. Vairatidza vana vavo kureba kwemakomo avaiona kure asingashanduki, vochivadzidzisa pamusoro paMwari asingasanduki, Mwari aneshoko rinoramba rakamira semakomo avaiona, Mwari akamisa makomo akamasunga nebhanhire rinesimba, zvekuti hakuna ruoko rwemunhu rwunoabvisa panzvimbo yawo kunze kwesimba risingaperi rake iye Mwari. Nenzira imwecheteyo, Mwari akasimbisa mutemo wake, unove ndiwo hwaro hwehurumende yake kudenga nepanyika. Ruoko rwemunhu rwunogona kutambanudzwa rukatora upenyu hweumwewo munhu, asiwo ruoko irworwo rwunogonawo kusvikira makomo rwuchiabvisa nemidzi yawo nekuakandira mugungwa, sezvarungoitawo ruchidzura mumwe wemitemo waMwari, nekudzima zvivimbiso zvake kunaavo vanoita kuda kwake. Varanda vaMwari vanofanira kumira vasingazununguswi semakomo pamutemo wake.KK 49.5

    Makomo akanga akakomberedza mapani avo aiva huchapupu hunoramba huchivarangaridza hunyanzvi hwaMwari pakusika, uye huvepo hwake pakati pavo kuvachengetedza. Vafambi ava vakadzidza kubva paminongedzo iyi kuda Jehovha aizviratidza pakati pavo. Havana kumbopindwa nemweya wekutya kana kusagutsikana kunyangwe zvazvo hupenyu hwakanga hwakavaomera, uye havana kunzwa kusurikirwa mumakomo mavaigara. Vakatenda Mwari kuti akanga avapa nzvimbo yeutiziro kubva pakati pehasha nehutsinye hwevanhu. Vakafara nekuda kwerusununguko rwavaiva narwo pakunamata. Nguva idzo vaitsvagwa nevavengi vavo, simba remakomo mukurukana kwawo raivadzivirira. Kubva munzvimbo dzakakwirira, vaiimbira Mwari nziyo dzekurumbidza nekutenda zvekuti masoja eRoma aisagona kuvanyaradza.KK 50.1

    Kutenda nerusimbiro rwevateveri vaKristu ava zvakanga zvakachena zvichibva pakati pemoyo yavo. Vaikoshesa zvimiso zvezvokwadi kupfuura dzimba neminda, shamwari, hama kana upenyu chaihwo. Zvimiso izvi vaizvidzidzisa vana nevadiki vavo. Kubva pazera diki, vechidiki vaidzidziswa kubva paMagwaro, uye kukoshesa mutemo waMwari. MaBhaibheri chaiwo aive mashoma nokudaro mashoko eBhaibheri aifanira kugara mundangariro. Vazhinji vavo vaigona kutaura nemusoro ndima dzakareba kubva muTestamende dzeBhaibheri dzese dziri mbiri. Pfungwa dzezvaMwari dzaivandudzwa pavaiona kunaka kwekusika kwake uye chikomborero chekurarama zuva nezuva. Vana vadiki vakadzidza kutenda Mwari pamusoro pezvakanaka zvaanovaitira. KK 50.2

    Vabereki vacho, kunyangwe vaida vana vavo zvikuru, havana kuvarera vachivayemedza kana kuvaregerera vachirasika mukusazvidzora. Pamberi pavo paiva nehupenyu hwemiyedzo nekuremerwa, dzimwenguva rufu rwaitarisana navo. Vaidzidziswa kubva pahucheche hwavo kugona kutsungirira munguva dzekuoma kwehupenyu, kugona kudzoreka, asiwo kugona kufunga nekuita zvakanaka pachavo. Pazera diki vaidzidziswa kugona kuzvimiririra, kurongeka pakutaura, nekunzwisisa njere dzinobva pakunyarara. Shoko rimwe risina hanya rikataura munzeve dzemuvengi raizopinza panjodzi hupenyu hwearitaura pamwechete nehama zhinji; nokuti vavengi vavo vaivavhima semapere vachitsvaga kuaparadza boka iri rairambira pakutenda kwezvokwadi.KK 50.3

    MaWaridhenzi vakanga vakazvipira kurasikirwa nezvinhu zvehupenyu huno nokuda kwekuchengetedza zvokwadi, saka vaitambudzika zvakaomarara kuti vawane zvokudya zvavo. Nzvimbo dzose dzemumakomo dzaigona kurimika vaidzigadzira nehunyanzvi; mapani neminda isina ivhu rakanaka yaishandwa kusvikira yaburitsa goho. Kugona kuchengetedza zvinhu ne kuzvinyima itsika dzaidzidziswa kuvana senhaka yeupenyu. Vaidzidziswa kuti Mwari akagadzira hupenyu kuti chive chidzidzo, uye kuti zvavanoda muupenyu zvinongowanikwa pakushanda nesimba, kuronga zvinepfungwa, kuva nehanya, nekutenda. Nguva yekudzidza nekushanda iyi yairwadza asi yaibatsira, uye inodikanwa nemunhu muchimiro chake chezvivi, chinovawo chikoro icho Mwari akagadzirira munhu kuti agobudirira. Apo vechidiki vaidzidziswa kararamiro munguva dzakaoma, vabereki vaisakanganwawo kuti vana vaifanira kubudirira panezvedzidzo zvakare. Vaidzidziswa kuti masimba avo ose endangariro aibva kunaMwari, saka zvaifanira kuvandudzwa kuitira kushandira Mwari.KK 50.4

    Kereke dzese dzevagari veVhaudiosi, pakuchena nekuurama kwadzo, dzaifanana neKereke yenguva yevaApostori. Vakasimudzira Bhaibheri roga vachiramba dzidziso dzanaPapa. Vafundisi vavo, vakanga vakasiyana nanaPapa veRoma, pakuti vaitevera muyenzaniso waTenzi uyo: “akauya kwete kushumirwa asi kuzoshumira, iye” . Vaigutsa makwai aMwari, vachiatungamirira kumafuro manyoro nekuzvitubu zvemvura mhenyu yeShoko rake dzvene. Vanhu ava vaiungana kure neminongedzo yekuzvikudza kwevanhu, vaisapinda kunonamata mudzimba dzembiri dzakavakwa nehunyanzvi, asi pasi pemimvuri yemakomo, nemumapani eAlpine, kana mumapako ematombo kana muri munguva dzenjodzi, vachiteerera shoko razvokwadi kubva kuvaranda vaKristu. Vafundisi vaisangoparidza shoko bedzi, asi vaishanyirawo vanorwara, vairovedzerawo vana, vaitsiurawo vanenge vorasika pakutenda, uye vaibatsira kuyananisa vanenge vatadzirana kuti pave nerudo nerugare pakati pehama. Munguva dzerugare, vafundisi vairarama kubva pazvipo zvaibviswa nevanhu, asi saPauro musuki wematehwe, umwe neumwe aidzidza basa rekuti kana zvaoma anogona kuzviriritira. KK 51.1

    Vechidiki vaiwana dzidziso nekurairwa kubvawo kuvafundisi vavo. Kunyangwe hazvo dzimwe nyaya dzehupenyu dzaidzidzwa nezvadzo, asi Bhaibheri ndiro raiva chidzidzo chikuru. Mabhuku anoti Mateo na Johane aidzidzwa kusvika abatwa nemusoro, kusanganisirawo netsamba dzimwe zhinji dzeTestamende Itsva. Vechidiki vaidzidziswawo kunyora pasi mabhuku emuBhaibheri. Zvimwe zvinyorwa zvavo zvaibata Bhaibheri rese, zvimwewo zvine ndima diki, apo paiiswawo tsanangudzo dzakareruka parutivi kubva kune avo vaigona kududzira Bhaibheri. Nenzira iyi, fuma inokosha yeShoko raZvokwadi yakachengetedzwa, ikawonekwa nekuti yakanga yaedza kuvanzirwa nyika neavo vaida kuzvigadza panzvimbo yaMwari.KK 51.2

    Nemoyo yakachenjera, nemoyo murefu, nebasa rakasimba, murima remapako nemakomo, mwenje yaibatidzwa mumipata yenyika kuti shoko raMwari rinyorwe ndima nendima, chitsauko nechitsauko. Naizvozvo basa rakafambira mberi, kuda kwaMwari kukaburitswa pachena kuchipenya sendarama yakaidzwa: tarira kubwinya kwayo, kuvapachena uye simba racho kana zvichienzaniswa nemiyedzo yaisangana neavo vakazvipira kuita basa iri. Ngirozi dzekudenga dzaikomberedza vashandi ava vakatendeka.KK 51.3

    Satani akanga ashandisa nekukurudzira vaPrisita vaPapa kuti vavige shoko rezvokwadi pasi pemarara enhema, manyepo netsika dzevanhu, asi nenzira inoshamisa kwazvo, Shoko rakachengetedzwa mumakore ese erima guru. Harina kuchengetwa nechidhindo chemunhu asi nechisimbiso chaMwari. Vanhu havana kuneta pakuedza kwavo kuvanza magwaro nedzidziso dzawo dzakajeka, uye kuti zviite sekuti Magwaro anozvipikisa; asi sezvinoita ngarava iri mugungwa rakadzika, Shoko raMwari rinokurira dutu remhepo nemafungu zvingada kurinyudza. Sezvakaita mugodhi wemabwe anokosha une tsinga dzakapfuma dzendarama nesirivheri dzakavigwa pasi pevhu, zvingade kuti vose vanoda kuzviwana vachere nekufukunura kuti vazviwane, ndizvo zvakaitawo Shoko raMwari sepfuma yakavanzika inondoburitswa pachena chete kuneavo vanorevesa, vanozvininipisa, vanoitsvaga nekunyengetera. Mwari vakagadzira Bhaibheri kuti rive bhuku rezvidzidzo kuvanhu vose, richidzidzwa hupenyu hwese nemunhu kubva pahucheche, kuenda pahujaya kusvika pakukwegura. Mwari akapa Shoko rake kuvanhu kuti riburitse pachena zvaari. Zvokwadi yoga yoga inoburitswa pachena inenge ichidzidzisa munhu patsva nezvechimiro chemupi weBhaibheri. Kudzidza Bhaibheri ndiyo nzira yakagadzirirwa munhu nedenga kuti aswedere pedyo neMusiki uye agovewo nekunzwisisa kuda kwaMwari. Bhaibheri ndiro nzira yekutaurirana pakati pemunhu naMwari.KK 51.4

    Kunyangwe maWaldenses vaitenda kuti kutya Jehovha ndiko kuvamba kwehuchejeri, vaizivawo kuti zvakakosha kuti munhu azive nezvenyika yaanorarama mairi, kuvawo neruzivo nezvevanhu pamwechete nekufamba kwehupenyu, kuitira kuti pfungwa dzikurewo nekugona kunzwisisa hupenyu. Vachibva muzvikoro zvavo zvemumakomo, vamwe vana vaiendeswa kuzvikoro zvedzidzo zvemuFrance kana Italy, kwavainowedzera dzidzo, kuvhurika pfungwa, nekuonawo hupenyu hunosiyana nehwemumakomo eAlps mavaigara. Vechidiki ava pavaiendeswa uku vainosangana nemiyedzo, vainoonawo kusarurama nameso avo, vaisanganawo nenhume dzaSatani, dzaiedza kuvanyengera nemano akavanda. Asi dzidzo yavakawana kubva pahudiki hwavo yakanga yavagadzirira pazvose zvakadaro.KK 52.1

    Muzvikoro zvese zvavaienda vaisafanira kuno shamwaridzana nevanhu. Mbatya dzavo dzakanga dzakagadzirwa nenzira yekuti dzivige pfuma yavo inokosha yaiva mavari- inova mabhuku eBhaibheri. Zvinyorwa izvi, zvakabva mubasa rakaoma remakore, vaizvitakura vachienda nazvo, uye pose pavaiwana mukana zvisingavapinzi panjodzi, vaigoverana neavo vavaiona kuti moyo yavo inodokwarira zvokwadi. Kubva pamakumbo emadzimai avo, vana vemaWaridhenzi vaidzidziswa paine donzvo iri, uye vainzwisisa basa ravo vachiriita nekutendeka. Kwaitowanikwawo vanhu vaitendeukira kuZvokwadi muzvikoro izvi, uye dzidziso dzavo kazhinji dzaipinda chinyararire muchikoro chose; asi vakuru vezvikoro vaitadza kuziva kuti ndiyani arikuzviita kunyangwe pavaiita tsvagurudzo dzakasimba. KK 52.2

    Mweya waKristu ndewe kuenda nevhangeri. Chekutanga chinofanira kuitwa nemoyo mutsva kuudza vamwe nezvaMuponesi. Uyu ndiwo mweya waiva nemaKristu veKereke dzeVhaudiosi. Vainzwa kuti Mwari aida kuti vaite zvinopfuura kungochengetedza zvokwadi yake vari mumaSangano avo; uye kuti vaivawo nechitsvambe chekuudza vanhu vaiva mudima zvokwadi yavakanga vainayo; nesimba reShoko raMwari vaitsvaga kuputsa nheyo dzemanyepo dzakanga dzavakwa neSangano reRoma. Vafundisi veVaudios vaidzidziswawo kuva maMishinari ekuenda nevhangeri, zvekuti wese aida kudzidzira chifundisi aifanira kunge aine nhoroondo neruzivo rwekumboita muvhangeri. Aifanira kumboenda kunoparidza mumunda kwemakore matatu asati azopiwa Kereke kumusha yekufudza. Basa iri raitsvaka chekutanga kuzviramba nekuzvipira, uye zvaibatsira mufundisi kuzomira kana nguva dzekuyedzwa dzasvika. Vechidiki vaizodzerwa basa iri vaisaona kutanga kukosha kwepfuma nembiri yavangawana pariri, asi hupenyu hwekushanda nesimba vakatarisana nenjodzi uyewo dzimwenguva kuzofira vhangeri iroro. Vaparidzi ava vaiendeswa vaviri-vaviri, sekutuma kwakaita Jesu vadzidzi vake. Kazhiji muparidzi wechidiki aibatanidzwa nemukuru abvezera ane ruzivo, wechidiki arimutevedzeri kuti adzidze, uye mukuru uyu aitarisirwa kudzidzisa wechidiki, uyuwo aifanira kuteerera kurairwa. Vashandi ava vari vaviri vaisagara vese pamwechete nguva dzose, asi vaisangana panguva dzekunamata, kudzidzisana, nekusimbisana pakutenda.KK 52.3

    Vaparidzi vaisabuda pachena kuti donzvo ravo nderei, kana kuti ivo ndivanani, kuitira kuti basa ravo ribudirire. Mufundisi umwe neumwe aiva neruzivo rwebasa rekuzviriritira, uye mamishinari vaigona kuvanza basa ravo zvakadaro zvekutopindawo rimwe basa ravaiwana. Kazhinji vaifarira kupinda basa rekutengesa kana kuva nhume. “Vaitakura machira, zvindori, nezvimwewo zvingatengeswa, asi kazhinji vaida izvo zvainonoka kufamba pakutengesa uye zvinoda kuendeswa nechekure, kwavainogashirwa sevatengesi kana vashambadzi asi kwavakamborambwa sevavhangeri” (Wylie, b. I .ch 7.) Pavasvika vaisimudzira moyo yavo kuna Mwari kuti avape njere dzekutengesa izvo zvinokosha kupfuura siriveri kana ndarama. Muchivande vaitakura zvinyorwa zveBhaibheri pavari, muchidimbu kana rese rakazara, saka pese pavaiita mukana, vairatikidza shoko kuvanhu vavaitengesera. Nekuda kweizvozvo kazhinji Mwari aimutsa muvanhu chidiso chekuverenga Shoko rake, zvekuti vamwe vaitozosara nemabhaibheri acho vachiverenga. KK 52.4

    Basa revaparidzi ava rakatangira munapani nemuzvikomo zvekwavaigara, asi rakazokura richienda kunzvimbo dziri kure. Vakakusha mbeu iyi inokosha kunzvimbo dzose. Masangano akamuka munzira dzavaifamba, ropa ravo rikava chapupu chezvokwadi. Zuva raJehovha richaburitsa pachena goho guru rekubata kwevarume vakatendeka ava. Muchivande uye chinyararire, Shoko raMwari rakanga richipinda muChiKristu richigashirwa mumisha nemoyo inerufaro. KK 53.1

    KumaWaridhenzi, Bhaibheri raisangova nhoroondo yezvakaitwa naMwari pakati pevanhu kare, kana kuburitswa pachena kwezvingadiwa naMwari nhasi, asi kwavari kwaiva kurapanurwa kwematambudziko nezvinofadzawo zveramangwana. Vaitenda kuti kuguma kwezvinhu zvose kwaisava kure, saka pavaidzidza Bhaibheri nemisodzi nekunyengetera, vaifadzwa kwazvo nezvaraitaura saka raiva basa ravo kuudzawo vamwe zvokwadi iyi inoponesa. Vakanyatsooona zano reruponeso richiburitswa pachena mumaMagwaro, zvikavapa tariro, kunyaradzwa, uye nerugare ruri mukutenda kunaJesu. Apo chiedza chaivhenekera pfungwa dzavo, chichifadzawo moyo yavo, vakashuwira kusvitsa chadzera chacho kune avo vakanga vari mudima remanyepo aPapa.KK 53.2

    Vakaona kuti kuburikidza nehutungamiri hwaPapa nevaPrisita, vazhinji vairwadzisa miviri yavo senzira yekuwana rudzikinuro kubva kuzvivi zvemweya yavo. Vanhu vakanga vadzidziswa kuvimba nemabasa avo akanaka kuti anovaponesa, pfungwa dzavo dzaigara dzichingoona kutadza kwavo bedzi, zvekuti vaingoona vakatarisana nehasha dzaMwari, saka vaizvirwadzisa panyama nepamweya asi vasingawani zororo. Nenzira iyi, pfungwa dzevanhu dzaigara pasi pehubatwa hwedzidziso dzeRome. Zviuru zvevanhu zvakasiya misha nehama dzavo vakanogara mumajeri evaitsvaga kutendeuka. Vazhinji vaitsvaga rugare naMwari kuburikidza nekuzvinyima zvekudya, kuzvirova neshamhu, kuumburuka mumadota, kuita minamato yehusiku hwese vachichema, kuhwarara pasi nedumbu mukati mechando kwenguva refu, kufamba nzendo refu netsoka kunotsaga kuregererwa, asi zvose izvi zvaisavabatsira pamweya yavo kana kuvapa zororo mupfungwa. Vaigara vakadzvinyirirwa pasi pendangariro dzezvivi, vachivhundutsva nekutya hasha dzaMwari dzekutsiva, vazhinji vakashungurudzika, kusvikira moyo yavo yaputsika, vakarwara panyama ndokufa vasina kana tariro. KK 53.3

    MaWaridhenzi vaitsvaga kumedurirawo vanhu ava chingwa chehupenyu, nekuvazarurira zvivimbiso zvaMwari zvemashoko erugare, uye kuvanongedzera kuna Kristu anova ndiye chete tariro yeruponeso. Dzidziso yavakanga vakabatiswa yekuti ruponeso kubva mukutyora murairo waMwari runotsvagwa nemabasa akanaka yakanga iine hwaro hwayo mumanyepo. Kuvimba nemabasa emunhu kunowisira pasi basa raKristu rerudo rwake rwusingaperi. Jesu akafa sechibairo kubatsira vanhu nokuti rudzi rwakawa haruna zvarungaita kuzviisa kunaMwari. Zvakaitwa naJesu pamuchinjikwa nekumuka kwake ndizvo chete hwaro hwechitendero cheMaKristu. Kurarama kwemweya muna Kristu kunofanira kuva kwechokwadi, uye kubatana naye kunofanira kuva pedyo pedyo, sezvakaita nhengo pamuviri, uye davi pamuzambiringa.KK 53.4

    Dzidziso dzaPope nevaPrisita dzanga dzatungamirira vanhu kufunga kuti chimiro chaMwari naKristu ndechemutongi ane hutsinye, akaomarara, asingajaidzi. Mudzikinuri akanga apiwa chimiro chisina tsitsi nemunhu anenge atadza, zvekuti paitoda kumiririrwa nevaParisita nevatsvene kuti zvigadzirike. Avo vakanga vazarurwa ndangariro neShoko raMwari vaitsvaga kudzidzisa vanhu kuti Jesu anehanya, anerudo, uye akamira nemaoko akatambanudzwa, achikoka vose vakaremerwa nemitoro yezvivi, vakaneta kuti vauye kwaari. Vaitsvagawo kuti vabvise zvigumbuso izvo satani anga aisa munzira yevanhu kuti vasaone vimbiso nekuuya vega kunaMwari, vachireurura zvivi zvavo, kuti vawane kuregererwa nekupiwa rugare.KK 53.5

    Muparadzi wechiVaudois aitsanangura kuvanhu vaida kuteerera mashoko akakosha eVhangeri. Nehuchenjeri aizoburitsa zvinyorwa zveMagwaro matsvene. Waiva mufaro wake mukuru kupa tariro kumweya wakaputsika muchitema, uyo wainge uchingoona hasha dzaMwari dzekutsiva, akangomirira kutongera mutadzi zvakafanira. Nemiromo yaidedera, nemisodzi mumaziso, kazhinji vachitaura vakapfugama pasi, vaparidzi ava vaizarura zvivimbiso zvaMwari zvairatidza tariro kumutadzi. Nokudaro chiedza chezvokwadi chaipinda mundangariro dzaiva nedima, chosudurutsa gore dema rekusuruwara, kusvikira “Zuva Rekururama” richipenya mumoyo nemaranzi ekurapa. Zvaiitikawo kazhinji kuti dzimwe ndima dzeBhaibheri dzaidzokororwa kuverengwa, nekuti vatateereri vaida kuti dzidzokororwe, kuti vagotsinhira kana vanzwa zvakanaka. Kazhinji mashoko aiwanzo dzokororwa kuverengwa ndeanoti; “neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose” 1 Johane 1:7. “Moses sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa vo, kuti aninani anotenda kwaari ave novupenyu husingaperi” (Johane 3:14,15). KK 54.1

    Vazhinji vaisarasiswa havo nezvaitaurwa neSangano reRoma. Vaitoona kuti chaisava chokwadi kuti munhu kana ngirozi imiririre mutadzi. Apo zvokwadi yakapenya mundangariro dzavo, vakadanidzira nemufaro: “Kristu ndiye muPrisita wangu; Ropa rake ndicho chibairo changu: Aritari yake ndichochapupu changu.” Vakazvipira zvakazara kumabasa akaitwa naJesu, vachidzokorora mazwi anoti, “Pasina kutenda hazvibviri kumufadza” VaHebheru 11:6. “Nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pevanhu, ratingasunungurwa naro”. Mabasa 4:12 KK 54.2

    Vimbiso yerudo rwaMuponesi yakaratidza kuti yaiva yakakura nekunaka kuvatadzi ava vakanga vatambudzwa nechitema. Vimbiso iyi yakaunza zororo guru, chikava chiedza chikuru kwavari, zvekuti vakatozviona vachisimudzwa kupinda mudenga. Maoko avo akabata nehushingi ruoko rwaKristu, tsoka dzavo dzikasimbiswa paDombo Remakore. Kutya rufu kwese kwakatiza. Vakanga zvino votodawo kupinda mumatirongo kana kurohwa kana zvaivapa kukudza Zita reMudzikinuri wavo.KK 54.3

    Munzvimbo dzakavanzika, Bhaibheri raivhurwa richiverengwa, pamwe kumunhu umwechete, paneimwewo nguva kukaboka kadiki kaidokwairira chiedza nezvokwadi. Dzimwenguva husiku hwese hwaipera nenzira iyi. Vaiteerera vaikomborerwa zvekuti dzimwenguva muverengi aisazomira kuverenga kusvikira vese vanzwisisa mashoko eruponeso. Mashoko anenge aya aiwanzotaurwa: “Mwari angagamuchira here chipo change? Anganyemwerera here kwandiri? Angandikangwanwira here? Mhinduro yaiverengwa inoti: “Huyai kwandiri mose makaneta makaremerwa, ini ndichakupai zororo” (Mateo 11:28) .KK 54.4

    Kutenda kwakabata vimbiso, pakazwikwa mhinduro yemufaro ichiti: “hapasisina kufamba nzendo refu, hapasisina nzendo ndinorwdza kuenda kunzvimbo dzakayeriswa. Ndinouya kunaJesu sezvondiri, mutadzi asina kururama, iye haazorambi munamato wekutendeuka, ‘zvivi zvako zvaregererwa.’ Izvo zvangu, ini chaiye, zvinogona kuregererwa!” KK 54.5

    Mufaro wakayereswa waizadza moyo, zita raJesu raisimudzirwa nekurumbidza uye kutenda. Mweya iyi yakafara yaidzokera kumisha yavo vonoisa chiedza ichi kunevamwe, uyewo nepavaikwanisa vaitaura huchapupu hwavo; vachiti vakanga vawana Nzira mhenyu yezvokwadi. Kwaiva nesimba risinganzwisisiki munashoko emuBhaibheri raitaura kumunhu pachake uyo akanga aine nyota yezvokwadi. Raiva izwi raMwari, uye raiva nesimba rekutendeutsa avo vairinzwa.KK 54.6

    Nhumwe yezvokwadi yaichienda hayo, asi chimiro chayo chekuzvininipisa, chekurevesa, uye kuita zvinhu nemoyowese, nekudzikama kukuru, zvaisiya vanhu vaine chekutaura chakanaka. Munguva zhinji vateereri vainge vasina kubomubvunza kwaaibva nekwaaienda. Pekutanga vaibatwa nekushamisika kukuru, mushure vaibatwawo nekutenda nemufaro, vozoshaya pfunga yekumubvunza nezveupenyu hwake. Pavaimugombedzera kuti vaende naye kudzimba dzavo, aipindura achiti aifanira kushanyira makwai akarasika eboka. Vaisara vachibvunzana kuti zvimwe yaiva ngirozi yakabva kudenga.KK 55.1

    Munguva zhinji mutumwa uyu wezvokwadi aisazoonekwa zvekare. Ainge aenda kunemamwe matunhu, kana aigona kunge atosungwa achitambudzwa mutirongo risingazikanwi, dzimwewo nguva mapfupa ake ainge achitowoma ari panzvimbo yaakaparidza zvokwadi. Asi mashoko aakasiya aisaparara. Ainge achiita basa rawo muhana dzevanhu; zvekuti michero yacho ichanyatsonekwa parutongo.KK 55.2

    Vaparidzi vemaWaldenses vakanga vapinda muhumambo hwaSatani, saka masimba erima akamutsa hasha dzawo huru kwazvo. Basa rose rekuda kufambisa vhangeri raiva muziso remuchinda werima, kubva adenha kutya kwevatumwa vake. Vatungamiri vehushe hwaPapa vakaona njodzi yakanga irikuunzwa pabasa ravo kuburikidza nebasa revaparidzi ava vaifamba. Kana chiedza chezvokwadi chikaregererwa chichipenya, chaizotsvaira makore erima rakanga rakabata vanhu mupfungwa. Chaizotungamirira vanhu kunaMwari zvikazoita kuti humambo hweRoma huparare. Kuvepo kwevanhu ava, vachiramba vakabatirira pakutenda kwekare, kwairamba kuchiburitsa pachena kurasika kweRoma, saka zvakamutsa hasha dzavo, ruvengo nekushungurudza. Nyaya yavo yekuramba vakabatirira paBhaibheri yaivawo mhosva iyo Roma yaisatendera. Saka Roma yakazvipira kuvabvisa vese pasi pezuva. Ndipo pakabva patanga hondo dzekurwisa vanhu vaMwari ava mumisha yavo yemumakomo. Vaferefeti vakadyarwa munzira dzose dzaifambwa nevanhu ava, zvekuti chiitiko chekupondwa kwa Abel naCain chaigara chakadzokororwa muzvimbo idzi. KK 55.3

    Minda yavo yaisibereka mbeu yaigara ichiparadzwa, misha yavo nenzvimbo dzavo dzekunamatira dzakakukurwa, zvekuti panzvimbo yaimbove neminda inoibva, nemisha yevanhu vasina mhosva, nevanhu vaishanda nesimba, rakasara rave renje. Sezvinoita chikara chinowedzera hasha kana charavira ropa, ndizvo zvakaita hasha dzanaPapa pavakaona kutambudzika kwevanhu ava. Vazhinji vezvapupu zvechokwadi izvi, vakadzingirirwa mumakomo, vakavhimiwa mumipata nemapani mavakanga vakahwanda, vakavharirwa mumasango nepamusoro pemakomo.KK 55.4

    Hakuna mhosva yaigona kupomerwa vanhu ava. Kunyangwe vavengi vavo vaipupura kuti vanhu ava vaiva nerunyararo, nerugare uye vaida Mwari. Mhosva yavo huru yaiva yekuti vaisanamata Mwari nenzira yaidiwa naPapa. Nekuda kwemhosva iyi, vakanyadziswa, vakashingurudzwa, vakatukwa, kurwadziswa kose kungaitwe nevanhu nasatani kukaitwa pavari.KK 55.5

    Panguva iyo Rome yakafunga kubva yatsvaira rudzi urwu rwaivengwa zvachose, Papa akaita chinyorwa chake chaishedzera chinesimba, chaiti vanhu ava vakanga vapara mhaka yekumhura shoko raMwari, saka vaifanira kubatwa vachiunzwa kunouraiwa. Havana kupiwa mhosva yekuti vaiva tsimbe, kana vanhu vasina kutendeka, kana vasina kurongeka, asi zvakanzi vaiva nechimiro chekunyepera hutsvene chaikwezva ‘makwai kubva mudanga rechokwadi”, saka Papa akaraira kuti “kaboka aka kevanhu vakaisvoipa, vakasvibiswa”, kana vakaramba kupika nekusiya chinamato chavo, vaifanita kutswanyiwa senyoka inehuturu hwakaipisisa”. (Wylie, b.16, ch 1.) . Uyu Papa anozvikudza kudaro aiziva here kuti mashoko ake aya achasangana nawo zvakare? Anoziva here kuti mashoko aya akanyorwa mumabhuku ekudenga, uye achasangana nawo nezuva rekutongwa? “Pamakazviitira mumwe wevaduku vehama dzangu idzi,” Jesu akataura; “makazviitireni”. (Mateo 25:40) . KK 55.6

    Chinyorwa chinesimba chaPapa ichi chaikurudzira nhengo dzese dzeSangano kuti dzibatane mukurwisa vanhu ava. Semubairo kune vanenge vaita basa iri: “vaizosunungurwa pamitoro yese yeSanangano inorwadza kana pamhosva dzemhando dzose; vese vainge vamboita mhiko vaizosunungura pamhiko dzavo; kunevainge vatora pfuma, dzimba kana minda nenzira dzisidzo vaizopiwa kodzero yekuva varidzi vezvinhu izvi zviri pamutemo, uye vese vaizoita zvivi zvekuuraya vanhu ava vainge varegererwa. Chidaidziro ichi chakasunungura vese vakanga vaine zvibvumirano nerudzi uru rwema Vaudois, chikasungurawo vaivashandira kuti vabve pavari, chikarambidza aninani kupa vanhu ava rubatsiro chero rwupi zvarwo, uyewo chakapa simba kuvanhu vose vanoda kutora zvinhu kana pfuma yevanhu ava”—(Wylie, b. 16.ch 1.) . Chinyorwa ichi chinoratidza pachena kuti ndiyani akanga ari kuseri kwacho. Uku ndiko kudzvova kweshato, kwete izwi raKristu rakanzwikwa apa. KK 56.1

    Vatungamiri vaPapa ava vakaramba kushandura zvimiro zvavo kuti zvienderane nechiyero chemutemo waMwari, asi vakagadzira chavo chiyero chinowirirana nezvavanoda ivo, kwava kumanikidza vanhu vose kuti vashandise chiero ichi nokuti ndicho chavaida ivo. Zvivi zvikuru zvinotyisa zvakagadzirwa. VaPrista nanaPapa vakanga vazere nehuwori nekumhura vakanga varikuita basa iro Satani akavatuma. Zvimiro zvavo zvakanga zvisina tsitsi. Mweya umwechetewo wakarovera Kristu, nekuuraya vaApostora, mweya waisunda muteuri weropa revatendi, Nero mumazuva ake, ndiwo waiva pabasa kuti ubvise panyika avo vanhu vaindikanwa naMwari. KK 56.2

    Kutambudzika nekushungurudzwa kwakasangana nevanhu vanotya Mwari kwemazana emakore, nekutsungirira kwavo zvakapa mbiri nerukudzo kuMudzikinuri wavo. Zvisinei nehutsiye hwavakaitirwa, nekupondwa kwavakauraiwa nako, vakaenderera mberi vachitumira Mamishinari avo kunoparidza zvokwadi inokosha. Vaivhimiwa vachiurawa, asi ropa ravo raidiridzira mbeu yeshoko yainge yadyarwa, saka haina kukundikana kubereka zvibereko. Nenzira iyi maWaridhenzi vakapupurira Mwari mazana emakore Luther asati aberekwa. Mukupararira kwavo munzvimbo zhinji, vakadyara mbeu yeRuvandudzo yakatangawo mumazuva a Wycliffe, ikakura nekudzika midzi mumazuva aLuther, uye inofanira kupfuudzirwa mberi kusvika pakuguma kwenguva neavo vakazvigadzirira kutambudzika pazvinhu zvose nokuda “kweshoko raMwari nekupupura kwaJesu.” (Zvakazarurwa 1:9) KK 56.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents