Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 31—MABASA EMWEYA YAKAIPA

    Hukama pakati pezvinoonekwa nezvisingaonekwi, mabasa engirozi neemweya yakaipa; zvinoiswa pachena mushoko uye zvichinyatsooneka munhoroondo dzavanhu.Vanhu vasingatendi huvepo hwemweya yakaipa varikuwedzera, vamwewo vachiti “ngirozi tsvene dzinoshumira vadyi venhaka yeruponeso” (VaHeberu 1:14) mweya yevafi. Magwaro anongodzidzisa kuvapo kwengirozi tsvene nedzakaipa asi achiisa pachena kuti haisi mweya yevanhu vakafa. KK 311.1

    Vanhu vasati vasikwa ngirozi dzaivako; pakateyiwa nheyo dzenyika, “nyeredzi dzamangwanani navanakomana vaMwari vakaimba nekudanidzira pamwe nomufaro.” Jobo 38:7. Munhu paakawa, ngirozi dzakatumwa kuzorinda muti wehupenyu, apa panga pasina munhu anga ambofa. Ngirozi dzakasikwa dzakakwirira kudarika vanhu, nokuti muimbi anoti munhu akaitwa “mudiki zvishoma kuvatumwa.” Pisarema 8:5. KK 311.2

    Tinoudzwa mumagwaro zvehuwandu, simba uye kubwinya kwezvisikwa zvedenga, hukama hwadzo nehumambo hwaMwari nebasa rekuponeswa. “Ishe vakateya chigaro chavo mudenga, achitonga vanhu vose.” Muporofita anoti, “ndakanzwa izwi rengirozi zhinji pamberi pechigaro.” Pamberi pamambo wemadzimambo dzinorindira- “ngirozi dzinesimba guru”, “vashumiri vake, vanoita kuda kwake,” “vachiteerera izwi reshoko rake.” Mapisarema 103:19-21; Zvakazarurwa 5:11. “Zviuru zvinegumi, zvezviuru zvinegumi nezviuru zvezviuru,” ndivo vatumwa vakaonekwa nemuporofita Dhanyeri. Muapostora Pauro anovaidza ,“boka risingaverengeki.” Danyeri 7:10;Vahebheru 12:22. Senhume dzaMwari vanofamba, “semheni inopenya,” (Ezekiyeri 1:14), kubwinya kwadzo kukuru uye dzinobhururuka zvinotyisa. Ngirozi yakaonekwa pabwiro raMuponesi, chiso chake, “chakange chakaita semheni, nguwo dzake dzakachena sechando,” zvakaita kuti nekutya varindi vadedere, uye “vakaita sevanhu vakafa.” Matthew 28:3,4. Senaheribhi mambo weAsiriya anozvikudza paakashoora nekumhura Mwari pamwe nekuvhundutsira Israeri kuti aizoiparadza,“zvakaiitika kuti neusiku ihwohwo, mutumwa waShe akabuda, akanouraya mumisasa yeAsiriya zviuru zvine zana namakumi masere neshanu” Akaparadza “mhare dzose, vatungamiri nevakuru vehondo” pahondo dzaSenaheribi.” Akadzokera kunyika kwake chiso chichipunyaira. 2 Madzimabo 19:35; 2 Makoronike 32:21. KK 311.3

    Ngirozi dzinotumwa kumishando yemutsa kuvana vaMwari. Kuna Abrahama nezvivimbiso zvezvikomborero, kumasuwo eSodhoma kuzorwira Roti kubva kuvira remoto unoparadza; kuna Eriya, paakanga oda kuparara nekuneta nenzara murenje; kunaErisha, nengoro namabhiza emoto dzakakomberedza kaguta maakanga avharirwa nevavengi; kunaDhanyeri, achikumbira njere muvazhe dzamambo muhedheni uye paakanga apotserwa mugomba reshumba; kunaPetro atongerwa kufa mugomba raHerudhe; kuvasungwa paFiripi; kunaPauro neshamwari dzake usiku hwemafungu pagungwa; kuzozarura pfungwa dzaKoneriyo kuti agashire vhangeri; kutuma Petro neshoko reruponeso kumutorwa asingatendi- ngirozi dzinoyera munguva dzose ,dzakabatsira vanhu vaMwari. KK 311.4

    Mutumwa anochengetedza anoiswa pamuteveri umwe neumwe waKristu. Vatariri vedenga ava vanodzivirira vakarurama pasimba remuvengi. Satani pachake akazviona paakazoti: “Jobho anokutyayi pasina here? Hamuna kumuisira rumhanda kumativi ose here, nekukomberedza imba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose here?” Job 1:9,10. Zvaanoshandisa kuchengetedza vanhu vake zvinotaurwa nemuimbi: “Mutumwa waJehovah anokomberedza vanomutya nekuvarwira.” Mapisarema 34:7. Tenzi vakataura nevatendi achiti, “ngwarirayi kuti musazvidza umwe wavaduku ava, nekuti ndinoti kwamuri, kudenga vatumwa vavo vanoona chiso chababa vangu nguva dzose.” Mateo 18:10. Ngirozi dzakaiswa kuchengetedza vana vaMwari dzinemukana wekuenda pamberi paMwari nguva dzose. KK 312.1

    Vanhu vaMwari vanogara pedo nesimba rehunyengeri nehuturu hwenhema dzemuchinda werima uye varimuhondo namasimba ose erima vanechokwadi chekurindwa nguva dzose navarindi vedenga. Vimbiso iyi haipihwe pasina chikonzero. Kana Mwari akapa vana vake chivimbiso chechengetedzo nenyasha, imhaka yekuti kunevatumwa verima vanesimba guru vanotirwisa- varwi vazhinji, vakatsunga, vasinganeti, vanesimba nehutsinye.KK 312.2

    Mweya yerima, pakutanga, yakasikwa yakafanana chimiro, simba nekubwinya navatumwa vatsvene vanoshumira Mwari nhasi. Pavakawa nekuda kwezvivi, vakaita mubatanidzwa wekuzvidza Mwari nekuparadza vanhu.Vakabatana naSatani pakupanduka naye, vakadzingwa mudenga, vavanemakore mazhinji vakabatana naye muhondo yekurwisa simba redenga . Magwaro anotiudza nezvekubatana nehurumende yavo, zvikwata zvavo, nehungwaru namano avo, mazano echitsotsi vachirwisana nerugare nemufaro wavanhu. KK 312.3

    Nhoroondo yeTestamende yekare inoratidza pavanotaurwa nezvavo nekubata apa neapo;asi pakauya Kristu panyika ,ndopayakaratidza simba rewakaipa nenzira dzisina kujairika.Kristu akanga auya kuzoita hurongwa hwakagadzirirwa kuponesa uyewo Satani achishingaira kuratidzira kuti ndiye mutongi wenyika.Akanga abudirira kunamatisa ndudzi dzose pasi pedenga zvifananidzo kusarwa kweParestina yoga.Kunyika yoga yakanga isina kuzvipa zvakazara kusimba remuyedzi,Kristu ndokwaakauya kuzovhenekera chiyedza chedenga.Masimba maviri anorwisana airwira kuratidzira utongi.Kristu aitambanudza rudo rwake,achikoka vose vanoda kuti vawane ruregerero nerugare maari. KK 312.4

    Vanhu varimunjodzi huru nemweya yetsvina ,ndeavo vanoti vanyatsojekerwa nehuchapupu hwemagwaro,voramba huvepo nemabasa aSatani nengirozi dzake.Kana tisingazive mano ake anova panzvimbo irinani kuti atinyengere; vazhinji vanoterera kuzevezera kwake vachifunga kuti varikutevera hungwaru nenjere dzavo.Nechikonzero ichochi,patinenge takusvika pakupera kwenguva,apo Satani achashanda nesimba guru guru,kunyengera nekuparadza,anomwaya kwese kwese , pfungwa yekuti hakuna chinhu chinonzi Satani.Maitiro ake ,kuzvivanza iye nemabatiro ake.KK 312.5

    Chinhu chaanotya zvikuru ndechekuti vanhu vazive mano ake zvakanyanya.Anoda kuviga hunhu nezvinangwa zvake chaizvo,anokonzeresa kuti aburitswe sechinhu chisingavhiringe nekushatirisa vanhu kunze kwekungomuseka nekumutsvinyira.Anofara kwazvo kuratidzwa sechinhu chinongofungwawo asi chisipo chinosvota,chiri rumwe rutivi mhuka,rumwe munhu.Anofara kwazvo kunzwa zita rake richishandiswa mumitambo ,achitukwa nevanozviidza vangwaru nanamuzivazvose. KK 313.1

    Imhaka yekuti akazvivanza neumhizha hwakadzama,ndokusaka vanhu vachirikubvunza ,“amboriko here Satani.” Chiratidzo chekubudirira kwake idzidziso dzinopesana zviripachena nemagwaro dzinotendwa navanamati pasi pose.Imhaka yekuti Satani anokwanisa zvikuru kutapa pfungwa dzavanhu vasingazive simba rake, ndokusaka Shoko raMwari richitipa miyenzaniso mizhinji yebasa rake rekukuwadza ,roisa pachena hondo dzake dzakavanzika,zvotiita kuti tigone kuzvidzivirira kuzvibhakera zvake. KK 313.2

    Simba nemano aSatani zvaigona kutivhundutsa zvakanyanya,dai kusiri kuti tinowana chidziwiriro nekurwirwa musimba guru remudzikinuri wedu.Tinosunga mikova yedu netsvumbunuro namabhaudhi kuchengetedza midziyo yedu nehupenyu kubva kuvanhu vakaipa;asi kashoma kufunga ngirozi dzakawa,dzinotsvaka mikana yekupinda matiri uye namano adzo atisingagoni kuvhika nenzira nesimba redu.Dzikatenderwa dzinovhiringa pfungwa dzedu,dzokanganisa nekukuwadza miviri yedu nekuparadza hupenyu nezvatiinazvo.Mufaro wadzo urimukutambudzwa nekuparadzwa kwavanhu nezvinhu.Chimiro chavanhu vanoramba kudzidzisa kwedenga vachizviisa pasi pemiyedzo yaSatani kusvikira Mwari avapa mumaoko emweya yakaipa chinotyisa.Asi vanotevera Kristu vanogara vakakotsekana pasi pamapapiro ake.Ngirozi dzinesimba guru dzinotumwa kubva kudenga kuzovadzivirira.Wakaipa haagoni kukurira varindi vakaiswa naMwari kurinda vanhu vake. KK 313.3

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents