Loading...
Larger font
Smaller font
Copy
Print
Contents
KURWISANA KUKURU - Contents
  • Results
  • Related
  • Featured
No results found for: "".
  • Weighted Relevancy
  • Content Sequence
  • Relevancy
  • Earliest First
  • Latest First
    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents

    CHITSAUKO 36—HONDO IRI KUUYA

    Kubva pakutanga kwehondo huru kudenga, chagara chiri chinangwa chaSatani chekubvisa murairo waMwari. Ndicho chinangwa chaaive nacho paakaita chimurenga kudenga achirwisana naMwari Musiki, kunyange zvake akadzingwa kudenga, ari kungoenderera mberi nehondo yake panyika pano. Chinangwa chake chikuru chiri chekunyengera vanhu, kuti avatungamirire kuputsa mutemo waMwari. Kuti zvinoitika sei, kuuputsa wose kana kuramba mumwe chete wawo, magumo acho mamwechete. Uyo “anogumburwa kune chimwe chawo,” anoratidza kuti anozvidza mutemo wose; saka muenzaniso wake nemabasa aanoratidza zviri kurutivi rumwe chete rwekutadza; saka “anova nemhosva kune zvose” Jakobo 2:10. KK 350.1

    Mukutsvaka kwake kuti mutemo waMwari uzvidzwe, Satani akamonyorora dzidziso dzeBhaibheri,ndicho chikonzero nei nhema dzichiwanikwa pakati pevazhinji vanoti vanotenda muMagwaro. Hondo huru yekupedzisira pakati penhema nechokwadi kupedziswa kwehondo yagara iripo panyaya yemutemo waMwari. Tava kutopinda muhondo iyi- hondo pakati pemitemo yevanhu nemitemo yaJehova, pakati pechinamato chinobva muBhaibheri nechinamato chengano yetsika dzemagariro evanhu.KK 350.2

    Masimba achabatana mukurwisana nechokwadi nekururama, muhondo iyi ari kutoita basa rayo. Shoko raMwari dzvene, iro ratakagashidzwa nemutengo wekutambudzika kwakadaro neropa, harisi kukosheswa. Munhu wose anokwanisa kuzviwanira Bhaibheri, asi vashoma vanorigashira kuti rivatungamirire muhupenyu. Kusatenda kwapararira zvinotyisa, zvisiri munyika chete, asi nemukerekevo. Vazhinji vave kuramba dzidziso dziriidzo mbiru dzechinamato cheChikristu. Chokwadi chikuru chekusikwa kwenyika sekupiwa kwachakaita nevanyori vakafemerwa, kutadza kwevanhu, nekudzikinurwa kwavo, kusapera kwemutemo waMwari, zvose izvi zvave kurambwa pachena, zviri zvose zvakadaro kana kuti chikamu chazvo nevazhinji vanozviti maKristu. Vazhinji vanozvikudza pamusoro pehuchenjeri nerusununguko rwavo vave kuona sekuti kuterera Bhaibheri kupusa nehutera, vanofunga kuti hunyanzvi hukuru kana vachitsoropodza Magwaro nekuratidza kuti vakadzidza zvikuru nekurasira kure chokwadi chawo chinokosha, kuburikidza netsananguro dzavo. Vafundisi nevadzidzisi vakuru veBhaibheri vazhinji vanodzidzisa vanhu vavo kuti mutemo waMwari wakashandurwa kana kuti wakabviswa; saka vose vanoti uchiri kuchengetwa vanosekwa nekuvonekwa sevanhu vasina maturo. KK 350.3

    Kana vanhu vachiramba chokwadi vanenge vachitorambawo naIye wakachinyora. Pakutsikira pasi mutemo waMwari, vanozvidza simba reMupi weMutemo wacho. Zviri nyore kuumba chifananidzo chedzidziso dzenhema nepfungwa dzakamonyoroka zvinongoita sekuveza chifananidzo nematanda kana nemabwe. Nekuminamisa zvakaita Mwari, Satani anotungamirira vanhu kuti vavone Mwari nenzira isiri iyo. Vazhinji vakazvivezera chifananidzo mupfungwa chikagadzwa pachigaro mumwoyo yavo pachinzvimbo chaMwari; ukuvo Mwari mupenyu uyo anoratidzwa kuburikidza neshoko rake naKristu, nezvakasikwa, achinamatwa nevanhu vashoma. Vazhinji vanonamata zvisikwa vachiramba Mwari akasika zvinhu zvacho. Kunyange kuchitora zvimiro zvakasiyana siyana , kunamata zvifananidzo kuchiri kuitwa nanhasi pakati pemaKristu sezvazvaitwa munguva yevaIsraeri yekare pamazuva aEria. Mwari wevanhu vanozviti vakachenjera, nevakadzidza, vezvematongerwe enyika, nevatapi venhau,-mwari wevanozviitira nekubudirira kwavo, vakatsvinda, namwari wezvikoro zvepamusoro zvizhinji, kunyange nezvinodzidzisa vafundisi,-akangosiyana paduku duku naBaari, mwari wezuva ainamatwa kuFonishia.KK 350.4

    Hakuna nhema dzinotambirwa neMakristu dzinokunda kurwisa masimba edenga kana dzinobva dzapesana nekushandiswa kwenjere, hakunazve dzinematuso anokunda kuparadza senhema dzakadai kupararira mazuva ano dzekuti Mutemo waMwari wakapera hauchina basa. Nyika imwe neimwe ine mitemo yayo, inofanira kuchengetwa nekukudzwa, hakuna hurumende yaingararama isina mitemo yayo; saka zvinganzi here Musiki wedenga nepasi haanavo mitemo inotonga pazvisikwa zvake? Kana vafundisi vane mukurumbira vakatanga kuparidzira vanhu vachiti mitemo yenyika yavo inochengetedza kodzero dzevanhu vemo haina basa,- nekuti inotyora kodzero dzevanhu, saka haifaniri kuchengetwa, vanhu vakadai kungatora nguva yakareba zvakadii vachigashirika pamberi pevanhu? Zvinganzi here kushaya hanya nemitemo yenyika imhosva yakakura kudarika kutsika pamitemo yaMwari inova nheyo yekutongwa kwenyika yose?KK 351.1

    Zvingatove nani kuti nyika dzose dzishaye mutemo, vachibvumira vanhu kuti vaite sekuda kwavo, pane kuti Mutongi wedenga nenyika adzime mutemo wake, achisiya nyika isina zvimiso zvekusimbisa anoterera, zvichipa mhosva anenge atadza. Tingaziva here tuso rekushaisa mutemo waMwari basa? Pane vakambozviedza. Kuvurayana kukuru kunotyisa kwakaitika dzidziso yekuti hakuna Mwari payaitonga muFrance. Zvakaratidzwa kunyika kuti kurasa zvisungo zvakadzikwa naMwari kutambira hutongi hwemudzvanyiriri ane hutsinye hunodarika vose. Kana chimiso chekururama chikasendekwa parutivi, muchinda werima, anowana mukana wekudzika masimba ake panyika.KK 351.2

    Pose panobviswa mutemo waMwari chitema hachizovonekwa nekuipa kwacho kose, uye kururama kunoshaya simba. Vose vanoramba kuzviisa pasi pehuremende yaMwari zvinovaita kuti vasagone zvachose kuzvitonga ivo voga. Kuburikidza nedzidziso dzavo dzakaipa kwazvo, mweya wekusazvininipisa unodyarwa mumwoyo yevana vechidiki, zvinovakonzera kuti vagare vasingafariri zvekurairwa nekudzorwa mutsika dzavo dzekuzvarwa nadzo; vane chindini, saka panozobuda vanhu vasina mutemo, vasingazvidzori uye vasine simba rokurega zvakaipa. Pavanoseka nekushora vanochengeta mutemo waMwari, vanhu vakawanda vanenge vachitogamuchira hunyengeri hwaSatani. Vanozviita varanda kukuchiva nechindini vachiita zvitema zvakambounza rutongo kuvahedheni vekare. KK 351.3

    Vanodzidzisa vanhu kuti vasachengeta mutemo waMwari vanodyara kusateerera uye vachakohwa kusaterera ikoko. Regai kurambidza kunoitwa nemurairo waMwari kumboiswa parutivi, muchaona kuti nemitemo yevanhu ichiraswawo. Nemhaka yekuti Mwari anorambidza kusatendeka, kuchiva, kunyepa nekubira nekubiridzira vamwe, vanhu vanofarira kupwanya mutemo wake vachiona sechipingidzo chino- vakanganisa kubudirira mupfuma yavo yenyika, asi matuso ekubvisa mirairo yaMwari achave akakura kupfuura zvavanga vachifungidzira. Kana mutemo usina basa, komunhu angatyei kukanganisa? Pfuma inenge isisina kuchengeteka. Vanhu vangatora pfuma dzevavakidzani vavo nechisimba; uye vane simba kupfuvura vose ndivo vangapfuma kudarika vose. Hupenyu pachahwo haungaremekedzwi. Mhiko dzekuroorana hadzingamiri sechidziwiriro chitsvene kumhuri. Uyo ane simba aingatora mukadzi wehama yake nechisimba kana achida. Murairo wechishanu ungaiswa parutivi pamwechete newechina. Vana havangazezi kuuraya vabereki vawo, kana izvozvo zvichivaita kuti vawane zvinodiwa nemwoyo yavo. Vakadzidza vangaita boka remakororo nemhondi; rugare, kuzorora, nerufaro zvikabviswa panyika zvachose.KK 352.1

    Dzidziso yekuti vanhu vakasunungurwa kubva pakuterera mirairo yaMwari yaderedza simba rechidiso chekuita zvakanaka, nekuzarura masuwo kuzvakaipa kuti zvipinde munyika. Kuparwa kwedzimhosva,kupedzera pfuma mukudzingirira kunakidzwa nehuori zviri kukwira pamusoro pedu sedutu guru remvura. Mumhuri, Satani ari pabasa. Mureza wake unobhururuka pamusoro kunyange mudzimba dzevanodaidzwa kuti Makristu. Kune godo neruchiva, kufungira kwakaipa, kunyengera, kurambana pakati pevakarovorana, kutevedzera vanoita zvakaipa, kumukirana kusatendeka pazvinhu zvitsvene sezvinotarisirwa, nekuchiva kukuru; Nzira dzese dzemirairo yezvekunamata nedzidziso izvo zvinofanira kuumba nheyo nekuwaridzwa pasi semavambo ehupenyu hwekugarisana, zvinoita sekuti hakuna kwazvinoenda zvava pedyo kuparara. Matsotsi makuru, kana akaiswa mujeri nekuda kwezvaaka kanganisa vanotanga kugashira zvipo nekushanyirwa kakawanda zvinoita sekuti vaita chinhu chakanaka kwazvo. Mhosva dzavo nehunhu hwavo zvinotaurwa nekushambadzirwa, nekunyatso kurondedzerwa maitikire azvo zvikuru. Mapepanhau anotaura nezvazvo kakawanda zvekuti vamwewo vanotodzidzawo tsika dzekunyengera, kuba nekupamba, nekuponda; Satani opembera nekuzvirumbidza mukubudirira kwake mukukonzera vanhu kuita mabasa akaipa kudai. Kufarira zvakaipa, kufarira kuvuraya vamwe zvisina hanya, kukuru kwekusazvidzora nehuipi hwemarudzi ose hune zviero zvose, zvinofanira kumutsa vanotya Mwari, kuti vabvunze kuti chii chingaitwa kuti zvakaipa zvimiswe. KK 352.2

    Matare edzimhosva ava nehuori. Vatungamiriri vave kusundwa nekuda pfuma nekubudirira nekuda mafaro akaipa. Kusazvidzora kwaputira pfungwa dzevanhu vazhinji, zvinoita kuti Satani abve ave nesimba rose pamusoro pavo. Vatongi mumatare edzimhosva havachina kururamisa vava kupihwa fufuro kuti vatadze kutonga mhosva zvakanaka. Kudhakwa nekufarira mitambo, pane zvinoridzwa neruzha nekupembera, hasha, godo, kusavimbika kwemarudzi ose, zvazara pakati pevanhu vanofanira kuchengetedza mitemo. “Kururamisa kunoonerwa kure kwazvo; nekuti chokwadi chadonhera mumugwagwa,nekuenzanisa hakungawanikwi” Isaya 59:14.KK 352.3

    Kusarurama nerima rekusaziva Mwari zvakambovepo mazuva ekutonga kweRoma aive matuso ekurambidza kwayo Magwaro; Asi chichawanikwa kupiko chikonzero chekusatendeka munzvimbo zhinji, kuramba murairo waMwari, nehuori huriko, pasi pechiyedza chevhangeri munguuva yekunamata kwakasununguka? Zvino nekuti Satani haachagoni kuramba akaisa nyika pasi pehutongi hwake nekurambidza kuverengwa kweMagwaro, anoshandisa dzimwe nzira kuti abudirire pachinangwa chake chimwe chete ichocho. Kuparadza kutenda muBhaibheri kunomubatsira zvakangofanana nekuparadza iro Bhaibheri pacharo. Nekuunza dzidziso yekuti mutemo waMwari hauchina basa, ari kutotungamira vanhu kuti vatadze zvakangofanana nekuita sevasingatombozivi nemurairo uyu. Iko zvino semakore ekare, oshanda kuburikidza nemakereke kuti zvinangwa zvake zviyenderere mberi. Masangano ekunamata emazuva ano anoramba kuterera kuchokwadi chisingafadzi vazhinji chinowanikwa pachena chena. Mumagwaro uye mukupikisana kwavo nechokwadi ichi nedudziro nekunzwisisa zvinodyara mhodzi dzekusatenda. Vachibatirira kumanyepo evana Papa ekuti munhu haafi zvirokwazvo, zvakare nekuti vakafa vanoziva vakaramba chidziviriro choga kukunyengera kwezvemweya midzimu nemashai. Dzidziso yekutambudzwa nekusingaperi kwevatadzi yatungamirira vazhinji kuti vasadaire muBhaibheri. Uye panodzidziswa murairo wechina, unokurudzira vanhu kuti vachengete Sabata rezuva richinomwe, senzira yekuzvisunungura kubva pabasa iro ravasingadi kuita, vadzidzisi vazhinji vane mukurumbira vanoti murairo waMwari hauchina basa. Nekuita izvi vanorasira kure mutemo neSabata. Apo basa rekudzosera vanhu mukuchengetwa kweSabata rinoenda mberi, kurambwa uku kwemurairo mutsvene kuitira kuramba murairo wechina kuchapararira pasi rose. Dzidziso dzevatungamiriri vezvekunamata dzazarura masuwo kukusatenda, kune zvemweya, kumidzimu nemashai, nemukushora murairo mutsvene waMwari; uye pamusoro pevatungamiriri ava pane mhosva inotyisa nekuda kwezvivi zviri Mumakristu. KK 353.1

    Asi boka irori rinoparadzira manyepo ekuti kusarurama kwawanda kudai kuri kukonzerwa nekuzvidzwa kweravanoti “Sabata remaKristu” Uye kuti kumanikidzirwa kwekuchengetwa kweSvondo seSabata kuchaita kuti tsika dzevanhu dzive nani. Kutaura uku kunokurudzirwa zvikuru muAmerica, umo dzidziso yesabata rechokwadi yaparidzwa zvikuru kupfuvura kumwe kose. Umo nyaya yekuzvidzora, iri imwe yenzira dzin kwazvo dzine mukurumbira mukushandura magariro evanhu inowanzosanganiswa nemisangano yezvekuchengetwa kweSvondo, avo vanokurudzira kuchengetwa kweSvondo vanozviratidza sevanhu vari kushandira kusimudzirwa kwemagariro evanhu vose; uye avo vanoramba kubatana vano vanotorwa sevavengi vezvekuzvidzora nekushandurwa kwemagariro evanhu. Asi kuti boka riri kuvaka manyepo, riri kufamba mukati mebasa rakazvinakira pacharo, hachisi chikonzero chingangoshandiswa kutsigira zvakaipa nenhema. Tinogona kusanganisa muchetura nekudya kwakanaka, asi izvi hazvishanduri chimiro chemuchetura. Izvi zvinotove nenjodzi yakanyanya nekuti munhu anogona kudya muchetura wacho asingazvifungidziri. Ndeimwe yenzira dzinoshandiswa naSatani dzekusanganisa manyepo nekachokwadi kadiki diki kuti zvigashirike. Vatungamiriri vemisangano inokurudzira kuchengetwa kweSvondo vanogona kukurudzira shanduko dzinodiwa nevanhu, zvimiso zvinowirirana neBhaibheri; asi mukati mazvo muine zvinopikisana nemurairo waMwari, vanhu vaMwari havagoni kubatana navo. Hakuna chingava ruramisa pakuisa murairo waMwari parutivi vachisimudzira mirairo yevanhu. KK 353.2

    Mumanyepo maviri makuru aya, kusafa kwemweya wemunhu nekuyereswa kweSvondo, Satani achaisa vanhu pasi pesimba remanyepo ake. Kusafa kwemweya kuchiisa nheyo yezvemweya nemidzimu nemashai, kuera kweSvondo kunounza kubatana nekunzwirana neRoma makereke echiProtestant. (Vakabva mukereke yeRoma) vari muAmerica ndivo vachave pamberi mukutandavadzira maoko avo kuti vabatane nezvemweya nemashai nemidzimu; vachadzika kuenda mugomba rakadzika dzika kuti vabatane maoko avo nesimba reRoma. Uye nekubatana uku kutatu, nyika iyi ichatevera mumatsiko eRoma ekutambudza vanhu nekurambidza vanhu kunamata vakasununguka sezvinodiwa nepfungwa dzavo.KK 354.1

    Zvemweya nemashai pazvinoshanda zvichitevedzera chiKristu chemazuva ano zvinowana simba rakawedzera rekunyengera nekubata pfungwa dzevazhinji. Satani pachake anoshanduka achiteedzera zvinhu zvinoitwa mazuva ano. Achawonekwa muchimiro chemutumwa wechiyedza. Kuburikidza nemasimba ezvemweya izvi nemidzimu nemashai, zvishamiso zvikuru zvichaitwa, vanorwara vachaporeswa, neminana mikuru isingarambiki icharatidzwa. Sezvo mweya iyi inenge ichiita seinodaira muBhaibheri, nekuratidza kuremekedza hurongwa hwekereke, mabasa ayo achagashirwa sesimba raMwari. KK 354.2

    Mazuva ano musiyano pakati pevanozviti Makristu ava nevasinganamati zvachose uri kunetsa kuwonekwa. Nhengo dzesangano dzinodavo zvinodiwa nenyika, uye haazenguriri kubatana navo, naSatanivo akazvimisira kuvabatanidza kuita chinhu ichi chimwe chete zvinosimbisa chinangwa chake nekutsvairira vose mubasa remashayi nemidzimu. Vana Papa vanorumbidza zvishamiso sechimwe chezviratidzo chekereke yechokwadi, vachanyengedzwa nesimba iri rinoita zvishamiso; MaProtestantvo, nekuti vakarasa nhovo yechokwadi, vachatorwawo mumanyepo aya. Vana Papa, MaProtetsant, nevenyika vose vachagashira mufananidzo wekunamata uyu, asi vasina simba racho, vachaona mubatanidzwa uyu seboka guru richaunza kutendevuka kwenyika yose kuti nguva yemakore 1000 ichatanga yanga yakamirirwa kwenguva yakareba. Kuburikidza nezvemweya, nemashai nemidzimu, Satani anowonekwa semubatsiri mukuru wemarudzi, achiporesa zvirwere zvevanhu, achiita sekuti anouya nenzira itsva yakasimukira yekunamata nekutenda; asi panguva imwecheteyo achishanda semuparadzi. Miyedzo yake iri kutungamirira vazhinji mukuparara. Kusazvidzora kunobvisa kufunga; kufarira zvakaipa, kunetsana, nekudeura ropa zvochitevera. Satani anofarira hondo; nekuti hondo inomutsa shungu dzakashatisa muvanhu, nenzira iyoyo anotsvairira mukuparara nekusingaperi vanenge vakanyura muzvakashata nemuropa. Chinangwa chake chekukurudzira ndudzi kuti dzirwisane; kuti agone kubvisa pfungwa dzevanhu kubva mubasa rekugadzirira kumira pazuva guru raMwari.KK 354.3

    Satani anoshandisawo zvinhu zvakasikwa kuti awunganidzire mudura rake vanhu vasina kugadzirira. Akadzidza zvakavanzika zvezvisikwa, uye anoshandisa simba rake rose pamusoro pazvo kusvika paanenge abvumirwa naMwari. Paakabvumidzwa kuti atambudze Jobo, makwai, mombe, varanda, dzimba, nevana, zvakatsvairwa nekukasika, dambudziko richitevera rimwe nekukasika kunotyisa. NdiMwari anodzivirira Zvisikwa zvake nekuzviisira ruzhowa kubva kusimba remuparadzi uyu. Asi maKristu aratidza kuzvidza kwavo mutemo waJehova; Saka Ishe achaita zvaakataura kuti achaita;- Achabvisa zvikomborero zvake panyika, nekubvisa kuchengetedza kwake pane vanopandukira murairo wake nekudzidzisa nekumanikidzira vamwe kuti vaiite saizvozvo. Satani ane simba pamusoro pevanhu vose avo Mwari asina kuchengetedza. Achavapa vamwe kubudirira, kuti zvidiso zvake zvienderere mberi; uye achaunza matambudziko pamusoro pevamwe, otungamirira vanhu kuti vadaire kuti ndiMwari anovarwadzisa. KK 354.4

    Achizviratidza pamberi pevanhu semurapi mukuru anokwanisa kurapa zvirwere zvavo zvose, achaunza zvirwere netsaona kusvikira maguta akazara nevanhu aparadzwa kuita matongo. Kana nazvino atori pabasa. Mutsaona mumakungwa nepanyika, nemazimoto anoparadza munzvimbo zhinji madutu makuru anotyisa kwazvo nechimvuramabwe chinoparadza kwazvo, mumafashamu emvura nekuvhuvhuta kwemhepo dzine simba huru dzinotakura masayi-sayi makuru emvura nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzose nemuzvimiro zvizhinji. Satani ari kushandisa simba rake. Anoparadza zvirimwa zvaibva, nzara nekushushikana zvichitevera. Anokanda mumhepo hutachiona hunouraya zviuru zvoparara nehosha. Zvinhu izvi zvichaitika kakawanda munguva zhinji uye zvichiparadza chaizvo. Kuparara kuchava pamusoro pevanhu nemhuka. “Nyika inochema nekusvava, pasi pose panopera simba nekuwoma, vanhu vane manyawi . . . venyika vanopera simba. Nyika yakasvibiswawo nevagere mairi; nekuti vakadarika mirairo, vakashandura mitemo, nekuputsa sungano isingaperi” Isaya 24:4, 5.KK 355.1

    Zvino munyengeri mukuru uyu achakonzera vanhu kuti vafunge kuti avo vanonamata Mwari ndivo vanokonzera zvakaipa zvose izvi. Boka iri rakamutsa kutsamwa kwaMwari richapomera kuti matambudziko aro akakonzereswa nevanochengeta mitemo yaMwari nekuti kuteerera kwavo mirairo yaMwari kunovatsiura nguva dzose. Kuchatemwa chirevo chekuti vanhu vanotsamwisa Mwari nekusachengeta Svondo-sesabata; uye kuti chitema ichi chakonzera matambudziko asingazoperi kusvikira mutemo wekuchengeta Svondo wamanikidzwa nesimba; uye kuti avo vanotaura nezvemurairo wechina, vachishaisa ruremekedzo pazuva reSvondo, vatambudzi vevanhu, vanokanganisa vanhu kudzorerwa kuhukama hwakanaka naMwari nekupiwa kubudirira panyika ino. Saka kupomerwa kwakaitwa muranda waMwari kare kuchadzokororwa, vachishandisa zvikonzero zvakanyatsorongwa. Zvino Ahabi akati achivona Eria, Ahabi akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsraeri? Iye akati, Ini handina kutambudza Israeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nekuti makasiya mirairo yaJehova, mukatevera vaBaari” 1 Madzimambo 18:17, 18. Hasha dzevanhu padzichamutsa nekupomera kwenhema, vacharongera vanhu vaMwari sezvakamborongwa nevaIsraeri vakanga varasika vachirongera Eria zvakashata.KK 355.2

    Mabasa emashura achaitwa nemasimba emweya, emashai nemidzimu achakurudzira kumukirwa kwevanoteerera Mwari vachiramba kuterera vanhu. Mweya yakaipa ichataura kuti yatumwa naMwari kuti ibatsire avo vanoramba Svondo pakukanganisa kwavo, ichisimbisa kuti mitemo yemunyika inofanira kutererwa semutemo waMwari. Vachachema nekuipa kukuru kuri munyika, nekutsigira huchapupu hwevadzidzisi venhema, hwekuti kudzikira kwehunhu kuri munyika kwakonzerwa nekuzvidza Svondo. Kuchave nekutsamwa kukuru kwekutsamwira avo vanoramba kugashira huchapupu hwemweya yakaipa uhu.KK 355.3

    Hurongwa hwaSatani muhondo iyi yekupedzisira nevanhu vaMwari hwangofanana nehwakashandiswa pakatanga hondo iyi kudenga. Ainyepa achiti aishandira kuunza kudzikama muhurumende yedenga, asi pakavanda iye achitsvaka kuipidigura. Basa raaishingairira kuita iye, ndizvo zvaaipomera vatumwa vaiterera. Hurongwa humwechete uhu hwekunyengera hunovonekwa munhoroondo yekereke yeRoma. Vainyepera kuti ndiyo inomiririra mirairo yeDenga pano pasi, asi iyo ichiedza kuzviisa pamusoro paMwari, nekushandura mutemo wake. Pasi peRoma, avo vakavuraiwa nekuda kwekutendeka kwavo kuvhangeri vakashorwa sevaiti vezvakaipa; vakatonzi vane mubatanidzwa naSatani; zvose zvakaedzwa kuti vazvidzwe nekutukwa, kuti vavonekwe mumaziso evanhu nemumaziso avo ivo pachavo sevanhu vakaipisisa matsotsi akazara nehuipi. Saka zvichava saizvozvo ikozvino. Satani achiedza kuparadza avo vanochengeta murairo waMwari, achakonzera kuti vanzi vanotyora murairo waMwari, sevanhu vanozvidza Mwari, nekuunza rutongo panyika.KK 356.1

    Mwari haamanikidzi hana yemunhu kana pfungwa; asi Satani akatozvimisira-kuti vanhu vaasingakwanisi kunyengera avabate-nekumanikidza nehutsinye. Kuburikidza nekutya kana nekumanikidza anotsvaka kutonga pfungwa, nekuzvitsvakira rukudzo nekuremekedzwa. Kuti abudirire mazviri anoshandisa masimba ose ezvekunamata neenyika, achivakonzera kuti vaminikidze kuchengetwa kwemirairo yevanhu inozvidza nekushora mutemo waMwari. KK 356.2

    Avo vanoremekedza Sabata remuBhaibheri vachashovorwa sevavengi vemutemo nerunyararo, sevanhu vanoparadza kuzvidzora munharaunda, vachikonzera kusachengetwa kwemirairo yekugarisana nehuwori, nekukonzera kuti Mwari aunze matambudziko panyika. Kuchenjerera nekuzvimisira kwavo kuita zvakanaka zvichavonekwa sekusindimara nekuzvidza vatongi. Vachapiwa mhosva dzekusaterera hurumende. Vafundisi vanoramba simba remutemo waMwari vachaparidzira vanhu kuti kuteerera vari kutonga munharaunda ndizvo zvinodiwa naMwari. Mumatare edzimhosva nemunzvimbo dzekutaura nezvemirairo inotonga vanhu munyika dzavo, vanochengeta mutemo waMwari vachapomerwa zvekunyepera nekupiwa mhosva. Mashoko avo achamonyororwa vachipomerwa kuti vanofunga nekuronga zvakaipisisa.KK 356.3

    Makereke echiProtestendi paacharamba zvinobva muBhaibheri zviri pachena zvinotsigira mutemo waMwari, vachatsvaka kunyaradza avo vane kutenda kwavasingakwanisi kukunda vachishandisa Bhaibheri. Kunyange vachitsinzinira meso avo kwazviri, vanenge vave kutora nzira ichatungamirira mukutambudzwa kweavo vanoramba kuita zvinoitwa nemamwe Makristu ose munyika dzose, nekugashira sabata rapapa.KK 356.4

    Vakuru vakuru vekereke nevenyika vachabatana mukufufura, kunyengerera, kana kumanikidza vanhu vezvimiro zvose kuti varemekedze Svondo. Kushaikwa kwesimba raMwari kuchatorerwa nzvimbo nemirairo inodzvinyirira. Huwori mune zvematongerwe enyika huri kuparadza rudo rwekururamisira nekukoshesa chokwadi; kunyange muAmerika yakasununguka, vatongi nevanoisa mirairo yekutongana kwevanhu, kuti vadiwe nevanhu , vachaita zvinodiwa neruzhinji zvekumanikidzira kuchengetwa kweSvondo. Kusununguka kwekuzvisarudzira chekunamata, uko kwakadhura zvakadaro, hakuzoremekedzwi. Muhondo yave pedyo kusvika tichavona mashoko emuprofita achiitika, “Zvino shato yakatsamwira mukadzi, ikaenda kunorwa nevamwe vana vake, vanochengeta mirairo yaMwari, nevanobata kupupura kwaJesu” Zvazarurwa 12:17.KK 356.5

    Larger font
    Smaller font
    Copy
    Print
    Contents